Rusununguko Runopiwa naMwari Runounza Mufaro
“Mufaro waJehovha isimba renyu.”—NEHEMIA 8:10.
1. Chii chiri mufaro, uye neiko avo vakazvitsaurira kuna Mwari vachigona kuuwana?
JEHOVHA anozadza mwoyo yavanhu vake nomufaro. Uyu mugariro womufarwa mukuru kana kuti mufaro unobva mukuwanikwa kana kuti kukarirwa kwezvakanaka. Vanhu vakazvitsaurira kuna Mwari vanogona kuwana murangariro wakadaro nemhaka yokuti mufaro chibereko chomudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa. (VaGaratia 5:22, 23) Naizvozvo kunyange kana miedzo inotambudza ikatikomba, tinogona kuva vanofara savabatiri vaJehovha, vanotungamirirwa nomudzimu wake.
2. Neiko vaJudha vakafara panhambo chaiyo muzuva raEzra?
2 Panhambo chaiyo muzana ramakore rechishanu P.N.V., vaJudha vakashandisa rusununguko rwavo runopiwa naMwari kuva noMutambo waMatumba unofadza muJerusarema. Pashure pokunge Ezra navamwe vaRevhi varava ndokutsanangura Mutemo waMwari kwavari, “vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.”—Nehemia 8:5-12.
Mufaro waJehovhaIsimba Redu
3. Mumigariroi umo “mufaro waJehovha” unogona kuva simba redu?
3 Mukati momutambo iwoyo, vaJudha vakaziva uzvokwadi hwamashoko anoti: “Mufaro waJehovha isimba renyu.” (Nehemia 8:10) Uyu mufaro isimba reduwo kana takamira zvakatsiga nokuda kworusununguko runopiwa naMwari seZvapupu zvakazvitsaurira, zvakabhapatidzwa zvaJehovha. Vashomanene vedu vakawana kuzodzwa kunoitwa nomudzimu mutsvene nokugamuchirwa mumhuri yaMwari savadyi venhaka vokudenga pamwe chete naKristu. (VaRoma 8:15-23) Voruzhinjisa vedu nhasi vane kariro youpenyu muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43) Tinofanira kuva vanofara sei!
4. Neiko maKristu achigona kutsungirira kutambura nechitambudzo?
4 Kunyange zvazvo tine kariro dzinofadza, hakusi nyore kutsungirira kutambura nechitambudzo. Tinogona kuita saizvozvo, zvisinei, nemhaka yokuti Mwari anotipa mudzimu mutsvene wake. Nawo tine mufaro nokupwiswa kwokuti hakuna chinhu chinogona kutibira tariro yedu kana kuti rudo rwaMwari. Uyezve, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achava simba redu chero bedzi tichimuda nomwoyo wedu wose, mweya, simba, uye ndangariro.—Ruka 10:27.
5. Ndokupi kwatingawana zvikonzero zvokufara?
5 Vanhu vaJehovha vanofarikanya zvikomborero zvakapfuma uye vane zvikonzero zvizhinji zvokufara. Zvimwe zvikonzero zvomufaro zvinokarakadzwa mutsamba yaPauro kuvaGaratia. Zvimwe zvinoratidzirwa kumwewo muMagwaro. Kuchatifadza kurangarira zvikomborero zvinofadza zvakadaro.
Koshesa Rusununguko Runopiwa naMwari
6. Neiko Pauro akakurudzira maKristu eGaratia kumira akasimba?
6 SamaKristu, tine chikomborero chinofadza chechimiro chinogamuchirika naMwari. Sezvo Kristu akasunungura vateveri vake muMutemo waMosesi, vaGaratia vakakurudzirwa kumira vakasimba ndokusaganhurirwa mu“joko rouranda” iroro. Zvakadiniko nesu? Kana takaedza kururamiswa kupfurikidza nokuchengeta Mutemo, taizoparadzaniswa naKristu. Tichiyamurwa nomudzimu waMwari, zvisinei, tinomirira kururama kunokarirwa kunobva mukutenda kunoshanda kupfurikidza norudo, kwete mukudzingiswa kwokunyama kana kuti mamwe mabasa oMutemo.—VaGaratia 5:1-6.
7. Tinofanira kurangarira sei basa rinoyera kuna Jehovha?
7 Chikomborero kushandisa rusununguko rwedu runopiwa naMwari ku“batira Jehovha nokufara.” (Pisarema 100:2, NW) Zvamazvirokwazvo, iropafadzo inokosha kuitira basa rinoyera “Jehovha Mwari, Wamasimba ose,” “Mambo [amene] asingagumi”! (Zvakazarurwa 15:3, NW) Kana kunzwa kwokuzvideredza kuchikusvika nguva dzose, kungava kunobetsera kuziva kuti Mwari akakukwevera kwaari amene kupfurikidza naJesu Kristu uye akakupa mugove mu“basa dzvene ramashoko akanaka aMwari.” (VaRoma 15:16, NW; Johane 6:44; 14:6) Zvikonzero zvakadini zvomufaro nokuonga kuna Mwari!
8. Pamusoro peBhabhironi Guru, chisakisoi chomufaro icho vanhu vaJehovha vanacho?
8 Chimwe chisakiso chomufaro rusununguko rwedu runopiwa naMwari rwokubuda muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 18:2, 4, 5) Kunyange zvazvo iyi mhombwe yorudzidziso “igere [nenzira yokufananidzira] pamvura zhinji,” kureva “vanhu namapoka namarudzi nendimi,” iyo haigari, kana kuti kupesvedzera nenzira yorudzidziso nokudzora, pavabatiri vaJehovha. (Zvakazarurwa 17:1, 15, NW) Tinofarira chiedza chinoshamisa chaMwari, nepo vatsigiri veBhabhironi Guru vari murima romudzimu. (1 Petro 2:9) Hungu, kungava kwakaoma kunzwisisa zvimwe “zvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinte 2:10) Asi minyengetero nokuda kwouchenjeri nebetsero kupfurikidza nomudzimu mutsvene zvinotibatsira kunzwisisa zvokwadi yapaMagwaro iyo inosunungura varidzi vayo mumudzimu.—Johane 8:31, 32; Jakobho 1:5-8.
9. Kana tichizofarikanya chikomborero chinopfuudzirwa chorusununguko muchikanganiso chorudzidziso, chii chatinofanira kuita?
9 Tinofarikanya chikomborero chinopfuudzirwa chorusununguko muchikanganiso chorudzidziso, asi kuchengeta rusununguko irworwo, tinofanira kuramba kuwa pakutenda. VaGaratia vakanga vave vachimhanya nhangemutange yechiKristu zvakanaka, asi vamwe vakanga vachivadzivisa kuteerera zvokwadi. Nyengetedzo yakaipa yakadaro yakanga isati ichibva kuna Mwari uye yaifanira kudziviswa. Sezvo mbiriso shoma ichivirisa bundu rose, vadzidzisi venhema kana kuti kurerekera kukuwa pakutenda zvinogona kushatsa ungano yose. Pauro aishuva kuti vatsigiri vokudzingiswa vaitsvaka kuipisa kutenda kwavaGaratia vasadzingiswe chete asi kuti vazvitsvenese. Mutauro wakasimba zvamazvirokwazvo! Asi tinofanira kuva vakasimba zvakafanana mukuramba kuwa pakutenda kana tichizochengeta rusununguko rwedu runopiwa naMwari muchikanganiso chorudzidziso.—VaGaratia 5:7-12.
Batiranai Murudo
10. Chii chiri mutoro wedu sorutivi rwouhama hwechiKristu?
10 Rusununguko runopiwa naMwari rwakatipinza musonganirano nouhama hune rudo, asi tinofanira kuita rutivi rwedu kuratidza rudo. VaGaratia vaisafanira kushandisa rusununguko rwavo se“nyengedzo nokuda kwenyama” kana kuti pembedzo youdyire hwokusava norudo. Vaifanira kubatirana norudo sesundo. (Revhitiko 19:18; Johane 13:35) Isuwo tinofanira kudzivisa kuchera noruvengo izvo zvinogona kuguma nokuva kwedu vanoparadzwa nomumwe nomumwe. Chokwadika, ikoku hakusati kuchizoitika kana tikaratidza rudo rwouhama.—VaGaratia 5:13-15.
11. Tinogona sei kuva chikomborero kuvamwe, uye vangatikomborera sei?
11 Kupfurikidza nokushandisa rusununguko rwedu runopiwa naMwari mutsinhirano nokutungamirira kwomudzimu waMwari, ticharatidza rudo ndokuva chikomborero kuna vamwe. Unofanira kuva muitiro kuzvibvumira timene kuva vanodzorwa nokutungamirirwa nomudzimu mutsvene. Ipapo hatisati tichizova vakatsunga kugutsa nenzira isina rudo nyama yedu inotadza iyo “inorwisana nomudzimu muzvishuvo zvayo.” Kana tichitungamirirwa nomudzimu waMwari, tichaita chine rudo asi kwete nemhaka yokuti mitemo inoraira kuwirirana uye inoisa zvirango pavaiti vezvakaipa. Somuenzaniso, rudo—kwete chete mutemo—ruchatidzivisa kuchera vamwe. (Revhitiko 19:16) Rudo ruchatisunda kutaura nokuita munzira dzomutsa. Nemhaka yokuti tinoratidzira chibereko chomudzimu chorudo, vamwe vachatikomborera, kana kuti kutaura zvakanaka nezvedu. (Zvirevo 10:6) Uyezve, songanirano nesu chichava chikomborero kwavari.—VaGaratia 5:16-18.
Chibereko Chinosiana
12. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvikomborero zvakabatanidzwa nokudzivisa “mabasa enyama” ezvivi?
12 Zvikomborero zvizhinji zvakabatanidzwa norusununguko rwedu runopiwa naMwari zvinobva mukudzivisa “mabasa enyama” ezvivi. Savanhu vaMwari, isu, tose zvedu, tinodzivisa nhamo huru nemhaka yokuti hatishandisi ufeve, kusachena, uye mufambiro wakashata. Kupfurikidza nokudzivisa kunamata zvidhori, tine mufaro unobva mukufadza Jehovha muna ikoko. (1 Johane 5:21) Sezvo tisingashandisi kunamata midzimu, takasununguka paudzori hwamadhemoni. Uhama hwedu hwechiKristu hauparadzwi noruvengo, gakava, godo, kufufutirwa nehasha, kukamukana, masekete, uye kugodorana. Uye mufaro wedu hauraswi mukudhakwa nokutamba kwakaipa. Pauro akanyevera kuti avo vanoshandisa mabasa enyama havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari. Nemhaka yokuti tinoteerera mashoko ake, zvisinei, tinogona kunamatira kutariro inofadza yoUmambo.—VaGaratia 5:19-21.
13. Mudzimu mutsvene waJehovha unobereka zviberekoi?
13 Rusununguko runopiwa naMwari runotiunzira mufaro nemhaka yokuti maKristu anoratidzira chibereko chomudzimu waJehovha. Kubva mumashoko aPauro kuvaGaratia, kuri nyore kuona kuti mabasa enyama inotadza akafanana neminzwa mukusiana nechibereko chakaisvonaka chomudzimu chorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora chakadyarwa mumwoyo youmwari. Takatsunga kurarama mukupesana nezvishuvo zvenyama inotadza, tinoshuva kutungamirirwa nomudzimu waMwari uye kurarama mukuwirirana nawo. Mudzimu unotiita vanozvininipisa navane rugare, kwete “kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.” Ndokusaka uri mufaro kusonganirana naavo vanoratidzira chibereko chomudzimu!—VaGaratia 5:22-26.
Zvimwe Zvikonzero Zvomufaro
14. Chidzitiroi chesimbi chatinoda mukurwisana kwedu namasimba akaipa omudzimu?
14 Chakabatanidzwa norusununguko rwedu rwomudzimu runopiwa naMwari chikomborero chedziviriro pana Satani namadhemoni ake. Kuti tibudirire mukurwisana kwedu namasimba akaipa omudzimu, tinofanira kupfeka “chipfeko chakakwana chesimbi chechifukidziro chinobva kuna Mwari.” Tinoda bhanhire rezvokwadi nechifukidziro chechipfuva chokururama. Tsoka dzedu dzinofanira kupfekedzwa zvinhu zvamashoko akanaka orugare. Chinodikanwawo, inhovo huru yokutenda, iyo tinodzima nayo miseve inopisa yowakaipa. Tinofanira kupfeka ngowani yoruponeso ndokushandisa “munondo womudzimu,” Shoko raMwari. Ngati“pfuurirei[wo] mumunyengetero panhambo iri yose mumudzimu.” (VaEfeso 6:11-18, NW) Kana tikapfeka chifukidziro chesimbi chomudzimu ndokuramba udhemoni, tinogona kuva vasingatyi navanofara.—Enzanisa naMabasa 19:18-20.
15. Chikomboreroi chinofadza chiri chedu nemhaka yokuti tinozvibata timene mutsinhirano neShoko raMwari?
15 Mufaro ndowedu nemhaka yokuti mufambiro wedu unotsinhirana neShoko raMwari, uye takasununguka pamhaka inotambudza vaiti vezvakaipa vazhinji. ‘Tinozvishandisa timene nenzira inopfuurira kuva nokuziva kwokusaita chikanganiso mukurwisana naMwari navanhu.’ (Mabasa 24:16) Nokudaro, hatifaniri kutya chirango choumwari chodokuwira vatadzi voune, vasingapfidzi. (Mateo 12:22-32; VaHebheru 10:26-31) Kupfurikidza nokushandisa zano raZvirevo 3:21-26, tinosvika pakuziva kuzadzika kwamashoko iwayo: “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; noukomba pamutsipa wako. Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; rutsoka rwako harungagumburwi. Kana uchivata pasi haungatyi; uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka. Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe kamwe, kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; nokuti Jehovha uchava chivimbo chako; uchachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.”
16. Munyengetero chisakiso chomufaro sei, uye mudzimu waJehovha unoita rutivii muna ikoku?
16 Chimwe chisakiso chomufaro rusununguko rwedu runopiwa naMwari rwokusvika Jehovha mumunyengetero nevimbiso yokuti tichanzwika. Hungu, minyengetero yedu inopindurwa nemhaka yokuti tine “rutyo [rworuremekedzo] rwaJehovha.” (Zvirevo 1:7, NW) Uyezve, tinobetserwa kuzvichengeta timene murudo rwaMwari kupfurikidza “nokunyengetera nomudzimu mutsvene.” (Judhasi 20, 21, NW) Tinoita ikoku kupfurikidza nokuratidzira chimiro chomwoyo chinogamuchirika kuna Jehovha uye kupfurikidza nokunyengetera mupesvedzero yomudzimu nokuda kwezvinhu zviri mutsinhirano nokuda kwake neShoko rake, iro rinotiratidza nzira yokunyengetera nayo nechokukumbira mumunyengetero. (1 Johane 5:13-15) Kana tikaedzwa chose chose uye tisingazivi chokunyengeterera, ‘mudzimu unokumbanira nebetsero nokuda kwoutera hwedu, uchititeterera nokugomera kusingataurwi.’ Mwari anopindura minyengetero yakadaro. (VaRoma 8:26, 27) Ngatinyengetererei mudzimu mutsvene ndokuubvumira kubereka matiri zviya zvezvibereko zvawo zvinodikanwa zvikurukuru kunangana nomuedzo wakati. (Ruka 11:13) Tichawedzerawo mufaro wedu kana tikafunda nenzira yomunyengetero neyokushingaira Shoko rakafuridzirwa nomudzimu raMwari nezvinyorwa zvechiKristu zvinogadzirwa munhungamiro yomudzimu.
Kukomborerwa Nebetsero Inovapo Nguva Dzose
17. Zvinoitika zvaMosesi namashoko aDhavhidhi zvinoratidza sei kuti Jehovha ane vanhu Vake?
17 Kupfurikidza nokushandisa rusununguko rwedu runopiwa naMwari zvakarurama, tine mufaro wokuziva kuti Jehovha anesu. Apo migariro isingafadzi yakaparira Mosesi kubuda muEgipita, kupfurikidza nokutenda “akatsungirira somunhu unoona iye asingaonekwi.” (VaHebheru 11:27) Mosesi haana kufamba ari oga; aiziva kuti Jehovha akanga anaye. Nenzira yakafanana, vanakomana vaKora vakaimba, kuti: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa; kunyange mvura zhinji yawo ikatinhira nokumutswa, kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.” (Pisarema 46:1-3) Kana une kutenda kwakadaro muna Mwari, haasati achizotongokusiya. Dhavhidhi akati: “Nokuti mai vangu nababa vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Mufaro wakadini uri mukuziva kuti Mwari anotarisira vabatiri vake zvikuru kwazvo!—1 Petro 5:6, 7.
18. Neiko avo vane mufaro waJehovha vane rusununguko runopiwa naMwari mufunganyo inokurira?
18 Tine mufaro waJehovha, tine rusununguko runopiwa naMwari mufunganyo inokurira. “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe,” akadaro Pauro, “asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Rugare rwaMwari runyararo rusingaenzaniswi kunyange mumigariro inotambudza zvikurusa. Narwo mwoyo yedu inoramba yakanyarara—chimwe chinhu chakatinakira mumudzimu, mundangariro, uye mumuviri. (Zvirevo 14:30) Runotibetserawo kuchengeta dzikamo yendangariro, nokuti tinoziva kuti hakuna icho Mwari anobvumira chinogona kutikuvadza zvechigarire. (Mateo 10:28) Urwu rugare runobva muukama hwapedyo naMwari kupfurikidza naKristu ndorwedu nemhaka yokuti takazvitsaurira kuna Jehovha ndokuzviisa pasi penhungamiro yomudzimu wake, uyo unobereka zvibereko zvakadai somufaro norugare.
19. Kuchengeta mwoyo yedu yakanangidzirwa pachii kuchatibetsera kuva vanofara?
19 Kuchengeta mwoyo yedu yakanangidzirwa parusununguko rwedu runopiwa naMwari netariro yoUmambo kuchatibetsera kuva vanofara. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva zvishomanene zvinogona kuitwa pamusoro poutano husina kunaka, asi tinogona kunyengeterera uchenjeri noushingi zvokugonana nahwo uye tingawana nyaradzo mukufunga pamusoro poutano hwomudzimu hwatinofarikanya zvino nokurapwa kwomumuviri uko kuchaitika mukutonga kwoUmambo. (Pisarema 41:1-3; Isaya 33:24) Kunyange zvazvo tingafanira kutsungirira kushaiwa nhasi, pachava pasina perevedzo yezvinodikanwa zvoupenyu muParadhiso yapasi yaswedera pedyo kwazvo. (Pisarema 72:14, 16; Isaya 65:21-23) Hungu, Baba vedu vokudenga vachatitsigira zvino pakupedzisira ndokuita kuti mufaro wedu ukwane.—Pisarema 145:14-21.
Koshesa Rusununguko Rwako Runopiwa naMwari
20. Mukuwirirana nePisarema 100:1-5, tinofanira kuzvipa timene sei pamberi paJehovha?
20 Savanhu vaJehovha, zvirokwazvo tinofanira kukoshesa rusununguko runopiwa naMwari urwo rwakatiunzira mufaro nezvikomborero zvakawanda kwazvo. Hakushamisi kuti Pisarema 100:1-5, (NW) rinotikurudzira kupinda pamberi paMwari “nokudanidzira kwokufara.” Jehovha ndiye mwene wedu uye anotitarisira soMufudzi ane rudo. Hungu, “tiri vanhu vake namakwai amafuro ake.” Kuva kwake Musiki namavara makuru zvinotigovera kurudziro yokupinda muvazhe dzenzvimbo tsvene yake nerumbidzo nokuonga. Tinosundwa ku“rumbidza zita rake,” kutaura zvakanaka nezvaJehovha Mwari. Uyezve, tinogona nguva dzose kutsamira pamutsa wake worudo, kana kuti kunzwira tsitsi, isu. “Marudzi namarudzi” Jehovha akatendeka, haazununguki mukuratidza rudo kuna avo vanoita kuda kwake.
21. Ikurudziroi yakapiwa muchinyorwa chokutanga chemagazini ino, uye chii chatinofanira kuita pamusoro porusununguko runopiwa naMwari?
21 Savanhu vasina kukwana, hatigoni zvino kunzvenga miedzo yose. Nebetsero youmwari, zvisinei, tinogona kuva Zvapupu zvakashinga nezvinofara zvaJehovha. Anokosha muna ikoku ndaaya mashoko anowanikwa muchinyorwa chokutanga chemagazini ino (July 1879), anoti: “Shinga . . . hama yangu yechiKristu kana kuti hanzvadzi, uchitsvaka nenhano yakaneta kumhanya munzira nhete. Usaitira hanya nzira yakashata; kwose kunoitwa kuti kusaputswe nokutsveneswa netsoka dzakakomborerwa dzaTenzi. Rangarira munzwa uri wose seruva; dombo riri rose rinopinza senharidzano, zvichikukurumidzisa kuenda kunharidzano. . . . Chengeta ziso rako rakanangidzirwa pamubairo.” Mamirioni zvino ari kubatira Jehovha anochengeta maziso awo pamubairo uye ane zvikonzero zvizhinji zvoushingi nomufaro. Nawo, mira wakasimba nokuda kworusununguko runopiwa naMwari. Usapotsa donzo rarwo, uye mufaro waJehovha ngauve simba rako nguva dzose.
Waizopindura Sei?
◻ “Mufaro waJehovha” unogona sei kuva simba redu?
◻ Kutaura nenzira yorudzidziso, zvikomboreroi izvo rusununguko runopiwa naMwari rwakaunza kuvanhu vaJehovha?
◻ Neiko tichifanira kubatirana murudo?
◻ Ndezvipi zvimwe zvikomborero zvakabatanidzwa norusununguko runopiwa naMwari?
◻ Vanhu vaMwari vanogona sei kuramba vachifara?
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Rangarira munzwa uri wose seruva; dombo riri rose rinopinza senharidzano, zvichikukurumidzisa kuenda kunharidzano”