Mapisarema
Rwiyo Rwekukwidza. RwaDhavhidhi.
133 Tarisai kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita
Kana hama dzichigara pamwe chete dzakabatana!+
2 Zvakaita semafuta akanaka adururirwa mumusoro+
Achiyerera achidzika nemundebvu,
Ndebvu dzaAroni,+
Oyerera nepakora yezvipfeko zvake.
Ipapo ndipo pakaziviswa naJehovha chikomborero chake,
Upenyu husingaperi.