Mapisarema
Pisarema. Rwiyo rwezuva reSabata.
Uye kuimba nziyo dzekurumbidza zita renyu, haiwa imi Wekumusorosoro,
2 Kuzivisa mangwanani nezverudo rwenyu rusingachinji+
Uye usiku nezvekutendeka kwenyu,
3 Pachiridzwa chiridzwa chine tambo gumi nechine tambo nhatu,
Uye rudimbwa rune mutinhimira unonakidza.+
4 Nekuti makaita kuti ndifare, haiwa Jehovha, nekuda kwemabasa enyu;
Ndinopembera nemufaro nekuda kwemabasa emaoko enyu.
5 Chokwadi mabasa enyu makuru, Jehovha!+
Pfungwa dzenyu dzakadzama kwazvo!+
7 Vakaipa pavanomera semasora*
Uye vese vanoita zvakaipa pavanotumbuka,
Zvinenge zvichiitika kuti vaparadzwe zvachose.+
8 Asi imi munokudzwa nekusingaperi, haiwa Jehovha.
9 Chokwadi tarisai vavengi venyu mavakunda, haiwa Jehovha,
Tarisai kuparara kuchaita vavengi venyu;
Vese vanoita zvinhu zvakaipa pavachaitwa kuti vapararire.+
10 Asi imi muchakwidziridza nyanga yangu seyenzombe* yemusango;
Ndichanyorovesa ganda rangu nemafuta matsva.+
11 Maziso angu achatarisa vavengi vangu vakundwa;+
Nzeve dzangu dzichanzwa nezvekuwa kwevanhu vakaipa vanondirwisa.
14 Kunyange pavanenge vachembera,* vacharamba vachibudirira;+
Vacharamba vaine simba uye vari vatsva,+
15 Vachizivisa kuti Jehovha akarurama.
Ndiye Dombo rangu,+ uye maari hamuna chisina kururama.