Chitsauko 1
Kubatana Mukunamata Munguva Yedu—Zvinorevei?
1, 2. (a) Chii chinofadza chiri kuitika munguva yedu? (b) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vane tariro yei yakaisvonaka?
PASI pose pane vanhu vari kubatana zvinofadza pakunamata. Mamiriyoni evanhu vemarudzi ose, madzinza nemitauro ari kubatanidzwa. Vakawanda vari kuunganidzwa gore rimwe nerimwe. MuBhaibheri ivava vanonzi “zvapupu” zvaJehovha uye vanonzi “boka guru revanhu.” Vanoitira Mwari “basa dzvene masikati nousiku.” (Isaya 43:10-12; Zvakazarurwa 7:9-15) Izvi vanozviitirei? Nokuti vava kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi oga. Izvi zvinoita kuti vanzwe vachida kuita kuti upenyu hwavo huenderane nenzira dzake dzakarurama. Uyezve, vakadzidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” enyika ino yanhasi yakaipa, kuti Mwari ava kuda kutoiparadza, uye kuti achaitsiva nenyika yake itsva inenge iri paradhiso.—2 Timoti 3:1-5, 13; 2 Petro 3:10-13.
2 Shoko raMwari rinopikira kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
3. Kubatana kwechokwadi pakunamata kuri kuitwa sei?
3 Vaya vava kubatanidzwa mukunamata kwechokwadi ndivo vachatanga kugara munyika itsva iyoyo. Vakaziva zvinodiwa naMwari uye vari kuzviita nepavanokwanisa napo. Achiratidza kukosha kweizvi, Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Muapostora Johani akanyora kuti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.
Zvakunoreva Chaizvoizvo
4. (a) Kuunganidzwa kwevakawanda zvikuru mukunamata kwakabatana munguva yedu kunorevei chaizvoizvo? (b) Bhaibheri rinorondedzera sei kuunganidza uku?
4 Kuunganidzwa kwevakawanda zvikuru mukunamata kwakabatana munguva yedu kunorevei chaizvoizvo? Uchapupu hwakajeka hwokuti tiri pedyo pedyo nokuguma kwenyika ino, nyika itsva yaMwari ichizobva yatanga. Tiri zvapupu zviri kuona kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri hwakafanotaura nezvokuunganidzwa uku kunokosha. Humwe uprofita hwakadaro hunoti: “Namazuva okupedzisira [iwo ano] gomo reimba yaJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi kwakakwidziridzwa] richagadzwa pamisoro yamakomo [pamusoro pokumwe kunamata kupi nokupi], . . . marudzi avanhu achamhanyira kwariri. Marudzi mazhinji achaenda, achiti: Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake.”—Mika 4:1, 2; Pisarema 37:34.
5, 6. (a) Ndezvechokwadi sei kuti marudzi ari kuenda kuna Jehovha? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?
5 Nepo asiri marudzi akazara ari kuenda kuimba yaJehovha yokunamatira kuti anamate, mamiriyoni evanhu vanobva mumarudzi ose ari kuita kudaro. Sezvavanodzidza chinangwa chorudo uye unhu hunofadza hwaJehovha Mwari, mwoyo yavo inofara kwazvo. Nokuzvininipisa vanoda kuziva zvinodiwa naMwari kwavari. Munyengetero wavo wakafanana nouya womunyori wepisarema akati: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu.”—Pisarema 143:10.
6 Unozviona uri pakati peboka guru revanhu riri kuunganidzwa naJehovha mukunamata kwakabatana here? Zvaunoita kumurayiridzo wawakagamuchira kubva muShoko rake zvinoratidza here kuti unonyatsoziva kuti kuna Jehovha ndiko Kwaunobva? Ucha“famba namakwara ake” kusvikira papi?
Maitirwo Akwo
7. (a) Kubatana pakunamata kuchaitwa kusvikira pamwero upi? (b) Nei zviri zvokukurumidzira kuti tive vanamati vaJehovha iye zvino, uye tingabatsira sei vamwe kuita kudaro?
7 Chinangwa chaJehovha ndechokuti zvisikwa zvose zvakangwara zvibatane mukunamata kwechokwadi. Tinotarisira chaizvo zuva apo vose vanorarama vachanamata Mwari wechokwadi bedzi! (Pisarema 103:19-22) Asi izvozvo zvisati zvaitika, Jehovha anofanira kutanga abvisa vose vanoramba kuita zvaanoda zvakarurama. Nengoni, anofanozivisa zvaachaita, kuitira kuti vanhu kwose kwose vawane mukana wokuchinja mararamiro avo. (Isaya 55:6, 7) Saka, muzuva redu chikumbiro ichi chokukurumidzira chiri kuitwa “kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu,” chinoti: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, nokudaro namatai Iye akasika denga nepasi negungwa nezvitubu zvemvura.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Wakateerera here chikumbiro ichocho? Kana wakadaro, iropafadzo yako kukoka vamwezve kuti vazive Mwari wechokwadi vomunamata.
8. Tadzidza dzidziso huru dzeBhaibheri, tinofanira kuedza nomwoyo wose kufambirazve mberi pachii?
8 Hachisi chinangwa chaJehovha kuti anamatwe nevanhu vanoti vanomutenda asi vobva varamba vachitsvaka zvavanofarira. Mwari anoda kuti vanhu vasvike pakuva ne“zivo yakarurama yokuda kwake” voratidza izvi muupenyu hwavo. (VaKorose 1:9, 10) Saka, vanhu vanoonga vanodzidza dzidziso huru dzeBhaibheri vanoda kupfuurira kuti vave vaKristu vakakura muzivo. Vanoda kusvika pakuziva Jehovha chaizvo, kuti vazive zvakawanda uye zvakadzama nezveShoko rake, uye kuti varishandise zvizere muupenyu hwavo. Vanoda kuva nounhu hwaBaba vedu vokudenga uye kuona zvinhu semaonero avanozviita. Izvi zvinoita kuti vatsvake nzira dzokuita nadzo basa rinoponesa vanhu raari kuita kuti riitwe pasi pano muzuva redu. Ndizvo zvaunodawo here?—Mako 13:10; VaHebheru 5:12–6:3.
9. Kubatana kwechokwadi kunogona kuitika nenzira dzipi iye zvino?
9 Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vanoshumira Jehovha vanofanira kuva vanhu vakabatana. (VaEfeso 4:1-3) Kubatana uku kunofanira kuvapo iye zvino, kunyange zvazvo tichirarama munyika isina kubatana uye tichiri kurwisana nokusakwana kwedu. Jesu akanyengetera nomwoyo wose kuti vadzidzi vake vose vave vamwe, vachiva vakabatana zvechokwadi. Izvi zvaizorevei? Chokutanga, kuti vaizova noukama hwakanaka naJehovha noMwanakomana wake. Chechipiri, kuti vaizobatana ivo pachavo. (Johani 17:20, 21) Kuti izvozvo zviitike, ungano yechiKristu inoshanda sesangano iro Jehovha anorayiridza naro vanhu vake.
Zvii Zvinoita Kuti Kubatana Kuvepo?
10. (a) Tinokudziridzei patinoshandisa Bhaibheri pachedu kuti tifunge mhinduro dzemibvunzo ine chokuita nesu? (b) Ongorora zvinhu zvinoita kuti pave nokubatana kwechiKristu nokupindura mibvunzo yakarongwa mundima ino.
10 Zvinhu zvinomwe zvinokosha zvinoita kuti pave nokunamata kwakabatana zvakanyorwa pasi apa. Sezvaunopindura mibvunzo iri pano, funga kuti chinhu chimwe nechimwe chinei noukama hwako naJehovha uye nevamwe vaKristu. Kufunga nezvezvinhu izvi uye kuverenga magwaro akanyorwa asi asina kutorwa mashoko awo kuchabatsira kuti ukudziridze uchenjeri hwaMwari, mano okufunga, uye kunzwisisa—zvinhu zvatinoda tose. (Zvirevo 5:1, 2; VaFiripi 1:9-11) Funga zvinhu izvi chimwe panguva.
(1) Tinobvuma kodzero yaJehovha yokuisa mutemo wezvakanaka nezvakaipa. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.
Nei tichifanira kutsvaka zano nenhungamiro yaJehovha patinenge tichifanira kusarudza? (Pisarema 146:3-5; Isaya 48:17)
(2) Tine Shoko raMwari kuti rititungamirire. “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, riri kushandawo mamuri imi vatendi.”—1 VaTesaronika 2:13.
Kungoita hedu zvatino“funga” kuti ndizvo zvakarurama kune ngozi yei? (Zvirevo 14:12; Jeremia 10:23, 24; 17:9)
Kana tisingazivi kuti Bhaibheri rinopa zano ripi panyaya yakati, tinofanira kuitei? (Zvirevo 2:3-5; 2 Timoti 3:16, 17)
(3) Tose tinobatsirwa nourongwa hwokutidyisa mumudzimu hwakafanana. “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:13) “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva [rokuparadza] richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:24, 25.
Vaya vanonyatsoshandisa urongwa hwaJehovha hwokutidyisa mumudzimu vanobatsirwa sei? (Isaya 65:13, 14)
(4) Jesu Kristu ndiye Mutungamiriri wedu, kwete munhu. “Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musadana munhu kuti baba venyu pasi pano, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu.”—Mateu 23:8-10.
Pane mumwe wedu anofanira kufunga kuti mukuru kune vamwe here? (VaRoma 3:23, 24; 12:3)
(5) Tinotarisira kuhurumende yaMwari yoUmambo setariro yoga yevanhu. “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.’ Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:9, 10, 33.
Ku“tanga kutsvaka umambo” kunobatsira sei kudzivirira kubatana kwedu? (Mika 4:3; 1 Johani 3:10-12)
(6) Mudzimu mutsvene unobereka muvanamati vaJehovha zvinhu zvinokosha kuti pave nokubatana kwechiKristu. “Zvibereko zvomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.
Tinofanira kuitei kuti mudzimu waMwari ubereke zvibereko zvawo matiri? (Mabasa 5:32)
Kuva nomudzimu waMwari kunobatsira sei ukama hwedu nevamwe vaKristu? (Johani 13:35; 1 Johani 4:8, 20, 21)
(7) Vanamati vose vechokwadi vaMwari vanoparidza mashoko akanaka oUmambo hwake. “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14)
Chii chinofanira kuita kuti tide kuita zvizere basa iri rokuparidza? (Mateu 22:37-39; VaRoma 10:10)
11. Patinoshandisa chokwadi cheBhaibheri muupenyu hwedu, zvinoguma nei?
11 Kunamata Jehovha takabatana kunotiswededza pedyo naye uye kunoita kuti tikwanise kuva noushamwari hunofadza nevatinonamata navo. Pisarema 133:1 rinoti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.” Zvinozorodza kwazvo kubuda munyika ine zvose makaro, unzenza, uye chisimba kwava kuungana nevaya vanonyatsoda Jehovha vachiteerera mitemo yake!
Tambira Kure Nezvinoparadzanisa
12. Nei tisingafaniri kuva nemafungiro okusada kudzorwa?
12 Kuti tisakanganise kubatana kwedu kunokosha pasi pose, tinofanira kutambira kure nezvinoparadzanisa. Chimwe chacho mafungiro okusada kudzorwa naMwari nemitemo yake. Jehovha anotibatsira kusava nemafungiro aya nokuzivisa akazvitanga wacho, Satani Dhiyabhorosi. (2 VaKorinde 4:4; Zvakazarurwa 12:9) Satani ndiye akaita kuti Adhamu naEvha varege kuteerera zvakanga zvataurwa naMwari uye kuti vasarudze zvinopesana nezvaanoda. Mugumisiro wacho waiva nhamo kwavari nokwatiri. (Genesi 3:1-6, 17-19) Nyika ino yakazara nemafungiro okusada kudzorwa naMwari nemitemo yake. Saka hatifaniri kuva nemafungiro iwayo.
13. Chii chicharatidza kana tiri kugadzirira nomwoyo wose kurarama munyika itsva yaMwari yakarurama?
13 Somuenzaniso, funga nezvevimbiso inofadza yaJehovha yokutsiva nyika yakaipa iripo iye zvino nematenga matsva nepasi idzva umo “kururama kuchagara.” (2 Petro 3:13) Izvozvo hazvifaniri kuita kuti tide kutanga kugadzirira kurarama panguva iyoyo apo kururama kuchawanda here? Izvi zvinoreva kuteerera zano rakajeka reBhaibheri rokuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” (1 Johani 2:15) Nokudaro, tinorega kuva nemafungiro enyika ino—kuda kwayo kuzvimirira, kunyanyisa kwayo kuzvifunga, unzenza hwayo nechisimba chayo. Kunzwa zvinotaura Jehovha uye kumuteerera zvichibva pamwoyo zvinova tsika yedu, pasinei nokuti nyama yedu isina kukwana inoda kuita zvakasiyana neizvozvo. Upenyu hwedu hwose hunopa uchapupu hwokuti kufunga kwedu nezvatinovavarira zvakarerekera pakuita zvinodiwa naMwari.—Pisarema 40:8.
14. (a) Nei zvakakosha kushandisa mukana wokudzidza nzira dzaJehovha iye zvino uye kudzitevera muupenyu hwedu? (b) Magwaro akanyorwa mundima anorevei kwatiri pachedu?
14 Panosvika nguva yakatarwa yokuti Jehovha aparadze nyika ino yakaipa nevose vanosarudza nzira dzayo, haazononoki. Haasi kuzorega panguva iyoyo kana kuchinja zvaanoda kuti ape mukana kune vaya vachiri kuedza kuomerera kunyika asi vachidzidza zvinodiwa naMwari nokuzviita nemwoyo miviri. Zvino ndiyo nguva yokuita chimwe chinhu! (Ruka 13:23, 24; 17:32; 21:34-36) Naizvozvo, zvinofadza kwazvo kuona boka guru revanhu richishandisa mukana uno unokosha, richitsvaka nomwoyo wose murayiridzo unopiwa naJehovha achishandisa Shoko rake nesangano uye richifamba rakabatana munzira dzake rakananga kunyika itsva! Uye patinodzidza zvakawanda nezvaJehovha ndipo patinowedzerawo kumuda uye kuda kumushumira.
Kudzokorora
• Chinangwa chaJehovha panyaya yokunamata ndechei?
• Tadzidza dzidziso huru dzeBhaibheri, tinofanira kutsvaka nomwoyo wose kufambira mberi pachii?
• Chii chatinogona kuita somunhu mumwe nomumwe kuti tibatane nevamwe vanamati vaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 4]
‘Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika vonakidzwa zvikuru nokuwanda kworugare’