Ramba Uchirangarira Zuva raJehovha
“Pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka.”—2 PETRO 3:3.
1. Mumwe muKristu womuzuva razvino uno akava nepfungwai yekukurumidzira?
MUMWE ave ari mushumiri wenguva yakazara kwemakore 66 akanyora kuti: “Nguva dzose ndakaona chiri chinhu chakanaka kufunga nezvekukurumidzira. Ndave ndichifunga nezveArmagedhoni seichauya kuswera mangwana. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Sababa vangu, nasekuru vangu, ndakararama upenyu hwangu seizvo muapostora [Petro] akakurudzira, ‘rambai muchirangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’ Nguva dzose ndakarangarira nyika itsva se‘chinhu chaicho kunyange zvazvo isingaoneki.’”—2 Petro 3:11, 12; VaHebheru 11:1; Isaya 11:6-9; Zvakazarurwa 21:3, 4.
2. Zvinorevei kuramba tichirangarira zuva raJehovha?
2 Kutaura kwaPetro kwokuti “rambai muchirangarira,” [NW] achitaura nezvezuva raJehovha kunoreva kuti tinoramba tichirirangarira. Hatifaniri kukanganwa kuti zuva richaparadzwa tsika ino yezvinhu naJehovha sechiito chokutanga kuunza nyika yake itsva yakapikirwa riri pedyo zvikuru. Rinofanira kuva chairoiro kwatiri zvokuti tinoriona zvakajeka, seriri pedyo nesu chaipo. Raiva chairoiro kuvaporofita vaMwari vakare, uye vaiwanzotaura nezvaro seriri pedyo.—Isaya 13:6; Joere 1:15; 2:1; Obhadhia 15; Zefania 1:7, 14.
3. Chii chingave chakasunda zano raPetro pamusoro pezuva raJehovha?
3 Nei Petro akatikurudzira kurangarira zuva raJehovha sokuti richauya, “kuswera mangwana”? Nemhaka yokuti vamwe sezviri pachena vakanga vatanga kuseka pfungwa yokuvapo kwaKristu kwakapikirwa umo vakaipa vaizorangwa. (2 Petro 3:3, 4) Naizvozvo muganhuro 3 retsamba yake yechipiri, yaticharangarira zvino, Petro anopindura kupomera kweava vaseki.
Kukurudzirwa Kuyeuka Noushamwari
4. Petro anoda kuti tiyeukei?
4 Kuda kwaPetro hama dzake kunoratidzwa nokudzokorora kwake kuvati “vadikanwa” muganhuro iri. Achivakumbira noushamwari kuti vasakanganwe zvavakanga vadzidziswa, Petro anovamba achiti: “Vadikanwa, . . . ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichikuyeudzirai; kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurayiro waShe, Muponesi, wamakapiwa navaapostora venyu.”—2 Petro 3:1, 2, 8, 14, 17; Judhasi 17.
5. Vamwe vaporofita vakataurei pamusoro pezuva raJehovha?
5 Petro anokurudzira kuti varavi vayeuke “mashoko [api] akataurwa kare navaporofita vatsvene”? Chokwadi, aya ane chokuita nokuvapo kwaKristu musimba roUmambo uye pamusoro pekutongwa kwevanhu vasingadi Mwari. Petro akanga ambotaura nezvezvinhu izvi. (2 Petro 1:16-19; 2:3-10) Judhasi anotaura nezvaEnoki, uyo aiva muporofita wokutanga akanyorwa kunyevera nezvekutonga kwakakomba kwaMwari vakaipa. (Judhasi 14, 15) Vamwe vaporofita vakatevera Enoki, uye Petro haadi kuti tikanganwe zvavakanyora.—Isaya 66:15, 16; Zefania 1:15-18; Zekaria 14:6-9.
6. Kutaurai kwaKristu navaapostora kunotijekesera pamusoro pezuva raJehovha?
6 Mukuwedzera, Petro anoudza varavi vake kuyeuka “murayiro waShe, Muponesi.” Murayiro waJesu unobatanidza kurudziro yokuti “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa . . . kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.” “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.” (Ruka 21:34-36; Marko 13:33) Petro anotikurudzirawo kuteerera kutaura kwevaapostora. Muapostora Pauro, somuenzaniso, akanyora kuti: “Zuva ra[Jehovha, NW] rinosvika sembavha usiku. Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke.”—1 VaTesaronika 5:2, 6.
Zvishuvo Zvevaseki
7, 8. (a) Rudzii rwevanhu runoshora mashoko aMwari enyevero? (b) Vaseki vanotaurei?
7 Sezvambotaurwa, chakakonzera zano raPetro ndechokuti vamwe vakanga vatanga kushora nyevero dzakadaro, sezvakangoita vaIsraeri vakare avo vakashora vaporofita vaJehovha. (2 Makoronike 36:16) Petro anotsanangura kuti: “Pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo.” (2 Petro 3:3) Judhasi anotaura kuti zvishuvo zveava vaseki ndezvevanhu “vasingadi Mwari.” Anovadana kuti “venyama, vasina mweya.”—Judhasi 17-19. (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.)
8 Vadzidzisi venhema avo Petro akataura kuti “vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa” vangangodaro vari pakati pavaseki ava vasina umudzimu. (2 Petro 2:1, 10, 14) Vanoseka vaKristu vakatendeka vachiti: “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.”—2 Petro 3:4.
9. (a) Nei vaseki vachiedza kuderedza pfungwa yekukurumidzira iri muShoko raMwari? (b) Kurangarira zuva raJehovha idziviriro sei kwatiri?
9 Nei vachiseka zvakadaro? Nei vachifunga kuti Kristu haazombovipo, kuti Mwari haasati ambopindira muzvinhu zvavanhu uye haazombodaro? Naizvozvo, kupfurikidza nokuderedza pfungwa yavo yekukurumidzira iri muShoko raMwari, ava vaseki vane upenzi vanotsvaka kuita kuti vamwe vave nechimiro chendangariro chokusaitira hanya mumudzimu uye nokudaro kuvaita vanyajambwa vari nyore vekunyengera kwoudyire. Ikurudziro ine simba zvakadini nokuda kwedu nhasi kuti tirambe takamuka mumudzimu! Ngatirambe tichirangarira zuva raJehovha uye ngatiyeukei kuti meso ake ari patiri nguva dzose! Nokudaro tichasundwa kubatira Jehovha nokushingaira ndokuchengeta kuchena kwedu kwetsika.—Pisarema 11:4; Isaya 29:15; Ezekieri 8:12; 12:27; Zefania 1:12.
Vanoita Noune Uye Vanozvidza
10. Petro anobvumikisa sei kuti vaseki havana kururama?
10 Vaseki vakadaro vanofuratira idi rinokosha. Vanorifuratira namaune uye vanoedza kuti vamwe varikanganwe. Nei? Kuitira kuti vanyengere vanhu zviri nyore zvikuru. “Nokuti,” Petro anonyora kudaro, “vanokanganwa nohwoni chinhu ichi.” Chinhu chipi? “Kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; nazvo nyika yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura.” (2 Petro 3:5, 6) Hongu, Jehovha akaparadza uipi pasi pano mukati meMafashamo muzuva raNoa, idi rakasimbiswawo naJesu. (Mateo 24:37-39; Ruka 17:26, 27; 2 Petro 2:5) Naizvozvo, mukupesana nezvinotaura vaseki, zvinhu zvose hazvina kuramba “zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.”
11. Ikariroi dzisina kuitika dzakaita kuti vaKristu vapakuvamba vasekwe?
11 Vaseki vangava vakaseka vaKristu vakatendeka nemhaka yokuti vakanga vasati vawana zvavaida. Chinguvana Jesu asati afa, vadzidzi vake “vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo.” Ipapo, pashure pokumutswa kwake vakabvunza kana Umambo hwaizogadzwa pakarepo. Uyewo, anenge makore gumi Petro asati anyora tsamba yake yechipiri, vamwe vakanga vachi“vhundutswa” ne“shoko” kana kuti “nenwadhi,” dzainzi dzaibva kumuapostora Pauro kana kuti shamwari dzake, vachiti “zuva ra[Jehovha, NW] ratosvika.” (Ruka 19:11; 2 VaTesaronika 2:2; Mabasa 1:6) Kukarira kwakadaro kwevadzidzi vaJesu, zvisinei, kwakanga kusiri kwenhema, kungoti chete nguva yacho yakanga isati yasvika. Zuva raJehovha raizouya!
Shoko raMwari Rakavimbika
12. Shoko raMwari rakaratidza sei kuti rakavimbika muuporofita hwaro pamusoro pe“zuva raJehovha”?
12 Sezvambotaurwa kare, vaiva vaporofita chiKristu chisati chavapo vaiwanzonyevera nezvezuva raJehovha rokutsiva vachiti rakanga rava pedyo. “Zuva raJehovha” duku rakauya muna 607 B.C.E. apo Jehovha akatsiva vanhu vake vakatsauka. (Zefania 1:14-18) Gare gare, mamwe marudzi, kubatanidza Bhabhironi neEgipita, akatambura “zuva raJehovha” rakadaro. (Isaya 13:6-9; Jeremia 46:1-10; Obhadhiya 15) Kupera kwetsika yezvinhu yechiJudha yomuzana rokutanga ramakore kwakafanotaurwawo, uye kwakaitika apo mauto eRoma akaparadza Judhea muna 70 C.E. (Ruka 19:41-44; 1 Petro 4:7) Asi Petro anonongedzera ku“zuva raJehovha” romunguva yemberi, richapfuura kunyange Mafashamo omupasi rose pakukura!
13. Muenzanisoi wakaitika kare unoratidzira kuti kuguma kwetsika ino yezvinhu kuchaitika?
13 Petro anotanga kurondedzera kwake ruparadziko runouya, achiti: “Neshoko ireri.” Akanga achangobva kutaura kuti “neshoko raMwari,” nyika yaivapo Mafashamo asati aitika “yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura.” Aya mamiriro ezvinhu, anorondedzerwa munhoroondo yokusika yeBhaibheri, akaita kuti Boporodzi riitike apo mvura yakanaya ichirayirwa naMwari, kana kuti neshoko. Petro anopfuurira achiti: “Denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko ireri [raMwari], zvinochengeterwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:5-7; Genesi 1:6-8) Tine shoko raJehovha rinovimbika! Achagumisa “denga riripo zvino, nenyika”—tsika ino yezvinhu—mukutsamwa kukuru kwezuva rake! (Zefania 3:8) Asi rini?
Kudisa Kuti Mugumo Uuye
14. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti parizvino tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira”?
14 Vadzidzi vaJesu vaida kuziva kuti mugumo waizouya rini, naizvozvo vakamubvunza kuti: “Chiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Sezviri pachena vakanga vachibvunza nezvenguva yaizoguma tsika yechiJudha, asi mhinduro yaJesu yainangidzira ngwariro zvikurukuru panguva apo ‘denga napasi’ zvaizoparadzwa. Jesu akafanotaura zvinhu zvakadai sehondo huru, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika, zvirwere, uye utsotsi. (Mateo 24:3-14; Ruka 21:5-36) Kubvira mugore ra1914, takaona chiratidzo chichizadzikwa icho Jesu akapa nokuda kwe“kuguma kwenyika” pamwe chete nezvezvinhu izvo muapostora Pauro akadudza kuti zvaizoratidzira “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5) Zvirokwazvo, ufakazi hwacho hukuru hwokuti tiri kurarama munguva yomugumo wetsika ino yezvinhu!
15. VaKristu vakaitei pasinei zvapo nenyevero yaJesu?
15 Zvapupu zvaJehovha zvave zvichidisa kuziva pachaitika zuva raJehovha. Mukudisa kwazvo pane dzimwe nguva zvakaedza kufungidzira paringauya. Asi kupfurikidza nokuita kudaro, zvakakundikana, sezvakaita vadzidzi vaJesu vapakuvamba, kuteerera nyevero yaTenzi wavo yokuti hati“zivi kuti nguva ichasvika rini.” (Marko 13:32, 33) Vaseki vakaseka vaKristu vakatendeka nokuda kwezvavaikarira zvisina kuitika. (2 Petro 3:3, 4) Kunyange zvakadaro, zuva raJehovha richauya, Petro anosimbisa kudaro, maererano nenguva Yake.
Tinofanira Kuziva Kuti Jehovha Anofunga Sei
16. Tinoteerera zano ripi nokuchenjera?
16 Tinofanira kuziva kuti Jehovha anorangarira sei nguva, seizvo Petro anotiyeuchidza parizvino: “Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe.” Kana tikaenzanisa upenyu hwedu hwemakore 70 kana kuti 80 tinoona kuti hupfupi zvikuru! (2 Petro 3:8; Pisarema 90:4, 10) Naizvozvo kana kuzadzikwa kwezvipikirwa zvaMwari kuchiita sekuri kunonoka, tinofanira kugamuchira zano romuporofita waMwari rokuti: “Kunyange zvikanonoka [nguva yakataurwa], uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.”—Habhakuki 2:3.
17. Kunyange zvazvo mazuva okupedzisira aramba aripo kupfuura zvaikarirwa navakawanda, tinogona kuva nechokwadi chei?
17 Nei mazuva okupedzisira etsika ino apfuurira kwenguva refu kupfuura zvanga zvichikarirwa navakawanda? Nokuda kwechikonzero chakanaka, seizvo Petro anotsanangura: “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi ane mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Jehovha anorangarira zvinonakira rudzi rwose rwomunhu. Anofunga nezveupenyu hwavanhu, sezvaanoti: “Handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake.” (Ezekieri 33:11) Naizvozvo tinogona kuva nechivimbo chokuti mugumo uchauya panguva chaiyo kuti ugozadzika donzo roMusiki wedu akachenjera, ane rudo!
Chii Chichapfuura?
18, 19. (a) Nei Jehovha akatsunga kuparadza tsika ino yezvinhu? (b) Petro anorondedzera sei kuguma kwetsika ino yezvinhu, uye chii chichanyatsoparadzwa?
18 Nemhaka yokuti Jehovha anoda zvikuru avo vanomubatira, achaparadza vose vanokonzera kuti varwadziwe. (Pisarema 37:9-11, 29) Achitaura, sezvakanga zvamboita Pauro, kuti ruparadziko urwu ruchauya panguva isingakarirwi, Petro anonyora kuti: “Zuva ra[Jehovha, NW] richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.” (2 Petro 3:10; 1 VaTesaronika 5:2) Matenga chaiwoiwo napasi hazvina kuparara muBoporodzi, uyewo hazvizoparari muzuva raJehovha. Kana zvakadaro, chii chicha“pfuura,” kana kuti chichaparadzwa?
19 Hurumende dzavanhu dzakadzora rudzi rwomunhu dzakafanana ne“denga” dzichaguma uye ndizvo zvichaitawo “pasi,” kana kuti nzanga yomunhu isingadi Mwari. “Kutinhira” zvichida kunoratidzira kupfuura kwokukurumidza kwedenga. “Zvedenga” zvinoumba nzanga yomunhu yanhasi yakaipa zvicha“piswa,” kana kuparadzwa. Uye “nyika,” pamwe chete ne“mabasa ari mairi,” zvicha“piswa.” Jehovha anofumura zvakakwana mabasa akaipa avanhu sezvaanogumisa tsika ino inofanirwa nokuguma.
Ramba Uchifunga Nezvetariro Yako
20. Upenyu hwedu hunofanira kuchinjwa sei nokuziva kwedu zviitiko zviri mberi?
20 Sezvo izvi zviitiko zvinokosha zvava pedyo, Petro anotaura kuti tinofanira kuva no“mufambire . . . mutsvene nokunamata Mwari, [tichi]tarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari.” Hapana mubvunzo! “Denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa.” (2 Petro 3:11, 12) Chokwadi chokuti izvi zviitiko zvinokosha zvinogona kuvamba kuitika mangwana chinofanira kuchinja zvinhu zvose zvatinoita kana kuti zvatinoronga kuita.
21. Chii chichatsiva matenga nepasi zviripo?
21 Petro parizvino anotiudza chichatsiva tsika ino yezvinhu, achiti: “Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13; Isaya 65:17) Chokwadi, inyaradzo huru! Kristu nevane 144 000 vaanotonga navo vachaumba “denga idzva” rehurumende, uye vanhu vanopukunyuka mugumo wetsika ino vachaumba “pasi idzva.”—1 Johane 2:17; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3.
Ramba Uchikurumidzira Uye Wakachena Mutsika
22. (a) Chii chichatibatsira kudzivisa kusviba mumudzimu kana kuti kuva netsvina? (b) Petro anonyevera nezvengozii?
22 “Saka vadikanwa,” Petro anopfuurira, “zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye mune rugare, musina ruvara, musina mhosva; muchiti, mwoyo murefu waShe wedu ruponeso.” Kumirira nokudisa uye kurangarira kunonoka kwezuva raJehovha sokuratidzirwa kwengoni dzaMwari kuchatibatsira kudzivisa kusviba kwose mumudzimu kana kuva netsvina. Bva, pane ngozi! Petro anonyevera kuti mumanyoro a“Pauro, hama yedu inodikanwa . . . mune zvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvinominamiswa, samamwe magwarowo, navasingazivi navasina simba, kusvikira vaparadzwa.”—2 Petro 3:14-16.
23. Petro anogumisa achitii?
23 Vadzidzisi venhema sezviri pachena vakaminamisa manyoro aPauro pamusoro penyasha dzaMwari dzisina kufanirwa, vachiashandisa kuti vasazvidzore. Zvichida Petro anorangarira izvozvi apo anonyora zano rake rokuoneka achiti: “Naizvozvo imi vadikanwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muwe pakusimba kwenyu.” Anobva agumisa tsamba yake achikurudzira kuti: “Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu.”—2 Petro 3:17, 18.
24. Vabatiri vose vaJehovha vanofanira kuva nechimiroi chendangariro?
24 Nenzira yakajeka, Petro anoda kusimbisa hama dzake. Anoshuva kuti vose vave nechimiro chendangariro chakaratidzwa neChapupu chine makore 82 okukura chambotaurwa pakutanga: “Ndakararama upenyu hwangu sezvakakurudzirwa nomuapostora, ‘ndichiramba ndichirangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’ Nguva dzose ndakarangarira nyika itsva yakapikirwa se‘chinhu chaichoicho kunyange isingaoneki.’” Tose zvedu ngatiraramei saizvozvo.
Ungapindura Sei?
◻ Zvinorevei ku“tarira nokushuva” zuva raJehovha?
◻ Vaseki vanofuratirei noune, uye nei?
◻ Vaseki vakasekerei vaKristu vakatendeka?
◻ Tinofanira kuramba tine murangariro upi?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ramba uchirangarira zuva raJehovha . . .
[Mufananidzo uri papeji 24]
. . . nenyika itsva ichauya