Nei Uchifanira Kuonga?
KUVHIYIWA musana kwakamanikidza Harley kuti achinje basa rake rokugadzira michina achiva mabharani womuhofisi. Paakabvunzwa manzwire aaiita pamusoro pokuchinja uku, Harley akati: “Ndinosuwa kushanda nemichina. Asi, kutaura idi, ndiri kufara zvikuru nebasa rangu razvino kupfuura nebasa rangu romunguva yakapfuura.”
Achipa chikonzero chokugutsikana kwake, Harley anorondedzera kuti: “Murangariro wavanhu vandinoshanda navo. Kusiyana nevekwandaimboshanda, mutarisiri wangu wazvino uye vandinoshanda navo vanoonga zvandinoita, uye havaregi kundirumbidza. Izvi zvinoita musiyano mukuru zvikuru.” Achinzwa achibetsera uye achidikanwa, Harley zvino mushandi anofara.
Mashoko ekurumbidza kana kuti ekuonga, paanenge akafanirwa, anofadza zvechokwadi. Mugumisiro wokusaonga, pane rumwe rutivi, unogona kuodza mwoyo sokutaura kwakaita Shakespeare kuti: “Furidza, furidza, iwe mhepo yomuchando, haufaniri kusava nomutsa kwazvo sokusaonga kwomunhu.” Nenzira inosuruvarisa, vakawanda vakagamuchira kusava nomutsa kwakadaro.
Dzivisa Kusaonga
Munyika yanhasi kutaura kwechokwadi kwokuonga kuri kunyangarika. Somuenzaniso, mumwe munyori akabvunza mubvunzo wokuti: “Kana mwenga akawana nguva yokunyora kero pakokero dzomuchato 200, nei asingagoni kuwana nguva yokunyora tsamba pfupi dzokuonga zvipo 163?” Kakawanda kunyange shoko riri nyore rokuti “mazvita” haritaurwi. Kuonga kuri kutsiviwa nenzira inowedzera nomurangariro wokuti ndini ndinotanga. Mamiriro ezvinhu aya ndechimwe chezviratidzo zvinozivisa mazuva okupedzisira. Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Unofanira kuziva kuti mumazuva okupedzisira nguva dzichava dzakazara nengozi. Vanhu vachava noudyire chose chose . . . Vachava vasingaongi chose chose.”—2 Timotio 3:1, 2, Phillips.
Mune zvimwe zviitiko, kuonga kunotsiviwa nokubata kumeso. Kutaura kwokuonga kunoitwa kuchibva pamwoyo pasina kufunga chimuko chomunhu oga. Zvisinei, kubata kumeso, kunowanzova kusiri kwechokwadi uye kwakawedzerwa, kungabva muvavariro yakavanzwa yokukwidziridzwa kana kuti kuwana betsero dzakati dzomunhu oga. (Judhasi 16) Kunze kwokunyengedza munhu anogamuchira, mashoko anofadza kudaro anova zvibereko zvokudada nokuzvikudza. Ipapoka, ndiani angada kuitwa nyajambwa nekubata kumeso kusiri kwechokwadi? Asi kuonga kwechokwadi kunozorodza zvirokwazvo.
Munhu anoratidza kuonga anobetserwa nokuita saizvozvo. Ushamwari hwaanowana nemhaka yokuva anoonga pamwoyo hunoparira mufaro wake norugare. (Enzanisa naZvirevo 15:13, 15.) Uye sezvo riri vara rakanaka, kuonga kunomudzivirira pamirangariro isina kunaka yakadai sehasha, godo, uye pfundepfunde.
“Ivai Nokuonga”
Bhaibheri rinotikurudzira kusakurira mudzimu wokuonga, kana kuti kutenda. Pauro akanyora kuti: “Ongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.” (1 VaTesaronika 5:18) Uye Pauro akapa zano vaKorose achiti: “Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu . . . ivai nokuonga.” (VaKorose 3:15) Mapisarema akawanda ane kutaura kwokuonga, kunoratidzira kuti kuonga kwomwoyo wose ivara raMwari. (Pisarema 27:4; 75:1) Nenzira yakajeka, Jehovha Mwari anofara patinoratidzira kuonga munhau dzemazuva ose dzoupenyu.
Asi ndezvipi zvinhu zviri munyika ino isingaongi zvinoita kuti kusakurira mudzimu wokuonga kutiomere? Tingaratidza sei murangariro wokuonga muupenyu hwezuva nezuva? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.