Vara Rokutenda Kwako—Rinoedzwa Zvino
“Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.”—JAKOBHO 1:2, 3.
1. Nei vaKristu vachifanira kukarira miedzo yokutenda kwavo?
VAKRISTU vechokwadi havana chishuvo chokutambura, uye havawani mufaro mumarwadzo kana kuti kunyadziswa. Asi, vanorangarira mashoko ari pamusoro apa akanyorwa nomunun’una waJesu kuna mai Jakobho. Kristu akajekesera vadzidzi vake kuti vaigona kukarira kutambudzwa nezvimwe zvinetso nemhaka yokuomerera kwavo kumitemo yaMwari. (Mateo 10:34; 24:9-13; Johane 16:33) Kunyange zvakadaro, mufaro unogona kubva mumiedzo yakadaro. Zvakadaro sei?
2. (a) Miedzo yokutenda kwedu inogona sei kuguma nomufaro? (b) Kutsungirira kunogona sei kukwanisa basa kwatiri?
2 Chikonzero chikuru chokuti tiwane mufaro patinenge tiri mumiedzo yokutenda ndechokuti izvozvi zvinogona kubereka zvibereko zvakanaka. Sokutaura kunoita Jakobho, kuva nesimba pasinei zvapo nemiedzo kana kuti zvinetso “kunobereka kutsungirira.” Tinogona kubetserwa nokutanga vara iroro rinokosha rechiKristu. Jakobho akanyora kuti: “Kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu.” (Jakobho 1:4) Kutsungirira kune mushando wokuita, “basa.” Mugove wacho ndewokutiita vakakwana mumativi ose, kutiyamura kuva vakadzikama uye vakakura mumudzimu savaKristu. Nokudaro, kupfurikidza nokurega miedzo ichiitika pasina kuedza kupi nokupi kushandisa nzira dzisiri dzaMagwaro kuti igume nokukurumidza, kutenda kwedu kunoedzwa ndokunatswa. Kana tanga tisina shiviriro, tsitsi, mutsa, kana kuti rudo mukubata nemamiriro ezvinhu kana kuti nevanhu biyedu, kutsungirira kunogona kutiita vakakwana zvikuru. Hungu, nhevedzano yacho ndeiyi: Miedzo inobereka kutsungirira; kutsungirira kunowedzera mavara echiKristu; iwaya anoparira mufaro.—1 Petro 4:14; 2 Petro 1:5-8.
3. Nei tisingafaniri kudzokera shure nemhaka yokutya miedzo yokutenda?
3 Muapostora Petro akasimbisawo chikonzero nei tisingafaniri kutya kana kuti kudzokera shure mumiedzo yokutenda kwedu. Akanyora kuti: “Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoidzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.” (1 Petro 1:6, 7) Aya mashoko anokurudzira zvikurukuru zvino nemhaka yokuti “kutambudzika kukuru”—nguva yerumbidzo, mbiri, rukudzo, uye kupukunyuka—kwava pedyo zvikuru kupfuura zvingafunga vamwe uye pedyo zvikuru kupfuura patakava vatendi.—Mateo 24:21; VaRoma 13:11, 12.
4. Imwe hama yakanzwa sei pamusoro pemiedzo iyo iyo navamwe vaKristu vakazodzwa vakanga vava nayo?
4 Munyaya yakatangira ino, takarangarira miedzo iyo vakasarira vakazodzwa vakatarisana nayo kubvira muna 1914 zvichienda mberi. Iyoyi yakanga iri chikonzero chokufara here? A. H. Macmillan akapa uyu murangariro pamusoro penguva yakapfuura: “Ndakaona miedzo yakawanda yakakomba ichiuya pasangano nemiedzo yokutenda kwaavo vari mariri. Nebetsero yomudzimu waMwari rakapukunyuka ndokuramba richibudirira. Ndakaona uchenjeri hwokumirira Jehovha nokushivirira kuti ajekese kunzwisisa kwedu zvinhu zvomuMagwaro panzvimbo pokutsamwira mufungo mutsva. . . . Pasinei zvapo negadziridzo dzatingafanira kuita panhambo nenhambo mumirangariro yedu, izvozvo hazvingachinji gadziriro yenyasha yorudzikinuro uye chipikirwa chaMwari choupenyu husingagumi. Naizvozvo pakanga pasina dikanwo yokuti tirege kutenda kwedu kuchineteswa nekariro dzisina kuzadzika kana kuti chinjo mumirangariro.”—Nharireyomurindi yechiNgezi, August 15, 1966, peji 504.
5. (a) Ibetseroi dzakabva mukutambura kwavakasarira? (b) Nei nhau yokuedzwa ichifanira kutifadza zvino?
5 VaKristu vakazodzwa vakapukunyuka nhambo yokuedzwa ya1914-19 vakasunungurwa mupesvedzero inodzora yenyika uye mumiitiro yakawanda yeBhabhironi yorudzidziso. Vakasarira vakapfuurira sevanhu vakacheneswa uye vakanatswa, vachipa nokudisa zvibayiro zvokurumbidza Mwari uye vachiva nevimbiso yokuti ivo savanhu vaigamuchirika kwaari. (Isaya 52:11; 2 VaKorinte 6:14-18) Rutongeso rwakanga rwavamba neimba yaMwari, asi rwaisazopedzwa munhambo imwe yakagadzwa. Kuedzwa nokuzungurwa kwavanhu vaMwari kunopfuurira. Avo vanotarisira kupukunyuka “kutambudzika kukuru” sorutivi rwe“vazhinji zhinji” vari kuwedzerwawo kutenda kwavo. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Izvi zviri kuitwa munzira dzakafanana nezvakatarisanwa nazvo nevakasarira vakazodzwa pamwe chete nomudzimwe nzira.
Ungaedzwa Sei?
6. Ndorupi rumwe rudzi rwomuedzo wakakomba urwo vakawanda vakava narwo?
6 VaKristu vakawanda vakafunga nezvedenho yokutarisana nemiedzo muchimiro chokudenha kwakananga. Vanoyeuka mushumo uyu: “[Vatungamiriri vechiJudha] vakati vadana vaapostora, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza. Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake.” (Mabasa 5:40, 41) Uye nhau yazvino uno yavanhu vaMwari, zvikurukuru mukati mehondo dzenyika, inojekesa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakarohwa chaizvoizvo, uye zvakatoipisisa zvikuru, nemhaka yevatambudzi.
7. Vamwe vaKristu vomuzuva razvino uno vakasvika kumweroi mukuratidzira kutenda?
7 Pamusoro pokuva kwavaKristu vanyajambwa vokutambudzwa, nyika haisiyanisi pakati pevakasarira vakazodzwa neboka guru ra“mamwe makwai.” (Johane 10:16) Mumakore akawanda apfuura, mitezo yamapoka ose ari maviri yakaedzwa zvakakomba kupfurikidza nokuiswa mujeri uye kunyange kufira kutenda nemhaka yokuda kwavo Mwari nokutenda kwavo maari. Mapoka ose ari maviri aida mudzimu waMwari, pasinei zvapo netariro yavo. (Enzanisa neNharireyomurindi yaJune 15, 1996, peji 31.) Mukati mema1930 nema1940 muNazi Germany, vakawanda vavabatiri vaJehovha, kubatanidza vana, vakaratidza kutenda kunoshamisa, uye vakawanda vakaedzwa kusvika kumwero mukurusa. Munguva dzichangobva kupfuura zvikuru, vanhu vaJehovha vakatarisana nomuedzo wokutambudzwa munyika dzakadai seBurundi, Eritrea, Ethiopia, Malawi, Mozambique, Rwanda, Singapore, uye Zaire. Uye miedzo yorudzi urwu inopfuurira.
8. Tsinhiro dzeimwe hama yokuAfrica dzinoratidza sei kuti zvakawanda zvinobatanidzwa mukuedzwa kwokutenda kwedu kupfuura kutsungirira chitambudzo muchimiro chokurohwa?
8 Zvisinei, sezvatatoona, kutenda kwedu kuri kuedzwawo nenzira dzamanomano zvikuru. Mimwe miedzo haina kunanga kwazvo uye haikurumidzi kuoneka. Rangarira nzira yaungaita nayo kune zvimwe zvinotevera. Imwe hama yomuAngola yakanga ine vana gumi yaiva muungano iyo kwechinguvana yakanga isina kurukurirano nehama dzine mutoro. Gare gare zvakabvirira vamwe kuti vashanyire ungano yacho. Yakabvunzwa kuti yakanga iri kukwanisa sei kudyisa mhuri yayo. Zvakanga zvisiri nyore kuti apindure, uye zvayakangotaura bedzi ndezvokuti mamiriro ezvinhu akanga akaoma. Yaikwanisa kudyisa vana vayo kudya kumwe pazuva here? Yakapindura kuti: “Zvisinei, nyangwe. Takadzidza kurarama nezvatinazvo.” Ipapo nenzwi rakazara nokupwiswa, yakati: “Asi handizvo zvatinokarira muano mazuva okupedzisira here?” Kutenda kwakadaro kunoshamisa munyika, asi ndekwenguva dzose pakati pavaKristu vakavimbika, vane chivimbo chakazara chokuti zvipikirwa zvoUmambo zvichazadzikwa.
9. Tiri kuedzwa sei maererano na1 VaKorinte 11:3?
9 Boka guru riri kuedzwawo maererano nemiitiro youbati ushe hwaMwari. Ungano yechiKristu yomunyika yose inotungamirirwa maererano nenheyo dzaMwari nemitemo youbati ushe hwaMwari. Izvi zvinoreva kutanga kuziva Jesu soMutungamiriri, uyo akagadzwa soMusoro weungano. (1 VaKorinte 11:3) Kuzviisa pasi pake kwokudisa uye paBaba vake kunoratidzirwa kupfurikidza nokutenda kwedu mukugadza ubati ushe hwaMwari nezvisarudzo zvine chokuita nokuita kwedu kuda kwaJehovha takabatana. Uyezve, muungano imwe neimwe yomunzvimbomo, mune varume vakagadzwa kuti vatungamirire. Varume vasina kukwana vane zvikanganiso zvatingaona nyore nyore; asi tinokurudzirwa kuremekedza vatariri vakadaro uye kuzviisa pasi. (VaHebheru 13:7, 17) Pane dzimwe nguva unowana izvozvo zvakaoma here? Uyu muedzo wako chaiwoiwo here? Kana zvakadaro, uri kubetserwa nouyu muedzo wokutenda kwako here?
10. Muedzoi watinotarisana nawo pamusoro poushumiri hwomumunda?
10 Tinoedzwawo maererano neropafadzo uye chinodikanwa chokupinda muushumiri hwomumunda nguva dzose. Kuti tikunde muedzo uyu, tinofanira kuziva kuti kuva negoverano yakazara muushumiri kunobatanidza zvinopfuura nguva shomanene yokuparidza, kana kuti kungoparidzawo. Yeuka tsinhiro yaJesu yokutendera chirikadzi yaiva murombo yakapa zvose zvayo. (Marko 12:41-44) Tingazvibvunza kuti: ‘Ndiri kuzvipa nenzira yakafanana muushumiri hwangu hwomumunda here?’ Tose zvedu tinofanira kuva Zvapupu zvaJehovha muswere wose wezuva, takagadzirira pamikana yose kuita kuti chiedza chedu chipenye.—Mateo 5:16.
11. Chinjo mukunzwisisa kana kuti zano pamusoro pomufambiro zvinogona sei kuva muedzo?
11 Mumwe muedzo watingatarisana nawo une chokuita nemwero wokuonga kwedu chiedza chiri kuwedzera chinoiswa pachokwadi cheBhaibheri uye zano rinogoverwa neboka romuranda akatendeka. (Mateo 24:45) Pane dzimwe nguva izvi zvinoda kugadziridza mufambiro womunhu oga, zvakadai sepazvakava pachena kuti avo vanoshandisa fodya vangafanira kurega kana vachida kuramba vari muungano.a (2 VaKorinte 7:1) Kana kuti muedzo ungava mukugamuchira kwedu dikanwo yokudzikamisa kufarira kwedu nziyo kana kuti zvimwe zvimiro zvevaraidzo.b Tichava tisina chokwadi nouchenjeri hwezano rinopiwa here? Kana kuti tichaita kuti mudzimu waMwari udzore kufunga kwedu ndokutibetsera kupfeka unhu hwechiKristu here?—VaEfeso 4:20-24; 5:3-5.
12. Chii chinodikanwa kusimbisa kutenda pashure pokunge munhu abhabhatidzwa?
12 Kwamakumi amakore, nhamba yaavo veboka guru yave ichiwedzera, uye pashure pokubhabhatidzwa kwavo vari kupfuurira kusimbisa ukama hwavo naJehovha. Izvi zvinobatanidza zvinopfuura kupinda gungano rechiKristu, kuenda kune mimwe misangano paHoro yoUmambo, kana kuti kugoverana mubasa romumunda panguva nenguva. Kuenzanisira: Munhu angava ari kunze kweBhabhironi Guru mumuviri, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, asi akarisiya chaizvoizvo here? Achiri kuomerera kuzvinhu zviya zvinoratidzira mudzimu weBhabhironi Guru—mudzimu unozvidza mitemo yaMwari yakarurama here? Anorerutsa tsika nokusatendeka muroorano here? Anosimbisa fariro dzomunhu oga uye dzokunyama kupfuura fariro dzomudzimu here? Hungu, akaramba asina kusvibiswa nenyika here?—Jakobho 1:27.
Betserwa Nokutenda Kwakaedzwa
13, 14. Vamwe vakaitei pashure pokutanga kufamba munzira yokunamata kwechokwadi?
13 Kana takatiza zvechokwadi Bhabhironi Guru uye takabudawo munyika, ngatiregei kutarira zvinhu zviri kumashure. Maererano nenheyo inowanwa pana Ruka 9:62, kuti upi noupi wedu atarire shure zvingagona kureva kukundikana kuva mudzorwi woUmambo hwaMwari. Jesu akati: “Hakuna munhu ungati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa noushe hwaMwari.”
14 Asi vamwe vakava vaKristu munguva yakapfuura kubvira panguva iyoyo vakazvibvumira kuenzaniswa negadziriro ino yezvinhu. Havana kudzivisa mudzimu wenyika. (2 Petro 2:20-22) Zvinotsausa zvenyika zvakatora fariro yavo nenguva, nokudaro zvichidzonyongedza kufambira mberi kwavo. Panzvimbo pokuchengeta ndangariro dzavo nemwoyo zvakaiswa zvakasimba paUmambo hwaMwari nokururama kwake, vachiisa zvakadaro pakutanga muupenyu, vakatsauka kuti varonde vavariro dzenyama. Kutoti vakasundwa kubvuma kutenda kwavo kwakaneta uye mugariro wokudziya uye kuti vachinje nzira yavo kupfurikidza nokutsvaka zano raMwari, vari mungozi yokurasikirwa noukama hwavo hwakakosha naJehovha nesangano rake.—Zvakazarurwa 3:15-19.
15. Chii chinodikanwa kuti tirambe tichigamuchirika kuna Mwari?
15 Kuwanwa kwedu tichitenderwa uye tichipukunyuka dambudziko guru riri kusvika nokukurumidza kunotsamira pakuramba kwedu takachena, kuva nenguo dzedu ‘dzakacheneswa muropa reGwayana.’ (Zvakazarurwa 7:9-14; 1 VaKorinte 6:11) Kana tikasachengeta chimiro chakachena, chakarurama pamberi paMwari, basa redu rinoyera harizogamuchiriki. Chokwadika, mumwe nomumwe wedu anofanira kuziva kuti vara rakaedzwa rokutenda richatibetsera kutsungirira uye kudzivisa kunyandura kusafadza Mwari.
16. Nhema dzingabvumikisa kuva muedzo wokutenda kwedu munzirai?
16 Padzimwe nguva, zvinobudisa nhau uye zviremera zvenyika zvinotaura mashoko enhema pamusoro pavanhu vaMwari, vachimirira zvisina kunaka zvitendero zvedu zvechiKristu namararamiro. Izvi hazvifaniri kutishamisa, nokuti Jesu anoratidza zvakajeka kuti ‘nyika yaizotivenga nemhaka yokuti hatisi rutivi rwayo.’ (Johane 17:14) Tichabvumira avo vanopofumadzwa naSatani kuti vatityisidzire uye kutiodza mwoyo ndokutiita kuti tinzwe tichinyadziswa namashoko akanaka here? Tichabvumira nhema pamusoro pechokwadi kuti dzitapure kupinda kwedu misangano nguva dzose uye mubato wedu wokuparidza here? Kana kuti tichamira takasimba ndokuva vakashinga uye vakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kupfuurira kuzivisa chokwadi pamusoro paJehovha noUmambo hwake here?
17. Ivimbisoi inogona kutinyandura kupfuurira kuratidza kutenda?
17 Maererano nouporofita hweBhaibheri hwakazadzikwa, zvino tiri kurarama munguva yomugumo zvikuru. Kariro dzedu dzakavakirwa paBhaibheri dzenyika itsva yokururama dzine chokwadi chokuva chaidzoidzo zvinofadza. Kusvikira zuva iroro rasvika, tose zvedu ngatishandise kutenda kusingazununguki muShoko raMwari ndokubvumikisa kutenda kwedu kupfurikidza nokusarega kuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose. Funga nezvezviuru zvavadzidzi vatsva vari kubhabhatidzwa mavhiki ose. Ichocho hachisi chikonzero chakakwana chokuti tionge kuti shiviriro yaJehovha pamusoro pokuitwa kworutongeso rwake inogona kuguma nokuponeswa kwavamwe vanhu vakawanda here? Hatifari here kuti Mwari akabvumira mubato wokuponesa upenyu wokuparidza Umambo kuti upfuurire? Uye hatifari here kuti mamiriyoni akagamuchira chokwadi uye ari kuratidzira kutenda kwawo?
18. Ndokupi kuri kutsunga kwako pamusoro pokubatira Jehovha?
18 Kuti kuedzwa kwokutenda kwedu kuripo zvino kuchapfuurira kwenguva yakareba sei hatigoni kutaura. Asi ichi ndicho chokwadi: Jehovha ane zuva rakarongwa rokuzvidavirira ramatenga aripo zvino nepasi zvakaipa. Munguvayi, ngatitsungei kutevedzera vara rakanaka zvikuru rokutenda kwakaedzwa rakaratidzirwa noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. Uye ngatiteverei muenzaniso wevakasarira vakazodzwa vari kukwegura uye uya wavamwe vari kushanda noushingi pakati pedu.
19. Chii chaunogona kuva nechokwadi chokuti chichakunda nyika ino?
19 Tinofanira kuva vakatsunga kuzivisa tisingaregi mashoko akanaka kumarudzi ose, ndudzi, ndimi, uye vanhu mukubatira pamwe nengirozi inobhururuka pakati pedenga. Ngavanzwe kuzivisa kwengirozi: “Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Apo rutongeso irworwo rwaMwari rwunoitwa, chii chichava mugumisiro pamusoro pevara rakaedzwa rokutenda kwedu? Hauzovi kukunda kune mbiri—kununurwa mugadziriro yezvinhu yazvino tichipinda munyika itsva yakarurama yaMwari here? Kupfurikidza nokutsungirira miedzo yokutenda kwedu, tichakwanisa kuti, sezvakaita muapostora Johane: “Kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu.”—1 Johane 5:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1, 1973, mapeji 336-43, uye July 1, 1973, mapeji 409-11.
b Ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1984, mapeji 8-13.
Unoyeuka Here?
◻ Miedzo yokutenda kwedu inogona sei kuva chikonzero chokufara?
◻ Ndeipi iri mimwe miedzo yokutenda kwedu ingasazivikanwa zviri nyore?
◻ Tinogona sei kubetserwa zvinogara kupfurikidza nokukurira miedzo yokutenda kwedu?
[Mifananidzo iri papeji 17]
A. H. Macmillan (ari kuruboshwe kumberi) panenge panguva apo iye nevakuru vakuru veWatch Tower Society vakaiswa mujeri zvisina kururama
Vakanga vari nhume kukokorodzano muDetroit, Michigan, 1928
Mumakore avo okupedzisira, Hama Macmillan vakanga vachiri kuratidza kutenda
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kufanana nemhuri iyi, vaKristu vakawanda muAfrica vakaratidza vara rokutenda kwakaedzwa