Tsamba Yekutanga yaPetro
3 Imi madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu,+ kuti kana paine vasingateereri shoko, vasvike pakuteerera pasina shoko rataurwa zvichibva pane zvinoitwa nemadzimai avo,+ 2 nekuti vanenge vaona vega zvinhu zvakanaka* zvamunoita+ uye kuremekedza kwenyu kukuru. 3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka bvudzi uye kwekupfeka zvishongo zvegoridhe+ kana zvipfeko zvakanaka, 4 asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chekuva munhu akanyarara uye munyoro,+ izvo zvinokosha chaizvo kuna Mwari. 5 Nekuti vakadzi vatsvene vekare avo vaiva netariro muna Mwari vaizvishongedzawo saizvozvo, vachizviisa pasi pevarume vavo, 6 sezvaiitwa naSara uyo aiteerera Abrahamu, achimuti ishe.+ Zvino mava vana vake kana mukaramba muchiita zvakanaka uye musingatyi.+
7 Saizvozvowo imi varume rambai muchigara nemadzimai enyu nekuziva.* Vabatei nerukudzo+ sezvamunoita mudziyo usina kusimba, sezvo vachawanawo upenyu pamwe chete nemi+ nekuda kwenyasha dzaMwari, nekuti mukasadaro minyengetero yenyu hainzwikwi.
8 Ndinopedzisa ndichiti mese ivai nepfungwa dzimwe chete,*+ muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo,+ muchizvininipisa.+ 9 Musatsiva chakaipa nechakaipa+ kana kutuka nekutuka.+ Panzvimbo paizvozvo tsivai nechikomborero,+ nekuti izvozvo ndizvo zvamakadanirwa, kuti muwane chikomborero.
10 Nekuti, “munhu wese anoda upenyu nekuona mazuva akanaka, anofanira kudzora rurimi rwake kuti rusataura zvakaipa+ nemuromo wake kuti usataura zvekunyengera. 11 Ngaasiye zvakaipa+ aite zvakanaka;+ ngaatsvage rugare arutevere.+ 12 Nekuti maziso aJehovha* ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinoteerera kuteterera kwavo,+ asi chiso chaJehovha* chinovenga vaya vanoita zvakaipa.”+
13 Chokwadi, ndiani angakuitirai zvakaipa kana mukashingaira kuita zvakanaka?+ 14 Asi kunyange kana mukatambura nekuti muri kuita zvakarurama, muchafara.+ Zvisinei, musatya zvavanotya,* uye musanetseka.+ 15 Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kupindura munhu wese anokubvunzai nezvetariro yamuinayo, asi muchizviita neunyoro+ neruremekedzo rukuru.+
16 Rambai muine hana yakanaka+ kuti pazvinhu zvese zvamunopomerwa, vaya vanokupomerai vanyare+ pavanoona mararamiro enyu akanaka sevateveri vaKristu.+ 17 Nekuti zviri nani kuti mutambure pamusana pekuti muri kuita zvakanaka,+ kana Mwari azvibvumira kuti zviitike, pane kuti mutambure nekuti muri kuita zvakaipa.+ 18 Nekuti Kristu akafira zvivi+ kamwe chete zvikabva zvakwana, iye munhu akarurama achiitira vasina kururama,+ kuti akutungamirirei kuna Mwari.+ Akaurayiwa panyama,+ akaitwa mupenyu pamweya.+ 19 Akabva aenda akanoparidza kumweya yaiva mujeri,+ 20 iyo yakanga isingateereri, Mwari paakanga achimirira nemwoyo murefu mumazuva aNoa,+ areka ichivakwa,+ iyo yakatakura vanhu vashoma, ivo vanhu 8, vachibva vapona* mumvura.+
21 Rubhabhatidzo, urwo rwakafanana neizvi ruri kukuponesaiwo zvino, (kwete nekubviswa kwetsvina panyama, asi nekukumbira hana yakanaka kuna Mwari),+ pachishandiswa kumuka kwaJesu Kristu. 22 Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ uye ngirozi nevanokudzwa nemasimba zvakaiswa pasi pake.+