Koshesa Upenyu Chaihwoihwo
UPENYU huno ndihwo bedzi huripo here? Kupfurikidza nokutikurudzira kuti ti“batisise upenyu chaihwo,” Bhaibheri rinoratidzira kuti kune hwakawanda. (1 Timotio 6:17-19) Kana upenyu hwedu hwazvino husiri upenyu chaihwoihwo, ndohupi huri?
Mashoko akapoteredza rugwaro ruchangobva kududzwa anoratidza kuti ndihwo “upenyu husingaperi” uhwo munhu anotya Mwari anofanira kubatisisa. (1 Timotio 6:12) Nokuda kworuzhinji zvikuru, ikoku kunoreva upenyu husingaperi pasi pano. Adhama, munhu wokutanga, akanga ane kariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. (Genesi 1:26, 27) Iye aizongofa bedzi kana akadya pa“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:17) Asi nemhaka yokuti Adhama nomudzimai wake, Evha, vakadya nokusateerera pamuti iwoyo, Mwari akazivisa rutongeso rworufu. ‘Muzuva ravakadya pauri,’ vakafa mumurangariro waMwari ndokuvamba kuwira kwavo murufu rwomuviri. Upenyu hwavo hwakanga husati huchisiri hworunako rwavakanga vafarikanya pakutanga.
Nzira Yoku“upenyu Chaihwo”
Kuti aite kuti “upenyu chaihwo” hubvire, Jehovha Mwari akaita gadziriro yokununura rudzi rwomunhu. Kutibetsera kunzwisisa iyi gadziriro, ngatifungidzirei fekitari duku. Michina yose iri mairi yakaipa uye inoparira vashandisi nhamo nemhaka yokuti mushandi wokutanga makore akati apfuura akafuratira bhuku remirayiridzo yomushandisi ndokukuvadza michina yose. Vashandisi vomuzuva razvino vanongogona bedzi kuita unani hwavo kushanda neyavanayo. Muridzi wefekitari anoda kugadzira michina yacho kuti abetsere vashandi vake, uye iye ari kutsaura mari iri madikanwa yechinangwa ichocho.
‘Mushandisi womuchina’ wokutanga, Adhama, haana kukoshesa upenyu hwaakanga apiwa. Nokudaro, akapfuuridzira kuvana vake upenyu husina kukwana, hwakafanana nomuchina usingashandi zvakanaka. (VaRoma 5:12) Kufanana navashandisi vapashure mufekitari, avo vaisagona kururamisa mamirire ezvinhu, vana vaAdhama vave vasingakwanisi kuzviwanira vamene upenyu chaihwoihwo. (Pisarema 49:7) Kuti aruramise aya mamirire ezvinhu airatidzika kuva asina tariro, Jehovha akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kupasi kuti adzorere upenyu husingaperi nokuda kworudzi rwomunhu. (Ruka 1:35; 1 Petro 1:18, 19) Kupfurikidza nokufa rufu rwechibayiro nokuda kworudzi rwomunhu, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, akagovera mari—upenyu hunowirirana nouhwo Adhama akarasa. (Mateo 20:28; 1 Petro 2:22) Ane ichi chibayiro chinokosha, Jehovha zvino ane hwaro hwokugovera nahwo upenyu chaihwoihwo.
Nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera, chibayiro chorudzikinuro chaJesu chichareva upenyu husingagumi muparadhiso yapasi. (Pisarema 37:29) Iyi tariro inopiwa kuna vose vanopukunyuka “kurwa pazuva iro guru raMwari Wamasimba ose,” rinonongedzerwa kwariri seHar-Magedhoni. (Zvakazarurwa 16:14-16) Kuchabvisa uipi hwose mupasi. (Pisarema 37:9-11) Avo vanoyeukwa naMwari vanofa nguva iyoyo isati yasvika vachamutsirwa kuParadhiso ichadzorerwa pasi pano uye vachava nekariro yokufarikanya upenyu chaihwoihwo hwakachengeterwa vose vanoteerera Mwari.—Johane 5:28, 29.
Kudikanwa Kwokukoshesa Upenyu Hwedu Hwazvino
Ikoku hakusati kuchireva kuti tinogona kuzvidza nenzira yakarurama utsvene hwoupenyu hwedu hwazvino. Muridzi wefekitari achashandisa nguva nemari achigadzirirazve mushandi muchina waasingatarisiri here? Panzvimbo pezvo, mushandirwi haasati aizoronzesa muchina wagadzirwazve kumunhu akaita unani hwake kuchengeta wekare here?
Upenyu chipo chinokosha chakabva kuna Jehovha. Samanyuko ane rupo echipo ichocho, anoda kuti tihukoshese. (Pisarema 36:9; Jakobho 1:17) Achitaura nezvokuitira hanya kwaJehovha vanhu vari pasi pano, Jesu akati: “Nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.” (Ruka 12:7) Jehovha akarayira vaIsraeri kusaponda, uko nenzira yomuzvarirwo kwaibatanidza kusazviponda umene. (Eksodho 20:13) Ikoku kunotibetsera kudzivisa kurangarira kuzviuraya sechisarudzo.
Vachiziva fariro yorudo yaJehovha mugarikano yedu, vanhu vanotya Mwari vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri kumiitiro yomuzuva razvino. Somuenzaniso, nemhaka yokuti vaKristu vechokwadi vanodikanirwa ku‘zvichenesa vamene pachinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu, vachikwanisa utsvene mukutya Mwari,’ vanodzivisa fodya nemirimo inopinda muropa inochinja ndangariro.—2 VaKorinte 7:1.
Fariro yaMwari muupenyu hwavanhu inoonwazve muzano rake rokuchengeta “mwoyo wakagadzikana” nokudzivisa mufambiro wounzenza. (Zvirevo 14:30; VaGaratia 5:19-21) Kupfurikidza nokunamatira kuiyi mipimo yakakwirira, tinodzivirirwa pazvinhu zvakadai soupengo hunokuvadza nehosha dzinopfuudzwa muvatano.
Kuitira hanya kwaJehovha upenyu hwavanhu vake kuri pachenawo muzano rake rokurega kudyisa nokunwisa. (Dheuteronomio 21:18-21; Zvirevo 23:20, 21) VaKristu vanonyeverwa kuti vanhu vane makaro nezvidhakwa havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari, ndiko kuti, havasati vachizotongowana upenyu chaihwoihwo. (1 VaKorinte 6:9, 10; 1 Petro 4:3) Kupfurikidza nokukurudzira kuva nomwero, Jehovha anotidzidzisa kuzvibetsera timene.—Isaya 48:17.
Apo tinowirirana nemipimo yaMwari, tinoratidza kuti tinokoshesa upenyu hwedu hwazvino. Chokwadika, hunotokosha zvikuru ndihwo upenyu chaihwoihwo. Sezvo husingaperi, vaKristu vechokwadi vanopa ukoshi hukuru kwahuri kupfuura kuupenyu hwavo hwazvino. Apo Jesu Kristu akabayira upenyu hwake, akazviisa amene pasi pokuda kwaJehovha. Kuteerera Baba vake kwakareva zvakawanda zvikuru kwaari kupfuura zvakaita upenyu hwake pano pasi. Nzira yaJesu yakaguma norumuko rwake nokugamuchira kwake upenyu husingafi mudenga. (VaRoma 6:9) Rufu rwake rwunorevawo upenyu husingaperi nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera avo vanotenda chibayiro chake chorudzikinuro.—VaHebheru 5:8, 9; 12:2.
Mutemo Unokosha Paropa
Nenzira inonzwisisika, vateveri vaJesu vanoratidzira kufunga kwake. Ivo vanotsvaka kufadza Mwari muzvinhu zvose, kunyange sezvakaita Kristu. Kutanga, ikoku kunotsanangura chikonzero nei vachiramba kuisirwa ropa, uko vamwe vanachiremba vanodana kuti kunoponesa upenyu. Ngationei kuti mumwe munhu anoratidza sei kuti anokoshesa upenyu chaihwoihwo kupfurikidza nokuramba kuisirwa ropa.
Kufanana naJesu Kristu, vaKristu vechokwadi vanoshuva kuva vapenyu mumurangariro waMwari, uye ikoko kunoda teerero yakakwana kwaAri. Shoko raMwari rinorayira vateveri vaKristu, kuti: “Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” (Mabasa 15:28, 29) Nei uyu mutemo pamusoro peropa wakabatanidzwa pakati pemirayiro inosunga pavaKristu?
Mutemo wakapiwa kuvaIsraeri waida kurega ropa. (Revhitiko 17:13, 14) VaKristu havasati vari muMutemo waMosesi. Asi vanoziva kuti murayiro wokusadya ropa wakatangira Mutemo; wakanga wapiwa kare kuna Noa pashure peBoporodzi. (Genesi 9:3, 4; VaKorose 2:13, 14) Uyu murayiro wakashanda kuvana vose vaNoa, kwakabva marudzi ose apasi. (Genesi 10:32) Mukuwedzera, Mutemo waMosesi unotibetsera kuona chikonzero chokuomerera kwaMwari pautsvene hweropa. Pashure pokurambidza vaIsraeri kudya ropa rorudzi rwupi norwupi, Mwari akati: “Upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paatari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo.” (Revhitiko 17:11) Ropa rakachengetwa naMwari nokuda kweshandiso yechibayiro paatari. Mutemo wake pautsvene hweropa unozivisa chiremera chake paupenyu hwose huri pasi pano. (Ezekieri 18:4; Zvakazarurwa 4:11) Tichiona upenyu hwedu mumurangariro waJehovha, tinoziva kuti hahusi hwedu asi hunoronzeswa bedzi kwatiri naMwari.
Seizvo chaizvo mushandisi mumuenzaniso wedu akanga ane mutoro womuchina, takaronzeswa upenyu hwedu hwazvino. Chii chawaizoita kudai muchina wako waida kugadzirwa uye makanika akakarakadza kuugadzira kupfurikidza nokushandisa mapati anorambidzwa zvakananga mubhuku remirayiridzo yomushandisi? Haungabvunzi vamwe vanamakanika here kuti uone kana muchina wacho ungagona kugadzirwa mutsinhirano nemirayiridzo yebhuku rokushandisa? Upenyu hwavanhu hunokosha zvikuru kwazvo uye hwakaoma kunzwisisa kupfuura muchina. MuShoko rake rakafuridzirwa, bhuku remirayiridzo yokushandisa rokuchengeta vanhu vari vapenyu, Muiti wedu anorambidza kushandiswa kweropa kutsigira upenyu. (Dheuteronomio 32:46, 47; VaFiripi 2:16) Hakuna mufungo here kunamatira kuzvinodikanwa zvebhuku iroro remirayiridzo yokushandisa?
Chaizvoizvo, varwere vechiKristu vanokumbira kurapwa kusina ropa kwechirwere chavo havasi kuramba kurapwa kwose nemishonga. Ivo vari kungokumbira zvavo kurapa kucharatidza kuremekedza upenyu hwavo—hwose huri huviri hwazvino nohwomunguva yemberi. Vanachiremba vanoremekedza noushingi chimiro chinotorwa navaKristu vanopupurira betsero dzokuvarapa mutsinhirano nechikumbiro chavo. “Kusangana neZvapupu zvaJehovha kwakanditungamirira kuzvinokosha zvitsva,” anodaro muvhiyi mumwe uyo aisiwanzoisira ropa zvikuru kwazvo. Zvino iye anoedza kurapa kunyange vasiri Zvapupu pasina ropa.
Kukoshesa Upenyu Chaihwoihwo
Zvii zvakanga zviri zvinokosha zvitsva izvo uyu muvhiyi akawana kupfurikidza nokurapa Zvapupu zvaJehovha? Iye zvino anoziva kuti kurapa murwere kunobatanidza kwete chete rutivi rwomuviri rwunotapurwa nehosha asi munhu wose. Murwere haafaniri here kubvumirwa kukumbira kutarisirwa kwakanakisisa kwegarikano yake yomuviri, yomudzimu, uye yemirangariro?
Kuna Kumiko ane makore 15 okukura, kuisirwa ropa kurapa leukemia yake inouraya chakanga chiri chisarudzo chinobvira chakaipisisa. Kuedza kurebesa upenyu hwake nouyu mutoo kwevhiki shomanene, mwedzi yakati, kana kuti kunyange makore kwakanga kusina kufanira izvo kwaizomudyira pakupedzisira. Zvaakanga atsaurira upenyu hwake hwazvino kuna Jehovha Mwari somumwe weZvapupu zvake, akaremekedza utsvene hwoupenyu neropa. Kunyange zvazvo baba vake nedzimwe hama dzokunyama vakashora zvakasimba chimiro chake, Kumiko akamira akasimba. Chiremba wake akambobvunza, kuti: “Kana Mwari wako achikanganwira kundikano, haangakukanganwiri here kunyange kana ukabvuma kuisirwa ropa?” Kumiko akaramba kubvumirana pane zvisina kufanira uye nokudaro achiramba chitendero chake chakavakirwa paBhaibheri. A“kabatisisa shoko roupenyu,” akachengeta chimiro chake. (VaFiripi 2:16) Ambuya vake vasingadaviri vakati, “Kumiko haasati aizorega chitendero chake.” Nokukurumidza chimiro chendangariro chababa vake naambuya vake pamwe chete neicho chavanachiremba vanorapa chakachinja.
Kutenda kwakasimba kwaKumiko muna Jehovha Mwari, uyo anogona kumumutsa achibva muna vakafa, kwakasunda mwoyo yakawanda. Achiri mupenyu, akateterera baba vake, kuti: “Kunyange kana ndikafa, ndichamutswa muParadhiso. Asi kana mukaparadzwa paHar-Magedhoni, handisati ndichizokuonai. Naizvozvo ndapota fundai Bhaibheri.” Baba vake vakangoramba vachiti: “Apo unonaya, ndichadaro.” Asi apo Kumiko akafa nechirwere chake chinopfuurira, baba vake vakaisa mubhokisi rake tsamba iyo yaiti: “Ndichakuona muParadhiso, Kumiko.” Pashure pehurukuro yamariro, ivo vakataura kuavo vakapinda hurukuro yacho ndokuti: “Ndakavimbisa Kumiko kuti ndaizomuona muParadhiso. Kunyange zvazvo ndichiri asingagoni kuidavira nemhaka yokuti handisati ndafunda zvakakwana, ndakatsunga kuinzvera. Ndapota ndibetserei.” Vamwe vomumhuri yake vakatangawo kufunda Bhaibheri.
Kumiko aiva noruremekedzo rwechokwadi nokuda kwoupenyu uye aida kurarama. Akaonga zvose izvo vanachiremba vake vakaita kuponesa upenyu hwake hwazvino. Kupfurikidza nokuwirirana nemirayiridzo iri mubhuku remirayiridzo yokushandisa roMusiki, zvisinei, iye akabvumikisa kuti aikoshesa upenyu chaihwoihwo. Nokuda kwamamiriyoni, ihwohwo huchava upenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Iwe uchava pakati pawo here?