Boka Guru Riri Kuita Basa Rinoyera
“Vari kumuitira basa rinoyera masikati nousiku mutembere yake.”—ZVAKAZARURWA 7:15, NW.
1. Ifambiro mberi yakadini yenzwisiso yomudzimu yakasvikwa muna 1935?
PANA May 31, 1935, pakanga pane mufaro mukuru pakati penhume dzaiva pane imwe kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C. Ipapo, kwenguva yokutanga, vazhinji-zhinji (kana kuti, boka guru) vaZvakazarurwa 7:9 vakaziviswa zvakajeka mutsinhirano neBhaibheri rose uye maererano nezviitiko izvo zvakanga zvatovamba kuitika.
2. Chii chakaratidzira kuti nhamba inowedzera yakanga yaziva kuti Mwari akanga asina kuidanira kuupenyu hwokudenga?
2 Dzinenge vhiki nhanhatu dzakatangirezvi, pakuchengetwa kweChidyo chaShe Chamadekwana muungano dzeZvapupu zvaJehovha, 10 681 vaavo vaivapo (anenge mumwe muvatanhatu) vakanga vasina kudya chingwa newaini zvokuratidzira, uye 3 688 vaivava vakanga vari vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari. Neiko vakarega kudya zviratidzo? Nemhaka yokuti pahwaro hwezvavakanga vadzidza muBhaibheri, vakaziva kuti Mwari akanga asina kuvadanira kuupenyu hwokudenga asi kuti vaigona kugoverana mugadziriro dzorudo dzaJehovha mune imwe nzira. Naizvozvo pakokorodzano iyoyo, apo mukurukuri akabvunza, kuti: “Ndapota avo vose vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano ngavamire,” chii chakaitika? Zviuru zvakasimuka, kuchiteverwa nokuombera kwavateereri kwenguva refu.
3. Kuziviswa kwavazhinji-zhinji kwazvo kwakapa sei simba idzva kuushumiri hwomumunda, uye Zvapupu zvakanzwa sei pamusoro paikoku?
3 Icho nhume dzakadzidza pakokorodzano iyoyo chakapa simba idzva kuushumiri hwadzo. Dzakasvika pakunzwisisa kuti zvino, mugumo wetsika yekare usati wasvika, kwete chete zviuru zvishomanene asi vanhu vazhinji-zhinji kwazvo vaizopiwa mukana wokupinda mugadziriro yaJehovha yokuponeswa kwoupenyu, nomurangariro wokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. Ishoko rinofadza zvakadini rakapiwa ipapo kuvadi vezvokwadi! Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kuti kwakanga kune basa guru raifanira kuitwa—basa rinofadza. Makore akati gare gare, John Booth, uyo akava mutezo woMutumbi Unodzora, akayeuka, kuti: “Gungano iroro rakatipa zvakawanda kuti tifare pamusoro pazvo.”
4. (a) Kwave kune kuunganidzwa chaizvoizvo kweboka guru kuvambira muna 1935 kusvikira kutambanukoi? (b) Munzirai iyo avo veboka guru vari kupa ufakazi hwokuti kwavo kutenda kupenyu?
4 Mukati mamakore ayo akatevera, nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera nenzira inoshamisa. Pasinei zvapo nechitambudzo chaiwanzova chamasimba masimba chakatutirwa pavari mukati meHondo yeNyika II, nhamba dzazvo dzakadokupetwa nakatatu mukati memakore gumi. Uye vaparidzi 56 153 avo vakanga vachipa uchapupu hwapachena muna 1935 vakawedzera, pakazosvika 1994, kuvazivisi voUmambo vanopfuura 4 900 000 vakawanwa munyika 230. Voruzhinji zvikuru vaivava vanokarira nokudisa kuva vanobatanidzwa pakati paavo Jehovha anonzwira nyasha noupenyu hwakakwana muparadhiso yapasi. Vachienzaniswa neboka duku, zvirokwazvo vazova boka guru. Havasi vanhu vanoti vane kutenda asi vasingakuratidziri. (Jakobho 1:22; 2:14-17) Vose zvavo vanogoverana navamwe mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari. Uri mumwe weboka iroro rinofara here? Kuva Chapupu chinoshingaira chiratidzo chinokosha chinozivisa, asi zvakawanda zvinobatanidzwa.
“Vamire Pamberi Pechigaro Choumambo”
5. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti boka guru ri“mire pamberi pechigaro cho[umambo, NW]”?
5 Muchiono chakapiwa muapostora Johane, akavaona “vamire pamberi pechigaro cho[umambo, NW], napamberi peGwayana.” (Zvakazarurwa 7:9) Kumira kwavo pamberi pechigaro choumambo chaMwari, sokunorondedzerwa muaya mashoko akapoteredza, kunoratidzira kuti vanopa kuziva kwakakwana kuuchangamire hwaJehovha. Ikoku kunobatanidza zvakawanda. Somuenzaniso: (1) Vanobvuma maruramiro aJehovha okusarudzira vabatiri vake chakanaka nechakaipa. (Genesi 2:16, 17; Isaya 5:20, 21) (2) Vanoteerera Jehovha sezvaanotaura kwavari kupfurikidza neShoko rake. (Dheuteronomio 6:1-3; 2 Petro 1:19-21) (3) Vanonzwisisa ukoshi hwokuzviisa pasi paavo Jehovha akaronzesa utarisiri. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 5:22, 23; 6:1-3; VaHebheru 13:17) (4) Kunyange zvazvo vasina kukwana, vanovavarira zvapachokwadi kugamuchira nhungamiro youbati ushe hwaMwari, kwete nokunyunyuta, asi nokudisa, kunobva pamwoyo. (Zvirevo 3:1; Jakobho 3:17, 18) Vari pamberi pechigaro choumambo kuti vaitire Jehovha basa rinoyera, uyo vanoremekedza zvikuru nokuda zvikuru. Kana riri boka guru, kuva kwavo “vamire” pamberi pechigaro choumambo kunoratidzira tendero yoUyo akagara pachigaro choumambo. (Enzanisa naZvakazarurwa 6:16, 17.) Tendero yacho iri pahwaro hwei?
“Vakapfeka Nguo Chena”
6. (a) Chii chinorehwa nokuva kweboka guru ra“kapfeka nguo chena”? (b) Boka guru rinowana sei chimiro chakarurama pamberi paJehovha? (c) Kutenda muropa raKristu rakadeurwa kunopesvedzera upenyu hweboka guru kusvikira kutambanukoi?
6 Rondedzero yomuapostora Johane yezvaakaona inotaura kuti mitezo yeiri boka guru ya“kapfeka nguo chena.” Nguo chena idzodzo dzinofananidzira chimiro chavo chakachena, chakarurama pamberi paJehovha. Vakawana sei chimiro chakadaro? Tatocherekedza kuti muchiono chaJohane vakanga vamire “pamberi peGwayana.” Vanoziva Jesu Kristu se“Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” (Johane 1:29) Johane akanzwa mumwe wavakuru uyo, muchiono chacho, akanga aripo pachigaro choumambo chaMwari achitsanangura, kuti: “Vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana. Naizvozvo vari pamberi pechigaro cho[umambo, NW] chaMwari.” (Zvakazarurwa 7:14, 15) Nenzira yokufananidzira, vakasuka nguo dzavo kupfurikidza nokutenda muropa raKristu rinodzikinura. Havapi bvumirano yendangarirowo zvayo kudzidziso yeBhaibheri pamusoro perudzikinuro. Kuruonga kunotapura rudzi rwomunhu rwavari mukati; nokudaro, vanotenda “nomwoyo.” (VaRoma 10:9, 10) Ikoku kune tapuro huru pane zvavanoita noupenyu hwavo. Mukutenda, vanozvitsaurira vamene kuna Jehovha pahwaro hwechibayiro chaKristu, vanoratidzira kuzvitsaurira ikoko noruombeko rwomumvura, kurarama zvirokwazvo mutsinhirano netsauriro yavo, uye nokudaro kusvika pakufarikanya ukama hunotenderwa naMwari. Iropafadzo yakaisvonaka zvakadini—iyo inofanira kusanodzivirirwa!—2 VaKorinte 5:14, 15.
7, 8. Sangano raJehovha rakabetsera sei boka guru kuchengeta nguo dzavo dzisina kusvibiswa?
7 Neitiro hanya yorudo nokuda kwegarikano yavo isingagumi, sangano raJehovha rakaonesa raonesazve zvimiro zvendangariro nomufambiro zvingagona kushatisa, kana kuti kusvibisa, nguo dzomunhu dzokuzivikanwa zvokuti, pasinei zvapo nokutaura kwokunze, munhu wacho haangakodzeri chaizvoizvo rondedzero youporofita iri pana Zvakazarurwa 7:9, 10. (1 Petro 1:15, 16) Ichisimbisa zvakanga zvaburitswa pakuvamba zvikuru, Nharireyomurindi yechiNgezi, muna 1941 uye pashure paikoko, yakaratidza yaratidzazve kuti kwaizova kusina kufanira zvikuru kuparidzira vamwe uye ipapo, paunenge usiri muushumiri, kupinda mumufambiro wakadai soufeve kana kuti upombwe. (1 VaTesaronika 4:3; VaHebheru 13:4) Muna 1947 kwakasimbiswa kuti mipimo yaJehovha yemichato yechiKristu inoshanda munyika dzose; pasinei zvapo neicho tsika yomunzvimbomo ingabvumira, avo vakapfuurira kuita barika vaisagona kuva Zvapupu zvaJehovha.—Mateo 19:4-6; Tito 1:5, 6.
8 Muna 1973, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakaratidzwa kuti zvose zvazvo zvinofanira kurega kuva nechinhu chipi nechipi chine chokuita nenzira isingarambiki nemiitiro inosvibisa, yakadai sokushandisa fodya zvisina kufanira, pasinei zvapo nokuti zvingava kupi—kwete bedzi muHoro yoUmambo kana kuti mubasa romumunda asiwo kubasa rokunyika kana kuti munzvimbo dziri dzoga dzisingaonekwi navose. (2 VaKorinte 7:1) Muna 1987 pakokorodzano dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha, pwere dzechiKristu dzakapiwa zano zvakasimba kuitira kuti dzichengete chimiro chakachena pamberi paMwari, dzinofanira kudzivisa kurarama upenyu huviri. (Pisarema 26:1, 4) Nharireyomurindi yakanyevera yanyeverazve, pamusoro pamativi akasiyana-siyana omudzimu wenyika nemhaka yokuti “kunamata, kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari wedu naBaba” kunobatanidza kuti munhu amene “arege kusvibiswa nenyika.”—Jakobho 1:27.
9. Ndivanaani vachamira zvomenemene vakatenderwa pamberi pechigaro choumambo chaMwari pashure pedambudziko guru?
9 Ndeavo vane kutenda kunovasunda kurarama munzira yakadaro zvokuti vanoramba vakachena mumudzimu nomutsika vachave vachiri “vamire pamberi pechigaro cho[umambo, NW]” savabatiri vanotenderwa vaMwari pashure pedambudziko guru riri kuuya. Ivava vanhu avo vasati vachitanga bedzi mukurarama kwechiKristu asi nenzira yokuvimbika vanoomerera makuri.—VaEfeso 4:24.
“Vakabata Michindwe Mumaoko Avo”
10. Matavi omuchindwe akaonekwa naJohane mumaoko eboka guru ndeerevoi?
10 Pakati pezvinhu zvakatanhamara zveboka guru, sezvinocherekedzwa nomuapostora Johane, pane chokuti vaiva “vakabata michindwe mumaoko avo.” Ikoko ndokwerevoi? Pasina kupokana matavi emichindwe iwayo akayeuchidza Johane nezvomutambo wechiJudha wetabhernakeri, mutambo waifadza zvikurusa pakarenda rechiHebheru, waiitwa pashure pokukohwa muzhizha. Mutsinhirano noMutemo, mashizha makuru omuchindwe, pamwe chete namatavi emimwe miti, akashandiswa kuita matumba okugara maari mukati momutambo. (Revhitiko 23:39-40; Nehemia 8:14-18) Iwo aivheyeswa navanamati vaiva patembere munguva yokuimba Hareruya (Mapisarema 113-118). Kuvheyeswa kwamatavi emichindwe neboka guru pasina kupokana kwakayeuchidzawo Johane nezvenhambo apo Jesu akatasva achipinda muJerusarema apo boka ravanamati nomufaro rakavheyesa matavi emichindwe ndokudanidzira, kuti: “Ngaarumbidzwe unouya muzita raShe, Mambo wavaIsraeri.” (Johane 12:12, 13) Naizvozvo kuvheyesa matavi emichindwe kunoratidzira kuti boka guru nomufaro rinorumbidza Umambo hwaJehovha naMambo wake akazodzwa.
11. Neiko vabatiri vaMwari vachiwana mufaro zvirokwazvo mukubatira Jehovha?
11 Ndiwo mudzimu wakadaro wokufara uyo boka guru rinoratidzira kunyange zvino sezvavanobatira Jehovha. Ikoku hakurevi kuti havatarisani nenhamo kana kuti havawani kutambudzika kana kuti kurwadziwa. Asi kugutsikana kunobva mukubatira nokufadza Jehovha kunobetsera kuderedza zvinhu izvozvo. Nokudaro, mumwe mufundisi akabatira nomurume wake kwamakore 45 muGuatemala akataura nezvemigariro yechinyakare yakanga yakavapoteredza, basa rakaoma uye kufamba kune ngozi izvo zvaiva rutivi rwoupenyu sezvavaiita nhamburiko dzokusvika misha yavaIndia neshoko roUmambo. Iye akagumisa, kuti: “Yakanga iri nguva youpenyu hwedu yataifara zvikurusa.” Kunyange zvazvo yakanga iri kunzwa migumisiro yokukwegura uye kurwara, pakati pezvakapedzisirwa kunyorwa mudhayari rake paiva namashoko, anoti: “Hwaiva upenyu hwakanaka, hwaitusa kwazvo.” Mupasi rose, Zvapupu zvaJehovha zvinonzwa zvimwe chetezvo pamusoro poushumiri hwazvo.
“Basa Rinoyera Masikati Nousiku”
12. Mungave mukati memasikati kana kuti mousiku, Jehovha anocherekedzei pano pasi?
12 Ava vanamati vanofara vanoitira Jehovha “basa rinoyera masikati nousiku mutembere yake.” (Zvakazarurwa 7:15, NW) Kupote nyika yose, mamiriyoni ari kugoverana muiri basa rinoyera. Apo inenge iri nguva yousiku mune dzimwe nyika uye vanhu vakarara imomo, mune dzimwe nyika zuva riripo uye Zvapupu zvaJehovha zvakabatikana kupupura. Sezvo nyika inotenderera, nguva dzose, masikati nousiku, zviri kuimba rumbidzo dzaJehovha. (Pisarema 86:9) Asi basa ramasikati nousiku rinonongedzerwa kwariri pana Zvakazarurwa 7:15 rinotova romunhu oga zvikuru.
13. Magwaro anoratidzira sei chinorehwa nokubatira “masikati nousiku”?
13 Vanhu vamwe navamwe vanoumba boka guru vanoita basa rinoyera masikati nousiku. Ikoku kunoreva here kuti chinhu chiri chose chavanoita chinorangarirwa sebasa rinoyera? Ichokwadi kuti pasinei zvapo nechinhu chipi nechipi chavari kuita, vanodzidza kuchiita nenzira inokudza Jehovha. (1 VaKorinte 10:31; VaKorose 3:23) Zvisinei, “basa rinoyera” rinoshanda bedzi kune zvinobatanidza zvakananga kunamata kwomunhu Mwari. Kupinda mumwe mubato “masikati nousiku” kunoreva kuva wenguva dzose kana kuti kutsinhirana pamwe chete nenhamburiko yechokwadi.—Enzanisa naJoshua 1:8; Ruka 2:37; Mabasa 20:31; 2 VaTesaronika 3:8.
14. Chii chaizoita kuti basa redu romumunda romunhu oga rikodzere rondedzero yebasa ra“masikati nousiku”?
14 Sezvavanobatira muvazhe dzapasi dzetembere huru yomudzimu yaJehovha, avo vanoumba boka guru vanovavarira kugoverana nguva dzose uye nenzira inotsinhirana muushumiri hwomumunda. Vakawanda vakakuita nharidzano yavo kuva norutivi rwakati muushumiri hwomumunda vhiki iri yose. Vamwe vanozvishandisa vamene samapiyona enguva dzose kana kuti mapiyona ebetsero. Ivava vanowanzova vakabatikana vachipupura pamigwagwa nomumashopu mangwanani-ngwanani. Kuti zvibetsere vanhu vanofarira, zvimwe Zvapupu zvinoitisa fundo dzeBhaibheri usiku. Izvo zvinopupura pakutenga, pakufamba, munhambo dzezvokudya zvamasikati, uye nerunhare.
15. Kunze kwoushumiri hwomumunda, chii chinobatanidzwa mubasa redu rinoyera?
15 Kugoverana mumisangano yeungano rutiviwo rwebasa redu rinoyera; ndozvakaitawo basa rinobatanidzwa mukuvaka nokutarisira nzvimbo dzegungano rechiKristu. Nhamburiko dzinoitwa kukurudzira nokubetsera hama nehanzvadzi dzomumwe dzechiKristu, mumudzimu nomunyama, kuti dzirambe dziri mhenyu mubasa raJehovha dzinobatanidzwa. Ikoku kunobatanidza basa raMatare edu Okubata Nechipatara. Basa reBheteri muzvimiro zvaro zvose zvakasiyana-siyana, pamwe chete nebasa rokuzvipira pakokorodzano dzedu, rose ibasa rinoyera. Zvirokwazvo, apo upenyu hwedu hunonangidzirwa paukama hwedu naJehovha, hunozadzwa nebasa rinoyera. Sezvinotaura rugwaro, vanhu vaJehovha vanoita “basa rinoyera masikati nousiku,” uye vanowana mufaro mukuru mukuita kudaro.—Mabasa 20:35; 1 Timotio 1:11.
‘Mumarudzi Ose, Ndudzi, Vanhu, Uye Ndimi’
16. Kuri kubvumikisa sei kuva kwechokwadi kuti boka guru rino“bva mumarudzi ose”?
16 Avo veboka guru, vari kubuda mumarudzi ose. Mwari haasaruri, uye gadziriro yorudzikinuro yakaitwa kupfurikidza naJesu Kristu yakakwana kubetsera vose zvavo. Apo boka guru rakatanga kuziviswa nenzira yapaMagwaro muna 1935, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichishingaira munyika 115. Pakazosvika ma 1990, kutsvakwa kwavakafanana namakwai kwakanga kwatambanuka kupinda munyika dzakawanda nakanopfuura kaviri.—Marko 13:10.
17. Chii chiri kuitwa kubetsera vanhu va‘madzinza [ose], vanhu, uye ndimi’ kuti vabatanidzwe muboka guru?
17 Mukuwana mitezo inokarirwa yeboka guru, Zvapupu zvaJehovha zvakapa ngwariro kwete bedzi kumapoka orudzi asiwo kumadzinza navanhu namapoka emitauro ari mukati mamarudzi iwayo. Kuti zvisvike vanhu ivava, Zvapupu zvinoburitsa mabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura 300. Ikoku kunobatanidza kurovedza nokuchengeta mapoka avashanduri vakakwaniriswa, kugovera makomupiyuta anogona kushanda iyi mitauro yose, pamwe chete nokuita kudhinda kumene. Mukati mamakore mashanu chete apfuura, mitauro 36, inotaurwa navanenge vanhu 98 000 000, yakawedzerwa kundaza yacho. Mukuwedzera, Zvapupu zvinoedza kushanyira vanhu ivava somunhu oga kuti zvivabetsere kunzwisisa Shoko raMwari.—Mateo 28:19, 20.
“Vanobva Mudambudziko Guru”
18. (a) Apo dambudziko guru rinotanga, ndivanaani vachadzivirirwa? (b) Izivisoi dzinofadza dzichaitwa ipapo?
18 Apo ngirozi dzinoregera mhepo dzokuparadza dzinonongedzerwa kwadziri pana Zvakazarurwa 7:1 (NW), “varanda vaMwari wedu” vakazodzwa handivo bedzi vachawana taviridzo yorudo yaJehovha asi ndozvichaitawo boka guru rakavakumbanira mukunamata kwechokwadi. Sezvakaudzwa muapostora Johane, avo veboka guru vacha“[buda mudambudziko guru, NW]” savapukunyuki. Kudanidzira kwakadini kwokuonga nerumbidzo zvavachapa ipapo sezvavanozivisa, kuti: “Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro cho[umambo, NW], nokuGwayana”! Uye vose vabatiri vakavimbika vaMwari mudenga vachawedzera manzwi avo mukuzivisa, kuti: “Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuonga, nokukudzwa, noushe, nesimba, ngazvive kuna Mwari nokusingaperi peri. Ameni!”—Zvakazarurwa 7:10-14.
19. Vapukunyuki vachadisa kugoverana mumubatoi unofadza?
19 Iyoyo ichava nguva inofadza zvakadini! Vose vanorarama vachava vabatiri vaMwari wechokwadi bedzi! Mufaro mukurusa waivava vose uchava mukubatira Jehovha. Pachava nebasa rakawanda rinofanira kuitwa—basa rinofadza! Pasi rinofanira kushandurwa kuva Paradhiso. Zviuru zvamamiriyoni zvavakafa zvinofanira kumutswa uye ipapo kudzidziswa munzira dzaJehovha. Ichava ropafadzo inofadza zvakadini kugoverana mairi!
Ndeipi Iri Tsinhiro Yako?
◻ Zviitiko zvomuna 1935 zvakava nomugumisiroi paushumiri hwomumunda hweZvapupu zvaJehovha?
◻ Chii chinoratidzirwa neidi rokuti boka guru rinoratidzwa ri“mire pamberi pechigaro cho[umambo, NW]”?
◻ Kuonga ropa reGwayana kunofanira kutapura sei upenyu?
◻ Chii chinorehwa nokuvheyesa kwavo matavi emichindwe?
◻ Boka guru rinoita sei basa rinoyera masikati nousiku?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Basa razvo rinoyera rinoratidzira kuva zvenguva dzose, kushingaira, uye nhamburiko yechokwadi