“Mukudze Vakadai”
“Kudzai vakadaro.”—1 VAKORINTE 16:18.
1. Rudziiko rwavarume urwo muapostora Pauro aida zvikuru, uye chii chaakanyora pamusoro pomuKristu mumwe akadaro?
RUDZI rwavarume urwo muapostora Pauro aida zvikuru vaiva avo vakanga vachidisa kushandisa simba ravo chose chose nokuda kwaJehovha nehama dzavo. Nezvomumwe mushandi biyake, akadaro Pauro akanyora, achiti: “Mumugamuchirei munaShe nomufaro wose, uye mukudze vakadai; nokuti nokuda kwebasa raKristu wakanga wodokufa, akasarangarira upenyu hwake.”—VaFiripi 2:29, 30.
2. Ndikuna vanaani kwatinofanira kupa rangariro chaiyo, uye nei?
2 Nhasi, muungano dzinopfuura 55 000 dzeZvapupu zvaJehovha, mune varume vazhinji vechiKristu vakaisvonaka vatinofanira kuonga zvikuru nemhaka yebasa ravo rakaoma pakati pehama dzavo. Achiratidza kuti tinofanira kuda varume vakadaro, Pauro akati: “Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai; muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu.”—1 VaTesaronika 5:12, 13.
3. (a) Chii chichatibetsera kuva norugare nomumwe nomumwe? (b) Vakuru vanofanira kugadza muenzaniso murutivii?
3 Kuonga kwakafanira hama dzedu dzose nehanzvadzi, uye zvikurukuru vakuru vanoshanda zvakaoma, pasina panikiro chinhu chinokosha mukugara kuno rugare mukati meungano dzedu. Muna ikoku, somunzvimbo dzose dzokurarama kwechiKristu, vakuru vanofanira kuva “mienzaniso kuboka.” (1 Petro 5:2, 3, NW) Zvisinei, nepo vakuru vachigona kukarira zvakafanira kuongwa nehama nokuda kwebasa ravo rakaoma, ivo vanofanira kugadzawo muenzaniso mukuratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwomumwe nomumwe.
“Kukudzana”
4, 5. (a) Chii chinoratidza kuti muapostora Pauro aionga vakuru vanoshanda zvakaoma? (b) Chii chaakanyorera maKristu aiva muRoma, uye neiko mashoko ake achishanda zvikurukuru kuvakuru?
4 Muapostora Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku. Sezvatakaona munyaya yapfuura, iye aitsvaka zvinhu zvakanaka muhama dzake nehanzvadzi. Uye iye haana kungokurudzira bedzi maKristu kuda nokuremekedza vakuru vanoshanda zvakaoma asi iye akaratidzawo kuonga kwakafanira nokuda kwaivava iye amene. Iye sezvinooneka aida varume vorudzi irworwo.—Enzanisa naVaFiripi 2:19-25, 29; VaKorose 4:12, 13; Tito 1:4, 5.
5 Mutsamba yake yokumaKristu aiva muRoma, Pauro akanyora, achiti: “Kana rwuri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. Regai kuva nousimbe pakushingaira kwose; pisai pa[mudzimu, NW]; batirai [Jehovha, NW].” (VaRoma 12:10, 11) Zvirokwazvo, aya mashoko anoshanda zvakatanhamara kuvakuru vechiKristu. Ivo, pamaKristu ose, vanofanira kutungamirira mukuratidzirana rukudzo.
6. (a) Chii chinofanira kudzivisa vakuru kuita, uye nei? (b) Vakuru vanogona kuwedzera sei chivimbo cheungano mumutumbi wose wavakuru?
6 Vakuru vanofanira kuva vanongwarira zvikuru kusaita tsinhiro dzinozvidza pamusoro pavatariri biyavo. Hakuna mukuru mumwe ane mavara ose echiKristu kusvikira pamwero mukurusa, nokuti vose havana kukwana. Vamwe vanopfuura mumavara akati, asi ivo vakaneta mumamwe. Kana vakuru vakava norudo rwehama rwakafanira nechidakadaka chetsitsi nokuda kwomumwe nomumwe, ivo vacharerutsa utera hwomumwe nomumwe. Mukurukurirano dzavo nehama, ivo vachaonesa mapfundo akasimba avakuru biyavo. Kupfurikidza nokudarozvo kutungamirira mukuratidza rukudzo kuno mumwe nomumwe, ivo vachawedzera chivimbo cheungano mumutumbi wavakuru wose zvawo.
Kushandira Pamwe Chete Somutumbi
7. Chii chichabetsera vakuru kushanda pamwe chete muchinzwano, uye vacharatidza sei ikoku?
7 Pashure pokutaura nezve“zvipo muvarume” izvo Kristu akaita kuungano yake pasi pano nomurangariro wokugadziridzwa kwehama uye nokuda kwebasa rokushumira, muapostora Pauro akanyora, achiti: “Kupfurikidza norudo ngatikurei muzvinhu zvose maari uyo ari musoro, Kristu.” (VaEfeso 4:7-15, NW) Kuziva kuti Kristu ndiye Musoro unoshingaira weungano, uye kuti vakuru vanofanira kuzviisa pasi porudyi rwake rwechiremera, chinhu chinobatanidza mukati momutumbi mumwe nomumwe wavakuru. (VaEfeso 1:22; VaKorose 1:18; Zvakazarurwa 1:16, 20; 2:1) Ivo vachatsvaka nhungamiro yake kupfurikidza nomudzimu mutsvene, nheyo dzeBhaibheri, uye nhungamiro inopiwa noMutumbi Unodzora we“boka romuranda akatendeka nowakachenjera.”—Mateo 24:45-47; Mabasa 15:2, 28; 16:4, 5.
8. Vakuru vose vanofanira kuyeukei, uye vacharatidza sei rukudzo kuno mumwe nomumwe?
8 Vakuru vachaziva kuti Kristu, kupfurikidza nomudzimu mutsvene, anogona kutungamirira ndangariro yomukuru upi noupi ari mumutumbi wavakuru kugovera nheyo yeBhaibheri iyo inodikanwa kugonana nomugariro upi noupi kana kuti kuita chisarudzo chipi nechipi chinokosha. (Mabasa 15:6-15) Hakuna mukuru mumwe bedzi ane mudzimu mukati momutumbi. Vakuru vacharatidza rukudzo kumumwe nomumwe kupfurikidza nokusanoteerera upi noupi wechiverengero chavo anoshandisa panhau iri kukurukurwa nheyo yeBhaibheri kana kuti muraidzo unobva kuMutumbi Unodzora.
9. (a) Mavarai omudzimu achabetsera mutariri kudzivisa kudzvinyirira vakuru biyake? (b) Mukuru achazviratidza amene sei kuva “ane mufungo,” uye mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakagadza sei muenzaniso muna ikoku?
9 Unyoro hwechiKristu, kuzvidukupisa, uye kuzvininipisa zvichadzivisa mukuru upi noupi pakuedza kudzora hama dzake ndokuisa murangariro wake. (Zvirevo 11:2; VaKorose 3:12) Mutariri wechiKristu angava nemirangariro yakasimba zvikuru neyechokwadi panhau yakati. Asi kana iye achiona kuti vakuru biyake vane zvikonzero zvapaMagwaro nezvoumwari zvokusiana naye, iye acha‘zvibata amene somuduku’ ndokuzviratidza amene “kuva ane mufungo” kupfurikidza nokubvuma murangariro wavazhinji.a (Ruka 9:48; 1 Timotio 3:3) Iye achatevera muenzaniso wakaisvonaka wakagadzwa nomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore, uyo, pashure pekurukurirano yapaMagwaro, uye munhungamiro yakapiwa naKristu kupfurikidza nomudzimu mutsvene, wakasvika pa“bvumirano.”—Mabasa 15:25.
10. (a) Chii chinobvumikisa kuti kugadzwa kwomutumbi wavakuru muungano imwe neimwe igadziriro yakavakirwa paBhaibheri? (b) Bhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu rinotsanangura sei betsero dzeiyi gadziriro?
10 Kugadzwa kwomutumbi wavakuru muungano imwe neimwe wokutungamirira kwakavakirwa pamuenzaniso wakagadzwa neungano yapakuvamba yechiKristu. (VaFiripi 1:1; 1 Timotio 4:14; Tito 1:5; enzanisa mashoko omuzasi neshoko rokuti “vakuru” pana Tito 1:5 muThe Jerusalem Bible.) Richipeta uchenjeri hweiyi gadziriro, bhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu (peji 37) rinoti: “Vamwe vakuru vachava vakatanhamara mune rimwe vara kupinda mune rimwe, kunyange vamwe vomutumbi vachapfuura muna mavara iwawa ayo vamwe vangava vakaneta maari. Muuyo wacho ipapo ndowokuti, kungotaurawo zvako, vose pamwe chete, mutumbi uchava namavara ose akaisvonaka mauri umene ayo ari madikanwa nokuda kwokutarisira kwakafanira ungano yaMwari.”
Kuremekedzana Pakati Pemitumbi Yavakuru
11, 12. (a) Neiko mutumbi wavakuru uchigona kuita zvakawanda kupfuura mitezo yawo inoshanda somunhu mumwe nomumwe? (b) Jesu Kristu nomuapostora Pauro vakabata sei nemitumbi yavakuru seyakadaro, uye izanoi rakapiwa?
11 Nokudaro, mutumbi wavakuru ndichinhu chakazara chapaMagwaro icho chose chinomirira inopfuura hwerengedzo yamativi acho. Apo ivo vanosangana ndokunyengetera nokuda kwenhungamiro yaJehovha kupfurikidza naKristu nomudzimu mutsvene, ivo vanoita zvisarudzo izvo zvaizova zvisina kusvikwa pazviri kudai vakanga vabvunzwa somunhu oga. Apo vakuru vanoungana pamwe chete, mavara avo akasiana-siana anoshanda ndokuparira miuyo inoratidzira nhungamiro yaKristu yezvinhu.—Enzanisa naMateo 18:19, 20.
12 Kuti Kristu akabata nemitumbi yavakuru seyakadaro kunoratidzirwa namashoko ayo iye akatumira ku“nyeredzi nomwe,” kana kuti “ngirozi dzeungano nomwe” muAsia Minor. (Zvakazarurwa 1:11, 20, NW) Rokutanga ramashoko iwayo rakatumirwa kuungano yaiva muEfeso kupfurikidza ne‘ngirozi’ yayo, kana kuti mutumbi wavatariri vakazodzwa. Makore 40 pamberi pezvi, muapostora Pauro akaita kuti mutumbi wavakuru womuEfeso uende kuMireto nokuda kwomusangano chaiwo naye. Iye akavayeuchidza kupa ngwariro kwavari vamene uye kufudza ungano.—Mabasa 20:17, 28.
13. Neiko vakuru vachifanira kupa ngwariro kumudzimu ivo vanoratidza mukati momutumbi wavo womunzvimbomo wavakuru uye muukama hwavo vose nemimwe mitumbi yavakuru?
13 Mitumbi yavakuru inofanira kupa ngwariro chaiyo kukuchengeta mudzimu wakaisvonaka, wakananga pakati pavo vamene nomukati meungano yavo. (Mabasa 20:30) Sezvo muKristu mumwe achiratidzira mudzimu wakati, nenzira yakafanana mitumbi yavakuru neungano dzose zvinogona kukudziridza mudzimu wakati. (VaFiripi 4:23; 2 Timotio 4:22; Firemoni 25) Pane dzimwe nguva kunoitika kuti vakuru vanoremekedzana mukati meungano yavo vamene vanoratidza kushaiwa wirirano nomumwe mutumbi wavakuru. Mumaguta umo ungano dzinoverengeka dzinosangana muhoro imwe cheteyo, kusabvumirana pane dzimwe nguva kunovapo pakati pemitumbi yavakuru pamusoro pamarudungwe emisangano, miganhu yendima, kuvaka Horo dzoUmambo, uye zvichingodaro. Nheyo dzimwe chetedzo dzounyoro, kuzvidukupisa, kuzvininipisa, uye kuva nomufungo idzo dzinodzora vakuru mukati nomutumbi mumwe nomumwe dzinofanira kudzora ukama pakati pemitumbi yavakuru. Muapostora Pauro akapa zano, kuti: “Zvinhu zvose ngazviitike nokuda kwokuvaka.”—1 VaKorinte 14:26, NW.
Ruremekedzo Rwakafanira Nokuda Kwavatariri Vanofambira
14. Ndirimwe bokai ravakuru rinofanirwa nokudiwa, uye nei?
14 Imwe gadziriro yakavakirwa paBhaibheri iyo inoshanda pakati peungano dzeZvapupu zvaJehovha kushanyirwa kwadzo nguva dzose navakuru vanofambira, vanonzi vatariri vamatunhu kana kuti voruwa. (Mabasa 15:36; 16:4, 5) Ivava, nenzira yakatanhamara, “varume vakuru vanotungamirira nenzira yakaisvonaka.” Kusiri kushoma kupfuura vamwe vakuru, ivo vanofanira kuva “vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.”—1 Timotio 5:17.
15. Izanoi rakapa muapostora Johane pamusoro pavaparidzi veevhangeri vanofambira?
15 Mutsamba yake yechitatu muapostora Johane akatsoropodza Dhiotrefe nemhaka yokuti iye akaramba “kugamuchira hama noruremekedzo.” (3Jo Ndima 10, NW) Idzi hama dzakanga dziri maKristu anofambira idzo dzaienda “nokuda kwezita” raJehovha. (3Jo Ndima 7, NW) Ivo sezviri pachena vakanga vatumwa savaparidzi veevhangeri kundoparidza mashoko akanaka ndokuvaka ungano mumaguta ayo vakashanyira. Johane akaraidza kuti ava vaparidzi vanoshanda zvakaoma vanofambira vanofanira ‘kutumwa panzira yavo nomutoo wakafanira Mwari.’ (3Jo Ndima 6) Muapostora akawedzera, kuti: “Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka zvakadaro, kuti tibatsirane pazvokwadi.” (3Jo Ndima 8) Ivo vaifanira kugamuchirwa noruremekedzo.
16. MaKristu ose nhasi anogona sei kutevera muenzaniso waGayo mu“basa rokutendeka” raakaitira vaparidzi veevhangeri vomuzana rokutanga ramakore, uye neiko ikoku kwakafanira?
16 Nenzira yakafanana nhasi, vatariri vanofambira vanotumwa noMutumbi Unodzora kuzoparidzira mashoko akanaka ndokubetsera ungano vanofanira kugamuchirwa nomutsa uye noruremekedzo. Hama idzodzi navadzimai vavo (kana vakaroora, sezvo vazhinji vavo vakadaro) vave vachidisa kurega kugara munzvimbo yakagadzikana. Ivo vanofamba panzvimbo nenzvimbo, kazhinji kazhinji vachitsamira pamutsa wehama nokuda kwezvokudya zvavo nomubhedha wokurarira. Kuna Gayo, uyo aigamuchira norudo vaparidzi veevhangeri vanofambira muzana ramakore rokutanga N.V., Johane akanyora, kuti: “Mudikanwa, unobate basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo.” (3 Johane 5) Nenzira yakafanana nhasi, avo vanofamba ‘nokuda kwezita raJehovha’ vanofanirwa nokudiwa nokuratidzirwa rudo noruremekedzo.
17. Vakuru veungano vanofanira kuratidza sei ruremekedzo rwakafanira nokuda kwavamiriri vanovashanyira voMutumbi Unodzora?
17 Vakuru, zvikurukuru, vanofanira kuratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwaava vamiriri vanoshanyira voMutumbi Unodzora. Ivo vanotumwa kuungano nemhaka yamavara avo omudzimu noruzivo rwavo rwokuzviwanira, urwo rwunowanzova rwakafara zvikuru kupfuura urwo rwavakuru vazhinji vomunzvimbomo. Vamwe vaava vatariri vanofambira vangave vaduku mumakore kupfuura vakuru vakati vomuungano dzavanoshanyira. Asi ichocho hachizi chikonzero chakarurama chokuvanyima ruremekedzo rwakafanira. Ivo vanganzwa kudikanwa kwokudzikamisa kukurumidza kwavakuru vomunzvimbomo mukurumbidza imwe hama somubatiri anoshumira kana kuti mukuru, achiyeuka nyevero yaPauro kuna Timotio. (1 Timotio 5:22) Nepo mutariri anoshanyira achifanira kupa rangariro yakafanira kuzvibvumikiso zvinopiwa navakuru vomunzvimbomo, vapashure vanofanira kuva vanodisa kumuteerera ndokubetserwa noruzivo rwake rwokuzviwanira rwakafara. Hungu, ivo vanofanira kuti “vakudze vakadai.”—VaFiripi 2:29.
“Kudzai Vakadaro”
18, 19. (a) Pauro akaratidzira sei kuonga kwake nokuda kwavashandi biyake? (b) Muenzanisoi unoratidza kuti Pauro aisachengetera mafi hama dzake?
18 Mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, Pauro akanyora, kuti: “Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu,—munoziva mhuri yaStefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya vakazviisa kuti vashumire vatsvene—kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata. Ndinofara nokuuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvowo kudzai vakadaro.”—1 VaKorinte 16:15-18.
19 Haiwa chimiro chakaisvonaka zvakadini, chorudo Pauro aiva nacho kuhama dzake, dzimwe dzadzo dzaisazivikanwa zvikuru. Asi Pauro aidzida nemhaka yokuti dzakanga “dzichibatira pamwe” uye “dzichishanda” zvakaoma munhamburiko dzadzo dzokushumira vatsvene. Pauro akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka wokukanganwira zvomunguva yakapfuura. Kunyange zvazvo Johane Marko akanga amuodza mwoyo mukati morwendo rwavo rwokutanga rwoufundisi, Pauro gare gare akamurumbidza nomutsa kuungano yaiva muKorose. (Mabasa 13:13; 15:37, 38; VaKorose 4:10) Paakapinzwa mutorongo muRoma, Pauro akakumbira kuvapo kwaMarko nemhaka yokuti, szvaakati, “nokuti anobetsera kwandiri nokuda kwokushumira.” (2 Timotio 4:11) Hapana kuchengetwa kuduku kwamafi!
20. MaKristu ose zvawo, uye vakuru zvikuru, anofanira kuratidza sei kuti anoonga vatariri vakatendeka uye kuti vano“kudza vakadaro”?
20 Nhasi pakati pavanhu vaMwari, pane vatariri vazhinji vakazvipira avo, kufanana naStefana, vari kushumira kuhama dzavo. Zvechokwadi, ivo vane zvikanganiso zvavo nekundikano. Kunyanguvezvo, ivo vari “kubatira pamwe” no“muranda akatendeka nowakachenjera” noMutumbi Unodzora wake, uye “vari kushanda” zvakaoma mubasa rokuparidzira nomukubetsera hama dzavo. Tinofanira ‘kuramba tichizviisa timene pasi pavanhu vorudzi irworwo,’ tichivaonga nokuda kwamavara avo, kwete kutsvaka zvikanganiso zvavo. Vakuru vanofanira kutungamirira mukuratidza kuonga kwakafanira noruremekedzo nokuda kwavakuru biyavo. Vakuru vanofanira kubatira pamwe nomumwe nomumwe nomudzimu worudo nechinzwano. Vose vachaziva ukoshi hwehama dzakatendeka dzakadaro uye “mukudze vakadai.”—VaFiripi 2:29.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko omuzasi muNew World Translation Reference Bible anoratidzira kuti shoko rokuti “ane mufungo” pana 1 Timotio 3:3 rinoshandura shoko rechiGiriki iro rinoreva chaizvoizvo kuti “kutera.”
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Rudzii rwavarume urwo Pauro aida zvikuru, uye ndivanaani vanofanirwa nerangariro yedu chaiyo nhasi?
◻ Vakuru vanofanira kuratidza sei kuti vanoremekedzana?
◻ Neiko mutumbi wavakuru uchigona kuita zvakawanda kupfuura mitezo yawo inoshanda somunhu mumwe nomumwe?
◻ Mutumbi wavakuru ucharatidza kuti vanoremekedza mumwe mutumbi wavakuru munzvimboi?
◻ Ibokai ravatariri rinofanirwa nokudiwa zvikuru, uye ruremekedzo irworwu rwakafanira rwunogona kuratidzwa sei?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vakuru vanofanira kuratidzirana kuonga kwakafanira kuno mumwe nomumwe
[Mufananidzo uri papeji 18]
Ratidza rudo noruremekedzo nokuda kwavatariri vanofambira