-
Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza KuitikaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
Mukoto Wekurukurirano
5. Ko Zvakazarurwa zvakapiwa sei kuno muapostora Johane dzokonokei kuungano?
5 Zvakazarurwa 1:1b, 2 inopfuurira kuti: “Uye iye [Jesu] akatuma ngirozi yake ndokuzvipa [Zvakazarurwa] muzviratidzo kupfurikidza nayo kumuranda wake Johane, uyo akapupurira shoko rakapiwa naMwari uye kupupurira kwakaitwa naJesu Kristu, kunyange zvinhu zvose zvaakaona.” Nokudaro, Johane akagamuchira chinyorwa chakafuridzirwa kupfurikidza nenhume yengirozi. Iye akachinyora mumupumburu wamanyoro, achichitumira kuungano dzomunguva yake. Nomutoo unofadza nokuda kwedu, Mwari akachichengeta nokuda kwokukurudzirwa kwedzinenge ungano 100 000 dzavabatiri vake vakabatana pasi pano nhasi.
6. Ko Jesu akazivisa sei mukoto waaizoshandisa kugovera zvokudya zvomudzimu nokuda kwa‘varanda’ vake nhasi?
6 Mwari akanga ane mukoto wokukurukura Zvakazarurwa muzuva raJohane, uye Johane akanga ari rutivi rwapasi rwomukoto iwowo. Nenzira yakafanana, Mwari ane mukoto wokupa tsigiro yomudzimu ku‘varanda’ vake nhasi. Muuporofita hwake hukuru pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu, Jesu akazivisa rutivi rwapasi rwouyu mukoto so“muranda akatendeka nowakachenjera uyo ishe wake akagadza pana veimba yake, kuvapa zvokudya zvavo panguva yakafanira.” (Mateo 24:3, 45-47) Iye anoshandisa iri boka raJohane kuzarura revo youporofita.
7. (a) Ko zviratidzo zvinowanwa muna Zvakazarurwa zvinofanira kutitapura sei? (b) Ko vamwe veboka raJohane vakagoverana muzadziko yezviono zvaZvakazarurwa kwenguva refu yakadini?
7 Muapostora Johane anonyora kuti Jesu akapa Zvakazarurwa “muzviratidzo,” kana kuti zvipangidzo. Izvozvi zvakajeka uye zvinofadza kunzvera. Zvinoratidzira mubato une simba uye zvinofanirawo, kutikuchidzirira kunhamburiko dzokushingaira mukuzivisa kuna vamwe uporofita nerevo yahwo. Zvakazarurwa zvinoratidzira nokuda kwedu chiverengero chezviono zvinonyandura, izvo mune chimwe nechimwe chazvo Johane akatora rutivi nomutoo wokushingaira kana kuti zvimwe somucherekedzi. Avo veboka raJohane, vamwe vavo vakagoverana kwemakumi akawanda emakore mukuzadzika kweizvi zviono, vanofara kuti mudzimu waMwari wakazarura revo kuti vagone kuitsanangura kuna vamwe.
-
-
Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza KuitikaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
9. (a) SaJohane, boka raJohane rakaratidzira chimiroi chendangariro? (b) Ko Johane anoratidzira sei nzira yokuti isu tive vanofara?
9 Johane akanga akatendeka mukupupurira shoko iro Mwari kupfurikidza naJesu Kristu akapa kwaari. Iye akarondedzera mumashoko ose oudzame “zvinhu zvose zvaakaona.” Boka raJohane nomutoo wokudisisa rakatsvaka nhungamiro kuna Mwari naJesu Kristu kuti rinzwisise uporofita zvizere ndokuzivisa mapfundo ahwo akaisvonaka kuvanhu vaMwari. Nokuda kwokubetserwa kweungano yavakazodzwa (uyewo boka guru ramarudzi iro Mwari achachengeta riri benyu nomudambudziko guru), Johane anonyora, kuti: “Anofara ndiye anorava nenzwi guru naavo vanonzwa mashoko ouhu uporofita, uye avo vanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri; nokuti nguva yakagadzwa yava pedyo.”—Zvakazarurwa 1:3.
-