Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Pana VaHebheru 11:26, Mosesi ari kutaurwa nezvake sa“Kristu” here, kana panzvimbo pezvo akanga ari mufananidzo waJesu Kristu?
Pakukurukura kutenda kwaMosesi, muapostora Pauro akanyora kuti Mosesi “akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kukupfuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira mubairo.” (VaHebheru 11:26) Kunoratidzika kuti Pauro akanga achinongedzera kuna Mosesi sa“Kristu,” kana kuti muzodziwa, mupfungwa yakati.
Sezvinobvumwa mumativi akasiana-siana Mosesi akagadza muenzaniso nokuda kwaMesia anouya. Kunyange zvazvo Mosesi amene akanga ari muporofita, iye akadeya kutaura muporofita mukuru zvikuru anouya ‘akafanana naye.’ VaJudha vakawanda vakanzwa kuti Jesu akanga ari “Muporofita,” uko vateveri vake vakasimbisa. (Dheuteronomio 18:15-19; Johane 1:21; 5:46; 6:14; 7:40; Mabasa 3:22, 23; 7:37) Mosesi akanga ariwo murevereri wesungano yoMutemo, asi Jesu akagamuchira “basa rakanyanya kunaka” so“murevereri wesungano inopfuura nokunaka,” sungano itsva ine mbiri. (VaHebheru 8:6; 9:15; 12:24; VaGaratia 3:19; 1 Timotio 2:5) Naizvozvo mumativi akati Mosesi aigona kutaurwa kuve akanga ari mufananidzo waMesia anouya.
Iyoyo, zvisinei, hairatidziki kuva revo huru yaVaHebheru 11:26. Hapana ratidziro yokuti Mosesi akanga achiziva udzame pamusoro paMesia, achikudza nokuziva izvo akapfuura nomazviri muEgipita sezviri nokuda kwaMesia kana kuti mumiriri Wake.
Vamwe vakakarakadza kuti mashoko aPauro ari pana VaHebheru 11:26 akanga ane revo yakafanana netsinhiro yake yokuti maKristu akatambura “madambudziko aKristu.” (2 VaKorinte 1:5) MaKristu akazodzwa aiziva kuti Jesu Kristu akanga atambura uye kuti kana ‘akatambura pamwe chete aizorumbidzwa pamwe chete’ mudenga. Asi Mosesi akanga asingazivi izvo Mesia anouya aizotambura, uyewo Mosesi akanga asina tariro yokudenga.—VaRoma 8:17; VaKorose 1:24.
Pane nzwisiso yakapfava zvikuru yokuti Mosesi “akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kukupfuma kwose kweEgipita” sei.
Apo Pauro akanyora kuti “Kristu” pana VaHebheru 11:26, iye akashandisa shoko rechiGiriki rokuti Khri·stouʹ, iro rine revo yakafanana naMa·shiʹach wechiHebheru, kana kuti Mesia. Ose ari maviri “Mesia” na“Kristu” anoreva kuti “muzodziwa.” Naizvozvo Pauro akanga ari kunyora nezvo‘kurangarira [kwaMosesi] kuzvidzwa kwomuzodziwa.’ Mosesi amene aigona kudanwa kunzi “muzodziwa” here?
Hungu. Munguva dzeBhaibheri munhu angasimbiswa mubasa chairo kupfurikidza nokuita kuti mafuta adururwe pamusoro wake. “Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akaadurura pamusoro [waSauro].” “Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza [Dhavhidhi] pakati pehama dzake. [Mudzimu, NW] waJehovha [wa]kauya pamusoro paDhavhidhi nesimba.” (1 Samueri 10:1; 16:13; enzanisa naEksodho 30:25, 30; Revhitiko 8:12; 2 Samueri 22:51; Pisarema 133:2.) Bva, vamwe, vakadai somuporofita Erisha namambo weSiria Hazaeri, vanotaurwa nezvavo sa“vakazodzwa” kunyange zvazvo kusina ufakazi hwokuti mafuta chaiwoiwo akadururwa pavari. (1 Madzimambo 19:15, 16; Pisarema 105:14, 15; Isaya 45:1) Nokudaro, munhu aigona kuva “muzodziwa” kupfurikidza nokuva akasarudzwa kana kuti kutumwa nenzira chaiyo.
Mupfungwa iyoyi Mosesi amene akanga ari muzodziwa waMwari, uye mamwe maBhaibheri anotopa shanduro dzakadai sedzokuti “Muzodziwa waMwari” kana kuti “Akazodzwa” pana VaHebheru 11:26. Mosesi akatumwa somumiriri waJehovha nouyo aifanira kutungamirira Israeri kubuda muEgipita. (Eksodho 3:2-12, 15-17) Kunyange zvazvo Mosesi akanga arererwa pakati pepfuma nembiri zveEgipita, iye akakoshesa zvikuru kwazvo basa rake, iro akagamuchira ndokuita. Nenzira inowirirana, Pauro aigona kunyora kuti Mosesi “akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kukupfuma kwose kweEgipita.”