Aristarko—Shamwari Yakavimbika
PAKATI pevashandi vakawanda vaivimbwa navo vomuapostora Pauro pakanga pana Aristarko. Unofungei paunonzwa zita rake? Chinhu chipi nechipi here? Ungakwanisa kutaura kuti rutivi rwupi rwaakatamba mukushanda kwenhau yechiKristu chapakuvamba here? Kunyange zvazvo Aristarko angasava mumwe wevanhu vomuBhaibheri vatakarovedzana navo zvikurusa, kunyange zvakadaro akabatanidzwa muzviitiko zvinoverengeka zvakarondedzerwa muMagwaro echiGiriki echiKristu.
Naizvozvo, ipapoka, Aristarko ndiani? Akanga ane ukamai naPauro? Nei zvichigona kunzi Aristarko akanga ari shamwari yakavimbika? Uye tinogona kudzidza zvidzidzoi mukunzvera muenzaniso wake?
Kupinda kunoshamisa kwaAristarko munhoroondo iri mubhuku raMabasa kunouya pakati pokudanidzira nokuvhiringidzika kwemhomho iri muguta reEfeso. (Mabasa 19:23-41) Kuitwa kwedzimba dzokunamatira dzesirivha dzamwari wenhema Dhiana kwaiwanisa mari Dhemetrio nevamwe vagadziri vesirivha veEfeso. Nokudaro, apo nhimbe yaPauro yokuparidza muguta yakaparira vakawanda kusiya kunamatwa kusina kuchena kwamwarikadzi uyu, Dhemetrio akanyandura dzimwe mhizha. Akavaudza kuti kuparidza kwaPauro kwakanga kusingatyisidziri bedzi kuchengeteka kwavo mune zvemari asiwo kwaimutsa kubvira kwokuti kunamatwa kwaDhiana kwaizoguma.
Isingakwanisi kuwana Pauro, mhomho yaiva yakatsamwa yakazvuzvurudzira shamwari dzake Aristarko naGayo munzvimbo maiitirwa mitambo. Sezvo vaviri vavo vakanga vari mungozi huru, shamwari dzaPauro dzakamuteterera kuti “arege kupinda panzvimbo paitambwa.”
Zvifungidzire uri mumamiriro ezvinhu iwayo. Kwaanenge maawa maviri, mhomho yakaramba ichidanidzira kuti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!” Kuzviwana vachidzorwa nemhomho yakadaro vasingambokwanisi kutaura vachizvidzivirira kunofanira kuva kwaiva chiitiko chinotyisa zvikuru kuna Aristarko naGayo. Vanofanira kuva vakashamisika kana vaizopukunyuka. Nenzira inofadza, vakadaro. Zvirokwazvo, kunakidza kwenhoroondo yaRuka kwakatungamirira dzimwe nyanzvi kukarakadza kuti akashandisa zvipupuriro zvezvapupu zvakaona, zvichida zviya zvanaAristarko naGayo pachavo.
Munyori weguta racho pakupedzisira akanyaradza bope racho. Zvinofanira kuva zvakazorodza zvikuru Aristarko naGayo kumunzwa achibvuma kusava nemhaka kwavo uye ipapo kuona bope raiva rakavapoteredza richipera.
Ungadai wakanzwa sei pashure pechiitiko chakadaro? Ungadai wakagumisa kuti kuva shamwari youfundisi yaPauro kwakanga kusiri chinhu chawaizosarudza, kuti zvaiva nengozi zvikuru, uye kuti zvaizova nani kuti utsvake upenyu hwakanyarara here? Aristarko haana kufunga saizvozvo! Sezvo aibva kuTesaronika, sezvingabvira akanga achitoziva nezvengozi dzokuzivisa mashoko akanaka. Apo Pauro akaparidza muguta rake makore akati wandei pakuvamba, bongozozo rakamuka ikokowo. (Mabasa 17:1-9; 20:4) Aristarko akaomerera kuna Pauro nenzira yokuvimbika.
Kubva kuGirisi Kuenda kuJerusarema
Mwedzi yakati pashure pebongozozo ravapfuri vesirivha, Pauro akanga ari muGirisi uye akanga oda kuenda kuSiria achipfuura nokuJerusarema apo “rangano yakaipa [ya]kaitwa navaJudha pamusoro pake.” (Mabasa 20:2, 3) Ndiani atinowana ana Pauro munhambo idzi dzine ngozi? Aristarko!
Uku kutyisidzira kutsva kwakaparira Pauro, Aristarko, neshamwari dzavo kuti vachinje zvirongwa, vachitanga kufamba nomuMakedonia, ipapo vachipfuura nekumahombekombe kweAsia Minor vasati vatanga kuenda Finikia paPatara. (Mabasa 20:4, 5, 13-15; 21:1-3) Donzo rerwendo urwu sezviri pachena rakanga riri rokuendesa mipiro yavaKristu muMakedhonia neAkaya kuhama dzavo dzaishayiwa muJerusarema. (Mabasa 24:17; VaRoma 15:25, 26) Nhamba huru yakafamba pamwe chete, zvichida nemhaka yokuti vakanga varonzeswa mutoro uyu neungano dzakasiyana-siyana. Pasina mubvunzo, boka guru rakadaro raizovawo nechokwadi chechengeteko huru zvikuru.
Aristarko akanga ane ropafadzo huru mukuperekedza Pauro kubva kuGirisi kuenda kuJerusarema. Zvisinei, vaizofamba kubva kuJudhea kuenda kuRoma parwendo rwavo rwaitevera.
Rwendo Rwokuenda kuRoma
Nguva ino mamiriro ezvinhu akanga akasiyana zvikuru. Pauro akanga akasungwa ari muKesaria kwamakore maviri, akanga akwirira kuna Kesari, uye aifanira kudzorerwa kuRoma akasungwa. (Mabasa 24:27; 25:11, 12) Imboedza kufungidzira manzwire akaita shamwari dzaPauro. Rwendo rwokubva kuKesaria kuenda kuRoma rwaizova rwakareba uye rwunonetesa mirangariro, nomugumisiro usingatauriki. Ndiani aigona kuenda naye kunopa tsigiro nebetsero? Varume vaviri vakasarudzwa kana kuti vakazviita vanowanikwa savazvipiri. Vakanga vari Aristarko naRuka, munyori waMabasa.—Mabasa 27:1, 2.
Ruka naAristarko vakakwanisa sei kukwira chikepe chimwe chete kubva pachikamu chokutanga cherwendo rwokuenda kuRoma? Wezvenhau Giuseppe Ricciotti anoti: “Ava vaviri vakakwira savakwiriwo zvavo . . . kana kuti, sezvingabvira zvikuru, vakabvumwa netsitsi dzomukuru mukuru weuto uyo akanyepedzera kuvarangarira savaranda vaPauro, sezvo mutemo wakabvumidza mugari weRoma kubetserwa nevaranda vakati wandei.” Pauro anofanira kuva akafadzwa sei nokuvapo kwavo nekurudziro!
Ruka naAristarko vakaratidzira kuda kwavo Pauro vachizviisa mungozi. Kutaura idi, vakaona mamiriro ezvinhu ane ngozi apo, pamwe chete neshamwari yavo yaiva nhapwa, vakaendeswa nechikepe pachitsuwa cheMerita.—Mabasa 27:13–28:1.
“Musungwa Pamwe Chete” naPauro
Apo Pauro akanyora tsamba dzake kuVaKorose uye kuna Firemoni muna 60-61 C.E., Aristarko naRuka vakanga vachinaye muRoma. Aristarko naEpafrasi vanotaurwa se‘vasungwa pamwe chete’ naPauro. (VaKorose 4:10, 14; Firemoni 23, 24) Kwenguva yakati, naizvozvo, Aristarko sezviri pachena akagoverana zvisungo zvaPauro zvomutorongo.
Kunyange zvazvo Pauro akanga ari musungwa muRoma kweanenge makore maviri, akabvumirwa kurarama achichengetwa muimba yake yaakanga ahaya, maaigona kuzivisa mashoko akanaka kuvaenzi. (Mabasa 28:16, 30) Aristarko, Epafrasi, Ruka, nevamwe ipapo vakashumira Pauro, vachimubetsera nokumutsigira.
“Yamuro Inosimbisa”
Pashure pokurangarira nhau dzakasiyana-siyana umo Aristarko anotaurwa nezvake muchinyorwa chakafuridzirwa cheBhaibheri, unoonei paari? Maererano nomunyori W. D. Thomas, Aristarko “anotanhamara somunhu aigona kutarisana nechishoro ndokuchikurira nokutenda kwakazara uye kutsunga kwake kusina kuderedzwa. Akatanhamara somunhu aida Mwari kwete bedzi mumazuva akanaka, apo zuva raipenya mudenga, asiwo pane zvaiva zvakaoma nomumiedzo.”
Pauro anotaura kuti Aristarko navamwe vakanga vari “yamuro inosimbisa” (chiGiriki, pa·re·go·riʹa) kwaari, ndiko kuti, paibva nyaradzo. (VaKorose 4:10, 11, NW) Nokudaro kupfurikidza nokunyaradza nokusimbisa Pauro, Aristarko akanga ari shamwari chaiyoiyo munguva dzokushayiwa. Kuva noushamwari nomuapostora kwenhambo yamakore anoverengeka kunofanira kuva kwaiva chiitiko chinogutsa zvikuru uye chinopfumisa mumudzimu.
Tingasazviwana tiri mumamiriro ezvinhu anoshamisa zvikuru seayo akawanika naAristarko. Kunyange zvakadaro, kuvimbika kwakafanana kuhama dzomudzimu dzaKristu uye kusangano raJehovha kuri madikanwa kuvose vari muungano yechiKristu nhasi. (Enzanisa naMateo 25:34-40.) Sezvingabvira vatinonamata navo pane imwe nguva vachatambura nhamo kana kuti kuora mwoyo, zvichida nemhaka yokufirwa, kurwara, kana kuti mimwe miedzo. Kupfurikidza nokuva navo nokugovera betsero, nyaradzo, uye kurudziro, tinogona kuwana mufaro uye tinogona kuzvibvumikisa kuva shamwari dzakavimbika.—Enzanisa naZvirevo 17:17; Mabasa 20:35.