-
Pupurira Jehovha Uye UsanetaNharireyomurindi—1989 | December 15
-
-
8. (a) Chii chakasunda Pauro kunyora tsamba yake kuvaHebheru? (b) Tichanangidzira ngwariro yedu parutivii rwetsamba yake, uye nei?
8 Munenge muna 61 N.V., Pauro akapinzwa mutorongo muRoma, asi akanga achiziva nezvechakanga chichiitika kuhama dzake muJerusarema. Naizvozvo, munhungamiro yomudzimu waJehovha, iye akanyora tsamba yake yakakodzera nguva kuvaHebheru. Iyo yakazara neitiro hanya yorudo nokuda kwehama dzake nehanzvadzi dzeHebheru. Pauro aiziva chavaida kuita kuti kutenda kwavo nechivimbo zvivakwe muna Jehovha soMubetseri wavo. Ipapo ivo vaigona ‘kumhanya netsungiriro nhangemutange yakaiswa pamberi pavo’ ndokuti nenzira ine chivimbo: “Jehovha ndiye mubetseri wangu; handisati ndichizotya. Chii chinogona kuita munhu kwandiri?” (VaHebheru 12:1; 13:6, NW) Ndipo parutivi urwu rwetsamba yaPaurokuVaHebheru (ganhuro 11-13) apo zvino tinoshuva kunangidzira ngwariro yedu. Neiko? Nemhaka yokuti mugariro maKristu iwayo apakuvamba akatarisana nawo ndimumwe chetewo nouyo unotarisana neZvapupu zvaJehovha nhasi.
-
-
Pupurira Jehovha Uye UsanetaNharireyomurindi—1989 | December 15
-
-
11. Isu nhasi tinogona sei kubetserwa ne“gore rezvapupu [rakatikomberedza, NW]”?
11 Pashure penhauro yaava varume navakadzi vakatendeka, Pauro anoti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rakadai, ngatibvise zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” (VaHebheru 12:1) Kunyange zvazvo zvino vakavata muguva, ko izvi zvapupu zvakatendeka zvomuenzaniso zvipenyu mundangariro yedu here? Ko unovaziva nezvinoitika zvavo zvakanaka zvakakwana kupindura kuti hungu here? Iyi ndiimwe yetuso dzakawanda dzefundo yeBhaibheri yenguva dzose, tichishandisa pfungwa dzedu dzose kumutsidzira zvinoitika zvinofadza zveiri “gore rezvapupu.” Zvirokwazvo, kufungisisa muenzaniso wavo wokutendeka kuchatibetsera zvikuru kukurira kushaiwa kupi nokupi kwokutenda. Uyewo, ikoku kuchatibetsera kupa uchapupu hwoushingi nohwokusatya kuzvokwadi mumigariro yose.—VaRoma 15:4.
-