Isaya
9 Zvisinei, rima racho harizoiti sezvarakanga rakaita nyika payaiva munhamo, sezvazvaiva kare paizvidzwa nyika yaZebhuroni nenyika yaNaftari.+ Asi nekufamba kwenguva achaita kuti ikudzwe, iyo nzira iri pedyo negungwa, munharaunda yeJodhani, Garireya yemamwe marudzi.
2 Vanhu vaifamba murima
Vakaona chiedza chikuru.
Kana vari vaya vanogara munyika yerima gobvu,
Vakavhenekerwa nechiedza.+
3 Makaita kuti rudzi rwacho ruve nevanhu vazhinji;
Makaita kuti rupembere nemufaro.
Vanofara chaizvo pamberi penyu
Sekufara kunoita vanhu panguva yekukohwa,
Sezvinoita vaya vanogovana zvinhu zvinenge zvapambwa vachifara.
4 Nekuti makatyora-tyora joko ravakanga vakatakura,
Netsvimbo yepamapfudzi avo, mudonzvo weanovashandisa,
Sepazuva raMidhiyani.+
5 Kana iri shangu yese inofamba ichizunguza nyika
Nenguo yese izere neropa,
Zvichava huni dzekuisa mumoto.
Zita rake richanzi Chipangamazano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi, Muchinda weRugare.
7 Utongi hwake huchangoramba huchikura*
Uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo+
Pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake,
Kuti ahusimbise+ uye ahutsigire
Kuburikidza nekutonga zvakanaka+ uye kururama,+
Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.
9 Uye vanhu vese vachariziva,
Iye Efremu nevagari vemuSamariya,
Avo vanotaura vachizvikudza nemwoyo yavo inozvitutumadza vachiti:
Mitsamvi yakatemwa,
Asi tichaitsiva nemisidhari.”
11 Jehovha achaita kuti mhandu dzaRezini dzimurwise
Uye achaita kuti vavengi vake vawane zvavanoita,
12 Siriya ichibva kumabvazuva uye vaFiristiya kumavirira,*+
Vachadya Israeri nemiromo yakashama.+
Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,
Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+
16 Vaya vari kutungamirira vanhu ava ndivo vari kuvadzungairisa,
Uye vaya vari kutungamirirwa vavhiringidzika.
17 Ndokusaka Jehovha asingazofariri majaya avo,
Uye haazonzwiri tsitsi nherera dzavo nechirikadzi dzavo
Nekuti vese vakatsauka uye vanoita zvakaipa+
Uye miromo yese inotaura zveupenzi.
Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,
Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+
18 Nekuti uipi huri kupfuta semoto,
Huchiparadza makwenzi eminzwa nemasora.
Huchabatidza moto pamabvokocho esango,
Uye achatsva gore reutsi richipwititika mudenga.
19 Nekuda kwekushatirwa kwaJehovha wemauto
Nyika yatungidzwa moto,
Uye vanhu vachava huni dzekuisa mumoto.
Hapana munhu achanzwira tsitsi kunyange hama yake.
Vacharwisa Judha vari pamwe chete.+
Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,
Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+