Zvimwe Zvezvakaitika Gore Rakapera
TINE chikonzero chekufara nokuda kwegore richangopera ratange tichiita basa dzvene. Tikaongorora zvimwe zvezvakaitika mubasa rinoshamisa riri kuitwa naMwari achishandisa vashumiri vake, tinogona kutaura tisingazezi kuti: “Makaisa korona pagore nokunaka kwenyu”!—Pis. 65:11.
“MASHOKO AKANAKA” PAINDANETI
SeZvapupu zvaJehovha tinokoshesa kwazvo basa redu ‘rokuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose’ mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Mumakore apfuura kubudirira paruzivo rwokugadzira zvinhu kwakabatsira kuwedzera kuparadzirwa kwe“shoko roumambo.” (Mat. 13:18-23) Kwemakore 11 apfuura tave tichishandisa zviri pamutemo pokubudisira mashoko paIndaneti panoti, www.watchtower.org, kupa voruzhinji mashoko eBhaibheri. Vanovhura pokubudisira mashoko apa vanokwanisa kudzidza chokwadi cheBhaibheri mumutauro chero upi zvawo pamitauro 314 uye vanokwanisa kuongorora misoro yakadai seyokuti “Zvatinotenda uye Zvatinoita,” “Nyaya Dzichangoburwa,” “Mwari uye Ramangwana Rako,” “Zvokurapa uye Ropa,” uye “Mabhuku Aripo.”
Vanhu vakawanda vanovhura www.watchtower.org kuti vaverenge Bhaibheri. Zuva roga roga vanopfuura 6 300 vanoverenga Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene paIndaneti mumitauro gumi iripo. Mabhuku eBhaibheri anonyanya kufarirwa paIndaneti ndeanoti Mapisarema, Zvirevo uye Evhangeri dzinotaura nezvoupenyu hwaJesu.
Vhiki imwe neimwe nyaya dzinosarudzwa muNharireyomurindi neMukai! dzinowedzerwa paIndaneti mumitauro inokwana 12, kunyanya nyaya dzinenge dzadhindwa dzichibudisirwa voruzhinji. Vakawanda vanoda kuziva zvatinotenda, misangano yedu uye kuti tinowana kupi mari inoshandiswa pabasa redu rokuparidza. Mibvunzo yavo inopindurwa nebhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Ndivanani? Zvinodavirei? riri paIndaneti. Turakiti rakanzi Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo! rinowanika pawww.watchtower.org mumitauro 252 uyewo zvikamu zvevhidhiyo mumitauro yemasaini mishanu.
KUWANA CHOKWADI PAINDANETI
Kuva nemabhuku aya paIndaneti kwave kuchibatsira sei? Vanhu vanopfuura 60 000 paavhareji vanovhura pawww.watchtower.org zuva nezuva! Vazhinji vanogara munzvimbo dzine Zvapupu zvishomanana kana kuti munyika umo basa redu rakarambidzwa kana kuti riri kudzvinyirirwa. Kunyange zvakadaro, vaya vane nyota yechokwadi vanokwanisa kupedza nyota yavo patinobudisira mashoko paIndaneti.
Bryon anoti, “Ndakagara ndichida kudzidza nezveBhaibheri, asi pose pandaienda kuchechi neshamwari dzangu, vaingoimba uye kutamba mitambo.” Bryon akaenderera mberi nedzidzo uye kuita zvemitambo. Akadzidza mitauro mishanu uye akapiwa bhezari rokuti aende kukoreji, asi hapana chakamugutsa mune zvokunamata. Saka akanyengetera kuti awane chokwadi.
Bryon anorondedzera kuti, “Ndaishaya kuti ndowana kupi mhinduro. Ndakafunga kuti nditarise nezveZvapupu zvaJehovha paIndaneti nokuti dzimwe shamwari dzangu dzaiva Zvapupu kuchikoro dzakanga dzanditaurira kuti zita raMwari ndiJehovha. Ndakavhura panobudisirwa mashoko nesangano ndokutanga kuverenga bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Pakupedzisira ndakawana mhinduro dzemibvunzo yandaiva nayo.” Bryon akakumbira kudzidziswa Bhaibheri, ndokufambira mberi nokukurumidza, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha muna 2004. Iye zvino ndipiyona wenguva dzose uye anotarisira kuzoshandisa unyanzvi hwake hwemitauro somumishinari akadzidziswa Bhaibheri.
“MWARI ANEMI”
Zvinofadza chaizvo kuziva kuti zviuru zvevanhu “vanobva mumitauro yose yemarudzi” vanovhura pokubudisira mashoko panoti www.watchtower.org zuva nezuva! Avhareji yevanhu 94 pazuva inozadza nokutumira fomu repaIndaneti rakanzi Ungada Kushanyirwa Here?—Zek. 8:23.
Denise ndemumwe aiva nemibvunzo yezvinotendwa neZvapupu zvaJehovha, asi aizeza kuenda kuImba yoUmambo yekwaanogara. Saka akasarudza kutsvaka mashoko paIndaneti uye akawana www.watchtower.org. Zvaakawana ipapo zvakaita kuti agutsikane kuti akanga awana chokwadi, asi aizeza kukumbira kuti adzidziswe Bhaibheri nokuti aiziva kuti aizofanira kuchinja upenyu hwake kuti huenderane nezvarinodzidzisa. Akazadza fomu repaIndaneti rakanzi Ungada kushanyirwa Here? kanokwana kana, asi nguva yose aishaya ushingi hwokuritumira.
Muna March 2007, Denise akazadza fomu racho kechishanu. Ipapo ndipo paakaritumira achikumbira kushanyirwa. Chikumbiro chake chakaendeswa kuungano yekwaanogara, uye vakuru veko vakakumbira imwe hanzvadzi inonzi Vonnie kuti imushanyire. Muvhiki yokutanga yaakashanyirwa naVonnie, Denise akatanga kupinda misangano yeungano paImba yoUmambo.
Pakazopera September, Denise akanga aparadza zvinhu zvine chokuita nechitendero chaaipinda, ndokusiya chitendero chacho, uye akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Iye nevanakomana vake vaviri vakafambira mberi nokukurumidza, uye mumwe mwanakomana wake ane makore masere akanyoresa paChikoro chaMwari choUshumiri. Muna January 2008, Denise akabhabhatidzwa, uye pakasvika mwedzi miviri yakazotevera—rinenge gore chairo azadza fomu repaIndaneti—akava piyona webetsero. Denise anoti, “Dai ndisina kutarisa panobudisirwa mashoko ipapo ndisiri kutaura zvandiri kutaura izvi.”
Muna January 2008 pawww.jw.org yepaIndaneti pakatanga kuiswa mamwe mabhuku edu akaita zvokuverengwa mumitauro 17 anogona kutorwa ipapo. Vanhu vave vachifarira urongwa uhwu zvokuti huya uone, uye mamiriyoni emabhuku nenyaya dzakasiyana-siyana zvave zvichitorwa paIndaneti mwedzi woga woga! Vaparidzi vakawanda vanoteerera nyaya dziri mumagazini vachienda kubasa kana kuchikoro.
MABHUKU AKASHANDURWA ANOBATSIRA CHAIZVO
Tinofara chaizvo kutsigirwa nengirozi sezvatinokurudzira vanhu ve“marudzi ose nemadzinza nendimi” kuti vakudze Mwari! (Zvak. 14:6, 7) Zvapupu zvaJehovha zvava kubudisa mabhuku mumitauro inenge 450, kuti zvibatsire vanhu kudzidza mashoko eBhaibheri mumutauro wavanonyatsonzwisisa.
Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa muTetum, mutauro unotaurwa muEast Timor. Mabhuku akanga aripo aisakwana. Mumwe mukadzi akanga achangotanga kudzidza Bhaibheri anonzi Maria akanga achishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? romutauro weIndonesian, asi akanga asina bhuku iri mumutauro weTutum. Akakumbira aimudzidzisa Bhaibheri kuti amupewo bhuku rake romutauro weTetum kwemazuva maviri. Mumazuva akatevera akadzokorora zvose zvaakanga adzidza achifara. Zvino akanga ava kunyatsonzwisisa chokwadi chakawanda mururimi rwaamai vake kupfuura zvaakanga adzidza mubhuku romutauro weIndonesian. Mudzidzisi wake akashaya simba rokumuti amudzorere bhuku riya romutauro weTetum. Maria achiri kudzidza uye kupinda misangano.
MuKenya Chirungu nechiSwahili ndizvo zvinonyanya kushandiswa mumabasa ehurumende uye mune zvokutengeserana. Kunyange zvakadaro, vanhu vomuKenya vane mamiriyoni vanonyanya kunzwa vakasununguka kushandisa mitauro inoti, Kikuyu, Kikamba, Luo uye mimwewo. Saka, kubudisa mabhuku mumitauro iyi kwakaita kuti vanhu vanyanye kufarira kunamata Jehovha. Ungano yeSiaya payakatanga kushandisa mabhuku eLuo uye kuita misangano mumutauro iwoyo, vakuru vakanyora kuti: “Hama dzava kunzwisisa zviri nani zviri kudzidziswa. Vana vava kunyatsoteerera. Kubva patakatanga kupa hurukuro tichishandisa mapepa ehurukuro eLuo, vanhu vanopinda misangano yedu vakawedzera nezvikamu 60 kubva muzana.”
KuNicaragua, vakawanda vanotaura Miskito pane kutaura Spanish, uye vanhu vanopfuura 200 vakapinda gungano reruwa rakaitwa mumutauro weMiskito. Zvaida kushinga chaizvo kuti vamwe vapinde gungano iri. Somuenzaniso, hama dzinokwana 13 dzokukataundi kanonzi Asang, kari pedyo nerwizi runonzi Coco vakagadzira igwa rematanda kwava kuyangarara kwemazuva maviri vachidzika nerwizi vakananga kutaundi reWaspam. Vakazokwira murori kwemaawa mashanu vachienda kuguta raizoitirwa gungano. Kune vakawanda vaiva muboka racho, iri gungano raiva rokutanga. Vakafarira chaizvo kunzwa zvaikurukurwa mumutauro wavo. Vamwe vakanga vauya kugungano iri vakaita mudeme mudeme kuti hama idzi dziwane mari yokudzokesa kumba nokuti dzakanga dzashandisa mari yadzo yose padzaiuya kugungano.
Vanotaura Miskito vaiva pagungano iri vakafara chaizvo pakabudiswa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mumutauro wavo. Mapiyona ndiwo akanyanyisa kuonga. Asati awana bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? mumutauro wawo aishandisa reSpanish. Paaidzidza nevadzidzi vawo aiita zvokushandurira ndima uye mibvunzo yacho mumutauro weMiskito. Iye zvino ava kukwanisa kunyatsoisa pfungwa pakudzidzisa chokwadi cheBhaibheri pane kunetseka nokufunga kuti angashandura sei.
Quechua mutauro unoshandiswa nemaIndia ekuAmerica anogara muSouth America. Vamwe vaparidzi vomutauro weQuechua vari kuPeru vakanyora kuti: “Patinopedza mharidzo yedu, tinoudza saimba kuti tine mabhuku mumutauro weQuechua. Vamwe vakabayiwa mwoyo nokuva nemabhuku acho mumutauro wavo zvokuti vakasvimha misodzi vakatsvoda mabhuku acho.” Hofisi yebazi yokuPeru yakanyora kuti: “Dzimwe hama dzinogara kunoshandiswa Quechua dzakaedza chaizvo kuratidza kuonga kwadzo. Imwe hama yaverenga bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? muQuechua, yakati iye zvino yava kunzwisisa zvinorehwa norudzikinuro rwaKristu uye kukosha kwarwo. Vaverengi vakatumira bazi mbatatisi, mapayi, mabhokisi emichero, uye zvimwewo zvinhu zvairatidza kuonga kwavo.”
Sangano riri kuedzawo chaizvo kuita kuti mabhuku ashandurirwe mumitauro inoshandiswa kuzvitsuwa zviri kure zvomuPacific. Imwe hanzvadzi yakaudza mumwe mumishinari muPohnpei chimwe chezvitsuwa zveMicronesia kuti, “Ndinoonga Jehovha kuti akatiyeuka. Kare, taiwana Nharireyomurindi muPonapean mwedzi yakati kuti yeChirungu yabuda.” Ichiseka zvayo, yakawedzera kuti: “Taifunga kuti kwatiri Amagedhoni ichanonokawo kusvika. Asi iye zvino tava kudzidza magazini yacho panguva imwe chete nevamwe vari munyika yose, uye inoyevedza sezvakangoita yeChirungu. Tinoonga chaizvo kuti Dare Rinodzora rine hanya nesu.”
Hama nehanzvadzi dziri kuMarshall Islands zvitsuwa zviri mugungwa rePacific nechokuchamhembe, dzakafara chaizvo kuwana Nharireyomurindi itsva yevoruzhinji mumutauro weMarshallese. Hama idzodzo dzinofarira kuverenga nyaya dzoupenyu, asi magazini eNharireyomurindi ekare akanga asina nzvimbo yokuisa nyaya idzodzo, zvokuti mumwe munhu aitofanira kudzishandura kubva mumagazini eChirungu. Naizvozvo, vakafara chaizvo nyaya youpenyu yokutanga payakabuda mumagazini yevoruzhinji mumutauro wavo. Mumwe muverengi ane makore 16 akati: “Kwemakore ndaitarira mumagazini yeChirungu ndoona mapikicha anenge ari munyaya dzoupenyu uye ndaingoti dai ndaigona kuverenga nyaya iyi. Iye zvino ndava kukwanisa kudziverenga.”
Kunyange kuva nebhuku rimwe chete mumutauro wakati, kungachinja upenyu hwevanhu. Mune imwe nyika iri kuCentral Asia uko basa redu riri kudzvinyirirwa, bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? rakaparadzirwa chaizvo. Mumwe murume wechiduku akawana bhurocha iri, akariverenga ari oga uye akabayiwa mwoyo zvokuti akaenda kurwizi rwaiva pedyo ‘akazvibhabhatidza.’ Paakaziva kuti anofanira kudzidza Bhaibheri, akaita izvozvo achifara uye pasina nguva akazonyatsobhabhatidzwa. Iye zvino anopedzera nguva yake mukuzivisa vamwe mashoko akanaka.
KUFAMBIRA MBERI PAKUSHANDURA BHAIBHERI
Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa Shoko raMwari, Bhaibheri, uye zvinokoshesa zvikuru shanduro yakarurama, yakajeka. Ndosaka vanhu vaMwari vari kufara zvino kuti vava neShanduro yeNyika Itsva, yakazara kana chikamu, mumitauro inopfuura 70. Kunyange zvazvo zvichifadza chaizvo kuudzwa kuti Shanduro yeNyika Itsva yavapo mune mumwe mutauro, kuishandisa zuva nezuva pakudzidza uri oga, pamisangano yeungano, uye muushumiri ndiko kunonyatsobaya mwoyo yevanhu uye kunochinja mafungiro avo.
Hofisi yebazi yokuRussia yave ichigamuchira tsamba dzakawanda dzokuonga Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakazara riri mumutauro weRussian. Mumwe mukadzi akanyora kuti, “Kunyange zvazvo ndakaverenga Bhaibheri kakawanda, kuverenga shanduro iyi kunoita sokuti ndiri kuverenga Bhaibheri kekutanga! Dzimwe nguva maziso angu anozara misodzi uye ndinonakidzwa chaizvo pandinobayiwa mwoyo neimwe ndima iri muBhaibheri.”
Kujeka kwakaita shanduro yacho kwakaita kuti mumwe muverengi ati: “Pashure pokuverenga Genesisi chitsauko 18 nhasi, ndanzwa ndichida kukunyorerai tsamba ino. Kukurukura kwakaita Abrahamu naJehovha kwakanyorwa pavhesi 23 kusvika ku32 kwandibaya mwoyo chaizvo. Kunyange zvazvo ndiri kuverenga Bhaibheri kechishanu, aka ndiko kekutanga kunyatsofunga nezvokukurukurirana uku. Ndanzwira tsitsi Abrahamu uye “ndanyatsovateerera” vachikurukurirana. Kunyatsoteerera kwaJehovha kwaita kuti misodzi iyangarare mumaziso angu. Shanduro iyi yaita kuti zviite sokuti zviri kutoitika. Handina kungoona unhu hwaJehovha chete asiwo ndanzwa ini ndichitovawo nahwo.”
Mumwe mukadzi anonzi Alesya wokuMoscow akanyora kuti, “Makaita basa neShanduro yeNyika Itsva yakazara. Iye zvino hatichavhiringidziki patinoverenga ‘Testamende Yekare’ nokuti hatichashandisi shanduro yekare isinganzwisisiki! Shanduro iyi iri nyore zvikuru!”
Mumwewo muverengi akanyora kuti: “Ndiri kubasa ndaitaura nomushandi wangu anonzi Irina nezvechokwadi cheBhaibheri. Pakutanga ndaingotaura magwaro nomusoro. Asi pandakavhura Bhaibheri rangu kuti ndimuratidze munyengetero waJesu wokuenzanisira, akabvunza kuti, ‘Ndiwo munamato uya unoti Baba Vedu here uyu?’ Paakaverenga mashoko aJesu, akafara chaizvo, akati: ‘Zvinoshamisa zvechokwadi! Mashoko acho ari kutaurwa zviri nyore! Ndakanzwa munamato uyu kakawanda asi handina kumbobvira ndaunzwisisa. Pano wakajeka chaizvo uye uri nyore! Ndinoda Bhaibheri rakadai. Ndiunzireiwo rakadai! Nditsvagireiwo Bhaibheri rakaita seiri!’ Ndakabva ndati, ‘Tinongopa Bhaibheri vanhu vanonyatsoda kuriverenga.’ Akapindura achirevesa kuti: ‘Kare handina kumbobvira ndada kuverenga Bhaibheri. Kunyange zvazvo ndaiva nemaBhaibheri akawanda, ose ndakaapa vamwe, asi iye zvino ndava kuda kuriverenga zvechokwadi!’”
Imwe hama yakanyora ichitaura nezveShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yeUkrainian kuti: “Ndinoda kuonga chaizvo Jehovha nesangano rake nokuda kwechipo ichi chinoshamisa. Ndiri kunakidzwa nokuverenga peji yoga yoga, uye ndinenge ndiine Bhaibheri iri kwose kwandinoenda. Mutauro wacho wakapfava uye unonzwisisika. Mashoko acho anosvika pamwoyo wangu uye ndinokwanisa kunzwisisa kudzama kwakaita zvinodzidziswa neBhaibheri.”
Shanduro dzomutauro weSerbian neCroatian dzakafarirwawo zvakafanana. Imwe hanzvadzi yokuCroatia yakanyora kuti, “Riri nyore chaizvo kuverenga uye harinetsi kunzwisisa pane Bhaibheri ratave tichishandisa kwemakore. Zano remagwaro rinosvika pamwoyo wangu zviri nyore, uye ndinonzwa kuti ndava kusvika pakuziva Jehovha kupfuura kare.”
Musi waNovember 2, 2007, Hama Geoffrey Jackson veDare Rinodzora vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weSamoa. MaBhaibheri emutauro weSamoa ave achishandiswa haawaniki nyore uye anodhura, saka hama dziri kufara chaizvo kuti maBhaibheri ava kuwanika zviri nyore. Pashure pokunge mumwe muparidzi ashandisa Bhaibheri iri kwemwedzi yakati kuti, akati, “Bhaibheri rekare rinoita kuti dzimwe pfungwa dziome kunzwisisa, asi idzva iri rinoita kuti dzive nyore kunzwisisa.”
Imwe hanzvadzi yakataura nezvepamwe payaidzidzisa mumwe munhu Bhaibheri. Mubhuku raidzidzwa makanga makanyorwa rugwaro rwaJakobho 4:8. Hanzvadzi yacho yakarondedzera kuti, “Ndakaudza saimba kuti kunyange zvazvo taiziva rugwaro urwu taifanira kuruverenga muShanduro yeNyika Itsva. Pakutanga takafunga kuti taiverenga rugwaro rusirwo kutozosvikira tanyatsoongorora kuti ndirwo. Nenzwi rairatidza kushamisika, hanzvadzi yandainge ndinayo pachidzidzo chacho yakati, ‘Ndima yacho yachinja.’ Zvino takanga tava kunyatsonzwisisa kuti ‘kuswedera pedyo’ zvinoreva kuti tinofanira kuva neukama hwepedyo naJehovha, asi pfungwa iyoyo yaisabudiswa muBhaibheri rataimboshandisa. Zvakatibaya mwoyo chaizvo uye zvakaita kuti tide kuva neukama hwakanaka naJehovha.”
Papera nguva yakati Shanduro yeNyika Itsva yeChinese yabudiswa, mamishinari aiva kuTaiwan akanyora kuti: “Takakwanisa kuratidza Shanduro yeNyika Itsva kune rimwe gweta rinofarira kuverenga magazini edu nguva dzose. Aida kuziva kuti nei paidiwa imwe shanduro. Patakamuratidza ndima shomanana chete, akakangwa mate mukanwa, akati shanduro iyi iri nyore chaizvo kunzwisisa pane Bhaibheri reUnion Version, raakanga agara achishandisa.” Vakaratidzawo Bhaibheri racho imwe nhengo yeParamende, iyo yakazorisiya muhofisi mayo. Mumwe muverengi wenhau aishora Zvapupu zvaJehovha akaona shanduro iyi muhofisi iya achibva aitora, akaverenga chikamu. Akakangwa mate mukanwa zvokuti akafonera mamishinari achikumbirawo rake.
Imwe hanzvadzi inotaura mutauro weKirghiz inotamburira kuverenga nokuti ine chinetso chemaziso, yaichimbofunga kuti kuverenga Bhaibheri chinhu chokugara uchiitawo zvako. Asi yakachinja pfungwa dzayo payakawana Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weKirghiz. Iye zvino inonzwa kunyatsogutsikana nokuverenga kwayo Bhaibheri nemhaka yeshanduro iyi isina kuoma uye yakajeka.
Imwe hanzvadzi yakati, “Shanduro iyi yakanaka chaizvo! Pandinoverenga Bhaibheri iri zvinonzwika handikanganisi. Ndinoda kuramba ndichiridzokorora. Zvinoita sokuti ndiri kudzidza chokwadi zvakare.”
Imwe hanzvadzi ine dambudziko rokunzwa yakanyorera Dare Rinodzora tsamba ichiti, “Ndinoda chaizvo Evhangeri yaMateu mumutauro wemasaini wokuAmerica. Iye zvino Bhaibheri rava noupenyu uye rava kubaya mwoyo wangu. Ndinokwanisa kuona unhu hwaJesu, zvaaiita kumeso kwake, mutsa, uye kuda kwakadzama kwaaiita vanhu. Ndinoda chaizvo bhuku raMateu mumutauro wemasaini wokuAmerica. Asi . . . mungati kurumidzei here kushandurira mamwe mabhuku eBhaibheri mumutauro wemasaini?”
Chokwadi, Bhaibheri rakashandurwa zvakarurama rinoita kuti zviri muShoko raMwari zvijeke, richiita kuti chiedza chemashoko echokwadi chipenye mumwoyo womuverengi. Nokuda kweizvi, vaya vanoda kuswedera pedyo naBaba vavo vokudenga vanofara pavanowana Shanduro yeNyika Itsva mumutauro wavo—mutauro unovabaya mwoyo.
VAMWE VASHANDI VANOTUMIRWA KUNOKOHWA
Nemhaka yokurerutsa mashandiro anoitwa pabazi, vazhinji vaiva nhengo dzemhuri yeBheteri yokuUnited States vakakumbirwa kuti vanoshumira kune dzimwe nzvimbo. Kunyange zvazvo vamwe vakaendeswa kumapazi ari kune dzimwe nyika, mazana akanzi anoshanda semapiyona chaiwo uye mapiyona enguva dzose munyika yacho yose. Vakanzwa sei pavakanzi vanoshanda ikoko? Vakakunda sei matambudziko okushumira kune nzvimbo idzi itsva? Ungano dzakabatsirwa sei?
Todd naLeslie vanoyeuka kuti, “Kwemakore akawanda, takateterera ‘Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.’ Hatina kuziva kuti Jehovha aizotishandisa pakupindura munyengetero iwoyo! Iye zvino tava kuona kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira zvinhu, uye tinonzwa taremekedzwa kuti Kristu ‘akaona kuti takatendeka nokutipa ushumiri.’”—Mat. 9:37, 38; 1 Tim. 1:12.
Achirangarira nezvemwedzi mishomanana yekutanga iye nomudzimai wake vari kubasa ravo idzva, Franco anoti: “Ini nemudzimai wangu hatina kumbofungidzira kuti muUnited States makanga muchiri kudiwa vaparidzi zvakadaro. Patakasvika kundima yedu, zvaiita sokuti vanhu vaida kudzidza Bhaibheri vaiva mavhu nemarara.” Vachiratidza manzwiro emapiyona aya akawanda, Curtis naKarolynne vakati, “Tinofara zvisingatauriki nokuenda kubasa redu idzva mundima! Uyu mukana wokuti tiratidze Jehovha kuti tairevesa patakazviramba uye patakapa upenyu hwedu nokuzvitsaurira.”
KUVIMBA NA“TENZI WOKUKOHWA”
Sezvingatarisirwa, kukumbirwa kwavakaitwa kuti vanoshanda mundima pashure pemakore ekushanda paBheteri kwakaita kuti vazvidye mwoyo. Mumwe murume nomudzimai vakabvunza kuti, “Tichazowana pokugara pakachipa here? Uye tichachinja sei kubva pakuva muparidzi kusvika pakuita maawa 120 kana kuti 130 pamwedzi mubasa romumunda uye kukurudzira vamwe muungano?” Ivo nevamwe vavo vakaita sei mumamiriro ezvinhu akadaro?
Vamwe vakawana dzimba dzakachipa kwangosara zuva rimwe chete rokutsvaka imba mundima dzavo itsva. Somuenzaniso imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Jessica, yakashanyira ndima yayo itsva ndokupedza vhiki mbiri ichitsvaga imba asi haina chayakabura. Kwasara zuva rimwe chete kuti idzokere kuBheteri kuti inorongedza zvinhu zvayo, yakafara chaizvo mumwe mukuru muungano yomunzvimbo imomo payakamupa imba duku kuti ishandise ichibhadhara mari shoma.
Jeff naCynthia vakaudza mumwe maneja wepanorendeswa dzimba kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Maneja wacho akati, “Zvapupu zvaJehovha ndinozviziva uye ndinoziva kuti handifaniri hangu kunetseka nemi. Jehovha anokubatsirai nemari yerendi!”
Eric naMelonie vakati, “Zvakaitika kwatiri zvinotiyeuchidza kuti tinoda kuvimba naJehovha nguva dzose. Tinoona uchapupu hwokuti Jehovha anotitsigira zuva nezuva. Izvi zvakasimbisa kutenda kwedu zvechokwadi.”
UNGANO DZINOTSIGIRA
Rudo rwakaratidzwa neungano rwakabatsira chaizvo mapiyona aya kuti ajairane nebasa ravo idzva. Mumwe mutariri wedunhu akashuma kuti ungano dzakawanda dzakataura zvinoratidza rudo nezve“mapiyona chaiwo edu.” Akawedzera kuti, “Dunhu rose rakavagamuchira uye rakavabatsira.” Imwe hama yomunzvimbo imomo yakanyora ichionga kuti: “Ndinoda kuti kubazi, ‘Makaita basa.’ Mapiyona aya chikomborero chaicho kwatiri tose!”
Imwe ungano iri muKansas yaiva nendima dzinokwana 100 dzakanga dzisina kumboshandwa kwemwedzi yakawanda. Iye zvino, nokubatsira kuri kuita mapiyona chaiwo maviri, murume nomudzimai, nzvimbo zhinji dzendima iyoyo dziri kushandwa nguva nenguva. Vakuru vakanyora kuti, “Hatina kumbobvira tafungidzira kuti urongwa uhwu hwaizobatsira zvakadaro.”
Kunyange zvazvo ungano dzave dziri ‘ruyamuro runosimbisa’ kumapiyona, vaparidzi vomunzvimbo imomo vakabatsirwawo. (VaK. 4:11) Mumwe mutariri wedunhu akashuma kuti, “Chido nokushingaira kwemapiyona zvakakurudzira chaizvo hama dzedu nehanzvadzi.” Mumwewo mutariri wedunhu akanyora kuti, “Chinonyanya kuoneka pamapiyona acho chaiwo rudo rwavo nokufara, izvo zvatapukirawo pane vamwe.”
Mumwe murume nomudzimai vakabatsira vaparidzi gumi vakanga vaneta kuti vatangezve kuita basa. Uyewo hama dzinoshanda sevakuru dziri kubatsirawo. Mumwe mukuru akanyora kuti, “Zvinozorodza kuva nehama yakadaro muungano, hama yakarovedzwa, ine maonero ari pakati nepakati. Ndizvo chaizvo zvaidiwa neungano uye dare revakuru.”
“VASHANDI PAMWE CHETE NAMWARI”
Jehovha akakomborera vaparidzi voUmambo nezvakaitika zvakawanda zvinofadza. Somuenzaniso, Steve naGaye vakaenda kunoparidza pasuo nesuo mumwe musi kuchitonhora munguva yechando. Pamba pavakatanga kusvika, vakatanga kudzidza Bhaibheri nemumwe murume ainge akwegura akanga akaora mwoyo. Mavhiki maviri asati apera, akanopinda misangano paImba yoUmambo. Vari ikoko vakataura kuti aiva aratidza mutsa kuvati vapinde mumba pavakashanya kekutanga. Akapindura kuti, “Handina kuti mupinde mumba nokuti ndaikuitirai zvakanaka, asi nokuti ndaiziva kuti maiuya. Ndakanga ndichinyengetera kwemazuva matatu kuti ndibatsirwe.” Iye zvino anopinda misangano nguva dzose uye ari kufambira mberi zvakanaka kuti abhabhatidzwe.
Mamwe mangwanani Ray naJill pavaifamba nemotokari, vakaona murume achifamba kune rimwe divi romugwagwa vakafunga kuti vataure naye. Vakamuratidza mabhuku edu vachibva vati vaida kudzidza naye Bhaibheri. Akatora magazini achibva atsanangura kuti aimbodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akanga achangobva kusvika munzvimbo yacho uye akabvuma achifara kupfuurira kudzidza Bhaibheri.
Vose vanoramba vachirega zvimwe zvinhu kuti vaite basa raJehovha vanoziva kuti ‘Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa ravo norudo rwavakaratidza nokuda kwezita rake.’ (VaH. 6:10) Sezvakaita muviri womunhu une nhengo dzakawanda, nhengo yoga yoga ichigovera zvinodikanwa, nhengo imwe neimwe yeungano inokwanisa kuita chimwe chinhu chinoita kuti ungano ikure pakunamata uye inake. “Mwari akaisa nhengo mu[ungano], imwe neimwe yadzo, sezvaaida,” uye kushanda pamwe chete kwenhengo imwe neimwe kunoita kuti ‘dzimwe nhengo dzose dzifare pamwe chete.’ (1 VaK. 12:18, 26) Kushanda pamwe chete uku kunoitika pakati pe“vashandi pamwe chete naMwari” kunoita kuti Jehovha arumbidzwe, uyo ave “achiita kuti zvikure.”—1 VaK. 3:6, 9.
KUSIMBISA ZVIRI PAMUTEMO MASHOKO AKANAKA
Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu.” (Mat. 10:22) Vadzidzi vechokwadi vaiziva kuti vashori ‘vaizovarevera zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwake.’ (Mat. 5:11) Vadzidzi vaKristu vemazuva ano vakashanda sei kuti ‘vasimbise zviri pamutemo mashoko akanaka’?—VaF. 1:7.
Armenia Pakati paApril 2007 naApril 2008, vakuru vakuru vanoona nezvokupinda nokubuda kwezvinhu muArmenia vakaramba kupa hama maBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri anopfuura matani manomwe avakanga vakabata kutoti dzabhadhara makutukutu emari yomutero. Muna April 2008, hama dzakazopiwa mabhuku akatanga kuuya pashure pokunge dzabhadhara mutero dzichiratidza pachena kuti izvi zvakanga zvisiri pamutemo uye mamwe mabhuku achakabatwa. Hama dziri kutora matanho epamutemo kuti dzigadzirise nyaya yacho.
Kazakhstan Hama mbiri dzaishanya dzichibva kumuzinda weZvapupu zvaJehovha, dzakanga dzauya muKazakhstan kuzokurudzira vamwe vadzinonamata navo dzichishandisa Bhaibheri, dzakasungwa dzapedza kuita mumwe musangano unokosha muAlmaty. Dzakachengetwa pakamba yemapurisa, dzikabvunzurudzwa, ndokunomiswa pamberi pomutongi, uyo akati dzaiva nemhosva yokuita “basa roumishinari.” Kunyange zvazvo dzakazosunungurwa, pari kutorwa matanho okuti zviratidzwe kuti hama dzacho mbiri dzakanga dzisina mhosva. Munguva pfupi yapfuura, vanhu vehurumende vave vachipinda mudzimba dzehama nechisimba kuti vavhiringidze kuungana kwadzinenge dzichiita kuti dzinyengetere uye dzidzidze Bhaibheri. Matare akambomisa mabasa okunamata eungano nhatu dzakanyoreswa pamutemo, uye mapurisa akavhiringidza mabasa ane chokuita nokunamata munharaunda yokuchemhembe kweCaspian Sea.
Tajikistan Sangano reZvapupu zvaJehovha rakanyorwa zviri pamutemo muTajikistan muna 1994. Izvi zvakaita kuti vabvumirwe kuungana kuti vanamate. Asi pana October 11, 2007, bazi rehurumende rinoona nezvetsika rakazivisa nezvokurambidzwa kweZvapupu zvaJehovha kuti zvinamate. Hama dziri kutora matanho okuratidza hurumende kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoda zvorunyararo vasingavhiringidzi voruzhinji.
Uzbekistan Mamiriro ezvinhu eZvapupu zvaJehovha muUzbekistan ari kuramba achiipa. Kumavambo kwa2008, chimwe Chapupu chaJehovha chakatongerwa makore mana chichishanda zvakaoma kujeri pamusana pokutenda kwacho. Vamwe vakasungwa, vakambochengetwa, vakanzi vane mhosva, uye vakaripiswa zvichinzi vakatyora mitemo ine chokuita nemasangano ezvitendero uye ine chokuita nokudzidzisa zvechitendero. Hama dzave dzichiitirwa chisimba dziri pamisangano, misha ichibvundunyurwa-bvundunyurwa, mabhuku achitorwa, uye vaparidzi vachisungwa. Hama dzedu dzakawanda pamwe nehanzvadzi vave vachitukwa uye vachirohwa nemapurisa.
Vakuru vakuru vanoverengeka vomunharaunda iyi vakaratidza kuti vafundisi vomunyika idzodzo ndivo vari kukonzera zvakaipa izvozvo. Tinoramba tichinyengeterera kuti vane masimba vacho vachakurumidza kuona kuti zvavari kuita hazvina kukodzera vobvumira hama dzedu nehanzvadzi ‘kuti varambe vachirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara, vachizvipira kuna Mwari uye vari vomwoyo wose zvizere.’—1 Tim. 2:1, 2.
Greece KuGreece, dare repamusoro rakapa zvisarudzo zviviri zvakanaka zvine chokuita nekodzero yevanhu yokuzivikanwa sevanhu vanoramba kuita zvimwe zvinhu pamusana pehana zvichibva pane zvinotendwa nechitendero chavo. Konstantinos Kotidis akamboshanda mumauto eSoviet Union kwemakore asati atamira kuGreece uye asati ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Hurumende payakati Hama Kotidis vaende kuhondo, yakaramba kuti vaite rimwe basa risiri rehondo. Yakaomerera pakuti zvavakanga vatomboshanda muhondo, vakanga vasina chikonzero chokuti hana yavo yaivarambidza kuita zvehondo. Zvisinei, Dare Rehurumende rakatonga kuti munhu akamboita zvehondo asi hana yake ikazochinja, anganzi hana yake inomurambidza kuita izvozvo uye angabvumirwa kuti aite rimwe basa risiri rehondo.
Mune imwe nyaya, Stylianos Ioannidis akanzi hazviite kuti ashande pane rimwe sangano revoruzhinji nokuti akanga amboiswa mujeri somunhu ane hana yakamurambidza kuita zvehondo, uye saka akanga asina kuita zvaainzi aite mune zvehondo. Asi Dare Rehurumende rakatonga kuti vanhu vakadaro pavanenge vapedza mutongo wavo womujeri, vane kodzero yokusaitiswa zvehondo. Dare racho rakataurawo kuti mamiriro ezvinhu evanhu ivavo pane zvehondo anenge agadziriswa zvechigarire uye panenge pasisina chikonzero chinovatadzisa kushanda mubasa revoruzhinji. Aka ndekekutanga kuti Dare Rehurumende ritonge maererano nezvikonzero chaizvo zvorusununguko rwokunamata sezvakaitwa neEuropean Court of Human Rights pane imwe nyaya, mumwe weZvapupu zvaJehovha paakarambirwa kushanda pamusana pezvaanotenda somunhu ane zvaanorambidzwa kuita nehana yake.
Eritrea Hama dzedu nehanzvadzi dziri muEritrea dzichiri kuitirwa utsinye uye zvinhu zvakaipa. Hurumende iri kuchengeta Zvapupu zvaJehovha zvinoverengeka mumajeri uye mamwe acho haaite! Muna July 2008, pakava nedzimwe nyaya nhanhatu dzokusungwa kwehama, kusanganisira vamwe vakuru vari kutungamirira munyika iyi. Pasinei nematanho akasamarara uye kuteterera kwevamwe vari munyika dzakawanda kuti zvinhu zvigadziriswe, hurumende yacho ichakangotsunga kushora kunamata Mwari wechokwadi, Jehovha.
South Korea Zvinhu zviri kufambira mberi muSouth Korea, umo hurumende yakaramba kodzero inokosha yevanhu yokuramba kuita zvehondo pamusana pehana. Hama dzedu dzinopfuura 13 000 dzave dzichipika jeri kwemakore 50 apfuura, uye panguva ino vanenge 500 vari mujeri. Kutsunga kwavo uye maitiro echiKristu zvakapupurira zvakanaka chaizvo kuvashandi vomujeri nevehurumende, zvichifadza Mwari wedu Jehovha. (1 Pet. 2:20) Kusvika iye zvino, nyaya 488 dzakaendeswa kuDare Rinoona Nezvekodzero Dzevanhu reUnited Nations, iro rakatonga nyaya mbiri muna 2006 richitsigira hama. Panguva ino, hama dzedu dzinotarisira kuti hurumende ichaita zvairi kuronga, kuita kuti pave nomutemo unobvumira rimwe basa rinogamuchirika risiri rehondo.
Rwanda Vadzidzisi vose muRwanda vakanzi vaifanira kuenda kumusangano muna April 2008, kusanganisira Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinodzidzisa. Munhu wose aitofanira kuvapo kusanganisira vaya vane hana dzakadzidziswa neBhaibheri dzaisavabvumira kuita zvaizoitwa ikoko. Saka, Zvapupu 215 zvakaramba kuenda zvakadzingwa basa, uye hanzvadzi mbiri dzakaiswa mujeri kwevhiki dzinoverengeka. Musangano wacho waisanganisira zvematongerwo enyika uye zvehondo, uye vaya vaivapo vakarayirwa kuita zvematongerwo enyika uye zvourudzi. Chero ani aiedza kubva pamusangano wacho airambidzwa nemauto. Kubvira panguva iyoyo, vana 90 veZvapupu zvaJehovha vakadzingwa kuchikoro pamusana pokuramba kuimba rwiyo rwenyika kana kuti kusaruta mureza. Tinovimba kuti Jehovha achasimbisa hama dzedu nehanzvadzi nevana vadzo kuti varambe vakaperera kuna Mwari sezvavanotambudzwa.
Spain Hurumende yokuSpain yakabvumira chisarudzo chine chokuita neZvapupu zvaJehovha zviri mubasa chairo renguva yakazara, zvakadai senhengo dzemhuri yeBheteri nevatariri vanofambira. Chisarudzo chacho chaiti vashumiri chaivo venguva yakazara “vashumiri vakagadzwa . . . vakazvipira zvizere kubasa roumishinari kana kuti basa roufundisi, kudzidzisa zvine chokuita nechitendero, kana kuti mamwe mabasa anofanira kuitwa anotsigira zvinangwa zvechitendero.” Chisarudzo ichi chakaitwa panguva iyo hurumende dzomune dzimwe nyika dzisina chokwadi chokuti vashumiri chaivo venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha vanofanira kupiwa rubatsiro runopiwa vafundisi vezvimwe zvitendero.
EUROPEAN COURT OF HUMAN RIGHTS
Zvapupu zvaJehovha zviri muArmenia, Austria, Azerbaijan, France, Georgia, Russia, Turkey, neUkraine zvine nyaya dzinokwana 24 dzakamirira kutongwa neEuropean Court of Human Rights (ECHR) muStrasbourg, France. Nyaya dzacho dzine chokuita nekodzero dzinokosha dzevanhu vanogara munyika dziri pasi peEuropean Convention on Human Rights. Idzi ikodzero dzakadai sokuramba kuita zvehondo pamusana pehana. Dzimwe nyaya dzacho dzine chokuita nokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha, uye kusarurwa pamusana pechitendero, kurambidzwa kwesangano ravanoshandisa kuronga basa, kana kunzi harisisina kunyorwa zviri pamutemo, kupindira kwehurumende pakodzero yokuungana murunyararo kuti vanamate, uye pakodzero yomubereki ari Chapupu yokurera mwana wake somumwe weZvapupu zvaJehovha.
Austria Pana July 31, 2008, ECHR yakapa mutongo wakanaka munyaya yaiva pakati peZvapupu zvaJehovha neAustria. Dare racho rakati mutemo weAustria une chokuita nezvitendero, unokanganisa kodzero dzeZvapupu zvaJehovha dzorusununguko rwokunamata nokuomerera pakuva nemarudzi maviri ezvitendero, zvichiita kuti pave nezvitendero zvinotarisirwa pasi, izvo zvinoitawo kuti pave nevagari vomunyika vanotarisirwa pasi. Mutongo uyu wakaitwa papera makore 30 hama dzedu dzichiedza kuva nesangano rechitendero rakanyoreswa pamutemo muAustria. Dare racho rakatonga kuti: “Zvitendero zvava nenguva refu zviripo munyika dzakawanda, zvinozivikanwa nehurumende dzinoziva zvadziri kuita, zvakadai sechitendero cheZvapupu zvaJehovha, hazvina kana zvikonzero zvo[kumirira kwenguva refu] kuti zvinyoreswe.” Iye zvino hurumende yeAustria inofanira kugadzirisa mitemo yayo iripo, izvo zvingabvumira hama dzedu kuva nekodzero dzakafanana nedzezvitendero zvikuru zviri muAustria.
Azerbaijan Muna November 2007, pane nyaya yakaendeswa kuECHR yokukanganisa kwemapurisa kodzera yedu yorusununguko rwokunamata. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo muAzerbaijan, hama dzedu dzave dzichisungwa zvakatonyanya uye dzichiitirwa utsinye zvinokangaidza pfungwa. Mapoka makuru emapurisa ane zvombo ave achivhiringidza misangano ine runyararo yeZvapupu zvaJehovha, achitora mabhuku nezvinhu zvavo, achisunga uye kuchengeta vaya vanenge varipo, achituka uye kurova hama nehanzvadzi. Mapurisa acho zvaachiri kungoita izvozvo, dare rakabvuma kuti nyaya yacho inofanira kukurumidza kutongwa uye riri kuiongorora. Tinotarisira kuti hama dzedu dzichakurumidza kubvumirwa kuungana norunyararo dzisingatyi kuvhiringidzwa nemapurisa.
France Muna February 2005 pane nyaya yakaendeswa kuECHR ine chokuita nokuteresa zvisina kururama uye zvisiri pamutemo Sangano reZvapupu zvaJehovha romuFrance kuri kuitwa nehurumende yeFrance. Tichakamirira kuti tione kana dare racho richizobvuma kutonga nyaya yacho. Munguva iyi, vashori vakaita kuti zvinhu zvenhema zvitaurwe pamusoro pezvatinotenda zvokuti mugore rapfuura pakava nenyaya 70 dzokupazwa kweDzimba dzoUmambo. Kunyange zvakadaro, hama dziri muFrance dziri kuramba dzine tariro yokuti dare racho richakurumidza kusarudza kuti hurumende yakaita rusaruro, uye izvi zvichaita kuti Zvapupu zvaJehovha zviri munyika iyi zvisununguke.
Russia Muna December 2001, Zvapupu zvaJehovha zviri muRussia zvakaendesa imwe nyaya kuECHR zvichinyunyuta nezvezvakaipa zviri kuitirwa Zvapupu zvaJehovha uye kutongwa kwazviri kuitwa nehurumende. Muna June 2004, Dare reGuta reMoscow rakatsigira mutongo wakapiwa nedare repasi wokumisa basa reZvapupu zvaJehovha muMoscow uye kugumisa sangano razvo repamutemo. Asi hama muMoscow dzichiri kukwanisa kuungana kuti dzinamate uye kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Zvisinei, muMoscow nokune dzimwe nzvimbo dziri muRussia, kakawanda misangano nemagungano zvakavhiringidzwa nevakuru vakuru vehurumende. Uyewo hama dzedu nehanzvadzi dzave dzichiitirwa utsinye. Somuenzaniso, muna July, muguta reChekhov, makiromita 60 kumaodzanyemba kweMoscow, pane vanhu vakapisa Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo vanodzima moto vakakurumidza kushevedzwa, vakaona vakati vadzimi vacho vemoto hapana zvavakaita kuti vaudzime, uye kusvika iye zvino mapurisa ari kuramba kuongorora nyaya yacho. Pasinei nematambudziko uye kushorwa, hama dzedu nehanzvadzi dziri muRussia dziri kuramba dzakatendeka uye dzichitarira kuna Jehovha kuti adzitsigire.
Jehovha anovimbisa kuti hapana chombo chingagadzirirwa kurwisa vashumiri vake chichabudirira. (Isa. 54:17) Kunyange mamiriro ezvinhu akaipa chaizvo angaguma nokuita “kuti mashoko akanaka afambire mberi.” Saka vashumiri vaMwari vakatsunga kuramba ‘vakamira vakasimba mumafungiro mamwe chete, nomweya mumwe chete vachibishairira kutenda kwemashoko akanaka vari pamwe chete, vasingambotyiswi nevanopikisana navo.’ (VaF. 1:12, 16, 18, 27, 28) Tapota, ‘rambai muchinyengeterera’ hama dzedu nehanzvadzi dziri munyika yose sezvadzinovimba naJehovha, ‘nhare yavo noMupukunyutsi wavo.’—2 VaT. 3:1; Pis. 18:2.
KUTSAURIRWA KWEMAPAZI
Vanhu vakafara chaizvo pabazi reSouth Africa musi woMugovera, November 10, 2007, hama nehanzvadzi dzinenge 4 000 padzakaungana kuti dzitsaurire imba yokudyira, dzimba dzokugara, nenzvimbo yakawedzerwa yokudhindira mabhuku.
Vashanyi vakafara chaizvo kuona muchina wokudhinda mabhuku unonzi MAN Roland Lithoman uchidhinda makumi ezviuru emaBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Muchina wokubatanidza mabhuku wakatogadzira maBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva anopfuura miriyoni mumitauro 16 yomuAfrica. Vashanyi vakaratidzwa nzvimbo yakawedzerwa umo bazi rinochengetera mabhuku anotsanangura Bhaibheri anoshandiswa neungano dzinoda kusvika 8 000 dziri munyika gumi dzorutivi rwokumaodzanyemba rweAfrica.
Pana June 7, 2008, zvivako zvakawedzerwa pabazi riri muNigeria zvakatsaurirwa muLagos, makiromita 360 kumadokero kwakadziva kumaodzanyemba kwezvivako zveBheteri riri muIgieduma. Pazvivako zviri muLagos pane dzimba dzokugara 24, nzvimbo yokuchengetera zvinhu, uye mahofisi. Zvinhu zvakawanda zvine chokuita nebazi zvinoitirwa muLagos, guta guru renyika yacho mune zvoupfumi. Pazvivako izvi panogara vashandi vepaBheteri vanotora zvinenge zvauya nengarava uye vanotenga zvinoshandiswa nebazi, uyewo panosvikira vanenge vachibva kunhandare yendege kana kuti vanenge vachienda ikoko. Pazvivako zviri kuLagos ndipo pachiri kumboitirwa Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri kusvikira zvivako zviri kuwedzerwa kubazi riri kuIgieduma zvapera. Zvechokwadi, kukomborera kwaJehovha kuri kuoneka pabasa rokuparidza muAfrica, sezviri kungoitikawo munyika yose.
KUGADZIRIRA KUITA ZVINODA MWARI
Tinoonga Jehovha chaizvo nokuti akatishongedza “nezvinhu zvose zvakanaka kuti [ti]ite zvaanoda, achiita matiri zvinomufadza kwazvo pamberi pake achishandisa Jesu Kristu.” (VaH. 13:21) Jehovha zvaakaratidza kuti ndiye “anogona kuita zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga,” tinozivisa nomwoyo wose kuti: “Ngaakudzwe pachishandiswa ungano uye pachishandiswa Kristu Jesu kusvikira kuzvizvarwa zvose nokusingaperi-peri.”—VaEf. 3:20, 21.
[Bhokisi riri papeji 25]
Kunyoresa Chitendero—Nei Uye Sei?
Kunyoresa chitendero kunosiyana-siyana maererano nenyika. Dzimwe nyika dzakadai seArmenia neAzerbaijan, dzine mitemo chaiyo inobvumira sangano rechitendero kukumbira kunyoresa uye kuti chizivikanwe zviri pamutemo. Kana zvikabvumwa, chitendero chacho chinobva chanzi ndechepamutemo munyika iyoyo. Mune dzimwe nyika, mune mhando mbiri dzokunyoresa. Kunyoresa kwokutanga ndekwezvitendero zvikuru, zvagara zviripo. Kunyoresa uku kune zvakunobatsira zvakawanda, kusanganisira kusabhadhariswa mitero. Kunyoresa kwechipiri kunowanzoitirwa zvitendero zviduku uye zvitsva.
Dzimwe nyika, dzakadai seGeorgia neUnited States of America, hadzina mitemo chaiyo yokunyoresa zvitendero. Kana zvinhu zvakadaro, bumbiro romutemo rinopa vanhu vose rusununguko rwokunamata. Kunyange zvazvo chitendero chingasazivikanwa zviri pamutemo, chinogona kukumbira kuti chive nesangano rakanyoreswa. Kana chikabudirira, chinobva chashandisa sangano racho repamutemo kuita zvachinoda, izvo zvingasanganisira kudhinda nokubudisa mabhuku uyewo kuva nezvivako.
[Mepu iri papeji 21]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AUSTRIA
FRANCE
SPAIN
GREECE
ERITREA
RWANDA
ARMENIA
AZERBAIJAN
RUSSIA
KAZAKHSTAN
UZBEKISTAN
TAJIKISTAN
SOUTH KOREA
[Mufananidzo uri papeji 11]
Ungano yeSiaya inotaura mutauro unonzi Luo
[Mufananidzo uri papeji 13]
Bhaibheri re“Shanduro yeNyika Itsva” rakakwana kana kuti chikamu rinowanika mumitauro inopfuura 70
[Mufananidzo uri papeji 22]
Stylianos Ioannidis
[Mufananidzo uri papeji 22]
Konstantinos Kotidis
[Mufananidzo uri papeji 29]
Chivako chokugara chitsva chiri muLagos, Nigeria
[Mufananidzo uri papeji 29]
Nzvimbo yokudhindira mabhuku, pabazi reSouth Africa