“Munhu Upi Noupi Anonzwa Ngaati: ‘Uya!’”
“Mudzimu nomwenga zvinoramba zvichiti: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi ane nyota ngaauye; munhu upi noupi anoda ngaanwe mvura youpenyu pachena.”—ZVAKAZARURWA 22:17, “NW.”
Mugore rose riri kuuya, Zvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 200 munyika yose zvichave zvichizvishandisa zvimene mutsinhirano norugwaro rwazvo rwegore rwa 1991, runoti: “MUNHU UPI NOUPI ANONZWA NGAATI: ‘UYA!’”
1. Ku“mvura”i kwatiri kukokerwa ku“uya!”?
URI kukokwa ku“uya!” Kuuya nokuda kwechii? Chokwadi, uya kuzopedza nyota yako nemvura. Iyi haisati iri mvurawo zvayo asi mvura imwe cheteyo iyo Jesu Kristu akataura nezvayo paakati kumukadzi weSamaria patsime: “Munhu upi noupi anonwa mvura yandichamupa haasati achizotongonzwazve nyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.” (Johane 4:14, NW) Jesu akawana kupiko iyi “mvura”?
2. Chii chiri manyuko e“mvura,” uye yaigona bedzi kuyerera pashure pechinoitikai?
2 Muapostora Johane akaropafadzwa kuona muchiono manyuko apo iyi “mvura” yakabva, sezvaakataura pana Zvakazarurwa 22:1 (NW), kuti: “Akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakachena sekristaro, inoyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwaiana.” Hungu, manyuko eiyi mvura yakachena sekristaro ine zvinhu zvinopa upenyu haasati ari mumwe kunze kwoMupi Woupenyu, Jehovha amene, uyo anoiita kuti iwanikwe kupfurikidza neGwaiana, Jesu Kristu. (Enzanisa naZvakazarurwa 21:6.) Sezvo “chigaro choumambo chaMwari necheGwaiana” chichidudzwa, panofanira kuva pashure pokugadzwa kwoUmambo hwouMesia muna 1914, ndiko kuti, pashure pokunge zuva raShe ravamba, apo mvura youpenyu inovamba kuyerera.—Zvakazarurwa 1:10, NW.
3, 4. “Mvura” inomirirei, uye inofanira kuwanika nokuda kwavanaani?
3 Iyi mvura youpenyu inofananidzirei? Inofananidzira gadziriro yaMwari yokudzorera upenyu hwakakwana hwohunhu, upenyu husingaperi mukukwana papasi rakachinjwa kuvaparadhiso. Mvura youpenyu inomirira gadziriro dzose dzoupenyu kupfurikidza naJesu Kristu. Iyoyi yose inowanika zvino here? Aiwa, kwete yose, nokuti Mwari anofanira kutanga kubvisa tsika yakaipa iripo yezvinhu nomutongi wayo asingaoneki, Satani Dhiabhorosi. Asi tinogona kunwa inowanika yeiyi “mvura” zvino kupfurikidza nokunzwa ndokuteerera mashoko akanaka oUmambo uye kuwiriranisa upenyu hwedu nawo.—Johane 3:16; VaRoma 12:2.
4 Nokudaro, pashure pokuratidza Johane ‘rwizi rwoupenyu,’ Jesu akataura kuna Johane pamusoro pedonzo Rake mukutumira ngirozi Yake nechiono. Ipapo Johane akanzwa ziviso: “Mudzimu nomwenga zvinoramba zvichiti: ‘Uya!’ Munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Munhu upi noupi ane nyota ngaauye; munhu upi noupi anoda ngaanwe mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17, NW) Nokudaro, vabatiri vaMwari vanotambanudzira kokero yacho kuvanhu vane nyota kuti vavambe kunwa gadziriro dzaMwari dzokuwana upenyu husingagumi pasi pano kupfurikidza neGwaiana raMwari.—Johane 1:29.
Kudikanwa Kwemvura Youpenyu Kunomuka
5. Rudzi rwomunhu rwakasvika sei pakuda iyi gadziriro youmwari?
5 Nenzira inosuruvarisa, vabereki vokutanga vemhuri yomunhu havana kuomerera kunzira muupenyu ingadai yakapa vana vavo banza rokufarikanya upenyu hwohunhu hwakakwana nokusingaperi mumusha weparadhiso. Upenyu husingaperi nokuda kworudzi rwomunhu hwaida kuti Adhama aite chisarudzo chokuchenjera chokubatira Musiki wake nenzira yokuteerera. Mukupesvedzerwa nechisikwa chomudzimu chinopandukira, Evha akatanga chiito chakaguma norufu kurudzi rwomunhu, uye Adhama, murume wake akakwana, akasarudza kumukumbanira munzira iyoyo inouraisa. Nokudaro, somupi woupenyu hwomuzvarirwo kuzvizvarwa zvinotevera zvorudzi rwomunhu, Adhama akanga ari zvomenemene uyo akapinza kushanda kworufu mumhuri yose yomunhu. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Kupfurikidza nomurume mumwe chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Pakanga pari pashure pokunge Adhama naEvha vawira muchivi apo vakavamba kuwedzera mitezo mitsva kumhuri yavanhu.—Pisarema 51:5.
6. Neiko Jehovha akaronga kuti “mvura” iwanike?
6 Mwari aizodziviswa nokusingaperi here mukuita donzo rake reparadhiso yapasi yakazadzwa navanhu vakakwana? Chokwadika, mhinduro yeBhaibheri ndeiyi, aiwa! Kunyanguvezvo, nedonzo rokuzadzika donzo rake, Jehovha akaita gadziriro yorudo yaizokurira kundikano ine ngwavaira yaAdhama asi uye yaizova mutsinhirano yakazara neruramisiro nokururama, izvo Iye ari ratidziro yazvo yakazara uye huru. Iye anoita ikoku kupfurikidza no“rwizi rwemvura youpenyu.” Kupfurikidza nayo, iye achadzorera upenyu hwakakwana hwohunhu kurudzi rwomunhu runoteerera, rune kusvika kuManyuko oupenyu kwakashatiswa. Urwu rwizi runoyerera mupfungwa yarwo yakazara zvikurusa mukati moKutonga kwaMakore ane Chiuru kwaJesu Kristu. Nokudaro, mukati moKutonga kwose kweMireniyumu kwaKristu, vanhu, kubatanidza avo vanomutswa muna vakafa, vanofanira kunwa mu“rwizi rwemvura youpenyu.”—Enzanisa naEzekieri 47:1-10; Mabasa 24:15.
7. Gadziriro ye“mvura” yakaitwa pahwaroi?
7 Jehovha anofarikanya upenyu hwake amene, uye iye anofarikanyawo kupa banza roupenyu hwakangwara kuzvimwe zvechisiko chake. Hwaro hwegadziriro dzaJehovha dzinopa upenyu chibairo chorudzikinuro chaJesu. (Marko 10:45; 1 Johane 4:9, 10) Chinobatanidzwawo iShoko raMwari, iro padzimwe nguva Bhaibheri rinoidza kuti “mvura.” (VaEfeso 5:26) Jehovha Mwari akasununguka kutaura kuti, “Uya!” kuzvisikwa zvohunhu, zvakatambura kurasikirwa negadziriro dzapakuvamba idzo Mwari akaita nokuda kwavaviri vohunhu vakakwana, Adhama naEvha.
Boka Romwenga Rinotambanudza Kokero Yokuti, “Uya!”
8. Iyi “mvura” yakatanga kugoverwa kuna ani uye rini?
8 Vokutanga kutambanudza kokero yokuti “uya!” ndiavo vanoumba mwenga wokufananidzira weGwaiana, Mwanakomana wedangwe womudzimu waJehovha. (Zvakazarurwa 14:1, 3, 4; 21:9) Mwenga womudzimu waKristu hauzati uri kuti, “Uya!” kwauri umene, ndiko kuti, kuna avo Jehovha Mwari aizounganidzazve sorutivi rweboka romwenga kuti ariite 144 000. Mashoko iwayo ekokero anotambanudzirwa kuvanhu vanokarira kuwana upenyu hwakakwana hwohunhu pasi pano pashure peArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Mukati meiyi mhedziso yetsika yezvinhu chifo cha 1914, takanzwa kokero ichitambanudzirwa no“mwenga,” mubatano nomudzimu mutsvene waMwari.
9. Tinoziva sei kuti haisati ichingova yeboka duku chete?
9 Nenzira inofadza, bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinoratidza kuti ‘boka guru, risina munhu aigona kuverenga,’ raizopindura kuziviswa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye vaizozviisa vamene zvakasimba parutivi rwehurumende iyoyo youmambo. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 16, 17) Iwe uri mumwe weboka guru iroro here? Ipapoka, “munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’”
Mudzimu Nomwenga Vanoti, “Uya!”
10. Mvura yokufananidzira inofanira kubva kupi, uye nei?
10 Asi neiko Mwari neChikomba chokufananidzira vasingadudzwi pana Zvakazarurwa 22:17? Kutanga, cherekedza kuti ndima yacho haizati ichidudza kuti mudzimu unoshanda munhungamiro yaani. Bva, nongedzero kumudzimu inonangidzira ngwariro yedu kuna Jehovha Mwari amene. Baba havasati vachibudiswa munhau yacho, sezvo ivo vari Manyuko amene omudzimu mutsvene. Chechipiri, Mwanakomana anobatira pamwe zvizere naBaba vake, sezvo iye amene achiti: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga, kana asingaoni Baba vachichiita.” (Johane 5:19) Uyezve, nepo iyi kokero iri kutaura kwakafuridzirwa kunobva pakupedzisira kuna Jehovha Mwari, vanhu vanogona kugamuchira nhungamiro youmwari, kana kuti “kutaura kwakafuridzirwa,” kupfurikidza naJesu Kristu, “Shoko.” (Zvakazarurwa 22:6, NW; uyewo Zvak. 22:17, Reference Bible, mashoko omuzasi; Johane 1:1) Nenzira yakafanira, ipapoka, tinobatanidza Kristu, Chikomba, neiyi kokero. Hungu, tinogona kuva nechokwadi chokuti vose vari vaviri Jehovha Mwari, Baba veChikomba, uye Jesu Kristu, Chikomba, vanokumbanirana no“mwenga” kupfurikidza nomudzimu mutsvene mukuti, “Uya!”
11, 12. (a) Iratidziroi yapakuvamba yaivapo yokuti kokero yokunwa yaizokudzwa? (b) Nhau yacho yakava sei yakajeka nenzira yakawedzera mumakore akapfuura?
11 Kwamakumi amakore iyi kokero yoku“uya!” yave ichienda kuvanhu vane nyota ye“mvura youpenyu.” Kunyange shure muna 1918, boka romwenga rakavamba kuparidzira shoko raibatanidza zvikurukuru avo vangararama pasi pano. Yakanga iri hurukuro yavose yaiva nomusoro unoti “Mamirioni Ari Kurarama Zvino Angasatongofa.” Iyoyi yakapa tariro yokuti vazhinji vaizopukunyuka Armagedhoni uye pashure paikoko kuwana upenyu husingagumi muParadhiso yapasi muUmambo hwouMesia hwaMwari. Asi shoko iroro harina kuratidza chaizvoizvo nzira inotungamirira kuiyi ropafadzo yokupukunyuka, kunze kwokupfurikidza nokururamawo zvako.
12 Kusvika vanhu vazhinji nekokero yokuti, “Uya!” muna 1922 shoko rakaenda kuna avo vose vaifarira kubatira Mwari: “Zivisa Mambo noUmambo.” Muna 1923 boka romwenga rakanzwisisa kuti “makwai” uye “mbudzi” zvomufananidzo waJesu uri pana Mateo 25:31-46 zvinooneka pamberi peArmagedhoni. Ipapo, muna 1929, The Watch Tower yaMarch 15 yakasimbisa nyaya inoti “Kokero Ine Nyasha.” Rugwaro rwomusoro wayo rwakanga rwuri Zvakazarurwa 22:17, uye rwakasimbisa mutoro weboka romwenga wokutambanudzira kokero yokuti, “Uya!”—Mapeji 87-9.a
Mamwe Makwai Anokumbanira Mukuti, “Uya!”
13, 14. Muma 1930, ijekesoi yokuwedzera yakagoverwa yokuti vamwe vaizonwa mvura yokufananidzira?
13 Uyezve, pakuvamba sa 1932, Nharireyomurindi yakaonesa mutoro wa“mamwe makwai,” mudzoro ravo, wokuti, “Uya!” (Johane 10:16) Muchinyorwa chayo chechiNgezi chaAugust 1, peji 232, ndima 29, yakati: “Zvapupu zvaJehovha zvino zvine shingairo yakafanana neiyo yaJehu uye zvinofanira kukurudzira boka raJehonadhabhi [mamwe makwai] kufamba pamwe chete navo nokutora rutivi rwakati mukuzivisa kuna vamwe kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.” Ipapo, pashure pokunokora mashoko Zvakazarurwa 22:17, ndima yacho yakati: “Vakazodzwa ngavakurudzire vose vanoda kutora rutivi mukutaura mashoko akanaka oumambo. Havadikanirwi kuva vakazodzwa vaShe kuti vazivise shoko raShe. Inyaradzo huru kuzvapupu zvaJehovha kuziva zvino kuti zvinobvumirwa kuendesa mvura dzoupenyu kuboka ravanhu iro ringapfuudzwa muArmagedhoni ndokupiwa upenyu husingaperi papasi nemhaka yorunako rukuru rwaJehovha.”b
14 Kuvambira muna 1934 zvichienda mberi, vakasarira vakazodzwa vakaonesa kuti aya mamwe makwai anofanira zvino kuita tsauriro yawo amene kuna Mwari ndokuratidzira iyi tsauriro kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura uye ipapo kukumbanira boka romwenga mukuti, “Uya!” kune vamwezve vane nyota. Nokudaro, zvino pakanga pane kokero chaiyoiyo yaitambanudzwa neboka romwenga yokuunganidzira aya mamwe makwai ane nyota pamwe chete mu“boka rimwe” pasi po“mufudzi mumwe,” Jesu Kristu. (Johane 10:16) Muna 1935 vakasarira vakazodzwa vakanyandurwa kuziva pakokorodzano yavo yavose gore iroro kuti boka rakafanana namakwai ravanhu kwavakanga vachiti, “Uya!” rakanga riri zvomenemene “boka guru” raZvakazarurwa 7:9-17. (NW) Ikoku kwakapa simba guru kubasa rekokero.
15. “Mudzimu” wakabatanidzwa sei mukokero yokuti, “Uya”?
15 Mukuti, “Uya!” boka romwenga rakanga riri mutsinhirano nomudzimu waMwari. Kupfurikidza nomudzimu wake mukuzarura revo yezviporofita zveShoko rake rakanyorwa, iye akaparira vakasarira veboka romwenga kutambanudza kokero yacho. Izvi zviporofita apo kokero yavo yakanga yakavakirwa zvakanga zvafuridzirwa nomudzimu waMwari. Naizvozvo wakanga uri, kutaura idi, mudzimu waMwari waiyerera kupfurikidza naKristu nomwenga wake uyo wakanga uchiti kuboka guru ravanhu vakafanana namakwai, “Uya!”—Zvakazarurwa 19:10.
16. Mudzimu nomwenga zvinobatanidzwa sei nekokero nhasi?
16 Kusvikira kuzuva rino mudzimu nomwenga, zvinomirirwa navakasarira, “zvinoramba zvichiti: ‘Uya!’” Vakasarira vanotaurira aya mamwe makwai kukokera vamwezve ku“uya!” Havafaniri kuchengeta “mvura youpenyu,” sezvainowanika nhasi, kwavari vamene. Vanofanira kuteerera murairo unobva ku“mudzimu nomwenga,” ndiko kuti: “Munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’” Avo vose vanopedza nyota yavo vanofanira kuparadzira kokero yacho. Vanofanira kuitambanudzira kumunhu ari wose pasina kurangarira dzinza, rudzi, mutauro, kana kuti rudzidziso rwazvino—munhu ari wose munzvimbo iri yose! Inowanikwa ye“mvura youpenyu” panguva yazvino ndiyo iyo Zvapupu zvaJehovha zvinokokera ndokubetsera vanhu vose kunwa, pachena!
17. Nokudaro i“mvura” yorudzii inowanika nhasi?
17 Pasi pose, Gwaiana, Jesu Kristu, zvamazvirokwazvo riri kutungamirira boka guru “kumatsime emvura dzoupenyu.” (Zvakazarurwa 7:17, NW) Iyi haisati iri mvura yakashatswa, asi imvura yakachena, inotonhorera, yakanaka inobva kuManyuko ayo chaiwo. Idzi mvura dzokufananidzira dzinoreva zvinopfuura mvura mupfungwa yokunzwisisa zvokwadi yeBhaibheri; dzinoreva gadziriro dzose dzaMwari kupfurikidza naJesu Kristu idzo dzinovamba kunyange zvino kuisa boka guru panzira inoenda kukuwana upenyu husingaperi hwakakwana mumufarwa.
Kumbanira Zvino Muziviso
18. Kokero yakakura zvakadini munguva yedu?
18 Nechekare, iri boka guru rinosvika mamirioni anoverengeka. Vanopfuurira nokushingaira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo mupasi rose rinogarwa. Vanoshuma nguva dzose mibato yavo yomumunda mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo, ayo zvino asvika kunyika 212. Sezvo nguva mukati meino mhedziso yetsika yezvinhu inobvumira, kokero yacho ichapfuurira mukuwirirana neshiviriro nomwoyo murefu zvaJehovha Mwari, Muchengeti weNguva Mukuru. Iye achaziva apo nguva inokwana uye apo inenge yava nguva yakaoma yokuti azvizivise amene kuvose saJehovha, kunyange sezvo akapikira kuita mukuwirirana nokutaura kunodzokororwa muuporofita hweBhaibheri.—Ezekieri 36:23; 38:21-23; 39:7.
19. Neiko tichigona kutaura kuti iyi “mvura” inopiwa pachena?
19 Nguva ichiripo, naizvozvo, mitezo yeboka guru inotora rutivi nokufara navakasarira veboka romwenga mukuti: ‘Uya ndokunwa mvura dzoupenyu pachena!’ Vazivisi vaaya mashoko akanaka anoponesa upenyu vari kuita ziviso yacho nokusununguka, vasingachaji mitengo nokuda kwebasa ravanoita sezvavanoparadzira shoko roUmambo munyika yose.
20. Chii chichavapo somuuyo nemhaka yokuti iyi “mvura” inowanika?
20 Mvura dzoupenyu zvino dzowanika kupote nyika yose, kuti vanhu vanoda kunwa vangaita kudaro kusvikira kugutsikano yakazara nemiuyo inoponesa upenyu. Rudzi rwomunhu rwakadzikinurwa ruchafarikanya upenyu husingagumi pano pasi pano chaipo papasi rino, iro richachinjwa kuva paradhiso, richireverera donzo rinokosha raJehovha. Musiki wedu akaita pasi kwete pasina maturo asi kuti rive bindu rinopoterera nyika reEdheni, kana kuti Paradhiso yomufaro, inogarwa nezvisikwa zvohunhu zvakakwana mumufananidzo waMwari norufanano.
21. Donzo raMwari nokuda kwapasi richaitwa sei?
21 Zvamazvirokwazvo, ichava ropafadzo huru isingatauriki nomufaro kuva munyika itsva yakadaro! Ipapo basa iro Mwari akapa kuvaviri vokutanga vohunhu pana Genesi 1:27, 28 richazadzikwa zvikuru. Kubata kwounyanzvi kwaJehovha ngwavaira yakawira mhuri yomunhu ngakuongwe, pasi richarimwa kusvikira patambanuko yokuva paradhiso uye richazadzwa norudzi rwomunhu rwakakwana. Hungu, Mwari achaona chinhu chiri chose chaakaita, uye, tarira, chichava chakanaka zvikuru. Uchavamo here? Kana zvakadaro, ipapo unofanira zvino kuvamba nenzira yokuonga kunwa mvura youpenyu pachena. “Uya!” ndokunwa kusvikira waguta ndokupedza nyota yako nemvura youpenyu iyo yakavamba kuyerera zvino uye ichayerera zvakazara mukati meMireniyumu ichauya. Uye munhu upi noupi anonzwa iyi kokero yakanaka ngaati: “Uya!”
[Mashoko Omuzasi]
a Pakati pezvimwe zvinhu, iyi nyaya yakati: “Hakuna kutongova nouchapupu hwakafara kudaro hwezvokwadi somukati mamakore mashomanene akapfuura. . . . Vakasarira vanovaunzira shoko romufaro, uye kwavari vanoti: ‘Uye munhu upi noupi anoda, ngaanwe mvura youpenyu pachena.’ Vanoudzwa kuti vangamira zvino kurutivi rwaShe, uye vachirwisana naDhiabhorosi, uye kugamuchira chikomborero. Harisati riri boka rakadaro ravanhu iro zvino ringatsvaka unyoro nokururama here, uye kuvanzwa muzuva rehasha dzake huru dzinoratidzirwa, uye kupfuudzwa muhondo huru yeArmagedhoni ndokurarama nokusingaperi uye kwete kufa? (Zef. 2:3) . . . Boka ravakasarira vakatendeka rinokumbanira mukokero ine nyasha ndokuti, ‘Uya.’ Iri shoko rinofanira kuziviswa kuna avo vane chishuvo chokururama nezvokwadi. Kunofanira kuitwa zvino.”
b Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 15, 1934, yakanongedzerawo kumutoro wamamwe makwai ndokuti papeji 249, ndima 31: “Boka raJonadhabhi nderaavo va‘nonzwa’ shoko rezvokwadi uye avo vanofanira kutaura kuna avo vari kunzwa, kuti: ‘Uya. Uye uyo anonzwa ngaati, Uya. Uye uyo ane nyota ngaauye. Uye munhu upi noupi anoda, ngaanwe mvura youpenyu pachena.’ (Zvak. 22:17) Avo veboka raJonadhabhi vanofanira kufamba naavo vari veboka rokufananidzirwa raJehu, ndiko kuti, vakazodzwa, uye kuzivisa shoko roumambo, kunyange zvazvo vasiri zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha.”
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ I“mvura”i inonongedzerwa kwairi pana Zvakazarurwa 22:17?
◻ Chii chiri manyuko e“mvura”?
◻ Neiko “mvura” ichidikanwa, uye ndirini bedzi payaigona kutanga kuyerera?
◻ Murugwaro rwedu, nongedzero yoku“mudzimu” inoratidzirei, uye “mwenga” unobatanidzwa sei?
◻ Ndiani anogona kunwa iyi “mvura,” uye nomuuyoi?