Gamuchira Zvipikirwa zvaMwari Kupfurikidza Nokushandisa Kutenda
“Akatipa nazvo [Jehovha Mwari] zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo.”—2 PETRO 1:4.
1. Chii chinotigonesa kushandisa kutenda kwechokwadi?
JEHOVHA anoda kuti tishandise kutenda muzvipikirwa zvake. Bva, “havazi vose vanotenda.” (2 VaTesaronika 3:2) Iri vara chibereko chomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa. (VaGaratia 5:22, 23) Nokudaro, avo bedzi vanotungamirirwa nomudzimu waJehovha vanogona kushandisa kutenda.
2. Muapostora Pauro anorondedzera sei “kutenda”?
2 Asi kutenda chii? Muapostora Pauro anokudana kuti “ratidzirwo iri pachena yezvinhu chaizvoizvo kunyange zvazvo zvisingaonekwi.” Ufakazi hweizvi zvinhu chaizvoizvo zvisingaonekwi hwakasimba kwazvo zvokuti kutenda kunoenzaniswa nahwo. Kutenda kunotaurwawo kuva “kariro yakapikirwa yezvinhu zvinokarirwa” nemhaka yokuti avo vane iri vara vane vimbiso yokuti chinhu chiri chose chakapikirwa naJehovha Mwari chine chokwadi kwazvo chokuti chichazadzikwa.—VaHebheru 11:1, NW.
Kutenda Nezvipikirwa zvaJehovha
3. Chii icho maKristu akazodzwa achawana kana akashandisa kutenda?
3 Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kushandisa kutenda muzvipikirwa zvake. Muapostora Petro akaratidza ikoku mutsamba yake yechipiri yakafuridzirwa, yakanyorwa munenge muna 64 N.V. Akaonesa kuti kudai maKristu biyake akazodzwa akashandisa kutenda, aizoona zadziko ye“zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo” zvaMwari. Somuuyo, aizova “vanhu vakagoverwa uMwari” savadyi nhaka pamwe chete naJesu Kristu muUmambo hwokudenga. Nokutenda nebetsero yaJehovha Mwari, akanga apukunyuka mukuva muusungwa mutsika nemiitiro zvakaora zvenyika ino. (2 Petro 1:2-4) Uye chimbofunga zvako! Avo vanoshandisa kutenda kwechokwadi vanofarikanya rusununguko runokosha rumwe cheterwo nhasi.
4. Mavarai atinofanira kugovera kukutenda kwedu?
4 Kutenda muzvipikirwa zvaJehovha nokuonga nokuda kworusununguko rwedu rwakapiwa naMwari zvinofanira kutisunda kuita unani hwedu kuva maKristu omuenzaniso. Petro akati: “Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, [chidakadaka chouhama, napachidakadaka chouhama NW], rudo.” (2 Petro 1:5-7) Petro nokudaro anotipa ndaza yataizoita zvakanaka kudzidza nomusoro. Ngatisanoongororei aya mavara.
Zvinhu Zvinokosha Zvokutenda
5, 6. Kunaka chii, uye tinogona sei kukugovera kukutenda kwedu?
5 Petro akataura kuti kunaka, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo zvinofanira kugoverwa kune chimwe nechimwe uye kukutenda kwedu. Tinofanira kushanda zvakaoma kuita aya mavara zvinhu zvinokosha zvokutenda kwedu. Somuenzaniso, kunaka hakusi vara ratinoratidzira rakaparadzana nokutenda. Munyori weduramashoko W. E. Vine anoonesa kuti pana 2 Petro 1:5, “kunaka kunowedzerwa sevara rinokosha mukushandiswa kwokutenda.” Rimwe nerimwe ramamwe mavara Petro akadudza rinofanirawo kuva chinhu chokutenda kwedu.
6 Kutanga, tinofanira kugovera kunaka kukutenda kwedu. Kuva akanaka kunoreva kuita chiri chakanaka mukuona kwaMwari. Nokuti shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kunaka,” dzimwe shanduro dzinoshandisa “runako.” (New International Version; The Jerusalem Bible; Today’s English Version) Kunaka kunotisunda kudzivisa kuita zvakaipa kana kuti kuparira kuvadziko kuvanhu biyedu. (Pisarema 97:10) Kunonyandurawo chiito choushingi mukuita zvakanaka nokuda kwebetserwo yavamwe yomudzimu, yomuviri, uye yemirangariro.
7. Neiko tichifanira kugovera zivo kukutenda nokunaka kwedu?
7 Neiko Petro achitikurudzira kuti tigovere zivo kukutenda nokunaka kwedu? Eya, sezvatinotarisana nedenho itsva kukutenda kwedu, tinoda zivo kana tichizosianisa chakarurama nechisakarurama. (VaHebheru 5:14) Kupfurikidza nefundo yeBhaibheri uye ruzivo rwokuzviwanira mukushandisa Shoko raMwari nomukushandisa uchenjeri hunoshanda muupenyu hwezuva nezuva, tinowedzera zivo yedu. Uyewo, ikoku kunotigonesa kuchengeta kutenda kwedu ndokuramba tichiita chiri chakanaka apo tinenge tiri mumuedzo.—Zvirevo 2:6-8; Jakobho 1:5-8.
8. Kuzvidzora chii, uye kwakabatanidzwa sei netsungiriro?
8 Kutibetsera kusangana nemiedzo nokutenda, tinofanira kugovera kuzivo yedu kuzvidzora. Shoko rechiGiriki nokuda kwo“kuzvidzora” rinoratidzira mano okuzvidzora timene. Ichi chibereko chomudzimu waMwari chinotibetsera kuratidza kuzvidzora mumufungo, shoko, uye mufambiro. Kupfurikidza nokupfuurira mukushandisa kuzvidzora, tinogovera kwakuri tsungiriro. Shoko rechiGiriki nokuda kwe“tsungiriro” rinoreva rutsigo rune ushingi, kwete kutera kwokusuruvara kunhamo isinganzvengeki. Jesu akatsungirira danda rokutambudzira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake. (VaHebheru 12:2) Simba rakapiwa naMwari rakabatanidzwa netsungiriro rinosimbisa kutenda kwedu uye rinotibetsera kufara mukutambudzika, kudzivisa muedzo, uye kudzivisa kubvumirana pane zvisina kufanira pakutambudzwa.—VaFiripi 4:13.
9. (a) Kuzvipira kwoumwari chii? (b) Neiko tichifanira kugovera chidakadaka chouhama kukuzvipira kwedu kwoumwari? (c) Tinogona sei kugovera rudo kuchidakadaka chedu chouhama?
9 Kutsungiriro yedu tinofanira kugovera kuzvipira kwoumwari—rutyo, namato, uye basa kuna Jehovha. Kutenda kwedu kunokura sezvo tinoshandisa kuzvipira kwoumwari ndokuona kuti Jehovha anobata sei navanhu vake. Bva, kuti tiratidzire umwari, tinoda chidakadaka chouhama. Pashure pokurangarira zvose, “usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari, waasina kumuona.” (1 Johane 4:20) Mwoyo yedu inofanira kutisunda kuratidza chidakadaka chechokwadi nokuda kwavamwe vabatiri vaJehovha uye kutsvaka garikano yavo panguva dzose. (Jakobho 2:14-17) Asi neiko tichiudzwa kugovera rudo kuchidakadaka chedu chouhama? Sezviri pachena Petro aireva kuti tinofanira kuratidza rudo nokuda kworudzi rwose rwomunhu, kwete chete hama dzedu. Urwu rudo runoratidzwa zvikurukuru kupfurikidza nokuparidzira mashoko akanaka nokubetsera vanhu mumudzimu.—Mateo 24:14; 28:19, 20.
Miuyo Inosianisa
10. (a) Tichaita sei kana kunaka, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo zvikagoverwa kukutenda kwedu? (b) Chii chinoitika kana anotaura kuva muKristu asina mavara aya?
10 Kana tikagovera kunaka, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo kukutenda kwedu, tichafunga, kutaura, uye kuita munzira dzakatenderwa naMwari. Mukupesana, kana anotaura kuva muKristu akakundikana kuratidzira aya mavara, anova bofu mumudzimu. Ano‘tsinzinyira chiedza’ chinobva kuna Mwari uye anokanganwa kuti akacheneswa muzvivi zvomunguva yakapfuura. (2 Petro 1:8-10; 2:20-22) Ngatiregei kutongokundikana munzira iyoyo naizvozvo ndokurasikirwa nokutenda muzvipikirwa zvaMwari.
11. Chii chatinogona kukarira nomazvo kuvakavimbika vakazodzwa?
11 MaKristu akazodzwa akavimbika anotenda zvipikirwa zvaJehovha uye anozvishandisa amene kuita kuti kuadana kwake nokusarudza kuve chokwadi. Pasinei hapo nezvigumbuso zvipi nezvipi munzira yawo, tinogona kuakarira kuratidzira mavara oumwari. Nokuda kwavakazodzwa vakatendeka ‘kwakagoverwa nenzira yakapfuma suo rokupinda muumambo husingaperi hwaJesu Kristu’ kupfurikidza nokumutsirwa kwavo kuupenyu hwomudzimu mudenga.—2 Petro 1:11.
12. Tinofanira kunzwisisa sei mashoko a 2 Petro 1:12-15?
12 Petro akaziva kuti aizokurumidza kufa, uye aikarira kugamuchira rumuko pakupedzisira kuupenyu hwokudenga. Asi chero bedzi aiva mupenyu mu“tabhernakeri ino”—muviri wake wohunhu—akaedza kuvaka kutenda muvatendi biyake ndokuvanyandura kupfurikidza nokuvayeuchidza nezvezvinhu zvaidikanwa nokuda kwenyasha dzoumwari. Pashure pokuenda kwake murufu, hama nehanzvadzi dzomudzimu dzaPetro dzaigona kusimbisa kutenda kwadzo kupfurikidza nokuyeuka mashoko ake.—2 Petro 1:12-15.
Kutenda Mushoko Rouporofita
13. Mwari akagovera sei chipupuriro chinosimbisa kutenda pamusoro pokuuya kwaKristu?
13 Mwari amene akapa uchapupu hunosimbisa kutenda pamusoro pouchokwadi hwokuuya kwaJesu “nesimba nokubwinya kukuru.” (Mateo 24:30; 2 Petro 1:16-18) Vachishaiwa ufakazi, vaprista vechihedheni vakataura ngano dzenhema pamusoro pavamwari vavo, nepo Petro, Jakobho, uye Johane vaiva zvapupu zvakaona zvokuisvonaka kwaKristu mukushanduka chitarisiko. (Mateo 17:1-5) Vakamuona achipiwa mbiri uye vakanzwa kutinhira kwenzwi raMwari amene richibvuma Jesu soMwanakomana Wake anodiwa. Kubvuma ikoko uye chitarisiko chakabwinya zvakapiwa Kristu panguva iyeyo zvaiva kuiswa kworukudzo nembiri paari. Nemhaka yeichi chizaruro choumwari, Petro akadana nzvimbo yacho, sezvingabvira pamuchinjiziri weHermoni, “gomo dzvene.”—Enzanisa naEksodho 3:4, 5.
14. Kutenda kwedu kunofanira kutapurwa sei nokushanduka chitarisiko kwaJesu?
14 Kushanduka chitarisiko kwaJesu kunofanira kutapura sei kutenda kwedu? Petro, akati: “Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga hwuchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu.” (2 Petro 1:19) “Shoko rouporofita” sezviri pachena raibatanidza kwete bedzi uporofita hwaMagwaro echiHebheru pamusoro paMesia asiwo kutaura kwaJesu kwokuti aizouya “nesimba nokubwinya kukuru.” Shoko racho “rakasimba kwazvo” sei kupfurikidza nokushanduka chitarisiko? Chinoitika ichocho chakasimbisa shoko rouporofita pamusoro pokuuya kune mbiri kwaKristu musimba roUmambo.
15. Chii chinobatanidzwa mukupa ngwariro kushoko rouporofita?
15 Kuti tisimbise kutenda kwedu, tinofanira kupa ngwariro kushoko rouporofita. Ikoku kunobatanidza kufunda shoko iroro, kurikurukura pamisangano yechiKristu, uye kushandisa zano raro. (Jakobho 1:22-27) Tinofanira kurirega richiva “mwenje unovhenekera mune rima,” richivhenekera mwoyo yedu. (VaEfeso 1:18) Ndipapo bedzi richatitungamirira kusvikira “utonga huchitsvuka,” kana kuti, “nyamasase,” Jesu Kristu, azvizivisa amene mumbiri. (Zvakazarurwa 22:16) Chizaruro ichocho chichareva kuparadzwa kwavasina kutenda uye zvikomborero nokuda kwaavo vanoshandisa kutenda.—2 VaTesaronika 1:6-10.
16. Neiko tichigona kuva nokutenda kuti zvipikirwa zvose zvouporofita zviri muShoko raMwari zvichazadzikwa?
16 Vaporofita vaMwari vakanga vasiri zvavo vanhu vakachenjera vakaita kudeya kutaura kwokuchenjera, nokuti Petro akati: “Hakuno uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu; nokuti hakuno uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu NW] mutsvene.” (2 Petro 1:20, 21) Somuenzaniso, Dhavhidhi akati: “[Mudzimu NW] waJehovha wakataura mukati mangu.” (2 Samueri 23:1, 2) Uye Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16) Sezvo vaporofita vaMwari vakafuridzirwa kupfurikidza nomudzimu wake, tinogona kuva nokutenda kuti zvipikirwa zvake zvose zviri muShoko rake zvichazadzikwa.
Vaiva Nokutenda Muzvipikirwa zvaMwari
17. Chipikirwai chaiva hwaro hwokutenda kwaAbheri?
17 Zvipikirwa zvaJehovha zvaiva hwaro hwokutenda kwe‘boka guru’ rezvapupu zvake zvapamberi pechiKristu. (VaHebheru 11:1-12:1) Somuenzaniso, Abheri akanga ane chivimbo muchipikirwa chaMwari pamusoro pe“mbeu” yaizopwanya “nyoka” mumusoro. Paiva noufakazi hwezadziko yetongero yaMwari pavabereki vaAbheri. Kunze kweEdheni, Adhama nemhuri yake vakadya zvokudya neziya rezviso zvavo nemhaka yokuti pasi rakatukwa rakabereka minzwa noutumbambeva. Sezvingabvira Abheri akacherechedza kuda kwaEvha murume wake uye akaona kuti Adhama aimutonga. Zvirokwazvo akataura pamusoro pokurwadza kwemimba yake. Uye suo rokupinda mubindu reEdheni rakarindwa namakerubhi nebanga romurazvo womwoto. (Genesi 3:14-19, 24) Zvose izvozvi zvakaumba “ratidzirwo iri pachena” kuchivimbisa Abheri kuti rusununguko rwaizouya kupfurikidza neMbeu yakapikirwa. Achiita nokutenda, Abheri akapa Mwari chibairo icho chakabvumikisa kuva choukoshi hukuru zvikuru kupfuura icho chaKaini.—VaHebheru 11:1, 4.
18, 19. Abrahama naSara vakashandisa kutenda munzirai?
18 Madzitateguru Abrahama, Isaka, uye Jakobho vaivawo nokutenda muzvipikirwa zvaJehovha. Abrahama akashandisa kutenda muchipikirwa chaMwari chokuti mhuri dzose dzapasi dzaizozvikomborera dzimene kupfurikidza naye uye kuti mbeu yake yaizopiwa nyika. (Genesi 12:1-9; 15:18-21) Mwanakomana wake Isaka nomuzukuru Jakobho vaiva “vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye.” Kupfurikidza nokutenda Abrahama “wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa” uye akamirira “guta rine nheyo,” Umambo hwaMwari hwokudenga umo aizomutsirwa kuupenyu pano pasi. (VaHebheru 11:8-10) Une kutenda kwakafanana here?
19 Mudzimai waAbrahama, Sara, akanga ava namakore anenge 90 okukura uye asanopfuura zera rokubereka vana apo akashandisa kutenda muchipikirwa chaMwari uye akapiwa simba ro“kutora mimba” uye akabereka Isaka. Nokudaro, kubva kuna Abrahama ane makore 100, “wakanga akaita sowafa” kana toreva nezvokubereka, pakupedzisira “kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo.”—VaHebheru 11:11, 12; Genesi 17:15-17; 18:11; 21:1-7.
20. Kunyange zvazvo madzitateguru asina kuona kuzadzika kwakakwana kwezvipikirwa zvaMwari kwaari, chii chaakaita?
20 Madzitateguru akatendeka akafa asina kuona zadziko yakazara yezvipikirwa zvaMwari kwaari. Bva, “vakazviona [zvinhu zvakapikirwa] zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.” Zvizvarwa zvakapfuura Nyika Yakapikirwa isati yava yavana vaAbrahama. Muupenyu hwavo hwose, zvisinei, madzitateguru anotya Mwari akashandisa kutenda muzvipikirwa zvaJehovha. Nemhaka yokuti haana kutongorasikirwa nokutenda, achamutsirwa kuupenyu nokukurumidza muumambo hwapasi hwe“guta” Mwari akagadzirira, Umambo hwouMesia. (VaHebheru 11:13-16) Munzira yakafanana, kutenda kunogona kutichengeta takavimbika kuna Jehovha kunyange kana tisingaoni zadziko yokukurumidza yezvipikirwa zvake zvose zvinoshamisa. Kutenda kwedu kuchatisundawo kuteerera Mwari, kunyange seizvo Abrahama akaita. Uye sezvaakapfuuridzira nhaka yomudzimu kuvana vake, naizvozvo tinogona kubetsera vana vedu kushandisa kutenda muzvipikirwa zvinokosha zvaJehovha.—VaHebheru 11:17-21.
Kutenda Kunokosha nokuda kwamaKristu
21. Kuva vanogamuchirika kuna Mwari nhasi, chii chinofanira kubatanidzwa mukushandisa kwedu kutenda?
21 Chokwadika, kune zvakawanda kukutenda kupfuura kuva nechivimbo mukuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha. Munhau yose yavanhu, kwave kuri madikanwa kushandisa kutenda muna Mwari munzira dzakasiana-siana kana tichizofarikanya tendero yake. Pauro akaonesa kuti “kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; [Jehovha Mwari]; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.” (VaHebheru 11:6) Kuti ave anogamuchirika kuna Jehovha nhasi, munhu anofanira kushandisa kutenda muna Jesu Kristu uye muchibairo chorudzikinuro Mwari akagovera kupfurikidza naye. (VaRoma 5:8; VaGaratia 2:15, 16) Kuri seizvo Jesu amene akataura, kuti: “Mwari wakada nyika [yorudzi rwomunhu] nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Unotenda kuMwanakomana, uno upenyu husingaperi; asi usingateereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”—Johane 3:16, 36.
22. Umambo hwouMesia huchaparira zadziko yechipikirwai?
22 Jesu anoita rutivi runokosha mukuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari pamusoro poUmambo uhwo maKristu anonyengeterera. (Isaya 9:6, 7; Dhanieri 7:13, 14; Mateo 6:9, 10) Seizvo Petro akaratidza, kushanduka kwakasimbisa shoko rouporofita pamusoro pokuuya kwaJesu musimba roUmambo nembiri. Umambo hwouMesia huchaparira zadziko yechimwe chipikirwa chaMwari, nokuti Petro akanyora, kuti: “Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13) Uporofita hwakafanana hwakazadzikwa apo nhapwa dzechiJudha muBhabhironi dzakadzorerwa kunyika yokwadzo muna 537 P.N.V. muhurumende yaiva naZerubhabheri sagavhuna uye Joshua somuprista mukuru. (Isaya 65:17) Asi Petro akanongedzera kunguva yemberi apo “denga idzva”—Umambo hwokudenga hwouMesia—aizotonga pamusoro pe“nyika itsva,” chaunga chavanhu vakarurama vanogara papasi rino.—Enzanisa nePisarema 96:1.
23. Mibvunzoi pamusoro pokunaka yatichatevera kukurukura?
23 Savabatiri vakavimbika vaJehovha navateveri voMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu, tinoshuva nyika itsva yaMwari yakapikirwa. Tinoziva kuti yava pedyo, uye tinotenda kuti zvose zvezvipikirwa zvinokosha zvaJehovha zvichazadzikwa. Kuti tifambe nenzira inogamuchirika pamberi paMwari wedu, tinofanira kusimbisa kutenda kwedu kupfurikidza nokugovera kwakuri kunaka, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo.a Papfundo rino, kungabvunzwa kuti, Tinogona sei kuratidzira kunaka? Uye kuva kwedu vakanaka kuchatibetsera sei uye vamwe, zvikurukuru vasonganiri vedu vechiKristu, avo vakagamuchira zvipikirwa zvaMwari kupfurikidza nokushandisa kutenda?
[Mashoko Omuzasi]
a Kutenda nokunaka zvinokurukurwa muchinyorwa chino cheNharireyomurindi. Zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo zvicharangarirwa zvakazara zvikuru muzvinyorwa zvomunguva yemberi.
Chii Chiri Mhinduro Dzako?
◻ “Kutenda” kungarondedzerwa sei?
◻ Mukuwirirana na 2 Petro 1:5-7, mavarai anofanira kugoverwa kukutenda kwedu?
◻ Kushanduka chitarisiko kwaJesu kunofanira kuva nomuuyoi pakutenda kwedu?
◻ Mienzanisoi yokutenda yakagoverwa naAbheri, Abrahama, Sara, uye vamwe vomunguva dzapakuvamba?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Unoziva here kuti kushanduka chitarisiko kwaJesu kunogona sei kutapura kutenda kwomunhu?