Ganhuro 40
Kupwanya Musoro Wenyoka
Chiono 14—Zvakazarurwa 20:1-10
Musoro: Kukandwa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani, Kutonga Kwamakore Ane Gumi Ramazana, muedzo wokupedzisira wavanhu, noruparadziko rwaSatani
Nguva yezadziko: Kubvira pamugumo wedambudziko guru kusvikira kuruparadziko rwaSatani
1. Ko zadziko youporofita hwokutanga hweBhaibheri yakapfuurira sei?
UNOYEUKA here uporofita hwokutanga hweBhaibheri? Ihwo hwakataurwa naJehovha Mwari apo iye akataura neNyoka, kuti: “Ini ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye pakati pembeu yako nembeu yake. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Genesi 3:15) Zvino zadziko youporofita ihwohwo inosvika kumugumo wayo! Taronda nhau yokurwisana kwaSatani nesangano rakaita somukadzi rokudenga raJehovha. (Zvakazarurwa 12:1, 9) Mbeu yapasi yaSatani, norudzidziso rwayo, zvamatongerwe enyika, uye mabhizimisi makuru, zvakatutira chitambudzo choutsinye pambeu yomukadzi, Jesu Kristu navateveri vake vakazodzwa vane 144 000, vari pasi pano. (Johane 8:37, 44; VaGaratia 3:16, 29) Satani akashandisa rufu runorwadza pana Jesu. Asika irworwu rwakabvumikisa kuva seronda rechitsitsinho, nokuti Mwari akamutsa Mwanakomana wake akatendeka pazuva rechitatu.—Mabasa 10:38-40.
2. Ko Nyoka inopwanya sei, uye chii chinoitika kumbeu yapasi yeNyoka?
2 Zvakadiniko neNyoka nembeu yake? Munenge muna 56 C.E. muapostora Pauro akanyora tsamba refu kumaKristu omuRoma. Mukuigumisa, iye akavakurudzira kupfurikidza nokutaura, kuti: “Nokuda kwake, Mwari uyo anopa rugare uchapwanya Satani pasi petsoka dzenyu nokukurumidza.” (VaRoma 16:20) Ikoku kunoreva zvinopfuura kukwizvura kwapamusoro. Satani uchapwanywa! Pauro pano akashandisa shoko rechiGiriki, syn·triʹbo, rinoreva kupwanya kuva mumugariro wakaita semondo, kutsokodzera pasi, kuparadza chose chose kupfurikidza nokupwanya. Kana iri mbeu yohunhu yeNyoka, iyo yodokutambudzwa chaizvoizvo muzuva raShe, kunogumira padambudziko guru mukupwanya kwakakwana kweBhabhironi Guru netsika dzezvamatongerwe enyika dzenyika, pamwe chete navatsigiri vavo vezvemari nevehondo. (Zvakazarurwa, maganhuro 18 ne19) Nokudaro Jehovha anogumisa ruvengo pakati pembeu mbiri. Mbeu yomukadzi waMwari inokurira pambeu yapasi yeNyoka, uye mbeu iyoyo haichisipozve!
Satani Anokandwa Mugomba Rakadzika-dzika
3. Ko Johane anotiudzei chichaitika kuna Satani?
3 Chii, ipapoka, chakachengeterwa Satani iye amene namadhemoni ake? Johane anotiudza, kuti: “Zvino ini ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga ine chikiyinuriso chegomba rakadzika-dzika nengetani huru muchanza chayo. Ipapo iyo yakabata shato, nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani, ndokumusunga kwamakore ane chiuru. Ipapo iyo yakamukandira mugomba rakadzika-dzika ndokuripfiga uye kurinamira pamusoro pake, kuti agorega kutsausazve marudzi kutozosvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvozvi iye anofanira kusunungurwa kwechinguvana.”—Zvakazarurwa 20:1-3.
4. Ndiani ngirozi ine chikiinuriso chegomba rakadzika-dzika, uye tinoziva sei?
4 Ndianiko ngirozi iyeyo? Iyo inofanira kuva ine simba gurusa kuva inokwanisa kubvisa muvengi mukuru waJehovha. Iyo ine “chikiyinuriso chegomba rakadzika-dzika nengetani huru.” Ko ikoko hakuzasati kuchitiyeuchidza nezvechiono chapakuvamba-vamba here? Chokwadika, hungu, mambo ari pamusoro pemhashu anonzi “ngirozi yegomba rakadzika-dzika”! (Zvakazarurwa 9:11) Naizvozvo pano tinocherekedzazve Murevereri Mukuru waJehovha, Jesu Kristu akapiwa mbiri, achiita chiito. Iyi ngirozi huru yakanobvisa Satani mudenga, iya yakatonga Bhabhironi Guru, uye iya yakabvisa “madzimambo apasi namauto awo” paArmagedhoni zvamazvirokwazvo haizati yaizosudurukira parutivi kuita kuti ngirozi duku zvikuru iite chiito chounyanzvi mukukandira Satani mugomba rakadzika-dzika!—Zvakazarurwa 12:7-9; 18:1, 2; 19:11-21.
5. Ko ngirozi yegomba rakadzika-dzika inobata sei naSatani Dhiabhorosi, uye nei?
5 Apo dragoni huru tsvuku yakakandirwa pasi kubva kudenga, iyo yakataurwa nezvayo se“nyoka yapakuvamba, iyo inonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo anonyengera pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:3, 9) Zvino, panhambo yokuva anobatwa ndokukandwa mugomba rakadzika-dzika, iye anorondedzerwazve zvizere sa“dragoni, nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani.” Uyu muparadzi ane mukurumbira wakashata, munyengeri, mucheri, nomushori anosungwa ndokukandirwa “mugomba rakadzika-dzika,” iro rinopfigwa ndokunamirwa nomutoo wakasimba, “kuti agorega kutsausazve marudzi.” Uku kukandirwa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani ndokwamakore ane chiuru, nguva iyo mairi pesvedzero yake pavanhu isati ichizovapozve seyeyo yomusungwa ari mutorongo rake regomba rakadzama isati ichivapo. Ngirozi yegomba rakadzika-dzika inobvisa Satani chose chose pabatano ipi neipi noUmambo hwokururama. Haiwa isununguko yakadini nokuda kwavanhu!
6. (a) Ufakazii huripo hwokuti madhemoni anopindawo mugomba rakadzika-dzika? (b) Chii chinogona kuvamba zvino, uye neiko?
6 Chii chinoitika kumadhemoni? Iwowo aka“chengeterwa rutongeso.” (2 Petro 2:4) Satani anonzi “Bheerzebhuri mubati ushe wamadhemoni.” (Ruka 11:15, 18; Mateo 10:25) Nokuda kwokubatira pamwe chete kwavo kwenguva refu naSatani, ko rutongeso rumwe cheterwo harufaniri kuitwa kwaari here? Gomba rakadzika-dzika ranguve riri nzvimbo inotyisa kumadhemoni iwawo; pane imwe nhambo apo Jesu akanangana nawo, iwo “akaramba achimukumbira kusaaraira kuenda kundopinda mugomba rakadzika-dzika.” (Ruka 8:31) Asi apo Satani anoiswa mugomba rakadzika-dzika, ngirozi dzake zvamazvirokwazvo dzichakandirwa mugomba rakadzika-dzika pamwe chete naye. (Enzanisa naIsaya 24:21, 22.) Pashure pokukandwa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani namadhemoni ake, Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu kunogona kuvamba.
7. (a) Ko Satani namadhemoni ake vachava mumugariroi vachingunoveri mugomba rakadzika-dzika, uye tinoziva sei? (b) Ko Hadhesi negomba rakadzika-dzika ndizvimwe chetezvo here? (Ona mashoko omunyasi.)
7 Ko Satani namadhemoni ake vachave vachiita basa vachingunoveri mugomba rakadzika-dzika here? Eya, yeuka chikara chitsvuku, chine misoro minomwe “chakanga chiripo, asi chisati chichiripo, asi chodokukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika.” (Zvakazarurwa 17:8) Chichingunoveri mugomba rakadzika-dzika, icho ‘chakanga chisati chiripo.’ Chakanga chisingashandi, chisingapfakanyiki, kumirangariro yose namadonzo chakanga chakafa. Nenzira yakafanana, achitaura nezvaJesu, muapostora Pauro akati: “‘Ndianiko achaburukira mugomba rakadzika-dzika?’ ndiko kuti, kundobudisa Kristu muna vakafa.” (VaRoma 10:7) Achingunoveri mugomba rakadzika-dzika irero, Jesu akanga akafa.a Kuno mufungo kutaura, ipapoka, kuti Satani namadhemoni ake achava mumugariro wokusaita basa wakafanana norufu kwamakore ane chiuru wokukandwa kwavo mugomba rakadzika-dzika. Haiwa matama akanaka akadini nokuda kwavadi vokururama!
Vatongi Kwamakore Ane Chiuru
8, 9. Ko Johane zvino anotiudzei pamusoro paavo vagere pamusoro pezvigaro zvoumambo, uye ndivanaani vakadaro?
8 Pashure pamakore ane chiuru, Satani anosunungurwa mugomba rakadzika-dzika kwechinguvana. Neiko? Asati apa mhinduro, Johane anodzorera ngwariro yedu kumavambo enhambo iyeyo yenguva. Tinorava kuti: “Ipapo ini ndakaona zvigaro zvoumambo, uye pakanga pana avo vakanga vagere pazviri, uye simba rokutonga rakavapiwa.” (Zvakazarurwa 20:4a) Ndivanaani ivavo vagere, pazvigaro zvoumambo uye vachibata ushe mumatenga pamwe chete naJesu akapiwa mbiri?
9 Ivo ndiwo “vatsvene” avo Dhanieri akarondedzera savanobata ushe muUmambo pamamwe chete noUyo “akafanana nomwanakomana womunhu.” (Dhanieri 7:13, 14, 18) Ivo vakafanana navakuru vane 24 vanogara pazvigaro zvoumambo zvokudenga pamberi pamene paJehovha. (Zvakazarurwa 4:4) Ivo vanobatanidza vaapostora 12, avo Jesu akapa chipikirwa kwavari, chinoti: “Mukuberekwa kutsva, apo Mwanakomana womunhu anogara pachigaro chake choumambo chine mbiri, imi makanditevera muchagarawo imi mumene pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri.” (Mateo 19:28) Ivowo vanobatanidza Pauro, uyewo maKristu eKorinte akaramba akatendeka. (1 VaKorinte 4:8; 6:2, 3) Iwo aizobatanidzawo, mitezo yeungano yeRaodhikia iyo yakakunda.—Zvakazarurwa 3:21.
10. (a) Ko Johane zvino anorondedzera sei madzimambo ane 144 000? (b) Kubva mune izvo Johane akatiudza pakuvamba, ko madzimambo ane 144 000 anobatanidza vanaani?
10 Zvigaro zvoumambo—144 000 zvazvo—zvakagadzirirwa vakundi ivava vakazodzwa avo vano“dzikinurwa pakati pavanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” (Zvakazarurwa 14:1, 4) “Hungu,” Johane anopfuurira kuti, “ini ndakaona mweya yaavo vakaurawa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapupurira Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari, uye avo vakanga vasina kunamata chikara kana kuti mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo.” (Zvakazarurwa 20:4b) Pakati pamadzimambo iwawo, ipapoka, pana vaponderwi kutendeka vechiKristu vakazodzwa avo pakuvamba-vamba, pakuzarurwa kwechisimbiso chechishanu, vakabvunza Jehovha kuti iye aizomirira kutsiva ropa ravo kusvikira kunguva yakareba zvakadini. Panguva iyeyo, ivo vakapiwa nguvo chena ndokuudzwa kumirira kwechinguvana chirefu. Asika zvino vakatsivirwa kupfurikidza nokuparadzwa kweBhabhironi Guru, ruparadziko rwamarudzi rwakaitwa naMambo wamadzimambo naShe wamadzishe, uye kuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani.—Zvakazarurwa 6:9-11; 17:16; 19:15, 16.
11. (a) Tonzwisisa sei kutaura kwokuti “vakaurawa nedemo”? (b) Neiko kungataurwa kuti vose vane 144-000 vakafa rufu rwechibairo?
11 Ko vatongi ivava vose vane 144 000 chaizvoizvo vaka“urawa nedemo here”? Sezvingabvira, vashomanene zvikuru vavo vakanzarwo mupfungwa chaiyoiyo. Uku kutaura, kunyange zvazvo zvakadaro pasina panikiro kunoitirwa kubatanidza maKristu ose iwawa akazodzwa awo akatsungirira kuponderwa kutendeka, munzira dzakasiyana-siyana.b (Mateo 10:22, 28) Zvamazvirokwazvo, Satani angadai akada kuuraya ivo vose nedemo, asi kureva idika, havazati vari vose vehama dzakazodzwa dzaJesu vanofa savaponderwi kutendeka. Vazhinji vavo vanofa nehosha kana kuti noukweguru. Zvisinei, vakadarowo ndevebokawo iro Johane anoona zvino. Rufu rwaivo vose, mupfungwa yakati, ndorwechibairo. (VaRoma 6:3-5) Mukuwedzera, hapana nomumwe wavo aiva rutivi rwenyika. Nokuda kwechikonzero ichecho, ivo vose vakavengwa nenyika uye, kureva idi, vakafa mumeso ayo. (Johane 15:19; 1 VaKorinte 4:13) Hapana nomumwe wavo akanamata chikara kana kuti mufananidzo wacho, uye apo ivo vakafa, hapana nomumwe wavo aiva nechiratidzo chechikara. Ivo vose vakafa savakundi.—1 Johane 5:4; Zvakazarurwa 2:7; 3:12; 12:11.
12. Ko Johane anoshumei pamusoro pamadzimambo ane 144 000, uye kuva kwavo vapenyu kunoitika rini?
12 Zvino ava vakundi vanoraramazve! Johane anoshuma, kuti: “Ipapo vakava vapenyu ndokubata ushe samadzimambo pamwe chete naKristu kwamakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:4c) Ko ikoko kunoreva here kuti ava vatongi havazati vachimutswa kutozosvikira pashure poruparadziko rwamarudzi nokuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani namadhemoni ake? Aiwa. Vazhinjisa vavo vanotove vapenyu zvikuru kwazvo, sezvo ivo vakatasva mabhiza pamwe chete naJesu mukurwisana namarudzi paArmagedhoni. (Zvakazarurwa 2:26, 27; 19:14) Zvamazvirokwazvo, Pauro akaratidzira kuti rumuko rwavo runotanga nokukurumidza pashure pamavambo okuvapo kwaJesu muna 1914 uye kuti vamwe vanomutswa pamberi pavamwe. (1 VaKorinte 15:51-54; 1 VaTesaronika 4:15-17) Naizvozvo, kuva kwavo vapenyu kunoitika kwenhambo yenguva sezvo ivo somunhu mumwe nomumwe vanogamuchira chipo choupenyu husingafi mumatenga.—2 VaTesaronika 1:7; 2 Petro 3:11-14.
13. (a) Ko tinofanira kurangarira sei makore ane chiuru umo vane 144 000 vanobata ushe maari, uye neiko? (b) Ko Papias weHierapolis akarangarira sei makore ane chiuru? (Ona mashoko omunyasi.)
13 Kubata ushe nokutonga kwavo kuchava kwamakore ane chiuru. Ko ichochi chiuru chaichoicho chamakore here, kana kuti tinofanira hedu kuchirangarira nomutoo wokufananidzira sechiri nhambo isingarondedzereki, refu yenguva? “Zviuru” zvingareva chiverengero chikuru, chisingazivikanwi, sapana 1 Samueri 21:11. Asi pano, “chiuru” chiri chaichoicho, sezvachinowanika katatu muna Zvakazarurwa 20:5-7 sa“iwo makore ane chiuru.” Pauro akaidza iyi nguva yorutongeso kuti “zuva” apo iye akati: “Iye [Mwari] akagadza zuva iro iye akaita donzo kutonga pasi rinogarwa mukurarama mariri.” (Mabasa 17:31) Petro zvaanotiudza kuti zuva rimwe kuna Jehovha rakaita samakore ane chiuru, kwakakodzera kuti iri Zuva roRutongeso rive chiuru chaichoicho chamakore.c—2 Petro 3:8.
Vamwe Vakasara Vavakafa
14. (a) Ko Johane anopinza kutaurai pamusoro pa“vamwe vakasara vavakafa”? (b) Ko kutaura kunoitwa nomuapostora Pauro kunojekesa sei pamusoro peshoko rokuti “vanova vapenyu”?
14 Kunyange zvazvo zvakadaro, ko aya madzimambo achatonga vanaani kana, sokusuma kunoita muapostora Johane pano, “(vamwe vakasara vavakafa havana kuva vapenyu kutozosvikira makore ane chiuru apera)”? (Zvakazarurwa 20:5a) Zvakare, kutaura kwokuti “kuva vapenyu” kunofanira kunzwisiswa mukuwirirana namashoko akapoteredza. Uku kutaura kunogona kuva nerevo dzakasiyana-siyana mumigariro yakasiyana-siyana. Somuenzaniso, Pauro akataura nezvamaKristu biyake akazodzwa, kuti: “Ndimi makaitwa vapenyu naMwari kunyange zvazvo imi makanga makafa mukudarika nezvivi zvenyu.” (VaEfeso 2:1) Hungu, maKristu akazodzwa nomudzimu a“kaitwa vapenyu,” kunyange muzana rokutanga ramakore, achiva anonzi akarurama pahwaro hwokutenda kwao chibairo chaJesu.—VaRoma 3:23, 24.
15. (a) Zvapupu zvapamberi pechiKristu zvaJehovha zvakafarikanya kumirai naMwari? (b) Ko mamwe makwai ‘anova mapenyu’ sei, uye iwo achagara nhaka yepasi mupfungwa izere zvikurusa rini?
15 Nomutoo wakafanana, zvapupu zvapamberi pechiKristu zvaJehovha zvakanzi zvakarurama pamusoro poushamwari naMwari; uye Abrahama, Isaka, uye Jakobho vakataurwa nezvavo sa“vapenyu” kunyange zvazvo ivo vakanga vakafa chaizvoizvo. (Mateo 22:31, 32; Jakobho 2:21, 23) Zvisinei, ivo navamwe vose vanomutswa, uyewo boka guru ramamwe makwai akatendeka anopukunyuka Armagedhoni navana vapi navapi vangava vanoberekwa naivava munyika itsva, kusvitsa kukukwana kwohunhu. Ikoku kuchaitwa naKristu namadzimambo navaprista pamwe chete naye mukati meZuva roKutonga ramakore ane chiuru, pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu. Pakuzosvika pamugumo weZuva irero, “vamwe vakasara vavakafa” vachave “vava vapenyu” mupfungwa yokuti ivo vachava vanhu vakakwana. Sezvatichaona, ivo panguva iyeyo vanofanira kukunda muedzo wokupedzisira, asi ivo vachanangana nomuedzo iwowo savanhu vakakwana. Apo ivo vanokunda muedzo, Mwari achavazivisa kuva vakafanirwa nokurarama nokusingaperi, vakarurama mupfungwa izere zvikurusa. Ivo vachawana zadziko yakakwana yechipikirwa, chinoti: “Vakarurama ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachagara pariri nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Haiwa inguva yemberi inofadza zvakadini yakachengeterwa vanhu vanoteerera!
Rumuko Rwokutanga
16. Ko Johane anorondedzera sei rumuko runowanwa naavo vanobata ushe samadzimambo pamwe chete naKristu, uye neiko?
16 Tichidzokera zvino kuna avo va“kava vapenyu ndokubata ushe samadzimambo pamwe chete naKristu,” Johane anonyora, kuti: “Urwu ndirwo rumuko rwokutanga.” (Zvakazarurwa 20:5b) Ko irwo nderwokutanga sei? Ndirwo “rumuko rwokutanga” pakureva nezvenguva, nokuti avo vanoruwana ndivo “zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” (Zvakazarurwa 14:4) Irwo nderwokutangawo muukoshi, nokuti avo vanogoverana marwuri vanova vabati ushe pamwe chete naJesu muUmambo hwake hwokudenga uye vachitonga vamwe vasara vavanhu. Pakupedzisira, nderwokutanga mukuisvonaka. Kunze kwaJesu Kristu iye amene, avo vanomutswa murumuko rwokutanga ndivo bedzi zvisikwa zvakataurwa nezvazvo muBhaibheri sezvinowana kusafa.—1 VaKorinte 15:53; 1 Timotio 6:16.
17. (a) Ko Johane anorondedzera sei kariro yakakomborerwa nokuda kwamaKristu akazodzwa? (b) Chii chiri “rufu rwechipiri,” uye neiko irwo “rusina chiremera” pavakundi vane 144 000?
17 Haiwa ikariro yakakomborerwa zvakadini nokuda kwavakazodzwa ivava! Sokuzivisa kunoita Johane: “Munhu upi noupi ane rutivi murumuko rwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri harune chiremera pana ivava.” (Zvakazarurwa 20:6a) Sokupikira kwakaita Jesu maKristu omuSmirna, ava vakundi vanogoverana mu“rumuko rwokutanga” havazati vachizova mungozi yokukuvadzwa no“rufu rwechipiri,” urwo runoreva kuurawa, ruparadziko rusina tariro yorumuko. (Zvakazarurwa 2:11; 20:14) Rufu rwechipiri “harune chiremera” pana vakundi vakadaro, nokuti ivo vachave vapfeka kusaora nokusafa.—1 VaKorinte 15:53.
18. Ko Johane zvino anotii nezvavabati ushe vatsva vapasi, uye ivo vachapedzei?
18 Haiwa vakasiyana sei namadzimambo apasi mukati menguva yaSatani yokuva nechiremera! Ivava vakabata ushe kwaasati achipfuura makore 50 bedzi kana kuti 60, uye oruzhinjisa zvikuru kwamakore mashomanene bedzi. Mazhinji avo akadzvinyirira vanhu. Pasinei hapo nechakaitika, marudzi aigona sei kubetserekana kwechigarire mukudzora kwavabati ushe vanoramba vachichinja-chinja vaine miitiro inoramba ichichinja-chinja? Mukusiyana, Johane anotaura nezvavabati ushe vatsva vapasi, kuti: “Asi ivo vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye ivo vachabata ushe samadzimambo pamwe chete naye kwamakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:6b) Vaina Jesu, ivo vachaumba hurumende imwe bedzi kwamakore ane chiuru. Basa ravo rouprista, mukushandisa ukoshi hwechibairo chakakwana chohunhu chaJesu, vachasimudzira vanhu vanoteerera kukukwana kwomudzimu, kwetsika, nokwenyama. Basa ravo roumambo richaparira kuumbwa kwechaunga chavanhu chemburumbwa yose chinoratidzira kururama noutsvene zvaJehovha. Savatongi kwamakore ane chiuru, ivo, vaina Jesu, vachatungamirira norudo vanhu vanodavidza kunharidzano youpenyu husingaperi.—Johane 3:16.
Muedzo Wokupedzisira
19. Chii chichava mugariro wapasi nomugariro wavanhu pakusvika pakupera kwoKutonga Kwamakore Ane Chiuru, uye Jesu anoitei zvino?
19 Pakuzosvika pamugumo woKutonga Kwamakore Ane Chiuru, pasi rose richave ratodzana neEdheni yapakuvamba. Richava paradhiso chaiyoiyo. Vanhu vakakwana havazati vachizodazve muprista mukuru wokuvareverera pamberi paMwari, sezvo zvisaririra zvose zvechivi chaAdhama zvichizova zvabviswa uye muvengi wokupedzisira, rufu, aparadzwa. Umambo hwaKristu huchava hwasvitsa donzo raMwari rokuita nyika imwe ine hurumende imwe. Papfundo rino, Jesu “anogamuchidza umambo kuna Mwari wake naBaba.”—1 VaKorinte 15:22-26; VaRoma 15:12.
20. Ko Johane anotiudza kuti chii chichaitika apo inova nguva yomuedzo wokupedzisira?
20 Zvino yava nguva yomuedzo wokupedzisira. Ko nyika iyeyo yakwaniswa yavanhu, mukusiyana navanhu vokutanga muEdheni, vachatsiga muperero yavo here? Johane anotiudza chinoitika, kuti: “Zvino nokukurumidza apo makore ane chiuru anenge apera, Satani akachasunungurwa mutorongo yake, ipapo achabuda kundotsausa marudzi iwawo ari mumativi mana apasi, Gogi naMagogi, kuaunganidzira pamwe chete nokuda kwehondo. Chiverengero chaiwawa chakaita sejecha regungwa. Uye iwo akapararira paupamhi hwapasi ndokukomba musasa wavatsvene neguta rinodikanwa.”—Zvakazarurwa 20:7-9a.
21. Nokuda kwenhamburiko yake yokupedzisira, ko Satani anopfuurira sei, uye neiko tisati tichifanira kukatyamadzwa kuti vamwe vachatevera Satani kunyange pashure poKutonga Kwamakore Ane Chiuru?
21 Ko nhamburiko yokupedzisira yaSatani ichaguma sei? Iye anonyengedza “marudzi iwawo ari mumativi mana apasi, Gogi naMagogi,” achiatungamirira ku“hondo.” Ndianiko hake angatsigira Satani pashure pamakore ane chiuru oubati ushe hwoumwari hwomufaro, hunovaka hwoubati ushe hwoumwari? Eya, usakanganwa hako kuti Satani akanga achikwanisa kutsausa Adhama naEvha vakakwana apo ivo vakanga vachifarikanya upenyu muParadhiso yeEdheni. Uye iye akakwanisa kutsausa ngirozi dzokudenga dzakanga dzaona miuyo youshati yorupanduko rwapakuvamba. (2 Petro 2:4; Judhasi 6) Naizvozvo hatizati tichifanira kuva vanoshamiswa kuti vamwe vanhu vakakwana vachava vanonyengerwa kutevera Satani kunyange pashure pamakore ane chiuru omufaro oubati ushe hunodzorwa noUmambo hwaMwari.
22. (a) Chii chinoratidzirwa nokutaura kwokuti “marudzi iwawo ari mumativi mana apasi”? (b) Neiko vapanduki vachinzi “Gogi naMagogi”?
22 Bhaibheri rinoidza vapanduki ivava kuti “marudzi ari mumativi mana apasi.” Ikoku hakuzati kuchireva kuti vanhu vachave vakamuranisirwazve mukuva mapoka akaparadzana ohurudzi. Kunongoratidza bedzi kuti iwawa achazviparadzanisa iwo amene navakarurama, vakavimbika vaJehovha ndokuratidzira mudzimu mumwe chetewo wakashata uyo marudzi anoratidzira nhasi. Iwo acha“ita rangano yakashata,” sezvakaita Gogi waMagogi muuporofita hwaEzekieri, nenharidzano yokuparadza hurumende youbati ushe hwoumwari pasi pano. (Ezekieri 38:3, 10-12) Nokuda kwechikonzero ichecho, iwo anonzi “Gogi naMagogi.”
23. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti chiverengero chavapanduki chakaita “sejecha rapagungwa”?
23 Chiverengero chaavo vanokumbanira Satani mukupanduka kwake vachava “sejecha regungwa.” Vanganiko ivavo? Hapana chiverengero chinodeya kugadzwa. (Enzanisa naJoshua 11:4; Vatongi 7:12.) Chiverengero chose chokupedzisira chavapanduki chichatsamira pakuti munhu mumwe nomumwe anoita sei kumanomano anonyengera aSatani. Pasina panikiro, kunyange zvazvo zvakadaro, pachava nechiverengero chakati kuti, sezvo ivo vachizonzwa vakasimba zvakaringarina kukurira “musasa wavatsvene neguta rinodikanwa.”
24. (a) Chii chiri “guta rinodikanwa,” uye rinogona sei kukombwa? (b) Chii chinomirirwa ne“musasa wavatsvene”?
24 “Guta rinodikanwa” rinofanira kuva guta rinotaurwa nezvaro naJesu Kristu akapiwa mbiri kuvateveri vake pana Zvakazarurwa 3:12 uye iro iye anoidza kuti “guta raMwari wangu, Jerusarema Idzva iro rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu.” Sezvo iri riri sangano rokudenga, ko mauto apasi iwawo angagona sei kuri‘komba’? Mukuti iwo anokomba “musasa wavatsvene.” Musasa uri kunze kweguta; naizvozvo, “musasa wavatsvene” unofanira kumirira avo vari pasi pano kunze kwenzvimbo yokudenga yeJerusarema Idzva avo vanotsigira mukuvimbika gadziriro yehurumende yaJehovha. Apo vapanduki mukutungamirirwa naSatani vanodenha vakatendeka ivavo, Ishe Jesu anokurangarira sokudenhwa kwake. (Mateo 25:40, 45) “Marudzi iwawo” achaedza kuparadzanya chose icho Jerusarema Idzva rokudenga rakapedza mukuita pasi paradhiso. Naizvozvo mukudenha “musasa wavatsvene,” iwo ari kudenhawo “guta rinodikanwa.”
Dziva Romwoto Nesurferi
25. Ko Johane anorondedzera sei muuyo wedenho yavapanduki pa“musasa wavatsvene,” uye ikoku kucharevei nokuda kwaSatani?
25 Ko iyi denho yokupedzisira inoitwa naSatani ichabudirira here? Zvamazvirokwazvo kwete—haizati ichizobudirira kungofanana nedenho iyo Gogi waMagogi odokuita panaIsraeri womudzimu muzuva redu isati ichizobudirira! (Ezekieri 38:18-23) Johane nomutoo wakajeka anorondedzera muuyo wacho, achiti: “Asi mwoto wakaburuka kudenga ndokuvaparadzanya. Zvino Dhiabhorosi uyo akanga achiatsausa akakandirwa mudziva romwoto nesurferi, umo maitova navose vari vaviri chikara nomuporofita wenhema.” (Zvakazarurwa 20:9b-10a) Panzvimbo pokungova bedzi anoiswa mugomba rakadzika-dzika, nguva ino Satani, nyoka yapakuvamba, achapwanywa chaizvoizvo kuti arege kuvapo, achazhwandwa, kuurawa chaikwoikwo sokunge kuti nomwoto.
26. Neiko “dziva romwoto nesurferi” risingagoni kuva nzvimbo chaiyoiyo yokutambudzwa?
26 Tatocherekedza kuti “dziva romwoto nesurferi” haringagoni kuva nzvimbo chaiyoiyo yokutambudzira. (Zvakazarurwa 19:20) Kudai Satani aizotambura kutambudzwa kunorwadza imomo nokuda kwokusingagumi kwose, Jehovha aizotofanira kumuchengeta ari mupenyu. Asika, upenyu chipo, kwete chirango. Rufu chirango nokuda kwechivi, uye mukuwirirana neBhaibheri, zvisikwa zvakafa hazvinzwi marwadzo. (VaRoma 6:23; Muparidzi 9:5, 10) Zvakare, tinorava gare gare kuti rufu irwo rumene, pamwe chete neHadhesi, rwunokandwa mudziva rimwe chetero romwoto nesurferi. Zvamazvirokwazvo, rufu neHadhesi hazvigoni kunzwa marwadzo!—Zvakazarurwa 20:14.
27. Ko izvo zvakaitika kuSodhoma neGomora zvinotibetsera sei kunzwisisa kutaura kwokuti dziva romwoto nesurferi?
27 Zvose izvozvi zvinosimbisa murangariro wokuti dziva romwoto nesurferi nderokufananidzira. Kupfuurirazve, kududzwa kwomwoto nesurferi kunoyeuchidza mugumo weSodhoma rekare neGomora, akaparadzwa naMwari nokuda kwoupi hwawo hwakaipisisa. Apo nguva yawo yakasvika, “Jehovha akanisira surferi nomwoto zvinobva kuna Jehovha, zvinobva kumatenga, pamusoro peSodhoma napamusoro peGomora.” (Genesi 19:24) Icho chakawira maguta maviri chinonzi “chirango chokutonga chomwoto usingaperi.” (Judhasi 7) Bva, maguta maviri iwawo haana kutambura chitambudzo chisingaperi. Panzvimbo pakwo, iwo akaparadzanywa, akanyangariswa nokuda kwenguva yose, pamwe chete navagari vavo vakashata. Maguta iwawo haapo nhasi, uye hapana munhu anogona kuziva zvechokwadi apo iwo aiwanikwa.
28. Chii chiri dziva romwoto nesurferi, uye iro harina kufanana sei norufu, Hadhesi, negomba rakadzika-dzika?
28 Mutsinhirano naikoku, Bhaibheri iro rimene rinotsanangura revo yedziva remwoto nesurferi: “Irworwu rwunoreva rufu rwechipiri, dziva romwoto.” (Zvakazarurwa 20:14) Nomutoo wakajeka ndirimwe chetero neGehena iro Jesu akataura nezvaro, nzvimbo umo vakaipa vanoramba vakaparadzwa, kwete kutambudzwa nokusingaperi. (Mateo 10:28) Ruparadziko rwakakwana, rwachose chose rwusina tariro yorumuko. Nokudaro, kunyange zvazvo pane zvikiinuriso zvorufu, Hadhesi, uye gomba rakadzika-dzika, hapana kududzwa kwechikiinuriso chokuzarura dziva romwoto nesurferi. (Zvakazarurwa 1:18; 20:1) Harizati richizotongosunungura nhapwa dzaro.—Enzanisa naMarko 9:43-47.
Vanotambudzwa Masikati Nousiku Nokusingaperi
29, 30. Ko Johane anotii pamusoro paDhiabhorosi uyewo chikara nomuporofita wenhema, uye ikoku kunofanira kunzwisiswa sei?
29 Achitaura nezvaDhiabhorosi uyewo chikara nomuporofita wenhema, Johane zvino anotiudza, kuti: “Uye ivo vachatambudzwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 20:10b) Ikoku kungarevei? Sezvatodudzwa, hakuzati kuri kuno mufungo kutaura kuti zviratidzo, zvakadai sechikara nomuporofita wenhema, uyewo rufu neHadhesi, zvinogona kutambura kutambudzwa munzira chaiyoiyo. Nokudaro, hatina chikonzero chokudavira kuti Satani achave achitambura kusvikira kunguva isingagumi yose. Iye achaparadzwa.
30 Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano nokuda kwo“kutambudzwa,” ba·sa·niʹzo, rinoreva zvikurukuru “kuedza (simbi) kupfurikidza nomupimo.” “Kubvunza kupfurikidza nokushandisa kutambudza” irevo yechipiri. (The New Thayer’s Greek-English Lexicon of the New Testament) Mumashoko akapoteredza, kushandiswa kweiri shoko rechiGiriki kunoratidzira kuti chinoitika kuna Satani chichabatira, kusvikira kunguva isingagumi yose, somupimo pamusoro pechirevo chamaruramiro noururami hwoubati ushe hwaJehovha. Chirevo ichecho choubati ushe hukuru chichave chagadzikiswa kwechigarire. Kudenhwa kwouchangamire hwaJehovha hakuzati kuchizotongodikanirwazve kuedzwa kwenhambo yenguva refu kuti, kugobvumikiswa kuva kusino kururama.—Enzanisa nePisarema 92:1, 15.
31. Ko mashoko maviri echiGiriki anowirirana neimwe revo yokuti “kutambudzwa” anotibetsera sei kunzwisisa chirango icho Satani Dhiabhorosi anowana?
31 Mukuwedzera, shoko rinowirirana ba·sa·ni·stesʹ, “mutambudzi,” rinoshandiswa muBhaibheri kureva “muchengeti wetorongo.” (Mateo 18:34, Kingdom Interlinear) Mutsinhirano naikoku, Satani achapfigirwa mutorongo mudziva romwoto nokusingaperi; iye haazati achizotongosunungurwa. Pakupedzisira, muSeptuagint yechiGiriki, yakanga ichizivikanwa zvikuru kuna Johane, shoko rinowirirana baʹsa·nos rinoshandiswa kureva nezvokuninipiswa kunotungamirira kurufu. (Ezekieri 32:24, 30) Ikoku kunotibetsera kuona kuti chirango icho Satani anowana ndirwo rufu, kuninipiswa kusingaperi mudziva romwoto nesurferi. Mabasa ake anofa pamwe chete naye.—1 Johane 3:8.
32. Ko madhemoni achawana chirangoi, uye tinoziva sei?
32 Zvakare, madhemoni haazati achidudzwa mundima ino. Ko iwo achasunungurwa pamwe chete naSatani pakupera kwamakore ane chiuru dzokonokei otambura chirango chorufu rusingaperi pamwe chete naye here? Ufakazi hunopindura kuti hungu. Mumufananidzo wamakwai nembudzi, Jesu akataura kuti mbudzi dzaizopinda “mumwoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhorosi nengirozi dzake.” (Mateo 25:41) Kutaura kwokuti “mwoto usingaperi” kunofanira kureva nezvedziva romwoto nesurferi umo Satani achakandirwa. Ngirozi dzaDhiabhorosi dzakabudiswa mudenga pamwe chete naye. Nomutoo unooneka, idzo dzakapinda mugomba rakadzika-dzika pamwe chete naye pakuvamba kwoKutonga Kwamakore Ane Chiuru. Nomutoo unowirirana, ipapoka, idzo dzichaparadzwawo pamwe chete naye mudziva romwoto nesurferi.—Mateo 8:29.
33. Mashokoi oudzame okupedzisira aGenesi 3:15 achazadzika panguva iyeyo, uye mudzimu waJehovha zvino unorereudzira ngwariro yaJohane kunhaui?
33 Neiyi nzira, mashoko oudzame okupedzisira ouporofita akanyorwa pana Genesi 3:15 anozadzika. Apo Satani anokandirwa mudziva romwoto, iye uchafa senyoka iyo ine musoro wakazhwandwa pasi pechitsitsinho chedare. Iye namadhemoni ake vachave vaparara nokusingaperi. Hapachinazve kududzwa kwavo mubhuku raZvakazarurwa. Zvino, aparadza ivava mukuwirirana nouporofita, mudzimu waJehovha ucharereudzira ngwariro kunhau yefariro yakakomba kuna avo vane tariro yapasi: Chii chichava muuyo kuvanhu chinobva mukutonga kwokudenga kwa“Mambo wamadzimambo” na“avo vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka vanaro”? (Zvakazarurwa 17:14) Kuti apindure, Johane anotidzorerazve kumavambo oKutonga Kwamakore Ane Chiuru.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe magwaro anoti Jesu akanga ari muHadhesi apo iye akanga akafa. (Mabasa 2:31) Zvisinei, isu hatizati tichifanira kutaura kuti Hadhesi negomba rakadzika-dzika nguva dzose zvakafanana. Nepo chikara naSatani vachipinda mugomba rakadzika-dzika, vanhu bedzi vanotaurwa kuva vanoenda kuHadhesi, uko vavete murufu kutozosvikira parumuko rwavo.—Jobho 14:13; Zvakazarurwa 20:13.
b Demo (chiGiriki, peʹle·kus) rinoratidza kuve rave riri mudziyo wegamuchidzanwa wokuuraya nawo muRoma, kunyange zvazvo pakuzosvikira pazuva raJohane munondo wakanga uchishandiswa zvikurukuru kwazvo. (Mabasa 12:2) Naizvozvo, shoko rechiGiriki pano rinoshandiswa, pe·pe·le·kis-meʹnon (“vakaurawa nedemo”), rinongoreva bedzi kuti “vakaurawa.”
c Nomutoo unofadza, Papias weHierapolis, uyo anonzwisiswa kuve akawana imwe yezivo yake yeBhaibheri kuvadzidzi vaJohane, munyori waZvakazarurwa, anoshumwa naEusebius wezvenhau womuzana rechina ramakore kuve aidavira Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu chaikwoikwo (kunyange zvazvo Eusebius aisabvumirana naye zvikurukuru).—The History of the Church, Eusebius, III, 39.
[Mufananidzo uri papeji 293]
Gungwa Rakafa. Nzvimbo inobvira yeSodhoma neGomora
[Mifananidzo iri papeji 294]
“Ini ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yake. Iye uchakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho”