Kubatana Kwenyika—Kuchaitika Sei?
KUFANANA nechivako chasakara chakasakadzwa nevagari vasingaitiri hanya, tsika yezvinhu yenyika yanhasi yafanira bedzi chinhu chimwe—kuputswa ndokutsiviwa. Uyu hauzi hawo murangariro wevanhu vanotaura kuti nyika ichaparara. Maererano neBhaibheri, ndiwo chete murangariro wechokwadi. Nei?
Fandesheni dzenyika yanhasi hadzina kukotsekana. Chivako chose chaboorwa-boorwa nemuchenje uye chaora. Simbi dziri pachivako dziri kuita ngura. Madziro akatsigira haasisina kusimba. Denga riri kuwira mukati. Pombi dzemvura dzinovhinza. Magetsi haana kugadzirwa zvakanaka uye ane ngozi. Vanogaramo vanogara vachirwa uye vanokudza chivako chose zvisina tsitsi. Imba yacho yose yakazara netsikidzi nenda uye ine ngozi kuupenyu kana kuti inogona kukuvadza munhu.
“Kutambira Pamucheto Peguva”
Nemhaka yekurwisana mune zvematongerwe enyika kunopfuurira, makaro, kumukira, uye kuvengana kukuru kwamadzinza nokwamarudzi, “rudzi rwose rwomunhu,” sokutaurwa kwazvakaitwa naGwynne Dyer, “rwuri kutambira pamucheto peguva.” Munyika yose, vashomanene vakatsunga—mapoka anochinja mafungire evanhu, varwi vorusununguko, magen’a ematsotsi, magandanga emarudzi akawanda, uye vamwe—vanoronda zvirongwa zvavo voga zvoudyire uye vanoratidzika kuti vanokanganisa kubvira kupi nokupi kworugare munyika vachida zvavo. Kufanana nevagari vemba vanovhiringidza zvinhu, vanogona kuita kuti upenyu huipire vanhu vose zvavo.
Maererano nevatsinhiri vakawanda, zvisinei, mapoka amagandanga kana kuti vanhu vasina tsika haasi oga anodzivisa kubatana kwenyika. Chidziviso chikurusa rudzi rwacho pacharwo. Marudzi akasununguka, anodaro munyori wezvehondo S. B. Payne, Jr., aka“nyongana munyika yose.” Vanoita zvose zvavanoda sorudzi, vasingambofungi nezvevamwe. Somugumisiro, munhau yose “munhu ane simba pamusoro pomumwe, a[no]muitira zvakaipa.”—Muparidzi 8:9.
Chokwadi, dzimwe hurumende dzamarudzi ose dzakabudirira zvishoma mukurwisa kusaruramisira uye dzvinyiriro dzomunharaunda dzavanogara uye, zvishomanene mumarudzi ose. Vakatanga kubatana kwamarudzi ose kwakati panguva nenguva. Asi kunyange apo vamwe vakabatana kuti vapesane norudzi runodenha, kunyumwirana kunowanzovapo zvokuti vakaita nemhaka yefariro yomunhu oga panzvimbo pekuzvipira kwechokwadi kusina udyire. Chokwadi ndechokuti hurumende dzavanhu hadzina mhinduro dzose dzakawanda, dzinogara dzokusabatana kwenyika. Gwynne Dyer anoti: “Murangariro wokuti marudzi ose enyika achabatana kuti adzivirire kana kuti kuranga kudenha kunoitwa neimwe nyika yakasununguka wakanaka hawo, asi ndiani anorondedzera mudenhi, uye ndiani anobhadhara ndyiko yacho nemari uye upenyu hungadikanwa kuiita kuti irege?”
Chokwadika, kudenha kunoitwa norumwe rudzi kurumwe kunobvira bedzi apo ruzhinji rwavanhu vanogara imomo rwunenge rwusingapesani nokudenha ikoko. Nhau inoratidza yaratidzazve kuti hamusi mu“nyika yakasununguka” bedzi umo vanhu vanogara imomo vakatsigira vatungamiriri vavo, vangava vakarurama kana kuti vasina. Kutaura idi, ruzhinji rwevanhu vanogara pasi rwakaita izvi. Vakatevera nenzira yokusaziva “nhema, kuvimbiswa rugare, mashoko anoparadzirwa,” sokutaurwa kwazvakaitwa nemagazini yeTime, kubva kuvatungamiriri vezvamatongerwe enyika nevorudzidziso vakawanda.
Urudzi hwakanyandura kutambura kwavanhu vangadai vane mufungo uye vane tsitsi uye kwakavaparira kuita mhaka dzakaipa mukurwisana nevarume, vakadzi, uye vana vorumwe rudzi. Achinongedzera kuHondo Yenyika I, somuenzaniso, wezvenhau J. M. Roberts anotsinhira kuti: “Chimwe chezvishamiso zva1914 ndechekuti munyika yose vanhu vakawanda zvikuru, vamapato ose, zvitendero uye mutsara worudzi, nenzira inoshamisa, vanoratidzika kuva vakaenda kuhondo vachidisa uye vachifara.” Vanhu vakadzidza chidzidzo chavo kubva ipapo here? Aiwa! Chikara che“urudzi husingaoneki,” sokudanwa kwahwakaitwa nomutori wenhau Rod Usher, chinopfuurira kukanganisa mukana wose wokubatana kwenyika.
Masimba Okunze Anoshanda
Zvisinei, kune chidziviso chikuru chokubatana kwenyika. Bhaibheri rinozivisa kuti masimba okunze ari kushanda. Iwaya anoziviswa saSatani Dhiyabhorosi navatsigiri vake, kana kuti madhimoni. Maererano neBhaibheri, Satani ndi“mwari wetsika ino yezvinhu [uyo] akapofumadza ndangariro dzavasingatendi,” kuitira kuti “mashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu” asareve chinhu kwavari.—2 VaKorinte 4:4, NW; Zvakazarurwa 12:9.
Chokwadika, izvi hazvisununguri vanhu pamutoro wezviito zvavo pachavo. Asi zvinotsanangura chikonzero nei hurumende dzavanhu dzisingatongogoni kutanga nyika itsva yakabatana zvechokwadi. Chero bedzi Satani Dhiyabhorosi achipfuurira kuvapo, achapesvedzera varume navakadzi kuti vasakurire anodanwa neBhaibheri kunzi “mabasa enyama,” anobatanidza ‘ruvengo, godo, gakava, uye kukamukana.’—VaGaratia 5:19-21.
Hurumende Yenyika
Mhinduro ndeipi, ipapoka? Anenge mazana manomwe amakore akapfuura, mudetembi nomuzivi anosanozivikanwa Dante akataura mhinduro yacho. Akataura kuti hurumende yenyika bedzi ndiyo yaigona kuvimbisa rugare nekubatana kwavanhu. Kuvanhu vakawanda tariro yorudzi rwupi norwupi rwehurumende yenyika kungofungidzirawo zvako, kwete chimwe chinhu chatinofanira kuva nechivimbo chaicho machiri. “Hurumende yenyika,” anogumisa kudaro munyori ambodudzwa pakuvamba Payne, “haibviri padanho rino renhau.” Nei? Nemhaka yokuti hurumende ipi neipi inobudirira yenyika ingafanira kuvimbisa zvinhu zviviri zvinoratidzika kuva zvisingagoneki namano omunhu, zvokuti “hurumende yenyika ichagumisa hondo uye kuti hondo ichava isiri simba rinodzvinyirira renyika yose.”
Ndezvechokwadi kuti hapana hurumende yavanhu ichambofa yakasvika ipapo. Umambo hwaMwari huchitungamirirwa naJesu Kristu, zvisinei, hunogona uye huchabvisa hondo. (Pisarema 46:9, 10; Mateo 6:10) Zvirokwazvo, huchabvisa vanhu vose vanokurudzira hondo. Muporofita Dhanieri anoratidza kuti pakuguma kwenguva yaMwari yakagadzwa nokuda kwokutonga kwomunhu pasi pano, kutonga kwavanhu kwaiva “[kwa]kaganhurwa” kufanana ne“dare rakavhenganiswa nevhu rokuumba naro.” (Dhanieri 2:41-43) Izvi zvingaguma nokuputswa kwezvematongerwe enyika uye kurwisana kusingadzivisiki. Bva, Dhanieri anotaura kuti Umambo hwaMwari “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwourudzi uye husina kubatana],” kana kuti hurumende, huchidzitsiva neUmambo hwake hwakanguri hwamirirwa hunotongwa naJesu Kristu.—Dhanieri 2:44.
Pangasava nechikonzero chokugadzirira vanhu mamiriro ezvinhu akanaka kana pasi rikapfuurira kugarwa nevanhu vakaipa vanopfuurira kukanganisira vamwe upenyu. Zvisinei, “vanoita zvakaipa vachagurwa.” (Pisarema 37:1, 2, 9, 38; Zvirevo 2:22) Nokudaro, Kristu achabvisa vose vanodisa kuramba mipimo yaMwari kana kuti vanotsigira zviremera zvenyika zvakaipa. Achaparadza vose vanoparadza pasi rino. Mwari anovimbisa ku“paradz[a] avo vanoparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:18.
Urwu harusati ruchizova rudzi rwakati rwenhamo yenyika yose. Jesu Kristu achaita “[nenzira y]ezvokwadi nounyoro nokururama” paachaparadzanisa vakanaka nevakaipa. (Pisarema 45:3, 4; Mateo 25:31-33) Ichi chiito hachisi chakaipa nechinoparadza, kushandiswa zvisina kufanira kwesimba. Aiwa! Hazvina kuita sokuti chimwe chivako chakaisvonaka chakare chichaparadzwa nemumwe munhu ane makaro anoda kuvaka. Zvichava sokuparadzwa kwechivako chasakara kuti chizarurire nzira mamiriro ezvinhu anofadza, akachena.
Asi zvakadini nemasimba okunze ayo akaparira kusabatana kwakadaro munguva yakapfuura? Achava akasununguka kumanikidza aya maitiro matsva kuitira kuti vagari vayo vagovamba muitiro unoparadzazve, vachirwa nevavanogara navo uye vachiita kuti upenyu huipire vanhu vose here? Zvechokwadi kwete. Uku kubviswa nokugadziridzwa ndekwokupedzisira uye kwakakwana. “Nhamo haingamukizve rwechipiri.”—Nahumi 1:9.
Bhaibheri rinofananidza kuparadzwa zvachose kwaSatani nekupiswa kwemarara. Rinotaura kuti “Dhiyabhorosi, wakavanyengera, [vagari vapasi], akakandwa mudziva romoto nesurferi.” (Zvakazarurwa 20:10) Chiratidzo chine simba zvakadini! Fungidzira, kuparadzwa kunofananidzwa kwete nechinhu chiduku chinopisa hacho asi nedziva rose romoto, unopisa ndokubvisa panooneka zvinhu zvose zvakaipa uye zvakasviba. Hapana munhu, angava munhu kana kuti dhimoni, achabvumirwa kupfuurira kuita zvinhu zvinotyisidzira mararamiro omunyika, ayo anoputsa mipimo yaMwari yechakanaka nechakaipa, kana kuti anoparira marwadzo kuvanhu biyavo. Vose vanoparadza kubatana vachava vasisipo!—Pisarema 21:9-11; Zefania 1:18; 3:8.
Vanhu Vakabatana Vanobva Kumarudzi Ose
Vachapukunyuka uku kucheneswa kukuru vachabatanidza “vazhinji-zhinji . . . vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Misiyano yerudzi neyedzinza haisati ichizovaparadzanisa. Vachava vadzidza kurarama pamwe chete mutsinhirano ine rugare. (Isaya 2:2-4) Zvakatonakisa zvikuru, ava vachava vabatanidzwa navagari vapasi vomunguva yakapfuura avo vachadzorerwa kuti vagare pasi rinenge racheneswa kupfurikidza negadziriro yakaisvonaka yorumuko.—Johane 5:28, 29.
Ungada kurarama munyika yakadaro here? Avo bedzi vanonamatira kuzvinodikanwa zvaMwari vachaita kudaro, uye zvinodikanwa zvake zvakarongwa muBhaibheri. (Johane 17:3; Mabasa 2:38-42) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera kudzidza zvinodikanwa zvaMwari kuitira kuti ugogona kuva netariro yokufarikanya upenyu nokusingaperi munyika yakabatana zvechokwadi.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Hurumende inotungamirirwa naJesu Kristu ichavimbisa nyika yakabatana