Pupurira Jehovha Uye Usaneta
“Sanorangarirai uyo akatsungirira kutaura kwakadai kwakaipa kwakaitwa navatadzi . . . kuti mugorega kuneta ndokupera simba mumweya yenyu.”—VAHEBHERU 12:3, “NW.”
1, 2. Chitendisoi chinopisa chakapa Jesu kuvadzidzi vake chokuti iye akanga amutswa?
“NDAONA Ishe!” Namashoko iwayo anokatyamadza, Maria Magdarene akatanga kutaura mashoko orumuko rwaJesu. (Johane 20:18) Ikoku kwakaratidzira mavambo amazuva 40 akazadzwa nezvinoitika zvinofadza nokuda kwavadzidzi vaKristu, vakasuruvariswa kare norufu rwake.
2 Jesu akanga asingadi kusiya panikiro mundangariro dzavadzidzi vake yokuti iye akanga ari mupenyu zvomenemene. Nokudaro, sezvinorondedzera Ruka: “Kupfurikidza nezvibvumikiso zvakananga zvakawanda [Jesu] akazviratidza amene ari mupenyu pashure pokunge atambura, achionwa navo mumazuva ane makumi mana ose.” (Mabasa 1:3, NW) Kutaura idi, pane imwe nhambo “iye akaoneka kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe.” (1 VaKorinte 15:6, NW) Zvamazvirokwazvo, zvino kwakanga kusinazve nzvimbo yepanikiro. Jesu akanga ari mupenyu!
3. Mubvunzoi pamusoro poUmambo wakabvunza vadzidzi vaJesu kwaari, uye neiko mhinduro yake yakavashamisa?
3 Vadzidzi vaJesu panguva iyeyo vaifunga bedzi nezvo“umambo hwaMwari” hwapasi, hunodzorerwa kuna Israeri. (Ruka 19:11; 24:21) Naizvozvo ivo vakabvunza Jesu, kuti: “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?” Pasina panikiro mhinduro yake yakavashamisa, nokuti iye akati: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba kana [mudzimu, NW] mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:6-8) Idenho yakadini zvino yakaiswa pamberi pavadzidzi! Uye mutoro wakadini! Ivo vaigona sei kuita basa rakadaro? Mhinduro yakakurumidza kuuya nomutoo unokatyamadza.
Kugamuchira Denho
4. Rondedzera chakaitika pazuva rePentekosta.
4 Ruka anorondedzera, kuti: “Zvino zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwe chete panzvimbo imwe. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomwoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa no[mudzimu, NW] mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo no[mudzimu, NW] kureva.” Mheremhere yacho yakanga iri huru kwazvo zvokuti yakakwezva ngwariro yeboka guru ravaJudha vaigara muJerusarema nokuda kwomutambo. Ivo vakashamiswa nokunzwa mu‘ndimi dzavo vamene pamusoro pezvinhu zvakaisvonaka zvaMwari.’—Mabasa 2:1-11.
5. Kudeya kutaura kwaJesu kuri pana Mabasa 1:8 kwakakurumidza kuzadzika kusvikira patambanukoi?
5 Petro haana kurasa nguva mukupa hurukuro ine simba, achibvumikisa pasina nepanikiro ipi neipi kuti “Jesu weNazareta,” uyo ivo vakanga varoverera, akanga ari “Ishe” akadeya kutaurwa naDhavhidhi mumashoko, anoti: “[Jehovha, NW] wakati kunaShe wangu: ‘Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’” Varwadziwa mwoyo, vateereri vaPetro vakabvunza, vachiti: “Varume, hama, tichaiteiko?” Mumhinduro Petro akavakurudzira, achiti: “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhapatidzwe nezita raShe, kuti mukanganwirwe zvivi.” Muuyo wacho? Zviuru zvitatu zvakabhapatidzwa! (Mabasa 2:14-41) Uchapupu hwakanga hwava kutopiwa muJerusarema. Gare gare, hwakapinda muJudhea rose, ipapo Samaria, uye pakupedzisira “kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” Kukura kwebasa rokuparidzira Umambo kwakanga kuchikurumidza kwazvo zvokuti munenge muna 60 N.V. muapostora Pauro aigona kutaura kuti mashoko akanaka “akaparidzirwa muchisiko chose chiri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23, NW.
Kukura kwoUmambo Nechitambudzo
6, 7. (a) Kukura kwoUmambo nokutambudzwa kwamaKristu zvakasanobatana sei mukati mezana rokutanga ramakore? (b) Kushaiwai kunokosha kwakamuka pakati pamaKristu muJerusarema, uye uku kushaiwa kwakaitwa sei?
6 Isiri nguva refu pashure pePentekosta 33 N.V., vadzidzi vaJesu vaiva nechikonzero chokuyeuka mashoko ake, anoti: “Muranda haasi mukuru kupfuura tenzi wake. Kana ivo vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Johane 15:20, NW) Vatungamiriri vechiJudha vakashatiriswa apo “shoko raMwari rakaramba richikura, uye chiverengero chavadzidzi chakaramba chichiwanda muJerusarema nokukurumidza zvikuru.” Papomero dzenhema, mudzidzi Stefano akatakwa kusvikira kurufu. Ikoko kwakaoneka kuva chiratidzo icho vazhinji vakanga vakamirira, nokuti “pazuva iroro chitambudzo chikuru chakamukira ungano iyo yakanga iri muJerusarema; vose kunze kwavaapostora vakapararira munharaunda dzose dzeJudhea neSamaria.”—Mabasa 6:7; 7:58-60; 8:1, NW.
7 Chitambudzo chakaderera kwechinguvana. Asi nokukurumidza pashure pacho, Herodhe Agripa I akauraya muapostora Jakobho. Petro akapinzwa mutorongo asi akasunungurwa nengirozi. Gare gare hama dzomuJerusarema dzakava varombo mune zvokunyama, uye yamuro yaifanira kutumirwa kwadziri navatendi biyavo vomudzimwe nzvimbo. (Mabasa 9:31; 12:1-11; 1 VaKorinte 16:1-3) Mukati meshanyo yomuapostora Pauro kuJerusarema, kunyanyisa kworudzidziso kwakanga kuri pachena sezvo boka guru rakaridza mhere, richiti: “Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.” (Mabasa 22:22) Zvamazvirokwazvo, maKristu iwayo aigara muJerusarema neJudhea aida kurudziro yakawanda yokupfuurira kupupurira nokutendeka pamusoro poUmambo. Jesu akanga apikira vadzidzi vake kuti “mudzimu mutsvene, uyo Baba vachatuma muzita rangu,” waizoita so“mubetseri.” (Johane 14:26, NW) Asi Baba zvino vaizogovera sei betsero inodikanwa yakadaro kana kuti nyaradzo? Mhinduro, murutivi, yakanga iri kupfurikidza nomuapostora Pauro.
Tsamba yaPauro kuvaHebheru
8. (a) Chii chakasunda Pauro kunyora tsamba yake kuvaHebheru? (b) Tichanangidzira ngwariro yedu parutivii rwetsamba yake, uye nei?
8 Munenge muna 61 N.V., Pauro akapinzwa mutorongo muRoma, asi akanga achiziva nezvechakanga chichiitika kuhama dzake muJerusarema. Naizvozvo, munhungamiro yomudzimu waJehovha, iye akanyora tsamba yake yakakodzera nguva kuvaHebheru. Iyo yakazara neitiro hanya yorudo nokuda kwehama dzake nehanzvadzi dzeHebheru. Pauro aiziva chavaida kuita kuti kutenda kwavo nechivimbo zvivakwe muna Jehovha soMubetseri wavo. Ipapo ivo vaigona ‘kumhanya netsungiriro nhangemutange yakaiswa pamberi pavo’ ndokuti nenzira ine chivimbo: “Jehovha ndiye mubetseri wangu; handisati ndichizotya. Chii chinogona kuita munhu kwandiri?” (VaHebheru 12:1; 13:6, NW) Ndipo parutivi urwu rwetsamba yaPaurokuVaHebheru (ganhuro 11-13) apo zvino tinoshuva kunangidzira ngwariro yedu. Neiko? Nemhaka yokuti mugariro maKristu iwayo apakuvamba akatarisana nawo ndimumwe chetewo nouyo unotarisana neZvapupu zvaJehovha nhasi.
9. Inhaui yakatarisana namaKristu muzana rokutanga ramakore inotarisana namaKristu nhasi, uye iyo inongogona bedzi sei kusanganwa nayo?
9 Mukati mechizvarwa chedu, mapoka makuru akagamuchira zvakananga shoko roUmambo kupfurikidza nokuzvitsaurira vamene kuna Jehovha nokubhapatidzwa seZvapupu zvake. Zvisinei, pamwe nouku kukura kwokunamata kwechokwadi kwakauya chitambudzo chamasimba masimba, maKristu akawanda achitorasikirwa noupenyu hwao sezvakaita Stefano, Jakobho, uye zvimwe zvapupu zvakatendeka zvomuzana rokutanga ramakore. Nokudaro, nhau yacho ndiimwe cheteyo zvino sezvayakanga yakaita panguva iyeyo: Ndiani achakwanisa kutsungirira muedzo weperero yavo mukutarisana nechishoro chinokura kushoko roUmambo? Kupfuurirazve, ndiani achakwanisa kutarisana nezvinoitika zvinotyisa sezvo “dambudziko guru” risingaenzaniswi rinokurumidza kuburukira pachizvarwa chino chazvino? (Mateo 24:21, NW) Mhinduro ndeiyi, avo vakagadzirira ku“rwa kurwa kwakaisvonaka kwokutenda,” avo vaka“simba mukutenda.” Ivava ndivo vachakwanisa pakupedzisira kuti: “Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, kutenda kwedu.”—1 Timotio 6:12; 1 Petro 5:9; 1 Johane 5:4, NW.
Kubetserwa Nemienzaniso Yokutendeka
10. (a) Kutenda chii? (b) Mwari akanzwa sei pamusoro pavarume navakadzi vokutenda vekare?
10 Kutenda chii? Pauro anopindura, achiti: “Kutenda ikariro ine chokwadi yezvinhu zvinokarirwa, ratidzirwo inooneka yezvinhu chaizvoizvo kunyange zvazvo zvisingaonwi. Nokuti kupfurikidza naikoku vanhu vekare vakapupurirwa.” (VaHebheru 11:1, 2, NW) Pauro ipapo anotsigira rondedzero yake yokutenda kupfurikidza nokuratidza kutenda kunoshanda. Iye anobata mapfundo makuru omuupenyu hwavamwe “varume vekare,” pamwe chete navakadzi vakafanana naSara naRakabhi. Kunokurudzira sei kuwana kuti “Mwari haanyadziswi navo, kudanwa saMwari wavo”! (VaHebheru 11:16, NW) Ko Mwari anogona kutaura zvimwe chetezvo here nezvedu nemhaka yokutenda kwedu? Ngatisamupe chisakiso chokunyadziswa nesu sezvo zuva rimwe nerimwe rinoguma.
11. Isu nhasi tinogona sei kubetserwa ne“gore rezvapupu [rakatikomberedza, NW]”?
11 Pashure penhauro yaava varume navakadzi vakatendeka, Pauro anoti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rakadai, ngatibvise zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” (VaHebheru 12:1) Kunyange zvazvo zvino vakavata muguva, ko izvi zvapupu zvakatendeka zvomuenzaniso zvipenyu mundangariro yedu here? Ko unovaziva nezvinoitika zvavo zvakanaka zvakakwana kupindura kuti hungu here? Iyi ndiimwe yetuso dzakawanda dzefundo yeBhaibheri yenguva dzose, tichishandisa pfungwa dzedu dzose kumutsidzira zvinoitika zvinofadza zveiri “gore rezvapupu.” Zvirokwazvo, kufungisisa muenzaniso wavo wokutendeka kuchatibetsera zvikuru kukurira kushaiwa kupi nokupi kwokutenda. Uyewo, ikoku kuchatibetsera kupa uchapupu hwoushingi nohwokusatya kuzvokwadi mumigariro yose.—VaRoma 15:4.
Kusaneta
12. (a) Muenzaniso waJesu unogona sei kutibetsera kusa‘neta nokupera simba mumweya yedu’? (b) Ndeipi iri mienzaniso yomuzuva razvino yaavo vasinganeti?
12 Muenzaniso wedu mukurusa wokutenda ndiJesu. Pauro anokurudzira, achiti: “Ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yatakaisirwa pamberi pedu, sezvatinotarisisa Mumiriri Mukuru, noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. . . . Zvamazvirokwazvo, sanorangarirai uyo akatsungirira kutaura kwakadai kwakaipa kwakaitwa navatadzi kwokurwisana nefariro dzavo vamene, kuti mugorega kuneta ndokupera simba mumweya yenyu.” (VaHebheru 12:1-3, NW) Iwe waka“sano”rangarira sei muenzaniso waJesu? Iwe wave uchitari“sisa” sei kwaari? (1 Petro 2:21) Satani anoda kuti ‘tinete ndokupera simba mumweya yedu.’ Iye anoda kuti tirege kuita basa rokupupurira. Anoita sei ikoku? Pane dzimwe nguva kupfurikidza nechishoro chaicho chinobva kuzviremera zvorudzidziso nezvenyika, somuzana rokutanga ramakore. Gore rapera, basa rokuparidzira Umambo rakaganhurirwa munyika 40. Asi ikoko kwakaparira hama dzedu kuneta here? Aiwa! Basa radzo rokutendeka rakaguma navane 17 000 navanopfuura vanobhapatidzwa munyika idzodzo muna 1988. Ikoku kunofanira kuva kurudziro yakadini kuavo vose vari kugara munyika umo mune rusununguko rwakati! Tisatongoneta mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo!
13. (a) Ndezvipi zviri zvakati kuti zvezvinhu zvamanomano izvo zvingagona kutisakisa kuneta mubasa redu rokuparidzira? (b) Chii chakanga chiri ‘mufaro wakaiswa pamberi paJesu,’ uye tinogona sei kuwana chimiro chinofara chakafanana?
13 Zvisinei, kune zvimwe zvinhu zvamanomano zvikuru zvingagona kutisakisa kuneta. Izvozvi zvinobatanidza chishoro mumusha wakakamuraniswa, nhamo yendangariro, zvinetso zvoutano, dzvinyiriro yavaenzani, kuora mwoyo nemhaka yokushaiwa miuyo yakananga mubasa redu rokuparidzira, kana kuti zvichida kunzwa kwechinya nemhaka yokuti mugumo wetsika ino yezvinhu uchigere kusvika. Eya, chiiko chakabetsera Jesu kutsungirira kutambura kwendangariro nokwomuviri? Wakanga uri “mufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaHebheru 12:2, NW) Jesu akatsigirwa nomufaro wokuita kuti mwoyo waBaba vake ufare kupfurikidza nokureverera Iye uye kupfurikidza nokukarirwa kwomufarwa wapashure waaizowana mukutarisira zvikomborero zvinoshamisa zvoUmambo hwaMesia. (Pisarema 2:6-8; 40:9, 10; Zvirevo 27:11) Tingagona here kusanotevera zvikuru ichi chimiro chokufara chaJesu? Uye yeuka vimbiso yaPetro iri pana 1 Petro 5:9 (NW): “Zvinhu zvimwe chetezvo mukutambura zviri kuitwa musangano rose rehama dzenyu munyika.” Kuziva kuti Jehovha anonzwisisa, kunzwa kudziya kwouhama hwedu hwenyika yose, uye kuchengeta meso edu ari pamifaro iri mberi kwedu mukutonga kwoUmambo—zvose izvozvi zvichatibetsera kusaneta mukubatira Jehovha mukutenda nomukuparidzira apo mugumo wava pedyo kwazvo.
Chikonzero Nei Jehovha Achiranga
14. Ibetseroi dzingabva mumiedzo nokutambura izvo tingatsungirira?
14 Pauro zvino anojekesa chikonzero nei tingafanira kutsungirira miedzo nokutambura. Iye anokarakadza kuti tirangarire zvakadaro sechimiro chechirango. Pauro anorangarira, achiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza chirango chinobva kuna Jehovha, uyewo usaora mwoyo apo unoruramiswa naye; nokuti Jehovha anoranga waanoda.” (VaHebheru 12:5, 6, NW) Kunyange Jesu “akadzidza teerero muzvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8, NW) Zvirokwazvo, isuwo tinoda kudzidza teerero. Cherechedza miuyo inobetsera yokubvumira chirango kutiumba. Pauro akati: “Kuavo vakarovedzwa nacho chinobereka chibereko chine rugare, ndiko kuti, kururama.” Ikoko kunokurudzira sei!—VaHebheru 12:11, NW.
15. Tinogona sei kushandisa zano raPauro rokuti ‘rambai muchigadzirira nzira dzakatwasuka tsoka dzenyu’?
15 Kana tikagamuchira “chirango chinobva kuna Jehovha” muuyo mugariro, tichafungisisa zano rakananga raPauro: “Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama.” (VaHebheru 12:12, 13) Pane dzimwe nguva kuri nyore zvikuru kubva mu‘nzira yakamanikana inotungamirira muupenyu.’ (Mateo 7:14) Muapostora Petro navamwe muAntiokia vakambova nemhaka yokuita ikoku. Neiko? Nemhaka yokuti “vakanga vasiri kufamba zvakatwasuka mukuwirirana nezvokwadi yamashoko akanaka.” (VaGaratia 2:14, NW) Nhasi, tinofanira kuramba tichiteerera Muraidzi wedu Mukuru, Jehovha Mwari. Tinofanira kushandisa zvakazara betsero dzinogoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera.” Ikoku kuchavimbisa ‘nzira yakatwasuka’ yetsoka dzedu.—Mateo 24:45-47, NW; Isaya 30:20, 21.
16. (a) “Mudzi wokuvava” ungasimba sei muungano? (b) Neiko Pauro achibatanidza utere nokushaiwa kwokuonga zvinhu zvinoyera, uye tinogona sei kuzvitaviridza timene pangozi dzakadaro?
16 Pauro anotevera kunyevera kuti tinofanira kuti ti“chenjere kuti kurege kuva nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo.” (VaHebheru 12:15) Kuora mwoyo, kusagutswa, kuwanira mhaka nzira iyo zvinhu zviri kuitwa nayo muungano zvinogona kuva zvakafanana no“mudzi wokuvava” uyo unogona kupararira nokukurumidza ndokukuvadza mifungo yakanaka yavamwe vari muungano. Tinogona kukurira mifungo yakaipa yakadaro kupfurikidza nokurangarira zvikomborero zvisingaverengeki izvo zvokwadi yakapinza muupenyu hwedu. (Pisarema 40:5) Imwe ngozi ndeiya yokuva nekombamiro dzoutere kana kuti ‘kushaikwa kwokuongwa kwezvinhu zvinoyera, kufanana naEsau.’ (VaHebheru 12:16) Pauro anobatanidza ngozi idzodzi dziri mbiri pamwe chete, sezvo imwe yacho ichigona kusatana kutungamirira kuimwe. Hakuna muKristu anofanira kutera kuzvishuvo zvoudyire zvakadaro kana iye achishandisa mashoko aPetro, anoti: “Mudzivise [Dhiabhorosi], makasimba mukutenda.”—1 Petro 5:9, NW.
“Zvinhu Chaizvoizvo Kunyange Zvazvo Zvisingaonekwi”
17. Enzanisa zvinoitika zvinotyisa paGomo reSinai neizvo zvinotarisana namaKristu nhasi.
17 Kutenda kwedu kwakatsamira zvikuru pa“zvinhu chaizvoizvo kunyange zvazvo zvisingaonekwi.” (VaHebheru 11:1, NW) Zvimwe zveizvi zvinhu chaizvoizvo zvisingaonekwi Pauro anopfuurira kutaura nezvazvo pana VaHebheru 12:18-27. Iye anorondedzera zvinoitika zvinotyisa paGomo reSinai apo Mwari akataura zvakananga kuna Israeri uye apo Mosesi akati: “Ndinotya kwazvo, ndinodedera.” Muapostora ipapo anowedzera, achiti: “Asi imi makaswedera kuGomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi, nokuungano huru.” Muchinoitika chavaIsraeri vakare paGomo reSinai, inzwi raMwari rakazunungusa pasi, akadaro Pauro, asi zvino Iye akapikira, achiti: “Ndichabvundisazve kamwe chete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.” Kunyange zvazvo aya mashoko achitaurwa zvikurukuru kumaKristu akazodzwa, “boka guru” ravamwe vakafanana namakwai rinogona kuafungisisawo. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Iwe unonzwisisa zvizere here izvo Pauro ari kutaura? Timire pamberi pegungano ramakumi ezviuru engirozi. Chokwadika, timirewo pamberi paJehovha. Parudyi pake pana Jesu Kristu. Zvamazvirokwazvo, tiri munzvimbo inotyisa zvikuru nomumutoro mukuru zvikuru kupfuura zvakanga zvakaita vaHebheru ivavo vakare paGomo reSinai! Uye yeuka, kuzunungusa pahondo iri kuuya yeArmagedhoni kuchaparira denga rakaipa razvino napasi kuparara. Nhasi zvamazvirokwazvo haisi nguva yo“kurega” kunzwa Shoko raMwari nokuriteerera!
18. Tinongogona bedzi sei kupfuurira kupupurira Jehovha, kwete kuneta?
18 Zvirokwazvo, ipapoka, tiri kurarama panguva inotyisa zvikurusa munhau yavanhu. SeZvapupu zvaJehovha, takatumwa kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi kundoparidzira mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa hwaMwari. Kuti tiite saizvozvo, tinofanira kuva nokutenda kusingagoni kuzununguswa, kutenda kusinganeti, kutenda kunotigonesa kugamuchira chirango chaJehovha. Kana tine kutenda kwakadaro, tichawanwa tiri pakati paavo vacha“pfuurira kuva nomutsa usakafanirwa, kupfurikidza nawo tingaitira Mwari nenzira inogamuchirika basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo.” (VaHebheru 12:28, NW) Hungu, uye tichapfuurira kupupurira Jehovha ndokusaneta.
Ungapindura Sei?
◻ Neiko tsamba yaPauro kuvaHebheru ichibetsera kwatiri?
◻ Inhaui maKristu anofanira kutarisana nayo nhasi?
◻ Tinogona sei kubetserwa nezvapupu zvakatendeka zvekare?
◻ Neiko Jehovha achiranga avo anoda?
◻ Chii chiri chinhu chikuru kukupupurira tisinganeti?