“Zvatinako Kushumira Uku . . . , Hatineti”
YAKATAURWA NARONALD TAYLOR
Muzhezha ra 1963, ndakazviwana ndimene ndichirwira upenyu hwangu. Apo ndakanga ndichichakwaira mumhenderekedzo yegungwa, ndakapinda mugomba rine ngozi uye kamwe kamwe ndakakandirwa mumvura yakadzama zvikuru. Ndisingagoni kushambira, ndakanga ndodokunyura mamita mashomanene chete kubva pamhenderekedzo yegungwa. Ndakanga ndatopinda pasi katatu uye ndakanga ndatomedza mvura yegungwa yakawanda zvikuru apo imwe shamwari yakacherekedza mamirire akaipa ezvinhu zvangu ndokundikwevera kumhenderekedzo yegungwa. Nemhaka yokukurumidza kufemerwa, ndakapona.
IYI yakanga isiri nguva yokutanga iyo ndakasvika pakunzwisisa ukoshi hwokusatongorega—kunyange zvazvo zvinhu zvichitarisika kuva zvisina tariro. Kuvambira pazera rapakutanga, ndaifanira kurwira upenyu hwangu hwomudzimu.
Makanga muri mukati mamazuva asingafadzi ehondo yenyika yechipiri apo ndakatanga kuwana zvokwadi yechiKristu. Ndakanga ndiri mumwe wezviuru zvavana zvakabviswa muLondon kunzvenga ngozi dzedenho dzokubhomba. Sezvo ndakanga ndichingova namakore 12 bedzi okukura, hondo yacho haina kureva chaizvoizvo zvakawanda kwandiri; yaidokuva chiitiko chine ngozi.
Vamwe vachati vakwegura vaiva muWeston-super-Mare, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweEngland, vakanditarisira. Nokukurumidza pashure pokunge ndasvika pamusha pavachati vacho, vashumiri mapiyona vakavamba kutishanyira. Yakanga iri mhuri yavanaHargreaves; vose vari vana—Reg, Mabs, Pamela, uye Valeri—vakanga vari mapiyona chaiwo. Vabereki vangu vokurera vakagamuchira zvokwadi, uye pashure pokufunda bhuku raThe Harp of God, ndakaitawo chisarudzo chokubatira Jehovha. Vhiki nhanhatu chete gare gare, ndakakokwa kugoverana mubasa rokuparidza.
Ndinogona kungoyeuka zuva rokutanga iroro mubasa romumunda. Pasina gadziriro ipi neipi, ndakapiwa mabhukwana ndokuudzwa, kuti: “Iwe shanda zasi kurutivi urwo rwomugwagwa.” Uye iyoyo ndiyo yakanga iri nzira iyo ndakapedza nayo zuva rangu rokutanga rokuparidza. Panguva iyoyo, taiwanzoparidza kupfurikidza nokushandisa marekodhi egiramufomu aiva nemharidzo dzine simba. Nguva dzangu dzokufara zvikurusa dzakanga dziri apo ndaigona kutakura giramufomu paimba neimba ndokuridza hurukuro dzakarekodhwa. Ndaikurangarira kuva ropafadzo chaiyoiyo kushandiswa nenzira iyoyo.
Ndakapupurira zvikuru kuchikoro, uye ndinoyeuka ndichigovera mabhuku aiva nemisoro yeBhaibheri kumukuru wechikoro. Pazera ramakore 13, ndakabhapatidzwa pagungano raiva pedyo muBath. Imwe kokorodzano yomunguva yehondo yandisati ndichizotongokanganwa yakanga iri yakaitwa muLeicester muna 1941 paDe Montfort Hall. Ndakakwira kuchikuva kundogamuchira kopi yangu yebhuku raChildren, iro raiva neshoko romunhu oga rakabva kuna Hama Rutherford, uyo panguva iyeyo akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society. Hurukuro inonyandura yakapiwa kuvaduku vose vaivapo yakasimbisa chishuvo changu chokubatira Jehovha nokusingaperi.
Nokudaro ndakapedza makore maviri anofadza ndichikura muzvokwadi ndine vabereki vangu vokurera. Asi pazera ramakore 14, ndaifanira kudzokera kuLondon ndokuvamba kushanda nokuda kwechokurarama nacho changu. Kunyange zvazvo ndakabatanidzwazve nemhuri yangu, zvino ndaifanira kuzvimirira ndimene mumudzimu, sezvo pakanga pasina munhu aiva pamusha aigoverana zvitendero zvangu. Jehovha akakurumidza kugovera betsero yandaida. Vhiki nhatu chete pashure pokusvika kwangu muLondon, imwe hama yakashanyira musha wangu kuzokumbira mvumo yababa vangu yokuenda neni kuHoro yoUmambo yomunzvimbomo. Hama yacho yakanga iri John Barr, iyo zvino iri mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Iyo yakava mumwe wa“madzibaba” angu omudzimu mukati mamakore iwayo anotambudza ouduku.—Mateo 19:29.
Ndakavamba kupinda nePaddington Ungano, iyo yaisonganira muCraven Terrace parutivi poMusha weBheteri weLondon. Sezvo ndakanga ndiri nherera yomudzimu, imwe hama yakwegura yakazodzwa, “Papa” Humphreys, yakagoverwa kuti ive nefariro chaiyo mandiri. Zvirokwazvo chakanga chiri chikomborero chikuru kukwanisa kusonganirana nehama nehanzvadzi dzakawanda dzakazodzwa idzo dzaibatira muungano iyoyo. Avo vedu vaiva netariro yapasi—vainzi vanaJonadhabhi—taiva vashoma. Kutaura idi, ndakanga ndirini mu“Jonadhabhi” bedzi muFundo yeBhuku yeUngano yandaipinda. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina songanirano yakawanda nevezera rangu ndimene, ushamwaridzani hunokosha ihwohwo nehama dzakakura mumudzimu hwakandidzidzisa zvidzidzo zvakawanda zvinobetsera. Zvichida chinokosha zvikuru chaiva chiya chokusatongorega basa raJehovha.
Mumazuva iwayo, taisitsaurira kupera kwose kwevhiki kumubato wokuparidza. Ndakagoverwa kutarisira “motokari ine gudzanzwi,” iyo yakanga iri chaizvoizvo bhasikiro rine mavhiri matatu rakagadzirwa kuti ritakure gudzanzwi nebhatiri remotokari. Chitanhatu chiri chose, ndaifamba nebhasikoro rine mavhiri matatu ndokuenda kumakona emigwagwa akasiyana-siyana, umo tairidza nziyo ibvei toridza imwe yehurukuro dzaHama Rutherford. Zvitanhatu zvaishandiswawo nokuda kwokuita basa romumigwagwa tine mabhegi edu amagazini. MaSvondo taitsaurira kubasa rapaimba neimba, tichigovera mabhukwana namabhuku makuru.
Songanirano yangu nehama dzakura dzinoshingaira yakanyandura mandiri chishuvo chokupayona. Ichi chishuvo chakasimbiswa apo ndaiteerera hurukuro dzamapiyona pakokorodzano dzoruwa. Kokorodzano imwe iyo yakava netapuro huru paupenyu hwangu yakanga iri iyo yakaitirwa paEarl’s Court, London, muna 1947. Mwedzi miviri gare gare, ndakanyoresa mubasa roupiyona, uye ndakavavarira kuchengeta mudzimu woupiyona chibviro chenguva iyeyo. Mufaro wandakawana mukuitisa fundo dzeBhaibheri dzinofambira mberi wakabatira kusimbisazve kuti ichi ndicho chakanga chiri chisarudzo chakarurama.
Mwenga wechiSpania uye Mugove wechiSpania
Mugore ra 1957, apo ndakanga ndichiri kupayona nePaddington Ungano, ndakasangana neimwe hanzvadzi yakaisvonaka yechiSpania yainzi Rafaela. Pashure pemwedzi mishomanene, takachata. Nharidzano yedu yakanga iri yokupayona pamwe chete, asi kutanga takaenda kuMadrid kuti ndigogona kusangana navabereki vaRafaela. Yakanga iri shanyo yakachinja upenyu hwangu. Apo takanga tiri muMadrid, Hama Ray Dusinberre, mutariri webazu reSpania, akandikumbira kana tingarangarira kubatira muSpania, umo makanga mune kudikanwa kukuru kwehama dzaiva noruzivo rwokuzviwanira.
Taigona sei kuramba kokero yakadaro? Nokudaro, muna 1958 takavamba basa redu renguva yakazara pamwe chete muSpania. Panguva iyoyo nyika yacho yaitongwa naFranco, uye mubato wedu wakanga usingazivikanwi pamutemo, uko kwakaita kuti basa rokuparidza rive rakaoma zvikuru. Kupfuurirazve, ndaifanira kurwisa kudzidza mutauro wechiSpania kwamakore maviri okutanga. Zvakare, yakanga iri nhau yokusarega, kunyange zvazvo ndakachema painopfuura nguva imwe somugumisiro wekangaidzikowo zvayo nokusakwanisa kukurukurirana nehama muungano.
Kudikanwa kwavatariri kwakanga kuri kukuru kwazvo zvokuti kunyange zvazvo ndaisatongogona kutaura chiSpania chipi nechipi, mukati momwedzi mumwe ndakanga ndotarisira boka duku. Nemhaka yokuitwa muchivande kwebasa redu, takanga takarongwa kuva mapoka maduku akaumbwa navaparidzi vanovambira pa 15 kusvikira ku 20, ayo aishanda seungano duku. Pakutanga, kwakanga kuchityisa zvikuru kuitisa misangano, sezvo ndaisagona nguva dzose kunzwisisa mhinduro dzaibva muvateereri. Zvisinei, mudzimai wangu aigara shure, uye kana akacherekedza kuti ndakanga ndavhiringidzika, aigutsura nokungwarira kusimbisa kuti mhinduro yacho yakanga yakarurama.
Handina chipo chomuzvarirwo chemitauro, uye kanopfuura kamwe ndakanzwa ndichida kudzokera kuEngland, kwandaigona kuita chinhu chiri chose nenzira iri nyore zvikuru kwazvo. Kunyanguvezvo, kubvira pamavambo, rudo noushamwari zvehama nehanzvadzi dzedu dzinodiwa dzechiSpania zvakatsiva kangaidziko dzangu nomutauro. Uye Jehovha akandikomborera neropafadzo chaidzo dzakaita kuti zvose zvive zvakafanira. Muna 1958, ndakakokwa kupinda kokorodzano yamarudzi ose muNew York senhume yakabva kuSpania. Ipapo muna 1962, ndakagamuchira rovedzo inokosha paChikoro Choushumiri hwoUmambo chakarongerwesu muTangier, Morocco.
Chimwe chinetso chandakatarisana nacho, kunze kwomutauro, yakanga iri itiro hanya yenguva dzose pamusoro pokusungwa namapurisa. Somubvakure, ndaiziva kuti kusungwa kwaizoreva kungobudiswa munyika macho. Kuti tideredze ngozi yacho, taishanda tiri vaviri vaviri. Apo mumwe akanga achipupura, mumwe aizova achiteerera zviratidzo zvipi nezvipi zvengozi. Pashure pokushanyira suo rimwe kana kuti maviri, kazhinji kazhinji pamusoro pefurati, taienda kumabhuroko maviri kana kuti matatu ndokushanyira mimwe misha miviri kana kuti mitatu. Taishandisa Bhaibheri zvikuru, uye taitakura mabhukwana mashomanene bedzi akavanzwa mumajazi edu okugovera kuvanhu vanofarira.
Pashure pegore rimwe muMadrid, takagoverwa kuVigo, guta guru riri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSpania, uko kwakanga kusitongorina Zvapupu. Kwomwedzi wokutanga kana kuti kupfuura, Sosaiti yakarumbidza kuti mudzimai wangu aite kwakawanda kwokupupura kwacho—kupa murangariro wokuti takanga tichishanya savashanyi. Pasinei zvapo nomutoo unokweva ngwariro duku, kuparidza kwedu kwakakweva ngwariro. Mukati momwedzi mumwe vaprista veKaturike vakavamba kutizvidza munhepfenyuro. Ivo vakanyevera vagari vavo vomumaruwa kuti vachati vakanga vachienda paimba neimba vachitaura pamusoro peBhaibheri—bhuku raidokuva rinorambidzwa panguva iyoyo. “Vachati vanodikanwa” vakanga vakaumbwa nomubvakure nomudzimai wake wechiSpania, uyo aiita kutaura kunodokuva kwose!
Vaprista vacho vakarayira kuti kungotaura chete kuava vachati vane ngozi chakanga chiri chivi chaizoregererwa bedzi kana chikareururwa nokukurumidza kumuprista. Uye zvechokwadiwo, pamugumo wekurukurirano inofarikanywa yatakava nayo nomukadzi mumwe, akatiudza nenzira yokunzwira urombo kuti aizofanira kuenda ndokureurura. Apo takabva pamba pake, takamuona achimhanya akananga kuchechi.
Kudzingwa
Mwedzi miviri chete pashure pokusvika kwedu muVigo, mapurisa akasvika kamwe kamwe. Mupurisa akatisunga ainzwira tsitsi ndizvo haana kutisunga nesimbi nokuda kwerwendo rwokuenda kukamba yamapurisa. Pakamba pacho, takaona chiso chakarovedzeka, mutaipi watakanga tapupurira misi mishomanene yakanga yapfuura. Akakwenudzwa nenzira yakajeka kutiona tichibatwa samatsotsi ndokuchimbidza kutivimbisa kuti akanga asina kutiwanira mhaka. Kunyanguvezvo, takapomerwa kupinza mungozi “chinzwano chomudzimu cheSpania,” uye vhiki nhanhatu gare gare takabudiswa munyika macho.
Yakanga iri mhinganidzo, asi takanga tisina vavariro yokurega. Kwakanga kuchine basa rakawanda rokuita paIberian Peninsula. Pashure pemwedzi mitatu muTangier, takagoverwa kuGibraltar—imwe ndima isina kushandwa. Sezvinotaura muapostora Pauro, kana tichikoshesa ushumiri hwedu, ticharamba tichipfuurira uye tichatuswa. (2 VaKorinte 4:1, 7, 8) Ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi kwatiri. Pamusha wokutanga umene watakashanyira muGibraltar, takavamba fundo yeBhaibheri nemhuri yose. Nguva refu isati yapfuura, takanga toitisa fundo 17 mumwe nomumwe. Vakawanda vavanhu vataifunda navo vakava Zvapupu, uye mumakore maviri makanga mava neungano yavaparidzi 25.
Asi, somuVigo, vafundisi vakavamba nhimbe yokurwisana nesu. Bhishopi weAnglican weGibraltar akanyevera mupurisa mukuru kuti takanga tiri “vasingadikanwi,” uye kunyengetedza kwake pakupedzisira kwakaunza migumisiro. Muna January 1962 takadzingwa muGibraltar. Taizotevera kuendepi? Kushayiwa kwakanga kuchiri kukuru muSpania, naizvozvo takadzokera, tichikarira kuti chinyorwa chedu chekare chamapurisa zvino chaizova chakachengetwa kure.
Guta rakajeka nezuva reSeville wakanga uri musha wedu mutsva. Imomo taiva nomufaro wokusanoshanda navamwe vachati mapiyona, Ray naPat Kirkup. Kunyange zvazvo Seville rakanga riri guta ravagari vemo vane hafu yemiriyoni, maingova navaparidzi 21 bedzi, naizvozvo makanga mune basa rakawanda rokuita. Zvino mune ungano 15 dzine vaparidzi 1 500. Gore rimwe gare gare takava nechishamiso chinofadza; takakokwa kuti tibatire mubasa rokufambira munharaunda yeBarcelona.
Basa redunhu munyika umo basa redu rakanga risingazivikanwi pamutemo rakanga rakati siyanei. Vhiki imwe neimwe taishanyira mapoka maduku, ruzhinji rwawo rwaiva nehama shomanene dzinokwanisa. Idzi hama dzaishanda nesimba dzaida rovedzo yose netsigiro izvo taigona kudzipa. Taida uyu mugove! Pashure pokunge tapedzera makore anoverengeka munharaunda umo maiva neZvapupu zvishomanene kana zvipi nezvipi zvaivamo, takafara kushanyira hama nehanzvadzi dzakawanda kwazvo dzakasiyana-siyana. Kupfuurirazve, basa rokuparidza muBarcelona rakanga riri nyore zvikuru, uye vanhu vakawanda vaida kufunda Bhaibheri.
Kurwisa Kuora Mwoyo
Mwedzi mitanhatu chete gare gare, zvisinei, upenyu hwangu hwakachinja zvikuru. Zororo redu rokutanga kumhenderekedzo yegungwa rakadokuva ngwavaira apo ndakava netsaona yarondedzerwa pakuvamba. Mumuviri ndakanaya nokukurumidza zvikuru mukatyamadzo yokudokunyura, bva chiitiko chacho chakasiya chiratidzo chisingadzimiki pandangariro yangu.
Kwemwedzi mishomanene, ndakaparapatika kuti ndipfuurire ndiri mubasa redunhu, asi pakupedzisira ndaifanira kudzokera kuEngland kundorapwa. Pashure pamakore maviri ndakanaya zvakakwana kutigonesa kudzokera kuSpania, uko takatangazve basa redunhu. Kunyanguvezvo, kwaingova bedzi kwenguva pfupi. Vabereki vomudzimai wangu vakarwara zvakakomba, uye takasiya basa renguva yakazara kuti tivatarisire.
Upenyu hwakava hwakaoma zvikuru apo, muna 1968, ndakatambura kusagadzikana kwendangariro. Kwaiva nenguva apo Rafaela neni tose tiri vaviri taifunga kuti handisati ndaizotongonaya. Kwakanga kwakaita sokunge ndakanga ndichinyura zvakare, asi munzira yakasiyana! Kunze kwokundiparira kuva anokurirwa nemirangariro yakaipa, kuora mwoyo kwacho kwakanditorera simba rangu rose. Ndakatambura nhambo dzokuneta kukuru, idzo dzakandimanikidzira kuzorora inodokuva nguva yose. Panguva yacho hadzisati dziri hama dzose dzainzwisisa rudzi urwu rwechinetso; chokwadika ndaiziva kuti Jehovha ainzwisisa. Yave iri gutsikano huru kwandiri kurava nyaya dzinoshamisa mumagazini eNharireyomurindi neMukai! idzo dzave dzichinzwisisa zvikuru nokubetsera nokuda kwaavo vanoora mwoyo.
Mukati meiyi nguva yose inonetsa, mudzimai wangu akanga ari manyuko enguva dzose ekurudziro. Kugonana nezvinetso pamwe chete chaizvoizvo kunosimbisa chisungo chomuchato. Vabereki vaRafaela vakafa, uye pashure pamakore 12, utano hwangu hwakavandudzika kusvikira patambanuko yokuti takanzwa kuti taigona kudzokera kubasa renguva yakazara. Muna 1981, kushamisiko yedu nomufaro, takakokwa zvakare kubatira mubasa redunhu.
Chinjo huru dzoubati ushe hwaMwari dzakanga dzaitika muSpania chibviro chechiitiko chedu chekare muushumiri hwokufambira. Kuparidza zvino kwakanga kwasununguka, naizvozvo ndaifanira kuzviwiriranisa ndimene nomusi. Kunyanguvezvo, kubatira somutariri wedunhu zvakare yakanga iri ropafadzo huru. Kuva kwedu takapayona pasinei zvapo namamirire ezvinhu akaoma kwakatigonesa kukurudzira mapiyona akanga achiva nezvinetso. Uye kazhinji kazhinji taikwanisa kubetsera vamwe kukumbanira mapiyona.
Pashure pamakore gumi nerimwe ebasa rokufambira muMadrid neBarcelona, zvakare utano hwedu hwoipa hwakaita kuti kuve kuri madikanwa kuchinja migove. Takagoverwa samapiyona chaiwo kuguta reSalamanca, uko ndaigona kuva anobetsera somukuru. Hama dzomuSalamanca dzakatiita kuti tinzwe takasununguka nokukurumidza. Gore rimwe gare gare imwe njodzi yaizoedza tsungiriro yedu.
Rafaela akava akaperevedza ropa zvisingatsananguriki zvikuru, uye kuedza kwakazivisa kuti iye aiva nekenza yecolon. Zvino ndaifanira kuva akasimba ndokupa mudzimai wangu tsigiro yose yandaigona. Kuita kwedu kwokutanga kwakanga kuri kusadavira, kwakateverwa norutyo. Rafaela aizopona here muna ikoku? Panguva dzakadai seidzi, chivimbo chakakwana muna Jehovha ndicho chinotibetsera kupfuurira. Ndinofara kutaura kuti Rafaela akavhiyiwa zvinobudirira, uye tinovimba kuti kenza yacho haisati ichizoitikazve.
Kunyange zvazvo takava nezvakanaka nezvakaipa zvedu mukati mamakore 36 ayo takapedzera muSpania, kwave kuchifadza kurarama munguva ino yokukura kwomudzimu. Takaona boka duku ravaparidzi 800 muna 1958 richikura kuva hondo yavaparidzi 100 000 nhasi. Zvinetso zvedu zvakafukidzwa nemifaro yedu yakawanda—kubetsera vamwe kugamuchira zvokwadi ndokukura mumudzimu, kushanda pamwe chete somurume nomudzimai, uye kunzwa kuti takashandisa upenyu hwedu munzira yakanakisisa inobvira.
Pauro anoti mutsamba yake yechipiri kuvaKorinte: “Zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti.” (2 VaKorinte 4:1) Ndichitarira shure, ndinodavira kuti kwaiva nezvinhu zvinoverengeka muupenyu hwangu izvo zvakandidzivisa kuneta. Muenzaniso wehama dzakazodzwa dzakatendeka dzaindifarira mukati mamakore angu okukura wakagovera nheyo yakaisvonaka. Kuva nomukwanyina anogoverana nharidzano dzomudzimu dzimwe chetedzo ibetsero inoshamisa; apo ndakanga ndichiora mwoyo, Rafaela aindikurudzira, uye ini ndakamuitira zvimwe chetezvo. Kusetsa ibetsero huruwo. Kukwanisa kuseka nehama—uye kuzviseka timene—nenzira yakati kunoita kuti zvinetso zviratidzike kuva zvinokurira zvishomanene.
Asi kupfuura zvose, tsungiriro mukutarisana nemiedzo inoda simba raJehovha. Nguva dzose ndinoyeuka mashoko aPauro, anoti: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” NaJehovha achititsigira, hapana dikanwo yokuti tinete.—VaFiripi 4:13.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Ronald naRafaela Taylor muna 1958
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Musangano takarambidzwa muSpania (1969)