Zvinotaura Bhaibheri
Kuva Musoro Mumhuri Kunomborevei Chaizvo?
MUNYIKA dzakawanda michato inosanganisira kuita mhiko apo mwenga anovimbisa kuzoteerera murume wake. Zvisinei, vakadzi vakawanda havafariri pfungwa yokuti varume vave misoro mumhuri. Chimbofunga zvinotaura Bhaibheri nezvenyaya iyi. Uchaona kuti zvarinotaura zvine musoro uye zvinoshandisika.
Kuva Musoro Sokurondedzera Kunoita Mwari
Bhaibheri rinorondedzera zvinoreva musoro pana VaEfeso 5:22-24 richiti: “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano . . . Chokwadi, ungano zvainozviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvose.” Zvaari “musoro womudzimai wake,” murume anofanira kutungamirira mhuri, mudzimai achitevera kutungamirira kwake uye achimuremekedza somusoro.—VaEfeso 5:33.
Simba romurume rine parinoperera sezvo achizviisa pasi paMwari naKristu. Haana kodzero yokuita kuti mudzimai wake atyore mitemo yaMwari kana kuti aite zvinopesana nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Zvisinei, sezvo kuva kwake musoro kuine pakunoperera, Mwari akamupa basa rokuita zvisarudzo zvinokosha kumhuri yake.—VaRoma 7:2; 1 VaKorinde 11:3.
Bhaibheri rinorayira murume kuti ave musoro wakanaka, achiisa zvinodiwa nomudzimai wake pamberi pezvake. VaEfeso 5:25 inoti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” Murume anotevera muenzaniso wakanaka waKristu worudo haashandisi utungamiriri hwake nenzira inoita kuti zvingomunakira iye.
Uyezve, Bhaibheri rinorayira murume kuti agare nomudzimai wake “maererano nokuziva.” (1 Petro 3:7) Izvi zvinosanganisira zvinopfuura kungoziva kusiyana kwakaita varume nevakadzi mumuviri nomupfungwa. Anofanira kunzwisisa zvinodiwa nomudzimai wake.
“Mumwe Wako”
Kuzviisa pasi kwomudzimai kunoreva kuti haana zvaanoitawo here? Chimbofunga nezvaSara, anotaurwa neBhaibheri kuti aiva muenzaniso wokuteerera murume wake, Abrahamu. (1 Petro 3:5, 6) Aizviisa pasi pake muzvinhu zvikuru nezviduku, akasiya musha waiva nezvose kuti anorarama upenyu hwokutama-tama mumatende maaibika zvokudya munguva pfupi pfupi. (Genesisi 12:5-9; 18:6) Zvisinei, pane imwe nyaya yaikosha, akaramba achitaura zvaipesana nepfungwa dzaAbrahamu. Izvi zvakaitika paaida kuti adzinge murongo wake, Hagari nomwanakomana wake wedangwe, Ishmaeri mumhuri yake. Pane kutsiura Sara, Mwari akaudza Abrahamu kuti ‘ateerere inzwi rake.’ Panguva iyi, Sara akaramba achizviisa pasi paAbrahamu achimirira kuti avadzinge pane kuedza kuti iye pachake adzinge Hagari naIshmaeri.—Genesisi 21:8-14.
Zvakaitwa naSara zvinoratidza kuti pane kungodzikatidzwa nesimba romurume wake, mudzimai anofanira kuva “mumwe” womurume wake, aine nzvimbo inokudzwa. (Maraki 2:14) Zvaanenge ari mumwe wake, mudzimai anobatsira panoitwa zvisarudzo zvemhuri uye ane simbawo mumhuri, kazhinji kacho achitarisira zvakawanda zvinoitwa mumhuri kunyange nyaya dzemari. Chokwadi, zvaari musoro wemhuri, murume ndiye anofanira kuita zvisarudzo zvokupedzisira.—Zvirevo 31:10-31; 1 Timoti 5:14.
Kuremekedza Musiki
Jehovha Mwari akasika murume nomukadzi, uye akaita muchato kuti uve mubatanidzwa mutsvene pakati pavo. (Genesisi 2:18-24) Akadonongodza mabasa omurume nomudzimai aizoita kuti vafare zvikuru.—Dheuteronomio 24:5; Zvirevo 5:18.
Zvaari iye akatanga muchato, Jehovha ane kodzero uye anokwanisa kudzika mitemo nokuda kwourongwa hwemhuri. Vakaroorana vanoita mabasa avo uye vanotevedzera urongwa hwaMwari hwokuva musoro kwomurume, kwete nokuti hunoshanda asiwo vanoitira kuremekedza simba raMwari, vachafarirwa uye vachatsigirwa naye.
WAKAMBOZVIBVUNZA IZVI HERE?
◼ Ndiani anoratidza muenzaniso wakakwana wokuva musoro?—VaEfeso 5:25.
◼ Mwari anoita kuti simba romurume rive neparinoperera here?—1 VaKorinde 11:3.
◼ Ndechipi chinangwa chokuroorana uye chokuti mumhuri muve nomusoro?—Zvirevo 5:18.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kutungamirira maererano nomuenzaniso waKristu kunoita kuti murume nomudzimai wake vafare uye vagutsikane