Tsamba kuvaHebheru
3 Saka imi hama dzangu tsvene, vamwe vevakadanwa kudenga,+ fungai nezvaJesu, muapostora uye mupristi mukuru watinozivisa kuti tinotenda maari.*+ 2 Akanga akatendeka kuna uya akamugadza,+ sezvakanga zvakaitawo Mozisi muimba yese yaMwari.+ 3 Nekuti iye* anooneka kuti akakodzera kukudzwa+ kupfuura Mozisi, sezvo uya anovaka imba achikudzwa kupfuura imba yacho pachayo. 4 Ichokwadi kuti imba imwe neimwe ine munhu anoivaka, asi akavaka zvinhu zvese ndiMwari. 5 Mozisi akanga akatendeka paaishanda muimba yaMwari kuti zvive uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa pava paya, 6 asi Kristu akanga akatendeka semwanakomana+ pakutungamirira zvinhu muimba yaMwari. Isu tiri imba yake+ ndokunge tabatisisa rusununguko rwedu rwekutaura uye tariro yatinozvirumbidza nayo kusvikira kumagumo.
7 Saka sekutaura kunoita mweya mutsvene kuti,+ “Nhasi kana mukateerera inzwi rake, 8 musaomesa mwoyo yenyu sepaya pamakaita kuti ndishatirwe zvikuru, sepazuva remuedzo murenje,+ 9 pandakapikiswa nemadzitateguru enyu achindiedza, kunyange zvazvo akanga aona mabasa angu kwemakore 40.+ 10 Ndokusaka ndakatsamwiswa nechizvarwa ichi ndikati: ‘Vanogara vachitsauka mumwoyo yavo, uye havasati vava kuziva nzira dzangu.’ 11 Saka ndakapika ndakatsamwa ndichiti: ‘Havazopindi muzororo rangu.’”+
12 Hama dzangu, chenjerai kuti pasava nemumwe wenyu anotanga kuva nemwoyo wakaipa usina kutenda achibva pana Mwari mupenyu;+ 13 asi rambai muchikurudzirana zuva rega rega, chero bedzi achiri “Nhasi,”+ kuti parege kuva nemumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera rechivi. 14 Nekuti tinobatana naKristu pane zvaari kuita, ndokunge chete tabatisisa kusvikira kumagumo chivimbo chataiva nacho pakutanga.+ 15 Sezvo zvichinzi, “Nhasi kana mukateerera inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sepaya pamakaita kuti ndishatirwe zvikuru.”+
16 Nekuti ndivanaani vakanzwa asi vakaita kuti ashatirwe zvikuru? Havasi vese vaya vakabuda muIjipiti vachitungamirirwa naMozisi here?+ 17 Uyezve, ndevapi vakatsamwisa Mwari kwemakore 40?+ Havasi vaya vakatadza, vane zvitunha zvakawira murenje here?+ 18 Uye ndivanaani vaakapikira kuti havasi kuzopinda muzororo rake? Havasi vaya vakanga vasingateereri here? 19 Saka tiri kuona kuti vakatadza kupinda nekuti vaisava nekutenda.+