Chivi
Tsanangudzo: Maererano nemagwaro echiHebheru neechiGiriki, chivi chinoreva kutadza kuita zvinofanira kuitwa. Mwari ndiye anotaura zvaanoda kuti zvisikwa zvake zvakachenjera zviite. Kutadza kuita zvinodiwa chivi, zvinorevawo kusarurama, kana kusateerera mutemo. (VaR. 3:23; 1 Joh. 5:17; 3:4) Chivi chinoreva chinhu chipi nechipi chisingaenderani nounhu hwaMwari, mitemo yake, nzira dzake, uye zvaanoda, zvose zviri zvitsvene. Zvingasanganisira zviito zvakaipa, kutadza kuita zvinofanira kuitwa, kutaura zvakashata, pfungwa dzisina kuchena, kana kuti zvishuvo kana vavariro dzoudyire. Bhaibheri rinosiyanisa chivi chokuberekwa nacho nechivi chemaune, uye chivi chinoitwa nomunhu obva apfidza netsika yokuita zvivi.
Adhamu aizoita chivi sei kana akanga akakwana?
Nezvokukwana kwaAdhamu, verenga Genesisi 1:27, 31 uye Dheuteronomio 32:4. Jehovha Mwari paakataura nezvezvisikwa zvake zvepasi pano kusanganisira murume nomukadzi achiti, zvakanga “zvakanaka kwazvo,” zvairevei? Zvinofanira kunge zvainyatsoenderana nezvaanoda zvakakwana kuti iye somunhu ane basa rakakwana ataure kuti zvaakaita zvakanga “zvakanaka kwazvo.”
Kukwana kwaireva kuti Adhamu naEvha vaisakwanisa kuita zvakaipa here? Mugadziri werobhoti anotarisira kuti riite chaizvoizvo zvaakaronga kuti riite. Asi robhoti rinonyatsoshanda zvakanaka harigoni kuva munhu akakwana. Zvinhu zvinonzi zvinokosha pamunhu zvakasiyana nezvinokosha parobhoti. Adhamu naEvha vaiva vanhu, kwete marobhoti. Mwari akaita kuti vanhu vakwanise kusarudza pakati pezvakanaka nezvakaipa, pakati pokuteerera nokusateerera, kuti vasarudze tsika dzavanoda. Sezvo vanhu vakasikwa seizvi, kutadza kusarudza zvakadaro (kwete kusarudza zvisina kuchenjera) ndiko kwaizoratidza kusakwana.—Enzanisa naDheuteronomio 30:19, 20; Joshua 24:15.
Kuti Adhamu naEvha vanzi vakasikwa vakakwana, zvaida here kuti zvose zvavaizosarudza zvive zvakarurama? Zvaizova zvakafanana nokutaura kuti hapana zvavaikwanisa kusarudza. Asi Mwari haana kuvasika nenzira yokuti vaizongoteerera vasingaiti zvokuzvisarudzira. Mwari akavaita kuti vakwanise kusarudza, saka vaizomuteerera nokuti vaimuda. Kana kuti dai vaizobvumira mwoyo yavo kuva noudyire, vaisazoteerera. Ndezvipi zvinokosha kwauri—mumwe munhu paanokuitira chimwe chinhu nokuti amanikidzwa kuchiita kana kuti paanochiita nokuti anoda kuchiita?—Enzanisa naDheuteronomio 11:1; 1 Johani 5:3.
Vanhu vaiva vakakwana kudaro vaizova sei noudyire, zvichizoita kuti vaite chivi? Kunyange zvazvo vakasikwa vakakwana, miviri yavo yaisakwanisa kuramba ichishanda zvakanaka pasina zvokudya zvakanaka. Saizvozvowo, kana vaizobvumira kuti pfungwa dzavo dzifunge zvisina kururama, izvi zvaizoita kuti vave netsika dzakaipa, vova vasiri vatsvene. Jakobho 1:14, 15 inotsanangura kuti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” Panyaya yaEvha, kuchiva kwake kwakatanga kukura paakanyatsoteerera Satani uyo akashandisa nyoka kuti itaure. Adhamu akateerera mudzimai wake paakamukurudzira kuti adyewo muchero wakarambidzwa. Pane kuti vadzivise pfungwa dzakaipa, vose vari vaviri vakatoita kuti chido choudyire chikure mavari. Vakapedzisira vaita chivi.—Gen. 3:1-6.
Chivi chaAdhamu chaiva “urongwa hwaMwari” here?
Ona peji 27, pasi pomusoro unoti “Adhamu naEvha,” uyewo peji 119, pasi pomusoro unoti “Kufanorongerwa Zvichaitika Muupenyu.”
Kune chinonyatsonzi “chivi” here mazuva ano?
Mienzaniso: Kudai munhu ari kurwara aizopwanya chokuyeresa temburicha, izvozvo zvaizoratidza kuti haana fivha here? Kudai mbavha yaizotaura kuti haidaviri zvakanyorwa mumabhuku emitemo, izvozvo zvaizoita here kuti isave nemhosva? Saizvozvowo, chokwadi chokuti vanhu vakawanda havadaviri kuti zvinokosha kuti vararame maererano nemitemo yomuBhaibheri hachiiti kuti zvinzi hakuchisina chivi.—Ona 1 Johani 1:8.
Vamwe vanhu vangasarudza kuita zvinorambidzwa neShoko raMwari. Asi izvozvo hazviratidzi kuti Bhaibheri harina kururama. VaGaratiya 6:7, 8 inonyevera kuti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa; nokuti anodyara nokuda kwenyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake.” Kupararira kwezvirwere zvepabonde, kuparara kwemhuri, nezvimwewo zvinoratidza kuti zvinotaura Bhaibheri ndezvechokwadi. Mwari ndiye akasika vanhu, anoziva zvichaita kuti tirambe tichifara, anotiudza izvozvo muBhaibheri. Hazvina musoro here kuti timuteerere? (Nokuda kwouchapupu hwokuti Mwari ariko, ona musoro mukuru unoti, “Mwari.”)
Zvizhinji zvinonzi chivi hazvingorevi zvinhu zvakasikirwa vanhu kuti vaite here?
Kuita zvepabonde chivi here? Adhamu naEvha vakaita chivi here nokuita zvepabonde? Bhaibheri haritauri kudaro. Genesisi 1:28 inotaura kuti Mwari pachake akaudza Adhamu naEvha kuti, “berekai muwande, muzadze nyika.” Izvozvo zvaireva kuti vaizoita zvepabonde, handizvo here? Uye Pisarema 127:3 rinotaura kuti “vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,” “mubayiro.” Tinofanira kuziva kuti Evha ndiye akatanga kudya muchero wakarambidzwa uye akaudya ari oga, akatozopawo Adhamu pave paya. (Gen. 3:6) Zviri pachena kuti muti waiva nomuchero wakarambidzwa waiva muti chaiwo. Bhaibheri harirambidzi kuita zvepabonde kunoitwa nomurume nomudzimai vakaroorana asi rinorambidza ufeve, upombwe, ungochani, uye kurara nemhuka. Zvinozoitika kana munhu akaita izvozvo zvinoratidza kuti Mwari, uyo anoziva magadzirirwo atakaitwa ane rudo.
Gen. 1:27: “Mwari akatanga kusika munhu [Adhamu] nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari.” (Saka, zvaitarisirwa ndezvokuti Adhamu aratidze unhu hutsvene hwaMwari, ateerere nokuonga kutungamirirwa kwaaiitwa naMwari. Kutadza kuita izvi kwaireva chivi. Ona VaRoma 3:23, uyewo 1 Petro 1:14-16.)
VaEf. 2:1-3: “Ndimi [vaKristu] makaitwa vapenyu naMwari kunyange makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu, mamakambofamba maererano nemamiriro ezvinhu enyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, iwo mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri. Chokwadi, pane imwe nguva isu tose takambozvibata maererano nokuchiva kwenyama yedu tiri pakati pavo, tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama nepfungwa dzedu, uye takazvarwa tiri vana vokuitirwa hasha sevamwe vose.” (Zvatiri vana vomutadzi Adhamu, takaberekerwa muchivi. Kubvira patinoberekwa, mwoyo yedu inoda kuita zvakaipa. Kana tikasadzora mafungiro iwayo akaipa, nokufamba kwenguva tinogona kuzojaira mararamiro akadaro. Zvingaita se“zvisina basa” nokuti vanhu vakawanda vari kuzviita. Asi Bhaibheri rinoratidza maonero aMwari pamusoro pezvakarurama nezvisina kururama tichifunga nezvemasikire aakaita vanhu uye chinangwa chake nokuda kwavo. Kana tikateerera Musiki wedu toita zvaanotaura nokuti tinomuda, upenyu huchava nezvahunoreva zvatakanga tisingazivi, uye tichava neramangwana risingagumi. Musiki wedu anotikoka noushamwari kuti tiravidze toona kuti zvakanaka sei.—Pis. 34:8.)
Chivi chinokanganisa sei ukama hwomunhu naMwari?
1 Joh. 3:4, 8: “Munhu wose ane tsika yokuita chivi ari kuvawo netsika yokusateerera mutemo, naizvozvo chivi kusateerera mutemo. Uyo anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi.” (Mashoko makukutu chaiwo! Vaya vanosarudza zvavo vachida kuita chivi, vachiita tsika yokuchiita vanoonekwa naMwari sevanhu vanopara mhosva. Zvavanenge vasarudza kuita ndizvo zvakaitwawo naSatani pakutanga.)
VaR. 5:8, 10: “Patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira. . . . Patakanga tiri vavengi, takayananiswa naMwari nokuda kworufu rwoMwanakomana wake.” (Onai kuti vatadzi vanonzi vavengi vaMwari. Chokwadi kuchenjera chaiko kushandisa urongwa hwakaitwa naMwari hwokuti tiyanane naye!)
1 Tim. 1:13: “Ndakanzwirwa ngoni [anodaro muapostora Pauro], nokuti ndakanga ndisingazivi uye ndakazviita ndisina kutenda.” (Asi Ishe paakamuratidza nzira yakarurama, haana kurega kuitevera.)
2 VaK. 6:1, 2: “Zvatinoshanda pamwe chete naye, tinokutetereraiwo kuti murege kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari motadza kunzwisisa chinangwa chawo. Nokuti iye anoti: ‘Ndakakunzwa panguva yakakodzera, uye ndakakubatsira pazuva roruponeso.’ Tarirai! Ino ndiyo nguva yakakodzera chaizvo. Tarirai! Rino ndiro zuva roruponeso.” (Ino ndiyo nguva inowanikwa mukana wokuponeswa. Mwari haazorambi achiratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kuvanhu vanotadza. Saka tinofanira kungwarira kuti tisazotadza kunzwisisa chinangwa chomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.)
Tinogona sei kusunungurwa muchivi chedu chatiinacho?
Ona musoro mukuru unoti “Rudzikinuro.”