Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingaita Sei Kuti Chokwadi Chive Changu?
“Ndakarerwa seChapupu chaJehovha, uye ndaigara ndichifunga kuti kana wairerwa saizvozvo, waiziva chaizvoizvo Jehovha. Ndakanga ndakarasika sei!”—Antoinette.
“CHOKWADI chii?” Pontio Pirato, murume akaita kuti Jesu aendeswe kunourawa, akabvunza mubvunzo iwoyo wakakurumbira. (Johane 18:38, NW) Zvisinei, zviri pachena kuti Pirato aida kuti mubvunzo wake wokuzvidza uyu uvhare—kwete kupfuudzira—kurukurirano yepachokwadi. Akanga asiri kufarira chaizvoizvo “chokwadi.” Asi zvakadini newe? Unofarira chokwadi here?
Kwemazana emakore vazivi vave vachifungisisa kuti chokwadi chii, vachiwana zvishomanene zvinotonyadzisa kuratidza kuenzanisa nebasa ravakaita. Zvisinei, unogona kuwana mhinduro yemubvunzo waPirato. Jesu Kristu akadzidzisa kuti Shoko raMwari ichokwadi. Akataurawo nezvake pachake se“chokwadi.” Uye muapostora Johane akanyora kuti: “Chokwadi chakavapo naJesu.” (Johane 1:17; 14:6; 17:17, NW) Dzidziso dzose zvadzo dzechiKristu, idzo dzakava chimwe chikamu cheBhaibheri, dzinonziwo “chokwadi” kana kuti “chokwadi chemashoko akanaka.” (Tito 1:14; VaGaratia 2:14, NW; 2 Johane 1, 2) Dzidziso idzi dzechiKristu dzinobatanidza zvinhu zvakadai sezita chairo raMwari, kugadzwa kwoUmambo hwaMwari, kumuka, nechibayiro zvaJesu.—Pisarema 83:18; Mateo 6:9, 10; 20:28; Johane 5:28, 29.
Zviuru zvevaduku zvakadzidziswa chokwadi cheBhaibheri nevabereki vazvo vechiKristu. Asi izvi zvinoreva kuti vakadaro vari ku“famba muchokwadi” here? (3 Johane 3, 4, NW) Hazvirevi hazvo kudaro. Jennifer ane makore makumi maviri, somuenzaniso, akarerwa seChapupu chaJehovha. Anoyeuka kuti: “Amai vangu vaienda neni kukokorodzano dzeZvapupu uye vakataura kuti ndaifanira kufunga nezverubhabhatidzo. Asi ndakafunga ndiri ndoga kuti, ‘Handitomboda zvangu kuva Chapupu. Ndinongoda kunakidzwa chete!’”
Dzimwe pwere dzinodavira zvadzakadzidziswa, asi dzinokundikana kunyatsonzwisisa zvakazara zvinodzidziswa neBhaibheri chaizvoizvo. Ngozi yacho ndeipi? Jesu akanyevera kuti vamwe vanhu havana “mudzi mukati ma[vo].” Vanhu vakadaro “ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.” (Marko 4:17) Vamwe vanogona kutsanangura zvinhu zvakati kuti zvavanodavira zviri muBhaibheri, asi ivo pachavo havanyatsozivi Mwari. Mumwe mukadzi muduku anonzi Aneesa anotaura kuti: “Handifungi kuti ndakambova noukama chaihwo naJehovha pandaiva muduku . . . Ndinofungidzira kuti hwaitsamira paukama hwevabereki vangu naye.”
Iwe uri papi munhau iyi? Jehovha anongova zvake Mwari wevabereki vako here? Kana kuti, semunyori wePisarema reBhaibheri, unogona here kutaura kuti: “Asi ndakavimba nemi Jehovha; ndakati: Ndimi Mwari wangu”? (Pisarema 31:14) Zvingada ushingi kuti uone zvinhu sezvazviri. Mumwe murume muduku anonzi Alexander anotaura kuti: “Kwandiri, kunyatsozviongorora zvepachokwadi ndiro raiva danho rokutanga.” Pashure pokunyatsozvinzvera, ungasvika pakuziva kuti hausati wambozvionera chokwadi (dzidziso dzose zvadzo dzechiKristu) pachako kuti ndicho here. Ungave usina kunyatsopwiswa, uye upenyu hwako hungaratidzika sehusina chinangwa, husina kwahwakanyatsonanga chaiko.
Pamisangano yazvo yechiKristu, Zvapupu zvaJehovha zvinowanzoimba rwiyo runoti “Ita Zvokwadi Yako Umene.”a Zano iroro ringava rakakodzera kwauri. Asi ungazviita sei? Unotangira papi?
Zvionere Pachako Kana Zvirizvo
Pana VaRoma 12:2, tinowana zano romuapostora Pauro: “Muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” Asi ungazviita sei izvozvi? Kupfurikidza nokuwana “zivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (Tito 1:1, NW) Vagari vakare vemuguta reBherea havana kungobvuma zvinhu zvavakanzwa vasingabvunzi. Mukupesana, “[vakanzvera] magwaro zuva rimwe nerimwe kana zvinhu izvozvo [zvavakanga vachidzidza] zviri izvo.”—Mabasa 17:11.
Mumwe muKristu muduku anonzi Erin akaona zvichikosha kuita zvakafanana pachake. Anoyeuka kuti: “Ndakanzvera. Ndakazvibvunza, ‘Ndinozviziva sei kuti ichi ndicho chitendero chechokwadi? Ndinozviziva sei kuti kuna Mwari anonzi Jehovha?’” Wadii kutanga chirongwa chako woga chokudzidza? Ungatanga nebhuku rine mashoko anobva muBhaibheri rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.b Nyatsorirava zvakanaka. Vhura magwaro ose akanyorwa uye cherechedza kuti anowirirana sei nezvakanyorwa. Ungashamiswa kuona kuti unonzwa zvakasiyana sei pamusoro pechokwadi paunova “mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko [rechokwadi, NW]”!—2 Timotio 2:15.
Muapostora Petro akataura kuti zvimwe zvinhu zviri muBhaibheri “zvikukutu kunzwisisa,” uye uchaona kuti izvi ndezvechokwadi. (2 Petro 3:16) Asi mudzimu waMwari unogona kukubatsira kunzwisisa kunyange nhau dzakaoma. (1 VaKorinte 2:11, 12) Nyengeterera kubatsirwa naMwari kana uri kunetseka kunzwisisa chimwe chinhu. (Pisarema 119:10, 11, 27) Edza kuita kumwe kunzvera mumabhuku eWatch Tower Society. Kana usina chokwadi chokuti izvozvo zvinoitwa sei, kumbira kubatsirwa. Vabereki vako kana kuti zvichida mimwe mitezo yeungano yechiKristu yakakura mumudzimu inogona kukubatsira.
Yeuka kuti, hausi kudzidza kuti uorore vamwe nezivo yako. Imwe pwere inonzi Collin inotsanangura kuti: “Uri kuda kuziva mavara aJehovha.” Wana nguva yakakwana yokufungisisa zvauri kurava kuitira kuti zvinyure mumwoyo mako.—Pisarema 1:2, 3.
Kupinda misangano yechiKristu pamwe chete neungano kunogonawo kukubatsira. Pamusoro pazvo, sokunyora kwemuapostora Pauro, ungano i“mbiru nechitsigiro chechokwadi.” (1 Timotio 3:15, NW) Dzimwe pwere dzinonyunyuta kuti misangano yechiKristu inofinha. “Asi kana usiri kugadzirira misangano,” anoyeuchidza kudaro Collin muduku, “hauna zvakawanda zvaunowana mairi.” Naizvozvo fanogadzirira zvidzidzo zvako. Misangano inonyanyonakidza paunenge uchipindura—kwete kungotarisa chete.
Une Basa Zvokuti Haugoni Kufunda Here?
Zvinobvumwa kuti, nebasa rose rechikoro nerokumba, kuwana nguva yekufunda kunogona kunetsa. Mumwe musikana muduku anonzi Susan anonyora kuti: “Kwemakore ndainetseka nokuziva kuti ndaifanira kugadzirira misangano nokufunda ndiri ndoga, asi ndaisagona kuzviita.”
Susan akadzidza ‘kutenga nguva’ kuzvinhu zvisinganyanyokosha. (VaEfeso 5:15, 16) Kutanga, akanyora pasi zvinhu zvose zvaaifanira kufunda. Tevere, akaronga nguva yokuzvifunda. Asi akaisawo nguva yenhandaro mupurogiramu yake. Anopa zano rokuti: “Usarongere nguva yose isina zvokuita. Tose zvedu tinoda nguva yokuzorora.” Kuva nepurogiramu zvimwe kuchashandawo kwauri.
Udza Vamwe Zvaunodzidza
Kushandisa zvaunodzidza kunonyanya kubatsira pakuita kuti zvaunodzidza zvive mararamire ako. Edza kudzidzisa mumwe munhu. Wezvemapisarema akataura kuti: “Muromo wangu uchataura uchenjeri; uye kufunga kwomwoyo wangu kuchava nenjere.”—Pisarema 49:3.
Kana usinganyari nemashoko akanaka, hauzozezi kuaudza vaunodzidza navo nevamwe vaungasangana navo. (VaRoma 1:16) Kupfurikidza nokushandisa nguva dzakadaro kutaura chokwadi kuvamwe, unenge uchishandisa zvauri kudzidza; uye paunoita kudaro unoita kuti chokwadi chidzike midzi mundangariro nemwoyo wako.
Ngwarira Vaunotamba Navo
Vamwe vaKristu vomuzana rokutanga remakore vakafambira mberi zvakanaka-naka mukunamata. Asi nenguva isipi muapostora Pauro aifanira kuvanyorera, achibvunza kuti: “Ndianiko wakakudzivisai kuti murege kutevera [chokwadi, NW]?” (VaGaratia 5:7) Chimwe chinhu chakafanana chakaitika kune imwe pwere inonzi Alex. Anoreurura kuti kuedza kwake kufunda Shoko raMwari kwakavhiringidzwa ne“kutamba [kwake] neshamwari dzakaipa.” Kuti ufambire mberi mumudzimu, ungafanirawo kuchinja panhau iyi.
Nenzira yakapesana, shamwari dzakanaka dzinogona chaizvoizvo kukubatsira kufambira mberi. Zvirevo 27:17 inoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” Wana vanhu kwavo vokutevedzera—vanhu vanoshandisa chokwadi muupenyu hwavo. Ungasafanira kutsvaka kure uchisiya mumhuri mako. Jennifer muduku anoyeuka kuti: “Sekuru vaiva muenzaniso wangu wakanakisisa. Nguva dzose nomusi weSvondo vaipedza maawa matatu vachigadzirira kufunda Bhaibheri kunoitwa neungano. Vaivhura magwaro ose aiva muchidzidzo chacho mushanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri nokutsvaka zvairehwa nemashoko muduramazwi. Vaiva nyanzvi yokuziva zvinhu zviri muBhaibheri zvisingawanzozivikanwi. Waiti ukavabvunza chinhu chose chose, vaiwana mhinduro.”
Kana ukaita kuti chokwadi chive chako chaicho, unowana chimwe chinhu chinokosha zvikurusa—chimwe chinhu chausingazorasikirwi nacho nyange zvotsvuka sei. Naizvozvo usazombofa wakaona chokwadi se“chitendero chevabereki vangu.” Unofanira kunzwa wapwiswa zvokugona kutaura sezvakaita wezvemapisarema kuti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Kupfurikidza nokunyatsoziva zvinodzidziswa neBhaibheri, kuzvidavira, kuzviudza vamwe uye, kupfuura zvose, kurarama zvinowirirana nezvaunodavira izvi, ucharatidza kuti waita kuti chokwadi chive chako.
[Mashoko Omuzasi]
a Iri mubhuku renziyo rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Zvionere woga kana chiri chokwadi nokunzvera woga nokufunda uri woga