Mapisarema
2 Ndicharumbidza Jehovha upenyu hwangu hwese.
Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu chero bedzi ndiri mupenyu.
5 Anofara munhu ana Mwari waJakobho semubatsiri wake,+
Anoisa tariro muna Jehovha Mwari wake,+
6 Muiti wedenga nenyika,
Negungwa, nezvese zviri mazviri,+
Uyo anoramba akatendeka,+
7 Uyo anoita kuti vaya vanobiridzirwa vatongwe zvakarurama,
Anopa vane nzara zvekudya.+
Jehovha anosunungura vasungwa.+
8 Jehovha anosvinudza maziso emapofu;+
Jehovha anosimudza vaya vakakotamiswa;+
Jehovha anoda vakarurama.
10 Jehovha acharamba ari Mambo nekusingaperi,+
Iye Mwari wako, haiwa iwe Ziyoni, kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Rumbidzai Jah!*