Mazuva Okupedzisira—Nguva Yokucheka
“Ipapo ndakatarira, ndikaona gore jena, nomumwe wakaita somwanakomana womunhu agere pamusoro paro, ane korona yendarama pamusoro wake, naparuoko rwake ane jeko rinopinza.”—ZVAKAZARURWA 14:14.
1. Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvakaita kuti zana rino ramakore rive rechienzi?
ZANA rino ramakore rechi 20 rave riri nguva ine nyongano zvakadini! Rudzi rwomunhu rwaitofanira kutsungirira hondo mbiri dzenyika dzinotyisa. Nyika pashure penyika yakaparadzwa nokupandukira. Nzara yakaparira kutambura kwakawanda kupfuura nakare kose munhau yomunhu. Kusava nechokwadi nepfuma, utsotsi, shatiso, uye zvirwere zvinotyisa zvinotyisidzira garikano yomunhu ari ose. Panguva imwe cheteyo, munhu akaita fambiro mberi hombe dzesayenzi. Iye akabata simba reatomu uye kunyange kufamba pamwedzi. Zvirokwazvo, chizvarwa chedu chakasiana munzira dzakawanda. Kunyanguvezvo, chinhu chimwe chinotanhamara sechinoitika chinokosha zvikurusa chenguva yedu, uye kunze kwacho zvimwe zvinhu zvose zvinova zvisingakoshi.
2. Ndichinoitikai chakaporofitwa naDhanieri chaifanira kuitika munguva yedu?
2 Ichi chinoitika chinokosha zvirokwazvo chakadeya kutaurwa shure muzana ramakore rechitanhatu P.N.V. nomuporofita Dhanieri. Teerera mushumo wake wakafuridzirwa nenzira youmwari: “Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kuno wakakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.”—Dhanieri 7:13, 14.
3. (a) Ndiani ari “wakakwegura pamazuva ake,” uye chii chaakapa ku“mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu”? (b) Ndiani ari uyu “akafanana nomwanakomana womunhu,” uye vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakaita sei apo Jesu akaita iyi zivikanwo?
3 “Wakakwegura pamazuva ake” ndiJehovha Mwari. Dhanieri anomuona mu“makore okudenga,” ndiko kuti, munzvimbo yemidzimu isingaoneki, achipa umambo “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu.” Ndiani ari “mumwe” iyeyo? Jesu akapindura mubvunzo iwoyo shure muna 33 N.V. apo akanga achitongwa pamberi peDare ramakurukota. Muprista mukuru wechiJudha akaita kuti apike kuti ataure kana akanga ari Kristu kana kuti kwete. Mumhinduro, Jesu akashandisa noushingi uporofita hwaDhanieri kwaari amene, achiti: “Kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.” Panzvimbo pokukotamira Mambo akasarudzwa waJehovha, muprista mukuru akamupomera kutuka Mwari. Somuuyo, vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakamanikidzira Pontio Pirato kushurikidzira Jesu kurufu.—Mateo 26:63-65; 27:1, 2, 11-26.
4. Jesu akagamuchira rini korona youmambo, uye pasinei zvapo nechishoroi?
4 Uku kuedza kwokuvhiringidza mashoko aJesu kwakakundikana paakamutswa muna vakafa ndokukwira kudenga kundomirira nguva yakafanira yaJehovha yokumupa Umambo. (Mabasa 2:24, 33, 34; Pisarema 110:1, 2) Nguva iyoyo yakasvika muna 1914. Mukuwirirana noufakazi hwose, murutivi rwapashure rwegore iroro, Jesu akagamuchira korona youmambo kuno “wakakwegura pamazuva ake” ndokuvamba kutonga. (Mateo 24:3-42) Umambo hwakanga huchangobva kuberekwa hwakatarisana nechishoro chakakasharara. Asi vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vomuzana rokutanga ramakore, simba rose rakaunganidzwa ramarudzi, kunyange Satani namadhemoni ake havana kukwanisa kudzivisa kuda kwaMwari kuti kuitwe. (Pisarema 2:2, 4-6; Zvakazarurwa 12:1-12) Muna 1914 kwaya yokudenga yakanzwika panguva chaipo: “Umambo hwenyika hwakava umambo hwaShe wedu nohwaKristu wake uye iye achatonga samambo.” (Zvakazarurwa 11:15, NW) Chibviro chomusi iwoyo, tave tichirarama mu“mazuva okupedzisira” etsika ino yakaipa yezvinhu.—2 Timotio 3:1.
Nguva Yokucheka
5. (a) Mukuwirirana nouporofita hwaDhanieri, ndivanaani vaizobatira mambo achangobva kupfekedzwa korona? (b) Chionoi icho Johane akaona icho chakabatanidzawo Jesu saMambo achangobva kupfekedzwa korona?
5 Mukuwirirana nouporofita hwaDhanieri, apo Jesu anogamuchira korona yake “vanhu vose namarudzi ose namarimi ose va[cha]mushumira.” Ikoko kunogona sei kuva kwakadaro kana rudzi rwomunhu rwose zvarwo rwuchimuramba saMambo? Chiono chinoshamisa chakaratidzirwa kumuapostora Johane chinoratidzira mhinduro. Johane anotiudza chaakaona: “Ipapo ndakatarira, ndikaona gore dema, nomumwe wakaita somwanakomana womunhu agere pamusoro paro, ane korona yendarama pamusoro wake, naparuoko rwake ane jeko rinopinza.” (Zvakazarurwa 14:14) Kufanana nechiono chaDhanieri, Jesu pano anoonwa ari pagore uye anoziviswa so“mumwe . . . akafanana nomwanakomana womunhu.” Iye anopfeka korona youmambo, asi muruoko rwake iye haana mudonzvo asi jeko romucheki. Neiko?
6. Ibasai iro Jehovha anoraira Jesu achangobva kupfekedzwa korona kupinda mariri?
6 Johane anopfuurira, kuti: “Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kuna iye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: ‘Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.’” Jesu, kunyange zvazvo ari Mambo, achiri anoteerera miraidzo inobva kuna Jehovha ari “mutembere.” Naizvozvo apo Jehovha anomuraidza kupinda mubasa rokucheka mukati mamazuva okupedzisira, iye anoteerera. Jesu “akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.”—Zvakazarurwa 14:15, 16; VaHebheru 9:24; 1 VaKorinte 11:3.
7. (a) Chii chiri “kucheka kwenyika”? (b) Chii chaiva mavambo ouku “kucheka”?
7 Chii chiri “kucheka kwenyika”? Ndivo vanhu vanobuda mutsika ino yasatani yezvinhu kuti vabatire Jehovha naMambo Wake akagadzwa. Kucheka kunovamba nokuunganidzwa kwavakasarira vavane 144 000 avo vanofanira kutonga naJesu muumambo hwake hwokudenga. (Mateo 13:37-43) Ivava ndivo “Israeri waMwari,” “zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwaiana.” Ivo vakatorwa “kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose.” (VaGaratia 6:16, NW; Zvakazarurwa 14:4; 5:9, 10) Neiyi nzira, vanhu vamwe navamwe vanobva “mumarudzi [ose], mapoka amarudzi nemitauro” vanovamba kubatira Jesu akagadzwa pachigaro choumambo.
8. (a) Mugore ripi apo kuunganidzwa kwavokupedzisira vavakazodzwa sezviri pachena kwakasvika pagumo wapo? (b) Mukuwirirana nechimwe chiono chaJohane, basa rokucheka rakapfuurira sei?
8 Zvisinei, ivo havazi voga. Johane, muchimwe chiono, anoona kuiswa chisimbiso kwavokupedzisira vavane 144 000. (Zvakazarurwa 7:1-8) Sezviri pachena, kuunganidzwa kwaivava kwakadokuguma pakasvika 1935. Asi ipapo, Johane anoshuma, anoona “boka guru, risina munhu aikwanisa kuverenga, rakabva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi, rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9-17, NW) Naizvozvo basa rokucheka rinopfuurira sezvo vamwe vazhinji vanobva “mumarudzi, mapoka orudzi, nendimi” vanotanga kubatira Jesu saMambo.
9. Ndivanaani vari ava vauyi vatsva, uye ndimamwe mauporofitai anodudza kuoneka kwavo mukati mo“rutivi rwokupedzisira rwamazuva”?
9 Ava vauyi vatsva vanokarira kufarikanya upenyu muparadhiso yapasi pasi paMambo akagadzwa waJehovha. (Pisarema 37:11, 29; 72:7-9) Kuungana kwavo kwakadeya kutaurwa muchiverengero chakati chamamwe mauporofita. Isaya, somuenzaniso, akadeya kutaura kuti mu“rutivi rwokupedzisira rwamazuva” marudzi aizodirana achienda kuimba yaJehovha. (Isaya 2:2, 3, NW) Hagai akaporofita kuzununguswa kwamarudzi mukati mako “zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose zvinofanira kupinda.” (Hagai 2:7, NW) Zekaria akataura nezva“varume vane gumi vanobva mumitauro yose yamarudzi” avo vaizozvibatanidza vamene navanhu vaMwari. (Zekaria 8:23, NW) Uyezve, Jesu amene akaporofita pamsoro peiri “boka guru.” Iye akati: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.”—Mateo 25:31-33.
10. (a) “Kucheka kwapasi” kuri kuunganidzwa nomutooi? (b) Ndivanaani bedzi vari kubatira pamwe nengirozi muiri basa?
10 Hungu, rudzi rwose rwomunhu rwuri kuongororwa kuona avo vari “makwai” uye avo vari “mbudzi.” Ko iri basa rokunzvera rinoitwa sei? Muchiono chaJohane, “kucheka kwapasi” kunoitwa pamwe chete namashoko ane simba anoziviswa nengirozi. Ngirozi imwe inozivisa shoko ra“mashoko akanaka asingaperi.” Imwe inozivisa kuwa kwe“Bhabhironi Guru.” Uye yechitatu inonyevera pamsoro pokunamatwa kwe“chikara,” tsika yezvamatongerwe enyika yaSatani yezvinhu. (Zvakazarurwa 14:6-10) Chokwadi, hapana munhu akanzwa manzwi chaiwoiwo eidzi ngirozi. Asi ivo vakanzwa mashoko anowirirana achitaurwa navanhu vakatendeka. (Mateo 24:14; Isaya 48:20; Zekaria 2:7; Jakobho 1:27; 1 Johane 2:15-17) Naizvozvo, nenzira yakajeka, mashoko anoparadzirwa nemiromo yavanhu munhungamiriro yengirozi. Munhu anoziviswa se‘gwai’ kana kuti ‘mbudzi’ kupfurikidza nenzira yaanoita nayo kumashoko engirozi. Mukati meiri zana ramakore rwechi 20, Zvapupu zvaJehovha bedzi zvakabatira pamwe nengirozi muiri basa rinokosha.
11. Kuparadzirwa kwakafara kwaaya mashoko engirozi kunokosha sei?
11 Kuparadzirwa kwaaya mashoko ibasa rinokosha zvikuru kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi zvacho chiri kuitwa nhasi. Hapana budiriro yezvamatongerwe enyika kana kuti kuwana kupi nokupi kwesayenzi kunosvika pedyo muukoshi. Aya mashoko anoratidza nzira inotungamirira kumushonga wezvinetso zvose zvorudzi rwomunhu uye anotaura nezvoruponeso rusingagumi rwavanhu vakatendeka. Uye, zvinokosha zvikurusa, iwo ane chokuita nokutsveneswa kwezita raJehovha.
Mushumo Wegore Negore
12, 13. Ipa udzame hunobva mumushumo wegore negore hunoratidzira kuti “kucheka” kukuru kwatounganidzwa.
12 Ndokusaka Zvapupu zvaJehovha zvichitarira mberi gore rimwe nerimwe kukurava mushumo wegore negore womubato wesangano raJehovha. Izvo zvinofara kuona hufakazi hunopfuuridzirwa hwechikomborero chake pabasa razvo. Kana iwe ukanzvera mushumo wa 1987, unobudiswazve pamapeji 12 kusvikira ku 15 amagazini ino, uchaona kuti ngirozi navashandi biyadzo vavanhu vaishingaira zvikuru kwazvo gore rakapera.
13 Mashoko akanaka akanzwiwa munyika 210—zvirokwazvo ‘rudzi rwuri rwose neboka rorudzi nendimi’ zvinosvikika panguva ino. (Marko 13:10) Uyezve, sechiverengero chapamusoro, 3 395 612 vakashandira pamwe chete kuita izvozvo—kupfuura nakare kose munhau yechiKristu. Nhamba dzacho dzinoorora kunyange mudzimwe nyika dzimwe nedzimwe. MuUnited States, chiverengero chitsva chapamusoro chavane 773 219 chakasvikwa. Dzimwe nyika mbiri, Brazil neMexico, dzakaona zviverengero zvapamusoro zvavane 216 216 uye 222 168 imwe neimwe; uye dzimwe nhanhatu, Britain, Germany, Italy, Japan, Nigeria, uye Philippines, dzakashuma zviverengero zvapamusoro zvinopfuura 100 000. Pano rumwe rutivi, kune nyika dzine zviverengero zvavagari vemo zvikuru uye zviuru zvishomanene zvavaparidzi kana kuti pasi. Basa reiyi mweya yakatendeka rinokoshawo zvikuru kwazvo sezvavanovavarira kuchengeta chiedza chezvokwadi chichipenya mumigariro yakaoma.—Mateo 5:14-16.
14. Rudzii rwavanhu vari kuunganidzwa musangano raJehovha?
14 Chokwadika, vanhu vaMwari havafariri wedzero chete. Ivo vanoziva, zvisinei, kuti vatsva vose ivavo vanodirana musangano raJehovha “zvinhu zvinodikanwa” mumeso aJehovha. Vazhinji vakanga “vachichema nokugomera pamsoro pezvinhu zvose zvinonyangadza” zvavakapupurira muchiKristudhomu. (Ezekieri 9:4, NW) Ivo vose vanodirana ku“gomo raJehovha” nemhaka yokuti vanoda kuraidzwa munzira dzaMwari. (Isaya 2:2, 3) Hufakazi hune simba hwakadini hwechikomborero chaJehovha—kuti mutsika ino yakaipa neyokudisa zvenyika yezvinhu, mazana ezviuru avatsva gore rimwe nerimwe anozviratidzira amene se“zvinhu zvinodikanwa” zvaJehovha’!
Nguva Dzokukurumidzira
15. (a) Ndima inofanira kufukidzwa nebasa rokuparidzira yakakura sei? (b) Mukuwirirana nechiono chaJohane “boka guru” rinoshingaira sei?
15 Basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha nderokukurumidzira. Neiko? Kutanga, ndima ihuru. “Mashoko akanaka” anofanira kuziviswa “kusvikira kurudzi rwuri rose nendudzi nendimi navanhu.” (Zvakazarurwa 14:6, NW) Mumufananidzo waJesu, vanhu va“marudzi ose” vari kukamuraniswa kuva “makwai” uye “mbudzi.” Kune basa rakawanda rinofanira kuitwa. Kwakakodzera sei, ipapoka, kuti “boka guru” rinoonwa naJohane richirumbidza Mwari “masikati nousiku mutembere yake.” (Zvakazarurwa 7:15, NW) Muzadziko yeichi chiono, iri “boka guru,” richashanda mubatira pamwe nehama dzavo dzakazodzwa, vakashuma kuti vakapedzera hwerengedzo yamaawa 739 019 286 mubasa rokuparidzira gore rapera—nhamba yakadokuva huru zvikuru zvokusagona kunzwisiswa. Munyika yose, ikoku kwakamirira avhareji yamaawa anopfuura 18 pamwedzi pamuparidzi. Enzanisa ikoku neavhareji yamaawa pamwedzi makore gumi chete apfuura, uye unogona kuona kuti nhanho yebasa rokuparidzira iri kuwedzera. Avhareji yako yomunhu oga inoenzana sei neavhareji yenyika?
16. (a) Ndeipi iri nzira yakaisvonaka yo“kuparidzira [nayo] shoko . . . nokukurumidzira”? (b) Vangani vakagoverana muiri basa gore rapera?
16 Cherechedzawo chiverengero chapamusoro chitsva chamapiona ebetsero neenguva dzose: 650 095. Uku kunoreva kuti kwaiva namapiona akawanda mumunda gore rapera kupfuura vaparidzi vaivako makore 25 chete apfuura. Iwe waiva mumwe wamapiona iwayo here? Kana kwakadaro, wakawana nzira yakaisvonaka yokushandisa nayo somunhu oga zano raPauro rinoti: “Paridza shoko, riite nokukurumidzira.” (2 Timotio 4:2, NW) Wadiiko kuronga kugoverana mubasa roupiona kwounenge zvawo mwedzi mumwe mukati megore rebasa ra 1988?
Kariro Dzokumwe Kukura
17. Inhambai dzinoratidza kuti kariro yokuwedzera kwomunguva yemberi yakanaka?
17 Kariro yokumwe kukura yakaisvonaka zvirokwazvo. Chiverengero chefundo dzeBhaibheri dzapamusha chaiva 3 005 048—uye mudzidzi mumwe nomumwe weBhaibheri ndi‘chinhu chinodikanwa chinobvira’! Uyezve, vane 8 965 221 vakapinda kuchengetwa kweChirairo chaShe April apfuura. Voruzhinji vaavo vakapinda vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vakanga vachangobva kufarira. Ivo vakafarirwa zvikurusa uye vanokurudzirwa kupfuurira kuita fambiro mberi yakaisvonaka. Vamwe vangave vakapinda nhambo dzakadaro kanoverengeka pamberi pezvi kare. Ivo sezviri pachena vanofarikanya kuva neZvapupu asi vagere kunzwa dikanwo yokuita zvinopfuura izvozvo.
18. Mukuwirirana namauporofita aJesu neaZekaria, munhu anofanira kuitei kuti averengwe somumwe wa“makwai” aJehovha?
18 Vakadaro vanofanira kurumbidzwa nokuda kwefariro yavo muzvokwadi yeBhaibheri. Asi yeuka, mumufananidzo waJesu “makwai” anopinda muupenyu husingaperi ndiavo vanoratidza kuva vanobetsera kuhama dzakazodzwa dzaJesu ndokubatira pamwe navo. (Mateo 25:34-40, 46) Muuporofita hwaZekaria, chiverengero chakakwana cha“varume gumi” chinozivisa pasina ganhuriro: “Tichaenda nemi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi vanhu.” (Zekaria 8:23, NW) Ivo havasati vachingova zvavo nechimiro choushamwari. Ivo “vanobata” vanhu vaMwari ndokuenda navo, kuzvitsaurira vamene kubatira Mwari waava vanhu. Muzuva redu, uku kunobatanidza kuva anobatanidzwa zvizere musangano raJehovha.
Hapachisina Nguva Refu Zvikuru
19, 20. (a) Mukuwirirana nechiono chaJohane, chii chichaitika apo kuunganidzwa kwo“kucheka kwenyika” kunopedzwa? (b) Ikoku kucharevei nokuda kwavose avo vasingazviisi vamene pasi paJesu saMambo?
19 Basa rokucheka nderokukurumidzira nokuda chechikonzero chechipiri. Nokukurumidza richapedzwa. (Mateo 24:32-34) Chii chinoitika panguva iyeyo? Rava chinotevera kuitika muchiono chaJohane: “Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, naiyewo ane jeko rinopinza. Nomumwe mutumwa wakanga ane simba pamusoro pomwoto, akabuda paartari, akadanidzira nenzwi guru kuna iye wakanga ane jeko rinopinza: ‘Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.’ Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.”—Zvakazarurwa 14:17-19.
20 Pashure pokunge zvinochekwa zve“zvinhu zvinodikanwa” zvaunganidzwa, hakusati kuchizovazve nechikonzero chokuti nyika ino yekare yakaipa ipfuurire kuvapo. “Muzambiringa wapasi,” tsika ino yose yenyika yasatani yezvinhu, uchatemerwa pasi ndokuparadzwa. Panguva iyoyo, kunyange vashori vachamanikidzirwa kuziva Mambo akagadzwa waJehovha. Johane akanyora, kuti: “Tarirai, unouya [Jesu] namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya, marudzi ose enyika achamuchema.” (Zvakazarurwa 1:7; Mateo 24:30) Ipapo, mashoko aJesu kuvatungamiriri vorudzidziso vechiJudha, avo vaiva vatungamiriri pakati “paavo vakamubaya,” achazadzikwa. (Mateo 26:64) Chokwadika, vanyengeri vorudzidziso ivavo havasati vachizomutswa kuti “vaone” Jesu pachake. (Mateo 23:33) Asi vose nhasi vanoratidza mudzimu iwoyo ndokuramba kugamuchira Mambo akagadzwa waJehovha vachamanikidzwa kumuziva paanouya kuzoparadza marudzi paArmagedhoni.—Zvakazarurwa 19:11-16, 19-21.
21. Neiko vanhu vaMwari vachifanira kushanda zvakaoma mukubatira pamwe nengirozi dzokudenga?
21 Zvamazvirokwazvo, kupukunyuka kwavanhu vamwe navamwe kuri mungozi. Tine mutoro unorema mukuva vashandi biyavo nengirozi. Asi iropafadzo huru yakadini! Ngatipfuurirei kushanda zvakaoma pamwe chete nengirozi dzokudenga sezvatinovavarira kuwana vakafanana namakwai, “zvinhu zvinodikanwa” zvaJehovha, basa rokucheka risati ragumiswa.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Ndechipi chiri chinoitika chikuru kusvikira panguva ino muzana rino ramakore rechi 20?
◻ Chii chiri “kucheka kwenyika,” uye kuri kuunganidzwa sei?
◻ Ndaapi ari mavara a“makwai” aJehovha?
◻ Mushumo wegore negore unoratidza sei chikomborero chaJehovha pabasa rokucheka?
◻ Neiko basa rokuparidzira riri rokukurumidzira?
[Chati iri papeji 12-15]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA 1987 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Ona bhaundi vhoriyamu)