Vakatsunga Kubatira Jehovha!
“HAUSATI uchifanira kuenda kundoparidzira!” “Usaita kuti vanhu vako vashanye pano!” Vakadzi vechiKristu vakawanda vanonzwa kutaura uku nokwakafanana kunobva kuvarume vavo vanoshora. Asi apo varume ivava vanenge vachibatira mumauto, vadzimai vavo vanotarisana nedenho chaidzo kukutenda kwavo. (Isaya 2:4; Johane 17:16) Ipapoka, vadzimai vechiKristu vakadaro vanokwanisa sei kuramba vakasimba mumudzimu uye vachishingaira mubasa roUmambo?
Ruvimbiko kuna Jehovha Mwari rwakabatanidzwa nokutsunga kwomunhu oga runovabetsera kupfuurira. “Ndinofunga kuti kwakanga kungori kutsunga kwangu ndimene chete,” anotsanangura kudaro Yvonne, mudzimai womurwi. “Ndaiziva kuti kwaifanira kuva nenzira dzokunzvenga nadzo chishoro chomurume wangu.” Zvamazvirokwazvo, dzakanga dziriko.
Mumwe mukadzi wechiKristu, akaroorwa nomukuru mukuru wehondo, anorondedzera kuti chimiro chake chokutsunga chinotoita sei kuti upenyu huve huri nyore nokuda kwomurume wake. “Anoziva rudungwe rwangu pamwe chete norwake, uye vanhu vamauto vanonzwisisa izvozvo,” iye anotsanangura kudaro. Kunyanguvezvo, basa rake rinopfuuridzirwa kuna Jehovha haisati iri nzira iri nyore.
Kukurira Ukata
Vadzimai vavarwi kazhinji kazhinji vanotarisana nedenho yokutama vaziviswa kwasara mazuva mashomenene kana vachizoperekedza varume vavo kunzvimbo iri kure nomusha. Ipapo, vaiswa mumhoteredzo dzisina kurovedzeka, kuri nyore kunzwa vari voga. Asi ikoku hakufaniri kuva kwakadaro. Avo vanobatira Jehovha vane betsero. Ndeipi iyoyo? Mukuwirirana nomuapostora wechiKristu Petro, ndiro “boka rose rehama.” Zvino zvine chiverengero chinosvika mamirioni, Zvapupu zvaJehovha munyika 231 zvinoita semhuri huru yechiKristu, “uhama.” Unozviwana munodokuva munzvimbo iri yose.—1 Petro 2:17, NW, mashoko omuzasi.
Susan, abviswa kamwe kamwe munharaunda yokumusha kwake, akasvika kuti agare pamusasa wamauto anoshandisa ndege uko murume wake akagoverwa. Ari mutsva mukutenda uye ari mudzvinyiriro inobva kumurume wake asingatendi kuti arege kugoverana muushumiri hwechiKristu, anorondedzera, kuti: “Ndakaenda pakarepo kumisangano yomunzvimbomo, uye ikoko ndakakwanisa kugara ndokutaura kudzimwe hanzvadzi. Ndinogona kutaura zvirokwazvo kuti yakanga iri songaniro iyoyi yakaita kuti ndirambe ndichipfuurira.”
Pane dzimwe nguva ukata hunoparira kuora mwoyo. Kunyange panguva iyeyo, mashoko akanaka anogovera kurudziro inofadza. Glenys, imwe hanzvadzi yokuEngland iyo yakaperekedza murume wayo apo akaendeswa kunzvimbo iri mhiri kwamakungwa, anorondedzera, kuti: “Apo ndakanga ndaora mwoyo chaizvoizvo, nenzira isingakarirwi, mumwe munhu wandakanga ndaziva makore akati akapfuura apo ndakanga ndiri muhondo ini ndimene akanyora ndokutaura kuti akanga abhapatidzwa misi ichangobva kupfuura iyi somumwe weZvapupu zvaJehovha. Ikoko kwakandikurudzira panguva yakarurama chaipo.”
Jane, uyo akaenda nomurume wake kuKenya, akawana kuti misangano yechiKristu yakabvumikisa kuva inokosha, kunyange zvazvo yaiitiswa mumitauro yaaisanzwisisa. “Ndaiziva kuti ikoku ndiko uko Jehovha aida kuti ndive,” anotsanangura kudaro. “Ndakanga ndine hama dzangu, uye dzaisimbaradza. Dzakandigamuchira, uye ndakanzwa kuti takanga tiri mhuri.”
Jane ndomumwe chete wavakawanda vari mumigariro iyoyi uyo akawana hama dzomudzimu dzaaisamboziva kuti anadzo!—Marko 10:29, 30.
Vakatsiga Mukutarisana Nechishoro
“Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare pamusoro papasi,” Jesu akanyevera kudaro. “Ndakauya kuzoisa, kwete rugare, asi munondo.” (Mateo 10:34, NW) Aireveiko? Kunyange mukati memhuri, umo rugare rwaizokarirwa, mungava “nokukandwa kwakamwe kamwe kwomunondo,” anotsinhira kudaro A. T. Robertson muWord Pictures in the New Testament. “Zvamazvirokwazvo,” akadaro Jesu “vavengi vomunhu vachava vanhu vomumhuri yake amene.” (Mateo 10:36, NW) Mashoko iwaya anobvumikisa kuva echokwadi sei apo mukwanyina weroorano anenge ane utsinye kuzvokwadi!
Apo Diane akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, murume wake, mukuru mukuru wamauto anoshandisa ndege, akatsamwiswa zvikuru. Ikoku kwakava netapuroi paroorano yavo? “Kwakanga kwakafanana nechidimbu cheaizi chiri kuuya pakati pedu,” Diane anotsanangura kudaro. “Takanga taroorana nomufaro. Kamwe kamwe takanga tiri kungorarama chete mumusha mumwe chetewo.” Ipapoka, akagonana sei nako? “Kupwiswa kwomunhu oga nokutsunga ndizvo zvakakosha, pamwe chete nebetsero inobva kuna Jehovha nomudzimu wake.” Diane akarangarira zvakakomba muenzaniso weBhaibheri womuporofita Dhanieri.
Apo akatapwa kuBhabhironi ndokupiwa zvokudya zvisingagamuchiriki kumubatiri waMwari, Dhanieri “wakazvisunga mumwoyo make kuti haangazvisvibiswi nezvokudya zvamambo.” Hungu, Dhanieri akaita chisarudzo chokungwara. Akasarudza mumwoyo make kusatongozvishatisa amene nokudya zvokudya izvozvo. Akaratidzira ushingi hwakadini ipapo sezvo “akakumbira kuno muchinda wavaranda kuti arege kuzvisvibisa”! Muuyo wacho? Jehovha akakomborera chimiro chake chokutsunga.—Dhanieri 1:8, 9, 17.
Nhasiwo murume anoshora angaraira kuti mudzimai wake arege kupinda misangano yeungano. Anofanira kuita sei? Jane akazviwana amene ari muuyu mugariro. Anotsanangura, kuti: “Ndaisazotongorega mudzvinyiriro. Ndaiziva kuti kwaisagona kuva nokubvumirana pane zvisina kufanira. Ndaifanira kuratidzira kuti misangano yaireva zvakawanda sei kwandiri.” Jehovha akakomborera chisarudzo chake sezvo akaramba achipinda.
“Murume wangu akaedza kundidzivisa kuenda kumisangano, asi ikoko hakuna kugara kwenguva refu zvikuru,” anorondedzera kudaro Glenys. “Ndaingoenda. Apo ndaidzokera kumusha, pane dzimwe nguva aindirova, uye padzimwe nguva ndaikwaziswa nokunyarara.” Bva, akagonana nako, achinyengetera anyengeterazve. Uyewo, vaviri vavakuru veungano vainyengetera nguva dzose naye, uko kwakamukurudzira zvikuru kuti arambe achipinda.—Jakobho 5:13-15; 1 Petro 2:23.
Padzimwe nguva vakuru vomurume vangamudzvinyirira kuodza mwoyo mudzimai wake kuti asaparidzire mashoko akanaka. Diane akawana kuti aifanira kujekesera murume wake zvakanga zviri zvinokosha zvake. “Ndakanga ndakagadzirira,” iye akadaro, “kugamuchira miuyo yokuparidzira kwangu kunopfuuridzirwa.” Ikoku kwakafanana sei nechimiro chavaapostora! (Mabasa 4:29, 31) Kunyanguvezvo, akanga akachenjera mukuparidzira kwake. Iye anorondedzera, kuti: “Ndaisiva nokuungana kwokunwa kofi ndokupa munhu ari wose aripo bhuku raZvokwadi.”—Mateo 10:16; 24:14.
Kuzviisa Pasi Vasingabvumirani Pane Zvisina Kufanira
Kunyange zvazvo vachitambudzwa nedzvinyiriro yomuroorano, vadzimai vechiKristu vanotarira kunguva yemberi ndokuvimba naJehovha. Ikoku kunovabetsera kuchengeta murangariro wakadzikama. Vanopa varume vavo tsigiro ipi kana ipi yavanogona vasingabvumiranisi kutenda kwavo pane zvisina kufanira. Vachiita saizvozvo, vanotevera zano raPetro rakafuridzirwa, rokuti: “Imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu.” (1 Petro 3:1) MuThe Amplified New Testament, uyu murairidzo wouapostora unorava, kuti: “Zviisei mumene pasi savakaderera navanotsamira pavari, uye zvichinjirei mumene kwavari.” Cherekedza kuti Jane akatevera sei iri zano. “Murume wangu akandiudza kuti zvandaida kuita hazvifaniri kudzongonyedza basa rake,” iye anotsanangura kudaro. “Naizvozvo ndakaedza kuwana nzira dzandaigona kumubetsera nadzo.”
Vamwe vadzimai vechiKristu nokudaro vakabvuma kuenda kukuungana kwenhandaro uko varume vavo vakakokwa. Asi vanongosarudza kusatongobvumiranisa kutenda kwavo pane zvisina kufanira. Jane akava nenguva yokutaura kumurume wake pamusoro paikoku. Akatsanangura nomutsa kuti akanga achidisa kupinda asi akanga asingadi kuti kuvapo kwake kumukwenudze. “Ndaiziva kuti panhambo nenhambo vose varipo vanokarirwa kusimuka ndokutora rutivi mukunwa mukuremekedza mumwe munhu. Ndakanga ndadzidza kuti ruvimbiko rwakafanirwa naJehovha bedzi, uye kunwa mukuremekedza mumwe munhu kwakanga kuchipfuura zvikuru kwazvo kungoratidza ruremekedzo. Murume wangu akaziva kuti mugariro wacho waigona kuva unokwenudza sei, naizvozvo akangoti: ‘Usauya! Ndakateerera.”
Glenys, pane rumwe rutivi, akaperekedza murume wake kukuungana kwakadaro, asi akatarira vakuru vakuru vaitarisira patafura. Apo akavaona vachigadzirira kunwa mururemekedzo mumwe munhu nenzira yokuchenjera akaenda kuchimbudzi! Hungu, ava vakadzi vakazvigadziridza vamene asi havana kutongobvumirana pane zvisina kufanira.
“Vawanwa Pasina Shoko”
“Kana ndikavandudza mano angu ndimene somudzimai, murume wangu achaona kuti zvokwadi iri kundichinja,” akarangarira kudaro Yvonne. Naizvozvo akarava aravazve ganhuro riri mubhuku raUpenyu Hwemhuri rine musoro unoti “Mudzimai Anodiwa Zvikuru.”a “Ndakapa ngwariro chaiyo kumashoko ari pasi pomusoro muduku unoti ‘Vachemi, Vanetsi’! Asi ndakawana kuti apo ndaiedza kutaura nomurume wangu zvikuru, zvinhu zvaiva zvakaipa zvikuru.” Pakupedzisira, kunyanguvezvo, akabudirira mukubetsera murume wake kubatira Jehovha. Seiko? Kupfurikidza nokushandisa nheyo yakarongwa pana 1 Petro 3:1 (NW), kuti varume vago“wanwa pasina shoko.”
Nzira iyo vakadzi vechiKristu vanotarisira nayo mhuri dzavo inoita zvakawanda kurumbidza chiKristu kune vamwe. “Ndakaedza kuita kuti zvokwadi ive inokwezva sezvinobvira,” anorondedzera kudaro Diane. “Apo ndaienda kumisangano, murume wangu ainzwa ukata zvikuru, naizvozvo ndakava nechokwadi chokurairidza vana kuti vave vanozvibata zvikuru apo taisvika pamusha. Ndakaedzawo kupa ngwariro yakawedzerwa kwaari apo taidzoka.” Zvishoma nezvishoma chimiro chendangariro chomurume wake chakachinja sezvo akaita chiito kungwariro yomutsa yemhuri yake.
Vabatiri biyako vaJehovha vanogonawo kubetsera. Jane anorondzera kuti murume wake akafarikanya ushamwari hwevafundisi vari Zvapupu vaakasangana navo muKenya. “Vakashamwaridzana naye ndokutaura pamusoro pebhora, uye vakanga vane mutsa zvikuru. Pachiverengero chakati chenguva, takakokwa kumisha yavafundisi yakasiana-siana nokuda kwezvokudya.” Murume wake gare gare akatsanangura, kuti: “Ndakavamba kuona kutenda kwaJane nomurangariro wakasiana chose chose. Shamwari dzake dzakanga dziri vanhu vakangwara zvikuru avo vaigona kutaura pamusoro pemhatsa yenhau.” Nenzira yakafanana, murume waDiane akachinja murangariro wake wezvokwadi. Apo motokari yaakanga achichaira yakafa, Chapupu chiduku chakamubetsera. “Ikoko kwakandiorora chaizvoizvo,” iye anodaro.
Chokwadika, havasati vari vakwanyina vose veroorano vanowanwa kuzvokwadi. Ipapoka chii? Jehovha anogovera betsero kugonesa vakatendeka kutsungirira. (1 VaKorinte 10:13) Rangarira kurudziro yaGlenys nokuda kwaavo vari mumigariro yakafanana neyake: “Musatongopanikira kuti Jehovha ndiye Uyo akavamba roorano uye kuti anoda kuti vanyakuroorana vagare pamwe chete. Naizvozvo pasinei zvapo nechingaita murume kana kuti chishoroi chaungawana kune avo vakakupoteredza, Jehovha haasati achizotongokubvumira kuzununguka.” Kunyange zvazvo murume wake achigere kunamata Jehovha, chimiro chake chendangariro kwaari nezvokwadi chakachinja.
‘Dyara Nemisodzi; Kohwa Nomufaro’
Zvirokwazvo, ava vakadzi vechiKristu vakatsunga kubatira Jehovha. Kana uri mumigariro yakafanana, ita kuti ikoku kuve chisarudzo chakowo. Yeuka zano, rinoti: “Unofanira kutya Jehovha Mwari wako; unofanira kumushumira iye, nokumunamatira.”—Dheuteronomio 10:20.
“Unofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, uchadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake,” anozivisa kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 126:6) “Unobudisa misodzi yakawanda kwazvo sezvaunoedza kuratidza mukwanyina wako zvokwadi, chinyararire kana kuti zvimwe uchitaura,” chinobvuma kudaro Chapupu chimwe. “Asi pamugumo unodanidzira nomufaro nemhaka yokuti kunyange kana asingagamuchiri zvokwadi, Jehovha anokukomborera nokuda kwenhamburiko yaunoita.”
Vose avo vanobatira Jehovha nokutendeka pasinei zvapo nechishoro pamusha vanowana rumbidzo chaiyoiyo. Vakafanirwa netsigiro norudo. Ngavachengete chimiro chavo chokusabvumirana pane zvisina kufanira, vakatsunga kubatira Jehovha!
[Mashoko Omuzasi]
a Kuita kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. (1978).
[Mufananidzo uri papeji 28]
Fundo yokunyengetera inosimbisa kutsunga kwechiKristu