Ganhuro 23
“Munoda Kutsungirira”
1. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zviri vanhu vanofara zvamazvirokwazvo? (b) Asika izanoi riri pana VaHebheru 10:36 rinoshanda kunesu tose?
AVO vakaita Jehovha chivimbo chavo ndivo vanhu vanoisvofara chaizvoizvo pasi pano nhasi. Ivo vanoziva uko zano rakanakisisa zvikuru pamsoro pokuti vangagonana sei nezvinetso zvoupenyu rinogona kuwanwa—muShoko raMwari amene. Ivo havasati vari vanotya sezvavanotarira kunguva yemberi, nokuti vanoziva chiri donzo raMwari nokuda kwepasi rino. (Jeremia 17:7, 8; Pisarema 46:1, 2) Hunyanguvezvo, muapostora Pauro akanyorera maKristu biyake, kuti: “Munoda kutsungirira, kuti, pashure pokunge maita kuda kwaMwari, imi mugowana kuzadzika kwechipikirwa.” (VaHebheru 10:36) Chii chiri chakamutsa uku kudikanwa kwokutsungirira?
2. Neiko vadzidzi vaJesu vaidikanirwa kutsungirira?
2 Pamberi porufu rwake amene, Jesu akasvinudzira vaapostora vake kune zvaiva mberi, achiti: “Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizova inoda avo vari vayo imene. Zvino nokuti imi hamusati muri rutivi rwenyika, asi ini ndakakusarudzai munyika, nokuda kwaikoku nyika inokuvengai. Yeukai shoko randakataura kwamuri, Muranda haasati ari mukuru zvikuru kupinda tenzi wake. Kana ivo vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana ivo vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. Asi ivo vachakuitirai izvi zvinhu zvose nokuda kwezita rangu, nokuti ivo havasati vachiziva iye akandituma.” (Johane 15:19-21) Haiwa ikoko kwakabvumikisa kuva kwakaitika sei!
3. (a) Ko kunodaro sei kuti vadzidzi vake vanotambudzwa ‘nokuda kwezita raJesu’? (b) Ko vatambudzi hava“zati vachiziva” uyo akatuma Jesu mupfungwai? (c) Ndianiko anoparira zvikurukuru chitambudzo?
3 Vateveri vaJesu ndivana nyajambwa voutsinye nokuti vanogara pakati penyika inoramba zvinomirirwa chaizvoizvo nechiKristu. Kuti Kristu kunoreva “Muzodziwa.” Jesu Kristu ndiye uyo akazodzwa naJehovha kuva Mambo, anobata ushe pasi rose. Nenzira iyeyo apo Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizotambudzwa ‘nokuda kwezita rangu,’ iye akareva kuti kutambudzwako kwaizova nokuda kwokuomerera kwavo kwaari saMambo Mesia waJehovha, nokuda kwokuteerera kwavo Kristu kupfuura mubati ushe upi noupi wapasi, nokuda kwokuomerera kwavo nokuvimbika kuUmambo hwake uye nokusava vanobatanidzwa muzvinhu zvehurumende dzohunhu. Jesu akawedzera kuti chishoro chaizova nokuda kwokuti vatambudzi “havasati vachimuziva iye uyo akandituma”—ndiko kuti, vanoramba kuziva Jehovha Mwari saChangamire weChisiko Chapose pose. (Enzanisa Eksodho 5:2.) Ndiani mukuchidziri mukuru weichi chitambudzo? Satani Dhiabhorosi.—Zvakazarurwa 2:10.
4. (a) Ko kuzadzika kwaZvakazarurwa 12:17 kunotapura sei upenyu hwedu? (b) Chii chiri nharidzano yaSatani?
4 Zvikurukuru kubvira apo Satani akakandirwa kunze kwedenga pashure pokuberekwa kwoUmambo hwaMesia hwaJehovha muna 1914, kudzvinyirirwa kwamaKristu echokwadi kwakakura. Rega kukurerutsa. Kune hondo yachose chose kuna Satani namadhemoni ake yokurwisana naavo vose vakaita kumira kwavo kurutivi rwoUmambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu. Pamsoro paikoku, Zvakazarurwa 12:17 inorondedzera, kuti: “Ipapo dragoni [Satani Dhiabhorosi] yakatsamwira zvikuru mukadzi [sangano raMwari rokudenga rakafanana nomudzimai], ndokuenda kundorwa navakasarira vembeu yake [vateveri vakazodzwa nomudzimu vaKristu vari pasi pano], avo vanochengeta mirairo yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” “Mamwe makwai,” anozviwanawo amene ari mukati mokurwa. Kupfurikidza nemitoo yokuchenjera, Satani anotamburira kuanyengedza kana kuti kuagombedzera kurega kuteerera mirairo yaMwari. Iye anoda kuanetesa dzokonokei oparadza chose chose umudzimu hwao. Nharidzano yake ndeyokunyaradza kuparidzira pamsoro paJesu saMambo woUmesia waJehovha. Asi mune iyi hondo yomudzimu vabatiri vakavimbika vaMwari vari kukurira.
KO MAKRISTU ANOFANIRA KUITA SEI?
5. Ko hurumende dzakaita zviitoi mukurwisana neZvapupu zvaJehovha?
5 Vakuru vakuru vazhinji vehurumende vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanochengeta mitemo uye kuti ivo vanoshandisa pesvedzero yakaisvonaka munzanga. Hunyanguvezvo, hurumende dzose dzohunhu rutivi rwetsika yezvinhu yenyika yaSatani. (1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 13:2) Naizvozvo hakuzati kuchifanira kuitika sekatyamadzo apo dzimwe hurumende dzinorambidza misangano yaavo vanonamata Mwari wechokwadi, dzinorambidza mabhuku avo anotsanangura Bhaibheri, dzinorambidza kuparidzira kwavo pamsoro poUmambo hwaMwari, hungu, kunyange kuvapfigira mutorongo nokuvabata zvisina kufanira kunyama. Kana iwe umene ukadzvinyirirwa kudaro, uchaiteiko?
6. (a) Ko isu tinofanira kuva nechimiroi chendangariro kuvakuru vakuru vehurumende? (b) Asi isu takarunda zvakatsiga kuitei? (c) Kunyange zvazvo tichitambudzwa, tingagona sei kupfuurira kuva vanofara?
6 Vaapostora vaJesu Kristu vairemekedza vakuru vakuru vehurumende. Apo vakatambudzwa, ivo havana kudzorera. Asi pavakarairwa kurega kuita izvo Mwari akanga araira, ivo vakapindura nomutoo wakatsiga, kuti: “Isu tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29; VaRoma 12:19; 1 Petro 3:15) Kunyange apo upenyu hwavo hwakatyisidzirwa, kutya rufu hakuna kuvaita kuti vabvumirane pane zvisina kufanira. Ivo vaiziva kuti vakanga vachibatira “Mwari anomutsa vakafa.” (2 VaKorinte 1:9; VaHebheru 2:14, 15) Kunyange zvazvo vakatambudzwa, ivo vaifara—vaifara nokuti vaiziva kuti vakanga vachifadza Mwari, vaifara nokuva nebanza rokugoverana mukurevererwa kwezita rake nokubvumikisa ruvimbiko rwavo kuna Mambo wake akazodzwa. (Mabasa 5:41, 42; Mateo 5:11, 12) Ko irworwo ndirwo rudzi rwomunhu rwauri here? Ko iwe unozvibatanidza umene pamhene naavo vanotambura zvinoitika zvakadaro here? Ebhedhimereki akanga ari mumwe uyo asina kurega mukutya. Ko iye akanga ari ani?
7. (a) Ebhedhimereki aiva aniko, uye neiko ari wefariro kwatiri zvino? (b) Apo iye akanzwa kuti Jeremia akanga akandirwa mutsime ramatope, ko Ebhedhimereki akaita chiitoi, uye nei?
7 Ebhedhimereki akanga ari muEtiopia anotya Mwari aigara muJerusarema mukati menhambo yakasvika kukuparadzwa kwaro navaBhabhironi. Iye akanga achishanda muimba yaMambo Zedhekia. Panguva iyeyo Jeremia akanga achibatira somuporofita waJehovha kuUmambo hwaJudha namarudzi akapoteredza. Nokuda kwokuti iye nomutoo wokusabvumirana pane zvisina kufanira akazivisa shoko raMwari renyevero, iye akava nyajambwa wechitambudzo chikuru. Pakukuchidzira kwamamwe machinda omuJerusarema, iye akatokandirwa mutsime kuti anyure mumatope ndokufa. Kunyange zvazvo Ebhedhimereki akanga asiri muIsraeri, iye akaziva Jeremia kuva muporofita waJehovha. Pakunzwa zvakanga zvaitwa, Ebhedhimereki nokukurumidza akatsvaka mambo pasuo reguta kuti agopindira nokuda kwaJeremia. Achibatira pamirairo yamambo, iye nokukurumidza akawana varume 30, uyewo tambo namamvemve. Iye akaraira Jeremia kuisa mamvemve muhapwa dzake kudzivisa kukweshwa netambo, uye ipapo ivo vakakwevera muporofita kunze kwetsime.—Jeremia 38:4-13.
8. Ko Jehovha akatumira kuna Ebhedhimereki chipikirwa chinosimbisira chii, uye nei?
8 Ebhedhimereki akanga achinetseka nomutoo unonzwisisika pamsoro peizvo machinda aizoita kwaari nokuda kwokukangaidza kwake bangano ravo, asika kuitira hanya kwake kwakakurirwa nokuremekedza kwake muporofita waJehovha uye nokuvimba kwake amene naMwari. Somuuyo, Jehovha akasimbisira Ebhedhimereki kupfurikidza naJeremia, kuti: “‘Tarira ndichazadzika mashoko angu paguta rino nokuda kwengwavaira uye kwete nokuda kwezvakanaka, uye zvichaitika zvamazvirokwazvo pamberi pako muzuva irero. Uye ini ndichakununura muzuva irero,’ ndizvo zvakataurwa naJehovha, ‘uye iwe hausati uchizoiswa mumaoko aavo iwe umene unotya. Nokuti zvamazvirokwazvo ini ndichakugovera kupukunyuka, uye iwe hauzati uchizourawa nomunondo; uye iwe zvamazvirokwazvo uchasvika pakuva nomweya wakwo sechakapambwa, nokuti iwe wakavimba neni,’ ndizvo zvakataurwa naJehovha.”—Jeremia 39:16-18.
9. (a) Ko “mamwe makwai” ave akafanana naEbhedhimereki sei? (b) Naizvozvo, chipikirwa chaJehovha kuna Ebhedhimereki chinorevei kuna “mamwe makwai” nhasi?
9 Haiwa chinokosha sei chipikirwa ichecho kuvabatiri vaJehovha nhasi! SaEbhedhimereki, “mamwe makwai” anoona kusaruramisira kunoitirwa boka raJeremia romuzuva razvino uno, vakasarira vakazodzwa, nenhamburiko dzinoitwa kumisa kuparidzira kwavo shoko raJehovha. Ivo havana kuzengurira kuita chiito chipi kana chipi chavaigona kutaviridzira nokutsigira boka ravakazodzwa. Naizvozvo, nomutoo wakakodzera, chipikirwa chaJehovha kuna Ebhedhimereki chinovasimbaradza, chinosimbisa chivimbo chavo chokuti Mwari haazati achizobvumira vashori kuvaparadza asi kuti Iye achavachengeta seboka vachipfuura nomuruparadziko rwenyika rwosvika ndokupinda mu“pasi idzva” Rake rakarurama.
10. Ko maKristu anowana chitambudzo mumativii oupenyu?
10 Havasati vari vose vanofamba mumakwara aJesu Kristu vanotyisidzirwa nokupfigirwa mutorongo, asika vose vanotambura chitambudzo munzira dzakasiana-siana. (2 Timotio 3:12) Zviuru zvavadzimai vechiKristu, navarume, kwamakore mazhinji vakatsungirira mukutendeka chishoro chikuru mumisha yavo vamene chaimo. Vanawo, nokuda kwechishuvo chavo chokubatira Jehovha, vakarambwa navabereki. (Mateo 10:36-38) Pwere dzechiKristu dzingananganawo nechitambudzo kuchikoro; vanhu vakura, kunzvimbo dzavo dzebasa. Vose veZvapupu zvaJehovha vanochiravidza sezvavanogoverana mukupupurira pamhene pamsoro poUmambo hwaMwari. Kuvakadaro vose, mashoko aJesu anoshanda: “Kupfurikidza nokutsungirira kwenyu imi muchawana mweya yenyu.”—Ruka 21:19.
11. (a) Ndimimwe migariroi inoparira muedzo wakakomba kuvazhinji? (b) Ndivanaanizve vamwe vakatambura zvinhu izvi, uye nei?
11 Kuvasati vari vashomanene, kune mimwe migariro inovaedza. Ivo vangava nechirwere chakakomba, chiya chinotorera upenyu mufaro wahwo mukuru. Kana kuti, zvimwe vanganangana nemigariro inotambudza zvikuru yepfuma. Kungava kwokuti, padzimwe nguva, tsinhiro dzeshamwari chaidzoidzo hadzina kunaka uye hadzizati dziri dzomutsa. Muchinoitika chatateguru Jobho, Satani akashandisa mitoo yose iyi mukutamburira kuputsa kuperera kwake. Ko tichaita sei kana isu tikazviwana timene tiri mumigariro mimwe cheteyo?—Jakobho 5:11.
12. (a) Neiko Noa aida zvikurukuru tsungiriro muushumiri hwake? (b) Ko mugariro wacho wave wakafanana sei muzuva redu?
12 Namamwe mashoko, zvakadiniko kana isu timene tikawana davidzo shomanene zvikuru yakanaka yenhamburiko dzedu dzokupupurira pamsoro pamadonzo aJehovha? Ikokowo, kunoda tsungiriro. Yeuka, mukati mamakore ose ayo Noa akaparidza pamberi paMafashamo, mudzimai wake bedzi navanakomana navadzimai vavo vakamukumbanira mukubatira Jehovha. Vamwe vose vavanhu “havana kucherekedza.” (Mateo 24:39) Nenzira imwe cheteyo, nhasi, voruzhinji hava‘cherekedzi.’ Zvisinei, mune dzimwe nharaunda umo maichimbova nedavidzo shomenene yakanaka kushoko roUmambo, zvino mune zvibereko zvakawanda zvavanamati vaMwari wechokwadi. Vanofara ndivo avo vanotsungirira makore okusaitira hanya kana kuti chishoro chikurusa uye zvino vanogoverana muno uku kuunganidza kwakaisvonaka!
‘VANOFARA AVO VANOPFUURIRA KUTSUNGIRIRA’
13. (a) Kuti tigopfuurira tichitsungirira, chii chatinofanira kurangarira? (b) Chii chatinodikanirwa kuziva pamsoro pemitoo yaSatani?
13 Kudzivisa kurashikirwa nekariro inoshamisa youpenyu mu“pasi idzva,” kunokosha kusanorangarira chirevo chikuru chakanangana nechisiko chose—chirevo chouchangamire hwapose pose. Ko isu nomutoo wokusabvumirana pane zvisina kufanira tiri kurutivi rwaJehovha here? Ko tinosanonzwisisa here kuti kunongova bedzi namativi maviri, kuti hakuna kusatora rutivi kuno rumwe kana kuti rumwe? Kana tisati tichizova vanokuvadzwa mune iyi hondo, tinodikanirwa kuziva kuti zvose zviri zviviri utsinye nenyengedzo mitoo inoshandiswa naSatani kuputsa kuperera kwedu, kutiparira kurega kuteerera Mwari, kutitsausa pabasa rinokosha rokupupurira Umambo hwaMesia.—1 Petro 5:8, 9; Marko 4:17-19.
14. (a) Ukamai hwatinofanira kukudziridza, uye naani? (b) Uye achatibetsera sei?
14 Tinofanirawo kukudziridza kutsamira kwakakwana pana Jehovha. Haiwa hwaizova ufuza hwakadini kuedza musimba redu timene tiri toga kudzivisa misungo yamano mano yomuvengi anopfuura wohunhu! Asi kana tichivimba naJehovha nomwoyo wedu wose, ipapo patinotambura chitambudzo nokunangana nomuedzo tichaswedera pedyo zvikuru naye. (VaEfeso 6:10, 11; Zvirevo 3:5, 6) Jehovha haasati achigombedzera kuenda nenzira yakati kuti. Iye haasati achizotitungamirira mukurwisana nokuda kwedu. Asi kana tikatendeukira kuShoko rake nokuda kwenhungamiro, kunyengetera kwaari nokuda kwesimba ndokugara pedyo nesangano rake, iye achatungamirira nhanho dzedu. Uye iye achatisimbisa nohufakazi hwakamutsidzirwa hworudo rwake amene rusingakundikani.—VaRoma 8:38, 39.
15. (a) Ndianiko anofanira kuuya pakutanga muupenyu hwedu? (b) Ko tinofanira kurangarira sei migariro inoedza kutenda kwedu?
15 Zvitambudzo nemiedzo zvaunotambura zvichakuedza. Ndianiko waunoisa pakutanga muupenyu hwako? Kakavaro yaSatani ndeyokuti isu tose tinoitira hanya zvikurukuru pamsoro pedu timene. Vanhu vazhinjisa vakadaro. Jesu Kristu akanga akasiana. Wakadaro here? Wati wadzidza kuisa pakutanga kukudzwa kwezita raJehovha here? Kana zvakadaro, ipapoka, panzvimbo pokudzivisa migariro inoedza kutenda kwako, uchave uchikwanisa kusangana nazvo nomutoo wakananga, uchinyengetera kuna Jehovha kukupa uchenjeri hwokushandisa izvozvi kumukudza. Chitambudzo chaunotambura chichabereka kutsungirira; kutsungirira nokuda kwokuda kwako Jehovha kuchavigira kutendera kwake. “Anofara ndiye munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti paanova anotenderwa, iye achagamuchira korona youpenyu, iyo Jehovha akapikira kuavo vanopfuurira kumuda.”—Jakobho 1:2-4, 12; VaRoma 5:3, 4.
16. Inharidzanoi yatinofanira kusvasvavirira kuwana?
16 Hakuna kuringana kungotanga bedzi mubasa raJehovha kana kuti kutsungirira kwenguva pfupi. Tiri munhangemutange, uye mubairo unoenda kuna avo vanodarika mutsetse wokupedzisira. Haiwa, vachava vanofara sei avo vose vachiri kuzvishandisa ivo vamene vaina meso avo akanangidzirwa zvakasimba pamubairo apo tsika ino yekare inoputsanyika kuva matongo! Haiwa, ikariro dzine mbiri dzakadini dzakavamirira panguva iyeyo!—VaHebheru 12:1-3; Mateo 24:13.