Ganhuro 18
Kudengenyeka Kwapasi Muzuva raShe
1, 2. (a) Kupukunyuka nomukudengenyeka kwapasi kwakakomba kwakafanana nechii? (b) Ko Johane anorondedzerei apo chisimbiso chechitanhatu chinonamanurwa?
WATI wambopukunyuka mukudengenyeka kwapasi kwakakomba here? Hakuzati kuri chinoitika chinofadza. Kutenheka kukuru kungatanga nokutinhira kunonyangadza noruzha runogunduma. Kuvheya vheya kungaipisisa panhambo nenhambo apo unomhanyira kotsekano—zvimwe pasi pechibhariro. Kana kuti kungaitika sokuzunguza kwapakare pakarepo, kunoputsanya, kunoteverwa nokuputsanyika kwemidziyo yevhu, midziyo yomumba, kunyange zvivako. Kuvadziko ingava ngwavaira, nokuzununguka kuzhinji kwapashure pacho kunoparira imwezve kuvadziko nokuwedzera kunhamo.
2 Uchiyeuka izvozvi, rangarira icho Johane anorondedzera pakunamanurwa kwechisimbiso chechitanhatu, achiti: “Uye ini ndakaona apo iye akanamanura chisimbiso chechitanhatu, ipapo kudengenyeka kwapasi kukuru kwakaitika.” (Zvakazarurwa 6:12a) Ikoku kunofanira kuitikira munhambo imwe chetewo yenguva sapakunamanurwa kwezvimwe zvisimbiso. Asika muzuva raShe uku kudengenyeka kwapasi kunoitika rini chaizvoizvo, uye ikwo kudengenyeka kworudzii?—Zvakazarurwa 1:10.
3. (a) Ko Jesu akadeya kuzivisa zvinoitikai muuporofita pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake? (b) Ko kudengenyeka kwapasi chaikwoikwo kune chokuitai nokudengenyeka kwapasi kukuru kwokufananidzira kwaZvakazarurwa 6:12?
3 Kudengenyeka chaikoiko nokwokufananidzira kwapasi kunodudzwa kazhinji muBhaibheri. Muuporofita hwake hukuru pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake musimba roUmambo, Jesu akadeya kuzivisa “kudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo.” Ikoku kwaizova rutivi rwa“mavambo amarwadzo enhamo.” Chifo cha1914, nechiverengero chavagari vapasi chinowedzera kusvika muzviuru zvamamiriyoni, kutenheka chaikoiko kwakapira nomutoo une revo kunhamo dzenguva dzedu. (Mateo 24:3, 7, 8) Hunyanguvezvo, kunyange zvazvo kuchizadzika uporofita, kudengenyeka kwapasi ikwokwo kwave kuri ngwavaira dzomuzvarirwo, dzinooneka. Ikwo kunotangira kudengenyeka kwapasi kukuru kwokufananidzira kwaZvakazarurwa 6:12. Ikoku, zvamazvirokwazvo, kunosvika somugumo unoparadzanya wenhevedzano yokudengenyeka kwapamberi kunozunungutsa tsika yohunhu yapasi yezvinhu yaSatani kusvikira kunheyo dzayo.a
Kuzunguzika Muchaunga Chavanhu
4. (a) Ko vanhu vaJehovha vakanga vave vachikarira kuti zvinoitika zvengwavaira zvaizovamba muna 1914 chifo charini? (b) Ko 1914 aizoratidzira mugumo wenhamboi yenguva?
4 Kubvira pakati pama1870, vanhu vaJehovha vave vachikarira kuti zvinoitika zvengwavaira zvaizotanga muna 1914 uye zvaizoratidza mugumo weNguva dzaVamarudzi. Iyi inhambo ye“nguva nomwe” (makore 2 520) anovambira pakukurirwa kwoumambo hwaDhavhidhi muJerusarema muna 607 B.C.E. kusvikira kukugadzwa pachigaro choumambo kwaJesu muJerusarema rokudenga muna 1914 C.E.—Dhanieri 4:24, 25; Ruka 21:24, King James Version.b
5. (a) Ko C. T. Russell akazivisei pana October 2, 1914? (b) Kushandukai kwezvamatongerwe enyika kwakaitika chifo cha1914?
5 Nokudaro, pakasvika C. T. Russell nokuda kwokunamata kwamangwanani nemhuri yeBheteri yeBrooklyn, New York, pamangwanani aOctober 2, 1914, iye akaita chiziviso chinokatyamadza, chinoti: “Nguva dzaVamarudzi dzaguma; madzimambo awo akatonga.” Zvamazvirokwazvo, kushanduka kwenyika yose kwakavamba muna 1914 kwakanga kuchibatanidza zvizhinji zvokuti madzimambo mazhinji anguve aripo akanyangarika. Kukurirwa kwoumambo hwavaCzar mukumukira kwavaBolshevik kwa1917 kwakaparira kurwisana kwenguva refu pakati poumambo hwamakomonisiti hwaMarx nohwenhengeseranwa yorusununguko. Kutenheka kwechinjo yezvamatongerwe enyika kunopfuurira kudzongonyedza chaunga chavanhu mupasi rose. Nhasi, hurumende zhinji dzinokundikana kugara kwerinopfuura gore rimwe kana kuti maviri. Shaikwo yokutsiga munyika yezvamatongerwe enyika inoenzanisirwa muchinoitika cheItaly, iyo yakava nehurumende itsva 47 mumakore 42 bedzi pashure peHondo yeNyika II. Asi kutenheka kwakadaro kwepachine nguva mberi kunongova bedzi kwokutanga kwokushanduka kwokupedzisira kwehurumende. Chii chichava muuyo wacho? Umambo hwaMwari huchatora ubati ushe hwose hwapasi.—Isaya 9:6, 7.
6. (a) Ko H. G. Wells akarondedzera sei nhambo itsva uye inokosha? (b) Ko muzivi nomukuru mukuru wehurumende vakanyorei pamusoro penhambo inovambira muna 1914?
6 Vezvenhau, vazivi, uye vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vakanongedzera kugore ra1914 sokutanga kwenhambo itsva uye inokosha. Makore gumi namanomwe munhambo iyeyo, wezvenhau H. G. Wells akatsinhira, kuti: “Nomufaro muporofita aizoporofita zvinhu zvinofadza. Asi musengwa wake ndowokuzivisa zvaanoona. Iye anoona nyika ichiri kudzorwa zvakatsiga navarwi, vanoshingairira nyika yokwavo, vakweretesi vezvimbadzo, uye vana muzvinamabhizimisi oujarijari; nenyika yakaiswa kunyumwiro noruvengo, ichirashikirwa neiri yasara yesununguko yapachivande nokukurumidza zvikuru, ichidzedzerekera noupofu kurwisano dzakakasharara dzamapoka, uye ichigadzirira hondo itsva.” Muna 1953 muzivi Bertrand Russell akanyora, kuti: “Chifo cha1914, munhu ari wose anoziva nezvekombaniro dziri munyika akanetswa zvikurukuru nechakaratidzika kuva chakafanana nokufora kwakadeya kutemerwa mugumo nokwakadeya kusarudzirwa mugumo kungwavaira inoramba ichikura zvikuru. . . . Vanoona dzinza romunhu, segamba rengwavaira yechiGiriki, rinosundwa navamwari vakatsamwa uye asati achitongovazve ishe womugumo.” Muna 1980 mukuru mukuru wezvehurumende Harold Macmillan, achirangarira pamusoro pokutanga kuno rugare kwezana ramakore rechi20, akati: “Chinhu chiri chose chaizoramba chichiva chiri nani zvikuru. Iyoyi yakanga iri nyika yandakaberekerwa mairi. . . . Nokukurumidza, nomutoo usingakarirwi, mamwe mangwanani muna 1914 chinhu chose chakaguma.”
7-9. (a) Kushandukai kwakazunungusa chaunga chohunhu chifo cha1914? (b) Kushanduka muchaunga chavanhu panguva yokuvapo kwaJesu kwaizobatanidza mamiriro api ezvinhu pakati pevanhu?
7 Hondo yeNyika II yakapinza rimwe fungu reshanduko. Uye hondo duku zvikuru pamwe chete nougandanga hwenyika yose zvinopfuurira kuzunungusa pasi. Kutyisidzira kunotyisa kwemagandanga kana kuti kwenyika pachishandiswa zvombo zvinoparadza zvinhu zvakawanda kwaita kuti vanhu vazhinji vanetseke.
8 Zvimwe zvinhu kunze kwehondo, kunyange zvazvo zvakadaro, zvakazunungutsa chaunga chomunhu kusvikira kunheyo dzacho chifo cha1914. Imwe yeshanduko dzinoisvotambudza zvikuru yakanyandurwa nokuputsika kwegadziriro yeU.S. yenhengeseranwa yomushandira pamwe yaOctober 29, 1929. Ikoku kwakaparira Kuderera Kukuru Kwoukoshi Hwezvemari, uko kwakatapura nyika dzose dzenhengeseranwa yorusununguko. Kuderera kwoukoshi hwezvemari ikwokwo kwakadzikira pakati pa1932 na1934, asi tichiri kunzwa tapuro dzakwo. Chifo cha1929 nyika inorwara mumugariro wezvemari yakanamwa negadziriro dzechinguvana. Hurumende dzinorarama nezvikwereti. Njodzi yamafuta ya1973 nokuputsika kwegadziriro yenhengeseranwa yomushandira pamwe ya1987 zvakawedzera kuzunguzika kwoumambo wezve mari. Kuri zvino, mamiriyoni avanhu anotenga zvikurukuru nechikwereti. Zviverengero zvisingaverengeki zvakatapurwa nokuruka mazano oujarijari ezvemari, nenyengedzo dzokuita mari, uye marotari nedzimwe nyengedzo dzokubhenjera, zhinji dzadzo dzinoitwa nehurumende dzinofanira kutaviridzira vanhu. Kunyange vaevhangeri veterevhizheni vechiKristudhomu vanotambanudzira maoko avo nokuda kwomugove wavo wamamiriyoni mazhinjisa amadhora!—Enzanisa naJeremia 5:26-31.
9 Pakuvamba-vamba, zvinetso zvomugariro wemari zvakanga zvazarurira nzira Mussolini naHitler kubvuta simba. Bhabhironi Guru harina kurashikirwa nenguva mukutsvaka tendero dzavo, uye Vatican yakapinda murangano neItaly muna 1929 neGermany muna 1933. (Zvakazarurwa 17:5) Mazuva akasviba akatevera zvamazvirokwazvo aiva rutivi rwezadziko youporofita hwaJesu nezvokuvapo kwake, uko kwaizobatanidza “shungu yamarudzi, asati achiziva nzira yokubuda nayo . . . apo vanhu vaizopera simba nokuda kwokutya nekariro yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.” (Ruka 21:7-9, 25-31)c Hungu, kudengenyeka kwakavamba kuzunungusa chaunga chomunhu muna 1914 kwakapfuurira, nokutenheka kwapashure kune simba.
Jehovha Anoita Kuzunungusa
10. (a) Neiko kune kutenheka kuzhinji zvikuru munhau dzohunhu? (b) Ko Jehovha ari kuitei, mugadziriro yechii?
10 Kutenheka kwakadaro muzvinhu zvavanhu muuyo wokusakwanisa kwomunhu kudzora nhano dzake amene. (Jeremia 10:23) Zvakare, nyoka iya yekare, Satani, “uyo unonyengera pasi rose rinogarwa,” ari kuparira nhamo munhamburiko yake yokupedzisira yokutsausa vanhu vose pakunamatwa kwaJehovha. Ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwazvino uno rwakaparira pasi kudukupa kuva nzanga imwe, umo kuvengana kwourudzi nokwedzinza kuri kuzunungusa chaunga chavanhu kusvikira kunheyo dzacho, uye Chibatanwa chaMarudzi, chinoidzwa kunzwaro, hachigoni kuwana chigadzikiso chinobudirira. Sezvisakamboitika nakare kose, munhu ari kudzora munhu kusvikira kukukuvadzika kwake. (Zvakazarurwa 12:9, 12; Muparidzi 8:9) Hunyanguvezvo, Changamire Ishe Jehovha, Muiti wedenga napasi, ave achiita rudzi rwake amene rwokuzunungusa kweanenge makore 90, mugadziriro yokugadzikisa zvinetso zvapasi kwechigarire. Kudaro seiko?
11. (a) Kutenhekai kunorondedzerwa pana Hagai 2:6, 7? (b) Ko uporofita hwaHagai huri kuzadzika sei?
11 Pana Hagai 2:6, 7 tinorava kuti: “Nokuti izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha wamauto, ‘Asi kamwe chete—kwasara chinguva chiduku— uye ini ndichazunungusa matenga napasi negungwa nenyika yakaoma. Uye ini ndichazunungusa marudzi ose, nezvinhu zvinodiwa zvamarudzi ose zvinofanira kupinda; uye ini ndichazadza imba ino nokubwinya,’ Jehovha wamauto akataura kudaro.” Chifo chegore 1919 zvikurukuru, Jehovha akaparira zvapupu zvake kuparidzira marutongeso ake pakati pamasangano ose echaunga chavanhu pasi pano. Tsika yenyika yaSatani yakaziviswa nezvenyevero iyi yemburumbwa yose.d Nyevero zvainokudziridzika, vanhu vanotya Mwari, “zvinhu zvinodiwa,” vakanyandurirwa kukuzviparadzanisa ivo vamene namarudzi. Hakuzati kuri kuti ivo vanozunzirwa kunze nokudengenyeka kwesangano raSatani. Asi sezvavanocherekedza mugariro wacho, vanoita chisarudzo chavo vamene chokugoverana neboka raJohane rakazodzwa mukuzadza imba yaJehovha yokunamatira nembiri. Ko ikoku kunoitwa sei? Kupfurikidza nebasa rokushingaira rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa hwaMwari. (Mateo 24:14) Uhwu Umambo, hunoumbwa naJesu navateveri vake vakazodzwa, hucharamba humire kumbiri yaJehovha so“umambo husati huchigona kuzununguswa.”—VaHebheru 12:26-29.
12. Kana wakatanga kudavidza kukuparidzira kwakadeya kuziviswa kuri pana Mateo 24:14, chii chaunofanira kuita kudengenyeka kukuru kwapasi kwaZvakazarurwa 6:12 kusati kwaitika?
12 Ko iwe uri mumwe akatanga kudavidza kukuparidzira ikoko here? Ko iwe uri pakati pamamiriyoni ayo mumakore achangobva kupfuura aya vakapinda kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaJesu here? Kana kwakadaro, ramba uchifambira mberi mukufunda kwako zvokwadi yeBhaibheri. (2 Timotio 2:15; 3:16, 17) Siya chose chose mutoo woupenyu wakashata wechaunga chapasi chakashurikidzwa chaSatani! Pinda chaizvo muchaunga chenyika itsva chechiKristu ndokugoverana zvizere mumibato yacho “kudengenyeka kwapasi” kune ngwavaira kwokupedzisira kusati kwaputsanya nyika yose yaSatani. Asika chii kudengenyeka ikoko kwapasi kukuru? Ngationei zvino.
Kudengenyeka Kwapasi Kukuru!
13. Ko kudengenyeka kwapasi kukuru kutsva chose chose kuchinoitika chomunhu munzirai?
13 Hungu, aya mazuva okupedzisira anotambudza ave ari nguva yokudengenyeka kwapasi—chaikwoikwo uye kwokufananidzira. (2 Timotio 3:1) Asika hakuna nokumwe kwokudengenyeka ikwokwu kuri kuzunungusa kukuru kwokupedzisira uko Johane anoona pakunamanurwa kwechisimbiso chechitanhatu. Nguva yokutenheka kwapachine nguva mberi inogumiswa. Ipapo kunouya kudengenyeka kwapasi kukuru kuri kutsva chose chose kuchinoitika chomunhu. Kudengenyeka kwapasi kukuru kwazvo zvokuti kushandurwa nokutenheka kwakunoparira hakugoni kupimwa nechikero chinopimwa neChikero kana kuti kupfurikidza nomumwe mupimo upi noupi womunhu. Ikoku hakuzati kuchingovawo zvako kutenheka kwomunzvimbomo asi kuzunza kune ngwavaira kunoputsanya “pasi” rose, ndiko kuti, chaunga chose chavanhu chakashata.
14. (a) Uporofitai hunodeya kuzivisa kudengenyeka kwapasi kukuru nemiuyo yakwo? (b) Ko uporofita hwaJoere naZvakazarurwa 6:12, 13 hunofanira kunongedzera kuchii?
14 Vamwe vavaporofita vaJehovha vakadeya kuzivisa kudengenyeka kwapasi kwakadaro nemiuyo yakwo ine ngwavaira. Somuenzaniso, munenge muna 820 B.C.E., Joere akataura nezve“kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha,” achitaura kuti ipapo “zuva iro rimene richashandurwa kuva rima, nomwedzi kuva ropa.” Gare gare, iye anowedzera aya mashoko, anoti: “Mapoka, mapoka ari mumupata wechisarudzo, nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wechisarudzo. Zuva nomwedzi izvo zvimene zvamazvirokwazvo zvichasviba, uye nyeredzi dzimene zvamazvirokwazvo dzichabvisa rubwinyo rwadzo. Uye Jehovha iye amene achadzvova ari muZioni, uye iye achabudisa inzwi rake ari muJerusarema. Uye denga nepasi zvirokwazvo zvichazunguzika; asi Jehovha achava utiziro nokuda kwavanhu vake, uye nhare nokuda kwavanakomana vaIsraeri.” (Joere 2:31; 3:14-16) Uku kuzunguzika kungashanda bedzi kukuita kwaJehovha rutongeso mukati medambudziko guru. (Mateo 24:21) Naizvozvo nhauro inowirirana iri pana Zvakazarurwa 6:12, 13 nenzira ino mufungo yaizova nokushanda kumwe cheteko.—Onawo Jeremia 10:10; Zefania 1:14, 15.
15. Ko muporofita Habhakuki akadeya kuzivisa kuzunungukai kune simba?
15 Makore 200 pashure paJoere, muporofita Habhakuki akataura mumunyengetero kuna Mwari wake, kuti: “Haiwa Jehovha, ndakanzwa mushumo pamusoro penyu. Ndakava anotya, Haiwa Jehovha, mubato wenyu. Haiwa, umutsei pakati pamakore! Mungauzivisa pakati pamakore. Mukati mokutsamwa, mungayeuka kuratidzira nyasha.” Chiiko chingava ‘kutsamwa’ ikoko? Habhakuki anopfuurira kupa rondedzero yakajeka yedambudziko guru, achiti nezvaJehovha: “Iye amire, kuti agozunungusa pasi. Iye akaona, dzokonokei oparira marudzi kukwakuka . . . Mukushora makafamba nomupasi. Muhasha makapura marudzi. Asi, kana ndirini, ndichafara muna Jehovha iye amene; ndichava anofara muna Mwari woruponeso rwangu.” (Habhakuki 3:1, 2, 6, 12, 18) Haiwa kuzunungusa kune simba kwakadini Jehovha achaparira mupasi rose apo iye anopura marudzi!
16. (a) Chii chinodeya kutaurwa nomuporofita Ezekieri nokuda kwenguva apo Satani anoita denho yake yokupedzisira pavanhu vaMwari? (b) Chii chinova muuyo mukudengenyeka kwapasi kukuru kwaZvakazarurwa 6:12?
16 Ezekieriwo akadeya kuzivisa kuti apo Gogi waMagogi (Satani akaderedzwa) anoita denho yake yokupedzisira pavanhu vaMwari, Jehovha achaparira “kuzunguzika kukuru” kuti kuitike “muivhu raIsraeri.” (Ezekieri 38:18, 19) Kunyange zvazvo kudengenyeka kwapasi chaikwoikwo kungabatanidzwa, tinofanira kuyeuka kuti zvakazarurwa zvinopiwa muzviratidzo. Uhu uporofita nohumwe uporofita hwakanokorwa mashoko ndohwokufananidzira zvikurukuru. Nokudaro, kunamanurwa kwechisimbiso chechitanhatu kunoratidzika kuva kunowadzanyura mugumo wokuzununguswa kwetsika ino yapasi yezvinhu—kudengenyeka kwapasi kukuru umo vanhu vose vanoshora uchangamire hwaJehovha Mwari vanoparadzirwa makuri.
Nguva Yerima
17. Ko kudengenyeka kukuru kwapasi kunotapura sei zuva, mwedzi, nenyeredzi?
17 Johane zvaanopfuurira kuratidzira, kudengenyeka kwapasi kukuru kunova pamwe chete nezvinoitika zvinotyisa zvinobatanidza kunyange matenga. Iye anoti: “Ipapo zuva rakasvipa segudza remvere, mwedzi wose wakaita seropa, nyeredzi dzokudenga dzakawira pasi, seapo muonde wazununguswa nemhepo ine simba unozunza maonde ari magan’a.” (Zvakazarurwa 6:12b, 13) Haiwa ndichinoitika chinokatyamadza sei! Unogona here kufungidzira rima rinotyisa ringava somuuyo kudai uporofita hwaizozadzika sezvahuri? Hapachinazve chiedza chezuva chinodziya, chinonyevenudza pamasikati! Hapachinazve chiedza chomwedzi chinotonhorera, chesivheri pausiku! Uye nyeredzi dzisingaverengeki dzingave dzisati dzichatoitirazve pachifukidziro chakaserera chedenga. Panzvimbo pakwo, kungava nokusviba kunotonhora, kusingaperi.—Enzanisa naMateo 24:29.
18. Ko ‘matenga akasviba’ munzirai nokuda kweJerusarema mu607 B.C.E.?
18 Mupfungwa yomudzimu, rima rakadaro rakaporofitwa nokuda kwaIsraeri wekare. Jeremia akanyevera, kuti: “Nyika yose ichava dongo, uye handizati ndichizoita ruparadziko rwachose chose here? Nokuda kwaikoku nyika ichachema, uye matenga ari kumusoro zvamazvirokwazvo achasviba.” (Jeremia 4:27, 28) Muna 607 B.C.E. apo uporofita ihwohwo hwakazadzika, zvinhu zvakanga zvakasviba zvamazvirokwazvo nokuda kwavanhu vaJehovha. Guta redzimbahwe ravo, Jerusarema, rakawira kuvaBhabhironi. Tembere yavo yaparadzwa, uye nyika yavo yakasiiwa. Kwavari, kwakanga kusina chiedza chinofadza chinobva kudenga. Panzvimbo pakwo, kwakanga kwakaita sokutaura kwakaita Jeremia mukuchema kuna Jehovha, kuti: “Imi makauraya; hamuna kunzwira tsitsi. Makadzivirira kusvika kwamuri mumene negore gobvu, kuti munyengetero ugorega kupfuura nomo.” (Mariro 3:43, 44) Nokuda kweJerusarema, kusviba ikoko kwamatenga kwakareva rufu noruparadziko.
19. (a) Ko muporofita waMwari Isaya anorondedzera sei rima mumatenga pamusoro peBhabhironi rekare? (b) Ko uporofita hwaIsaya hwakazadzika rini uye sei?
19 Gare gare, kusviba kumwe cheteko mumatenga kwakaratidzira ngwavaira nokuda kweBhabhironi rekare. Nezvaikoku, muporofita waMwari akafuridzirwa kunyora, kuti: “Tarira! Zuva raJehovha iro rimene rinouya, utsinye pamwe nehasha nokutsamwa kukuru, nokuda kwokuita kuti nyika ive chishamiso, uye kuti rigoparadza vaiti vezvivi venyika mairi. Nokuti nyeredzi dzimene dzamatenga namapoka adzo eKesil hadzizoratidzi chiedza chadzo; zuva richasviba zvamazvirokwazvo pakubuda kwaro, uye mwedzi umene hausati uchizosakisa chiedza chawo kupenya. Uye ndichajekesa zvamazvirokwazvo ushati hwayo humene panyika inobereka zvibereko, nechikanganiso chavo vamene pavakaipa ivo vamene.” (Isaya 13:9-11) Uhwu uporofita hwakazadzika muna 539 B.C.E. apo Bhabhironi rakawira kuvaMedhia navaPersia. Rinosanorondedzera kusviba, kusava netariro, kushaikwa kwechiedza chipi nechipi chinonakidza nokuda kweBhabhironi sezvarakawa nokusingaperi richibva panzvimbo yaro sesimba gurusa zvikuru renyika.
20. Muuyoi unotyisa wakamirira tsika ino yezvinhu apo kudengenyeka kwapasi kukuru kunorovanya?
20 Nenzira imwe cheteyo, apo kudengenyeka kwapasi kukuru kunorovanya, tsika ino yose yenyika ichamonzverwa mukushaiwa zano kwerima gobvu. Zvivheneko zvakajeka, zvinopenya zvetsika yapasi yaSatani hazvizati zvichizoratidzira mwaranzi wekariro. Nechekare nhasi, vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vapasi, zvikurukuru muchiKristudhomu, vane mukurumbira wakashata nokuda kwoushati hwavo, kureva nhema, nomuraramiro woutere. (Isaya 28:14-19) Havasati vachagonazve kuvimbwa navo. Mwenje wavo unotoikira uchadzima chose chose apo Jehovha anoita rutongeso. Pesvedzero yavo yakafanana neyomwedzi pazvinhu zvapasi ichafumurwa seizere neropa, inouraya. Vananyamasase vavo venyika vachadzimwa samabwe anowa mudenga ndokuparadzirwa samaonde ari magan’a mudutu rinovhuvhuta. Mburumbwa yedu yose ichazununguka mu“dambudziko guru rakadai serisati rakamboitika chifo chamavambo enyika kutozosvikira zvino, aiwa, uye harizati richizoitikazve.” (Mateo 24:21) Haiwa ikariro inotyisa zvakadini!
“Denga” Rinobva
21. Muchiono chake, Johane anoonei pamusoro pe“denga” uye “gomo riri rose nechitsuwa chiri chose”?
21 Chiono chaJohane chinopfuurira: “Uye denga rakabva somupumburu wamanyoro uri kupetwa, uye gomo riri rose nechitsuwa chiri chose zvakabviswa panzvimbo pazvo.” (Zvakazarurwa 6:14) Nomutoo wakajeka, aya haazati ari matenga chaiwoiwo kana kuti makomo chaiwoiwo nezvitsuwa. Asika izvo zvinofananidzirei?
22. MuEdhomi rudzii rwe“matenga” aka“petwa, kungofanana nomupumburu wamanyoro webhuku”?
22 Pamusoro pe“denga,” tinobetserwa mukunzwisisa kwedu nouporofita humwe chetehwo hunozivisa nezvehasha dzaJehovha mukurwisana namarudzi ose: “Uye vose avo veuto ramatenga vanofanira kuora. Uye matenga anofanira kupetwa, kungofanana nomupumburu wamanyoro webhuku.” (Isaya 34:4) Edhomi zvikurukuru inofanira kutambura. Seiko? Iyoyi yakakurirwa navaBhabhironi nokukurumidza pashure poruparadziko rweJerusarema muna 607 B.C.E. Panguva iyeyo, kwakanga kusina zvinoitika zvakatanhamara zvakanyorwa sezvinoitika mumatenga chaiwoiwo. Asi kwakanga kune zvinoitika zvengwavaira mu“matenga” eEdhomi.e Masimba aro ehurumende dzohunhu akaderedzwa kubva panzvimbo yawo yakakwirira, yakafanana nedenga. (Isaya 34:5) Iwo aka“petwa” ndokuiswa parutivi, sokunge zvakadaro, somupumburu wamanyoro wekare wakanga usati uchiri webetsero ipi neipi kumunhu upi noupi.
23. Chii chiri “denga” richa‘bva somupumburu wamanyoro,’ uye mashoko aPetro anosimbisa sei iyi nzwisiso?
23 Nokudaro, “denga” iro ‘richabva somupumburu wamanyoro’ rinonongedzera kuhurumende dzinorwisana naMwari dzinobata ushe papasi rino. Idzo dzichabviswa pakupedzisira noMutasvi anokurira chose webhiza jena. (Zvakazarurwa 19:11-16, 19-21) Ikoko kunosimbiswa neizvo muapostora Petro akataura apo iye aitarisira mberi kuzvinoitika zvinoratidzirwa nokunamanurwa kwechisimbiso chechitanhatu: “Matenga napasi zviripo zvino zvakachengeterwa mwoto uye zviri kuchengeterwa zuva rorutongeso neroruparadziko rwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Asika zvakadini nokutaura kwokuti, “gomo riri rose nechitsuwa chiri chose zvakabviswa panzvimbo pazvo”?
24. (a) Ndirini, muuporofita hweBhaibheri, apo makomo nezvitsuwa zvinotaurwa kuva zvinotenheka kana kuti zvinozungunutswa? (b) Ko ‘makomo akatenheka’ sei apo Ninevhe yakawa?
24 Muuporofita hweBhaibheri, makomo nezvitsuwa zvinotaurwa kuva zvinozunguzika kana kuti neimwe nzira kuva zvinotenhedzwa panguva dzokushanduka kukuru kwezvamatongerwe enyika. Somuenzaniso, pakudeya kuzivisa rutongeso rwaJehovha paNinevhe, muporofita Nahumi akanyora, kuti: “Makomo iwo amene akatenheka nokuda kwake, uye zvikomo zvimene zvakazviwana zvimene zvichinyauka. Uye pasi richashandurwa nokuda kwechiso chake.” (Nahumi 1:5) Hapana chinyorwa chokuputsanyika kupi nokupi kwamakomo chaiwoiwo apo Ninevhe yakawa chaizvoizvo mu632 B.C.E. Asi simba renyika iro kare rakanga raratidzika segomo musimba raro rakawa kamwe kamwe.—Enzanisa naJeremia 4:24.
25. Pamugumo unouya wetsika ino yezvinhu, ko “gomo riri rose nechitsuwa chiri chose” zvichabviswa sei munzvimbo yazvo?
25 Naizvozvo, “gomo riri rose nechitsuwa chiri chose” sezvinonongedzerwa pakunamanurwa kwechisimbiso chechitanhatu nomutoo uno mufungo zvaizova hurumende dzezvamatongerwe enyika namasangano anozvimirira enyika ino ayo akaratidzika kuva akatsiga zvikuru kuna vazhinji vavanhu. Idzo dzichatenheswa ndokubva chaizvo panzvimbo yadzo, kukukatyamadzwa nokushamiswa kwaavo vaichimbovimba nadzo. Sezvo uporofita hunopfuurira kurondedzera, hapazati pachizova nepanikiro yokuti zuva guru rehasha dzaJehovha noMwanakomana wake—kuzunguzika kwokupedzisira kunobvisa sangano rose raSatani—rasvika namatsive!
“Tiwirei Ndokutivanza”
26. Ko vanhu vanoshora uchangamire hwaMwari vachaita sei mukutya kwavo, uye kutaurai kwokutya kwavachataura?
26 Mashoko aJohane anopfuurira, achiti: “Ipapo madzimambo apasi navakuru vakuru navakuru vehondo navapfumi navane simba nomuranda ari wose nomunhu ari wose akasununguka vanozvivanza vamene mumapako nomumaware amakomo. Uye ivo vanoramba vachitaura kumakomo namaware: kuti, ‘Tiwirei ndokutivanza pachiso choUyo agere pachigaro choumambo napakutsamwa kweGwayana, nokuti zuva guru rokutsamwa kwavo rasvika, uye ndianiko anokwanisa kumira?’”—Zvakazarurwa 6:15-17.
27. Kudanidzirai kwakataurwa navaIsraeri vasina kutendeka veSamaria, uye mashoko iwawa akazadzika sei?
27 Apo Hosea akanga achitaura rutongeso rwaJehovha paSamaria, dzimbahwe roumambo hwokumusoro hwaIsraeri, iye akati: “Nzvimbo dzakakwirira dzeBheti-avheni, chivi chaIsraeri, zvichaparadzwa chaizvoizvo. Minzwa norukato izvo zvimene zvichakwira paatari dzavo. Uye vanhu mukureva idi vachataura kumakomo, kuti, ‘Tifukidzei!’ uye kuzvikomo, ‘Tiwirei!’” (Hosea 10:8) Ko mashoko iwawa akazadzika sei? Eya, apo Samaria rakawira kuvaAsiria vane utsinye muna 740 B.C.E. kwakanga kusina imwe nzvimbo yokuti vaIsraeri vatizire. Mashoko aHosea anoratidzira kunzwa kwokupererwa nezano rose zvaro, kworutyo rukuru, uye kwokusiiwa ukwo vanhu vakakurirwa vakanzwa. Hapana zvikomo chaizvoizvo kana kuti masangano akafanana namakomo eSamaria aigona kuvataviridzira, kunyange zvazvo iwo akanga aratidzika kuva echigarire zvikuru munguva yakapfuura.
28. (a) Ko Jesu akapa nyeveroi kuvakadzi veJerusarema? (b) Ko nyevero yaJesu yakazadzika sei?
28 Nomutoo wakafanana, apo Jesu akanga achitungamirirwa kurufu rwake navarwi veRoma, iye akataura kuna vakadzi veJerusarema ndokuti: “Mazuva anouya umo vanhu vachati, ‘Vanofara ndivo vakadzi vasingabereki, nemimba dzisina kubereka namazamu asina kuyamwisa!’ Ipapo vachatanga kutaura kumakomo, vachiti: ‘Tiwirei!’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’” (Ruka 23:29, 30) Ruparadziko rweJerusarema rwakaitwa navaRoma muna 70 C.E. rwakasanoshumwa, uye kunooneka kuti mashoko aJesu akanga ane revo imwe cheteyo neaya aHosea. Kwakanga kusina huvando panguva iyeyo nokuda kwavaJudha vakasara muJudhea. Pari pose apo ivo vakaedza kuvanda muJerusarema, kana kuti kunyange apo ivo vakatizira panhare yapamusoro pegomo reMasada, ivo vakanga vasingakwanisi kupukunyuka ratidzirwo yamasimba masimba yorutongeso rwaJehovha.
29. (a) Apo zuva raJehovha rokutsamwa rinosvika, chii chichava mugariro waavo vakazvipa kukutsigira tsika ino yezvinhu? (b) Uporofitai hwaJesu huchazadzika apo Jehovha anoratidzira kutsamwa Kwake?
29 Zvino, kunamanurwa kwechisimbiso chechitanhatu kwaratidzira kuti chimwe chinhu chakafanana chichaitika muzuva rinouya rokutsamwa kwaJehovha. Pakuzununguka kwokupedzisira kwetsika ino yezvinhu yapasi, avo vakazvipa kukuitsigira vachatsvaka mukupererwa nezano huvando, asi havazati vachizowana humwe. Rudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru, rwakatovaodza mwoyo nomutoo unosuruvarisa. Hapana mapako ari mumakomo chaiwoiwo kana kuti masangano okufananidzira akafanana namakomo ezvamatongerwe enyika neezvokutengeserana achagovera chengeteko yezvemari kana kuti rumwe rudzi rwupi norwupi rwebetsero. Hapana chinhu chichavadzivirira pakutsamwa kwaJehovha. Kutya kwavo kunosanorondedzerwa naJesu, kuti: “Chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka mudenga, uye ipapo ndudzi dzose dzapasi dzichazvirova idzo dzimene mukuchema, uye dzichaona Mwanakomana womunhu achiuya ari pamusoro pamakore okudenga aine simba norubwinyo rukuru.”—Mateo 24:30.
30. (a) Chii chinoratidzirwa nomubvunzo wokuti: “Ndiani anokwanisa kumira?” (b) Ko vapi navapi vachakwanisa kumira panguva yorutongeso rwaJehovha here?
30 Hungu, avo vakaramba kubvuma chiremera choMutasvi anokunda webhiza jena vachagombedzerwa kubvuma chikanganiso chavo. Vanhu avo nomutoo wokudisa vave vari rutivi rwembeu yenyoka vachanangana noruparadziko apo nyika yaSatani inopfuura. (Genesi 3:15; 1 Johane 2:17) Mugariro wenyika panguva iyeyo uchava wakaipa zvokuti vazhinji, kureva idi, vachabvunza, kuti: “Ndianiko anokwanisa kumira?” Ivo sezvinooneka vachafunga kuti hakutongorina munhu anogona kumira achitenderwa pamberi paJehovha muzuva irero rorutongeso rwake. Asi vachava vasina kururama, sezvo bhuku raZvakazarurwa rinopfuurira kuratidzira.
[Mashoko Omuzasi]
a Kudengenyeka kwapasi chaikoiko kunowanzotangirwa nedzongonyedzo dzokutenheka idzo dzinoparira imbwa kuhukura kana kuti kuita nomutoo wokusagadzikana uye kunyandura dzimwe mhuka nehove, kunyange zvazvo vanhu vangave vasinganyumwiri kuzosvikira kudengenyeka chaikoiko kwaitika.—Ona Mukai! yechiNgezi, yaJuly 8, 1982, peji 14.
b Nokuda kwetsananguro youdzame, ona mapeji 22 na24.
c Kwaanopfuura makore 35, kubvira muna 1895 kusvikira kuna 1931, mashoko aRuka 21:25, 28, 31 akanokorwa mashoko pabutiro ramagazini yeNharireyomurindi pachiono cheimba yomwenje inovhenekera matenga azerwe namadutu pamusoro pamakungwa akanyanduka.
d Somuenzaniso, munhimbe chaiyo muna 1931, Zvapupu zvaJehovha izvo pachazvo zvimene zvakaendesa zviuru zvizhinji zvebhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World kuvafundisi, vezvamatongerwe enyika, navanamuzvinamabhizimisi mupasi rose.
e Mushandiswo imwe cheteyo yeshoko rokuti “matenga,” uporofita hwa“matenga matsva” muna Isaya 65:17, 18 hwakava nezadziko yahwo yokutanga mutsika itsva yehurumende, inobatanidza Mudzori Zerubhabheri noMuprista Mukuru Jeshua, yakagadzwa muNyika Yakapikirwa pashure pokuhwirira kwavaJudha vachibva muusungwa hweBhabhironi.—2 Makoronike 36:23; Ezra 5:1, 2; Isaya 44:28.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 105]
1914 Anodeya Kuonwa
“Makanga muri muna B.C. 606, apo umambo hwaMwari hwakaguma, korona yakabviswa, uye pasi rose rakapiwa kuVamarudzi. Makore ane 2 520 kubvira muna B.C. 606, achaguma muna A.D. 1914.”f—The Three Worlds, dzakabudiswa muna 1877, peji 83.
“Ufakazi hweBhaibheri hwakajeka uye hune simba kuti ‘Nguva dzaVamarudzi’ inhambo yamakore ane 2 520, kubvira mugore raB.C. 606 kusvikira uye kubatanidza A.D. 1914.”—Studies in the Scriptures, Volume 2, rakanyorwa naC. T. Russell ndokubudiswa muna 1889, peji 79.
Charles Taze Russell navadzidzi biyake veBhaibheri vakaziva makumi amakore pachine nguva mberi kuti 1914 aizoratidza mugumo weNguva dzaVamarudzi, kana kuti nguva dzakagadzwa dzamarudzi. (Ruka 21:24) Kunyange ivo vasina mumazuva iwayo apakuvamba kunzwisisa zvizere chaizorehwa naikoku, ivo vakapwiswa kuti 1914 aizova musi unoisvokosha munhau yenyika, uye vakanga vakarurama. Cherekedza kunokorwa mashoko kwepepanhau kunotevera:
“Kutanga kwehondo kunotyisa muEurope kwakazadzika uporofita hwechienzi. Kwamakore ane makumi maviri namashanu akapfuura, kupfurikidza navaparidzi uye kupfurikidza namabhuku, ‘Vadzidzi veBhaibheri Vamarudzi Ose,’ vaisanozivikanwa sa‘Mambakwedza aMakore Ane Gumi Ramazana,’ vave vachiparidzira kunyika kuti Zuva Rokutsamwa rakaporofitwa muBhaibheri raizovamba kuedza muna 1914. ‘Ngwarirai nokuda kwa1914!’ kwave kuri kudanidzira kwamazana avaevhangeri vanofambira.”—The World, pepanhau reNew York, August 30, 1914.
[Mashoko Omuzasi]
f Sezvineiwo, Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakanga vasino kuziva kuti hapana gore rezero pakati pa“B.C.” na“A.D.” Gare gare, apo nzvero yakakuita kuti kuve kuri madikanwa kugadziridza B.C. 606 kuva 607 B.C.E., gore razero rakabviswawo, zvakadaro zvokuti kufembera kwakava kwechokwadi pana “A.D. 1914.”—Ona “The Truth Shall Make You Free,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1943, peji 239.
[Bhokisi riri papeji 106]
1914—Nhambo Yokuchinja
Bhuku rinonzi Politikens Verdenshistorie—Historiens Magt og Mening (Nhau yeNyika yaPolitiken—Simba neRevo yeNhau), rakabudiswa muna 1987 muCopenhagen, rinosimbisa cherekedzo inotevera papeji 40:
“Kutenda kwezana ramakore rechi19 mukuenderera mberi kwakawana kurovanya kwako kunouraya muna 1914. Gore rapamberi pokugundika kwehondo, wezvenhau uye wezvamatongerwe enyika weDenmark Peter Munch nomutoo une chivimbo akanyora, kuti: ‘Ufakazi hwose hunorwisana nebviro yehondo pakati pamasimba makuru eEurope. “Ngozi yehondo” ichanyangarikawo munguva yemberi, sezvayakaita panguva nenguva chifo cha1871.’
“Mukupesana, tinorava mumishumo yake yapashure, kuti: ‘Kugundika kwehondo muna 1914 inhambo huru yokuchinja yenhau yavanhu. Kubvira panhambo yakajeka yeenderero mberi, umo zvirondwa zvaigona kuteverwa muchengeteko yakati kuti, takapinda muzera rengwavaira, rinotyisa, uye ruvengo, rine kusachengeteka kunzvimbo iri yose. Hakuna munhu aigona kuziva, uye kunyange nhasi hakuna munhu anogona kuziva, kana rima rakawira patiri panguva iyeyo richizoreva ruparadziko rwechigarire rwomugariro wose wepepuko iyo munhu akazviitira iye amene kwamakore ane gumi ramazana.’”
[Mufananidzo uri papeji 110]
‘Gomo riri rose rikabviswa munzvimbo yaro’
[Mufananidzo uri papeji 111]
Vanozvivanza vamene mumapako