Une Kutenda Mumashoko Akanaka Zvechokwadi Here?
“Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, uye ivai nokutenda mumashoko akanaka.”—MAKO 1:15.
1, 2. Ungatsanangura sei Mako 1:14, 15?
RAIVA gore ra30 C.E. Jesu akanga atanga ushumiri hwake hunokosha kwazvo muGarireya. Aiparidza “mashoko akanaka aMwari,” uye vanhu vakawanda vomuGarireya vakakurudzirwa nemashoko ake okuti: “Nguva yakatemwa yazadzika, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, uye ivai nokutenda mumashoko akanaka.”—Mako 1:14, 15.
2 “Nguva yakatemwa” yakanga yasvika yokuti Jesu atange ushumiri hwake uye kuti vanhu vaite chisarudzo chaizoita kuti vadiwe naMwari. (Ruka 12:54-56) ‘Umambo hwaMwari hwakanga hwaswedera pedyo’ nokuti Jesu akanga aripo saMambo Akasarudzwa. Basa rake rokuparidza rakaita kuti vanhu vaiva nemwoyo yakarurama vapfidze. Asi ivo vakaratidza sei—uye isu tingaratidza sei—“kutenda mumashoko akanaka?”
3. Vanhu vakaratidza kuti vanotenda mumashoko akanaka nokuita chii?
3 Kufanana naJesu, muapostora Petro akakurudzira vanhu kuti vapfidze. Achitaura nevaJudha vaiva muJerusarema paPendekosti ya33 C.E., Petro akati: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chapachena chomudzimu mutsvene.” Zviuru zvakapfidza, zvikabhabhatidzwa, zvikava vateveri vaJesu. (Mabasa 2:38, 41; 4:4) Muna 36 C.E., veMamwe Marudzi vakanga vapfidza vakatorawo matanho iwayo. (Mabasa 10:1-48) Muzuva redu, kutenda mumashoko akanaka kuri kuita kuti vanhu vane zviuru vapfidze zvivi zvavo, vozvitsaurira kuna Mwari, vobhabhatidzwa. Vakagamuchira mashoko akanaka oruponeso uye vari kutenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. Uyezve, vari kuratidza kururama uye vari kutsigira Umambo hwaMwari.
4. Kutenda kudii?
4 Asi kutenda kudii? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka.” (VaHebheru 11:1) Kutenda kwedu kunoita kuti tive nechokwadi chokuti zvinhu zvose zvinopikirwa naMwari muShoko rake zvinoita sezvatoitika. Zvakaita sokuti tine gwaro rechibvumirano rinoratidza kuti tisu varidzi vechimwe chinhu. Kutenda “kuratidzwa kuri pachena,” kana kuti uchapupu hwokugutsikana nezvinhu zvisina kuonekwa. Kunzwisisa kwepfungwa dzedu nokuonga kwomwoyo zvinoita kuti tigutsikane kuti zvinhu zvakadaro ndezvechokwadi, kunyange tisina kuzviona.—2 VaKorinde 5:7; VaEfeso 1:18.
Tinofanira Kuva Nokutenda!
5. Nei kutenda kuchikosha kwazvo?
5 Takazvarwa tichigona kunzwa chido chokunamata asi hatina kuzvarwa tine kutenda. Chokwadi ndechokuti, “kutenda hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Zvisinei, kuti vaKristu vagare nhaka yezvipikirwa zvaMwari vanofanira kuva nokutenda. (VaHebheru 6:12) Pashure pokunge ataura mienzaniso yakawanda yokutenda, Pauro akanyora kuti: “Zvatine gore guru kudai rezvapupu rakatikomba, ngatibviseiwo zvinorema zvose nechivi chinotipingirisha nyore nyore uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu, sezvatinoramba takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, Jesu.” (VaHebheru 12:1, 2) “Chivi chinotipingirisha nyore nyore” chii? Kusava nokutenda, kunyange kurasa kutenda kwawaimbova nakwo. Kuti tigare tine kutenda kwakasimba, tinofanira ‘kuramba takatarira Jesu’ totevera muenzaniso wake. Tinofanirawo kuramba unzenza, kurwisa mabasa enyama, uye kusadisa zvinhu zvenyama, uzivi hwenyika, uye tsika dzinoshorwa neMagwaro. (VaGaratiya 5:19-21; VaKorose 2:8; 1 Timoti 6:9, 10; Judha 3, 4) Uyezve, tinofanira kutenda kuti Mwari anesu uye kuti zano riri muShoko rake rinoshanda zvechokwadi.
6, 7. Nei zvakakodzera kunyengetera tichikumbira kutenda?
6 Hatigoni kuvaka kutenda mukati medu nesimba redu pachedu. Kutenda rutivi rwechibereko chomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinoshanda. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka zvakadini kana kutenda kwedu kuchida kusimbiswa? Jesu akati: “Kana imi . . . muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:13) Hungu, ngatinyengetere tichikumbira mudzimu mutsvene, nokuti unogona kubereka matiri kutenda kwatinoda kuti tiite kuda kwaMwari kunyange tiri mumamiriro ezvinhu anoedza kwazvo.—VaEfeso 3:20.
7 Zvakakodzera kunyengetera tichikumbira kutenda kwakakura. Apo Jesu akanga ava kuda kubudisa dhimoni kubva mune mumwe mukomana, baba vomukomana wacho vakateterera kuti: “Ndine kutenda! Ndibetserei pandinoda kutenda!” (Mako 9:24) “Tiwedzereiwo kutenda,” vakadaro vadzidzi vaJesu. (Ruka 17:5) Naizvozvo, ngatinyengetere tichikumbira kutenda, tine chokwadi chokuti Mwari anopindura minyengetero yakadaro.—1 Johani 5:14.
Kutenda muShoko raMwari Kunokosha
8. Kutenda muShoko raMwari kungatibatsira sei?
8 Kwangosara nguva pfupi kuti afe rufu rwake rwokuzvibayira, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka. Tendai muna Mwari, tendaiwo mandiri.” (Johani 14:1) SevaKristu, tinotenda muna Mwari noMwanakomana wake. Asi zvakadini neShoko raMwari? Kana tikaridzidza nokurishandisa nechivimbo chakazara chokuti rinopa zano nenhungamiro zvakanakisisa zvatinogona kuwana, rinogona kuchinja zvikuru upenyu hwedu kuti hunake.—VaHebheru 4:12.
9, 10. Ungatsanangura sei zviri kutaurwa maererano nokutenda pana Jakobho 1:5-8?
9 Upenyu hwedu sevanhu vasina kukwana huzere nezvinetso. Zvisinei, kutenda muShoko raMwari kunogona kutibatsira zvechokwadi. (Jobho 14:1) Somuenzaniso, ngatiti hatizivi kubata kwatingaita nomumwe muedzo. Shoko raMwari rinotipa zano iri: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi; uye achapiwa. Asi ngaarambe achikumbira nokutenda, asingambovi asina chokwadi, nokuti asina chokwadi akafanana nemafungu egungwa anofambiswa nemhepo achisairirwa kwose kwose nemhepo. Chaizvoizvo, munhu iyeye ngaarege kufunga kuti achagamuchira chimwe chinhu kuna Jehovha; iye munhu ane mwoyo miviri, asina kutsiga munzira dzake dzose.”—Jakobho 1:5-8.
10 Jehovha Mwari haazotishori nokuti hatina uchenjeri uye tiri kuhunyengeterera. Pane kudaro, achatibatsira kuona muedzo wacho zvakanaka. Tinogona kuudzwa magwaro anobatsira nevatinonamata navo kana kuti patinenge tichidzidza Bhaibheri. Kana kuti tingatungamirirwa nomudzimu mutsvene waJehovha neimwe nzira. Baba vedu vokudenga vachatipa uchenjeri hwokubata nemiedzo kana ‘tikaramba tichikumbira nokutenda, tisingambovi vasina chokwadi.’ Kudai taiva sefungu regungwa rinofambiswa nemhepo, hatingatarisiri kugamuchira chinhu kubva kuna Mwari. Nei? Nokuti izvi zvingareva kuti hatizivi zvatinoda uye hatina kudzikama pakunyengetera kana kuti mudzimwe nzira—hungu, kunyange pakuratidza kutenda. Naizvozvo tinoda kuva nokutenda kwakasimba muShoko raMwari uye munhungamiro yarinopa. Ngationgororei mimwe mienzaniso yokubatsira nokutungamirira kwarinoita.
Kutenda uye Zvokudya
11. Kutenda muShoko raMwari kunotipa vimbisoi maererano nezvatinoda zuva nezuva?
11 Zvakadini kana tava kushaya zvokudya kana pokugara kana kuti tava muurombo? Kutenda muShoko raMwari kunoita kuti titarisire nechivimbo kuti Jehovha achatigovera zvatinoda zuva nezuva uye pakupedzisira achagovera zvinhu zvakawanda kune vose vanomuda. (Pisarema 72:16; Ruka 11:2, 3) Tingawana zvichikurudzira kufungisisa nzira yakagovera nayo Jehovha muprofita wake Eriya zvokudya munguva yenzara. Gare gare, Mwari akaita chishamiso chokuchengetedza upfu nemafuta zvakararamisa mumwe mukadzi, mwanakomana wake, naEriya. (1 Madzimambo 17:2-16) Saizvozvowo Jehovha akagovera muprofita Jeremia munguva yakakombwa Jerusarema neBhabhironi. (Jeremia 37:21) Kunyange Jeremia naEriya vaiva nezvokudya zvishoma, Jehovha akavatarisira. Anoita izvozvo kune vaya vanotenda maari nhasi.—Mateu 6:11, 25-34.
12. Kutenda kuchabatsira sei kuti tiwane chokurarama nacho?
12 Kutenda pamwe chete nokushandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri hakuzotiiti vapfumi, asi kuchatibatsira kuwana zvokurarama nazvo. Kupa muenzaniso: Bhaibheri rinotipa zano rokuti tive vanhu vakatendeseka, vanokwanisa mabasa, uye vanoshanda nesimba. (Zvirevo 22:29; Muparidzi 5:18, 19; 2 VaKorinde 8:21) Hatimbofaniri kurerutsa kukosha kwokuva mushandi ane mukurumbira wakanaka. Kunyange munzvimbo dzinonetsa kuwana mabasa akanaka, vashandi vakatendeseka, vane unyanzvi, uye vanobishaira ndivo vane mikana iri nani kupfuura vamwe. Kunyange vashandi vakadaro vangava nezvinhu zvishoma, kakawanda vanova nezvinhu zvinokosha zvokurarama nazvo uye vanogutsikana nokudya zvokudya zvavanozviwanira pachavo.—2 VaTesaronika 3:11, 12.
Kutenda Kunotibatsira Kutsungirira Nhamo
13, 14. Kutenda kunotibatsira sei kutsungirira nhamo?
13 Shoko raMwari rinonyatsoratidza kuti sevanhu tinonzwa kurwadziwa panofa munhu watinoda. Tateguru akanga akatendeka Abrahamu akachema kufa kwomudzimai wake waaida, Sara. (Genesi 23:2) Dhavhidhi akarwadziwa kwazvo paakanzwa kuti mwanakomana wake Absaromu akanga afa. (2 Samueri 18:33) Kunyange murume akakwana Jesu akachema kufa kweshamwari yake Razaro. (Johani 11:35, 36) Panofa munhu watinoda, tingasvika pakupererwa nokurwadziwa nenhamo, asi kutenda muzvipikirwa zviri muShoko raMwari kunogona kutibatsira kutsungirira nhamo yakadaro.
14 ‘Ndine tariro kuna Mwari,’ akadaro Pauro, ‘yokuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.’ (Mabasa 24:15) Tinofanira kuva nokutenda muurongwa hwaMwari hwokuti vazhinji vamutsirwe kuupenyu. (Johani 5:28, 29) Pakati pavo pachava naAbrahamu naSara, Isaka naRibheka, Jakobho naRea—vose vakarara murufu uye vakamirira kumutsirwa munyika itsva yaMwari. (Genesi 49:29-32) Pachava nomufaro chaizvo pachamutswa vanhu vatinoda muhope dzorufu kuti vararame pano panyika! (Zvakazarurwa 20:11-15) Panguva ino, kutenda hakuzobvisi nhamo dzose, asi kuchatichengeta tiri pedyo naMwari, uyo anotibatsira kutsungirira nhamo yokufirwa.—Pisarema 121:1-3; 2 VaKorinde 1:3.
Kutenda Kunosimbisa Vakaora Mwoyo
15, 16. (a) Nei tingati kuora mwoyo kunoita vane kutenda hachisi chinhu chitsva? (b) Chii chingaitwa kuti tibate nokuora mwoyo?
15 Shoko raMwari rinoratidzawo kuti kunyange vaya vanotenda vanogona kuora mwoyo. Paakaedzwa zvakakomba, Jobho akafunga kuti Mwari akanga amusiya. (Jobho 29:2-5) Kuparara kwakanga kwaita Jerusarema nemasvingo aro zvakasuwisa Nehemia. (Nehemia 2:1-3) Petro akarwadziwa kwazvo pashure pokuramba Jesu zvokuti “akachema zvikuru.” (Ruka 22:62) Uye Pauro akakurudzira vaainamata navo muungano yomuTesaronika kuti “taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza.” (1 VaTesaronika 5:14) Naizvozvo, kuora mwoyo kwevaya vanotenda nhasi hachisi chinhu chitsva. Saka chii chatingaita kuti tibate nokuora mwoyo?
16 Tingaora mwoyo nokuti tiri kutarisana nezvinetso zvakasiyana-siyana zvakakura. Pane kuzviona sedambudziko rimwe rakakura, tingakwanisa kuzvigadzirisa zvishoma nezvishoma nokushandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri. Izvi zvingabatsira kuderedza kuora kwedu mwoyo. Kushanda zviri pakati nepakati nokuzorora zvakakwana kungabatsirawo. Chokwadi ndeichi: Kutenda muna Mwari neShoko rake kunoita kuti tiite zvakanaka mumudzimu nokuti kunosimbisa chivimbo chedu chokuti ane hanya nesu zvechokwadi.
17. Tinoziva sei kuti Jehovha ane hanya nesu?
17 Petro anotipa vimbiso iyi inonyaradza: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti akukudzei munguva yakafanira; muchikandira kufunganya kwenyu kwose paari, nokuti ane hanya nemi.” (1 Petro 5:6, 7) Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha unotsigira vose vanowa, unosimudza vose vakakotamiswa pasi.” (Pisarema 145:14) Tinofanira kutenda vimbiso idzi, nokuti dzinowanikwa muShoko raMwari. Kunyange kuora mwoyo kungapfuurira, kuziva kuti tinogona kukandira kufunganya kwedu pana Baba vedu vokudenga vane rudo kunosimbisa kutenda zvikuru!
Kutenda uye Mimwe Miedzo
18, 19. Kutenda kunotibatsira sei kubata nourwere uye kunyaradza vatinonamata navo vanorwara?
18 Kutenda kwedu kungaedzwa zvikuru apo isu kana kuti vanhu vatinoda vanorwara zvakakomba. Kunyange Bhaibheri risingatauri nezvokuporeswa nechishamiso kwevaKristu vakadai saEpafurodhito, Timoti, naTirofimo, hapana mubvunzo kuti Jehovha akavabatsira kutsungirira. (VaFiripi 2:25-30; 1 Timoti 5:23; 2 Timoti 4:20) Uyezve, munyori wepisarema akaimba nezvo“une hanya navarombo” achiti: “Jehovha uchamutsigira panhoo yourwere; munoshandura nhoo dzake dzose pakurwara kwake.” (Pisarema 41:1-3) Mashoko omunyori wepisarema angatibatsira sei kunyaradza vatinonamata navo vanorwara?
19 Imwe nzira yokupa nayo rubatsiro rwomudzimu kunyengetera nevaya vanorwara uye kuvanyengeterera. Nepo tisingakumbiri kuporesa kwechishamiso nhasi, tinogona kukumbira Mwari kuvapa simba repfungwa rokutsungirira urwere hwavo nesimba romudzimu rinodiwa kuti vatsungirire nguva dzakadaro dzokusava nesimba. Jehovha achavatsigira, uye kutenda kwavo kuchasimbiswa nokutarira mberi kunguva ‘isingazovi nougeremo uchati: ndinorwara.’ (Isaya 33:24) Chokwadi zvinonyaradza kuziva kuti kuburikidza naJesu Kristu akamutswa uye kuburikidza noUmambo hwaMwari, vanhu vanoteerera vachasunungurwa zvechigarire muchivi, chirwere, uye rufu! Nokuda kwezvatinotarisira zvakakura kudai, tinoonga Jehovha, ‘uchaporesa kurwara kwedu kwose.’—Pisarema 103:1-3; Zvakazarurwa 21:1-5.
20. Nei zvichigona kunzi kutenda kunogona kutibatsira kutsungirira “mazuva akaipa” oukweguru?
20 Kutenda kunogonawo kutibatsira kutsungirira “mazuva akaipa” oukweguru, apo utano nesimba redu zvinenge zvichiderera. (Muparidzi 12:1-7) Saka vakwegura vari pakati pedu vanogona kunyengetera sezvakaita munyori wepisarema akanga akwegura uyo akaimba kuti: “Imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu . . . Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; musandisiya kana ndapera simba.” (Pisarema 71:5, 9) Munyori wepisarema akaona kuti aida kutsigirwa naJehovha, sezvinoitawo hama dzedu dzechiKristu dzakawanda dzakwegurira mubasa raMwari. Pamusana pokutenda kwavo, vanogona kuva nechokwadi chokuti vanotsigirwa zvisingakundikani nemaoko asingaperi aJehovha.—Dheuteronomio 33:27.
Ramba Uchitenda Shoko raMwari
21, 22. Kana tine kutenda, izvozvo zvinobatsira sei ukama hwedu naMwari?
21 Kutenda mumashoko akanaka uye muShoko rose raMwari kunotibatsira kuramba tichiswedera pedyo naJehovha. (Jakobho 4:8) Chokwadi, ndiChangamire Ishe wedu, asi Musiki naBaba veduwo. (Isaya 64:8; Mateu 6:9; Mabasa 4:24) “Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu,” akaimba kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 89:26) Kana tikaratidza kutenda muna Jehovha neShoko rake rakafuridzirwa, isuwo tinogona kumuona se‘Dombo rokuponeswa kwedu.’ Iyoyo iropafadzo inokurudzira sei!
22 Jehovha ndiBaba vevaKristu vakaberekwa nomudzimu neveshamwari dzavo dzine tariro yokurarama pasi pano. (VaRoma 8:15) Uye kutenda muna Baba vedu vokudenga hakumboodzi mwoyo. Dhavhidhi akati: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Pamusoro pazvo, tine vimbiso iyi yokuti: “Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru.”—1 Samueri 12:22.
23. Chii chatinofanira kuita kuti tive noukama husingaperi naJehovha?
23 Kuti tive noukama husingaperi naJehovha, chokwadi, tinofanira kutenda mumashoko akanaka togamuchira Magwaro nokuda kwezvaari chaizvo—Shoko raMwari. (1 VaTesaronika 2:13) Tinofanira kutenda zvakakwana muna Jehovha tobvumira Shoko rake kuvheneka nzira yedu. (Pisarema 119:105; Zvirevo 3:5, 6) Kutenda kwedu kuchakura sezvatinonyengetera kwaari tichivimba netsitsi dzake, ngoni, nokutsigira kwake.
24. Ipfungwa ipi inonyaradza inotaurwa pana VaRoma 14:8?
24 Kutenda kwakaita kuti tizvitsaurire kuna Mwari nokusingaperi. Zvatine kutenda kwakasimba, kunyange kana tikafa, tiri vashumiri vake vakazvitsaurira vane tariro yokumutswa. Hungu, “zvose zviri zviviri kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.” (VaRoma 14:8) Ngatichengete pfungwa iyoyo inonyaradza mumwoyo medu sezvatinoramba tichivimba neShoko raMwari toramba tichitenda mumashoko akanaka.
Ungapindura Sei?
• Kutenda chii, uye nei tichikuda?
• Nei zvichikosha kuti titende mumashoko akanaka uye muShoko rose raMwari?
• Kutenda kunotibatsira sei kukunda miedzo yakasiyana-siyana?
• Chii chichatibatsira kuramba tiine kutenda?
[Mifananidzo iri papeji 12]
Jehovha akararamisa Jeremia naEria nokuti vaiva nokutenda
[Mifananidzo iri papeji 13]
Jobho, Petro, naNehemia vaiva nokutenda kwakasimba
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kuti tive noukama husingaperi naJehovha, tinofanira kutenda mumashoko akanaka