Kuda Mwari Kunorevei?
ZVINENGE zviuru zvitanhatu zvamakore zvakapfuura, mucheche wokutanga womunhu akazvarwa. Pashure pokuberekwa kwake, amai vake, Evha, vakati: “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” (Genesi 4:1) Kutaura kwake kunozivisa kuti, kunyange zvazvo vakanga vatoshurikidzirwa kurufu nemhaka yokupandukira kwavo, Evha nomurume wake, Adhama, vakanga vachiri kuziva nezvokuva Mwari kwaJehovha. Gare gare ivo vakabereka mwanakomana wechipiri. Vakomana vacho vakanzi Kaini naAbheri.
Sezvo vanakomana vacho vakakura, ivo nenzira isingapanikirwi vakadzidza zvakawanda pamusoro porudo rwaJehovha kupfurikidza chete nokunzvera chisiko chake. Ivo vakafarikanya mavara akaisvonaka muchisiko uye mhatsa yemhuka nemiti. Mwari haana kungovapa bedzi upenyu asiwo akavapa mano okuwana mufarwa muupenyu.
Ivo vakadzidza kuti vabereki vavo vakanga vasikwa vakakwana uye kuti chinangwa chapakuvamba chaJehovha chakanga chiri chokuti vanhu vararame nokusingaperi. Sezvingabvira Adhama naEvha vakarondedzera kwavari bindu rakaisvonaka reEdheni, uye nenzira yakati ivo vaifanira kutsanangura nei vakanga vadzingwa mumusha weparadhiso wakadaro. Kaini naAbheri vangavawo vakaziva nezvouporofita hwoumwari hwakanyorwa pana Genesi 3:15. Nouporofita ihwohwo Jehovha akataura chinangwa chake chokururamisa zvinhu munguva yakafanira nokuda kwebetsero yeavo vanomuda uye vanobvumikisa kuva vakavimbika kwaari.
Kudzidza pamusoro paJehovha namavara ake kunofanira kuva kwakadyara muna Kaini naAbheri chishuvo chenyasha dzaMwari. Naizvozvo ivo vakasvika Jehovha kupfurikidza nokupa zvipiriso kwaari. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. NaAbheriwo akauya namakwayana ake emhongora namafuta awo.”—Genesi 4:3, 4.
Chishuvo chavo chenyasha dzaMwari chakatanga nheyo youkama naye. Kaini akasvika pakupandukira Mwari, nepo Abheri akapfuurira kusundwa nokuda Mwari kwapachokwadi. Abheri angadai asina kuzotongotanga ukama hwakadaro naMwari kutoti akanga atanga kuwana zivo pamusoro pounhu hwaJehovha nezvinangwa zvake.
Iwewo unogona kusvika pakuziva Jehovha. Somuenzaniso, muBhaibheri unogona kudzidza kuti Mwari munhu chaiyeiye, kwete simba zvaro risina upenyu iro rinongosika zvinhu netsaonawo zvayo. (Enzanisa naJohane 7:28; VaHebheru 9:24; Zvakazarurwa 4:11.) Bhaibheri rinodzidzisawo kuti Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.”—Eksodho 34:6.
“Kuteerera Kunokunda Zvibayiro”
Sezvinoratidzirwa nenhoroondo yaKaini naAbheri, kuva nezivo yaMwari uye chishuvo choukama hwapedyo naye hazvina kukwana. Chokwadi, mukoma nomunun’una vakasvika Mwari nezvipiriso. Bva, “Jehovha [waka]gamuchira Abheri nechipiriso chake; asi Kaini nechipiriso chake haana kuchigamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikawunyana.”—Genesi 4:3-5.
Nei Jehovha akaramba chibayiro chaKaini? Pakanga pane chimwe chinhu chakaipa nokunaka kwechipiriso chake here? Jehovha akagumburwa nemhaka yokuti Kaini akapa “zvibereko zvevhu” panzvimbo pechibayiro chemhuka here? Kwete hazvo. Gare gare, Mwari nenzira inofadza akagamuchira zvipiriso zvezviyo uye zvimwe zvibereko zvevhu zvakabva kuvakawanda vavanamati vake. (Revhitiko 2:1-16) Sezviri pachena, ipapoka, pakanga pane chimwe chinhu chakaipa nomwoyo waKaini. Jehovha aigona kuziva mwoyo waKaini ndokumunyevera, kuti: “Watsamwirei? Chiso chako chakawunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka.”—Genesi 4:6, 7.
Kuda Mwari kwapachokwadi kunoreva zvinopfuura kungopawo zvipiriso. Ndokusaka Jehovha akakurudzira Kaini ku“ita zvakanaka.” Mwari aida kuteerera. Kuteerera Mwari kwakadaro kungadai kwakabetsera Kaini kutanga nheyo yakanaka youkama hune rudo noMusiki. Bhaibheri rinosimbisa ukoshi hwokuteerera neaya mashoko: “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.”—1 Samueri 15:22.
Uyu murangariro wakasanosimbiswa gare gare nemashoko a1 Johane 5:3: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.” Hapana nzira iri nani yokuratidza nayo kuda kwedu Jehovha inopfuura kuzviisa pasi kwedu timene pechiremera chake. Ikoku kunoreva kuteerera bumbiro remitemo retsika reBhaibheri. (1 VaKorinte 6:9, 10) Kunoreva kuda zvakanaka uye kuvenga zvakaipa.—Pisarema 97:10; 101:3; Zvirevo 8:13.
Kumwe kuratidzirwa kunokosha kwokuda kwedu Mwari kuda kwedu muvakidzani. Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari, waasina kumuona?”—1 Johane 4:20.
Kuva Pedyo naMwari Kunobvira
Vamwe vangati, ‘Ndinonamata Jehovha. Ndinoteerera mitemo yake. Ndinobata munhu biyangu zvakanaka. Ndinoita zvose izvozvo. Pasinei hapo naikoko, handinzwi chaizvoizvo ndiri pedyo naMwari. Handinzwi rudo rwakasimba nokuda kwake, uye ikoku kunondiita kuti ndinzwe ndine mhaka.’ Vamwe vangafunga kuti havana kufanirwa nokuwana ukama hwapedyo hwakadaro naJehovha.
Pashure peanenge makore 37 ebasa rakatsaurirwa kuna Jehovha, mumwe muKristu akanyora, kuti: “Kakawanda muupenyu hwangu ndakarangarira kuti ndakanga ndiri asingati farirei basa rangu kuna Jehovha, kuti zvimwe ndakanga ndisiri kubatira Jehovha zvinobva pamwoyo. Asi ndaiziva kuti kubatira Jehovha ndicho chakanga chiri chinhu chakarurama chokuita, uye ndaisazozvibvumira ndimene kurega. Zvisinei, nguva iri yose yandairava nezvomumwe munhu achitaura kuti ‘mwoyo [wake] waizadzwa nokuda Jehovha,’ ndaishamisika kuti, ‘Chii chakaipa neni, sezvo ndisati ndatongonzwa nenzira iyoyo?’” Tinogona sei kuwana kuva pedyo naMwari?
Apo unoda mumwe munhu zvirokwazvo, kazhinji kazhinji unofunga nezvomunhu iyeye. Unova nechishuvo chakasimba chokuva pedyo naye nemhaka yokuti unomuitira hanya. Ukamuona kakawanda, kutaura kwaari, uye kufunga pamusoro pake, kumuda kwako kunokura zvikuru. Iyi nheyo inoshandawo kukusakurira kwako kuda Mwari.
PaPisarema 77:12, munyori akafuridzirwa anoti: “Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” Kufungisisa kunokosha mukusakurira kuda Mwari. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru nemhaka yeidi rokuti iye haanonoki. Asi kana ukafunga nezvake zvikuru, iye achava chaiyeiye kwauri. Ndipo bedzi apo unogona kutanga ukama hwomwoyo wose uye hune chidakadaka naye—nemhaka yokuti iye chaiyeiye kwauri.
Chimiro chako chendangariro chokugarofungisisa nzira dzaJehovha uye kubata chichatsamira pakuti unomuteerera kazhinji sei. Unoteerera kupfurikidza nokurava uye kufunda Shoko rake nguva dzose, Bhaibheri. Wezvamapisarema anotaura nezvomunhu anofara souyo “unofarira murayiro waJehovha, unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.”—Pisarema 1:1, 2.
Chimwe chinhu chinokosha munyengetero. Ndokusaka Bhaibheri richitirayira ratirayirazve kunyengetera—“nguva dzose,” ‘kupa nguva kumunyengetero,’ ‘kupfuurira mumunyengetero,’ uye ‘kunyengetera nguva dzose.’ (VaEfeso 6:18; 1 VaKorinte 7:5; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Minyengetero yedu yenguva dzose kuna Jehovha ichatiita kuti tidiwe naye, uye vimbiso yokuti iye anoteerera ichatikwevera pedyo naye. Ikoku kwakasimbiswa nowezvaMapisarema, apo akazivisa, kuti: “Ndinoda Jehovha, nokuti unonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu. Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva angu ose.”—Pisarema 116:1, 2.
Kutevedzera Mwari Worudo
Jehovha akanaka kwatiri. Zvaari Musiki wechisiko chose, iye zvirokwazvo ane zvinhu zvakawanda zvokurangarira uye zvokutarisira. Bva, Bhaibheri rinotiudza kuti kunyange zvazvo iye ari mukuru, iye achiri anotarisira chisiko chake chomunhu. Iye anotida. (1 Petro 5:6, 7) Wezvamapisarema anosimbisa ikoku namashoko ake: “Haiwa, Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga. Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?”—Pisarema 8:1, 3, 4.
Jehovha akarangarira sei munhu anofa? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.”—1 Johane 4:9, 10.
Ichi chibayiro chokuyananisira ufakazi hukurusa sei hworudo rwaMwari? Ngatirangarirei chakaitika mubindu reEdheni. Adhama naEvha vakanga vakatarisana nechisarudzo chokuti vateerere mutemo waJehovha here nekariro youpenyu hwakakwana nokusingaperi kana kuti kupandukira Jehovha norufu somugumisiro. Ivo vakasarudza kupandukira. (Genesi 3:1-6) Mukuita kudaro vakashurikidzawo rudzi rwose rwomunhu kurufu. (VaRoma 5:12) Ivo nenzira yokuzvitutumadza vakatitorera mukana wokuzvisarudzira timene. Hapana nomumwe wedu akanga achigona kutaura chinhu munhau yacho.
Zvisinei, Jehovha nenzira yorudo akarangarira munhu anofa, achiziva mamiriro ake ezvinhu. Kupfurikidza norufu rwechibayiro rwoMwanakomana Wake, Jesu Kristu, Jehovha akagovera hwaro hwapamutemo hwokuti mumwe nomumwe wedu azvisarudzire amene upenyu kana kuti rufu, kuteerera kana kuti kupandukira. (Johane 3:16) Kwakaita sokunge Jehovha akatipa mukana wokuti titongwe maererano nechisarudzo chatinoita—mukana wokudzokera kuEdheni, sokunge zvakadaro, uye kuita chisarudzo chedu timene. Uku ndiko kuratidzirwa kukurusa kworudo kwati kwamboitwa.
Fungidzira marwadzo ayo Jehovha akatsungirira sezvo iye aiona dangwe rake richinyombwa, richitambudzwa, uye richirovererwa sembavha. Uye Mwari akatsungirira ikoko nokuda kwedu. Kuziva kwedu kutanga kwaJehovha mukutida kunofanirawo kutisunda kumuda ndokutinyandura kumutsvaka. (Jakobho 1:17; 1 Johane 4:19) Bhaibheri rinotikumbira ku“tsvaka . . . Jehovha nesimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirayi mabasa ake anoshamisa, aakaita; zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake.”—Pisarema 105:4, 5.
Kuva nebatano yomunhu oga uye ukama hune rudo naMwari, kuva shamwari yake, hakusi kusiri kwechokwadi. Kunowanika. Chokwadi, hatigoni kuenzanisa zvikuru kuda kwedu Mwari noukama hwavanhu. Rudo rwatinonzwa nokuda kwomukwanyina, vabereki, vatevedzani, vana, kana kuti shamwari rwakasiyana norudo rwatinarwo nokuda kwaMwari. (Mateo 10:37; 19:29) Kuda Jehovha kunobatanidza kuzvipira kwedu, kunamata, uye tsauriro isina kuganhurirwa kwaari. (Dheuteronomio 4:24) Hapana humwe ukama hune revo yakadaro. Zvisinei, tinogona kutanga mirangariro yakasimba uye yakakura yaMwari munzira yokuremekedza, norutyo.—Pisarema 89:7.
Kunyange zvazvo usina kukwana, kufanana naKaini naAbheri une bviro yokuda Musiki wako. Kaini akaita chisarudzo chake, akakumbanira Satani, uye akava mhondi yokutanga yomunhu. (1 Johane 3:12) Mukupesana, Abheri achayeukwa naJehovha somunhu wokutenda uye wokururama uye achatuswa noupenyu muParadhiso iri kuuya.—VaHebheru 11:4.
Iwewo une chisarudzo. Nebetsero yomudzimu waMwari neShoko rake, zvirokwazvo unogona kusvika pakuda Mwari “nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5) Jehovhawo achapfuurira kukuda, nokuti iye ndiye “unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.”—VaHebheru 11:6.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Chibayiro chaAbheri chakanga chichigamuchirika kuna Mwari