Mirira Nokushivirira
MUFUDZI akadanidzira adanidzirazve kuti “Mhumhi!” nepo pakanga pasina mhumhi akawana kuti kudanidzira kwake kwakatevera nokuda kwebetsero hakuna kuteererwa. Nenzira yakafanana nhasi, vakawanda vanozvidza kuva pedyo kwezuva raJehovha nemhaka yokuti vakanzwa nyevero dzakawanda dzakabvumikisa kuva nyevero dzenhema. Idi chairo rokuti vakawanda kwazvo vanokundikana kuziva kuti ndeipi nyevero yechokwadi ndokuiteerera rinoshandiswa nomuvengi mukuru waMwari, Satani, uya “mutumwa wechiedza” wenhema.—2 VaKorinte 11:14.
Mudzimu wokugutsikana ungava une ngozi kunyange nokuda kwaavo vakabatira Jehovha kwenguva yakati. Nemhaka yei? Rangarira nyevero yakapiwa nomuapostora Petro muzana rokutanga ramakore.
Funga Zvakajeka
Tsamba yechipiri yaPetro yakafuridzirwa yakanga iri yakadaro kuvaKristu vapakuvamba, uye chiyeuchidzo kwatiriwo. “Vadikanwa,” anonyora kudaro, “iyi ndiyo n’wadhi yechipiri yandinokunyorerai zvino; pana idzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichikuyeudzirai.” (2 Petro 3:1) Petro ane chikonzeroi chokuitira hanya uku? Petro anosimbisa kuvapo kwavaseki vane kuseka kunosekesa pfungwa yekurumidziro inodikanwa pamusoro penguva iyo vabatiri vaMwari vanorarama mairi. Zvino ndiyo nguva yokungwarira kunyengedzwa navanhu vanotsvinya. Nokudaro Petro anokurudzira varavi vake kuti va“gorangarira mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene.” (2 Petro 3:2; Mabasa 3:22, 23) Vaporofita vakanga vatii?
Vabatiri vaMwari vakatendeka panhambo dzakawanda vakanga vapa ngwariro kunzira iyo marutongeso aMwari akagumisa nayo uipi. Petro anoyeuchidza varavi vake nezveMafashamo omuzuva raNoa ayo Mwari akashandisa senzira yokupindira nayo apo pasi rakanga razadzwa nouipi. Boporodzi iroro rakagumisa nyika yapanguva iyoyo nenzira inobudirira. Asi Mwari akachengetedza Noa nemhuri yake vari muareka pamwe chete nezvisikwa zvipenyu zvaimirira “marudzi ose.” Ngano dzomunyika yose dzinopupurira uchokwadi hwenhoroondo yeBhaibheri.a—Genesi 6:19; 2 Petro 3:5, 6.
Petro anodana kupindira ikoko kwaMwari kuti ‘idi risingaonekwi’ navamwe vanhu. Ipapo vamwe vakanyengedzwa kuti vave vasingakendengi navaseki vezuva racho. Isu, kunyange zvakadaro, hatimbofaniri kurasikirwa nezvakatoitwa naJehovha. Petro anotiudza kuti: “Denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko ireri, zvinochengeterwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Hungu, kupindira kwaMwari kuchaitikazve.
Mwari Haanonoki
Zviuru zvenguva zvakatopfuura. Nemhaka yei Mwari akamirira kwenguva yakareba kwazvo kuti apedze zvinetso zvorudzi rwomunhu? Zvakare, Petro anosimbisa rimwe idi. Anoti: “Vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe.” (2 Petro 3:8) Murangariro waJehovha wenguva unosiyana nowedu. Kuna Mwari asingagumi, nhambo yokubvira pakusikwa kwaAdhama kusvika zvino haisati yatombokwana vhiki imwe. Asi tingava tine murangariro upi kana upi wenguva, chiuru chamakore chimwe nechimwe uye zuva rimwe nerimwe rinopfuura rinotiswededza pedyo nokuitwa kwechinangwa chaJehovha.
Kutaura kwokuti “poto kana yakatariswa haimboviri” kunoreva kuti kungomirira chiitiko kunoratidzika kuva kunochinonotsa kuitika. Zvisinei, Petro anorumbidza ku“tarira nokushuva kwazvo kuuya kwezuva raMwari.” (2 Petro 3:12) Tinogona sei kutanga murangariro unotiita kuti tirambe takasvinura nezvokuva pedyo kwokupindira kwaMwari?
Zviito Zvinotaura Zvinonzwika Kupfuura Mashoko
Petro anoisa ngwariro pamabasa nezviito. Anonongedzera ku“mufambire wenyu mutsvene” pamwe chete ne“kunamata Mwari.” (2 Petro 3:11) Izvi zvinobatanidzei?
Mubatiri chaiyeiye waMwari anoita nenzira inofadza Iye. Kutenda kwomunamati wechokwadi akadaro kunoratidzirwa mumufambiro wake. Izvi zvinomusiyanisa naavo vanongotaurawo zvavo nezvokutenda Mwari nezvipikirwa zvake. Zvichida wakacherekedza kuti ushumiri hwapachena hweZvapupu zvaJehovha hunozvitsauranisa sezvakasiyana. Zvinoshanya pamba pako kuti zvikwevere ngwariro kuzvipikirwa zvaMwari zvakarongwa muBhaibheri. Asi zvinopupurirawo tariro dzazvo nezvitendero papi kana papi pazvinosangana navanhu.
Chapupu chinozvibatikanisa mukuzivisa kutenda kwacho kune vamwe chine zvitendero zvinotsigirwa uye zvakasimbiswa. Kutaura kunosimbisa murangariro uye panguva imwe chete kunounza mufaro womukati negutsikano. Patinozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, tiri kufadzawo Jehovha. Tinoziva kuti haasi ‘asina kururama zvokuti anokanganwa basa redu norudo rwatinoratidza nokuda kwezita rake,’ sokuzivisa kunoita muapostora biyake waPetro Pauro.—VaHebheru 6:10; VaRoma 10:9, 10.
Chii chiri mugumisiro weiyi fariro yokuparadzira mashoko akanaka oUmambo mukati memazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu yakaipa? Mazana ezviuru zvavanhu vane mwoyo yakatendeseka ari kudzidza nzira yokuva nayo noukama hwapedyo naJehovha, kuti abetserwe nomutsa wake usina kufanirwa ndokuwana mufaro wechokwadi mukukarira upenyu husingagumi muparadhiso yapasi.
Kufanoziva
Kunyange zvazvo tichiziva kubva muBhaibheri kuti Jehovha Mwari achapindira panguva yake yakafanira, tinofanira kuteerera imwe nyevero inopiwa naPetro. “Zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muwe pakusimba kwenyu.”—2 Petro 3:17.
Zvirokwazvo Jehovha akanga achitoziva kuti vamwe vasina kutenda kwakasimba vaigona kuodzwa mwoyo nokunoratidzika kuva kunonoka kupindira kwaMwari. Aizivawo kuti pesvedzero yavanhu vasingadi Mwari yaigona kushatisa vabatiri vake vechokwadi kana kuti, zvimwe, kusekesa chitendero chavo chokuti kutsveneswa kwezita raMwari kwava pedyo. Zvaizova zvine ngwavaira sei kuwa pakusimba mumazuva ano okupedzisira!
Ino haisi nguva yokuchengeta kupokana kana kuti kusava nechokwadi pamusoro pezvichaita Jehovha. (VaHebheru 12:1) Panzvimbo pezvo, ino inguva yokukura mukuonga zvakaunzwa neshiviriro yaJehovha—kariro yokuponeswa kumamiriyoni anova rutivi rweboka guru romunyika dzakawanda ndokutarisira kupukunyuka dambudziko guru riri kuuya. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Petro anorayira kuti: “Kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi.”—2 Petro 3:18.
“Muzvichengete Murudo rwaMwari”
Kubatikana mukuparidza Umambo nokupinda misangano yechiKristu nguva dzose nokuda kwokunamata nokufunda Shoko raMwari kunotipa dziviriro. Nokudaro, hatizovi nenguva yokunyanyoitira hanya pamusoro pemamiriro ezvinhu ari kuipa ari mugadziriro yezvinhu yanhasi. Kutya nokufunganya zvinofanira kuva nenzvimbo duku muupenyu hwavaKristu vechokwadi. (1 VaKorinte 15:58) Kana tikabatikana zvikuru tichibatira Jehovha, nguva ichafamba nokukurumidza.
Judhasi, uyo akararama panguva imwe naPetro uye akanga ari munin’ina waJesu kuna mai, anotirayira kuti: “Imi vadikanwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvenetsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.” (Judhasi 20, 21) Cherekedza kukosha kwomurangariro wakanaka unotsigirwa kupfurikidza nokuramba uchinyengetera. (1 VaTesaronika 5:17) Ipapo Judhasi anowedzera kuti: “Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyange nenguo yakasvibiswa nenyama.” (Judhasi 22, 23) Zvinokosha sei kusimbisana mukati meidzi nguva dzakaoma! Uye zvinokosha sei kusawira mukuedzwa, tichishandisa iri “zuva rokuponeswa” rakarebeswa sechikonzero che“utere,” uhwo zvino hwapararira kwazvo munyika yanhasi yakashatiswa nounzenza.—Judhasi 4; 2 VaKorinte 6:1, 2.
Kupfurikidza nokuteerera zano rorudo raPetro, Pauro, uye Judhasi uye kupfurikidza nokuva akabatikana uye anoshingaira mubasa raMwari, unogona kumirira nokushivirira kuti Jehovha apindire. Asi uchadaro here?
Usazengurira kuonana neZvapupu zviri munharaunda yako nokuda kwebetsero yokusimbisa kutenda kwako muchipikirwa choMusiki choupenyu husingaperi. Dzidza chinodikanwa kuti ukwanirise kugoverana mune iri basa risingazombofaniri kudzokororwa romunyika yose iro richapedzwa padambudziko guru riri kusvika. (Marko 13:10) Ipapo uchava nekariro yokurarama munyika itsva yokururama iyo Jehovha anovimbisa. (2 Petro 3:13) Teerera zviyeuchidzo zvake! Mirira nokushivirira! Iva akabatikana!
[Mashoko Omuzasi]
a Tapota ona bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, peji 116, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Dzidza zvino pamusoro pechipikirwa chaMwari cheParadhiso
[Mufananidzo uri papeji 5]
Mhumhi: Mhuka/Jim Harter/Dover Publications, Inc.; mufudzi muduku: Vana: A Pictorial Archive from Nineteenth-Century Sources/Grafton/Dover Publications, Inc.