Mwari Anoti Tinofanira Kureurura Zvivi Here?
Mumachechi akawanda uye panoitwa minamato munhu nemunhu anouya achireurura zvivi zvake pamberi pomupristi kana kuti mutungamiri wechechi. Asi mazuva ano nekurarama kwemadiro kuri kuita vanhu kudai, kureurura kuchiri kukosha here?
VANHU vanotaura zvakasiyana-siyana panyaya iyi. Somuenzaniso, pepanhau rinonzi National Post rokuCanada rinotaura nezvomumwe munhu anobvuma kuti kunyange hazvo zvakaoma kuti uudze mumwe munhu kuti wakaita chinhu chakaipa, “zvinongosunungurawo kuziva kuti pane mumwe anozviziva, ari kunyengetera newe achitaura kuti izvi ndizvo zvaunofanira kuita.” Ukuwo bhuku rinonzi Bless Me, Father, for I Have Sinned, rakanyora nezvemumwe murume akati: “Kureurura ndiyo imwe tsika isinganakidzi muchechi. Zvinoita kuti vanhu vanetseke.” Ko Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyi?
Zvinotaurwa neBhaibheri
Mumutemo wakapiwa rudzi rwevaIsraeri naMwari, tinowana mirayiro isingaiti zvokutenderera yezvinofanira kuitwa kana munhu akaita chivi. Somuenzaniso, kana munhu akakanganisira hama yake kana kuti akaputsa mumwe wemitemo yaMwari, aifanira kureurura kumupristi werudzi rwevaRevhi akagadzwa, uyo aizoita kuti ayananisirwe nokupa chibayiro kuna Mwari kuti akanganwirwe chivi.—Revhitiko 5:1-6.
Papera mazana emakore akati kuti, muprofita Natani paakatsiura Mambo Dhavhidhi pamusana pezvivi zvake, Dhavhidhi akaita sei? Akabva angoti: “Ndakatadzira Jehovha.” (2 Samueri 12:13) Akanyengeterawo achikumbira kuti Mwari amunzwire nyasha. Zvikaguma nei? Pava paya Dhavhidhi akazonyora kuti: “Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye handina kufukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: ‘Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.’ Imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.”—Pisarema 32:5; 51:1-4.
Muungano yechiKristu muzana remakore rokutanga, Mwari akanga achiri kuda kuti vanhu vareurure zvivi zvavo. Jakobho munun’una waJesu uye mumwe wevaitungamirira ungano yaiva muJerusarema, akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Reururiranai pachena zvivi zvenyu munyengetererane, kuti muporeswe.” (Jakobho 5:16) Saka zvii izvo vaKristu vanofanira kureurura uye vanozviita kunaani?
Zvii Zvinofanira Kureururwa?
Pamusana pokuti tinotadza, zuva rimwe nerimwe tinogona kuita zvinhu tisina kunyatsofunga kana kuti kutadza kutaura zvoita kuti titadzirane. (VaRoma 3:23) Saka zvinoreva here kuti tinofanira kureurura zvose izvi zvatinokanganisa kune mumwe munhu akagadzwa?
Kunyange hazvo Mwari achiona kukanganisa kwose sechivi, pamusana pomutsa waanawo anoziva kuti kutadza kwedu uku imhaka yechivi chatakagara nhaka. Ndosaka munyori wepisarema akati: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira? Nokuti imi munokanganwira zvechokwadi, kuti mutyiwe.” (Pisarema 130:3, 4) Saka kana takanganisira vamwe kana kuti tavatadzira asi tisina kuita nemaune, tinofanira kuita sei? Yeuka kuti munyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera unosanganisira chikumbiro ichi: “Tikanganwirei zvivi zvedu, nokuti isu tinokanganwirawo munhu wose anotitadzira.” (Ruka 11:4) Zvechokwadi, Mwari achatiregerera kana tikanyengetera kwaari kuti atiregerere muzita raJesu.—Johani 14:13, 14.
Cherechedza kuti Jesu akataura kuti isuwo kuti tikanganwirwe tinofanira kukanganwira vaya ‘vanotitadzira.’ Muapostora Pauro akayeuchidza vaainamata navo kuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.” (VaEfeso 4:32) Kana tikaregerera vamwe kukanganisa kwavanoita, tingatarisira kuti Mwari achatiregererawo patinokanganisa.
Ko zvakadini nezvimwe zvivi zvakakura zvakadai sekuba, kuita zvo kutoronga kureva nhema, unzenza, udhakwa, nezvimwewo zvakadaro? Munhu wose anoita zvivi izvi ari kuputsa mitemo yaMwari saka anenge achitotadzira Mwari. Saka, kana zvadai poitwa sei?
Zvivi Zvinofanira Kureururwa Kuna Ani?
Pazvivi zvatinotadzira Mwari, haapi vanhu masimba okuti vatiregerere, iye oga ndiye anokwanisa kutiregerera. Bhaibheri rinotiudza zviri pachena kuti: “Kana tikareurura zvivi zvedu, [Mwari] akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu nokutichenesa pakusarurama kwose.” (1 Johani 1:9) Saka, zvivi zvakadaro zvinofanira kureururwa kunaani?
Sezvo Mwari ari iye oga anogona kutikanganwira, ndiye oga watinofanira kureurura kwaari. Ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi, sezvataona. Saka, chii chinoita kuti munhu azokanganwirwa? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Naizvozvo, pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mwaka yokusimbaradzwa iuye ichibva kuna iye Jehovha.” (Mabasa 3:19) Saka kuti munhu akanganwirwe zvivi hazvingogumiri pakubvuma kuti akanganisa nokureurura asi kuti munhu wacho anofanira kunge achida chaizvo kusiyana netsika yacho yakaipa. Danho iri rinowanzoti omei. Asi tinogona kuwana rubatsiro.
Yeuka mashoko omudzidzi Jakobho atambotaura anoti: “Reururiranai pachena zvivi zvenyu munyengetererane, kuti muporeswe.” Jakobho akawedzera pamashoko iwayo achiti: “Kuteterera kwomunhu akarurama, kune simba guru pakushanda kwakunoita.” (Jakobho 5:16) “Munhu akarurama” anogona kunge ari mumwe ‘wevarume vakuru veungano,’ avo vanotaurwa naJakobho mundima 14. Muungano yechiKristu, mune “varume vakuru,” kana kuti vakuru vakasimba pakunamata, vakagadzwa kuti vabatsire vaya vanoda kukanganwirwa naMwari. ‘Varume vakuru’ ava havagoni kukanganwira zvivi chero zvaani zvake, nokuti hapana munhu ane simba rokukanganwira mumwe munhu anenge akakanganisira Mwari.a Kunyange hazvo zvakadaro, panyaya dzokunamata vakakodzera kutsiura uye kugadzirisa munhu anenge aita chivi chakakura, vachimubatsira kuti aone kuti chivi chake haisi nyaya yokutamba nayo, anotofanira kupfidza.—VaGaratiya 6:1.
Sei Munhu Achifanira Kureurura Zvivi Zvake?
Munhu anenge aita chivi anenge akanganisa ukama hwake nevaanonamata navo uye naMwari pasinei nokuti chivi chake chakakura here kana kuti kwete. Izvi zvingaita kuti anetseke kana kuti azvidye mwoyo. Uku ndiko kushanda kunoita hana, yatakapiwa naMwari. (VaRoma 2:14, 15) Chii chinofanira kuitwa?
Tikadzokerazve mubhuku raJakobho, tinowana mashoko anonyaradza okuti: “Pane munhu anorwara [panyaya dzokunamata] pakati penyu here? Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.”—Jakobho 5:14, 15.
Pano zvekare, varume vakuru, vari kunzi vatarisire zvinodiwa neboka. Sei? Havasi kunzi vangoita basa rokuteerera chete munhu paanoreurura. Asi sezvo munhu anenge achirwara panyaya dzokunamata, pane chimwe chinhu chavanofanira kuita kuitira kuti ‘murwere apore.’ Pane zvinhu zviviri zvakataurwa naJakobho zvavangaita.
Chokutanga ‘ndechokuzora mafuta.’ Izvi zvinoreva simba rokuporesa rine Shoko raMwari. Muapostora Pauro akatsanangura kuti “shoko raMwari ibenyu uye rine simba, . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo,” richisvika pasi pepfungwa uye mwoyo womunhu. (VaHebheru 4:12) Kana varume vakuru vakashandisa Bhaibheri nounyanzvi, vanogona kubatsira anenge achirwara kuti aone chakakonzera dambudziko racho, obva atora matanho okugadzirisa nyaya yacho pamberi paMwari.
Chechipiri, “munyengetero wokutenda.” Kunyange hazvo minyengetero yevarume vakuru isingachinji matongero aMwari okururamisira, inokosha chaizvo kuna Mwari uyo anoda kukanganwira zvivi pachishandiswa chibayiro chorudzikinuro rwaKristu. (1 Johani 2:2) Mwari akagadzirira kubatsira chero mutadzi upi uyo anopfidza zvepachokwadi uye anoita “mabasa anokodzera rupfidzo.”—Mabasa 26:20.
Chikuru chinoita kuti munhu areurure chivi chaanenge aitira mumwe munhu kana kuti Mwari ndechokuti ave neukama hwakanaka naMwari. Jesu Kristu akaratidza kuti tisati tanamata Mwari nehana yakachena, tinofanira kutanga tagadzirisa kusawirirana kwatingava nakwo pakati pedu nevamwe tobva tava norugare navo. (Mateu 5:23, 24) Zvirevo 28:13 inoti: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” Kana tikazvininipisa pamberi paJehovha Mwari uye tikakumbira kukanganwirwa, tichadiwa naye uye achatikwidziridza munguva yake yakakodzera.—1 Petro 5:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanoona sokuti mashoko aJesu ari pana Johani 20:22, 23 anotsigira nyaya yokuti vanhu vanogona kukanganwira zvivi zvevamwe. Kuti uone kunyatsotsanangurwa kwenyaya iyi, ona Nharireyomurindi, yaApril 15, 1996, mapeji 28-29.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
Mwari achabva akanganwa kutadza kwedu zvachose uye achatiregerera kana tikanyengetera kwaari kuti atiregerere muzita raJesu
[Mufananidzo uri papeji 24]
Chikuru chinoita kuti munhu areurure chivi ndechokuti ave neukama hwakanaka naMwari