-
Ngatisambodzokera Shure Kunoparadzwa!Nharireyomurindi—1999 | December 15
-
-
Ngatisambodzokera Shure Kunoparadzwa!
“Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa.” —VAHEBHERU 10:39.
1. Mamiriroi ezvinhu akaita kuti muapostora Petro atye?
VAAPOSTORA vanofanira kuva vakashaiwa romuromo Tenzi wavo anodiwa, Jesu, paakavaudza kuti vose vaizopararira ndokumusiya. Chinhu chakadaro chaigona sei kuitika—mune iyi, awa yaaida kubetserwa zvikuru? Petro akasimbirira kuti: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, asi ini handizodaro.” Zvechokwadi, Petro aiva murume akashinga, asingatyi. Asi Jesu paakatengeswa ndokusungwa, vaapostora—kusanganisira Petro—vakapararira. Gare gare, Jesu paaibvunzurudzwa mumba moMupristi Mukuru Kayafasi, Petro aingodzivaira muchivanze achinetseka. Sezvo usiku hwaitonhora hwaipera, zvimwe Petro akatya kuti Jesu uye nomunhu chero upi zvake aishamwaridzana naye vangaurayiwa. Vaiva vakamirapo pavakaziva Petro somumwe weshamwari dzapedyo dzaJesu, akabatwa nokutya. Katatu akati hapana chaivapo pakati pake naJesu. Petro akaramba kunyange kuti aimuziva!—Mako 14:27-31, 66-72.
2. (a) Nei kutya kwaPetro pausiku hwakasungwa Jesu kusina kuzomuita ‘uya wokudzokera shure’? (b) Chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?
2 Apa ndipo apo zvinhu zvisina kunyatsofambira Petro zvakanaka muupenyu hwake, pasina mubvunzo inguva yaakademba kwemazuva ake ose. Asi zvakaita Petro usiku ihwohwo zvakamuita mbwende here? Zvakamuita here mumwe we“vaya” avo vakarondedzerwa nomuapostora Pauro gare gare paakanyora kuti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa here”? (VaHebheru 10:39) Vakawanda vedu tingangobvuma kuti mashoko aPauro haashandi kuna Petro. Nei? Nokuti kutya kwaPetro kwaiva kusiri kwenguva dzose, chikanganiso chiduku-duku muupenyu hwaizivikanwa neushingi nekutenda zvakatanhamara. Nenzira yakafanana, vakawanda vedu tine nguva yekare yatinoyeuka tichiti nyarei, nguva apo kutya kwakangoerekana kwatibata ndokutitadzisa kumira tisingatyi nokuda kwechokwadi sezvataizoda. (Enzanisa naVaRoma 7:21-23.) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kukanganisa kwenguva pfupi kwakadaro hakutiiti vaya vanodzokera shure kunoparadzwa. Nazvino, tinoda kutsunga kusambova vakadaro. Nei? Uye tingadzivisa sei kuva munhu akadaro?
Zvinorehwa Nokudzokera Shure Kunoparadzwa
3. Vaprofita Erisha naJona vakambotya sei?
3 Pauro paainyora nezve“vaya vanodzokera shure,” akanga asingarevi vaya vaizoshaya ushingi kwenguva pfupi. Zvechokwadi Pauro aiziva nezvezvakaitika kuna Petro uye zvimwe zviitiko zvakafanana. Erisha, muprofita akanga asingatyi uye aitaura pachena, akambotya ndokutiza nokuda kwoupenyu hwake nemhaka yokutyisidzirwa norufu naMambokadzi akaipa Jezebheri. (1 Madzimambo 19:1-4) Muprofita Jona aiva norutyo rwakanyanya. Jehovha akamuti aende kuguta raiva nechisimba chisingaitiki, rakanga rakaipa reNinevhe. Jona akakurumidza kukwira chikepe chaienda Tarshishi—makiromita 3 500 kudivi rakasiyana! (Jona 1:1-3) Asi, hapana kana mumwe waava vaprofita vakatendeka kana kuti muapostora Petro vaigona kurondedzerwa nenzira yakarurama sevaya vanodzokera shure. Nemhaka yei?
4, 5. (a) Mashoko akapoteredza anotibetsera sei kuziva zvairehwa naPauro nokuti “kunoparadzwa” pana VaHebheru 10:39? (b) Pauro akarevei paakati: “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa”?
4 Cherechedza chitsama chemashoko chakashandiswa naPauro chinoti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa.” Airevei nokuti “kunoparadzwa”? Shoko rechiGiriki raakashandisa dzimwe nguva rinoreva kuparadzwa kusingaperi. Rondedzero iyi inowirirana nemashoko akapoteredza. Pauro akanga achangobva kunyevera kuti: “Kana tine tsika yokuita chivi noune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapachina kana nechibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi, asi pane kutarisira kunotyisa kwokutongwa uye pane godo rinopisa richapedza vanodzivisa.”—VaHebheru 10:26, 27.
5 Saka Pauro paakati kune vaaitenda navo, “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa,” aireva kuti iye nevaravi vake vechiKristu vakatendeka vakanga vakatsunga kusambotsauka kuna Jehovha ndokurega kumushandira. Kuita izvozvo kwaigona kungotungamirira kukuparadzwa kusingaperi. Judhasi Iskarioti ndomumwe akadzokera shure kunoparadzwa kwakadaro, sezvakaita vamwe vavengi vechokwadi avo nokuda zvikuru vakaita zvinopesana nemudzimu waJehovha nemaune. (Johani 17:12; 2 VaTesaronika 2:3) Vanhu vakadaro vari pakati pe“mbwende” dzichaparadzwa nokusingaperi mudziva remwoto rokufananidzira. (Zvakazarurwa 21:8) Kwete, hatimbodi kuva vakadaro!
6. Satani Dhiyabhorosi anoda kuti tiite sei?
6 Satani Dhiyabhorosi anoda kuti tidzokere shure kunoparadzwa. Tenzi we“zviito zvemanomano,” anoziva kuti maitiro anoparadza akadaro kazhinji anotanga nenzira duku. (VaEfeso 6:11, mashoko emuzasi) Kana chitambudzo chakananga chikatadza kuita zvaanoda, anotsvaka kukanganisa kutenda kwevaKristu vechokwadi nemitoo isinganzwisisiki. Anoda kuona Zvapupu zvaJehovha zvisingatyi, zvinoshingaira zvanyaradzwa. Ngationei kuti mazanoi aakashandisa pavaKristu vechiHebheru vakanyorerwa naPauro.
Kumanikidzwa Kwakaitwa vaKristu Kuti Vadzokere Shure
7. (a) Nhau yeungano yomuJerusarema yakanga yakamira sei? (b) Vamwe vevaravi vaPauro vakanga vane mamiriroi ezvinhu omudzimu?
7 Uchapupu hunoratidza kuti Pauro akanyora tsamba yake kuvaHebheru munenge muna 61 C.E. Ungano yaiva muJerusarema yaiva nenhau isina kugadzikana. Jesu afa, kutambudzwa kwakakasharara kwazvo kwakavapo, kuchimanikidza vaKristu vakawanda vaiva muguta racho kuti vapararire. Zvisinei, nguva yorugare yakatevera, ichibvumira nhamba yevaKristu kuti iwedzere. (Mabasa 8:4; 9:31) Sezvo makore akapfuura, zvimwe zvitambudzo nezvinetso zvakaitika apo neapo. Zvinoita sokuti panguva yakanyora Pauro tsamba yacho kuvaHebheru, ungano yacho yakanga yavazve nenguva yorugare chairwo. Kunyange zvakadaro, kwaiva nekudzvinyirira. Anoda kusvika makore makumi matatu akanga apfuura kubvira Jesu paakafanotaura kuparadzwa kweJerusarema. Kungangodaro kwaiva nevamwe vaifunga kuti mugumo wakanga wanyanyisa kunonoka uye waisazouya vachiri kurarama. Vamwe, kunyanya vaiva vatsva mukutenda, vakanga vasati vaedzwa nechitambudzo chakanyanya uye vaiziva zvishomanana zvokudiwa kwokutsungirira miedzo. (VaHebheru 12:4) Zvechokwadi Satani aitsvaka kushandisa mamiriro ezvinhu akadaro. “Zviito zvemanomano” zvipi zvaakashandisa?
8. VaJudha vakawanda vaiona sei ungano yechiKristu yaiva itsva?
8 Nzanga yechiJudha muJerusarema nemuJudhea yakaona ungano yechiKristu yaiva itsva noruzvidzo. Tichitarira mashoko ari mutsamba yaPauro, tinowana pfungwa yokushora uko vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaizvitutumadza nevateveri vavo vaiita vaKristu. Chaizvoizvo, vangave vakati: ‘Tine temberi huru muJerusarema, yave iripo kwemazana emakore! Tine mupristi mukuru akanaka anoshanda ipapo, pamwe chete nevapristi vake vaduku. Zvibayiro zvinopiwa zuva nezuva. Tine Mutemo, wakapiwa nengirozi kuna Mosesi uye wakatangwa nezviratidzo zvinotyisa paGomo reSinai. Ichi chitendero chiduku chichangotanga, vaKristu ava, vakaramba kutenda kwechiJudha, havana chimwe chezvinhu izvi!’ Kushora kwakadaro kwakava nemugumisiro waidiwa here? Zviri pachena kuti vamwe vaKristu vechiHebheru vakatambudzwa nekushora ikoko. Tsamba yaPauro yakavabetsera panguva chaiyo.
Nei Vaisambofanira Kudzokera Shure Kunoparadzwa
9. (a) Musoroi wakatekeshera mutsamba yakanyorerwa vaHebheru? (b) Mupfungwai umo vaKristu vaishanda mutemberi iri nani pane iya iri muJerusarema?
9 Ngationei zvikonzero zviviri izvo Pauro akapa hama nehanzvadzi dzake ikoko kuJudhea zvokusadzokera shure kunoparadzwa. Chokutanga—ukuru hwegadziriro yokunamata yechiKristu—ndihwo hwakaparadzira tsamba yacho yakanyorerwa vaHebheru. Mutsamba yake yose, Pauro akatsanangura musoro iwoyo. Temberi muJerusarema yaingova yakafanana neyechokwadi yakakura zvikuru, temberi yomudzimu yaJehovha, chivako ch“isina kuitwa namaoko.” (VaHebheru 9:11) VaKristu ivavo vaiva neropafadzo yokushanda mugadziriro yomudzimu iyoyo yokunamata kwakachena. Vaishanda pasi pesungano iri nani, sungano itsva yakanguri yavimbiswa, yaiva noMurevereri akakwirira pana Mosesi, Jesu Kristu.—Jeremia 31:31-34.
10, 11. (a) Nei dzinza raJesu risina kutadzisa kushanda kwake soMupristi Mukuru mutemberi yomudzimu? (b) Jesu akava Mupristi Mukuru kupfuura uyo aishanda patemberi muJerusarema munzirai?
10 VaKristu ivavo vaivawo neMupristi Mukuru ari nani zvikuru, Jesu Kristu. Kwete, akanga asina kubva kuna Aroni. Panzvimbo pezvo, aiva Mupristi Mukuru “une rudzi naMerkizedheki.” (Pisarema 110:4) Merkizedheki, aiva nedzinza risina kunyorwa, aiva mambo weSaremi yekare uyewo mupristi wayo mukuru. Saka iye akaita rudzi rwouprofita rwakakodzera Jesu, uyo ane upristi hwaitsamira, kwete padzinza chero ripi revanhu vasina kukwana, asi pachimwe chinhu chakakura zvikuru—mhiko yaJehovha Mwari pachake. SaMerkizedheki, Jesu anoshanda kwete soMupristi Mukuru chete asiwo saMambo, uyo asingambofi.—VaHebheru 7:11-21.
11 Uyezve, kusiyana nemupristi mukuru patemberi muJerusarema, Jesu aisafanira kupa zvibayiro gore negore. Chibayiro chake chaiva upenyu hwake hwakakwana, hwaakapa kamwe zvechigarire. (VaHebheru 7:27) Zvibayiro zvose zviya zvaipiwa patemberi zvaingova mimvuri, mifananidzo yezvakapiwa naJesu. Chibayiro chake chakakwana chakagovera kukanganwirwa chaikoiko kwezvivi zvavose avo vanoshandisa kutenda. Dzinonyevenutsawo mwoyo itsinhiro dzaPauro dzinoratidza kuti iyeye Mupristi Mukuru ndiJesu asingachinji uyo vaKristu vomuJerusarema vakanga vaziva. Aizvininipisa, aiva nemutsa, uye uyo anogona “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.” (VaHebheru 4:15; 13:8) VaKristu vaya vakazodzwa vaitarisira kushanda sevapristi vaduku vaKristu! Vaigona sei kutombofunga zvekudzokera shure kuzvinhu “zvisina simba zvisina basa” zvechiJudha chaiva nouori?—VaGaratiya 4:9.
12, 13. (a) Chikonzeroi chechipiri chokusadzokera shure chakapiwa naPauro? (b) Nei chinyorwa chavo chekare chokutsungirira chaigona kukurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vasambodzokera shure kunoparadzwa?
12 Sokunge kuti hwakanga husina kukwana, Pauro akapa vaHebheru chikonzero chechipiri chokusambodzokera shure kunoparadzwa—chinyorwa chavo pachavo chokutsungirira. Akanyora kuti: “Rambai muchiyeuka mazuva ekare ayo, pashure pokunge mavhenekerwa, makatsungirira kukakavara kukuru pakutambura kuzhinji.” Pauro akavayeuchidza kuti vakanga va“iswa pachena sepanzvimbo yemitambo” pakuzvidzwa nokutambudzwa. Vamwe vakanga vaiswa mujeri; vamwe vakanga vanzwira tsitsi ndokutsigira vaiva mujeri. Hungu, vakanga varatidza muenzaniso wokutenda nokutsungirira. (VaHebheru 10:32-34) Asi, nei Pauro akavakumbira kuti va‘rambe vachiyeuka’ zviitiko zvinorwadza zvakadaro? Hazvaigona kuodza mwoyo here?
13 Kusiyana neizvozvo, ku“yeuka mazuva ekare” kwaizoyeuchidza vaHebheru nezvenzira iyo Jehovha akanga avatsigira nayo mumuedzo. Vachibetserwa naye, vakanga vatodzivisa kurwisa kwakawanda kwaSatani. Pauro akanyora kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Hungu, Jehovha akayeuka mabasa avo ose okutendeka, achiachengeta mupfungwa dzake dzisingagumi. Tinoyeuchidzwa nezvomurayiro waJesu wokuchengeta pfuma mudenga. Hapana mbavha ingaba pfuma iyi; hapana chipfukuto kana ngura zvingazvipedza. (Mateu 6:19-21) Chokwadi, pfuma iyi inogona kuparadzwa chete kana muKristu akadzokera shure kunoparadzwa. Zvingaparadza pfuma ipi neipi yaakanga achengeta mudenga. Chikonzero chakasimba zvakadini icho Pauro akapa vaKristu vechiHebheru chokusambotevera upenyu hwakadaro! Kutambisirei makore avo ose ebasa rokutendeka? Zvaizova zvakanaka uye zviri nani zvikuru kuramba vachitsungirira.
Nei Tisingambofaniri Kudzokera Shure Kunoparadzwa
14. Zvinetsoi zvatinotarisana nazvo zvakafanana nezvakatarisana nevaKristu vomuzana ramakore rokutanga?
14 VaKristu vechokwadi nhasi vane zvikonzero zvakasimba zvakaenzana zvokusadzokera shure. Kutanga, ngatiyeukei chikomborero chatinacho mukunamata kwakachena kwatakapiwa naJehovha. Kufanana nevaKristu vomuzana ramakore rokutanga, tinorarama panguva apo nhengo dzezvitendero zvinozivikanwa zvikuru dzinotizvidza nokutinyomba, dzichinongedza norudado kuzvivako zvadzo zvechitendero zvoumbozha uye zvinhu zvekare zvetsika dzadzo. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotivimbisa kuti anotendera kunamata kwedu. Chokwadi, nhasi tine zvikomborero izvo vaKristu vomuzana ramakore rokutanga vakanga vasina. Ungashamisika kuti, ‘Zvingadaro sei?’ Pashure pezvose, vakararama temberi yomudzimu payakatanga kushanda. Kristu akava Mupristi Mukuru wayo paakabhabhatidzwa muna 29 C.E. Vamwe vavo vakanga vaona Mwanakomana waMwari aiita zvishamiso. Kunyange afa, kwaiva nezvishamiso zvakawanda. Zvisinei, sezvakafanotaurwa, zvipo zvakadaro pakupedzisira zvakaguma.—1 VaKorinde 13:8.
15. VaKristu vechokwadi nhasi vanorarama munguva yokuzadzika kwouprofita hupi, uye izvozvo zvinorevei kwatiri?
15 Zvisinei, tinorarama munguva yokuzadzika kunokosha kwouprofita hwetemberi huru hwaEzekieri zvitsauko 40-48.a Nokudaro, taona kudzorerwa kwegadziriro yaMwari yokunamata kwakachena. Temberi yomudzimu iyoyo yakacheneswa mune zvinosvibisa zvose zvechitendero nekunamata zvidhori. (Ezekieri 43:9; Maraki 3:1-5) Funga nezveyamuro dzatakapiwa nokuchenesa uku.
16. Muitiroi waiodza mwoyo wakatarisana nevaKristu vomuzana ramakore rokutanga?
16 Muzana ramakore rokutanga, ramangwana rakanga risingafadzi nokuda kweungano dzechiKristu dzakarongwa. Jesu akanga afanotaura kuti zvaizoita sokuti munda wegorosi wakanga uchangobva kusimwa wakadyarwawo masora, zvichiita kuti gorosi nemasora zvide kutadza kusiyaniswa. (Mateu 13:24-30) Uye ndozvazvakaita. Pakupera kwezana ramakore rokutanga, muapostora Johani aiva akura paaishanda somudzivisi wokupedzisira wouori, kuramba kutenda kwakanga kwatonyanya. (2 VaTesaronika 2:6; 1 Johani 2:18) Nguva shomanana pashure pokufa kwevaapostora, rimwe boka ravafundisi rakasiyana rakamuka, richidzvinyirira makwai nokupfeka nguvo dzinorisiyanisa. Kuramba kutenda kwakanyenga seronda. Zvaiodza mwoyo sei vaKristu vakatendeka! Vakaona gadziriro yakanga ichangotangwa yokunamata kwakachena ichikurirwa neyakanga yashatiswa. Izvi zvakaitika makore asingasviki zana Kristu atanga ungano.
17. Ungano yechiKristu yamazuva ano yagara kwenguva yakareba kupfuura imwe yayo yomuzana ramakore rokutanga mupfungwai?
17 Zvino, funga chimwe chinhu chakasiyana. Nhasi, kunamata kwakachena kwatogara kwenguva yakareba pane zvakwakaita kusvikira vaapostora vafa. Kubva panguva yokubudiswa kwechinyorwa chokutanga chemagazini ino kare muna 1879, Jehovha akatikomborera nokunamata kuri kuramba kuchicheneswa. Jehovha naKristu Jesu vakapinda mutemberi yomudzimu muna 1918 nechinangwa chokuichenesa. (Maraki 3:1-5) Kubvira muna 1919, gadziriro yokunamata Jehovha Mwari yakanatswa zvinofambira mberi. Kunzwisisa kwedu uprofita hweBhaibheri nenheyo kwajeka. (Zvirevo 4:18) Mbiri inoenda kunaani? Kwete kuvanhuwo zvavo vasina kukwana. Jehovha bedzi, neMwanakomana wake soMutungamiriri weungano, anogona kudzivirira vanhu Vake pakuora munguva iyi yakashata. Ipapo, ngatisambotadza kutenda Jehovha nokuda kwekutibvumidza kuti tibatanidzwe mukunamata kwakachena nhasi. Uye ngatitsungei zvakasimba kusambodzokera shure kunoparadzwa!
18. Chikonzeroi chatinacho chokusambodzokera shure kunoparadzwa?
18 Kufanana nevaKristu vechiHebheru vaya, tine chikonzero chechipiri chokuramba mararamiro oumbwende, okudzokera—chinyorwa chedu pachedu chokutsungirira. Kunyange takatanga kushandira Jehovha mumakore achangobva kupfuura kana kuti tave tichidaro takatendeka kwemakumi emakore, takaita chinyorwa chemabasa echiKristu. Vakawanda vedu takatambudzwa, kungava kuiswa mujeri, kubhanwa, utsinye, kana kuti kurasikirwa nezvinhu. Vamwe vakawanda vakatarisana nechishoro chemhuri, kuzvidzwa, kusekwa, uye kusakendenga. Tose zvedu takatsungirira, tichipfuurira mubasa redu rokutendeka kuna Jehovha pasinei zvapo nezvinetso uye miedzo zvoupenyu. Nokuita kudaro, takatanga chinyorwa chokutsungirira icho Jehovha asingazokanganwi, dura repfuma mudenga. Saka zvechokwadi ino haisi nguva yokudzokera shure kugadziriro yakashata yakare yatakasiya shure! Kutorerei basa redu rose rakaoma serisingakoshi? Izvi zvinonyanya kuva zvechokwadi nhasi, apo bedzi “nguva duku zvikuru” yasara mugumo usati wasvika.—VaHebheru 10:37.
19. Chii chichakurukurwa munyaya yedu inotevera?
19 Hungu, ngatitsungei kuti “hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa”! Panzvimbo pezvo, ngativei “vaya vane kutenda.” (VaHebheru 10:39) Tingava sei nechokwadi chokuti tinokodzera rondedzero iyoyo, uye tingabetsera sei vamwe vaKristu kuita zvakafanana? Nyaya yedu inotevera ichakurukura nhau iyi.
-
-
Ngativei Vaya Vane KutendaNharireyomurindi—1999 | December 15
-
-
Ngativei Vaya Vane Kutenda
“[Tiri] vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”—VAHEBHERU 10:39.
1. Nei zvinganzi kutenda kwomumwe nomumwe wevashumiri vaJehovha kunokosha?
NGUVA inotevera yaunenge uri muHoro yoUmambo yakazara nevanamati vaJehovha, mira utarire avo vakakupoteredza. Funga nezvenzira dzakawanda dzavanoratidza nadzo kutenda. Ungaona vakwegura vakashumira Mwari kwamakumi emakore, pwere dzinodzivisa kuda kufanana nevezera radzo zuva nezuva, uye vabereki vanoshanda zvakaoma kurera vana vanotya Mwari. Kune vakuru veungano nevashumiri vanoshumira, vanotakura mitoro yakawanda. Hungu, ungaona hama nehanzvadzi dzomudzimu dzemazera ose dzinokurira mitoo yose yezvinetso kuti dzishumire Jehovha. Kutenda kwomumwe nomumwe kunokosha sei!—1 Petro 1:7.
2. Nei zano raPauro riri muna VaHebheru zvitsauko 10 ne11 richitibetsera nhasi?
2 Vanhu vasina kukwana vashomanana, kana varipo, vakanzwisisa kukosha kwokutenda zviri nani pane zvakaita muapostora Pauro. Chokwadi, akacherechedza kuti kutenda kwechokwadi kunotungamirira ku“kuchengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Zvisinei, Pauro aiziva kuti kutenda chinhu chinorwiswa nokuparadzwa munyika ino isina kutenda. Ainyatsova nehanya nevaKristu vechiHebheru vaiva muJerusarema neJudhea, vaiparapatika kuti vachengete kutenda kwavo. Sezvatinotarira zvimwe zvezvinhu zviri muna VaHebheru zvitsauko 10 ne11, ngaticherechedzei mitoo yakashandiswa naPauro kuvaka kutenda kwavo. Patinenge tichidaro, tichaona mavakire atingaita kutenda kwakasimba matiri uye mune vaya vakatipoteredza.
Ratidzai Kuvimbana
3. Mashoko aPauro anowanikwa pana VaHebheru 10:39 anoratidza sei kuti aivimba nehama nehanzvadzi dzake mukutenda?
3 Chinhu chokutanga chatingacherechedza kuvimba kwaiita Pauro vateereri vake. Akanyora kuti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa, asi vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Pauro akafunga zvakanakisisa, kwete zvakaipisisa, zvevamwe vake vaKristu vakatendeka vaainamata navo. Cherechedzawo kuti akashandisa shoko rokuti “ti.” Pauro aiva murume akarurama. Asi, haana kuzviona seari nani kupfuura vateereri vake, sokunge kuti aiva panzvimbo yakakwirira yokururama iri pamusoro pavo zvakanyanya. (Enzanisa naMuparidzi 7:16.) Panzvimbo pezvo, akazvibatanidza navo. Akaratidza chivimbo chinobva pamwoyo chokuti iye nevaravi vake vakatendeka vaiva vaKristu vose vaizotarisana nemhinganidzo dzinotyisa dzaiva pamberi pavo, kuti vaizoramba noushingi kudzokera shure kunoparadzwa, uye kuti vaizoratidza kuva vaya vane kutenda.
4. Pauro aivimba nevaaitenda navo nokuda kwezvikonzero zvipi?
4 Pauro aigona sei kuva nechivimbo chakadaro? Akanga asingakwanisi kuona zvikanganiso zvevaKristu vechiHebheru here? Kusiyana neizvozvo, akavapa zano rakananga rokuvabetsera kukurira zvikanganiso zvavo zvomudzimu. (VaHebheru 3:12; 5:12-14; 6:4-6; 10:26, 27; 12:5) Kunyange zvakadaro, Pauro aiva nezvikonzero zvakanaka zvinenge zviviri zvokuvimba nehama dzake. (1) Somutevedzeri waJehovha, Pauro akaedza kuona vanhu vaMwari sokuonwa kwavanoitwa naJehovha. Zvaisangova muzvikanganiso zvavo asi muunhu hwavo hwakanaka uye kugona kwavo kusarudza kuita zvakanaka munguva yemberi. (Pisarema 130:3; VaEfeso 5:1) (2) Pauro aitenda simba romudzimu mutsvene zvakakwana. Aiziva kuti hapana mhinganidzo, hapana utera hwavanhu, zvaigona kudzivisa Jehovha kupa “simba rinopfuura romuzvarirwo” kumuKristu upi noupi anoedza kushumira Iye nokutendeka. (2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13) Saka kuvimba kwaPauro nehama nehanzvadzi dzake kwakanga kusina kuratidzwa kuvanhu vasiri ivo, kusiri kwokunyepera, kana kuti kwokutarisira zvisina pfungwa. Kwakanga kwakavakirwa pazvikonzero chaizvo uye kwakavakirwa paMagwaro.
5. Tingatevedzera sei chivimbo chaPauro, uye nomugumisiroi ungangovapo?
5 Chokwadi, chivimbo chakaratidzwa naPauro chakatapukira. Zvinofanira kuva zvakareva zvakawanda kuungano dzaiva muJerusarema neJudhea kuti Pauro ataure zvinokurudzira kudaro kwadziri. Pasinei zvapo nokuzvidza kunokuvadza uye kusakendenga kwokuzvitutumadza kwevashori vavo vechiJudha, vaKristu vechiHebheru vakabetserwa nemashoko akadaro kutsunga mumwoyo yavo kuva vaya vane kutenda. Tingaita zvakafanana kune mumwe nomumwe nhasi here? Zviri nyorewo zvikuru kuona mune vamwe zvikanganiso zvakawanda uye kusiyana kwounhu. (Mateu 7:1-5) Asi, tinogona kubetserana zvakanyanya kana tikacherechedza ndokukoshesa kutenda kwakasiyana kwomumwe nomumwe. Nokukurudzira kwakadaro, kutenda kungangokura.—VaRoma 1:11, 12.
Kushandiswa Kwakakodzera kweShoko raMwari
6. Pauro aidzokorora mashoko akataurwa naani paakanyora mashoko ari pana VaHebheru 10:38?
6 Pauro akavakawo kutenda mune vaainamata navo nokushandisa kwake Magwaro kwounyanzvi. Somuenzaniso, akanyora kuti: “‘Asi akarurama wangu achararama nemhaka yokutenda,’ uye, ‘kana akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.’” (VaHebheru 10:38) Pano Pauro aidzokorora mashoko akataurwa nomuprofita Habhakuki.a Mashoko aya angangova akanga akajairwa nevaravi vaPauro, vaKristu vechiHebheru avo vaiziva zvikuru mabhuku ouprofita. Achifungisisa nezvevavariro yake—kusimbisa kutenda kwevaKristu mukati nepedyo neJerusarema mugore ra61 C.E.—muenzaniso waHabhakuki waiva chisarudzo chakakodzera. Nei?
7. Habhakuki akanyora rini uprofita hwake, zvinhu zvakanga zvakamira sei muJudha panguva iyoyo?
7 Sezviri pachena Habhakuki akanyora bhuku rake makore anongoti pfuurei makumi maviri Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Mune zvakaratidzwa, muprofita akaona vaKardhea (kana kuti, vaBhabhironi), “rudzi rune hasha runopenga,” vachiparadza Judha kamwe kamwe nokuparadza Jerusarema, vachimedza vanhu nemarudzi pavaiita izvi. (Habhakuki 1:5-11) Asi njodzi yakadaro yakanga yafanotaurwa kubvira muzuva raIsaya, makore anopfuura zana iye asati aitaura. Munguva yaHabhakuki, Jehoiakimi akatsiva Mambo Josia akanaka, uye uipi hwakawandazve muJudha. Jehoiakimi akatambudza uye kunyange kuuraya vaya vaitaura muzita raJehovha. (2 Makoronike 36:5; Jeremia 22:17; 26:20-24) Hazvishamisi kuti muprofita aiva nenhamo Habhakuki akadanidzira achiti: “Haiwa, Jehovha . . . kusvikira riniko?”—Habhakuki 1:2.
8. Nei muenzaniso waHabhakuki ungava unobetsera vaKristu vomuzana ramakore rokutanga uye vanhasi?
8 Habhakuki haana kuziva kuti kuparadzwa kweJerusarema kwakanga kwava pedyo zvakadini. Nenzira yakafanana, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore havana kuziva paizoguma gadziriro yezvinhu yechiJudha. Isu nhasi hatiziviwo ‘zuva neawa’ kutonga kwaJehovha pakuchauya pamusoro pegadziriro ino yakaipa. (Mateu 24:36) Ipapo, ngaticherechedzei mhinduro mbiri dzaJehovha kuna Habhakuki. Yokutanga, akavimbisa muprofita wacho kuti mugumo waizouya panguva chaiyo. “Hazvingaiti nguva huru,” Mwari akadaro, kunyange zvazvo mumaonero evanhu, zvingaita sezvinononoka. (Habhakuki 2:3) Yechipiri, Jehovha akayeuchidza Habhakuki kuti: “Wakarurama uchararama nokutenda kwake.” (Habhakuki 2:4) Ichokwadi chakaisvonaka, chiri nyore zvakadini! Chinokosha zvikuru, hakusi kuziva panouya mugumo, asi kuti kana tichizopfuurira kurarama upenyu hwokutenda.
9. Vashumiri vaJehovha vaiteerera vakaramba vachirarama nokutendeka kwavo sei (a) muna 607 B.C.E.? (b) pashure pa66 C.E.? (c) Nei zvichikosha kuti tisimbise kutenda kwedu?
9 Jerusarema parakapambwa muna 607 B.C.E., Jeremia, munyori wake Bharuki, Ebhedhi-mereki, uye vaRekabhi vakavimbika vakaona chokwadi chevimbiso yaJehovha kuna Habhakuki. Va‘karamba vachirarama’ nokupukunyuka kuparadzwa kwaityisa kweJerusarema. Nei? Jehovha akapa mubayiro kutendeka kwavo. (Jeremia 35:1-19; 39:15-18; 43:4-7; 45:1-5) Nenzira yakafanana, vaKristu vechiHebheru vomuzana ramakore rokutanga vanofanira kuva vakadavidza zvakanaka zano raPauro, nokuti mauto eRoma paakarwisa Jerusarema muna 66 C.E. uye ipapo vakadzoka zvisina tsananguro, vaKristu ivavo vakateerera nokutendeka nyevero yaJesu yokutiza. (Ruka 21:20, 21) Vakaramba vachirarama nemhaka yokutendeka kwavo. Nenzira yakafanana, ticharamba tichirarama kana tikawanwa takatendeka panosvika mugumo. Chikonzero chinokosha zvakadini chokusimbisa kutenda kwedu zvino!
Kunyatsotsanangura Mienzaniso Yokutenda
10. Pauro akatsanangura sei kutenda kwaMosesi, uye tingatevedzera sei Mosesi munhau iyi?
10 Pauro akavakawo kutenda nokushandisa zvakasimba mienzaniso. Sezvaunorava VaHebheru chitsauko 11, cherechedza matsanangurire aanoita mienzaniso yevanhu vomuBhaibheri. Somuenzaniso, anotaura kuti Mosesi “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27) Nemamwe mashoko, Jehovha aiva chaiyeiye kuna Mosesi zvokuti zvakanga zvakaita sokuti aigona kuona Mwari asingaonekwi. Zvakafanana zvingataurwa nezvedu here? Zviri nyore kutaura nezvoukama naJehovha, asi kuvaka nokusimbisa ukama ihwohwo kunoda basa. Ndiro basa ratinoda kuita! Jehovha munhu chaiyeiye kwatiri here zvokuti tinomufunga patinoita zvisarudzo, kusanganisira zvinoratidzika sezviduku? Kutenda kworudzi irworwo kuchatibetsera kutsungirira kunyange kushorwa kwakaipisisa.
11, 12. (a) Kutenda kwaEnoki kungava kwakaedzwa mumigariro ipi? (b) Mubayiroi unokurudzira wakagamuchirwa naEnoki?
11 Fungawo nezvokutenda kwaEnoki. Kushorwa kwaakatarisana nakwo kwakaoma kuti tifungidzire. Enoki aifanira kupa mashoko anorwadza okutongwa kwevanhu vakaipa vairarama panguva iyoyo. (Judha 14, 15) Chitambudzo chakatyisidzira murume uyu akatendeka zviri pachena kuti chairwadza zvikuru, chaiva chanyanya zvikuru, zvokuti Jehovha aka“mutamisa,” achimubvisa mumugariro wokurarama achimuisa mumugariro wokufa vavengi vasati vamubata. Saka Enoki haana kuona kuzadzika kweuprofita hwaakataura. Zvisinei, akagamuchira chipo chaitova nani zvikuru neimwe nzira.—VaHebheru 11:5; Genesi 5:22-24.
12 Pauro anotsanangura kuti: “Asati atamiswa [Enoki] akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” (VaHebheru 11:5) Izvi zvairevei? Asati arara murufu, Enoki angadaro akanga ava nezvaakaratidzwa zvorudzi rwakati, zvichida zveParadhiso yapasi maachamuka rimwe zuva nokukurumidza. Chero zvazviri, Jehovha akaita kuti Enoki azive kuti Aifadzwa zvikuru noupenyu hwake hwakatendeka. Enoki aiva aita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Enzanisa naZvirevo 27:11.) Kufunga nezvoupenyu hwaEnoki kunoorora, handizvo here? Ungada kurarama upenyu hwakadaro here hwokutenda? Ipapo fungisisa nezvemienzaniso yakadaro; ione sevanhu chaivoivo. Iva akatsunga kurarama nokutenda, zuva nezuva. Yeukawo kuti vaya vane kutenda havashumiri Jehovha vachitsamira pamusi kana kuti nguva yakatarwa yokuti ndirini Mwari paachazadzika zvipikirwa zvake zvose. Asi, takatsunga kushumira Jehovha nokusingaperi! Kuita izvozvo kunoreva nzira yakanakisisa zvikuru youpenyu mugadziriro ino yezvinhu uye mune inotevera.
Nzira Dzokusimbisa Nadzo Kutenda
13, 14. (a) Mashoko aPauro akanyorwa pana VaHebheru 10:24, 25 angatibetsera sei kuita kuti misangano yedu ive nguva inofadza? (b) Chikonzero chikuru chemisangano yechiKristu ndechei?
13 Pauro akaratidza vaKristu vechiHebheru nzira dzinoshanda dzinoverengeka dzokuti vagone kusimbisa kutenda kwavo. Ngatimbotaurei nezvembiri chete. Zvimwe takajairana nomurayiro wake uri pana VaHebheru 10:24, 25, unotikurudzira kuungana nguva dzose pamisangano yedu yechiKristu. Zvisinei, yeuka kuti mashoko aPauro akafuridzirwa ari ipapo haarevi kuti tinofanira kungova vacherechedzi vasina zvavanoita pamisangano yakadaro. Panzvimbo pezvo, Pauro anotsanangura misangano semikana yokuzivana nevamwe, kuita kuti mumwe nomumwe ashumire Mwari zvakazara, uye kukurudzirana. Tiripo kuti tipe, kwete kungogamuchira. Izvozvo zvinobetsera kuita kuti misangano yedu ive nguva inofadza.—Mabasa 20:35.
14 Zvisinei, tinopinda misangano yechiKristu zvikurukuru kuti tinamate Jehovha Mwari. Tinoita kudaro nokukumbanira mumunyengetero norwiyo, nokunyatsoteerera, uye nokupa “chibereko chemiromo”—mashoko okurumbidza Jehovha mumhinduro dzedu uye migove pamusangano. (VaHebheru 13:15) Kana tikachengeta vavariro idzodzo mupfungwa ndokuva nezvatinoita padziri pamusangano mumwe nomumwe, kutenda kwedu pasina kukundikana kuchavakwa nguva imwe neimwe.
15. Nei Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vabatisise ushumiri hwavo, uye nei zano iroro rakakodzera nhasi?
15 Imwe nzira yokuvaka kutenda ndeyebasa rokuparidza. Pauro akanyora kuti: “Ngatibatisisei kuzivisa kwepachena tariro yedu tisingazununguki, nokuti iye akapikira akatendeka.” (VaHebheru 10:23) Ungakurudzira vamwe kubatisisa chimwe chinhu pavanoratidzika kuva munjodzi yokurega. Zvechokwadi Satani aimanikidza vaKristu vechiHebheru vaya kurega ushumiri hwavo, uye ari kumanikidzawo vanhu vaMwari nhasi. Pasinei zvapo nokumanikidzwa kwakadaro, tinofanira kuitei? Chimbofunga zvakaitwa naPauro.
16, 17. (a) Pauro akawana sei kusatya muushumiri? (b) Inhanhoi dzatinofanira kuita kana tikazviona tatyisidzirwa nemamwe maitirwe oushumiri hwedu hwechiKristu?
16 KuvaKristu vomuTesaronika, Pauro akanyora kuti: “Sezvamunoziva pashure pokunge tatambura uye taitirwa zvakaipa muFiripi, takava vasingatyi . . . naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:2) Pauro neshamwari dzake vakanga va“itirwa zvakaipa” sei muFiripi? Maererano nedzimwe nyanzvi, shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro rinoratidza kurova, kunyadzisa, kana kuti kubatwa zvakaipisisa. Zviremera zvokuFiripi zvakanga zvavarova neshamhu, zvavaisa mujeri, uye zvavapfigira muzvitokisi. (Mabasa 16:16-24) Chiitiko chinorwadza ichocho chakatapura sei Pauro? Vanhu vaiva muguta raitevera murwendo rwake rwoufundisi, Tesaronika, vakaita kuti Pauro adzokere shure nokutya here? Kwete, ‘akava asingatyi.’ Akakurira kutya ndokupfuurira kuparidza asingatyi.
17 Kusatya kwaPauro kwaibva kupi? Kwaibva mukati here? Kwete, akati akava asingatyi “naMwari wedu.” Rimwe bhuku rinopa mashoko revashanduri veBhaibheri rinotaura kuti mashoko aya angashandurwa kuti “Mwari akabvisa kutya mumwoyo yedu.” Saka kana usinganyatsonzwa wakashinga pamusoro poushumiri hwako, kana kuti kana mamwe maitirwe ahwo achiita seanotyisa, kuregererei kukumbira Jehovha kuti akuitire zvakafanana? Mukumbire kuti abvise kutya mumwoyo mako. Mukumbire kuti akubetsere kuva asingatyi nokuda kwebasa. Uyezve, ita dzimwe nhanho dzinoshanda. Somuenzaniso, ronga kushanda nomumwe munhu anonyatsogona rudzi rwokupupurira rwunokunetsa. Zvingasanganisira ndima yebhizimisi, kupupurira kwomumugwagwa, kuparidza kusina kurongwa, kana kuti kupupurira norunhare. Zvichida mumwe wako angada kutungamirira pakutanga. Kana zvakadaro, cherechedza uye dzidza. Asi zvino iva asingatyi kuti uzviedze.
18. Zvikomboreroi zvatingawana kana tikava vasingatyi muushumiri hwedu?
18 Kana ukava asingatyi, funga kuti zvii zvingagumisira zvaitika. Paunopfuurira ndokusaora mwoyo, ungangova nezvinoitika zvakanaka mukugovana chokwadi nevamwe, zvinoitika zvaungadai usina kuwana dzimwe nguva. (Ona papeji 25.) Uchagutsikana kuziva kuti wakafadza Jehovha nokuita zvimwe zvinhu zvakakuomera. Uchaona achikukomborera nokukubetsera kukurira kutya kwako. Kutenda kwako kuchasimba zvikuru. Chaizvoizvo, haungashandiri kuvaka kutenda kwavamwe usingavaki kutenda kwako pachako panguva imwe chete.—Judha 20, 21.
19. Mubayiroi unokosha wakachengeterwa “vaya vane kutenda”?
19 Pfuurira kusimbisa kutenda kwako uye kutenda kweavo vakakupoteredza. Unogona kuzviita nokuzvivaka iwe uye vamwe nokunyatsoshandisa Shoko raMwari, nokudzidza mienzaniso yokutenda iri muBhaibheri uye ndokunyatsoitsanangura, nokugadzirira uye kupindura mumisangano yechiKristu, uye nokubatisisa ropafadzo inokosha youshumiri hwapachena. Sezvaunoita zvinhu izvi, iva nechokwadi chokuti uri mumwe we“vaya vane kutenda” zvechokwadi. Yeukawo kuti vaya vakadai vane mubayiro unokosha. Ndivo “vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”b Kutenda kwako ngakurambe kuchiwedzera, uye Jehovha Mwari ngaakuchengete uri mupenyu nokusingaperi!
[Mashoko Omuzasi]
a Pauro akadzokorora mashoko eshanduro yeSeptuagint yaHabhakuki 2:4, inosanganisira chitsama chemashoko chinoti “kana mumwe munhu akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.” Kutaura uku hakusi mumanyoro api neapi echiHebheru aripo. Vamwe vakataura kuti Septuagint yakanga yakavakirwa pamanyoro okutanga echiHebheru asisipo. Chero zvakaitika, Pauro akakubatanidza pano achifuridzirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Naizvozvo kunotenderwa naMwari.
b Rugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha rwa2000 ruchava rwunoti: “Hatisi vaya vanodzokera shure . . . asi vaya vane kutenda.”—VaHebheru 10:39.
-