Ivai Vanoonga—Umambo hwaMesia hwaJehovha Hwotonga
“Tinokuongai, Jehovha Mwari, Wamasimba ose, . . . nemhaka yokuti makatora simba renyu guru ndokuvamba kutonga samambo.”—ZVAKAZARURWA 11:17, “NW.”
1. Chii icho purezidhendi weWatch Tower Society akataura pashure porwendo rwake rwokuEurope muna 1911?
PAKUVAMBA muna 1911, purezidhendi weWatch Tower Society, C. T. Russell, akapa nhevedzano dzehurukuro dzeBhaibheri mumaguta makuru eEurope. Achitsinhira parwendo irworwo, Russell akanyora zvinotevera muThe Watch Tower, May 15, 1911: “Takashamiswa nokuwana ufakazi huzhinji kwazvo hwebudiriro munzvimbo iri yose . . . Varavi vedu vanoziva kuti kwamakore akati tave tichikarira Nhambo iyi kuguma nenguva inotyisa yechinetso, uye tinoikarira kutanga nokukurumidza nesimba isiri nguva refu pashure paOctober, 1914, uyo, kusvikira panguva ino sezvatinogona kunzwisisa Magwaro, uri musi apo Nguva dzaVamarudzi—nguva youdzori hwapasi kuVamarudzi—dzichapera; nguva yacho, naizvozvo, apo umambo hwouMesia huchada kutanga kushandisa kwahwo simba.” Iyi kariro yakazadzikwa here?
2. Rugare rwakaparadzwa sei muna 1914, uye nemiuyoi inosuruvarisa?
2 Mukati mehafu yokutanga ya 1914, nyika yairatidzika kuva yakachengeteka neyakakotsekana pahondo. Asi rugare rwakakurumidza kuparadzwa nokuurawa kwomudyi wenhaka wechigaro choumambo cheAustria kwakaitwa nomuSerb pana June 28, 1914. Nokukurumidza Austria neHungary yakazivisa hondo mukurwisana neSerbia. Russia yakatsigira Serbia, naizvozvo Germany yakazivisa hondo mukurwisana neRussia pana August 1. Ipapo Germany yakazivisa hondo mukurwisana neFrance pana August 3; Great Britain mukurwisana neGermany pana August 4; Montenegro mukurwisana neAustria neHungary pana August 7; Japan mukurwisana neGermany pana August 23; Austria neHungary mukurwisana neBelgium pana August 28. Vazhinji vakadavira kuti hondo yacho yaizokurumidza kupera. Panzvimbo pezvo, yakawedzera kupinda muhondo yakaipisisa yenhau kusvikira panguva iyoyo, dzimwe nyika 19 dzichitsigira kudeura ropa kwamarudzi ose uko kwakapedza upenyu hwavarwi navanhuwo zvavo vanopfuura 13 000 000, navanopfuura 21 000 000 vakaremadzwa navakakuvadzwa.
3, 4. Chii chakaitika padzimbahwe reSosaiti paChishanu mangwanani, October 2, 1914?
3 PaChishanu mangwanani, October 2, 1914, Russell akazivisa kuvashandi vapadzimbahwe reWatch Tower Society muBrooklyn, New York, kuti: “Nguva dzaVamarudzi dzaguma; madzimambo avo akava nezuva ravo.” Ikoku kwakagamuchirwa nokurova maoko kwembavarira kwakaitwa nemhuri yapaBheteri, “imba yaMwari.”
4 Iruramisoi iyo C. T. Russell navasonganiri vake vakanga vanayo yokuva vanofara zvikuru kwazvo pamangwanani iwayo aOctober? Mashoko okuti “Nguva dzaVamarudzi” anobva kupi? Ufakazii huripo hwokuti Nguva dzaVamarudzi dzakaguma muna October 1914? Uye ikoko kunofanira kukutapura sei?
Jerusarema neNguva dzaVamarudzi
5. Mashoko okuti “Nguva dzaVamarudzi” akabva kupi?
5 Kutaura kwokuti “Nguva dzaVamarudzi,” kana kuti “nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” kunobva muuporofita hukuru hwaJesu pamusoro poruparadziko rweJerusarema. (Ruka 21:5-36, King James Version) Mazuva maviri pamberi pokuhupa, Jesu akazvipa amene kuvagari veJerusarema saMesia wavo. Apo akanga akatasva mbongoro nokuzvininipisa akananga kuguta, mapoka avaJudha akadanidzira murukundo, kungofanana neizvo Zekaria 9:9 yakadeya kutaura. “Akakomborerwa ndiye unouya saMambo muzita raJehovha,” vakadanidzira kudaro zvinonzwika.—Ruka 19:28-40, NW.
6, 7. Imhakai yeropa inotyisa iyo vaJudhea vomuzana rokutanga ramakore vakaunza pavari vamene, uye nemiuyoi?
6 Asi Jesu aiziva kuti murangariro wavanhu vose waizokurumidza kuitwa kuti urwisane naye nemhaka yoruvengo rwokuuraya rwakaitwa navatungamiriri vorudzidziso veJerusarema mupesvedzero yababa wavo, Dhiabhorosi. (Genesi 3:15; Johane 8:44) Chinguvana pashure paikoko, pana Nisani 14, boka ravaJudha rwakachemera rufu rwaJesu. “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napavana vedu,” vakadanidzira kudaro kumutongi weRoma anozengurira. (Mateo 27:24, 25) Panzvimbo pokugamuchira Jesu saMambo wouMesia, vaprista vakuru vakazivisa, kuti: “Hatina mambo asi Kesari chete.” (Johane 19:15) Ipapo Mesia wechokwadi akarovererwa padanda rokutambudzira kuti afe, apomerwa zvenhemanhema somupandukiri weRoma uye mutuki waMwari wavaJudha.—Marko 14:61-64; Ruka 23:2; Johane 18:36; 19:7.
7 Hasha dzoumwari dzakanga dzine chokwadi chokuwira pavagari veJudhea nemhaka yemhaka yavo inotyisa yeropa. Jerusarema, netembere yaro yakaisvonaka, raisagonazve kunzi “guta raMambo mukuru,” Jehovha. (Mateo 5:35; Ruka 13:33-35) Mazuva akati pamberi porufu rwaJesu, vadzidzi vake vakataura nenzira yokuyemura nezvezvivako zvetembere yeguta iroro. Mukupindura, Jesu akadeya kutaura, kuti: “Kana zviri zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro peibwe, risingazowisirwi pasi.”—Ruka 21:5, 6.
8. Apo Jesu akapa “chiratidzo” chezvinoitika zvinotungamirira kuruparadziko rweJerusarema, chiizve chakabatanidzwa?
8 Vadzidzi vaJesu vakabvunza nokushamisika, kuti: “Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvodokuitwa?” (Ruka 21:7) Mukupindura Jesu akadeya kutaura nenzira yakarurama zvinoitika zvakatungamirira kuruparadziko rweJerusarema, uye iye akawedzera aya mashoko anokosha: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa naVamarudzi, kusvikira nguva dzaVamarudzi dzazadzikwa.” (Ruka 21:8-24, KJ) Nokudaro Jesu akanongedzera mberi kuchimwe chinhu chinopfuura ruparadziko rweJerusarema—chimwe chinhu chaifanira kumirira “kusvikira nguva dzaVamarudzi dzazadzikwa.” Achinongedzera ku“chiratidzo,” Jesu akati: “Kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti [umambo, NW] hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:31) Naizvozvo, chiratidzo chacho chakanga chichizova nezadziko mbiri. Zadziko yokutanga, kana kuti yomwero muduku, yaizoratidzira kuti ‘kuparadzwa kweJerusarema kwakanga kwaswedera pedyo.’ (Ruka 21:20) Zadziko yechipiri, uye huru zvikuru, yaizouya apo Nguva dzaVamarudzi dzakanga dzaguma, uye yaizoratidzira kuti “umambo hwaMwari hwava pedyo.”—Enzanisa naMateo 24:3.
Jerusarema Rapasi Rinotsiviwa neGuta Guru
9. Jerusarema rapasi rakarasikirwa rini nomugariro waro unodiwa, uye rakatsiviwa nechii?
9 Kupfurikidza nokutaura kuti “Jerusarema richatsikwa-tsikwa navamarudzi, kusvikira nguva dzamarudzi dzazadzikwa,” Jesu akanga achikarakadza here kuti pakupedzisira guta rapasi raizodzorerwa kunyasha dzaMwari? Aiwa. Pashure pokuurawa kwoMwanakomana anodiwa waMwari, Jerusarema rapasi rakarasikirwa nomugariro waro chaiwo nokusingaperi uye rakatsiviwa ne“guta [rakakwirira] raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga.”—VaHebheru 12:22; Mateo 23:37, 38; 27:50, 51.
10. Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “Jerusarema rokudenga”?
10 Kutaura kwokuti “Jerusarema rokudenga” kunoshandiswa muBhaibheri kurondedzera Umambo hwokudenga husingaparadzwi uko maKristu akazodzwa akadanirwa.a (VaHebheru 11:10; 12:22, 28) Apo muapostora Pauro akanyora ikoku, guta rapasi netembere yaro zvakanga zvichiri kuyemurwa zvikuru kwazvo navaJudha. Nokudaro, Pauro akayeuchidza maKristu eHebheru kuti “nokuti pano hatina guta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.”—VaHebheru 13:14.
Chikonzero Nei Richinzi Jerusarema Rokudenga
11. Kutozosvikira Jerusarema rarasikirwa netendero yaJehovha, chii charaimirira?
11 Jerusarema rakanga riri kwenguva refu dzimbahwe rorudzi rwaIsraeri, rwaiva namadzimambo ainzi ano“gara pachigaro choumambo chaJehovha.” (1 Makoronike 29:23, NW) Uyewo, Jehovha akaita sungano naDhavhidhi yokuti umambo hwaizorambira mumhuri yake nokusingaperi. Kungofanana namadzimbahwe omuzuva razvino uno, akadai seWashington, Moscow, Canberra, uye Pretoria, anoshandiswa kuzivisa hurumende dzavo dzimwe nedzimwe, naizvozvo Jerusarema rinoshandiswa muBhaibheri kumirira umambo hwaDhavhidhi.—2 Samueri 7:16; Ruka 1:32.
12. Kutaura kwokuti “Nguva dzaVamarudzi” kunofanira kushandiswa sei?
12 Umambo hwaDhavhidhi hwakanga hune udzori hwakaganhurirwa, huchitambanukira bedzi kumiganhu yakarondedzerwa naMwari yaIsraeri wakare. Naizvozvo Jerusarema rapasi rakanga richingova bedzi mufananidzo woUmambo hwouMesia chaihwoihwo hwaizotonga huri mudenga ndokuva nepasi rose senzvimbo yahwo. (Pisarema 2:2, 7, 8; Dhanieri 7:13, 14; 2 Timotio 4:18) Nokudaro, bhuku rinonzi The Time Is At Hand, rakabudiswa neWatch Tower Society muna 1889, rakataura zvakajeka, kuti: “Mashoko okuti ‘Nguva dzaVamarudzi’ akashandiswa naIshe wedu kunhambo iya yenhau yepasi yapakati pokubviswa kwoUmambo hwokufananidzira hwaMwari, Umambo hwaIsraeri (Ezek. 21:25-27), uye kusumwa nokugadzwa kwohwokufananidzirwa hwahwo, Umambo hwechokwadi hwaMwari.”
Nguva dzaVamarudzi—Dzakareba Zvakadini?
13. Nguva dzaVamarudzi dzakavamba rini, uye neiko uchipindura kudaro?
13 Umambo hwokufananidzira hwaMwari hwakakurirwa namambo weBhabhironi Nebhukadnezari muna 607 P.N.V. Pakazosvika mwedzi wechinomwe wechiJudha, panenge pakati paOctober, nyika yacho yakanga yava dongo.b (2 Madzimambo 25:8, 9, 22, 25, 26) Mukubvumikisa kuti ikoku kwakaitika kupfurikidza nebvumidzo youmwari, Jehovha Mwari akapa Nebhukadnezari chiroto. Chakabatanidza muti wakatemerwa pasi ndokubvumirwa kukurazve pashure penhambo ye“nguva nomwe.” Chiroto chacho chakanga chine zadziko yokutanga apo Nebhukadnezari akadzorerwa kuchigaro chake choumambo pashure pomugariro wechinguvana wokupenga.—Dhanieri 4:10-17, 28-36.
14. Chii chakanga chiri pfundo guru rechiroto chaNebhukadnezari?
14 Zvisinei, musoro wechiroto chaNebhukadnezari wakaratidza kuti zadziko yacho huru yakabatanidza umambo hwokufananidzira hwaMwari, uhwo mambo iyeyo waVamarudzi akanga abvumirwa ku‘temera pasi.’ Chiroto chacho chakapedzisa nokutaura uku kwedonzo: “Kuti vapenyu vazive kuti Wokumusorosoro unobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda, nokugadza pahuri vaduku pakati pavanhu.”—Dhanieri 4:17.
15. Jesu Kristu akakwanirisa sei so“muduku pakati pavanhu”? (Mateo 11:29)
15 Munhu mumwe bedzi akasvika pakukwaniriswa mumativi ose kuti adanwe kuti “muduku pakati pavanhu.” Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari akazvibvumikisa amene kuva akadaro kupfurikidza nokusiya nokudisa mbiri yake yokudenga kuti aberekwe somunhu, saJesu, uyo akatambura rufu rwunonyadzisa zvikurusa nerwoutsinye paruoko rwaSatani. (VaFiripi 2:3, 5-11) Pashure porumuko rwake achidzokera kumbiri yokudenga, Jesu aifanira kumirira kusvikira nhambo yenguva nomwe dzokutonga kwaVamarudzi dzakaguma pamberi pokugadzwa pachigaro choumambo saMambo wouMesia pamusoro porudzi rwomunhu.—VaHebheru 10:12, 13.
16. Bhuku raZvakazarurwa rinobetsera sei maKristu kuverenga apo nguva nomwe dzakaguma?
16 Asi Zvapupu zvaJehovha zvakasvika sei pakunzwisisa urefu hwenguva nomwe? Bhaibheri rinozivisa kuti “nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva,” kana kuti nguva nhatu nehafu, zvinoenzana namazuva 1 260. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Naizvozvo, kupeta kaviri nhamba iyoyo, kana kuti nguva nomwe, kwaizosvika mazuva ane 2 520. Pahwaro hwenhungamiro youporofita ye“zuva nokuda kwegore,” nguva nomwe dzaizoenzana namakore 2 520. (Numeri 14:34, NW; Ezekieri 4:6) Kupfurikidza nokuverenga ikoku, Nguva dzaVamarudzi, idzo dzakatanga muna October 607 P.N.V., dzakaguma makore 2 520 gare gare muna October 1914.
17. Chizivisoi chinofadza chakanga chodokuziviswa muna 1914?
17 Muna October 1914, Jehovha Mwari akagadza Mwanakomana wake anodiwa, Ishe Jesu Kristu, pachigaro choumambo muUmambo hwokudenga. Pakupedzisira, chiono chaZvakazarurwa chomuapostora wechiKristu Johane chakatanga kuva chaichoicho, uye chiziviso chaigona kuitwa: “Umambo hwenyika hwazova hwaShe wedu [Jehovha] nohwaKristu wake, uye iye [Jehovha] achatonga samambo nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 1:10; 4:1; 11:15, NW) Iwaya mashoko ane mbiri zvakadini uye chikonzero chakadini chomufarwa mukurusa kuvadyi venhaka pamwe chete navadzorwi vose voUmambo ihwohwo!—Zvakazarurwa 11:17.
18. Neiko migariro inosuruvarisa yakatambudza rudzi rwomunhu chifo cha 1914?
18 Chokwadi, nokuda kwavoruzhinji vorudzi rwomunhu, kwave kusina mufarwa wakawanda pasi pano chifo cha 1914. Asi migariro yenhamo pasi pano chibvumikiso chokuti kutonga kwaSatani kwodokuguma. Tinoziva sei ikoku? Bhuku raZvakazarurwa rakaratidzira kuti kugadzwa kwoUmambo hwaMwari kwaizoguma nehondo mudenga. Satani namadhemoni ake vaifanira kukandirwa kunze kwedenga ndokuganhurirwa kunzvimbo yapasi redu. Pashure pokuona rukundo urwu muchiono chouporofita, Johane akanzwa inzwi guru richiti: “Farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti [Dhiabhorosi, NW] aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:1-12.
19. Neiko maKristu echokwadi achionga kwazvo kuva vapenyu panguva ino?
19 Migariro iri kuipa zvikuru yenyika chifo cha 1914 chibvumikiso chokuti chiono chaJohane chazova chaichoicho uye kuti mugumo wavanhu vose vanoramba kuzviisa pasi pouchangamire hwaMwari uri kuswedera pedyo nenzira ine ngozi. (Ruka 21:10, 11, 25-32) Kunofadza sei kuva mupenyu paiyi nguva inoshamisa apo Jehovha Mwari, Wamasimba ose, achagadzikisa nhau huru youchangamire hwake pamusoro papasi! Ipapo, pasi richashandurwa kuva paradhiso yakaisvonaka, uye vapukunyuki vakarurama vohunhu vachasimudzirwa kukukwana. Kunyange vakafa vachamutswa ndokupiwa banza rokukwanirisa nokuda kwoupenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 20:1-3, 12, 13; 21:3-5.
Kudikanwa Kwazvino Uno Kwegadziridzo
20. (a) Pasi pano, ndivanaani vakabvumikisa kuva vabatiri vechokwadi vaJehovha pamberi pa 1914? (b) Igadziridzoi idzo maKristu akazodzwa akatendeka aidisa kuita?
20 Kwamakore 38 pamberi pa 1914, Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha ipapo, vakanongedzera kumusi iwoyo segore apo Nguva dzaVamarudzi dzaizoguma.c Ikoko chibvumikiso chakatanhamara zvakadini chokuti vakanga vari vabatiri vechokwadi vaJehovha! Bva, kufanana navabatiri vomuzana rokutanga ramakore vaMwari, ivo vaivawo nekariro dzisina kururama. Somuenzaniso, vaikarira kuti chiverengero chakazara chamaKristu akazodzwa chaizomutsirwa kudenga pakusvika kwaOctober 1914. Vakafungawo kuti hondo yakatanga muna 1914 yaizotungamirira zvakananga kumugumo wenyika yaSatani.
21. Chirangoi icho maKristu echokwadi akawana mukati meHondo yeNyika I?
21 Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, maKristu akazodzwa akaziva kuti kwakanga kune basa zhinji rokuti aite pasi pano. Nemhaka yokupfuurira kwavo mukupupurira kwapachena mukati meHondo yeNyika I, vakawana chitambudzo chinotyisa kubva kuzviremera zvamatongerwe enyika, zvapesvedzerwa navakuru vechiKristudhomu. (Pisarema 2:1-6) Mubato wamaKristu echokwadi wakarohwa zvakakomba pana June 21, 1918, apo vakuru vakuru vanotungamirira veWatch Tower Society muUnited States vakatongerwa makore 20 mutorongo papomerwo dzenhema.
22, 23. (a) Chii icho maKristu akazodzwa akatendeka akaita chifo cha 1919, uye nemhinduroi yakapetwa kaviri? (b) Chii chiri Jerusarema rokufananidzirwa risina kutendeka razvino uno?
22 Hondo yeNyika I yakasvika pamugumo wakamwe kamwe muna November 1918. Ipapo, pana March 25, 1919, vakuru vakuru veWatch Tower Society vakasunungurwa mutorongo. Gare gare vakasunungurwa zvizere. Nhambo isingakarirwi yorugare yakazaruka nokuda kwamaKristu iwayo akatendeka akazodzwa, kufanana namabanza akazvipa amene kuna vadzidzi vokutanga vaKristu pashure pokunge vapiwa simba nomudzimu mutsvene muna 33 N.V.—Mabasa 2:17-21, 41.
23 Chifo cha 1919, maKristu akatendeka akazodzwa seboka akateerera nokushingaira murairo unobatanidzwa mumashoko aJesu ari pana Mateo 24:14 (NW), anoti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” Somuuyo, anodokusvika mamirioni mana a“mamwe makwai” aKristu akatsaurira upenyu hwawo kukubatira Jehovha muchinzwano navakasarira vakazodzwa. (Johane 10:16) ChiKristudhomu, mupesvedzero yavakuru vakuru vacho, chinopfuurira kuramba shoko roUmambo. Chisarudzo chacho nokuda kwegadziriro dzezvamatongerwe enyika dzavanhu nokutambudza kwacho Zvapupu zvaJehovha chinowirirana nokubatwa kunokatyamadza kwaKristu kwakaitwa navagari vomuzana rokutanga ramakore veJudhea. Sezvo Jehovha akaita rutongeso rwake pamusoro peJerusarema, naizvozvo iye achaita kudaro kuJerusarema rokufananidzirwa risina kutendeka, ndiko kuti, chiKristudhomu. Uye sezvo chizvarwa chakanzwa shoko raKristu rorutongeso chakararama kuti chiwane ruparadziko rwakadeya kutaurwa, naizvozvo chizvarwa chazvino chifo cha 1914 “hachisati chichizotongopfuura dambudziko guru” rakadeya kutaurwa risati rasvika.—Mateo 24:21, 22, 34, NW.
24. Kuti tipukunyuke ndokupinda munyika itsva yaMwari, chii chatinofanira kuita?
24 Chii chatinofanira kuita kuti tipukunyuke dambudziko guru ndokupfuurira kurarama munyika itsva yaMwari? Pasinei hapo nekariro dzisina kururama idzo upi noupi wedu angave akava nadzo, tinofanira kudzivisa kurara kana toreva nezvemabasa edu echiKristu. (Habhakuki 2:3; 1 VaTesaronika 5:1-6) Avo vanokwanisa kuyeuka zvinoitika kuvambira muna 1914 vari kuva vashomanene nguva dzose. Nokudaro, tinofanira kusvinurira; hapana nguva yokurasa. (Mateo 24:42) Vose vanoda kupukunyuka mugumo wenyika yakaipa yaSatani vanofanira kuita chiito zvino munzira inoratidza bvumirano namashoko akafuridzirwa, anoti: “Tinokuongai, Jehovha Mwari, Wamasimba ose, . . . nemhaka yokuti makatora simba renyu guru ndokuvamba kutonga samambo.”—Zvakazarurwa 11:17, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1983, peji 21.
b Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pechikonzero nei ikoku kuchiratidzira kutanga kweNguva dzaVamarudzi, ona “Let Your Kingdom Come,” ganhuro 14, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c C. T. Russell akanyora nyaya yaiva nomusoro unoti “Nguva dzaVamarudzi: Dzinoguma Rini?,” iyo yakabudiswa mumagazini inonzi Bible Examiner, October 1876. Papeji 27, nyaya yacho yakati: “Nguva nomwe dzichaguma muna A.D. 1914.”
Waizopindura Sei?
◻ Jerusarema rekare rakamirirei, asi rakarasikirwa sei nomugariro waro unokudzwa?
◻ Nguva dzaVamarudzi dzakavamba nokuguma rini, uye nomuuyoi wakadeya kutaurwa?
◻ Ruparadziko rweJerusarema risina kutendeka rwakadeya kufananidzirei?
◻ Tinoziva sei kuti dambudziko guru rava pedyo, uye chii chatinofanira kuita kuti tipukunyuke?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Jerusarema netembere yaro zvakarasikirwa nomugariro wazvo unokudzwa, asi Mwari akapfuurira kukomborera Mwanakomana wake, Mesia, kunyange kutaura kwaari zvakananga ari mudenga