Bhuku reBhaibheri Nhamba 56—Tito
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Makedhonia (?)
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 61–64 C.E.
1. (a) Ibasai rakaronzeswa kuna Tito? (b) Ungano dzeKrete dzakanga dzavamba mumhoteredzoi, uye vaKristu muKrete vaifanira kuitei?
“PAURO, muranda waMwari, nomuapostora waJesu Kristu . . . kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose.” (Tito 1:1, 4) Inovamba saizvozvo tsamba yaPauro kumushandi biyake nomusonganiri wenguva refu Tito, uyo akanga asiya pachitsuwa cheKrete kuti aronge ungano zviri nani. Tito akanga ane basa guru rokuti aite. Ichi chitsuwa, icho chaitaurwa kuve chakanga chiri nzvimbo yakare ya“baba wavamwari navanhu,” chakanga chiri manyuko okutaura kwechiNgezi kunoti, “to Crete a Cretan,” kureva kuti “kukunda ane ujarijari.”a Kusava vechokwadi kwavanhu vayo kwaisanozivikanwa, zvokuti Pauro akatonokora mashoko muporofita wavo vamene seanoti: “VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vane usimbe.” (1:12) VaKrete vomuzuva raPauro vakarondedzerwawo sezvinotevera: “Unhu hwavanhu vacho hwakanga husina kutsiga, husiri hwechokwadi, uye hwokukakavara; vaiva namakaro, utere, nhema, uye udhakwa, muusati uri mwerowo zvawo; uye vaJudha avo vakanga vagara pakati pavo vanoratidzika kuva vakanga vapfuura vakaberekerwamo muunzenza.”b Ungano dzeKrete dzakanga dzavamba mumhoteredzo yakadaro chaizvo; uye nokudaro kwakanga kuri madikanwa zvikurukuru kuti vatendi va“rambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, [va]rarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari,” sokukurudzira kwakaita Pauro.—2:12.
2, 3. (a) Isonganiroi iyo Tito akava nayo naPauro? (b) Sezvingabvira Pauro akanyorera Tito ari kupi, uye nokuda kwechinangwai?
2 Bhuku raTito rimene rinopa mashoko mashomanene zvikuru pamusoro pesonganiro yaPauro naTito. Kubva munongedzero kuna Tito mudzimwe tsamba dzaPauro, zvisinei, mashoko akawanda anogona kuwanwa. Tito, uyo akanga ari muGiriki, kazhinji kazhinji aiperekedza Pauro uye panhambo inenge imwe akakwira kuJerusarema naye. (VaG. 2:1-5) Pauro anonongedzera kwaari se“shamwari yangu, nomubatsiri wangu.” Akanga ari Tito uyo Pauro akanga atuma kuKorinte pashure pokunyora tsamba yake yokutanga kuvaKorinte ari muEfeso. Apo akanga ari muKorinte, Tito akabatanidzwa nokuunganidza mipiro kwakanga kuchiitirwa hama muJerusarema, uye pashure pacho akadzokera pakurayira kwaPauro kuti apedzise kuunganidza mipiro kwacho. Pakanga pari parwendo rwokudzokera kuKorinte achibva kukusangana kwake naPauro muMakedhonia apo Tito akashandiswa kutakura tsamba yechipiri yakabva kuna Pauro kuvaKorinte.—2 VaK. 8:16-24; 2:13; 7:5-7.
3 Pashure pokusunungurwa kwake mukuiswa kwake mutorongo kwokutanga muRoma, Pauro akasanganiswa zvakare naTimotio naTito mukati mamakore okupedzisira oushumiri hwake. Ikoku kunoratidzika kuva kwakabatanidza basa muKrete, Girisi, uye Makedhonia. Pakupedzisira, Pauro anotaurwa nezvake seanoenda kuNikopori, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweGirisi, uko sezviri pachena akasungwa ndokuendeswa kuRoma nokuda kwokuiswa kwake mutorongo kwokupedzisira nokuurawa. Makanga muri mukati mokushanyira Krete umo Pauro akanga asiya Tito ipapo kuti a“pedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose,” mutsinhirano nemirayiridzo yaakanga apa Tito. Tsamba yaPauro inoratidzika kuve yakanyorwa chinguvana pashure pokunge asiya Tito muKrete, sezvingabvira zvikurusa ari muMakedhonia. (Tito 1:5; 3:12; 1 Tim. 1:3; 2 Tim. 4:13, 20) Inoratidzika kuva yakabatira chinangwa chakafanana nechiya chaTimotio Wokutanga, ndiko kuti, kukurudzira mushandi biyake waPauro nokumupa tsigiro ine chiremera mumabasa ake.
4. Tsamba kuna Tito inofanira kuve yakanyorwa rini, uye chii chiri ufakazi hwokuva kwayo yechokwadi?
4 Pauro anofanira kuve akanyora tsamba yacho pane imwe nguva pakati pokuiswa kwake mutorongo kwokutanga nekwechipiri kuRoma, kana kuti munenge muna 61 kusvikira kuna 64 C.E. Ukuru hwoufakazi hwouchokwadi hwetsamba kuna Tito ndohumwe chetehwo nohwetsamba dzapanguva imwe cheteyo kuna Timotio, mabhuku matatu eBhaibheri kazhinji kazhinji achinzi “tsamba dzokufudza” dzaPauro. Muitiro wokunyora wakafanana. Irenaeus naOrigen vose vari vaviri vanonokora mashoko muna Tito, uye zvimwe zviremera zvakawanda zvakare zvinopupurirawo kuva kwebhuku racho romundaza yamanyoro matsvene. Rinowanwa mumaManuscript eSinaitic neAlexandrine. MuJohn Rylands Library mune rutivi rwomupumburu wamanyoro wenhokwe, P32, urwo rwuri peji yamanyoro yerinenge zana ramakore rechitatu C.E. runa Tito 1:11-15 naTit 2:3-8.c Hapana kupokana kuti bhuku racho rutivi rwechokwadi rwaMagwaro akafuridzirwa.
ZVIRI MUBHUKU RATITO
5. (a) Zvikwanirisoi zvavatariri izvo Pauro anosimbisa, uye neiko ikoku kuchidikanwa? (b) Neiko Tito achifanira kutsiura zvakakomba, uye chii chinotaurwa nezvevanhu vakashatiswa?
5 Vatariri vanofanira kurayira kupfurikidza nokudzidzisa kwakanaka (1:1-16). Pashure pekwaziso yechidakadaka, Pauro anoronga zvikwaniriso zvavatariri. Kunosimbiswa kuti mutariri anofanira kuva “usina chaangapomerwa,” mudi worunako, akarurama, akavimbika, murume “unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.” Ikoku kunodikanwa nemhaka ya“vanonyengera” vari kutotsausa mhuri dzose nokuda kwemhindu yokusatendeseka. Naizvozvo Tito anofanira ku“varang[a] zvikuru, kuti varurame pakutenda, varege kuteerera ngano dzavaJudha.” Vanhu vakashatiswa vangazivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba kupfurikidza namabasa avo okusateerera.—1:6-10, 13, 14.
6. Izanoi rinopiwa pamusoro pomufambiro wechiKristu?
6 Kurarama nendangariro yakanaka, kururama, uye kuzvipira kwoumwari (2:1–3:15). Varume vakura navakadzi vakura vanofanira kuremekedzwa nokukudzwa. Vakadzi vaduku vanofanira kuda varume vavo uye vana vavo ndokuzviisa vamene pasi pavarume vavo “kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.” Varume vaduku vanofanira kuva muenzaniso wamabasa akaisvonaka nokutaura kwakanaka. Varanda mukuzviisa pasi vanofanira kuratidzira “kutendeka kwakanaka kwose.” Mutsa usakafanirwa waMwari, unotungamirira kuruponeso, wakaratidzirwa, uchikurudzira ndangariro yakanaka, kururama, uye kuzvipira kwoumwari muavo Mwari akachenesa kupfurikidza naKristu Jesu kuti vave “vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.”—2:5, 10, 14.
7. Pauro anosimbisei pamusoro pokuzviisa pasi, ruponeso, uye mabasa akaisvonaka?
7 Pauro anosimbisa kudikanwa kwokuzviisa pasi nokuteerera hurumende nekwokuti “vaitire vanhu vose unyoro hwose.” Pauro navaKristu biyake vakambova vakashata savamwe vanhu. Isiri mhaka yamabasa api naapi avo vamene, asi nemhaka yomutsa waMwari, rudo, uye ngoni, vakaponeswa kupfurikidza nomudzimu mutsvene uye vakava vadyi venhaka yetariro youpenyu husingaperi. Naizvozvo avo vanodavira Mwari vanofanira ku“chenjer[a] kuti varambe vachiita mabasa akanaka.” Vanofanira kudzivisa mibvunzo youpenzi nekakavadzano pamusoro poMutemo, uye kana ari munhu anosimudzira sekete, vanofanira kumuramba pashure pezano rokutanga nerechipiri. Pauro anokumbira Tito kuuya kwaari kuNikopori uye, pashure pokupa mimwe mirayiridzo youfundisi, anosimbisa zvakare kudikanwa kwamabasa akaisvonaka, kuti asave asingabereki zvibereko.—3:2, 7, 8.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
8. Muzano raPauro mutsamba kuna Tito chii chiri “zvinobatsira” nokuda kwedu nhasi, uye neiko?
8 VaKristu veKrete vaigara mumhoteredzo yokureva nhema, ushati, uye makaro. Vanofanira kungowirirana zvavo nevoruzhinji here? Kana kuti vanofanira kuita nhano chaidzoidzo dzokuzviparadzanisa vamene chose chose kuti vabatire savanhu vakatsveneswa kuna Jehovha Mwari here? Mukuzivisa kupfurikidza naTito kuti vaKrete vanofanira ku“ramb[a] vachiita mabasa akanaka,” Pauro akati: “Zvinobatsira vanhu.” “Zvinobatsira” nhasiwo, munyika yakanyura mumatope okusava nechokwadi nemiitiro yokusatendeseka, kuti vaKristu chaivoivo “vadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka,” vachibereka zvibereko mubasa raMwari. (3:8, 14) Kwose kwokushurikidza kwaPauro unzenza nouipi izvo zvaityisidzira ungano muKrete kunova senyevero kwatiri zvino apo ‘mutsa usakafanirwa waMwari unotirayiridza kuramba kusava noumwari nezvishuvo zvenyika nokurarama nendangariro yakanaka nokururama nokuzvipira kwoumwari pakati petsika ino yezvinhu.’ VaKristu vanofanirawo kuva “vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka” mukuratidza kuteerera hurumende, vachichengeta hana yakanaka.—2:11, 12; 3:1.
9. Ukoshi hwokudzidzisa kwakarurama hunosimbiswa sei, zvikurukuru somutoro womutariri?
9 Tito 1:5-9 inowedzera kuna 1 Timotio 3:2-7 mukuratidza izvo mudzimu mutsvene unoda kuvatariri. Ikoku kunosimbisa ku“batisisa shoko razvokwadi” kwavatariri uye kuva mudzidzisi muungano. Ikoku kuri madikanwa sei mukusvitsa vose kukukura mumudzimu! Kutaura idi, uku kudikanwa kwokudzidzisa kwakarurama kunosimbiswa kanoverengeka mutsamba kuna Tito. Pauro anopa zano Tito ku“taura zvakafanira dzidziso yakarurama.” Vakadzi vakuru vanofanira kuva “vadzidzisi vezvakanaka,” uye varanda vanofanira ku‘pfeka kudzidzisa kwoMuponesi wavo, Mwari, muzvinhu zvose.’ (Tito 1:9; 2:1, 3, 10) Achisimbisa kufanira kwaTito somutariri kuti ave akasimba neasingatyi mukudzidzisa kwake, Pauro anoti: “Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose.” Uye muchiitiko chaavo vasingateereri, iye anoti: “Uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda.” Nokudaro, tsamba yaPauro kuna Tito zvikurukuru i“nobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama.”—Tito 2:15; 1:13; 2 Tim. 3:16.
10. Tsamba kuna Tito inotikurudzira muchii, uye inonyandura tariroi inofadza?
10 Tsamba kuna Tito inonyandura kuonga kwedu mutsa usakafanirwa waMwari uye inotikurudzira kubva pakusava noumwari kwenyika ‘apo tinenge tichimirira tariro inofadza nokuratidzwa kune mbiri kwaMwari mukuru nekwoMuponesi wedu, Kristu Jesu.’ Vachidaro, avo vakaruramiswa kupfurikidza naKristu Jesu vangava “vadyi venhaka nokuda kwetariro youpenyu husingaperi” muUmambo hwaMwari.—Tito 2:13; 3:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Cyclopedia yaMcClintock naStrong, yakadhindwazve ya1981, Vhor. II, peji 564; The New Schaff-Herzog Encyclopedia of Religious Knowledge, 1958, Vhor. III, peji 306.
b Cyclopedia yaMcClintock naStrong, yakadhindwazve ya1981, Vhor. X, peji 442.
c The Text of the New Testament, rakanyorwa naKurt naBarbara Aland, rakashandurwa naE. F. Rhodes, 1987, peji 98.