Kuponeswa Vari Vapenyu Mudambudziko Guru
“Ndivo vanobva [mudambudziko guru, NW], vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.” —ZVAKAZARURWA 7:14.
1. Ndivanaani vachakwazisa vanomutswa murumuko rwapasi?
APO mamiriyoni asingatauriki anomutswa mu‘rumuko rwavakarurama navasakarurama,’ havasati vachimutsirwa mupasi risina chinhu. (Mabasa 24:15) Vachamukira mumhoteredzo dzakavandudzwa zvakaisvonaka ndokuwana kuti dzimba dzokugara, mbatya, uye zvokudya zvakawanda zvakavagadzirirwa. Ndivanaani vachaita idzi gadziriro dzose? Nenzira yakajeka, kuchava navanhu vanenge vachigara munyika itsva rumuko rwapasi rusati rwavamba. Ndivanaani? Bhaibheri rinoratidzira kuti vachave vapukunyuki vedambudziko guru riri kuuya. Padzidziso dzose dzeBhaibheri, pasina kupokana iyi ndiyo imwe yedzinofadza zvikurusa—yokuti vanhu vakatendeka vachaponeswa vari vapenyu mudambudziko guru uye havasati vachitongofanira kufa. Iyi tariro inosanopupurirwa muMagwaro Matsvene.
Sapamazuva aNoa
2, 3. (a) Ifananoi dzinoitwa pakati pamazuva aNoa nenguva yedu? (b) Chii chinoratidzirwa nokupukunyuka kwaNoa nemhuri yake muMafashamo?
2 Pana Mateo 24:37-39, Jesu Kristu akaenzanisa mazuva aNoa namazuva okupedzisira, umo zvino tinozviwana timene tiri. Iye akati: “Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.”
3 Mafashamo enyika yose akaparadza vose vasina kupa ngwariro kushoko renyevero raMwari. Haana, kunyanguvezvo, kuparadza Noa nemhuri yake. Ivo va“kapinda . . . muareka,” sezvakataura Jesu. Nemhaka yokuzvipira kwavo kwoumwari, Jehovha akavagovera nzira yokupukunyuka nayo. Petro Wechipiri 2:5, 9 inonongedzera kukupukunyuka kwaNoa nemhuri yake apo inoti: “[Mwari] . . . wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari. Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari.” Jesu akaenzanisa zuva raNoa namazuva okupedzisira kuti aratidze kuti vanhu zvikurukuru havasati vaizoteerera shoko renyevero raMwari. Kunyanguvezvo, mukuita kudaro iye akasimbisawo kuti Noa nemhuri yake vakateerera Jehovha Mwari, vakapinda muareka, uye vakapukunyuka Mafashamo makuru. Kupukunyuka kwakaitwa naNoa nemhuri yake kunonongedzera kukupukunyuka kwavabatiri vaMwari vakatendeka pamugumo wenyika ino.
Muenzaniso Womuzana Ramakore Rokutanga
4. Mukuzadzikwa kwamashoko aJesu, zviitikoi zvakatungamirira kukuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E.?
4 Jesu akataurawo nezvezviitiko zvinofanira kuitika pamugumo wenyika ino. Pana Mateo 24:21, 22 (NW), tinorava kuti: “Ipapo kuchava nedambudziko guru rakadai serisina kuitika kubvira pakuvamba kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harizoitikizve. Kutaura idi, kutoti mazuva iwayo aipfupikiswa, hapana nyama yaiponeswa; asi nemhaka yavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.” Aya mashoko akava nokuzadzika kwapakutanga muzana ramakore rokutanga reNguva yedu yaVose. Muna 66 C.E., guta reJerusarema rakakombwa nehondo dzeRoma muutungamiriri hwaCestius Gallus. Mauto eRoma akasvika papfundo rokusekesa rusvingo rwetembere, uye vaJudha vakawanda vakanga vagadzirira kutera. Nenzira isingakarirwi, zvisinei, uye nokuda kwechikonzero chisiri pachena, Cestius Gallus akadzosa mauto ake. Pakuona vaRoma vachidzoka, vaKristu vakaita chimwe chinhu pamusoro pamashoko aJesu, akataurwa makore akawanda nguva iyi isati yasvika, anoti: “Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.” (Ruka 21:20, 21) VaJudha vakaitwa vaKristu, vakasarudzwa, vakabva kamwe kamwe muguta rakashurikidzwa reJerusarema uye nokudaro vakaponeswa muruparadziko runotyisa rwakauya pariri nokukurumidza pashure pacho. Muna 70 C.E., mauto eRoma achitungamirirwa noMutungamiriri wehondo Titus akadzokera. Akakomberedza Jerusarema nomusasa, akakomba guta racho, uye akariparadza.
5. Dambudziko paJerusarema rakapfupikiswa mupfungwai muna 70 C.E.?
5 Wezvenhau wechiJudha Josephus anorondedzera kuti vaJudha 1 100 000 vakafa, nepo 97 000 vakapukunyuka uye vakapinzwa muutapwa. Vapukunyuki vechiJudha ivavo vasiri vaKristu zvirokwazvo vakanga vasiri “vakasanangurwa” vouporofita hwaJesu. Achitaura kurudzi rwechiJudha runopandukira, Jesu akanga ati: “Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unouya nezita raShe.” (Mateo 23:38, 39) Hapana chinyorwa chokuti vaJudha ivavo, vakakomberedzwa muJerusarema, panguva yokupedzisira vakagamuchira Jesu saMesiya, vakava vaKristu, uye vakagamuchira nyasha dzaJehovha. Kunyanguvezvo, dambudziko rakauya paJerusarema muna 70 C.E. rakapfupikiswa. Kukomberedzwa kwokupedzisira kwakaitwa nehondo yeRoma kwakanga kusiri kwenguva refu. Ikoku kwakabvumira vaJudha vakati kupukunyuka, kuzongotumirwa bedzi kumativi akasiyana-siyana oUmambo hweRoma savaranda.
Boka Guru Ravapukunyuki
6, 7. (a) Igutai guru rorudzidziso richigere kuparadzwa, sorutivi rwedambudziko ripi risingaenzaniswi? (b) Johane akaporofitei pamusoro pedambudziko guru riri kuuya panyika ino?
6 Nepo ruparadziko rweJerusarema muna 70 C.E. zvirokwazvo rwakauyisa “dambudziko guru” paguta iroro rorudzidziso, kuzadzikwa kukuru kwamashoko aJesu kuchigere kuitwa. Guta guru zvikuru rorudzidziso, Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, richawana dambudziko guru rinouraya rinoteverwa nokukurumidza nedambudziko risingaenzaniswi payasara yose yetsika yaSatani yezvinhu. (Mateo 24:29, 30; Zvakazarurwa 18:21) Makore 26 pashure poruparadziko rweJerusarema, muapostora Johane, pana Zvakazarurwa 7:9-14, akanyora pamusoro peiri dambudziko guru rinoputira nyika. Iye akaratidza kuti boka guru ravanhu raizoripukunyuka.
7 Vapukunyuki ivava, vanonzi “boka guru,” (NW) vanoziviswa nezviito zvakati zvakasimba izvo vanoita. Maererano naZvakazarurwa 7:14, mumwe wavakuru 24 mudenga akaudza Johane, kuti: “Ndivo vanobva “[mudambudziko guru, NW] vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.” Hungu, boka guru rinorumbidza Jehovha samanyuko oruponeso rwavo. Vanotenda muropa raJesu rakadeurwa uye vane chimiro chakarurama pamberi poMusiki wavo naMambo wake akagadzwa, Jesu Kristu.
8. Ukamai hwakaisvonaka huripo pakati pe“boka guru” navakasarira vehama dzaJesu dzakazodzwa?
8 Nhasi, inodokusvika mitezo mamiriyoni mashanu yeboka guru iri kurarama muutungamiriri hwokushingaira kwaMambo wokudenga Jesu Kristu. Inozviisa pasi paKristu uye musonganiro yapedyo nehama dzake dzakazodzwa dzichiri pasi pano. Pamusoro pokubata uko boka guru rinopa ava vanhu vakazodzwa, Jesu anoti: “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.” (Mateo 25:40) Nemhaka yokuti nenzira isina udyire vanoyamura hama dzaKristu dzakazodzwa, avo veboka guru vanotongwa kuva vakaitira zvakanaka Jesu amene. Ikoku kunovabetsera kuva noukama hwakachengeteka naJesu Kristu naJehovha Mwari. Ivo vakaropafadzwa kukumbanira vakasarira vakazodzwa mukuva Zvapupu zvaMwari navatakuri vezita rake.—Isaya 43:10, 11; Joere 2:31, 32.
Kuramba Vakamuka
9, 10. (a) Chii chatinofanira kuita kuchengeta chimiro chedu chakarurama pamberi poMwanakomana womunhu? (b) Tinofanira kuita sei kuti tirambe taka“rinda nenguva dzose”?
9 Boka guru rinofanira kuchengeta chimiro charo chakarurama pamberi poMwanakomana womunhu risingaregi, uko kunoda kuramba rakarinda kusvikira kumugumo chaiko. Jesu akataura ikoku zvakajeka apo akati: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose. Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:34-36.
10 Kuti tibudirire mukumira pamberi poMwanakomana womunhu, tinofanira kuva netendero yake, iyo yatisingazovi nayo kana tikazvibvumira timene kuva vanopesvedzerwa nokufunga kwenyika ino. Kufunga kwenyika kunonyengera uye kunogona kunyengera mumwe munhu kukunyanyisa mumifarwa yenyama kana kuti kuremedzwa kwazvo nezvinetso zvoupenyu zvokuti haasati achachengeta fariro dzoUmambo pakutanga. (Mateo 6:33) Nzira yakadaro inonetesa munhu mumudzimu uye ingagona kumusiya asingakendengi pamusoro pemitoro yake kuna Mwari navamwe. Angagona kuva asingaiti basa kana kuti kupinza mungozi nzvimbo yake muungano kupfurikidza nokuita chivi chakakomba, zvichida kunyange kuratidzira chimiro chendangariro chokusapfidza. Munhu mumwe nomumwe ari muboka guru anofanira kuzvingwarira amene. Anofanira kuramba akaparadzana nenyika ino isina umwari nemiitiro yayo.—Johane 17:16.
11. Kushandiswa kwenheyoi dzapaMagwaro kuchatibetsera kupukunyuka Armagedhoni?
11 Nechinangwa ichocho, Jehovha akagovera chatinoda kupfurikidza neShoko rake, mudzimu mutsvene wake, uye sangano rake rinooneka. Tinofanira kushandisa izvozvi zvakazara. Uyezve, tinofanira kuva vanonyengetera navanoteerera kuna Mwari kana tichikarira kuva nenyasha dzake. Kutanga, tinofanira kukudziridza kuvenga kwakasimba zvakaipa. Wezvamapisarema akati: “Handina kugara navanhu venhema, handingafambidzani navanyengeri. Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, handingagari navatadzi. Regai kusanganisa mweya wangu pamwe chete navatadzi, noupenyu hwangu navateuri veropa.” (Pisarema 26:4, 5, 9) Muungano yechiKristu, vaduku navakuru zvakafanana vanofanira kuganhurira songaniro naavo vasina kuzvitsaurira kuna Jehovha. Kuti tigamuchire nyasha dzaMwari, tinovavarira kuva vasina mhaka uye vasina kusvibiswa nenyika. (Pisarema 26:1-5; Jakobho 1:27; 4:4) Nokudaro, tichavimbiswa kuti paArmagedhoni, Jehovha haasati achizotiparadza murufu pamwe chete navasina umwari.
Vamwe Hava“ngatongofi”
12, 13. (a) Asati amutsa Razaro, Jesu akataura mashokoi ayo Marta asina kunzwisisa zvizere? (b) Chii chisina kurehwa namashoko aJesu pamusoro pavamwe ‘vasingazotongofi’?
12 Kunofadza kurangarira kupukunyuka mugumo wetsika ino yezvinhu nebviro yokusatongozofanira kufa. Iyi ndiyo kariro inopiwa kwatiri naJesu. Asati chaizvo amutsa shamwari yake yakafa Razaro, Jesu akaudza hanzvadzi yaRazaro Marta, kuti: “Ndini [rumuko, NW] noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama. Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?” Marta aidavira rumuko, asi haana kunzwisisa zvose izvo Jesu akanga achitaura.—Johane 11:25, 26.
13 Jesu haana kureva kuti vaapostora vake vakatendeka vaizopfuurira kurarama munyama uye havaizotongofa. Mukupesana, gare gare akaratidzira kuti vadzidzi vake vaizofa. (Johane 21:16-23) Zvirokwazvo, kuzodzwa kwavo nomudzimu mutsvene paPentekosta ya 33 C.E. kwakareva kuti vaizofanira kufa kuitira kuti vagamuchire nhaka yavo yokudenga samadzimambo navaprista. (Zvakazarurwa 20:4, 6) Nokudaro, nokupfuura kwenguva, vaKristu vose vomuzana ramakore rokutanga vakafa. Zvisinei, Jesu akataura zvaakaita nokuda kwechinangwa. Mashoko ake pamusoro pokurarama pasina kuzotongofa achazadzikwa.
14, 15. (a) Mashoko aJesu pamusoro pavamwe ‘vasingazotongofi’ achazadzikwa sei? (b) Chii chiri mumiriro wezvinhu wenyika ino, asi itariroi iyo vakarurama vanayo?
14 Kutanga, vaKristu vakazodzwa vakatendeka havasati vachizotongotambura rufu rusingagumi. (Zvakazarurwa 20:6) Uyewo, mashoko aJesu anonongedzera kunguva yakananga apo Mwari achapindira muzvinhu zvavanhu uye achaparadza uipi pasi pano, sezvaakaita muzuva raNoa. Vanhu vakatendeka vanowanwa vachiita kuda kwaMwari panguva iyeyo havazofaniri kufa nezviito zvaMwari zvorutongeso. Panzvimbo pezvo, saNoa nemhuri yake, vachava nomukana wokupukunyuka dambudziko renyika. Tariro yakadaro yakasimba, ichiva yakavakirwa padzidziso dzeBhaibheri uye inoratidzirwa nemienzaniso. (Enzanisa naVaHebheru 6:19; 2 Petro 2:4-9.) Kuzadzikwa kweuporofita hweBhaibheri kunoratidza kuti nokukurumidza zvikuru nyika iripo yakaumbwa nechaunga chavanhu chisina kururama ichaguma muruparadziko. Mumiriro wezvinhu wazvino hauchinjiki, nokuti nyika yakaipa zvikuru. Izvo Mwari akataura pamusoro penyika yezuva raNoa ndezvechokwadiwo nezvenyika nhasi. Uipi hunozadza mwoyo yovoruzhinji zvikuru vavanhu, uye mifungo yavo yakaipa bedzi nguva dzose.—Genesi 6:5.
15 Jehovha akabvumira vanhu kuti vadzore pasi kwamazana amakore pasina dzongonyedzo youmwari, asi nguva yavo yotodokuguma. Nokukurumidza Jehovha achaparadza vakaipa vose pasi pano, seizvo chaizvo Bhaibheri rinotaura. (Pisarema 145:20; Zvirevo 2:21, 22) Zvisinei, haasati achizoparadza vakarurama pamwe chete navakaipa. Mwari haana kutongoita chinhu chakadaro! (Enzanisa naGenesi 18:22, 23, 26.) Neiko aizoparadza avo vari kuedza kumubatira nokutendeka, nokutya kwoumwari? Kunongova bedzi kune mufungo kuti vanamati vakatendeka vaJehovha avo vanorarama apo dambudziko guru rinovamba vachawana nyasha mumeso ake uye havasati vachizoparadzwa, sezvo chaizvo Noa nemhuri yake vasina kuparadzwa apo nyika yakaipa yomuzuva rake yakasvika kumugumo une ngwavaira. (Genesi 7:23) Vachava nedziviriro youmwari uye vachapukunyuka mugumo wenyika ino.
16. Zvinhui zvinoshamisa zvichaitika munyika itsva, zvichirevei nokuda kwavapukunyuki?
16 Chii chichaitika panguva iyeyo? Munyika itsva, zvikomborero zvinoporesa zvichaerera kurudzi rwomunhu sezvo betsero dzorudzikinuro rwechibayiro chaJesu dzinoshandiswa zvizere. Bhaibheri rinotaura nezve“rwizi [rwokufananidzira] rwemvura youpenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kune muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2) Zvinoshamisa kutaura, kuti “kuporesa” ikoko kunobatanidza kukundwa kwechivi chaAdhama chimene! “Wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.” (Isaya 25:8) Nokudaro, avo vanopukunyuka dambudziko guru kuti vapinde munyika itsva havadikanirwi kutongotarisana norufu!
Tariro Yechokwadi
17. Ndeyechokwadi sei tariro yokuti vamwe vachapukunyuka Armagedhoni uye hava“ngatongofi”?
17 Tinogona kuva nechivimbo chakazara muiyi tariro inoshamisa here? Zvirokwazvo! Jesu akaratidzira kuna Marta kuti kwaizova nenguva apo vanhu vaizorarama vasingambofi. (Johane 11:26) Uyezve, muganhuro rechinomwe raZvakazarurwa izvo Jesu akapa kuna Johane, kwakaziviswa kuti boka guru rinobuda mudambudziko guru, richiripukunyuka. Tinogona kudavira Jesu Kristu nenhoroondo yenhau yaMafashamo ezuva raNoa here? Pasina kupokana! Kupfuurirazve, Bhaibheri rine dzimwe nhoroondo dzenhambo apo Mwari akachengeta vabatiri vake vari vapenyu munguva dzorutongeso nokuwa kwamarudzi. Zvishoma zvinofanira kukarirwa nezvake muino nguva yomugumo here? Chinhu chipi nechipi hachibviriri Musiki here?—Enzanisa naMateo 19:26.
18. Tinogona sei kuvimbiswa upenyu munyika itsva yakarurama yaJehovha?
18 Kupfurikidza nokubatira Jehovha nokutendeka zvino, tine vimbiso youpenyu husingaperi munyika yake itsva. Nokuda kwamamiriyoni asingatauriki, upenyu munyika iyoyo itsva huchauya kupfurikidza norumuko. Bva, muzuva redu, mamiriyoni avanhu vaJehovha—hungu, boka guru risina munhu anogona kuverenga kana kuti kuganhura—richava neropafadzo yechienzi yokuponeswa riri benyu mudambudziko guru. Uye harisati richizotongofanira kufa.
Tapota Tsanangura
◻ Kupukunyuka Armagedhoni kwakafanofananidzirwa sei muzuva raNoa?
◻ Chii chatinofanira kuita kuti tirambe takamira apo Jesu anouya kuzoita rutongeso rwaJehovha?
◻ Neiko tichigona kutaura kuti vapukunyuki veArmagedhoni hava“ngatongofi”?
[Mufananidzo uri papeji 15]
VaKristu vakapukunyuka dambudziko reJerusarema