“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
1-4. (a) Ko iwe ungafarikanya kugoverana mumativii omufananidzo webutiro redu? (b) Ikariroi ine mbiri inopiwa pano kwauri? (c) Magwaroi eBhaibheri anopa tsigiro kutariro yakadaro?
ONA vanhu vanofara vari pabutiro rebhurocha rino. Ungada kuva mumwe wavo here? ‘Chokwadika, hungu,’ ungataura kudaro. Nokuti heruno rugare nokutsinhirana kunoshuviwa navanhu vose. Vanhu vamadzinza ose—vatema, vachena, vashore—vanovhengana semhuri imwe. Haiwa, mufaro wakadini! Haiwa kubatana kwakadini! Sezvinooneka ava vanhu havasati vari kuzvidya mwoyo pamsoro pechepfu yokuputika kwamabhomba enyukireya kana kuti kutyisidzira kwokuvhundutsira. Ndege dzehondo dzejeti hadzisati dzichinyaudza matenga ano rugare ari pamusoro pouyu munhanga wakaisvonaka. Hamuna varwi, hamuna matangi ehondo, hamuna pfuti. Kunyange tsvimbo yamapurisa haidikanirwi kuchengeta runyararo. Hondo noutsotsi hazvisati zvichitongovamo. Uye hamuna kuperevedza kwedzimba, nokuti munhu ari wose ano musha wakaisvonaka waanoti ndowake amene.
2 Chimbotarira hako vana avo! Kutamba kwavo mufaro wokuona. Haiwa, imhuka dzakadini dzokutamba nadzo! Hamuna mizariro yesimbi inodikanwa muno uyu munhanga, nokuti mhuka dzose dzinorugare navanhu uye neimwe neimwe. Kunyange shumba negwaiana zvava zvinoshamwaridzana. Ona idzo shiri dzinoruvara rwunopenya sezvadzinodanhira panzvimbo iri yose, uye inzwa nziyo dzadzo dzinoisvonakidza dzinokumbanirana nokuseka kwavana mukuzadza mhepo. Hamuna makeji here? Kwete, nokuti zvose zvine rusununguko nomufaro usingaganhurirwi muno uhu umambo. Chimbonhuhwidza munhuhwi wamaruva ayo, inzwa kupopoma kwehova, inzwa kudziya kunonyevenutsa kwezuva. Haiwa, ndoda kunaka kwomuchero uri mutswanda iyo, nokuti ndiwo wakanakisisa unogona kuberekwa napasi, wakanakisisa zvikuru, sechinhu chiri chose chinoonwa ndokufarikanywa muiri bindu rine mbiri rakafanana nomunhanga.
3 ‘Asi mira,’ mumwe munhu anodaro, ‘vanhu vakura varipiko? Ko ivo, havafaniriwo here, kugoverana mukufarikanya ichi chaunga chinofara?’ Zvomenemene, vanhu vakura varimo chaizvo, asi ivo vari kuvazve vaduku. Muno uyu munhanga hamuna munhu anofa nokuda kwokukwegura. Vaduku zvino vanokura kuva vanhu vakuru ndokusakwegura. Kunyange vakava namakore ane 20 kana kuti makore ane 200 okukura, mumwe nomumwe wamamirioni avanhu anorarama muno uyu munhanga anofara mumufaro wokurarama kwoupwere, muutano hwakakwana. Mamirioni, unodaro nhai? Hungu, mamirioni, nokuti uyu munhanga uri kufutunurirwa kunyika iri yose. Uchazara noupenyu, rugare, norutsvindo kusvikira kumigume gume imene yapasi redu, kubvira kuFuji kusvikira kuAndes, kubvira kuHong Kong kusvikira Mediterranean. Nokuti pasi rose riri kushandurwa kuva munhanga weparadhiso. Richava Paradhiso rinodzorerwa mupasi rose.
4 Wati, ‘hakudavirike’ here? Pakutanga, kunyange zvazvo zvakadaro, rangarira maidi ari muchibvumikiso. Kunokubvirira iwe nemhuri yako kupukunyuka kupfuura kwetsika yezvinhu ino yatambudzwa ndokupinda muParadhiso inomirirwa nebutiro redu.a
Bhuku Rinotsanangura Paradhiso
5. (a) Ibhukui rinotsanangura zvinhu izvozvi? (b) Ko irori ibhuku rakatanhamara munzirai?
5 Zvinhu zvose izvozvi zvine mbiri, nouchokwadi hwazvo, zvinotsanangurwa mubhuku, bhuku rinoisvoshamisa kwazvo rati rambonyorwa. Rinonzi Bhaibheri. Iro ibhuku rekare zvikuru, mativi aro achiva akanyorwa makore ane 3 500 akapfuura. Panguva imwe cheteyo, ibhuku rinoisvowirirana nomusi mukupa zano rakanaka, rinobetsera nokuda kwokurarama kwomuzuva razvino uno. Zviporofita zvaro zvinomutsa tariro yakajeka nokuda kwenguva yemberi. Ndiro rinoisvotengwa munhau yose, makopi anopfuura 2 000 000 000 eBhaibheri rose kana kuti mativi makuru aro achive akagoverwa mumitauro ine 1 810.
6. Chii chinotsauranisa Bhaibheri namamwe manyoro anorangarirwa kuva matsvene?
6 Hakuna rimwe bhuku dzvene rati rava nokugoverwa kwapose pose kwakadaro, uye mamwe mazhinjisa haasati achinge seekare. Koran yechiIslam iri pasi pamakore ane 1 400 okuvapo. Buddha neConfucius avapo kwaanenge makore 2 500 akapfuura, uye manyoro awo anoronga musi kuvambira panguva iyoyo. Magwaro aShinto akaumbwa muchinyoro chawo chazvino uno pamakore asati achipfuura 1 200 akapfuura. Bhuku raMormon rinongova bedzi namakore 160 okuvapo. Hakuna nerimwe raaya mabhuku matsvene rinogona kuronda nomutoo wakarurama nhau yomunhu kudzokera shure nomumakore 6 000, sezvinoita Bhaibheri. Kuti tigonzwisisa rudzidziso rwapakuvamba, naizvozvo tinofanira kuenda kuBhaibheri. Ndiro bhuku bedzi rine shoko rapose pose ravanhu vose.
7. Ko vanhu vanofunga vakatii nezveBhaibheri?
7 Uchenjeri norunako zveshoko reBhaibheri zvakarumbidzwa navanhu vanofunga vari mumarudzi ose nemifambiro yose youpenyu. Wezvesayenzi akakurumbira nomuwani womutemo wesimba rinokwevera zvinhu pasi, Changamire Isaac Newton, akati: “Hakuna sayenzi dzinopupurirwa zviri nani zvikuru kupinda Bhaibheri.” Patrick Henry, mutungamiriri wokumukira weAmerica akakurumbira nokuda kwamashoko okuti “Ndipei rusununguko, kana kuti ndipei rufu,” akazivisawo, kuti: “Bhaibheri rinokosha kupfuura mamwe mabhuku ose ati atsikirirwa.” Kunyange muzivi mukuru wechiHindu Mohandas K. Gandhi akamboudza mumiriri wehurumende yeBritain muIndia, kuti: “Apo nyika yako neyangu dzichawirirana pamsoro pedzidziso dzakavanzarikwa naKristu muiyi Mharidzo yapaGomo, tichave tagadzikisa zvinetso, kwete bedzi zvenyika dzedu asi izvo zvenyika yose.” Gandhi akanga achitaura nezvaMateo ganhuro 5 kusvikira ku 7 dziri muBhaibheri. Zviravire umene aya maganhuro ndokuona kana usati uchifadzwa neshoko rawo rine simba.
Bhaibheri—Ibhuku Rokumabvazuva
8, 9. (a) Neiko kuri kusina kururama kuidza Bhaibheri kuti ibhuku raVarungu? (b) Bhaibheri rakanyorwa sei, uye kwenhambo yakadini yenguva? (c) Neiko Bhaibheri ringanzi mupakwa? (d) Varume vangani vakashandiswa kunyora Bhaibheri? (e) Vamwe vavarume ava vakapa chipupuriroi pamsoro paManyuko eBhaibheri?
8 Mukusiana nechitendero chakakurumbira, Bhaibheri harisati riri chibereko chepepuko yavaRungu, uye harisati richikudza pepuko iyoyo. Rinenge Bhaibheri rose rakanyorwa munyika dzokuMabvazuva. Varume vakarinyora vaiva vokuMabvazuva vose. Makore ane chiuru chimwe pamberi paBuddha, muna 1513 P.N.V., Mosesi, uyo aigara muMiddle East, akafuridzirwa naMwari kunyora bhuku rokutanga reBhaibheri, rinonzi Genesi. Kubvira paaya mavambo, Bhaibheri rinotevera musoro mumwe unotsinhirana kusvikira chaizvo kubhuku raro rokupedzisira raZvakazarurwa. Bhaibheri rakapedzwa muna 98 N.V., anenge makore 600 pashure paBuddha. Waiziva here kuti Bhaibheri rinoumbwa namabhuku akasiana-siana ane 66? Hungu, Bhaibheri mupakwa mariri rimene!
9 Nokudaro, kweinopfuura nhambo yamakore ane 1 600 kubvira munguva yaMosesi zvichienda mberi, varume vane 40 vakagoverana mukunyora chinyorwa chinotsinhirana cheBhaibheri. Ivo vanopupurira kuti manyoro avo akafuridzirwa nesimba rinopfuura zvikuru kwazvo munhu anofa. Muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera mukudzidzisa, mukutsiura, mukururamisa zvinhu, mukuranga kuri mukururama.”b (2 Timotio 3:16) Uye muapostora Petro akatsanangura, kuti: “Hakuna chiporofita choRugwaro chinobva mududziro ipi neipi iri yoga. Nokuti chiporofita hachina kutongobudiswa nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura chichibva kuna Mwari sezvo ivo vakanga vachitsigirwa nomudzimu mutsvene.”—2 Petro 1:20, 21; 2 Samueri 23:2; Ruka 1:70.
10. (a) Bhaibheri rakasvika sei kuzuva redu? (b) Neiko tingagona kuva vane chokwadi chokuti tichine magwaro apakuvamba akafuridzirwa eBhaibheri?
10 Inoisvokoshawo zvikuru, ndiyo nzira yakasvika nayo Bhaibheri kuzuva rino. Kwezviuru zvamakore, kutozosvikira pakuvambwa kwokutsikirira anenge makore ane 500 akapfuura, makopi eBhaibheri aitofanira kunyorwa namaoko. Hakuna rimwe bhuku romunguva dzekare rakanyorwa ranyorwazve nomutoo wokushingaira zvikuru. Rakanyorwa kazhinji kazhinji, asi nguva dzose nengwariro huru. Vanyori vakangoita bedzi zvikanganiso zvishomenene zvikuru, uye kuenzanisirwa kwaizvozvi kwakasimbisa rugwaro rwapakuvamba rwakafuridzirwa naMwari. Chimwe chiremera chakatanhamara pamsoro pamanyoro eBhaibheri, Sir Frederic Kenyon, akati: “Nheyo yokupedzisira yokupanikira kupi nokupi kuti Magwaro akasvika kwatiri sokunyorwa kwaakaitwa chaizvoizvo zvino yakabviswa.” Nhasi, kuchindoveri naanenge makopi akanyorwa namaoko ane 16 000 aripo eBhaibheri kana kuti mativi aro, mamwe achivapo kubvira muzana rechipiri ramakore pamberi paKristu. Zvakare, shanduro dzakarurama dzakaitwa muinenge mitauro yose yapasi kubva mumutauro wechiHebheru, chiAramaiki, nechiGiriki umo Bhaibheri rakanyorwa mairi pakuvamba-vamba.
11. Kuwanai kwazvino uno kunobvumirana nechinyorwa cheBhaibheri?
11 Vamwe vakaedza kuzvidza Bhaibheri kupfurikidza nokutaura kuti iro harina kururama. Zvisinei, mumakore achangobva kupfuura aya vezvoruzivo rwokucherwa kwamatongo vakachera mumatongo amaguta ekare omunyika dzeBhaibheri uye vakawana minembo nohumwe hufakazi hunobvumikisa chaizvoizvo kuti vanhu nenzvimbo zvinodudzwa kunyange muzvinyorwa zvekaresa zveBhaibheri zvaivako chaizvoizvo. Vakafukunyura ufakazi huzhinji hunoratidzira boporodzi redenderedzwa rose rapasi, iro Bhaibheri rinoti rakaitika anopfuura makore ane 4 000 akapfuura, muzuva raNoa. Papfundo rino, Muchinda Mikasa, wezvokuchera matongo akaisvokurumbira, akati: “Kwaiva naMafashamo zvomenemene here? . . . Idi rokuti mafashamo akaitika zvomenemene rakabvumikiswa nomutoo unopwisa.”c
Mwari weBhaibheri
12. (a) Ko vamwe vaseki vanotii pamsoro paMwari? (b) Neiko Bhaibheri richireva nezvaMwari saBaba? (c) Ko Bhaibheri rinoratidzira zita raMwari kuvei?
12 Vamwe zvavanoseka Bhaibheri, vamwe vanoseka kuvapo kwaMwari Wamasimba ose. (2 Petro 3:3-7) Vanoti, ‘Ko ndingadavira sei Mwari, sezvandisingagoni kumuona? Pane chibvumikiso here chokuti Musiki asingaoneki, akakwirira zvikuru kupinda munhu, ariko zvomenemene? Mwari haasati achigara muchinhu chiri chose here?’ Vamwe vanoti, ‘Hakuna Mwari kana kuti Buddha.’ Zvisinei, Bhaibheri rinoratidzira kuti sezvo isu tose takawana upenyu kupfurikidza nababa vapasi, naizvozvo vakare vedu vapakuvamba vakawana upenyu kuna Baba vokudenga, kana kuti Musiki, uyo ane zita chairo rinonzi Jehovha.—Pisarema 83:18; 100:3; Isaya 12:2; 26:4.
13. Ko Jehovha akazvizivisa amene kuvanhu munzirai mbiri?
13 Jehovha akazvizivisa amene kuvanhu munzira mbiri dzakatanhamara. Nzira huru ndeyokupfurikidza neBhaibheri, iro rinozivisa zvokwadi yake namadonzo ake asingagumi. (Johane 17:17; 1 Petro 1:24, 25) Imwe nzira ndeyokupfurikidza nechisiko chake. Kupfurikidza nokucherekedza zvinhu zvinoshamisa zvakavapota, vanhu vazhinji vakasvika pakunzwisisa kuti kunofanira kuva naMwari Musiki ane hunhu hwake hukurusa hunoratidzirwa mumabasa ake.—Zvakazarurwa 15:3, 4.
14. Ko Bhaibheri rinotizivisei pamsoro paJehovha?
14 Jehovha Mwari ndiye Muvambi weBhaibheri. Iye ndiye Mudzimu Mukuru, anovako mukusingagumi kwose. (Johane 4:24; Pisarema 90:1, 2) Zita rake rokuti “Jehovha” rinozivisa donzo rake kuzvisikwa zvake. Idonzo rake kureverera zita iroro guru kupfurikidza nokuparadza vakaipa nokudzikinura avo vanomuda kuti vagone kurarama paparadhiso yapasi. (Eksodho 6:2-8; Isaya 35:1, 2) Zvaari Mwari Wamasimba ose, iye ane simba rokuita ikoku. SoMusiki wechisiko chapose pose, iye anopfuura zvikuru kwazvo vamwari venhando vamarudzi nezvidhori.—Isaya 42:5, 8; Pisarema 115:1, 4-8.
15. Kufundwa kwechisiko kwakaitwa navanhu vakangwara kwakaparira kutaurai?
15 Mukati mamazana amakore achangobva kupfuura aya, vanhu vesayenzi vakapa nguva yakawanda yokufunda mabasa echisiko. Ko ivo vakataurei? Mumwe wavawani munezvamagetsi, wezvesayenzi yomusikirwo wechiBritish akaisvokurumbira Lord Kelvin, akazivisa, kuti: “Ini ndinodavira kuti kana sayenzi ikafundwa zvikuru kwazvo inotiendesa kure zvikuru nechinhu chipi nechipi chinoenzanisirwa nokusadavira kuvako kwaMwari.” Wezvesayenzi akaberekerwa muEurope Albert Einstein, kunyange zvazvo airangarirwa kuva wezvokusatenda kuvako kwaMwari, akabvuma, kuti: “Kwakandiringanira . . . kuti ndirangarire pamsoro pechimiro chinoshamisa chechisiko chapose pose, icho chatinogona kucherekedza mumadzerere, uye kuedza kunzwisisa nomutoo wokuzvininipisa kunyange rutivi rudukusa rwoungwaru rwunooneka muzvinhu zvomusikirwo.” Wezvesayenzi weAmerica nomukundi womubairo weNobel Arthur Holly Compton akati: “Chisiko chapose pose chine nhevedzano chinowadzanyurika chinopupurira zvokwadi yokutaura kukurusa kwati kwataurwa—‘Mukuvamba Mwari.’” Iye akanga achinokora mashoko okuvamba eBhaibheri.
16. Chisiko chapose pose chinokudziridza sei uchenjeri nesimba rokusika kwaMwari?
16 Vabati ushe vamarudzi ane simba vangaganza havo pamsoro poungwaru hwavo nezvinoitika zvesayenzi mukukurira chadenga chokunze zvikuru. Asika zvitundumuseremusere zvavo zvomuchadenga zvidukusa sei pazvinoenzanisirwa nomwedzi unopoterera pasi, nenyika dzomuchadenga dzinopoterera zuva! Haiwa, zvidukusa sei zviitwa zvaava vanhu vanofa mukuenzanisirwa nokusika kwaJehovha mabhirioni amakwara enzou omudenga, rimwe nerimwe richiva namabhirioni amazuva akafanana neredu rimene, nokuaronga kwake mumapoka nokuagadza muchadenga kwenguva isingapimiki! (Pisarema 19:1, 2; Jobho 26:7, 14) Hakusati kuchishamisa kuti Jehovha anorangarira vanhu semhashuwo zvadzo, namarudzi ane simba “sapasina chinhu.”—Isaya 40:13-18, 22.
17. Neiko kuri kunomufungo kudavira Musiki?
17 Unogara mumba here? Zvimwe iwe hausati uriwe pachako akavaka imbayo, kana kuti hauzivi akaivaka. Zvisinei, idi rokuti iwe hauzivi muvaki harisati raizokudzivisa pakugamuchira zvokwadi yokuti mumwe munhu akangwara akaivaka. Kurangarira kuti imbayo yakazvivaka imene kwaizoratidzika kuva ufuza humene! Sezvo chisiko chapose pose chikuru, nechinhu chiri chose chiri machiri, chakada ungwaru hukuru zvikuru kwazvo nokuda kwokuvakwa kwacho, hakusati kuri kunomufungo here kutaura kuti panofanira kuva noMusiki Akangwara? Zvamazvirokwazvo, benzi ringati mumwoyo maro, “hakuna Jehovha.”—Pisarema 14:1; VaHebheru 3:4.
18. Chii chinoratidzira kuti Mwari munhu, uye akafanirwa nokurumbidzwa?
18 Zvishamiso zvine mbiri zvakatipoteredza—maruva, shiri, mhuka, chisiko chinoshamisa chinonzi munhu, zvishamiso zvoupenyu nezvokubereka—izvozvi zvinopupurira Nyakungwara Mukuru asingaoneki akazviita. (VaRoma 1:20) Apo pano ungwaru, pane ndangariro. Apo pane ndangariro, pano munhu. Ungwaru hukurusa ndihwo hwoMunhu Mukuru, Musiki wezvinhu zvipenyu zvose, Manyuko amene oupenyu. (Pisarema 36:9) Musiki anofanirwa zvamazvirokwazvo nokurumbidzwa kwose nokukudzwa.—Pisarema 104:24; Zvakazarurwa 4:11.
19. (a) Neiko pasina rudzi rungagona nhasi kukambira rukundo runopiwa naMwari muhondo? (b) Neiko Mwari asina rutivi muhondo dzamarudzi?
19 Kuna vamwe vanokutenda kwavo Mwari kwakazununguswa nezvinoitika zvikukutu zveHondo yeNyika II. Panguva iyoyo nyika imwe neimwe yaidana pana “Mwari” wayo, kunyange worudzidziso rwechiKaturike kana kuti rweProtestant kana kuti wamarudzidziso okuMabvazuva. Kwaigona here kutaurwa kuti “Mwari” akapa rukundo kuna mamwe aaya marudzi ndokubvumira mamwe kuva anokurirwa? Bhaibheri rinoratidzira kuti hakuna naapi aaya marudzi akanga achidana pana Mwari wechokwadi. Jehovha Mwari, Musiki wedenga napasi, haasati achiparira nyongano nehondo pakati pamarudzi. (1 VaKorinte 14:33) Mifungo yake yakakwirira zvikuru kupinda iyo yamarudzi ezvamatongerwe enyika neezvokurwa apasi rino. (Isaya 55:8, 9) Naizvozvowo, rudzidziso rwechokwadi nokunamatwa kwaJehovha hazvina rutivi muhondo dzamarudzi. Jehovha akakwirira zvikuru kupinda vamwari vezvamarudzi. Iye haaenzanisirwi mukuva Mwari wavarume navakadzi vanoda rugare mumarudzi ose. Sokureva kunoita Bhaibheri: “Mwari haasati achitsaura, asi murudzi rwuri rwose munhu anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.” (Mabasa 10:34, 35) Vanhu vane ndangariro yakarurama mumarudzi ose zvino vari kudzidza Bhaibheri uye vari kuwana kunamatwa kwa“Mwari anopa rugare” Musiki wavanhu vose.—VaRoma 16:20; Mabasa 17:24-27.
20. Chii chinoratidzira chiKristudhomu kuva chisiri chechiKristu nechinoramba Mwari?
20 Vamwe vanhu vanonongedzera mitsaukano nounyengeri zviri mumarudzidziso echiKristudhomu, icho chinokambira kutevera Bhaibheri. Vanotiwo, ‘Ndingagona seiko kudavira Mwari weBhaibheri, kana marudzi ane Bhaibheri ari pakati paawo anoshingairira kuunganidza zvombo zvenyukireya?’ Idi nderokuti, kunyange Bhaibheri richigaroramba riri rechokwadi, marudzi echiKristudhomu akava akabvisirwa kure zvikuru nechiKristu cheBhaibheri sokusudurukana kwakaita Mugumo wokuChamhembe noMugumo wokuMaodzanyemba. Iwo vanyengeri mukukambira chiKristu. Ane Bhaibheri, asi haateereri dzidziso dzaro. Purezidhendi weAmerica uyo akaraira bhomba reatomu rokutanga rakadonhedzerwa paHiroshima akambokuwa, achiti: “Haiwa, dai taiva naIsaya kana kuti St. Paul!”—vokutungamirira vanhu munyika ino yenjodzi. Kudai iye akanga abvumirana naIsaya weBhaibheri, aizodai asina kutongodonhedzera bhomba reatomu, nokuti Isaya akareverera ‘kupfuura minondo kuti ive miromo yamapadza namapfumo kuti ave zvisanzauriso.’ Zvakare, akanga ari Pauro weBhaibheri uyo akazivisa, kuti: “Isu hatisati tichirwa hondo mukuwirirana nezvatiri munyama. Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisati zviri zvenyama.” (Isaya 2:4; 2 VaKorinte 10:3, 4) Zvisinei, panzvimbo pokutevera zano rokuchenjera reBhaibheri, marudzi echiKristudhomu akava anobatanidzwa munhangemutange yeshongedzero yezvombo zvinoparadza. Kukambira kupi nokupi kwaanoita kuva maKristu anoteerera Bhaibheri ndokwenhema. Iwo anofanira kunangana norutongeso rwaMwari nokuda kwokukundikana kuita kuda kwake.—Mateo 7:18-23; Zefania 1:17, 18.
Zvisiko Nezvishamiso zvaJehovha
21. Neiko kuri kunomufungo kusapanikira manenji aMwari?
21 Jehovha anosika, uye iye anoita zvishamiso. Wati wamboshamisika here pamsoro pokushanduka kwemvura kuva ropa, kukamukana kweGungwa Dzvuku, kubereka kwemhandara Jesu, nezvimwe zvishamiso zvakanyorwa muBhaibheri? Munhu zvaari wesimba rakaganhurirwa roungwaru, zvimwe iye haasati achizotongonzwisisa maitikire akaita zvimwe zvezvishamiso izvi, kungofanana sezvo iye asingagoni kunzwisisa zvizere chishamiso chezuva riri kubuda nokuvira zuva rimwe nerimwe. Chisiko chomunhu chakanga chiri chishamiso. Munhu wazvino uno haana kuona chishamiso ichocho, asika anoziva kuti chakaitika, nokuti iye mupenyu nhasi kuchibvumikisa. Zvamazvirokwazvo, upenyu hwose nechisiko chapose pose chose zvinoumba chishamiso chimwe chinopfuurira. Naizvozvo tinofanira kupanikira here apo Shoko raMwari, Bhaibheri, rinoreva kuti iye akaita zvishamiso zvakananga nokuda kwenguva dzakananga, kunyange zvazvo pasina kudikanwa kwezvishamiso zvimwe chetezvo nhasi.
22. Tsanangura chisiko chokutanga chaMwari.
22 Chisiko chose chaJehovha ndechenenji uye chinoshamisa! Zvisinei, chisiko chake chimene chokutanga chakanga chichiisvoshamisa kupinda zvose. Chakanga chiri kusikwa kwoMwanakomana womudzimu, “dangwe” rake. (VaKorose 1:15) Uyu Mwanakomana wokudenga akanzi “Shoko.” Mazera asingaverengeki pashure pokusikwa kwake, iye akauya kupasi rino uye akanzi “munhu, Kristu Jesu.” (1 Timotio 2:5) Ipapo kwakanzi nezvake: “Naizvozvo Shoko rakava nyama ndokugara pakati pedu, uye isu takaona mbiri yake, mbiri yakadai seiri yomwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi kuna baba; uye iye akanga azere netsitsi dzakakomba nezvokwadi.”—Johane 1:14.
23. (a) Ukama huri pakati paMwari noMwanakomana wake hungatsanangurwa sei? (b) Kupfurikidza noMwanakomana wake, Jehovha akasikei?
23 Ukama hwaJehovha noMwanakomana wake hungaenzanisirwa nohwohwo hwomutarisiri ari muzvina basa uye mwanakomana wake ari mumba yokuitira basa, umo mwanakomana anobetsera kuita zvinhu zvinorongedzerwa nababa vake. Kupfurikidza noMwanakomana wake wedangwe nomushandi biyake, Jehovha akasika zvimwe zvisikwa zvizhinji zvomudzimu, vanakomana vaMwari. Gare gare, ivava vakafara kuona Mwanakomana waJehovha, Mhizha yake, achibudisa matenga anooneka napasi ratinogara pariri. Unopanikira here kuti zvinhu izvi zvakasikwa? Zviuru zvamakore gare gare, Jehovha akabvunza mumwe munhu akatendeka, kuti: “Wakanga uripiko apo ini ndakateya pasi? Ndiudze, kana uchiziva kunzwisisa. Apo nyeredzi dzamambakwedza dzakadanidzira nomufaro pamawa, uye vanakomana vose vaMwari vakavamba kudanidzira mukurumbidza?”—Jobho 38:4, 7; Johane 1:3.
24. (a) Chisikoi chapasi chaJehovha chakatanhamara, uye mumativii? (b) Neiko kusati kuri kunomufungo kutaura kuti munhu akashanduka shanduka achikwira kubva mumhuka?
24 Mukufambira mberi kwenguva, Jehovha akasika zvinhu zvipenyu, zvokunyama papasi rino, zvirimwa, miti, maruva, hove, shiri, nemhuka. (Genesi 1:11-13, 20-25) Ipapo Mwari akati kuMhizha yake: “Ngatiite munhu mumufananidzo wedu, mukuwirirana norufanano rwedu . . . Zvino Mwari akapfuurira kusika munhu mumufananidzo wake, iye akamusika mumufananidzo waMwari; iye akavasika munhurume nomunhukadzi.” (Genesi 1:26, 27) Zvaakasikwa mumufananidzo nomurufanano naMwari, aina mavara makuru aMwari orudo, uchenjeri, ruramisiro, nesimba, munhu wapakuvamba akanga akakwirira zvikuru kupinda mhuka. Munhu ari muboka rakaparadzana nemhuka mukuti iye anokwanisa kurangarira, anogona kurongedzerera nguva yemberi, uye ana mano okunamata Mwari. Mhuka hadzina ungwaru hwokurangarira nahwo, asi dzinorarama kupfurikidza namano omuzvarirwo. Haiwa, hakuna mufungo sei kutaura kuti hakuna Musiki asi kuti munhu ari chisikwa chakashongedzerwa zvikuru kwazvo, chakangwara akashanduka-shanduka achikwira kubva kumhuka dzisino kungwara dzakaderera!—Pisarema 92:6, 7; 139:14.
25, 26. (a) Ikariroi yakaisvonaka yakaiswa pamberi pomunhu? (b) Neiko kusati kwaizova nechinetso chokunyanyozadza pasi?
25 Mwari akaisa munhu mu“bindu reEdheni, nechokumabvazuva.” Rakanga riri bindu romufaro, sebindu riri pabutiro redu, kunyange kusvikira panguvayo pakanga pachingova bedzi navanhu vaviri, Adhama nomudzimai wake. Iyi Paradhiso yapakuvamba haisati ichipozve, zvayakaparadzwa naMafashamo ezuva raNoa. Asi inenge nzvimbo yayo muMiddle East inozivikanwa, nokuti dzimwe nzizi dzinodudzwa muBhaibheri kuva dzinoyerera nomairi dziripo kusvikira kuzuva redu. (Genesi 2:7-14) Munhu akanga ane banza rakaisvonaka rokushandisa iri bindu senzvimbo yapakati yokupararirira kubva pairi ndokurima pasi rose, kuriita paradhiso yedenderedzwa rapasi.—Isaya 45:12, 18.
26 Mwari noMwanakomana wake vose vari vaviri zvavari vashandi, naizvozvowo Mwari akapa munhu basa rokuita pano pamusoro papasi. (Johane 5:17) Kuna Adhama naEvha, murume nomukadzi vokutanga, iye akati: “Berekai mugova vazhinji mugozadza pasi uye murikurire, mugova noudzori pahove dzegugwa nezvisikwa zvinobhururuka mumatenga nechisikwa chiri chose chinofamba pamsoro papasi.” (Genesi 1:28) Ko ikoku kwakareva kuti munhu aizowanziridza, aizozadza pasi, dzokonokei opfuurira kuwanziridza kutozosvikira pasi ranyanyozarisa here? Aiwa. Apo mumwe munhu anokuudza kuzadza kapu netii, hausati uchipfuurira kudururira kutozosvikira tii yapfachukira ndokuyerera patafura. Unozadza kapu dzokonekei worega. Nenzira imwe cheteyo, murairo waJehovha wakapiwa munhu wokuti, “Zadza pasi,” wakaratidzira donzo rake rokuzadza pasi nomutoo wakaisvonaka, uye ipapo kuberekwa kwavanhu pano pamusoro papasi kwaizoguma. Ikoku hakusati kwaizoparira chinetso muchaunga chakakwana chavanhu. Munongova bedzi munyika yanhasi yavanhu vasina kukwana umo kunyanyowanda kwechiverengero chavagari vapasi kunoparira chinetso.
Zvinhu Zvakashata—Neiko Mwari Achizvibvumidza?
27. Mibvunzoi zvino inoda mhinduro?
27 Kana donzo raMwari riri rokuumba paradhiso yapasi, kunodaro sei kuti pasi nhasi rakazadzwa zvikuru nouipi, kutambura, norusuruvaro? Kana Mwari ari Wamasimba ose, neiko iye akabvumidza migariro yakadai kwenguva refu zvikuru? Ko pane tariro yomugumo wenhamo dzedu dzose here? Ko Bhaibheri rinotii?
28. Rupandukiro rwakapinda sei mubindu reParadhiso?
28 Bhaibheri rinoratidzira kuti nhamo dzavanhu dzakavamba apo mumwe wavanakomana vomudzimu vaMwari akapandukira uchangamire hwaJehovha, kana kuti ubati ushe. (VaRoma 1:20; Pisarema 103:22, NW Ref. Bi., ftn.) Mukusapanikira iyi ngirozi yakanga iri pakati peidzo dzakanga dzafara pakuona chisikwa chomunhu. Asika ipapo ruchochoro norudado zvakasimba mumwoyo mayo, nokudaro yakanyengerwa noruchiva rwokuita kuti Adhama naEvha ainamate panzvimbo poMusiki wavo, Jehovha. Ichitaura kupfurikidza nenyoka, somunhu wamapipi anotaura kupfurikidza nechimumumu, iyi ngirozi yakanyengedza Evha kusateerera Mwari Wamasimba ose. Murume wake Adhama ipapo akamuteverawo mukusateerera kwake.—Genesi 2:15-17; 3:1-6; Jakobho 1:14, 15.
29. (a) Zvirevoi zvakamuka nokuda kwechisarudzo? (b) Mwari akanangana sei nechishorocho? (c) Ungagoverana sei mukugovera mhinduro kukushora kwaSatani?
29 Ngirozi iyoyo yakapanduka yakazova inozivikanwa se“nyoka yapakuvamba.” (Zvakazarurwa 12:9; 2 VaKorinte 11:3) Iyo inonziwo Satani, kureva “Mushori,” naDhiabhorosi, kureva “Mucheri.” Iyo yakapanikira kukodzera nokururama kwokubata ushe kwaJehovha pasi, uye iye akashora Mwari kuti zvino iye, Satani, aigona kutsausa vanhu vose pakunamata kwechokwadi. Mwari akabvumira Satani makore ane 6 000 okutamburira kubvumikisa chishoro chake, kuti chirevo pamsoro pouchangamire hwaJehovha chigogadzikiswa nokuda kwokusingagumi. Kuzvitonga kwoubati ushe hwomunhu asina Mwari kwakundikana nomutoo unosuruvarisa. Asika varume navakadzi vokutenda, avo pakati pavo Jesu ari muenzaniso wakatanhamara, vakachengeta kuperera kuna Mwari mukuedzwa kwakakomba zvikurusa, vachireverera Jehovha uye vachibvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema. (Ruka 4:1-13; Jobho 1:7-12; 2:1-6; 27:5) Iwewo, unogona kuva muchengeti wokuperera. (Zvirevo 27:11) Asika Satani haasati achingova muvengi bedzi anotionesa nhamo. Ndoupi mumwe muvengi aripo?
Muvengi—Rufu
30. Magwaro anotii pamsoro pechirango chinovapo somuuyo kumunhu nokuda kwokusateerera?
30 Mwari akanga ataura chirango chokusateerera—rufu. Mukupa tongero pamukadzi wokutanga, Jehovha akati: “Ini ndichawedzera zvikurukuru kurwadza kwemimba yako; iwe uchaberekera vana vako mukurwadza kwokuzvara, uye chishuvo chako chichava chomurume wako, uye iye achakudzora.” Kumurume Adhama iye akati: “Iwe uchadya zvokudya zvako muziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti iwe wakatorwa mariri. Nemhaka yokuti iwe uri guruva nokudaro uchadzokera kuguruva.” (Genesi 3:16-19) Vanyakuroorana vasingateereri vakadzingwa muParadhiso yomufaro ndokupinda mupasi risino kurimwa. Mukufambira mberi kwenguva ivo vakafa.—Genesi 5:5.
31. Chivi chii, uye chii chave chiri muuyo wacho kuvanhu?
31 Paingova bedzi pashure pokunge ivo vakundikana kusvitsa chiratidzo chokukwana apo Adhama naEvha vakavamba kubereka vana. Vanhu vose nhasi vazukuru vavo mukusakwana, uye nokuda kwechikonzero ichecho vose vanofa. Mumwe munyori weBhaibheri anokutsanangura muawa mashoko: “Chivi chakapinda munyika kupfurikidza nomunhu mumwe norufu kupfurikidza nechivi, naizvozvo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti ivo vose vakanga vaita chivi.” Chii chiri ichi “chivi”? Ndiko kusasvitsa chiratidzo chokukwana kana kuti kuperera. Jehovha Mwari haasati achitendera kana kuti kuchengeta chinhu chipi nechipi chiri chipenyu icho chisina kukwana. Vanhu vose zvavakagara nhaka chivi nokusakwana kumunhu wokutanga Adhama, rufu rwaka“bata ushe samambo” pavari. (VaRoma 5:12, 14) Munhu anoita chivi anofa, nenzira imwe cheteyo inofa nayo mhuka.—Muparidzi 3:19-21.
32. Bhaibheri rinorondedzera sei rufu rwatakagara nhaka?
32 Chii chiri urwu “rufu”? Rufu ndiyo mhesano youpenyu. Mwari akanga aisa pamberi pomunhu kariro youpenyu husingagumi pasi pano kudai iye akanga akateerera. Zvisinei, akasateerera, uye chirango chakanga chiri rufu, kusaziva, kusavapo. Mwari akanga asina kutaura chinhu pamsoro pokutamisira upenyu hwomunhu kunzvimbo yomudzimu kana kuti ku“hero” yomwoto kudai iye aisateerera ndokufa. Iye akanga anyevera munhu, kuti: “Iwe uchafa zvamazvirokwazvo.” Akanga ari Dhiabhorosi anouraya uyo akanga areva nhema mukutaura, kuti: “Imi hamusati muchizofa zvamazvirokwazvo.” (Genesi 2:17; 3:4; Johane 8:44) Icho vanhu vose vakagara nhaka kuna Adhama ndirwo rufu rwokudzokera kuguruva.—Muparidzi 9:5, 10; Pisarema 115:17; 146:4.
33. (a) Inguva yemberi yakaisvonaka zvakadini yakamirira vanhu nepasi rino? (b) Ko Jehovha anoita zvinhui zvitatu zvinokosha kupfurikidza noMwanakomana wake?
33 Ko zvino, hakuna nguva yemberi yomunhu anofa here? Kune nguva yemberi inoshamisa! Bhaibheri rinoratidzira kuti donzo raMwari reparadhiso yapasi yavanhu, kubatanidza avo zvino vakafa, harisati richizotongokundikana. Jehovha anoti: “Matenga ndiwo chigaro changu choUmambo, uye pasi ndiro chitsiko chetsoka dzangu.” “Ini ndichakudza nzvimbo imene yetsoka dzangu.” (Isaya 66:1; 60:13) Nokuda kworudo rwake rwakawanda, Jehovha akatuma Mwanakomana wake, Shoko, kupasi rino, kuti nyika yavanhu igowana upenyu kupfurikidza naye. (Johane 3:16; 1 Johane 4:9) Kune zvinhu zvitatu zvinokosha zvatinofanira zvino kukurukura izvo Jehovha anoita kupfurikidza noMwanakomana Wake, zvinoti, (1) kugovera kusunungurwa musimba rorufu; (2) kudzorera chaizvozvo vakafa kuupenyu; uye (3) kugadza hurumende yakakwana pavanhu vose.
Kusunungurwa Murufu
34, 35. (a) Munhu angagona sei bedzi kununurwa murufu? (b) Chii chiri rudzikinuro?
34 Kubvira munguva dzekare, vaporofita vaMwari vakaratidzira chivimbo chavo, musati muri mukusafa kwomunhu, asi mutariro yokuti Mwari aizova“dzikinura” parufu. (Hosea 13:14) Asika munhu aizogona sei kusunungurwa pazvisungo zvorufu? Ruramisiro yakakwana yaJehovha yaida ‘mweya nokuda kwomweya, ziso nokuda kweziso, zino nokuda kwezino.’ (Dheuteronomio 19:21) Nokuda kwechikonzero ichocho, Adhama zvaakaunzira rufu rwakagarwa nhaka kuvanhu vose kupfurikidza nokusateerera kwoune Mwari nokudaro ndokurasha kukwana kwoupenyu hwohunhu, mumwe munhu akakwana aitofanira kutsiva Adhama mukuripira upenyu hwake hwakakwana, kudzikinura icho Adhama akanga arasha.
35 Murau wakarurama wokuripira ‘chakafanana nokuda kwechakafanana’ wave uchigamuchirwa zvakafara munhau yose. Kutaura kunowanzoshandiswa kunonzi “kuripira rudzikinuro.” Chii rudzikinuro? Irwo “mutengo unoripirwa kudzikinura munhu kana kuti chinhu kuno uyo anochengeta munhu iyeye kana kuti chinhu muutapwa. Nokuda kwechikonzero ichecho vasungwa vehondo kana kuti varanda vanonzi vanova vanodzikinurwa apo ivo vanosunungurwa mukutsinhana nokuda kwokurangarira kunokosha. . . . Chipi kana chipi chinotsiva kana kuti chinotsinhanwa mukuripira nokuda kwechimwe chacho ndiyo dzikinuro yake.”d Chifo chechivi chaAdhama, vanhu vose vave vakafanana navasungwa vehondo kana kuti varanda, vakabatwa nokusakwana norufu. Kuvasunungura, rudzikinuro rwaitofanira kugoverwa. Kudzivisa kupokanidza kupi nokupi zvino kana kuti gare gare pamsoro pokunaka kwomutengo worudzikinuro, kwaizova kuri madikanwa kurasikirwa noupenyu humwe hwakakwana hwohunhu, ndiko kuti, hwakaenzana chaizvoizvo nohwaAdhama.
36. Jehovha akagovera sei upenyu hwakakwana hwohunhu sorudzikinuro?
36 Zvisinei, upenyu hwakakwana hwohunhu hwakadaro hwaigona kuwanwa kupi? Vanhu vose, savazukuru vaAdhama asina kukwana, vakaberekwa vasina kukwana. “Hakuna nomumwe angagona kununura kupfurikidza nomutoo upi noupi kunyange hama yake, kana kuti kupa Mwari rudzikinuro nokuda kwake.” (Pisarema 49:7) Mukupindura chinodikanwa, Jehovha, achisundwa nokuda kwake kukurusa vanhu, akagovera chaizvoizvo Mwanakomana wake anokosha we“dangwe” kuva chibairo chiri madikanwa. Iye akatamisira upenyu hwakakwana hwouyu Mwanakomana womudzimu, Shoko, kumimba yemhandara yechiJudha, Maria. Mukadzi mudukuyo akanamba mimba uye munguva yakafanira akabereka mwanakomana, uyo akatumidzwa kuti “Jesu.” (Mateo 1:18-25) Musiki woupenyu nenzira inomufungo aikwanisa kuita nenji rakadaro rinoshamisa.
37. Jesu akaratidzira sei kuda kwake vanhu vose vanoda upenyu?
37 Jesu akakura kuva murume mukuru, akazvipa amene kuna Jehovha, nokudaro akabhapatidzwa. Ipapo Mwari akamutuma kuita kuda Kwake. (Mateo 3:13, 16, 17) Upenyu hwapasi hwaJesu zvahwakabva kudenga uye iye akanga akakwana, iye aigona kupira sechibairo upenyu ihwohwo hwakakwana hwohunhu, achihushandisa kusunungura vanhu murufu. (VaRoma 6:23; 5:18, 19) Sokutaura kwaakaita: “Ini ndakauya kuti ivo vagova noupenyu uye kuti vagova nohwakawanda.” “Hakuna munhu anorudo zvikuru kupinda urwu, kuti mumwe munhu anofanira kupa mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johane 10:10; 15:13) Apo Satani akaita kuti Jesu aurairwe padanda rokutambudzira, Jesu akazviisa kuno urwu rufu rwoutsinye, achiziva hake kuti vanhu vanotenda vaizowana upenyu kupfurikidza neiyi gadziriro yorudzikinuro.—Mateo 20:28; 1 Timotio 2:5, 6.
Kudzorerwa Kuupenyu
38. Mwanakomana waMwari akadzorerwa sei kuupenyu, uye chii chinobvumikisa ikoku?
38 Kunyange zvazvo vavengi vake vakamuuraya, Mwanakomana waMwari haana kutongorashikirwa namaruramiro ake oupenyu hwakakwana hwohunhu, nokuti iye akanga achengeta kuperera kuna Mwari. Asika, zvaakanga afa ari muguva, Jesu aigona seiko kushandisa ichi chinhu chinokosha, maruramiro oupenyu hwohunhu, nokuda kwavanhu? Pakanga pari pano apo Jehovha akaita rimwe nenji, rokutanga rorudzi rwaro. Pazuva rechitatu rokuva kwaJesu muguva, Jehovha akamumutsa murufu sechisikwa chomudzimu, chisingafi. (VaRoma 6:9; 1 Petro 3:18) Kusimbisisa kudavira rumuko, panhambo dzakasiana Jesu aipfeka miviri yohunhu ndokuonekwa navadzidzi vake, pane imwe nguva kuvane 500 navanopfuura vavo. Hapana nomumwe waivava, kunyange muapostora Pauro uyo akaitwa bofu gare gare nokuonekwa kwaJesu akapiwa mbiri, akanga ane chikonzero chipi nechipi chokupanikira nenji rorumuko rwake.—1 VaKorinte 15:3-8; Mabasa 9:1-9.
39. (a) Jesu anoshandisa sei ukoshi hwechibairo chake, uye pakutanga nokuda kwavanaani? (b) Jesu akataura nezverimwei nenji guru?
39 Pashure pamazuva 40 Jesu akamutswa akakwira ndokupinda pamberi pamene paMwari mumatenga, ikoko kundopa ukoshi hwechibairo chake chakakwana chohunhu sechisununguro chavanhu. “Asi munhu uyu akapira chibairo chimwe nokuda kwezvivi nokusingaperi ndokugara kuruoko rworudyi rwaMwari, kubvira ipapo zvichienda mberi achimirira kutozosvikira vavengi vake vofanira kuiswa sechitsiko chetsoka dzake.” (VaHebheru 10:12, 13) Vokutanga kuva vanosunungurwa kupfurikidza nourwu rudzikinuro i“boka duku” ramaKristu akatendeka “ari aKristu.” (Ruka 12:32; 1 VaKorinte 15:22, 23) Ivava “vanodzikinurwa pakati pavanhu,” uye nokudaro murumuko ivo vanova vasonganiri vomudzimu vaKristu mumatenga. (Zvakazarurwa 14:1-5) Zvisinei, zvakadiniko navazhinjisa zvikuru vavanhu avo zvino vavete mumakuva avo? Apo iye akanga ari pamusoro pepasi rino, Jesu akataura kuti Baba vake vakanga vamupa chiremera chokutonga nokupa upenyu. Iye akawedzera, kuti: “Musashamiswa naizvozvi, nokuti awa inouya mairi avo vose vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda mariri, . . . kurumuko.” (Johane 5:26-29) Iye achadzorera ivava kuupenyu muParadhiso yapasi.
40, 41. (a) Tsanangura chaizvoizvo chinorehwa no“rumuko.” (b) Neiko tingagona kutenda chipikirwa chorumuko chaMwari?
40 Cherechedza mashoko aJesu, “Musashamiswa naikoku.” Kunyange zvakadaro, ko munhu akanguve afa angagona sei kusunungurwa murufu ndokudzorerwazve kuupenyu? Ko muviri wake hauna kudzokera kuguruva here? Mamwe amativi aiumba muviri iwoyo angatove akapinda mune zvinhu zvipenyu, zvakadai sezvirimwa nemhuka. Zvisinei, rumuko harusati ruchireva kuumbazve zvinhu zvimwe chetezvo zvomuviri. Runoreva kuti Mwari anoitazve munhu mumwe cheteyo, ano hunhu humwe chetehwo. Anobudisazve muviri mutsva kubva muzvinhu zvapasi, uye mumuviri iwoyo anoisa mavara mamwe chetewo, mavara mamwe chetewo anotsauranisa, kuyeuka kumwe cheteko, mutoo mumwe chetewo woupenyu uyo munhu akanga aumba kutozosvikira panguva yorufu rwake.
41 Kungave kwave kuri chinoitika chako kuti imba yako yawaida zvikuru kwazvo yakaroromeswa nomwoto. Zvisinei, unogona nyore nyore kuvakazve imba imwe cheteyo, nokuti mutoo wamativi ayo ose anodikanwa wakajeka zvikuru mukuyeuka kwako. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, Mwari uyo ari Muvambi wokuyeuka anogona kuita vanhu avo iye akachengeta mukuyeuka kwake nokuti aivada. (Isaya 64:8) Ichi ndicho chikonzero nei Bhaibheri richishandisa kutaura kwokuti “hwiro hweyeuko.” Painenge yava nguva yakafanira yaMwari yokudzorera vakafa kuupenyu zvakare, iye achaita nenji iroro, kungofanana nezvaakaita nenji mukuita munhu wokutanga, bedzi panguva ino iye achariita kazhinji zhinji.—Genesi 2:7; Mabasa 24:15.
42. Neiko upenyu husingaperi pasi pano huchibvira uye huri hwechokwadi?
42 Mwari achadzorerazve vanhu kuupenyu, vaine kariro yokusatongofazve papasi. Asika upenyu husingaperi hunobvira sei pasi pano? Hunobvira uye ndohwechokwadi nokuti ndiko kuda kwoumwari nedonzo. (Johane 6:37-40; Mateo 6:10) Chikonzero bedzi chokuti munhu afe papasi nhasi ndechokuti iye akagara nhaka rufu kuna Adhama. Zvisinei, patinorangarira mhatsa isingagumi yezvinhu zvinoshamisa pasi pano izvo munhu akaitirwa kufarikanya, nduramo pfupi youpenyu yamakore asingasviki zana yakanyanyopfupika zvikuru! Mukupa pasi rino kuvana vavanhu, Mwari akaita donzo kuti munhu anofanira kupfuurira kurarama kuti afarikanye zvakaisvonaka zvechisiko Chake, kwete bedzi kwamakore ane zana, kana kuti kunyange ane chiuru chimwe, asi nokusingaperi!—Pisarema 115:16; 133:3.
Hurumende Yakakwana Yorugare
43. (a) Kudikanwai kuripo nokuda kwehurumende yakakwana? (b) Jehovha anoita donzo rei muna ikoku?
43 Nemhaka yokuti vabereki vedu vokutanga vakaramba mutemo waMwari, hurumende yohunhu yakadzorwa naSatani. Nomutoo wakakodzera Bhaibheri rinoidza Satani kuti “mwari wetsika ino yezvinhu.” (2 VaKorinte 4:4) Hondo, utsinye, ushati, nokusagadzikana kwehurumende dzomunhu kunobvumikisa kuti iye ndiye. Chinzwano chaMarudzi neChibatanwa chaMarudzi zvakundikana kuunza rugare rwokubuda munyongano. Vanhu vanodanidzira nokuda kwehurumende yorugare. Ko kuno mufungo here kuti Musiki, anoita donzo kudzorera Paradhiso kupasi rino agoverewo hurumende yakakwana nokuda kweParadhiso iyoyo? Ndizvo chaizvoizvo izvo Jehovha akaita donzo kuita. Mambo anoMumirira muiyi hurumende ndiye “Muchinda Worugare” wake, Kristu Jesu, uye “kukura kwoubati ushe hwake hwouchinda nokurugare hakusati kuchizova nomugumo.”—Isaya 9:6, 7.
44. (a) Ko iyi hurumende ichava kupi? (b) Iyo ichaumbwa sei?
44 Bhaibheri rinoratidzira kuti hurumende yakakwana ichava mudenga. Ari muiyi nzvimbo yakanaka, Mambo Jesu Kristu achabata ushe nomutoo unobudirira pasi rose mukururama. Zvakare, iye achava navabati ushe pamwe chete muhurumende iyoyo isingaoneki, yokudenga. Ivava vanosarudzwa pakati pavanhu vakatendeka, vateveri vaJesu avo vakaomerera kwaari nomumiedzo uye avo iye anoti kwavari: “Ini ndinoita sungano nemi, sezvo Baba vangu vakaita sungano neni, nokuda kwoumambo.” (Ruka 22:28, 29) Vanongova vashomanene bedzi vanobva muvanhu avo vanoendeswa kudenga kundobata ushe pamwe chete naKristu Jesu. Kwakangofanana namarudzi nhasi, uko vashomenene bedzi vanosarudzwa kubata ushe mumisangano yekurukurirano yezvinhu zvorudzi kana kuti mudare rekurukurirano yenhau dzorudzi. Bhaibheri rinoratidzira kuti Jesu achangova bedzi navabati pamwe chete vane 144 000. Naizvozvo Umambo hwaMwari, kana kuti hurumende yokudenga, inoumbwa naKristu Jesu navanhu vane 144 000 vanotorwa papasi kuenda kudenga. (Zvakazarurwa 14:1-4; 5:9, 10) Uye zvakadiniko napasi? Pisarema 45:16 inodudza kuti Mambo achagadza “machinda mupasi rose.” “Machinda” ohunhu, kana kuti vatariri vehurumende vachagadzwa nehurumende yokudenga nokuda kwokuzvipira kwavo kukuru kunheyo dzokururama.—Enzanisa naIsaya 32:1.
45, 46. (a) Ndoupi wakanga uri musoro mukuru wokuparidza kwaJesu papasi? (b) Neiko hurumende yakakwana isina kugadzwa pakarepo? (c) 1914 N.V. akava sei gore rakatanhamara muchiporofita nomune zvinoitika zvenyika?
45 Ko hurumende yakakwana inogadzwa riini uye sei? Apo Jesu akanga ari pasi pano uhwu Umambo hwakanga huri musoro mukuru wokuparidzira kwake. (Mateo 4:17; Ruka 8:1) Zvisinei, iye haana kugadza Umambo panguva iyeyo, kana kuti parumuko rwake. (Mabasa 1:6-8) Kunyange apo iye akakwira mumatenga, akanga achiri aitofanira kumirira nguva yakagadzwa yaJehovha. (Pisarema 110:1, 2; VaHebheru 1:13) Chiporofita cheBhaibheri chinoratidzira kuti nguva yakagadzwa yakasvika muna 1914 N.V. Zvisinei, mumwe munhu achabvunza, ‘Panzvimbo yehurumende yakakwana, ko 1914 haana kuratidzira kutanga kwenhamo dzakawedzera dzenyika here?’ Irero ndiro pfundo chairoiro! Pane kusanobatana pakati pokuuya kwoUmambo hwaMwari nezvinoitika zvengwavaira zvomumakore achangobva kupfuura aya, sezvatichaona zvino.
46 Kwamakore 35 pamberi pa 1914, Nharireyomurindi (zvino yava magazini yorudzidziso inogoverwa zvakafara zvikuru pasi pano) yave ichizivisa 1914 segore rakaratidzirwa muchiporofita cheBhaibheri. Zviporofita izvi zvakavamba kuva nezadziko yakatanhamara muna 1914. Chimwe chaizvozvi chakanga chiri chiporofita chaJesu amene, chakataurwa makore 1900 akapfuura, pamsoro pe“chiratidzo” chaizooneka pakuguma kwetsika yezvinhu uye chaizobvumikisa kuti iye akanga avapo mukusaoneka musimba roumambo. Mukupindura mubvunzo wavadzidzi vake pamsoro peichi “chiratidzo,” iye akati: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokuperevedza kwezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo imwe neimwe. Zvinhu zvose izvozvi mavambo amarwadzo nenhamo.” (Mateo 24:3, 7, 8) Mukuzadzika kunokatyamadza, yokutanga yehondo dzenyika yakatanga muna 1914, ichiparira ruparadziko rukuru zvikuru nekane kanomwe kupinda hondo dzose dzine 900 dzomumakore ane 2 500 apamberi payo! Marwadzo enhamo akapfuurira chifocho. Wati wamboona kuparadza kwehondo here, kuperevedza kwezvokudya, kana kuti kupi nokupi kwokudengenyeka kukuru kwapasi kwakatapura pasi chifo cha 1914? Kana zvakadaro, wave uri chapupu chakaona che“chiratidzocho” che“nguva yomugumo” wetsika ino yezvinhu.—Dhanieri 12:4.
47. Zvinoitika zvakazadzika sei “chiratidzo” chakakudziridzika mumakore achangobva kupfuura aya?
47 “Marwadzo enhamo” akakwirira muHondo yeNyika II, iyo yakanga ichiparadza nakane kana kupinda Hondo yeNyika I, uye ichipfuurira kupinda muzera renyukireya, kuzadzika chimwezve chiporofita chaJesu chinoti: “Pamusoro papasi shungu dzamarudzi, asati achiziva nzira yokubuda nayo . . . , apo vanhu vanova vanopera simba nokutya nokuda kwokukarira zvinhu zvinowira papasi rinogarwa.” (Ruka 21:25, 26) Kuwedzera kwoutsotsi noushati, kusateerera nokusindimara pakati pavana, uyewo kuwedzera kwokusava noumwari noutere—izvi zvinoitika zvinokatyamadza zvakanga zviri sezvakadeya kuziviswa kuva zvinoratidzira “mazuva okupedzisira” etsika ino yakashata.—2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:12.
48. Ndianiko anoparira nhamo pasi pano, uye neiko dzakawedzera chifo cha 1914?
48 Zvisinei, kana hurumende yokudenga yakagadzwa muna 1914, neiko kune iyi nhamo yose pasi pano? NdiSatani Dhiabhorosi ano mutoro. Apo Kristu akagamuchira simba roUmambo, chiito chake chokutanga chakanga chiri chokurwisa Satani mumatenga asingaoneki. Somuuyo, Satani, “uyo anotsausa pasi rose rinogarwa,” akakandirwa pamwe chete nengirozi dzake kunzvimbo iri pedyo napasi. Achiziva kuti kuparadzwa kwake kwoswedera pedyo, iye anomutsa nhamo huru pasi pano. Iyi i“nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi akaburikira kwamuri, anokutsamwa kukuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.”—Zvakazarurwa 12:7-9, 12.
49. (a) Chii chichaitika kuna avo vano“paradza pasi”? (b) Jehovha achaita sei “chisarudzo chokutonga kwake” pamarudzi?
49 Kuchava nomugumo weidzi nhamo here? Hungu!—apo hurumende imene yokudenga, Umambo hwaMwari Wamasimba ose, hunoita chiito cho“kuparadza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18; Dhanieri 2:44) Mwari haasati achizobvumira ubati ushe hwezvamatongerwe enyika, maKristu enhema, kana kuti munhu upi noupiwo zvake kuparadza basa ramaoko ake pasi, nezvombo zvavo zvenyukireya. Kupfuurezvo, iye anozivisa, kuti: “Chisarudzo changu chakatemwa ndechokuunganidza marudzi, ndechokuti ini ndiunganidze pamwe chete umambo, kuti ndigodururira paari hasha dzangu, kutsamwa kwangu kwose kukuru.” (Zefania 3:8) Jehovha, kupfurikidza naKristu wake, achashandisa masimba makuru anodzora muchisiko chapose pose mukuunza ruparadziko rukurusa kuvose vanotevera Satani pasi pano. Ikoku kuchaitika pamwero wedenderedzwa rose rapasi, wakaenzana muukuru naMafashamo ezuva raNoa.—Jeremia 25:31-34; 2 Petro 3:5-7, 10.
50. (a) “Armagedhoni” chii? (b) Ndivanaani bedzi vachapukunyuka Armagedhoni?
50 MuBhaibheri urwu ruparadziko rwamarudzi akaipa runonzi hondo yaMwari yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14-16) Vanhu vanyoro bedzi, avo vanotsvaka Jehovha nokururama, vangapukunyuka Armagedhoni ndokupinda muTsika Itsva inorugare yaMwari. (Zefania 2:3; Isaya 26:20, 21) Pamsoro paivava Bhaibheri rinoti: “Asi vanyoro vamene vachagara nhaka pasi, uye ivo zvamazvirokwazvo vachawana mufaro wavo mukurusa mukuwanda kworugare.” (Pisarema 37:11) Basa gurusa rokudzorera Paradhiso mupasi richavamba panguva iyoyo!
Dzidzo Nokuda Kwokupinda Muparadhiso
51. Neiko kuri madikanwa kuti iwe uite chiito zvino?
51 Ungada here kurarama muParadhiso? Kana mhinduro yako iri ‘Hungu,’ uchafara kuziva kuti apo Jesu akataura nezvetsika yatambura yanhasi ne“chiratidzo” chokuparadzwa kwayo kwosvika, iye akawedzera, kuti: “Chizvarwa ichi hachizati chichizotongopfuura kusvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.” Vamwe, vashomanene, vechizvarwa chakaona “mavambo okurwadza kwenhamo” muna 1914 vachararama kuona Paradhiso ichidzorerwa pasi pano. (Mateo 24:3-8, 34) Zvisinei, iidi rinosuruvarisa kuti vanhu vazhinjisa nhasi vari pamugwagwa wakafara unopinda muruparadziko. (Mateo 7:13, 14) Pane nguva shoma yavasarira yokuchinja. Haiwa, unogona kuva anoonga sei kuti Jehovha akagovera nyevero munguva yakafanira! Nokuti Jehovha anoda kuti iwe uve noupenyu, iye achakubetsera kuita nhanho dzakarurama.—2 Petro 3:9; Ezekieri 18:23.
52. Chii chaunoda kuti ugoita chisarudzo chokuchenjera pamsoro porudzidziso?
52 Chinodikanwa chako chokukurumidzira zvino ndiyo zivo yakarurama. (1 Timotio 2:4; Johane 17:3) Iyoyi ungaiwana kupi? Ingawanwa murudzidziso rupi norupiwo zvarwo here? Vamwe vanhu vanoti marudzidziso ose anoenda kunharidzano imwe cheteyo, sezvo nzira dzose dziri pagomo dzichienda pamusoro. Haiwa vanoposha sei! Kuti vagowana nzira yakarurama, vanokwira makomo vanoshandisa mamapu, uye vanohaya nhungamiro. Naizvozvowo, kunongova bedzi norudzidziso rumwe rwezvokwadi rwuchakutungamirira kuupenyu husingaperi, uye nhungamiro inodikanwa kuiwana.—Mabasa 8:26-31.
53. (a) Kuti ugowana upenyu husingaperi, unofanira kupfuurira kuitei? (b) Miedzoi inobva kuna Satani yaungadikanirwa kukurira?
53 Iri bhurocha rakagoverwa neZvapupu zvaJehovha kukubetsera. Rakatokubetsera kunzwisisa dzimwe zvokwadi dzehwaro dzeBhaibheri, harina here? Mukusapanikira wakazvisimbisira umene kuti pfundo rimwe nerimwe rakavakirwa paShoko raMwari rakafuridzirwa. Zvino, kuti ugoenderera mberi kunharidzano yako, unofanira kupfuurira kudzidza. Kungofanana nedzidzo yakafanira yokunyika iri madikanwa kukodzeranisa munhu nokuda kwenzvimbo muchaunga chezuva riri rose, saizvozvowo dzidzo yakafanira yeBhaibheri iri madikanwa kukushongedzera nokuda kwokupinda muchaunga chichapukunyuka kundorarama muParadhiso yapasi. (2 Timotio 3:16, 17) Satani angaedza kukuvhiringidza kupfurikidza nokuparira shamwari chaidzoidzo kukushora kana kuti kupfurikidza nokukuedza kupinda munzira dzoudyire dzokudisa zvinhu zvenyika kana kuti muutere. Rega kukurirwa naSatani. Kukotsekana kwako nenguva yemberi yako yose nemhuri yako zvinotsamira pakupfuurira kwako kufunda Bhaibheri.—Mateo 10:36; 1 Johane 2:15-17.
54. Ko Jehovha akaita imwezve gadziriroi yedzidzo muvavakidzani vako?
54 Kunze kwokupfuuridzira kufunda kwako kwazvino uno Bhaibheri, pane imwe nzira yokudzidza nayo. Vanhu vawakavakidzana navo vanofarira dzidzo yeBhaibheri vanogaropinda misangano yomunzvimbomo paHoro yoUmambo. Vose vanopinda varipo kuti vapinze murairidzo unobva muBhaibheri uye vanoedza zvapachokwadi kuva vanhu vari nani zvikuru. Vanogamuchira nokudisisa vauyi vatsva, vachiti, “Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha, [nzvimbo yake yokunamatira] . . . uye iye achatidzidzisa pamsoro penzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.” (Isaya 2:3) Zvikonzero zvakanaka zvokupinda misangano yeBhaibheri zvinotsanangurwa muna VaHebheru 10:24, 25, inorava, kuti: “Ngatirangarirane kukurudzirana kurudo namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu timene pamwe chete, sezvo vamwe vanomuitirowo, asi kukurudzirana, uye zvikuru kwazvo zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”
55. (a) Ko sangano raJehovha rinosiana namamwe munzirai? (b) Zvapupu zvaJehovha zvakabatana sei sezvisati zvakaita vamwe vanhu?
55 Zvaunosonganirana nesangano raJehovha, uchawana mugariro uchisiana zvikuru newoyo wamachechi netembere. Hapana kukumbirwa kwemari, kurevana kana kuti kupopotedzana, uye hapana kusarurana nokuda kwomugariro wemhuri kana kuti chimiro chemari. Vara rakaisvotanhamara riri pakati peZvapupu zvaJehovha rudo. Kutanga, vanoda Jehovha, uye kechipiri, vanoda vamwe vanhu. Izvi ndizvo zviratidzo zvamaKristu echokwadi. (Mateo 22:37-39; Johane 13:35) Unofanira kupinda misangano yazvo ndokuzvisimbisira umene izvozvi. Mukusapanikira uchaororwa nechinzwano chazvo. Kune zvinopfuura Zvapupu zvina mamirioni matatu munyika yose munyika dzinopfuura 200. Asika, Zvapupu mupasi rose zvinotevera gadziriro dzimwe chetedzo pamisangano yazvo. Uye nokuda kwokutsikirirwa kwezvinyorwa kunoitwa panguva imwe cheteyo mumitauro mizhinji, pamisangano yazvo yevhiki nevhiki zvizhinjisa zveZvapupu zvaJehovha munyika yose zvinofunda misoro yapaMagwaro mimwe cheteyo mumaawa mashomanene erimwe nerimwe. Chinzwano chesangano raJehovha inenji romuzuva razvino uno munyika ino yakakamukana.
56. (a) Ibetseroi dzaungawana mukusonganirana nesangano raJehovha? (b) Apo zvinetso zvinomuka, unofanira kuita sei? (c) Neiko kuchikosha kwauri kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha?
56 Zvaunogarosonganirana navanhu vaJehovha, uchada kuzvipfekedza umene “hunhu hutsva” ndokukudziridza zvibereko zvomudzimu waMwari—“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, tsitsi, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaKorose 3:10, 12-14; VaGaratia 5:22, 23) Ikoku kuchakuunzira gutsikano hurusa. Ungava nezvinetso zvokukurira panguva nenguva nokuti unorarama munyika yakashata uye nokuda kwokusakwana kwako umene. Asika Jehovha achakubetsera. Shoko Rake rinosimbisira avo vanoedza zvapachokwadi kumufadza, richiti: “Musafunganya pamsoro pechinhu chipi nechipi, asi muchinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro pamwe chete nokuonga kuteterera kwenyu ngakuziviswe kuna Mwari, uye rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu namasimba enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Uchayevedzwa norudo rwaJehovha, zvikuru zvokuti uchada kumubatira. Zvapupu zvaJehovha zvichava zvinofara kukuratidzira kuti ungatsaurira sei upenyu hwako kuno uyu Mwari worudo ndokuva mumwe wezvapupu zvake zvakaropafadzwa. (Pisarema 104:33; Ruka 9:23) Hungu, iropafadzo. Imbofunga hako! Somunamati waJehovha, unogona kusvasvavirira nharidzano youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano chaipo.—Zefania 2:3; Isaya 25:6, 8.
57. (a) MuTsika Itsva, ukamai chaihwoihwo huchavapo pakati paMwari navanhu? (b) Ndezvipi zvimwe zvezvikomborero zvaungafarikanya panguva iyeyo?
57 Pfuurira, ipapoka, kufunda nokuwedzera murudo nokuonga Jehovha Mwari, Mwanakomana wake, nehurumende yokudenga yokururama. Mukurondedzera hurumende yaMwari nezvikomborero zvaichaunza kuvanhu, chiporofita cheBhaibheri chinoti: “Tarirai! Tendi yaMwari ina vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari amene achava navo.” “Mwari amene,” uyo akakwirira zvikuru kwazvo kupfuura ubati ushe hwoudyire, hunoparadza hwomunhu hwezuva rino, achava pedyo zvikuru saBaba ane tsitsi kuavo vose vanomuda navanomunamata muTsika Itsva iyoyo. Zvamazvirokwazvo, kuchangova bedzi norudzidziso rumwe, kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha Mwari, uye vanamati vake vachafarikanya ukama chaihwoihwo hwavana naBaba. Haiwa, achazviratidzira amene kuva Baba vanorudo vakadini! “Ipapo iye achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
58. Neiko ungagona kusimbisirwa kuti Jehovha acha‘ita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva’?
58 Nokudaro nenji guru rokugadza paradhiso yapasi mukutungamirira kwehurumende yakakwana yokudenga richave raitwa. Ndokwechokwadi seidi rokuti zuva richabuda ndokunyura mangwana. Nokuti zvipikirwa zvaJehovha Mwari, Musiki wedenga napasi, zvinongoramba zvichiva “zvakatendeka nezvechokwadi.” Iye ndiye uyo anozivisa ari pachigaro chake choumambo chiri kudenga, kuti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:5.
Mukuhwirudzura bhurocha rino, ungapindura sei mibvunzo inotevera?
Bhaibheri rakatanhamara munzirai?
Wakadzidzei pamsoro paMwari?
Kristu Jesu ndiani?
Satani Dhiabhorosi ndiani?
Neiko Mwari akabvumidza ushati?
Neiko munhu achifa?
Chii chiri mugariro wavakafa?
Chii chiri rudzikinuro?
Ko rumuko runoitikira kupi uye sei?
Chii chiri Umambo, uye huchaitei?
Chii chiri “chiratidzo” che“mhedziso yetsika yezvinhu”?
Ungagadzirira sei nokuda kwoupenyu husingaperi muParadhiso?
[Mashoko Omuzasi]
a Nongedzero dzeBhaibheri dzinotsigira ndima dziri pamusoro apa: (1) Mabasa 17:26; Pisarema 46:9; Mika 4:3, 4; Isaya 65:21-23; (2) Isaya 65:25; 11:6-9; 55:12, 13; Pisarema 67:6, 7; (3) Jobho 33:25; Isaya 35:5, 6; 33:24; Pisarema 104:24; (4) Isaya 55:11.
b Kutoti kwakaratidzirwa neimwe nzira, kunokorwa kwamashoko kwaMagwaro kuri muchinyorwa chino kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures yomutauro wazvino uno, chinyorwa cha 1984.
c Monarchs and Tombs and Peoples—The Dawn of the Orient, peji 25.
d Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, rakanyorwa naJ. McClintock na J. Strong, Volume 8, peji 908.
[Mifananidzo iri papeji 13]
Sechisiko, munhu mukuru zvikuru kupfuura mhuka
[Mufananidzo uri papeji 18]
Jesu akanga akaenzana nomunhu akakwana Adhama