Musha Unofadza Umo Vaviri Vari Muchinzwano
KUDAI waizovaka musha wakasimba, wakachengeteka, unofadza, waizoshandisa zvivakiso zvakadini? Matanda here? Zvidhina here? Mabwe here? Hezvino izvo bhuku reBhaibheri raZvirevo rinorumbidza: “Imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa nenjere. Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa nefuma yose inokosha inofadza.” (Zvirevo 24:3, 4) Hungu, kuvaka imba inofadza kunoda uchenjeri, nzwisiso, uye zivo.
Ndiani anovaka? “Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera unovaka imba yake; asi benzi rinoiputsa namaoko aro.” (Zvirevo 14:1) Kwakafanana kunoitikawo kumurume akachenjera anoona kuti kuri musimba rake kuita kuti roorano yake isimbe uye ifadze kana kuti inete uye inzwise urombo. Zvinhuiko zvinoita musiano? Kunofadza sei kuti zvikarakadzo zvavamwe vapi zano veroorano vazvino uno zvinosanowirirana nouchenjeri husina ganhuriro hweShoko raMwari, rakanyorwa zviuru zvamakore akapfuura.
Kuteerera: “Kuteerera chaizvoizvo ndikumwe kwerumbidzo hurusa dzaunogona kupa kuno mumwe munhu uye kunokosha mukuvaka nokuchengeta ukama hwapedyo,” rinodaro bhuku reroorano. “Nzeve yowakachenjera inotsvaka [kuwana, NW] zivo, inodaro Zvirevo. (Zvirevo 18:15) Sezvo nzeve dzakazaruka dzisingaoneki sameso akazaruka kana kuti muromo wakashama, unogona sei kuratidza mukwanyina wako kuti uri kuteerera zvirokwazvo? Imwe nzira ndeyokurangarira, kana kuti kuteerera kwokushingaira.—Ona bhokisi peji 27.
Kujeka nokuva pedyo: “Tsika yedu inorwisana nokujeka,” rinodaro bhuku rinonzi One to One—Understanding Personal Relationships. “Tinodzidziswa kubvira pazera duku kuyeuka kusanyanyofarira zvinhu zvavamwe—kuva vanovanza pamusoro pemari, pfungwa, kunzwa, . . . chinhu chipi nechipi chomunhu oga. Ichi chidzidzo hachisati chichingobva hacho, kunyange apo ‘tinodanana.’ Kutoti nhamburiko inopfuurira nokuda kwokujeka ikaitika, kuva pedyo hakungagoni kukurira.” “Uko kusina kutaura kwakavanzika kune kangaidziko yerongedzero,” inodaro Zvirevo, “asi kuna avo vanobvunzana pamwe chete pane uchenjeri.”—Zvirevo 13:10; 15:22, NW.
Ruvimbiko nechivimbo: Murume nomudzimai vanopika pamberi paMwari kuva vakavimbika. Apo vakwanyina veroorano vanovimba kuti mumwe nomumwe mukuvimbika akazvipa kuno mumwe, rudo harusati ruchidziviswa nokunyumwira, rudado, mudzimu wamakwikwi, kubatikana nokuwana mugove wakanaka wake.
Kugoverana: Ukama hunokura nezvinoitika zvinogoveranwa. Pashure penguva yakati vanyakuroorana vanogona kuruka chirukwa chinokosha chenhau iyo mumwe nomumwe anochengeta. Kurangarira kubvarura chisungo ichecho choushamwari ndichinhu chisingafungiki mundangariro dzavo. “Shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.”—Zvirevo 18:24.
Mutsa nounyoro: Zviito zvomutsa zvinoderedza kakavadzano dzoupenyu ndokuderedza rudado. Mitoo yomutsa, kana yakura, inoramba yakabatana kunyange kana mirangariro ikavhiringidzika mukati mokusawirirana, nokudaro ndokudukupisa kuvadziko. Unyoro hunoparira mugariro woushamwari umo rudo runogona kukura. Kunyange zvazvo unyoro hungaomera zvikurukuru munhu kuratidzira, Bhaibheri rinoti: “Munhu unodikanwa nokuda kwounyoro hwake.” (Zvirevo 19:22) Kana ari mudzimai akanaka, “rurimi rwake runodzidzisa nounyoro.”—Zvirevo 31:26.
Kuzvininipisa: Mushonga womuchetura worudado, kuzvininipisa kunosimudzira kukumbira ruregerero uye kutaura kwekazhinji kazhinji kwokuonga. Zvakadiniko kana usina mhaka zvirokwazvo yemhaka yataurwa? Huregererei kutaura nounyoro kuti, “Ndine urombo kuti watsamwa zvikuru”? Ratidzira itiro hanya nokuda kwokutapurika kwomukwanyina wako, ipapo pamwe chete onai maruramisirwe echisina kururama. “Munhu unokudzwa kana achigara kure nokukakavara.”—Zvirevo 20:3.
Ruremekedzo: “Shoko rinokosha mukuziva misiano yomumwe nomumwe uye kuzvipedzera pamwe chete ruremekedzo. Chiri chinokosha kuno mumwe mukwanyina chingava chisati chichikosha chose chose kuno mumwe. Hunyanguvezvo, mukwanyina mumwe nomumwe nguva dzose anogona kuremekedza mirangariro yomumwe.” (Keeping Your Family Together When the World Is Falling Apart) “Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.”—Zvirevo 13:10.
Kuseka: Kupera mwoyo kungapera nokuseka pamwe chete kwakanaka. Kunotapukira muzvisungo zvorudo uye kunoderedza dzvinyiriro iyo kazhinji kazhinji inokuvadza kufunga kwakajeka. “Mwoyo, wakafara, unofadza chiso.”—Zvirevo 15:13.
Kupa: Ita kunzvera kwakananga nokuda kwezvinhu zvokuonga pamusoro pomukwanyina wako uye ipa rumbidzo kazhinji. Izvi zvinhu zvinoshuviwa zvingaunza davidzo huru yomwoyo kupfuura tai yesirika kana kuti chisumbu chamaruva. Chokwadika, munogonawo kutenga kana kuti kuita zvinhu zvakanaka nokuda kwomumwe nomumwe. Asika “zvipo zvikurusa zvamunogona kupa,” rinodaro bhuku rinonzi Lifeskills for Adult Children, “hazvingagoni kuiswa mubhokisi. Izvo iratidziro dzenyu dzorudo nokuonga, kurudziro yenyu, uye betsero yenyu.” “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirvheri.”—Zvirevo 25:11.
Kudai aya mavara aigona kuenzaniswa namabhoroko okuvakisa oukama hweroorano, ipapo kurukurirano ndiyo dope rinodikanwa rokuabatanidza pamwe chete. Naizvozvo, vanyakuroorana vanogona kuitei apo kusawirirana kunomuka? “Panzvimbo pokuona mirangariro yakasiana yomukwanyina wako samanyuko erwisano, . . . awane kuva manyuko ezivo. . . . Udzame hwoupenyu hwezuva riri rose hunova manyuko anokosha amashoko,” rinodaro bhuku rinonzi Getting the Love You Want.
Ona nhambo iri yose yokusawirirana, ipapoka, kwete sedanidziro yedenho yokurwa, asi sebasa rinokosha rokuwana nzwisiso muno uyu waunoda. Pamwe chete gamuchirai denho yokupedza nayo musiano ndokukwasva muchipinda muzviteshi zvengarava zvorugare zvetsinhirano, nokudaro ndokusimbisa zvisungo, mukuchikudza rudo runoita kuti huviri hwenyu huve humwe.
Jehovha Mwari anoona runako rukuru mubatira pamwe nokudaro akaruvakira muchisiko chake—mudenderedzwa reoxygen retsinhano yezvirimwa nemhuka, mikoto yemitumbi yokudenga, ukama hwebatira pamwe pakati pezvipembenene namaruva. Naizvozvowo, mumubatanidzwa weroorano, munogona kuva nedenderedzwa roushamwari umo murume, mushoko nomuchiito, anovimbisa mudzimai wake nezverudo rwake nokuvimba, mudzimai ane rudo nomutoo wokugutsikana anotevera kutungamirira kwake. Nokudaro, vaviri vanova chaizvoizvo mumwe, vachiunza mufaro kuno mumwe nomumwe nokuMuvambi weroorano, Jehovha Mwari.
[Bhokisi riri papeji 27]
“Ngwarira Kuteerera Kwaunoita.”—Ruka 8:18, NW
Kuteerera kwokushingaira mutoo wokuva nechokwadi chokuti mukurukuri nomuteereri zvirokwazvo vanonzwisisana. Pane dzimwe nguva kunonzi kurangarira, sezvo muteereri achiedza kufungisisa mashoko aanonzwa nerevo yaanonzwisisa. Idzi ndidzo nhano huru:
1. Sanopa ngwariro; teerera mashoko anokosha.
2. Teerera mirangariro inosimbisa mashoko.
3. Dzokorora kumukurukuri zvaunonzwa. Usatonga, kutsoropodza, kana kuti kupokanidza. Ingoita kuti munhu azive bedzi kuti wagamuchira nomutoo wakarurama shoko. Bvuma mirangariro.
4. Mukurukuri zvimwe achasimbisa kana kuti zvimwe kururamisa zvaunotaura uye zvichida angafutunurazve pamusoro wacho.
5. Kana kunzwisisa kwako kusina kururama, edzazve.
Kuteerera kwokunzwisisa kunobudirira zvikurukuru mukuderedza kurwadza kwokutsoropodza. Gamuchira idi rokuti kutsoropodza kazhinji kazhinji kwakavakirwa pazvokwadi dzakati. Kungapiwa nomutoo unorwadza, asi panzvimbo pokusiya nomutoo wokuzvidzivirira marwadzo pamutsoropodzi, huregererei kushandisa kuteerera kwokushingaira kuderedza mugariro wacho? Bvuma kuti unonzwisisa kunzwa kupi nokupi kwokutsamwa kwaungava uchiwanirwa mutoro, uye ona maruramisirwe anogona kuitwa mhaka.
[Bhokisi riri papeji 28]
“Kana Munhu Upi Noupi Ane Chisakiso Chechinyunyuto.”—VaKorose 3:13, NW
Apo unova nechinyunyuto, unogona sei kuchipa zvakanakisisa pasina kutanga hondo? Kutanga, rumbidza mukwanyina wako nokuda kwokuva nevavariro dzakanaka. Unganzwa kuti iye akanga asingarangariri, asingafungi, anovirima, asina kuchenjera—asi muyose pane bviro yokuti hapana kuvadziko yakarehwa. Taura nomutoo wokudzikama kunzwa kwako pasina kupomera: “Apo waita izvi, ipapo ndanzwa . . .” Hapana huni dzekakavadzano pano. Kunongotaura bedzi manzwire aunoita uye hakusati kuchipomera mukwanyina wako. Sezvo munhu wacho angave asina kutongorangarira kukutsamwisa, kuita kwacho kungava kwokuramba kana kuti kuzviruramisa. Ipa ngwariro pamusoro pechinetso, hunyanguvezvo, uye iva akagadzirira kukarakadza chigadzikiso.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kuteerera chaizvoizvo ndiimwe yerumbidzohurusa dzaunogona kupa kuno mumwe munhu