Taura Mutauro Wakachena Ndokurarama Nokusingaperi!
“Tsvakai Jehovha . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—ZEFANIA 2:3.
1. (a) Mitooi iyo vadzidzi vanoshandisa kudzidza mutauro wokumwe? (b) Kutaurirei mutauro wakachena?
VADZIDZI vangadzidza rurimi rutsva kupfurikidza nokushandisa mutoo wegirama kana kuti mutoo womutauro wakachena. Mumutoo wegirama, vanowanzoshandisa mabhuku anoshandiswa ndokudzidza mitemo yegirama. Mumutoo womutauro unotaurwa, vanotevedzera namanzwi nemitoo yamashoko anotaurwa nomudzidzisi wavo. Mitoo yose iri miviri inoshandiswa mukudzidza “mutauro wakachena.” Uye kunokosha kuti titaure uyu mutauro kana tichikarira kuva vano“vandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:1-3; 3:8, 9, NW.
2. Tinogona sei kudzidza inganzi mitemo yegirama yomutauro wakachena?
2 Bhuku guru rinoshandiswa kudzidza mutauro wakachena iBhaibheri. Fundo yokushingaira yaro neyezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri inokudzidzisa izvo zvinganzi mitemo yegirama yomutauro wakachena. Fundo yeBhaibheri yapamusha inoitiswa nomumwe weZvapupu zvaJehovha mavambo akanaka. Nokuda kwaavo vakatozvitsaurira kuna Mwari, fundo yenguva dzose neyokushingaira yaMagwaro inokosha. Asi pane nzira dzinobudirira zvikuru here dzokudzidza nadzo mutauro wakachena? Uye ibetseroi dzinobva mukuutaura?
Nzira Yokudzidza Nayo Mutauro Wakachena
3. Inzirai imwe yokudzidza nayo mutauro wakachena?
3 Imwe nzira yokudzidza nayo mutauro wakachena ndeyokubatanidza zvokwadi dzauri kudzidza namapfundo aunotoziva, sezvo mudzidzi womutauro angabatanidza nenzira inofambira mberi mitemo yakasiana-siana yegirama. Somuenzaniso, pane imwe nguva ungave wakaziva kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, asi waiziva zvishomanene pamusoro pamabasa ake. Kubvira ipapo, fundo yeBhaibheri ingave yakakudzidzisa kuti Kristu zvino anotonga saMambo wokudenga uye kuti mukati moKutonga kwake kwaMakore Ane Chiuru, rudzi rwomunhu runoteerera ruchasimudzirwa kukukwana. (Zvakazarurwa 20:5, 6) Hungu, kubatanidza mifungo mitsva neiyo inotozivikanwa kunovandudza kunzwisisa kwako mutauro wakachena.
4. (a) Ndeipi iri imwe nzira yokudzidza nayo ‘mitemo yegirama’ yomutauro wakachena, uye inhauroi yeBhaibheri inoshandiswa kuenzanisira ikoku? (b) Chii chakaitika sezvo Gidheoni navarume vake vana mazana matatu vakaita chiito? (c) Nhauro pamusoro paGidheoni inodzidzisa chidzidzoi?
4 Imwe nzira yokudzidza nayo ‘mitemo yegirama’ yomutauro wakachena ndeyokuisa muchiono zvinoitika zveBhaibheri. Kuenzanisira: Edza ‘kuona ndokunzwa’ nhauro yakanyorwa pana Vatongi 7:15-23. Tarira! Mutongi waIsraeri Gidheoni akamuranisa mauto ake kuva mapoka matatu avarume vane zana rimwe nerimwe. Murima, vanoburuka chinyararire muGomo reGirbhoa ndokukomba musasa wavaMidhiani vakarara. Vakasanoshongedzerwa here, ava vane mazana matatu? Kwete mune zvehondo. Chokwadi, vaizosekwa nokunyombwa navarwi vanozvikudza! Murume mumwe nomumwe ane hwamanda bedzi, chirongo chikuru, uye zhenje riri mukati mechirongo. Asi teerera! Pachiratidzo chinopiwa, varume vane zana vanaGidheoni vanoridza hwamanda dzavo uye vanoputsa zvirongo zvavo. Ndizvo zvinoitawo vamwe vane mazana maviri. Sezvo vose vanosimudza mazhenje anobvira mudenga, unovanzwa vachidanidzira, kuti: “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Ikoku kunotyisa sei vaMidhiani! Vanodzedzereka vachibuda mumatende avo, maziso avo akazadzwa nehope anozaruka mukutya marimi anorazvuka anosimbisa zvimiro zvine mumvuri ndokunyandura rutyo rukuru rwokudavira mashura. Sezvo vaMidhiani vanovamba kutiza, varume vaGidheoni vanopfuurira kuridza hwamanda dzavo, uye Mwari anorwisanisa vavengi vavo. Chidzidzo chine simba zvakadini mumutauro wakachena! Mwari anogona kununura vabatiri vake pasina uto rehondo rohunhu. Uyezve, “Jehovha haasati achizosiya vanhu vake nokuda kwezita rake guru.”—1 Samueri 12:22, NW.
5. Misangano yechiKristu inogona sei kubetsera kunatsa kutaura kwedu?
5 Apo vadzidzi vanodzidziswa rurimi rwokumwe kupfurikidza nomutoo womutauro unotaurwa, vanoedza kudzokorora manzwi omudzidzisi nemitoo yamashoko nenzira yakarurama. Mabanza akaisvonaka zvakadini aripo okutaura mutauro wakachena pamisangano yechiKristu! Ipapo tinonzwa vamwe vachitaura ivo vamene mutauro iwoyo wezvokwadi yapaMagwaro, uye tingaropafadzwa kutsinhira isu timene. Tinotya kuti tingataura chimwe chinhu chisina kururama here? Ikoko ngakurege kuva itiro hanya yedu huru, nokuti mhosho inoruramiswa nenzira yomutsa nomukuru anotungamirira pamusangano wakadai seFundo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki inogona kunatsa kutaura kwedu. Naizvozvo, pinda ndokutora rutivi mumisangano yechiKristu nguva dzose.—VaHebheru 10:24, 25.
Kupinda Kwokusachena
6. Neiko pane musiano wakadaro pakati peZvapupu zvaJehovha namasangano orudzidziso echiKristudhomu?
6 Avo vanozivisa donzo raJehovha ndokuzivisa Umambo hwake hwokudenga vanotaura mutauro wakachena seZvapupu zvake. Vanozivisa zita rake ndokumubatira “pamwe chete,” kana kuti nebvumirano. (Zefania 3:9, NW) Kunyange zvazvo marudzidziso echiKristudhomu ane Bhaibheri, haatauri mutauro wakachena kana kuti kudana pazita raMwari mukutenda. (Joere 2:32) Haana shoko rinotsinhirana rakavakirwa paMagwaro. Neiko? Nemhaka yokuti anoisa magamuchidzanwa orudzidziso, uzivi hwenyika, uye kuvimbika kwezvamatongerwe enyika pamusoro peShoko raMwari. Madonzo avo, tariro, uye mitoo ndezvenyika ino yakaipa.
7. Misianoi iri pakati peZvapupu zvaJehovha namarudzidziso enhema inoratidzirwa pana 1 Johane 4:4-6?
7 ChiKristudhomu—kutaura idi, umambo hwose hwenyika hworudzidziso rwenhema—hachitauri mutauro mumwe chetewo unotaura Zvapupu zvaJehovha. Nenzira inofadza, kuna avo vanotaura mutauro wakachena, muapostora Johane akanyora, kuti: “Imi muri vaMwari, . . . makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kuna iye, uri munyika. Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, nenyika inovanzwa. Isu tiri vaMwari; unoziva Mwari, unotinzwa; usi waMwari, haatinzwi.” (1 Johane 4:4-6) Vabatiri vaJehovha vakakunda vadzidzisi venhema nemhaka yokuti Mwari, uyo akabatana navanhu vake, “mukuru zvikuru kupfuura [Dhiabhorosi, uyo] akabatana nenyika,” (NW) chaunga chavanhu chisina kururama. Sezvo vawi pakutenda “vachibva munyika” uye vane mudzimu wayo wakaipa, “vanotaura zvinobva munyika uye nyika inovateerera.” Asi vanhu vamwe navamwe vakafanana namakwai vanoteerera avo vanobva kuna Mwari, vachiziva kuti vanhu vaJehovha vanotaura mutauro wakachena wezvokwadi yeBhaibheri inogoverwa kupfurikidza nesangano rake.
8. Chii chinozivisa munhu wokusateerera mutemo?
8 Kuwa pakutenda kukuru kwakadeya kutaurwa, uye ‘chakavanzika chokusateerera mutemo’ chakanga chave kutoshanda muzana rokutanga ramakore N.V. Pashure penguva yakati, vanhu vakagamuchira—kana kuti vakawana—nzvimbo dzokudzidzisa muungano vakadzidzisa zvitendero zvizhinji zvenhema. Mutauro wavo wakanga usina kutongochena. Naizvozvo kwakamuka mubatanidzwa wo“munhu wokusateerera mutemo,” vafundisi vechiKristudhomu, vakabatanidzwa namagamuchidzanwa orudzidziso rwenhema, uzivi hwenyika, uye dzidziso dzisiri dzapaMagwaro.—2 VaTesaronika 2:3, 7.
Mutauro Wakachena Unonzwiwa Munyika Yose
9. Ndizvinoitikai zvorudzidziso zvaivapo mukati mezana ramakore rechi 19?
9 Vorushoma vashomanene bedzi vavanhu vanotya Mwari ‘vanorwa kurwa kwakasimba kwokutenda kwakapiwa vatsvene.’ (Judhasi 3) Vatendi vakadaro vaigona kuwanika kupi? Kwamazana amakore, rudzidziso rwenhema rwakachengeta mapoka ari murima romudzimu, asi Mwari aiziva vashomanene ivavo avo vakanga vane tendero yake. (2 Timotio 2:19) Uye ipapo, pakati pechinjo dzezvokutengeserana, dzamabasa okugadzira zvinhu, uye dzenzanga dzezana ramakore rechi 19, pakamuka manzwi akasiana nebhabheriwo haro renyongano yorudzidziso rwenhema. Mapoka maduku akaedza kurava zviratidzo zvenguva ndokudeya kutaura kuuya kwechipiri kwaJesu, asi havasati vari vose vakataura mutauro wakachena.
10. Ibokai “rokuuya kwechipiri” iro Mwari akasarudza kutaura mutauro wakachena, uye neiko kuri pachena kuti ruoko rwaJehovha rwave runavo?
10 Muna 1879, zvisinei, kwakava pachena kuti inzwii “rokuuya kechipiri” rakanga richisarudzwa naJehovha kutaura mutauro wakachena seZvapupu zvake. Kusvikira panguva iyeyo boka duku refundo yeBhaibheri raitungamirirwa naCharles Taze Russell rakanga richisangana muPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A. Vakanga vava nechokwadi chokuti kuuya kwechipiri kwaJesu kwaizovamba kuvapo kwake kusingaoneki, kuti nguva yenhamo yenyika yakanga iri mberi, uye kuti iyoyi yaizoteverwa noKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu uko kwaizodzorera Paradhiso pasi pano, noupenyu husingagumi nokuda kwavanhu vanoteerera. Muna July 1879 ava Vadzidzi veBhaibheri vakavamba kubudisa magazini zvino inozivikanwa seNharireyomurindi. Makopi 6 000 bedzi echinyorwa chokutanga akaparadzirwa. Asi “ruoko rwaJehovha” rwakanga rwune Zvapupu izvozvo, nokuti iyi magazini zvino inobudiswa mumitauro 111, neavhareji yokutsikirira inopfuura 15 000 000 yechinyorwa chimwe nechimwe.—Enzanisa naMabasa 11:19-21.
11, 12. Ndedzimwe zvokwadii dzapaMagwaro dzakanzwisiswa naavo vanotaura mutauro wakachena?
11 Kupfurikidza neBhaibheri nezvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha, uye zvikurukuru kupfurikidza nokuzivisa kwaaya maKristu anoshingaira mashoko akanaka, mutauro wakachena wazozivikanwa mupasi rose. Uye ibetsero huru zvakadini dzinofarikanywa naavo vanoutaura! Panzvimbo pokutaura kuti ‘Mwari ndiMwari, Kristu ndiMwari, uye Mweya Musande ndiMwari’ mumutauro wakavanzika woUtatu, vanobvumirana nomurangariro weBhaibheri wokuti Jehovha ndoWokumusorosoro, Jesu Kristu somuduku Mwanakomana Wake, uye mudzimu mutsvene isimba rinoshamisa raMwari rinobata basa. (Genesi 1:2; Pisarema 83:18; Mateo 3:16, 17) Vatauri vomutauro wakachena vanoziva kuti munhu haana kubva muchimiro chakaderera zvikuru choupenyu asi akasikwa naMwari ane rudo. (Genesi 1:27; 2:7) Vanoziva kuti mweya unorega kuvapo parufu—idi rinobvisa rutyo rwavakafa. (Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Hero inonzwisiswa kuva guva ravose rorudzi rwomunhu, kwete nzvimbo yokutambudzwa nomwoto unopisa wakarongedzerwa namwari ane utsinye. (Jobho 14:13) Vanozivawo kuti rumuko itariro yakapiwa naMwari yavakafa.—Johane 5:28, 29; 11:25; Mabasa 24:15.
12 Avo vanotaura mutauro wakachena vanoratidza ruremekedzo nokuda kweropa noupenyu. (Genesi 9:3, 4; Mabasa 15:28, 29) Vanoziva kuti upenyu hwapasi hwaKristu mutengo worudzikinuro wakaripwa nokuda kwavanhu vanoteerera. (Mateo 20:28; 1 Johane 2:1, 2) Havatongonyengeteri ku“vasande,” vachiziva kuti minyengetero yavo inofanira kunangidzirwa kuna Jehovha Mwari kupfurikidza naJesu Kristu. (Johane 14:6, 13, 14) Sezvo Shoko raMwari rinoshurikidza kunamata zvidhori, mifananidzo haishandiswi mukunamata kwavo. (Eksodho 20:4-6; 1 VaKorinte 10:14) Uye vanodzivisa ngozi dzoudhemoni nemhaka yokuti vanoramba kushandisa midzimu, inoshurikidzwawo muBhaibheri.—Dheuteronomio 18:10-12; VaGaratia 5:19-21.
13. Neiko avo vanotaura mutauro wakachena vasingashamiswi?
13 Vabatiri vaJehovha, avo vanotaura mutauro wakachena, havashamiswi pamusoro pepavari mukufamba kwenguva. Jehovha akavadzidzisa kuti vari “munguva yomugumo,” (NW) naJesu aripo somudzimu une mbiri usingaoneki. (Dhanieri 12:4; Mateo 24:3-14; 2 Timotio 3:1-5; 1 Petro 3:18) Namauto ane simba okudenga ari shure kwake, Kristu odokutasva achipinda muhondo kuti aite rutongeso rwaMwari mukurwisana netsika ino yezvinhu. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 16:14, 16; 18:1-8; 19:11-21) Hungu, uye avo vanotaura mutauro wakachena vakabatikana kuzivisa mashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu huchakurumidza kuunza zvikomborero zvakaisvonaka kurudzi rwose rwomunhu runoteerera paparadhiso yapasi. (Isaya 9:6, 7; Dhanieri 7:13, 14; Mateo 6:9, 10; 24:14; Ruka 23:43) Zvose izvozvo, uye tangotsvara bedzi pamusoro! Zvirokwazvo, mutauro wakachena ndiwo rurimi rwakapfuma zvikurusa, runokosha zvikurusa pasi pano!
14. Ndidzimwe betseroi dzinofarikanywa naavo vanotaura mutauro wakachena?
14 Betsero dzinofarikanywa naavo vanotaura mutauro wakachena dzinobatanidza “rugare rwaMwari” urwo runotaviridza mwoyo namasimba endangariro. (VaFiripi 4:6, 7) Vanoteerera mitemo yeBhaibheri, iyo inosimudzira utano, mufaro, uye gutsikano inobva mukufadza Jehovha. (1 VaKorinte 6:9, 10) Hungu, uye vatauri vomutauro wakachena vane tariro youpenyu husingagumi munyika itsva yakapikirwa yaMwari.—2 Petro 3:13.
Ushandise Kana Kuti Rasikirwa Nawo
15. Uchabetserwa sei nenzwisiso yakaisvonaka yomutauro wakachena?
15 Kana uchizotaura mutauro wakachena munyika itsva, unofanira kusanouziva kwazvo zvokuti unova mutauro waunofunga mauri. Apo munhu anenge achidzidza mutauro, pakutanga iye anofunga mururimi rwake rwokuberekwa narwo ndokushandurira mifungo yake muno mutsva. Asi sezvaanova nyanzvi zvikuru mumutauro mutsva, anovamba kufunga mauri pasina kuda kushandura. Nenzira yakafanana, kupfurikidza nefundo yokushingaira, unogona kuwana nzwisiso yakaisvonaka yakadaro yomutauro wakachena zvokuti uchaziva mashandisirwe emitemo yeBhaibheri nenheyo kupedza zvinetso ndokurambira pa“nzira youpenyu.”—Pisarema 16:11.
16. Chii chinogona kuitika kana usingashandisi mutauro wakachena nguva dzose?
16 Unofanira kushandisa mutauro wakachena nguva dzose, kana kuti ucharasikirwa namano okusanoutaura. Kuenzanisira: Makore akati apfuura, vamwe vedu takadzidza mutauro wokumwe. Tingayeuka mamwe mashoko mururimi irworwo asi sezvingabvira takarasikirwa nenzwisiso yedu yawo nemhaka yokuti hatina kuushandisa nguva dzose. Chinhu chimwe chetecho chinogona kuitika nomutauro wakachena. Kana tisingaushandisi nguva dzose, tinogona kurasikirwa nenzwisiso yedu yawo, uye ikoko kungava nemiuyo ine ngwavaira mumudzimu. Naizvozvo ngatiutaurei nguva dzose pamisangano nomuushumiri hwechiKristu. Iyi mibato, pamwe chete nefundo yomunhu oga, ichatigonesa kutaura zvinhu nenzira yakarurama mumutauro wakachena. Uye ikoko kunokosha sei!
17. Chii chinoenzanisira kuti kutaura kunogona kuva kunoponesa upenyu kana kuti kunouraisa?
17 Kutaura kunogona kuva kunoponesa upenyu kana kuti kunouraisa. Ikoku kwakaratidzwa mukati merwisano pakati porudzi rwaIsraeri rwaEfraimi noMutongi Jefita weGireadhi. Kuti vazive vaEfraimi vaiedza kutiza vachiyambuka Rwizi rwaJoridhani, vaGireadhi vakashandisa shoko rinosianisa rokuti “Shibhoreti,” iro raiva nokunzwika kwokutanga kwa“sh”. Vanhu vaEfraimi vakazviratidzira vamene kuvarwi veGireadhi pamazambuko aJoridhani nokuti “Sibhoreti” panzvimbo pa“Shibhoreti,” vachidudza nenzira isina kururama kunzwika kwokutanga kweshoko racho. Somuuyo, vaEfraimi 42 000 vakaurawa! (Vatongi 12:5, 6) Nenzira yakafanana, icho vafundisi vechiKristudhomu vanodzidzisa chinganzwika kuva chiri pedyo nomutauro wakachena kuna avo vasina kusanorovedzana nezvokwadi yeBhaibheri. Asi kutaura nenzira yorudzidziso rwenhema kuchabvumikisa kuva kunouraya muzuva rehasha dzaJehovha.
Tinoramba Takabatanidzwa
18, 19. Chii chiri revo yaZefania 3:1-5?
18 Kuchinongedzerwa kuJerusarema risina kutendeka rekare nomubiyaro wazvino uno, chiKristudhomu, kunonzi pana Zefania 3:1-5: “Rine nhamo iro guta rinomukira Jehovha, rakasvibiswa, rinomanikidza! Harina kuteerera inzwi, harina kutenda kurangwa, harina kuvimba naJehovha, harina kuswedera kuna Mwari waro. Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, asingasiyi chinhu kusvikira mangwanani. Vaporofita varo vanhu vakareruka vanonyengera; vaprista varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murairo simba. Jehovha uri mukati maro wakarurama, haangaiti zvakaipa; zuva rimwe nerimwe mangwanani unobudisa pachena kururamisa kwake, asingadariki; asi usina kururama haazivi kunyara.” Chii chiri revo yamashoko iwayo?
19 Zvose zviri zviviri Jerusarema rekare nechiKristudhomu chomuzuva razvino uno zvakapandukira Jehovha ndokuzvishatsa zvimene nokunamata kwenhema. Kuita zvakaipa kwavatungamiriri vavo kwakaguma nedzvinyiriro. Pasinei hapo nenyevero dzinodzokororwa dzaMwari, havana kuteerera ndokuswedera pedyo naye. Machinda avo ave akafanana neshumba dzinorura, achizvidza kururama nenzira yokuzvikudza. Kufanana namapere ane nzara, vatongi vavo vakaparadza ruramisiro chose chose. Vaprista vavo ‘vakazvidza chiri chitsvene uye vakaita masimba masimba kumutemo’ waMwari. Naizvozvo Jehovha ava kudo‘kuunganidza marudzi ndokuunganidza maumambo pamwe chete, kuti adururire pavari hasha dzake, hasha dzake dzose huru.’—Zefania 3:8.
20. (a) Chii chinofanira kuitwa kupukunyuka zuva rehasha dzaJehovha? (b) Unogona sei kukarira kufarikanya zvikomborero zvisingagumi zvinobva kuna Mwari?
20 Zuva rehasha dzaJehovha riri kukurumidza kusvika. Kuti upukunyukire munyika itsva yaMwari, naizvozvo, dzidza ndokutaura mutauro wakachena pasina kunonozeka. Unogona kuwana dziviriro pangwavaira yomudzimu zvino uye pangwavaira yenyika yose iri kusvika nokukurumidza kupfurikidza bedzi nokuita kudaro. Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa zuva rehasha dzaMwari neshoko rinofadza roUmambo hwake. Zvinofara sei kutaura pamusoro pembiri youmambo hwake! (Pisarema 145:10-13) Batanidzwa nazvo, uye unogona kukarira kufarikanya upenyu husingagumi nezvimwe zvikomborero zvinobva kuMuvambi womutauro wakachena, Changamire Ishe Jehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokudzidza nadzo mutauro wakachena?
◻ Neiko kuchibetsera kutaura mutauro wakachena?
◻ Chii chinogona kuitika kana usingashandisi mutauro wakachena nguva dzose?
◻ Munhu anogona sei kupukunyuka zuva rehasha dzaJehovha ndokufarikanya zvikomborero zvisingagumi?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Gidheoni navarume vake vanoridza hwamanda dzavo ndokusimudza mazhenje avo
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kuvambira muna 1879 zvichienda mberi kwakajekeswa kuti Charles Taze Russell navasonganiri vake vakanga vachishandiswa naMwari kusimudzira mutauro wakachena
[Mifananidzo iri papeji 20]
Wakabatanidzwa neZvapupu zvaJehovha mukutaura mutauro wakachena here?