Ivai Varavi Vanofara Vebhuku Razvakazarurwa
“Anofara uyo anorava achidanidzira neavo vanonzwa mashoko ouprofita uhwu, nevanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri.”—ZVAKAZARURWA 1:3.
1. Muapostora Johani akazviwana ari mumamiriroi ezvinhu paakanyora Zvakazarurwa, uye zvakaratidzwa izvi zvakanyorerwei?
“INI Johani . . . ndakava pachitsuwa chinonzi Patimosi nemhaka yokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Muapostora Johani akanyora bhuku reApocalypse, kana kuti Zvakazarurwa ari mumamiriro ezvinhu akadaro. Zvinofungidzirwa kuti akaendeswa senhapwa kuPatimosi mukutonga kwaMambo weRoma Domitian (81-96 C.E.), aimanikidzira vanhu kunamata mambo uye akazova mutambudzi wevaKristu. Paaiva paPatimosi, Johani akava nezvaakaratidzwa zvaitevedzana izvo akanyora pasi. Akazvirondedzera, kwete kuti atyise vaKristu vepakutanga, asi kuti avasimbise, avanyaradze, nokuvakurudzira nokuda kwemiedzo yavaisangana nayo neiya yaiva mberi kwavo.—Mabasa 28:22; Zvakazarurwa 1:4; 2:3, 9, 10, 13.
2. Nei mamiriro ezvinhu ayo Johani nevamwe vaKristu vake vakazviwana vari achifadza kuvaKristu varipo nhasi?
2 Bhuku rino reBhaibheri rakanyorwa mumamiriro ezvinhu ane zvaanoreva pavaKristu vari kurarama nhasi. Johani akanga achitambudzwa nokuti aiva chapupu chaJehovha neMwanakomana Wake, Kristu Jesu. Iye nevaKristu vaainamata navo vaigara mumhoteredzo yaitsoropodza nokuti, kunyange vaiedza kuva vagari vemo vakanaka, vaisagona kunamata mambo. (Ruka 4:8) Mune dzimwe nyika, vaKristu vechokwadi vanozviwana vari mumamiriro ezvinhu akafanana nhasi, umo Hurumende inoti ndiyo ine kodzero yokurondedzera chinonzi “chakarurama mune zvechitendero.” Saka anonyaradza sei mashoko anowanwa musumo yebhuku raZvakazarurwa anoti: “Anofara uyo anorava achidanidzira neavo vanonzwa mashoko ouprofita uhwu, nevanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri; nokuti nguva yakatemwa yava pedyo.” (Zvakazarurwa 1:3) Hungu, varavi vaZvakazarurwa vanonyatsofungisisa nevanoteerera vanogona kuwana mufaro wechokwadi nezvikomborero zvakawanda.
3. Ndiani ari Muvambi waZvakazarurwa kuna Johani?
3 Ndiani ari Muvambi mukuru webhuku raZvakazarurwa, uye mutooi unoshandiswa kurizivisa? Ndima yokutanga inotiudza kuti: “Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza. Uye akatuma ngirozi yake ndokuzvipa muzviratidzo nayo kumuranda wake Johani.” (Zvakazarurwa 1:1) Zvichitaurwa zviri nyore, Muvambi chaiye waZvakazarurwa ndiJehovha Mwari, akazvipa kuna Jesu, uye achishandisa ngirozi, Jesu akazvitaurira Johani. Kumwezve kuongorora kushomanana kunoratidza kuti Jesu akashandisawo mudzimu mutsvene kuzivisa mashoko kuungano uye kupa Johani zviratidzo.—Zvakazarurwa 2:7, 11, 17, 29; 3:6, 13, 22; 4:2; 17:3; 21:10; enzanisa naMabasa 2:33.
4. Mutooi uchiri kushandiswa naJehovha nhasi kutungamirira vanhu vake pasi pano?
4 Jehovha achiri kushandisa Mwanakomana Wake, “musoro weungano,” kudzidzisa vashumiri vake pasi pano. (VaEfeso 5:23; Isaya 54:13; Johani 6:45) Jehovha anoshandisawo mudzimu wake kurayiridza vanhu vake. (Johani 15:26; 1 VaKorinde 2:10) Uye Jesu sekungoshandisa kwaakaita “muranda wake Johani” kugovera zvokudya zvomudzimu zvinosimbisa kuungano dzemuzana remakore rokutanga, saka nhasi ari kushandisa “muranda akatendeka, akangwara,” anoumbwa ne“hama” dzake pasi pano, kupa veimba yake neshamwari dzavo “zvokudya zvavo [zvomudzimu] panguva yakafanira.” (Mateu 24:45-47; 25:40) Vanofara ndaavo vanoziva Muvambi we‘zvipo zvakanaka’ zvatinowana sezvokudya zvomudzimu nemutoo waAri kushandisa.—Jakobho 1:17.
Ungano Dzinotungamirirwa naKristu
5. (a) Ungano dzechiKristu nevatariri vadzo zvinofananidzirwa nechii? (b) Pasinei zvapo nokusakwana kwevanhu, chii chichatibatsira kuti tive nomufaro?
5 Muzvitsauko zvokutanga zvaZvakazarurwa, ungano dzechiKristu dzinofananidzwa nezvigadziko zvemarambi. Vatariri vadzo vanofananidzwa nengirozi (vatumwa) uye nyeredzi. (Zvakazarurwa 1:20)a Achitaura nezvake, Kristu akaudza Johani kuti anyore kuti: “Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura iye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, iye anofamba pakati pezvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama.” (Zvakazarurwa 2:1) Tsamba nomwe dzakatumirwa kuungano nomwe dzemuAsia dzinoratidza kuti muzana rokutanga remakore C.E., ungano nevakuru vadzo dzaiva nezvadzaigona uye zvadzaikundikana. Izvozvo zviri kuitikawo nhasi. Saka, tichafara zvikuru kana tikaramba tichiziva kuti Kristu, Musoro wedu, ari pakati peungano. Anonyatsoziva zviri kuitika. Vatariri nenzira yokufananidzira vari “muruoko rwake rworudyi,” ndiko kuti, pasi pekudzora kwake nenhungamiro uye kuzvidavirira kwaari nokuda kwemafudzire avanoita ungano.—Mabasa 20:28; VaHebheru 13:17.
6. Chii chinoratidza kuti vatariri havasivo bedzi vanozvidavirira kuna Kristu?
6 Zvisinei, tinenge tichizvinyengedza dai taizofunga kuti vatariri ndivo bedzi vanozvidavirira kuna Kristu nokuda kwezviito zvavo. Mune imwe yetsamba dzake, Kristu akati: “Ungano dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera itsvo nemwoyo, uye ndichakupai somunhu mumwe nomumwe maererano nezviito zvenyu.” (Zvakazarurwa 2:23) Iyi inyevero uyewo kurudziro—nyevero yokuti Kristu anoziva mafungire edu emukati-kati, ikurudziro nokuti inotivimbisa kuti Kristu anoziva zvatinoedza kuita uye achatikomborera kana tikaita zvatinogona.—Mako 14:6-9; Ruka 21:3, 4.
7. VaKristu vemuFiradhefiya vakanga va‘chengeta sei shoko rokutsungirira kwaJesu’?
7 Tsamba yaJesu kuungano yaiva muguta rinonzi Ridhia reFiradhefiya haina mashoko okutsiura, asi inopa chipikirwa chinofanira kufarirwa zvikuru nesu. “Nokuti wakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo paawa yokuedzwa, ichauya mupasi rose rinogarwa, kuzoedza vanogara pasi pano.” (Zvakazarurwa 3:10) Mashoko echiGiriki okuti “wakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu” anogona kurevawo kuti “wakachengeta zvandakataura nezvokutsungirira.” Ndima 8 inoratidza kuti vaKristu vomuFiradhefiya havana kungoteerera mirayiro yaKristu asi vakatevera zano rake rokutsungirira nokutendeka pachavo.—Mateu 10:22; Ruka 21:19.
8. (a) Jesu akapikirei vaKristu veFiradhefiya? (b) Ndivanaani nhasi vanotapurwa ne“awa yokuedzwa”?
8 Jesu akawedzera kuti aizovachengeta pa“awa yokuedzwa.” Kuti izvozvo zvairevei kuvaKristu vaya vekare-kare ikoko hatizivi. Kunyange zvazvo kwakava nekumbomira zvishoma kwechitambudzo Domitian afa muna 96 C.E., kumwe kutambudzwa kutsva kwakatanga pasi paTrajan (muna 98-117 C.E.), pasina mubvunzo kuchiunza mimwezve miedzo. Asi “awa yokuedzwa” huru inovapo “muzuva raShe” mu“nguva yokupedzisira,” yatiri iye zvino. (Zvakazarurwa 1:10; Dhanieri 12:4) VaKristu vakazodzwa nomudzimu vakapfuura nomunguva yakati yokuedzwa munguva yeHondo Yenyika I uye pashure payo. Asi, “awa yokuedzwa” ichiripo. Inotapura “pasi rose rinogarwa,” kusanganisira mamiriyoni anoumba boka guru, rinotarisira kupukunyuka kutambudzika kukuru. (Zvakazarurwa 3:10; 7:9, 14) Tichafara kana ti‘kachengeta zvakataurwa naJesu pamusoro pokutsungirira,’ zvokuti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateu 24:13.
Kuzviisa Nomufaro Pasi poUchangamire hwaJehovha
9, 10. (a) Munzirai umo zvakaratidzwa zvechigaro chokutonga chaJehovha zvinofanira kutitapura? (b) Kurava kwedu Zvakazarurwa kunogona kuwedzera mufaro wedu sei?
9 Zvakaratidzwa zvechigaro choumambo chaJehovha nezvedare rake rokudenga zviri Zva muzvitsauko 4 ne5 zvaZvakazarurwa zvinofanira kutiita tive nokutya kwokuremekedza. Tinofanira kuororwa nemashoko emwoyo wose ekurumbidza anotaurwa nezvisikwa zvokudenga zvine simba sezvazvinozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha hwakarurama nomufaro. (Zvakazarurwa 4:8-11) Manzwi edu anofanira kunzwiwa pakati peavo vanoti: “Kuropafadzwa nokukudzwa nembiri nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo nokuGwayana nokusingaperi-peri.”—Zvakazarurwa 5:13.
10 Munzira inoshanda, izvi zvinoreva kuzviisa kwedu nomufaro pasi pekuda kwaJehovha muzvinhu zvose. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvose zvamunoita mushoko kana mubasa, itai zvose muzita raShe Jesu, muchionga Mwari Baba naye.” (VaKorose 3:17) Kurava kwatinoita Zvakazarurwa kuchatiita kuti tifare zvechokwadi kana isu nechomukati-kati mepfungwa dzedu nemwoyo tikaziva uchangamire hwaJehovha ndokufungisisa uye kuita kuda kwake mune zvose zvatinoita muupenyu hwedu.
11, 12. (a) Gadziriro yaSatani yepasi pano ichazununguswa nekuparadzwa sei? (b) Maererano naZvakazarurwa chitsauko 7, ndiani acha“kwanisa kumira” panguva iyoyo?
11 Kuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha tichifara ndiko kunoita kuti tifare semunhu oga oga uye pazvisikwa zvose. Nokukurumidza kudengenyeka kwapasi kwokufananidzira kuchazunungusa gadziriro yenyika yaSatani kubva pafandesheni yayo ndokuiparadza. Hapazovi nenzvimbo yokuvanda nokuda kwevanhu vanoramba kuzviisa pasi pehurumende yokudenga yoUmambo yaKristu, inomirira kudzora kwaMwari kwepamutemo. Uprofita hwacho hunoti: “Madzimambo apasi nevane nzvimbo dzapamusoro nevatungamiriri vehondo nevapfumi nevakasimba nevaranda vose nevanhu vose vakasununguka vakazvivanza mumapako nemaware emakomo. Uye vanoramba vachiti kumakomo nokumaware: ‘Tiwirei mutivanze pachiso cheAgere pachigaro choumambo nepahasha dzeGwayana, nokuti zuva guru rehasha dzavo rasvika, uye ndiani anokwanisa kumira?’”—Zvakazarurwa 6:12, 15-17.
12 Maererano nomubvunzo iwoyu, muchitsauko chinotevera, muapostora Johani anorondedzera vaya vanoumba boka guru, vanobva mukutambudzika kukuru, se“vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15) Kumira kwavo pamberi pechigaro choumambo chaMwari kunoratidza kuti vanoziva chigaro choumambo ichocho uye vanonyatsozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha. Saka vanomira vatenderwa.
13. (a) Ruzhinji rwevanhu vanogara pasi runonamata chii, uye chii chinofananidzirwa nechiratidzo chiri pahuma yavo kana kuti paruoko rwavo? (b) Saka nei kutsungirira kuchizodiwa?
13 Asiwo, chitsauko 13 chinorondedzera vagari vose vapasi sevanonamata gadziriro yezvamatongerwo enyika yaSatani, inofananidzirwa nechikara. Vanoiswa chiratidzo pa“huma” yavo kana kuti pa“ruoko,” rwavo zvichiratidza kutsigira gadziriro iyoyo kwavanoita mupfungwa nemumuviri. (Zvakazarurwa 13:1-8, 16, 17) Zvadaro, chitsauko 14 chinowedzera kuti: “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, akagamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari inodururirwa mukapu yehasha dzake isina kuvhenganiswa, . . . Pano ndipo panoreva kutsungirira nokuda kwevatsvene, vaya vanochengeta mirayiro yaMwari nokutenda muna Jesu.” (Zvakazarurwa 14:9, 10, 12) Nguva sezvainofambira mberi, mubvunzo wacho uchawedzera kuva wokuti: Unotsigira aniko? Jehovha nouchangamire hwake here kana kuti gadziriro isina Mwari yezvematongerwo enyika inofananidzirwa nechikara? Vachafara vaya vanodzivisa kugamuchira chiratidzo chechikara uye vanotsungirira nokutendeka mukuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha.
14, 15. Mashokoi anovhiringidza kurondedzerwa kweAmagedhoni muna Zvakazarurwa, achirevei kwatiri?
14 Vatongi ve“pasi rose rinogarwa” vari kubonderana, vakananga kundorwisana naJehovha nokuda kwenhau youchangamire. Mugumo wacho uchava Amagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Mashoko anoshamisa anobva angouya pakati chaipo pokurondedzerwa kwekuungana kwevatongi vepasi nokuda kwehondo naJehovha. Jesu pachake anopindira zvakaratidzwa zvacho obva ati: “Tarira! Ndiri kuuya sembavha. Anofara ndiye anoramba akamuka uye anochengeta nguo dzake dzokunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu vatarire nyadzi dzake.” (Zvakazarurwa 16:15) Izvi zvingafungisa varindi vetemberi vevaRevhi vaibviswa nguo dzavo ndokunyadziswa pachena kana vaiwanikwa vakarara munguva yokuita basa ravo rokuchengeta.
15 Mashoko acho ari pachena: Kana tichida kupukunyuka Amagedhoni, tinofanira kuramba takamuka mumudzimu ndokuchengeta nguo dzokufananidzira dzinotizivisa seZvapupu zvakatendeka zvaJehovha Mwari. Tichafara kana tichidzivisa kuneta mumudzimu ndokupfuurira tisingaregi, tichiparidzira pamwe nokushingaira “mashoko akanaka asingaperi” eUmambo hwaMwari hwakagadzwa.—Zvakazarurwa 14:6.
‘Anofara Munhu Upi Noupi Ari Kuchengeta Mashoko Aya’
16. Nei zvitsauko zvokupedzisira zvaZvakazarurwa zvichinyanya kukonzera mufaro?
16 Varavi vanofara vebhuku raZvakazarurwa vanogona kunzwa manyukunyuku emufaro sezvavanorava zvitsauko zvokupedzisira zvinorondedzera tariro yedu ine mbiri—yedenga idzva nenyika itsva, kureva hurumende yoUmambo yokudenga yakarurama inotonga nzanga itsva, yakacheneswa yevanhu, zvose zvichiita kuti “Jehovha Mwari Wemasimba Ose” arumbidzwe. (Zvakazarurwa 21:22) Sezvo nhevedzano yezvakaratidzwa yakasvika kumugumo, mutumwa aiva ngirozi akati kuna Johani: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi; hungu, Jehovha Mwari wokutaura kwakafuridzirwa kwavaprofita akatuma ngirozi yake kuti iratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza. Uye, tarira! ndiri kuuya nokukurumidza. Anofara munhu ari kuchengeta mashoko ouprofita hwomupumburu uyu.”—Zvakazarurwa 22:6, 7.
17. (a) Chipikirwai chinopiwa pana Zvakazarurwa 22:6? (b) Chii chatinofanira kuchenjerera kudzivisa?
17 Varavi vanofara vaZvakazarurwa vachayeuka kuti mashoko akafanana neaya ari kwekutanga kwe“mupumburu.” (Zvakazarurwa 1:1, 3) Mashoko aya anotipikira kuti “zvinhu” zvose zvakaprofitwa mubhuku iri rokupedzisira reBhaibheri zvicha“itika nokukurumidza.” Tiri kurarama munguva yomugumo zvikuru umo zviitiko zvinokosha zvakafanotaurwa muna Zvakazarurwa zvinofanira kuitika zvechokwadi mukutevedzana kunokurumidza. Saka, kungaratidzika sokugadzikana kupi nekupi mugadziriro yaSatani hakufaniri kutinyengera kuti tirare ngonono. Muravi akachenjerera achayeuka nyevero dzakapiwa mutsamba dzakatumirwa kuungano nomwe dzekuAsia uye achadzivisa misungo yokunyanyoda zvinhu zvokunyama, kunamata zvidhori, unzenza, kutonhora, uye kuumba zvitendero zvokuramba kutenda.
18, 19. (a) Nei Jesu achifanira kuuya, uye itariroi yakaratidzwa naJohani yatinogoverana? (b) Jehovha acha“uya” nokuda kwechinangwai?
18 Mubhuku raZvakazarurwa, Jesu anozivisa kakawanda kuti: “Ndiri kuuya nokukurumidza.” (Zvakazarurwa 2:16; 3:11; 22:7, 20a) Achafanira kuuya kuzotonga Bhabhironi Guru, gadziriro yazvematongerwo enyika yaSatani, uye vanhu vose vanoramba kuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha, zvino hunoratidzirwa neUmambo hwaMesiya. Tinobatanidza manzwi edu neayo emuapostora Johani, uyo akati: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.”—Zvakazarurwa 22:20b.
19 Jehovha pachake anoti: “Tarira! Ndiri kuuya nokukurumidza, uye mubayiro wandinopa ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvakaita basa rake.” (Zvakazarurwa 22:12) Takamirira mubayiro weupenyu husingaperi hwakapikirwa hune mbiri zvichida seve“denga idzva” kana kuti ve“nyika itsva,” ngatibatanei nokushinga mukukoka vanhu vose vane mwoyo yakatendeseka kuti: “‘Uya!’ Uye wose anonzwa nyota ngaauye; wose anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) Ivowo ngavave varavi vanofara vebhuku rakafuridzirwa nerinokurudzira raZvakazarurwa!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 28-9, 136 (mashoko emuzasi).
Pfungwa Dzokudzokorora
◻ Mutooi wakashandiswa naJehovha kuzivisa Zvakazarurwa, uye tingadzidzei mune izvi?
◻ Nei tichifanira kufarira kurava tsamba dzakatumirwa kuungano nomwe dzomuAsia?
◻ Tingachengetwa sei takachengeteka mu“awa yokuedzwa”?
◻ Mufaroi watichava nawo kana tikachengeta mashoko emupumburu ari muna Zvakazarurwa?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vanofara ndeavo vanoziva Muvambi wemashoko anofadza
[Mufananidzo uri papeji 18]
Anofara ndeuyo anogara akamuka