RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 55—2 Timotio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 7. Neiko Magwaro akafuridzirwa achifanira kuva anobetsera zvikurukuru “namazuva okupedzisira”?

      7 “Namazuva okupedzisira,” kuchava nenguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo navanhu vanobvumikisa kuva venhema kukuratidza kwavo kuzvipira kwoumwari, “[va]nongogara [va]chidzidza, asi ha[va]tongogoni kusvika pakuziva zvokwadi.” Asi Timotio akasanotevera kudzidzisa kwaPauro, mararamire ake, uye kutambudzwa kwake, izvo Ishe akamununura mazviri. “Zvino,” anowedzera kudaro, “navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa.” Timotio, zvisinei, anofanira kupfuurira muzvinhu zvaakadzidza kubvira paucheche, izvo zvinokwanisa kumuita kuti ave akachenjera nokuda kworuponeso, nokuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.”—3:1, 7, 12, 16.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 55—2 Timotio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 10. (a) Ibetseroi yakati ye“Rugwaro rwose” inosimbiswa mutsamba yaTimotio Yechipiri, uye vaKristu vanofanira kuvavarira kuva chii? (b) Ipesvedzeroi inofanira kudziviswa, uye ikoku kungaitwa sei? (c) Kunopfuurira kuva nokudikanwa kwokukurumidzira kwechii?

      10 “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.” Runobetsera nokuda kwechii? Pauro anotiudza mutsamba yake yechipiri kuna Timotio, kuti: “Pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (3:16, 17) Nokudaro betsero yo“kudzidzisa” inosimbiswa muiyi tsamba. Vadi vose vokururama nhasi vachada kuteerera zano rokuchenjera retsamba yacho mukuvavarira kuva vadzidzisi veShoko uye mukuita unanesa hwavo kuva vashandi vanotenderwa vaMwari, va“nonatsa kururamisa shoko razvokwadi.” SomuEfeso yomuzuva raTimotio, naizvozvo muzera rino razvino, kune avo vanofadzwa ne“mibvunzo youpenzi nokusaziva,” va“nongogara [va]chidzidza, asi ha[va]tongogoni kusvika pakuziva zvokwadi,” uye avo vanoramba “dzidziso yakarurama” vachida havo vadzidzisi vanofadza nzeve dzavo nenzira yavanoda noudyire. (2:15, 23; 3:7; 4:3, 4) Kudzivisa iyi pesvedzero yenyika inoshatisa, kuri madikanwa ku“batisisa zva[ka]ratidzwa zvamashoko akanaka” mukutenda norudo. Uyezve, kune kudikanwa kwokukurumidza kwokuti vanhu vakawanda zvikuru vave “vanogonawo kudzidzisa vamwe” kwose kuri kuviri mukati nokunze kweungano, kufanana naTimotio, “munhu waMwari.” Vanofara vose vanotakura uyu mutoro, vachiva ‘vakakwaniriswa kudzidzisa nounyoro,’ uye vanoparidza shoko “nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa”!—1:13; 2:2, 24, 25; 4:2.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe