Isaya
64 Kudai henyu makanga mabvarura denga moburuka,
Kuti makomo azununguswe nemhaka yenyu,
2 Sezvinoitika moto paunobatidza tsotso,
Uye moto paunoita kuti mvura ifashaire,
Zita renyu raizozivikanwa nemhandu dzenyu,
Uye marudzi aizodedera pamberi penyu!
3 Pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingambotarisiri,+
Makaburuka, uye makomo akazununguka pamberi penyu.+
4 Kubvira kare hapana akanzwa kana akateerera,
Uye hapana ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,
Makatsamwa patairamba tichitadza,+
Takazviita kwenguva refu.
Zvino tingakodzera kuponeswa here?
6 Uye tese taita semunhu asina kuchena,
Uye mabasa edu ese akarurama aita sejira rinoshandiswa nemukadzi ari kumwedzi.+
Tese tichasvava seshizha,
Uye kukanganisa kwedu kuchatipeperetsa sezvinoita mhepo.
7 Hapana anodana zita renyu,
Hapana anoita pfungwa dzekuti akubatei,
Nekuti mativanzira chiso chenyu,+
8 Kunyange zvakadaro, haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu.+
Tinokumbirawo kuti mutitarise, nekuti tese tiri vanhu venyu.
10 Maguta enyu matsvene ava renje.
Ziyoni rava renje,
Jerusarema rangova nzvimbo isina chinhu.+
11 Imba* yedu yeutsvene nekukudzwa,*
Yaishandiswa nemadzitateguru edu paaikurumbidzai,
Yapiswa nemoto,+
Uye zvinhu zvedu zvese zvataida chaizvo zvangova matongo.
12 Mucharamba muchingozvidzora here muchiona zvinhu zvakadai, haiwa Jehovha?
Mucharamba makanyarara muchitirega tichitambudzwa zvakanyanya kudai here?+