Kudzidza Chakavanzika Chinoyera Chokuzvipira Kwoumwari
“Kunyange Kristu akatambura nokuda kwenyu, achikusiirai muenzaniso wokuti musanotevera makwara ake.”—1 PETRO 2:21, “NW.”
1. Nderipi rave riri donzo raJehovha pamusoro pe‘chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari’?
“CHAKAVANZIKA chinoyera chouku kuzvipira kwoumwari” hachisati chichiri chakavanzika! (1 Timotio 3:16, NW) Kwakasiana sei nezvakavanzika zvorudzidziso rwenhema, kufanana noUtatu hwakavanzika, izvo zvinoramba zviri zvakavanzika! Hakuna munhu anogona kuzvinzwisisa. Panzvimbo pezvo, Jehovha akaronga kuti chakavanzika chinoyera chakaziviswa muna Jesu Kristu chinofanira kupiwa ziviso yakafara zvikuru seinobvira. Jesu amene akava muenzaniso wakatanhamara womuzivisi anoshingaira woUmambo hwaMwari. Tinogona kudzidza zvakawanda mushoko rake nomutoo wokuparidzira, sezvatichaona zvino.
2. Neiko kushumira kwaJesu kuchiiswa pamberi porudzikinuro? (Mateo 20:28, NW)
2 Ngatipei imwe rangariro, ipapoka, kukuva kwaJesu “akaratidzirwa munyama.” (1 Timotio 3:16, NW) Pana Mateo 20:28 (NW) tinorava kuti Jesu “akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira ndokupa mweya wake sorudzikinuro muchinjano navazhinji.” Ikoku kunotoisa kushumira kwake pamberi porudzikinuro. Neiko saizvozvo? Eya, shure muEdheni Nyoka ine manomano yakanga yaramba uchangamire hune maruramiro hwaJehovha pamusoro porudzi rwomunhu, ichireva kuti chisiko chaMwari chakanga chine mhaka uye kuti mumuedzo hakuna munhu aigona kuchengeta perero kuno Wokumusorosoro. (Enzanisa naJobho 1:6-12; 2:1-10.) Ushumiri husina mhaka hwaJesu somunhu akakwana, “Adhama wokupedzisira,” hwakaratidza mudenhi Satani kuva murevi wenhema akaipa. (1 VaKorinte 15:45) Uyezve, Jesu akabvumikisa zvizere zvikwaniriso zvake zvokubatira so“Mumiriri Mukuru noMuponesi” waMwari “uye kuti atonge pasi rinogarwa mukururama,” mukurevererwa kwouchangamire hwaJehovha.—Mabasa 5:31; 17:31, NW.
3. Jesu akaramba sei chose chose denho yaSatani?
3 Jesu akaramba chose chose denho inoshora yaSatani! Munhau yose, hakuna munhu papasi rino akabatira Mwari nokuzvipira kwakadaro—pasinei zvapo nokunyomba, kurova, uye kutambudzwa mumuviri nendangariro. Kristu aitofanira kutsungirira ruzvidzo rwokutuka soMwanakomana waMwari. Makuri kwose—kunyange kusvikira kurufu rwoutsinye norunonyadzisa—akanga akatsiga, asingazununguki muruvimbiko kuna Baba vake. Pana VaFiripi 2:8, 9, Pauro anonyora kuti nemhaka yokuti Jesu akateerera ‘kusvikira parufu, hungu, rufu padanda rokutambudzira, Mwari akamusimudza ndokumupa zita riri pamusoro perimwe zita riri rose.’ Jesu akaratidzira Satani somurevi wenhema anokuvadza sezvaari!
4. Neiko Jesu aigona kuudza Pirato kuti akanga apinda munyika kuzopupurira zvokwadi?
4 Nokudaro, pamhedziso yamakore mashomanene chete okuparidzira kukuru, Jesu aigona kupupurira noushingi kuna Pontio Pirato, kuti: “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupurire zvokwadi. Mumwe nomumwe wezvokwadi unonzwa inzwi rangu.” (Johane 18:37) Jesu akanga aratidzira kuzvipira kwoumwari kukurusa mukuzivisa zvokwadi yoUmambo hwaMwari muParestina yose. Iye akarovedza vadzidzi vake kuva vaparidziwo vanoshingaira. Haiwa muenzaniso wake unotinyandura sei kutevera mumakwara ake nhasi!
Kudzidza Kumuenzaniso Wedu
5. Chii chatinogona kudzidza pamusoro pokuzvipira kwoumwari kupfurikidza nokutarisisa Jesu?
5 Kupfurikidza nokuzvipira kwedu kwoumwari mukuita kuda kwaJehovha, isuwo tingabvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema. Miedzo ipi kana ipi yatinotambura, hakuna nomumwe unomboenzana namarwadzo noruzvidzo zvakatamburwa naJesu. Ipapoka, ngatidzidzei kuMuenzaniso wedu. Sezvatinokurudzirwa naVaHebheru 12:1, 2 (NW), ngatimhanyei nhangemutange netsungiriro “sezvatinotarisisa Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu.” Kusafanana naAdhama, uyo akakundikana apo akaedzwa pamusoro pokuzvipira kwoumwari, Jesu akava munhu mumwe pasi pano uyo akasangana nemiedzo yose zvakakwana. Kusvikira kurufu, iye akabvumikisa kuva “akavimbika, asina mhaka, asina kusvibiswa, akaparadzana navatadzi.” (VaHebheru 7:26, NW) Muperero isina kuipa, iye aigona kuti kuvavengi vake: “Ndianiko kwamuri unganditendisa kuti ndine zvivi?” Jesu akadzorera denho yaSatani, achizivisa, kuti: “Mutongi wenyika . . . haana simba pandiri.” Uye mukugumisa hurukuro yake yokupedzisira kuvadzidzi vake pamberi pokushambadzwa kwake nokusungwa, iye akavaudza, kuti: “Shingai! Ini ndakakunda nyika.”—Johane 8:46; 14:30; 16:33, NW.
6. (a) Neiko Jesu achiziva rudzi rwezororo runodikanwa norudzi rwomunhu? (b) Jesu akaratidzira rutyo rwoumwari kusvikira patambanukoi?
6 Munyama pano pasi pano, Jesu akawana chinorehwa nokuva munhu, “akaderera zvishoma kupfuura ngirozi.” (VaHebheru 2:7, NW) Iye akarovedzana noutera hwavanhu uye naizvozvo akasanoshongedzerwa kubatira saMambo worudzi rwomunhu noMutongi kwamakore ane chiuru. Uye Mwanakomana waMwari, uyo akati, “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai,” anoziva kuti rudzi rwezororo runodikanwa norudzi rwomunhu. (Mateo 11:28) VaHebheru 5:7-9 inotiudza, kuti: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari; kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; akati akwaniswa [muteerero], akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera.” Jesu haana kuzununguka, kunyange zvazvo iye aifanira kutsungirira kusvikira papfundo rokuwana kuruma kworufu rwavanhu mukugamuchira ‘ronda rechitsitsinho’ kuNyoka inovenga. (Genesi 3:15) Kufanana naJesu, nguva dzose ngatiratidzirei rutyo rwoumwari, kunyange kusvikira kurufu kana kuri madikanwa, tine chivimbo chokuti Jehovha Mwari achanzwa mikumbiro yedu ndokutipa ruponeso.
‘Kurarama Kusvikira Kukururama’
7. Mukuwirirana na 1 Petro 2:21-24 (NW), muenzanisoi Kristu akatisiira, uye nzira yake inofanira kutitapura sei?
7 Achioneka munyama, Jesu akaratidzira nenzira yokuvimbika chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari. Tinorava pana 1 Petro 2:21-24 (NW), kuti: “Kunyange Kristu akatambura nokuda kwenyu, achikusiirai muenzaniso wokuti musanotevera makwara ake. Iye haana kuita chivi, uyewo nyengedzo haina kuwanwa mumuromo make. Apo iye akanga achitukwa, iye haasati akadzorerawo nokutuka. Apo iye akanga achitambura, iye haasati akatyisidzira, asi akaramba achizviisa amene kuuyo anotonga nenzira yakarurama. Iye amene akatakura zvivi zvedu mumuviri wake amene padanda, kuti tigobvisirwa zvivi ndokurarama kusvikira kukururama.” Sezvatinofungisisa nzira yaJesu, inotikurudzira sei kuronda kuzvipira kwoumwari, kuchengeta perero, uye kurarama kusvikira kukururama sezvaakaita!
8. Tinogona sei kurarama kusvikira kukururama sezvakaita Jesu?
8 Jesu akararama zvirokwazvo kusvikira kukururama. Pisarema 45:7 (NW) yakaporofita nezvake, ichiti: “Imi makada kururama uye makavenga uipi.” Achishandisira mashoko iwawo kuna Jesu, muapostora Pauro akati pana VaHebheru 1:9 (NW): “Imi makada kururama, uye makavenga kusateerera mutemo.” Nemhaka yenzwisiso yedu yechakavanzika chinoyera chouku kuzvipira kwoumwari, isu kufanana naJesu nguva dzose ngatide icho chakarurama uye ngativenge chiri chakashata. Mutsika dzechiKristu, nhasi dzinodenhwa zvinotyisa kwazvo nenyika yaSatani, uye mukubata kwedu kwose naavo vari mukati nokunze kwesangano raMwari, ngatitsungei kurarama kusvikira kukururama, tichitsigira nheyo dzakarurama dzaJehovha. Uye ngatipfuurirei kudya paShoko raMwari kuti tigova nenzwisiso youmwari inokosha kwazvo nokuda kwokudzivisa Dhiabhorosi namano ake!
9. Chii chakawedzera kushingairo yaJesu muushumiri, uye ichochi chakabatanidza chii pamusoro pavafudzi vorudzidziso rwenhema?
9 Chimwe chinhu chokuwedzera chakasunda Jesu kuva anoshingaira muushumiri hwake. Chakanga chiri chiiko? Pana Mateo 9:36 tinorava, kuti: “Asi wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asino mufudzi.” Naizvozvo Jesu “akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Marko 6:34, NW) Nenzira iri madikanwa, ikoku kwakabatanidza kuratidzira uipi nokusateerera mutemo zvavafudzi vorudzidziso rwenhema. Mukuwirirana naMateo 15:7-9, Jesu akati kuvamwe vaivava: “Imi vanyengeri, Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti: ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.’”
Chakavanzika Chinosiririsa
10. Nhasi, “chakavanzika chouku kusateerera mutemo” chinonangidzira ngwariro panaani, uye ivo vane mhaka yechii?
10 Sezvo Jesu akatuka vatungamiriri vorudzidziso rwenhema, naizvozvo isu nhasi tinoshurikidza chakavanzika chakatanhamara mumusiano mukuru nechakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari. Pana 2 VaTesaronika 2:7 (NW), Pauro akachidana kuti “chakavanzika chouku kusateerera mutemo.” Chakanga chiri chakavanzika muzana rokutanga ramakore N.V. nemhaka yokuti hachisati chaizoratidzirwa kutozosvikira nguva refu pashure porufu rwavaapostora. Nhasi, chinonangidzira ngwariro pavakuru vechiKristudhomu, avo vanofarira zvikuru matongerwe enyika kupfuura kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwakarurama hwaMwari. Unyengeri hwakawanda mumapoka acho. Vaparidzi veevhangeri vomuterevhizheni vamasekete ePurotesitendi echiKristudhomu muenzaniso uri pachena: vasina kutendeseka avo vanosvuura mapoka avo amakwai, vanovaka maumambo anodya mamirioni akawanda amadhora, vanofambidzana namahure, vanonyepedzera kuva nourombo apo ivo vamene vanofumurwa, uye vanoramba vachipemha mari, nguva dzose mari yakawanda. Vatican yechiKaturike yeRoma inopa mufananidzo wakafanana usingafadzi, nebatano dzacho dzamatongerwe enyika dzokusatendeseka, ratidziro yokunze, uye miitiro yakashata yokubhanga.
11. Chii chinoitika kuvakuru vechiKristudhomu neBhabhironi Guru rose?
11 Hakushamisi kuti boka ravakuru vechiKristudhomu rinogona kuziviswa so“munhu wokusateerera mutemo”! (2 VaTesaronika 2:3, NW) Rutivi urwu rukuru rweBhabhironi Guru rakafanana nemhombwe rucharatidzirwa zvizere ndokuparadzanywa, pamwe chete norutivi rwose rwasara rworudzidziso rwenhema. Sezvatinorava pana Zvakazarurwa 18:9-17, vezvamatongerwe enyika navashambadzi (navabhangi vavo) vachachema panguva iyeyo, vachiti: “Nhamo, nhamo, iwe guta guru!” Bhabhironi Guru nezvakavanzika zvaro zvichave zvaratidzirwa, mumusiano mukuru neicho chinovhenekera chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari.
12. Rudo rwaJesu rwokururama rwakamutungamirira kuitei?
12 Rudo rwaJesu rwokururama noruvengo rwokusateerera mutemo zvakamutungamirira kukuzvishandisa amene zvikuru nokuda kwenamato yechokwadi. Pashanyo yake yokutanga kuJerusarema soMwanakomana akazodzwa waMwari, Kristu akadzinga vatengesi navatsinhanisi vemari mutembere, achizivisa, kuti: “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!” (Johane 2:13-17) Pashanyo yapashure kutembere, Jesu akaudza vaJudha vanoshora, kuti: “Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muzvokwadi, nokuti maari iye hamune zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.” (Johane 8:44) Ushingi hwakadini hwakaratidza Jesu mukuudza vezvorudzidziso ivavo pamberi pameso avo kuti vakanga vari varevi venhema navanakomana vaDhiabhorosi!
13. (a) Ndapapi zvikurukuru apo ruvengo rwaJesu rwokusateerera mutemo runotaurwa? (b) Neiko vakuru vorudzidziso vasingateereri mutemo vachifanirwa norutongeso rwakafanana nourwo rwakataurwa naJesu pavanyori navaFarise?
13 Kuvenga kwaJesu kusateerera mutemo hakutaurwi zviri nani pane imwe nzvimbo kupfuura mushurikidzo yake inorwadza yavanyori navaFarise vakaipa, seyakanyorwa muna Mateo ganhuro 23. Imomo iye anodudza “nhamo” kanomwe, achivaenzanisa na‘makuva akacheneswa—akazara norudzi rwuri rwose rwokusachena, unyengeri, uye kusateerera mutemo.’ Jesu akashuva sei kusunungura vanhu vakadzvinyirirwa mukusateerera mutemo ikoko! “Jerusarema, Jerusarema,” iye akadanidzira kudaro, “ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, ukaramba. Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.” (Ndima 37, 38) Vakuru vorudzidziso vasingateereri mutemo vezuva redu vakafanirwa norutongeso rwakafanana nemhaka yokuti, mumashoko a 2 VaTesaronika 2:12, ‘ivo havadaviri zvokwadi asi vanofarira kusaruramisira.’ Kusateerera mutemo kwavo imhesano imene yokuzvipira kwoumwari uko Jesu akaratidzira nenzira yokuvimbika kwazvo ari pano pasi pano.
Kuzivisa Marutongeso aMwari
14. Kunzwisiswa kwechakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari kunofanira kutisunda kuitei?
14 Nzwisiso yedu yechakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari inofanira kutitungamirira nguva dzose kusanotevera makwara aJesu. Kufanana naye, tinofanira kuva vanoshingairira mukuzivisa izvo Isaya 61:2 (NW) inorondedzera se“gore renyasha dzaJehovha nezuva ramatsive aMwari wedu.” Uye ngatiitei rutivi rwedu nokushingaira “kunyaradza vose vanochema.” Saapo Jesu akanga ari pasi pano, kunoda ushingi nhasi kuti tizivise marutongeso aJehovha, kubatanidza mashoko akasimba ari munyaya dzisingasvitsi dzeNharireyomurindi nomubhuku raRevelation—Its Grand Climax At Hand! Tinofanira kuparidzira noushingi uye nokungwarira pakutaura, kutaura kwedu kuchiva “kwakarungwa nomunyu” kuti kugova kunonaka kuavo vanoda kururama. (VaKorose 4:6) Zvatakadzidza mumuenzaniso waJesu wokuzvipira kwoumwari, ngativei vanokwanisa kushuma munguva yakafanira kuti tapedza basa iro Jehovha akatipa kuita.—Mateo 24:14; Johane 17:4.
15. Pamusoro pechakavanzika chinoyera chaMwari, chii chakaitika chibviro cha 1914?
15 Achioneka munyama, Jesu akanga ari Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini! Chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari chakazadzikwa zvakajeka sei maari! Iye akakudza noushingi sei zita raJehovha! Uye Baba vaJesu vakamutusa zvinoshamisa sei nokuda kwenzira yake yokuchengeta perero! Asi kuchine zvimwe chakavanzika chinoyera chaMwari. Chibviro cha 1914 tave tichirarama mu“zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10) Seizvo Zvakazarurwa 10:7 inotaura, inguva yokuti ‘chakavanzika chinoyera chaMwari mukuwirirana namashoko akanaka chisvitswe kumugumo.’ Manzwi okudenga zvino akazivisa, kuti: “Umambo hwenyika hwakava umambo hwaShe wedu [Jehovha] nohwaKristu wake, uye iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 11:15, NW) Jehovha akagadza Mambo wouMesia, Jesu Kristu, pachigaro chake choumambo chine mbiri kuti ave mubati ushe pamwe Naye!
16. Mambo achangobva kugadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu, akakurumidza sei kuratidza ruremekedzo rwake nokuda kwoumwari mudenga?
16 Somubati ushe naMwari muUmambo huchangobva kuberekwa, Jesu anonziwo Mikaeri (kureva kuti, “Ndiani Akafanana naMwari?”). Hakuna mupanduki angambobudirira mukuva akafanana naMwari, uye Mambo achangobva kugadzwa pachigaro choumambo akakurumidza kuratidzira ikoku kupfurikidza nokukandira Nyoka yapakuvamba, Satani, uye ngirozi dzake kupasi. (Zvakazarurwa 12:7-9) Hungu, Jesu anoremekedza umwari mudenga, sezvo akaratidzira kuzvipira kwoumwari ari pasi pano. Jesu Kristu akapiwa mbiri haasati achizozorora kutozosvikira aparadzanya rudzidziso rwenhema uye kuparadza chose chose sangano raSatani, rinooneka nerisingaoneki.
17. Chibviro cha 1914, chii chave chichiitika muzadziko yaMateo 25:31-33?
17 Chibviro cha 1914 zadziko youporofita hwaJesu amene huri pana Mateo 25:31-33 yakavhenekera zvikuru kwazvo chakavanzika chinoyera chaMwari. Ipapo Jesu anozivisa, kuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai mumbudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.” Ari panzvimbo yake yakaisvonaka mumatenga, uyu Mambo ane mbiri, Mutongi, uye Mureveri wokuzvipira kwoumwari achaunza matsive, kutanga pamunhu wokusateera mutemo uye mamwe mapoka eBhabhironi Guru, uye ipapo pamasangano ose asara navatsigiri vakafanana nembudzi vesangano rapasi rakaipa raSatani. Satani panguva iyeyo achaiswa mugomba rakadzika-dzika. (Zvakazarurwa 20:1-3) Asi “vakarurama” vakafanana namakwai vachapinda muupenyu husingaperi. (Mateo 25:46) Kuronda kwako kuzvipira kwoumwari ngakukuise muboka iroro rakarurama!
18. Iropafadzoi inofadza yatinayo pamusoro pechakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari?
18 Zvakazarurwa 19:10 (NW) inotikurudzira ku“namata Mwari.” Uye neiko? Rugwaro rwacho runopfuurira, kuti: “Nokuti kupupurira Jesu ndiko kunokuchidzira kuporofita.” Akawanda kwazvo amauporofita akafuridzirwa omunguva dzakare anopupurira Jesu! Uye sezvo aya mauporofita akazadzikwa, chakavanzika chinoyera chaMwari chakava chakajeka zvikuru. Tinofara, naizvozvo, kuziva kuti chakavanzika chinoyera chouku kuzvipira kwoumwari chakasvika pakuratidzirwa muna Jesu. Takaropafadzwa nenzira inoshamisa kutevera mutsoka dzake savashumiri vanozvininipisa novoUmambo hwaMwari. Hungu, tinokudzwa kugoverana mukunzwisisa nokuzivisa zvose zvechakavanzika chinoyera chaMwari mukuwirirana namashoko akanaka!
Ungapindura Sei?
◻ Chii chatinogona kudzidza mumuenzaniso waJesu wokuzvipira kwoumwari?
◻ Tinogona sei kurarama kusvikira kukururama sezvakaita Kristu?
◻ Ndichakavanzikai chinosiririsa chinotanhamara mumusiano mukuru nechakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari?
◻ Kunzwisisa kwedu chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari kunofanira kutisunda kuitei?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Somutsigiri wokuzvipira kwoumwari nomuzivisi woUmambo anoshingaira, Jesu aigona kuudza Pirato, kuti: “Ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi”
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kuzvipira kwoumwari kwaJesu kwakaratidzirwa apo iye akashurikidza vanyori navaFarise