Itya Jehovha, Munzwi Womunyengetero
“Haiwa munzwi womunyengetero, vanhu venyama yose vachauya kunyange kwamuri.”—PISAREMA 65:2, “NW.”
1. Neiko tichifanira kukarira Jehovha kuva nezvinodikanwa nokuda kwaavo vanoshuva kumusvika mumunyengetero?
JEHOVHA MWARI ndi“Mambo asingagumi.” Iyewo “Munzwi womunyengetero,” kwaari “vanhu venyama yose vachauya.” (Zvakazarurwa 15:3; Pisarema 65:2, NW) Asi vanofanira kuuya sei kwaari? Madzimambo apasi anodzora zvinhu zvakadai somupfekero netsika zvaavo vanobvumirwa kupinda pamberi pavo. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, tinofanira kukarira Mambo Asingagumi kuva nezvinodikanwa zvinofanira kusvitswa nomunhu upi noupi anoshuva kuuya pamberi pake nemikumbiro nokuonga.—VaFiripi 4:6, 7.
2. Mibvunzoi inomuka panhau yomunyengetero?
2 Ko Mambo Asingagumi anodei kuavo vanomusvika mumunyengetero? Ndiani anogona kunyengetera ndokunzwiwa? Uye vanogona kunyengetera pamusoro pechii?
Kusvika Mambo Asingagumi
3. Mienzanisoi yaunogona kupa yeminyengetero yakapiwa navabatiri vapakuvamba vaMwari, uye vakamusvika kupfurikidza nomurevereri here?
3 Asati ava mutadzi, Adhama, “mwanakomana waMwari,” sezviri pachena akakurukura naMambo asingagumi. (Ruka 3:38; Genesi 1:26-28) Apo mwanakomana waAdhama Abheri akapa “makwaiana emhongora” kuna Mwari, nenzira isingapanikirwi ichi chipiriso chakaperekedzwa nokutaurwa kwemikumbiro nerumbidzo. (Genesi 4:2-4) Noa, Abrahama, Isaka, uye Jakobho vakavaka atari ndokusvika Jehovha nenzira yokunyengetera nezvipiriso zvavo. (Genesi 8:18-22; 12:7, 8; 13:3, 4, 18; 22:9-14; 26:23-25; 33:18-20; 35:1, 3, 7) Uye minyengetero yaSoromoni, Ezra, uye vezvamapisarema vakafuridzirwa nenzira youmwari inoratidzira kuti vaIsraeri vakasvika Mwari pasina murevereri upi noupi.—1 Madzimambo 8:22-24; Ezra 9:5, 6; Pisarema 6:1, 2; 43:1; 55:1; 61:1; 72:1; 80:1; 143:1.
4. (a) Kusvikai kutsva kuna Mwari mumunyengetero kwakatangwa muzana ramakore rokutanga? (b) Neiko kwakakodzera zvikuru kuti munyengetero upiwe muzita raJesu?
4 Kusvika kutsva kuna Mwari mumunyengetero kwakatangwa muzana ramakore rokutanga reNguva yedu yaVose. Kwakanga kuri kupfurikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu, akanga ane rudo chairwo nokuda kworudzi rwomunhu. Mukuvapo kwake asati ava munhu, Jesu akabatira nomufaro se“mhizha,” anoda zvinhu zvakabatanidzwa norudzi rwomunhu. (Zvirevo 8:30, 31) Somunhu pasi pano, Jesu akabetsera norudo vanhu vasina kukwana mumudzimu, akarapa vanorwara, uye kunyange kumutsa vakafa. (Mateo 9:35-38; Ruka 8:1-3, 49-56) Kupfuura zvose, Jesu ‘akapa mweya wake sorudzikinuro nokuda kwavazhinji.’ (Mateo 20:28) Kwakakodzera sei, ipapoka, kuti avo vanozviyamura vamene norudzikinuro vanofanira kusvika Mwari kupfurikidza naiyeyu anoda rudzi rwomunhu zvikuru kwazvo! Iyi ndiyo zvino nzira bedzi yokusvika nayo kuna Mambo Asingagumi, nokuti Jesu amene akati: “Hakuna munhu anouya kuna Baba asi nokwandiri” uye, “Zvose zvamunenge muchikumbira kuna Baba vachakupai muzita rangu.” (Johane 14:6; 16:23) Kukumbira zvinhu muzita raJesu kunoreva kumuziva senzira yokusvika nayo Munzwi womunyengetero.
5. Chii chiri chimiro chaMwari kunyika yorudzi rwomunhu, uye ichochi chinei chokuita pamunyengetero?
5 Zvikurukuru tinofanira kuonga rudo urwo Jehovha akaratidza kupfurikidza nokugovera rudzikinuro. Jesu akati: “Mwari wakada nyika [yorudzi rwomunhu] nokudaro wakatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti aninaani anotenda kwaari arege kufa, asi kuti ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Ukuru hworudo rwaMwari hunosanoratidzirwa mumashoko owezvamapisarema: “Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kure nesu. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:11-14) Kunokurudzira sei kuziva kuti minyengetero yeZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha inokwira kuna Baba ane rudo akadaro kupfurikidza noMwanakomana wake!
Ropafadzo Yakaganhurirwa
6. Jehovha anofanira kusvikwa nechimiroi mumunyengetero?
6 Madzimambo ohunhu haasati achibvumira munhu upi noupi zvake kupinda mudzimba dzamadzimambo kusingaziviswi. Kutaura namambo iropafadzo yakaganhurirwa. Ndizvo zvakaitawo munyengetero unoenda kuna Mambo asingagumi. Chokwadika, avo vanomusvika kupfurikidza naJesu Kristu nokunzwisiswa kwakafanira kwoukuru hune mbiri hwaMwari vanogona kukarira kunzwiwa. Mambo Asingagumi anofanira kusvikwa nechimiro chokuremekedza, chokunamata. Uye avo vanoshuva kunzwiwa vanofanira kuratidzira “kutya Jehovha.”—Zvirevo 1:7.
7. Chii chiri “kutya Jehovha”?
7 Chii chiri “kutya Jehovha”? Iko ndiko kuremekedzwa kukuru kwaMwari, kwakabatanidzwa norutyo rwakanaka rwokusamufadza. Urwu rutyo rwunobva mukutenda kukuru nokuda kwomutsa wake worudo norunako. (Pisarema 106:1) Runobatanidza kumubvuma saMambo asingagumi, uyo ane maruramiro nesimba rokuunza chirango, kubatanidza rufu, pano upi noupi asingamuteereri. Vanhu vanoratidzira kutya Jehovha vanganyengetera kwaari nekariro yokunzwiwa.
8. Nei Mwari achinzwa minyengetero yaavo vanomutya?
8 Nenzira yomuzvarirwo, Mwari haasati achipindura minyengetero yavanhu vakaipa, vasina kutendeka, uye vanozviruramisa. (Zvirevo 15:29; Isaya 1:15; Ruka 18:9-14) Asi avo vanotya Jehovha vanonzwiwa nemhaka yokuti vakawirirana nemipimo yake yakarurama. Bva, vakaita zvizhinji. Vatyi vaJehovha vakaita tsauriro kuna Mwari mumunyengetero ndokuratidzira iyoyi kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Nokudaro ivo vane ropafadzo isina kuganhurirwa yomunyengetero.
9, 10. Ko vanhu vasina kubhapatidzwa vanogona kunyengetera netariro yokunzwiwa here?
9 Kuti anzwiwe naMwari, munhu anofanira kutaura mirangariro yokunyengetera iri mutsinhirano nokuda kwoumwari. Hungu, anofanira kuva wapachokwadi, asika zvizhinji zvinodikanwa. “Kana pasina kutenda hakubviri kusanofadza [Mwari],” akanyora kudaro muapostora Pauro, “nokuti uyo anosvika Mwari anofanira kuva nokutenda kuti iye aripo, uye kuti anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.” (VaHebheru 11:6) Eya, ipapoka, vanhu vasina kubhapatidzwa vanogona here kukurudzirwa kunyengetera vane tariro yokunzwiwa?
10 Achiziva kuti munyengetero iropafadzo yakaganhurirwa, Mambo Soromoni akakumbira kuti Jehovha anzwe vaenzi bedzi vainyengetera vakananga kutembere yaMwari yaiva muJerusarema. (1 Madzimambo 8:41-43) Mazana amakore gare gare, muenzi waVamarudzi Kornerio “akaita mikumbiro kuna Mwari nguva dzose” somunhu anoshingaira. Pakuwana zivo yakarurama, Kornerio akazvitsaurira amene kuna Mwari, uyo ipapo akSmupa mudzimu mutsvene. Pashure paikoku, Kornerio navamwe vaVamarudzi vakabhapatidzwa. (Mabasa 10:1-44, NW) Kufanana naKornerio, aninaani nhasi anofambira mberi kutsauriro angakurudzirwa kunyengetera. Asi munhu asiri wapachokwadi pamusoro pokufunda Magwaro, asingazivi zvinodikanwa zvoumwari nokuda kwomunyengetero, uye achigere kuratidzira chimiro chinofadza Mwari haagoni kunzi anotya Jehovha, ane kutenda, kana kuti anomutsvaka zvapachokwadi. Munhu akadaro haakwanisi kupa minyengetero inogamuchirika kuna Mwari.
11. Chii chakaitika kuvamwe avo vakanga vachifambira mberi kutsauriro, uye chii chavanofanira kuzvibvunza vamene?
11 Vamwe avo pane imwe nguva vakanga vachifambira mberi kutsauriro gare gare vangaratidzika kuva vari kudzokera shure. Kana vasina rudo rwakakwana nokuda kwaMwari mumwoyo wavo rwokuita tsauriro yakakwana kwaari, vanofanira kuzvibvunza vamene kana vachine ropafadzo inoshamisa yomunyengetero. Sezviri pachena kwete, nemhaka yokuti avo vanosvika Mwari vanofanira kumutsvaka zvapachokwadi uyewo kururama nounyoro. (Zefania 2:3) Munhu ari wose anotya chaizvoizvo Jehovha mutendi anoita tsauriro kuna Mwari ndokuiratidzira kupfurikidza nokubhapatidzwa. (Mabasa 8:13; 18:8) Uye vatendi vakabhapatidzwa bedzi vane ropafadzo isina kuganhurirwa yokusvika Mambo Asingagumi mumunyengetero.
“Kunyengetera Nomudzimu Mutsvene”
12. Ndirini pakunogona kutaurwa kuti munhu ari “kunyengetera nomudzimu mutsvene”?
12 Pashure pokunge munhu aita tsauriro kuna Mwari uye achiiratidzira nokubhapatidzwa, anokwanisa ku‘nyengetera nomudzimu mutsvene.’ Pamusoro paikoku, Judhasi akanyora, kuti: “Asi imi vadikanwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengeterere mu[mudzimu mutsvene, NW], muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.” (Judhasi 20, 21) Munhu anonyengetera nomudzimu mutsvene apo anonyengetera mupesvedzero yomudzimu waMwari, kana kuti simba rinobate basa, uye mutsinhirano nezvinhu zvinotaurwa muShoko Rake. Magwaro, akanyorwa mufuridziro yomudzimu waJehovha, anoratidza nzira yokunyengetera nayo uye chokukumbira mumunyengetero. Somuenzaniso, nenzira ine chivimbo tinogona kunyengetera kuti Mwari atipe mudzimu mutsvene wake. (Ruka 11:13) Apo tinonyengetera nomudzimu mutsvene, minyengetero yedu inozivisa mugariro womwoyo uyo Jehovha anoda.
13. Kana tikanyengetera nomudzimu mutsvene, tichadzivisei, uye izanoi raJesu ratichashandisa?
13 Apo tinonyengetera nomudzimu mutsvene, minyengetero yedu haizadzwi namashoko makuru. Haina mashoko anodzokororwa nomusoro. Aiwa, haina mashoko anodokuva asina revo, kutaurwa kusiri kwechokwadi kwerumbidzo. Minyengetero yorudzi irworwo izere muchiKristudhomu norutivi rwose rwasara rweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Asi maKristu echokwadi anoteerera zano raJesu: “Apo munonyengetera hamufaniri kuva sezvakaita vanyengeri; nokuti vanoda kunyengetera vakamira mumasinagoge napamakona enzira huru, kuti vaonekwe navanhu . . . Uye mukunyengetera musataura mashoko savahedheni; nokuti vanofunga [nenzira isina kururama] kuti vachateererwa nokuwanda kwezvavanotaura. Naizvozvo musafanana navo.”—Mateo 6:5-8, Byington.
14. Kutaurai kwokunzwisisa kwakaitwa navamwe pamusoro pomunyengetero?
14 Mukuwedzera kuna Jesu navanyori veBhaibheri, vamwe vakaita kutaura kwokunzwisisa pamusoro pomunyengetero. Somuenzaniso, munyori weEngland John Bunyan (1628-88) akati: “Munyengetero kudururwa kwapachokwadi, kuno mufungo, kwokudisa kwomweya kuna Mwari, kupfurikidza naKristu, musimba nebetsero yoMudzimu, nokuda kwezvinhu izvo Mwari akapikira.” Mufundisi wePuritan, Thomas Brooks (1608-80) akati: “Mwari anotarira kwete pakutaurwa kwakanaka kweminyengetero yenyu, kuti ingava yakanaka sei; kana kureba kweminyengetero yenyu, kuti ingava yakareba sei; kana kuti pakuwanda kweminyengetero yenyu, kuti ingava mingani; kwete pakuva nomufungo kweminyengetero yenyu, kuti ingava nenhevedzano sei; asi anotarira umazvokwadi hwayo.” Tsinhiro yaBunyan ingawedzerwa kutsinhiro idzi: “Mumunyengetero kuri nani kuva nomwoyo usina mashoko, kupfuura mashoko asina mwoyo.” Asi kana tiri vapachokwadi uye tichisvitsa zvinodikanwa zvoumwari, tinogona sei kuva nechokwadi chokuti Mambo asingagumi achanzwa minyengetero yedu?
Hatitongoendeswi
15. Chaizvoizvo, chii icho Jesu akataura pana Ruka 11:5-8?
15 Jehovha Mwari haatongopi nzeve isinganzwi kuminyengetero yavabatiri vake vakazvitsaurira. Ikoku kwakajekeswa mumashoko anofadza aJesu apo vadzidzi vake vakakumbira muraidzo pamunyengetero. Murutivi iye akati: “Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari, ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira’? Uri mukati akapindura akati, ‘Usandinetsa, mukova watopfigwa, navana vangu vatova neni munhovo; handingamuki ndikakupa.’ Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka akamupa zvose zvaanoshaiwa.” (Ruka 11:1, 5-8) Chii chaiva pfundo rouyu muenzanisiro?
16. Pamusoro pomunyengetero, chii icho Jesu aida kuti tiite?
16 Jesu zvamazvirokwazvo haana kureva kuti Jehovha haasati achida kutibetsera. Panzvimbo pezvo, Kristu anoda kuti isu tivimbe naMwari chose chose ndokumuda zvakakwana zvokunyengetera tisingaregi. Nokudaro, Jesu akapfuurira, kuti: “Ndinoti kwamuri, Kumbirai, muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, uchapiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.” (Ruka 11:9, 10) Zvamazvirokwazvo, ipapoka, tinofanira kuramba tichinyengetera apo tinowana chitambudzo, tinoora mwoyo pamusoro poutera hwakasimba zvikuru hwomunhu oga, kana kuti mumwe muedzo upi noupi. Jehovha anogara akagadzirira kubetsera vabatiri vake vakatendeka. Haatongotiudzi, kuti: “Regai kundinetsa.”
17, 18. (a) Jesu akatikurudzira sei kukumbira mudzimu mutsvene, uye chii chinowedzera simba ramashoko ake? (b) Jesu akaenzanisira sei kubata kwomubereki wapasi nouko kwaMwari?
17 Kana tichizofarikanya ukama hwapedyo naMwari, tinoda mudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobate basa. Nokudaro, Jesu akapfuurira, kuti: “Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove vangamupa nyoka panzvimbo pehove here? Kana akakumbira zai vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu mutsvene, NW] vanokumbira kwaari!” (Ruka 11:11-13) Mateo 7:9-11 inotaura nezvokupa ibwe panzvimbo pechingwa. Simba ramashoko aJesu rinowedzerwa kana tikaziva kuti chingwa chomunyika dzakare dzeBhaibheri chaiva choukuru nechimiro chakafanana neicho chedombo rakati sandara, rakatenderera. Mamwe marudzi enyoka akafanana namarudzi akati ehove, uye pane chinyavada chiduku chichena icho chakatifananei nezai. Asi kana vakakumbirwa chingwa, hove, kana kuti zai, ndibaba vorudzii vaizopa mwana wavo dombo kana kuti nyoka kana kuti chinyavada?
18 Jesu akatevera kuenzanisa kubata kwomubereki wapasi namabasa aMwari kumitezo yemhuri Yake yavanamati. Kana isu, kunyange zvazvo takaipa zvikuru nemhaka yokutadza kwakagarwa nhaka, tichipa zvipo zvakanaka kuvana vedu, tinofanira kukarira zvikuru kwazvo sei Baba vedu vokudenga kupa chipo chakaisvonaka chomudzimu mutsvene wavo kuvabatiri vavo vakatendeka vanoukumbira nokuzvininipisa!
19. (a) Chii chinorehwa namashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 11:11-13 uye Mateo 7:9-11? (b) Kana tichitungamirirwa nomudzimu mutsvene, ticharangarira sei miedzo yedu?
19 Mashoko aJesu anoreva kuti tinofanira kukumbira Mwari nokuda kwomudzimu mutsvene Wake wakawanda. Kana tikatungamirirwa nawo, hatisati tichizo‘nyunyuta pamusoro pomugariro wedu muupenyu’ ndokurangarira miedzo nokuora mwoyo sezvinokuvadza chaizvoizvo kwatiri. (Judhasi 16) Chokwadika, “munhu wakazvarwa nomukadzi, una mazuva mashoma uye azere nokutambudzika,” uye vazhinji havana kurarama kuona mugumo wezvinetso zvavo kana kuti nhamo. (Jobho 14:1) Asi ngatirege kutongorangarira miedzo yedu samatombo, nyoka, uye zvinyavada izvo Munzwi womunyengetero akatipa nenzira yakati. Iye ndiye rudo rumene rwunotaurwa somunhu uye haasati achiedza munhu upi noupi nezvinhu zvakaipa. Panzvimbo pezvo, iye anotipa ‘chipo chiri chose chakanaka nechipiwa chakakwana.’ Pakupedzisira, acharuramisa chinhu chiri chose nokuda kwavose vanomuda nokumutya. (Jakobho 1:12-17; 1 Johane 4:8) Avo vakafamba muzvokwadi kwamakore vanoziva kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti mimwe yemiedzo yavo yakaoma zvikurusa, kupfurikidza nomunyengetero nokutenda, yakashanda kukubetserwa kwavo uye yakawedzera chibereko chomudzimu waMwari muupenyu hwavo. (3 Johane 4) Kutaura idi, munzirai iri nane matingagona kudzidza rutsamiro pana Baba vedu vokudenga ndokubetserwa kusakurira chibereko chomudzimu chorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora?—VaGaratia 5:21, 23.
20. Mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 11:5-13 anofanira kuva nomuuyoi patiri?
20 Mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 11:5-13 nokudaro anotipa chipikirwa chakaropafadzwa chorudo rwaJehovha netarisiro nyoro. Ikoku kunofanira kuzadza mwoyo yedu nokuonga kukurusa norudo. Kunofanira kusimbisa kutenda kwedu ndokuwedzera chishuvo chedu chokuenda kazhinji kazhinji kuchitsiko chetsoka chaMambo Asingagumi ndokugara mukuvapo kwake kworudo. Uyezve, mashoko aJesu anotivimbisa kuti hatisati tichizoendeswa tisina chinhu. Baba vedu vokudenga vanofadzwa zvikurusa kuti isu tikandire mitwaro yedu pavari. (Pisarema 55:22; 121:1-3) Uye apo isu, savabatiri vake vakatendeka vakazvitsaurira, tinokumbira mudzimu mutsvene wavo, vanoupa kwatiri nokusanyima. Uyu ndiye Mwari wedu ane rudo, uye tinogona kuva nokutenda kwakazara kwokuti ndiye Munzwi weminyengetero yedu.
Unoyeuka Here?
◻ Tinofanira kusvika Mwari mumunyengetero kupfurikidza naani, uye nei?
◻ Munyengetero iropafadzo yakaganhurirwa munzirai?
◻ Kunorevei ‘kunyengetera nomudzimu mutsvene’?
◻ Unogona sei kubvumikisa muMagwaro kuti munyengetero yeZvapupu zvakatendeka zvakabhapatidzwa zvaJehovha inonzwiwa?
[Mifananidzo iri papeji 14]
Sezvo vabereki vohunhu vachipa zvipo zvakanaka kuvana vavo, Jehovha unopa mudzimu mutsvene kuavo vanomukumbira