Ganhuro 25
Kumutsidzira Zvapupu Zviviri
1. Ko ngirozi ine simba inodana Johane kuitei?
NHAMO yechipiri isati yapfuura pakupedzisira, ngirozi ine simba inodana Johane kuzotora rutivi mune chimwe chiono chouporofita, ichochi chine chokuita netembere. (Zvakazarurwa 9:12; 10:1) Hezvino izvo Johane anoshuma: “Ipapo ini ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo sezvayakati: ‘Simuka ugoyera nzvimbo tsvene yetembere yaMwari neatari naavo vanonamatira mairi.’ ”—Zvakazarurwa 11:1.
Nzvimbo Tsvene Yetembere
2. (a) Inzvimboi tsvene yetembere yaizogara kusvika kuzuva redu chairo? (b) Ndiani Muprista Mukuru wenzvimbo tsvene yetembere, uye chii chiri Nzvimbo Tsvene Tsvene yayo?
2 Tembere inodudzwa pano haingagoni kuva tembere ipi neipi chaiyoiyo iri muJerusarema, sezvo yokupedzisira yaidzodzi yakaparadzwa navaRoma muna 70 C.E. Zvisinei, muapostora Pauro akaratidzira kuti kunyange pamberi poruparadziko irworwo, kwakanga kwaoneka imwe nzvimbo tsvene yetembere yaizogara kusvikira kuzuva redu chairo. Iyoyi yakanga iri tembere huru yomudzimu iyo yakazadzika marudzi ouporofita akagoverwa netebharnekari uye gare gare netembere dzakavakwa muJerusarema. Iyo i“tendi rechokwadi, iro Jehovha akadzika, uye kwete munhu,” uye Muprista Mukuru waro ndiJesu, uyo Pauro anorondedzera seakato“gara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo choMukuru mumatenga.” Nzvimbo Tsvene Tsvene yaro ndiyo nzvimbo yokuvapo kwaJehovha mudenga imo mumene.—VaHebheru 8:1, 2; 9:11, 24.
3. Patabharnekari, chii chakanga chichifananidzirwa ne (a) chidzitiro chinoparadzanisa Nzvimbo Tsvene Tsvene neNzvimbo Tsvene? (b) zvibairo zvemhuka? (c) atari yechibairo?
3 Muapostora Pauro anotsanangura kuti chidzitiro chetebharnekari, chinoparadzanisa Nzvimbo Tsvene Tsvene nekamuri Dzvene, chinofananidzira nyama yaJesu. Apo Jesu akabaira upenyu hwake, ichi chifukidziro chakabvaruka napakati, kuratidzira kuti nyama yaJesu yakanga isati ichirizve mhinganidzo yokupinda kwake pamberi paJehovha mudenga. Pahwaro hwechibairo chaJesu, vaprista vake vaduku vakazodzwa vakafa vakatendeka, munguva yakafanira, vaizopindawo mumatenga. (Mateo 27:50, 51; VaHebheru 9:3; 10:19, 20) Pauro anoratidzirawo, kuti zvibairo zvinopfuurira zvemhuka patabhernakeri zvairatidzira mberi kuchibairo chimwe chaJesu choupenyu hwake hwakakwana hwohunhu. Atari yechibairo iri muruvazhe yaimirira gadziriro yaJehovha, mukuwirirana nokuda kwake, nokuda kwokugamuchira chibairo chaJesu nokuda kwa“vazhinji”—vavakazodzwa uye, gare gare, vamamwe makwai—avo vaizove vachi“mutsvakisisa nokuda kworuponeso rwavo.”—VaHebheru 9:28; 10:9, 10; Johane 10:16.
4. Chii chakanga chichifananidzirwa ne (a) Nzvimbo Tsvene? (b) ruvazhe rwomukatikati?
4 Muna aya mashoko akafuridzirwa nomutoo woumwari, tinogona kutaura kuti Nzvimbo Tsvene iri mutabhernakeri inofananidzira mugariro mutsvene unofarikanywa kutanga naKristu uye tevere nemitezo yakazodzwa youprista hwoumambo yavane 144 000 apo iyo ichiri pasi pano, isati yapinda nomu“chidzitiro.” (VaHebheru 6:19, 20; 1 Petro 2:9) Inosanomirira kuva kwavo vakagamuchirwa savanakomana vomudzimu vaMwari, seizvo Mwari akabvuma Jesu kuva Mwanakomana wake pashure porubhapatidzo rwaJesu muJoridhani muna 29 C.E. (Ruka 3:22; VaRoma 8:15) Uye zvakadiniko noruvazhe rwomukatikati, rutivi bedzi rwetebhernakeri rwaioneka kuvaIsraeri vasati vari vaprista uye nzvimbo apo zvibairo zvaiitirwa? Iyo inofananidzira chimiro chakakwana chomunhu Jesu chakamukwanirisa kupa upenyu hwake nokuda kwavanhu. Inomirirawo chimiro chakarurama savatsvene, chinopiwa pahwaro hwechibairo chaJesu, icho vateveri vake vakazodzwa vanofarikanya vachingunoveri pasi pano.a—VaRoma 1:7; 5:1.
Kuyera Nzvimbo Tsvene Yetembere
5. Muuporofita hwaMagwaro echiHebheru, chii chakanga chichiratidzirwa ne (a) kuyerwa kweJerusarema? (b) kuyerwa kwetembere yechiono chaEzekieri?
5 Johane anoudzwa “kuyera nzvimbo tsvene yetembere yaMwari neatari naavo vanonamatira mairi.” Ikoku kunoratidzirei? Muuporofita hwapaMagwaro hwechiHebheru, kuyera kwakadaro kwaipa simbisiro yokuti ruramisiro yaizoitwa pahwaro hwemipimo yakakwana yaJehovha. Mumazuva aMambo akaipa Manase, kuyerwa kwouporofita kweJerusarema kwakasimbisira rutongeso rusingashandurwi rworuparadziko rweguta irero. (2 Madzimambo 21:13; Mariro 2:8) Zvisinei, gare gare apo Jeremia akaona Jerusarema richiyerwa, ikoku kwakasimbisa kuti guta raizovakwazve. (Jeremia 31:39; onawo Zekaria 2:2-8.) Nenzira yakafanana, kuyerwa kwakakura nokuna mashoko ose oudzame kwetembere yechiono kwakaonwa naEzekieri kwakanga kuri simbisiro yenhapwa dzechiJudha dziri muBhabhironi kuti kunamata kwechokwadi kwaizodzorerwa munyika yokwavo. Kwakanga kuriwo chiyeuchidzo chokuti, nokuda kwezvikanganiso zvavo, Israeri kubvira ipapo zvichienda mberi akanga achitofanira kusvitsa mipimo mitsvene yaMwari.—Ezekieri 40:3, 4; 43:10.
6. Ko kuva kwaJohane anoudzwa kuyera nzvimbo tsvene yetembere navaprista vanonamatira mairi chiratidzo chei? Tsanangura.
6 Naizvozvo, apo Johane anorairwa kuyera nzvimbo tsvene yetembere navaprista vaya vanonamatira mairi, chiratidzo chokuti hapana chinhu chinogona kudzivisa kuzadzika kwamadonzo aJehovha pamusoro pegadziriro yetembere naavo vakabatana nayo, uye kuti madonzo iwawo ari kusvika mugumo wawo. Zvino sezvo zvinhu zvose zvakaiswa pasi petsoka dzengirozi ine simba yaJehovha, inguva yokuti “gomo reimba yaJehovha” rive “rakasimbiswa zvakatsiga pamusoro pamakomo.” (Isaya 2:2-4) Kunamatwa kwakachena kwaJehovha kunofanira kusimudzirwa, pashure pamazana amakore okutsauka pakutenda kwechiKristudhomu. Inguvawo yokuti avo vehama dzakatendeka dzaJesu vakafa vave vanomutswa ndokupinda mu“Nzvimbo Tsvene Tsvene.” (Dhanieri 9:24; 1 VaTesaronika 4:14-16; Zvakazarurwa 6:11; 14:4) Uye vakaiswa chisimbiso vokupedzisira vari pasi pano va“varanda vaMwari wedu” vanofanira kuyerwa mukuwirirana nemipimo youmwari kuti vagokwaniriswa nokuda kwenzvimbo yavo yechigarire mugadziriro yetembere savanakomana vakaberekwa nomudzimu vaMwari. Boka raJohane nhasi rinosanoziva nezvemipimo iyeyo mitsvene uye rinoshinga kuisvitsa.—Zvakazarurwa 7:1-3; Mateo 13:41, 42; VaEfeso 1:13, 14; enzanisa naVaRoma 11:20.
Kutsikwa-tsikwa Kworuvazhe
7. (a) Neiko Johane achiudzwa kusayera ruvazhe? (b) Ko guta dzvene rakatsika-tsikwa pasi petsoka kwemwedzi 42 rini? (c) Ko vafundisi vechiKristudhomu vakakundikana sei kutsigira mipimo yakarurama yaJehovha kwemwedzi 42?
7 Neiko Johane akarambidzwa kuyera ruvazhe? Iye anotiudza naaya mashoko, anoti: “Asi kana ruri ruvazhe ruri kunze kwenzvimbo tsvene tsvene yetembere, rusiye kunze chaiko uye usaruyera, nokuti rwakapiwa marudzi, uye iwo achatsika-tsika guta dzvene pasi petsoka kwemwedzi ina makumi mana nemiviri.” (Zvakazarurwa 11:2) Tacherekedza kuti ruvazhe rwomukatikati runofananidzira chimiro chakarurama pasi pano chamaKristu akaberekwa nomudzimu. Sezvatichaona, nongedzero pano iri kumwedzi chaiyoiyo 42 inovambira pana December 1914 kusvika kuna June 1918, apo vose vaizviti maKristu vakaedzwa zvakakomba. Ko ivo vaizotsigira mipimo yakarurama yaJehovha mukati mamakore iwawo ehondo here? Vazhinjisa havana. Vose zvavo, vafundisi vechiKristudhomu vakaisa urudzi pamberi peteererwo yomutemo woumwari. Pamativi ose ari maviri ehondo, iyo yakarwiwa zvikurukuru muchiKristudhomu, vafundisi vakaparidzira majaya kupinda muhondo. Mamiriyoni akauraiwa. Pakuzosvika panguva apo rutongeso rwakatanga neimba yaMwari muna 1918, United States yakanga yapindawo mukuteura ropa ikoko, uye vafundisi vechiKristudhomu vakanga vapara mhaka yokuteura ropa richiri kudanidzira nokuda kwamatsive oumwari. (1 Petro 4:17) Kuva kwavo vakasiiwa kunze kwakava kwechigarire, kusingashanduriki.—Isaya 59:1-3, 7, 8; Jeremia 19:3, 4.
8. Mukati meHondo yeNyika I, ko vazhinji vaVadzidzi veBhaibheri vakazivei, asi chii chavasina kunzwisisa zvizere?
8 Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko neboka duku raVadzidzi veBhaibheri? Ko ivo vaizoyerwa pakarepo muna 1914 kupfurikidza nokuomerera kwavo kumipimo youmwari here? Aiwa. Kufanana navaizviti maKristu echiKristudhomu, ivowo vaifanira kuedzwa. Ivo vaka‘siiwa kunze chaiko, vakapiwa kumarudzi’ kuti vagoedzwa nomutoo wakakomba ndokutambudzwa. Vazhinji vavo vakaziva kuti havazati vachifanira kuenda ndokuuraya munhu biyavo, asi vakanga vachigere kunzwisisa zvizere kusatora rutivi kwechiKristu. (Mika 4:3; Johane 17:14, 16; 1 Johane 3:15) Mukudzvinyirirwa namarudzi, vamwe vakabvumirana pane zvisino kufanira.
9. Chii chiri guta dzvene iro rakatsikwa-tsikwa pasi petsoka namarudzi, uye pasi pano, ndivanaani vanomirira iri guta?
9 Kunyange zvazvo zvakadaro, kwakaitika sei kuti guta dzvene rakatsikwa-tsikwa pasi petsoka namarudzi iwawo? Nomutoo wakajeka, ikoku hakuzati kuchinongedzera kuJerusarema rakaparadzwa anopfuura makore 25 Zvakazarurwa zvisati zvanyorwa. Panzvimbo pezvo, guta dzvene iJerusarema Idzva, rinorondedzerwa gare gare muna Zvakazarurwa, iro rinomirirwa zvino pasi pano namaKristu akazodzwa akasarira ari muruvazhe rwomukatikati rwetembere. Munguva yakafanira, ivavawo vachava rutivi rweguta dzvene. Naizvozvo kutsika-tsika pavari kunofanana nokutsika-tsika paguta iro rimene.—Zvakazarurwa 21:2, 9-21.
Zvapupu Zviviri
10. Ko zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvichaitei pazvinenge zvichitsikwa-tsikwa?
10 Kunyange vachingunotsikwa-tsikwa pavari, ava vakavimbika havaregi kuva zvapupu zvakatendeka zvaJehovha. Nokuda kwechikonzero ichocho, uporofita hunopfuurira, kuti: “ ‘Uye ini ndichasakisa zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite mazuva ane chiuru chimwe china mazana maviri namakumi matanhatu zvakapfeka zvipfeko zvamasaga.’ Ivava vanofananidzirwa nemiorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri uye vamire pamberi paShe wapasi.”—Zvakazarurwa 11:3, 4.
11. Ko kwakarevei kumaKristu akatendeka akazodzwa kuporofita ari “muchipfeko chesaga”?
11 Aya maKristu akatendeka akazodzwa aida vara retsungiriro, nokuti aitofanira kuporofita “akapfeka zvipfeko zvamasaga.” Ikoku kwakarevei? Munguva dzeBhaibheri chipfeko chesaga chaiwanzofananidzira kuchema. Kuchipfeka kwaiva chiratidzo chokuti munhu akanga apedzwa simba murusuruvaro kana kuti mudambudziko. (Genesi 37:34; Jobho 16:15, 16; Ezekieri 27:31) Chipfeko chesaga chakanga chichibatanidzwa namashoko okuchema eshurikidzo kana kuti nhamo iyo vaporofita vaMwari vaitofanira kuparidzira. (Isaya 3:8, 24-26; Jeremia 48:37; 49:3) Kupfeka chipfeko chesaga kunogona kuratidzira kuzvininipisa kana kuti rupfidzo nokuda kwenyevero youmwari. (Jona 3:5) Chipfeko chesaga chakapfekwa nezvapupu zviviri chinooneka kuva chinoratidza tsungiriro yazvo yokuzvininipisa mukuzivisa marutongeso aJehovha. Izvo zvaiva zvapupu zvinozivisa zuva rake ramatsive raizovigira kuchemawo kumarudzi.—Dheuteronomio 32:41-43.
12. Ko nei nhambo yenguva mukati meiyo guta dzvene raizotsikwa-tsikwa pasi petsoka ichiratidzika kuva chaiyoiyo?
12 Boka raJohane raitofanira kuparidzira iri shoko kwenguva yakatemwa chaizvoizvo: mazuva 1 260, kana kuti mwedzi 42, urefu humwe chetehwo hwenguva iyo guta dzvene raizova rinotsikwa-tsikwa pasi petsoka. Iyi nhambo inoratidzika kuva sezvairi, sezvo ichidudzwa munzira mbiri dzakasiyana, kutanga mumwedzi uye tevere mumazuva. Mukuwedzera, pamavambo ezuva raShe, pakanga pane nhambo yakaratidzirwa yamakore matatu nehafu apo zvinoitika zvinotambudza zvavanhu vaMwari zvakafanana nezvinoitika zvinoporofitwa pano—kutangira muna December 1914 ndokupfuurira kusvikira muna June 1918. (Zvakazarurwa 1:10) Izvo zvakaparidza shoko re“chipfeko chesaga” pamusoro porutongeso rwaJehovha rwechiKristudhomu nenyika.
13. (a) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti maKristu akazodzwa akafananidzirwa nezvapupu zviviri? (b) Uporofitai hwaZekaria hunoyeuchidzwa nokuidza kwaJohane zvapupu zviviri “miorivhi miviri nezvigadziko zvomwenje zviviri”?
13 Idi rokuti ivo vakafananidzirwa nezvapupu zviviri rinosimbisira kwatiri kuti shoko razvo rakanga rakarurama uye rine hwaro hwakasimba. (Enzanisa naDheuteronomio 17:6; Johane 8:17, 18.) Johane anovaidza kuti “miorivhi miviri nezvigadziko zvomwenje zviviri,” achitaura kuti ivo “vamire pamberi paShe wapasi.” Iyi inongedzero iri pamhene kuuporofita hwaZekaria, uyo akaona chigadziko chomwenje chine mhanda nomwe nemiorivhi miviri. Miorivhi yaitaurwa kuva inofananidzira “vakazodzwa vaviri,” ndiko kuti, Mudzori Zerubhabheri naJoshua Muprista Mukuru, “vamire kurutivi rwaShe wapasi rose.”—Zekaria 4:1-3, 14.
14. (a) Chii chinoratidzirwa nechiono chaZekaria chemiorivhi miviri? nechigadziko chomwenje? (b) Ko maKristu akazodzwa aizotamburei mukati mehondo yenyika yokutanga?
14 Zekaria akararama munguva yokuvakazve, uye chiono chake chemiorivhi miviri chakareva kuti Zerubhabheri naJoshua vaizokomborerwa nomudzimu waJehovha mukusimbaradza vanhu nokuda kwebasa. Chiono chechigadziko chemwenje chakayeuchidza Zekaria kusa‘zvidza zuva rezvinhu zviduku’ nokuti madonzo aJehovha aizoitwa—“ ‘kwete nesimba reuto, kana kuti kupfurikidza nesimba, asi nomudzimu wangu,’ Jehovha wamauto akataura kudaro.” (Zekaria 4:6, 10; 8:9) Boka duku ramaKristu nomutoo wokuomerera rinoendesa chiedza chezvokwadi kuvanhu mukati mehondo yenyika yokutanga nenzira yakafanana raizoshandiswa mubasa rokuvakazve. Ivowo vaizova manyuko ekurudziro uye, sezvavaiveri vashomanene, vaizodzidza kutsamira pasimba raJehovha, kwete kuzvidza zuva ramavambo maduku.
15. (a) Idi rokuti maKristu akazodzwa akarondedzerwa sezvapupu zviviri rinotiyeuchidza nezvechii? Tsanangura. (b) Ko zvapupu zviviri zvinopiwa simba rokuita zviratidzoi?
15 Idi rokuti ivo vakarondedzerwa sezvapupu zviviri rinotiyeuchidzawo nezvokushanduka chitarisiko. Muchiono ichecho, vatatu vavadzidzi vaJesu vakamuona ari mumbiri yoUmambo, ana vanaMosesi naEria. Ikoku kwakadeya kufananidzira kugara kwaJesu pachigaro chake choumambo chine mbiri muna 1914 kuti apedze basa rakafanofananidzirwa navaporofita vaviri ivavo. (Mateo 17:1-3) Nomutoo wakakodzera, zvapupu zviviri zvino zvinoonwa kuva zvinoita zviratidzo zvinoyeuchidza nezvezviya zvaMosesi naEria. Somuenzaniso, Johane anotaura nezvazvo, kuti: “Uye kana munhu upi noupi achida kuvakuvadza, mwoto unobuda mumiromo yavo ndokuparadza vavengi vavo; uye kana munhu upi noupi akada kuvakuvadza, anofanira kuurawa nouyu mutoo. Ivava vane simba rokuzarira denga kuti parege kuva nemvura inonaya mukati mamazuva okuporofita kwavo.”—Zvakazarurwa 11:5, 6a.
16. (a) Ko chiratidzo chinobatanidza mwoto chinotiyeuchidza sei nezvenguva apo simba raMosesi rakashorwa muna Israeri? (b) Ko vafundisi vechiKristudhomu vakazvidza sei Vadzidzi veBhaibheri ndokunyandura nhamo nokuda kwavo mukati mehondo yenyika yokutanga, uye ivava vakadzorera sei?
16 Ikoku kunotiyeuchidza nezvenguva apo simba raMosesi rakashorwa muna Israeri. Muporofita iyeyo akataura mashoko omwoto orutongeso, uye Jehovha akaparadza vapanduki, achiparadza vane 250 vavo nomwoto chaiwoiwo wakabva kudenga. (Numeri 16:1-7, 28-35) Nomutoo wakafanana, vatungamiriri vechiKristudhomu vakazvidza Vadzidzi veBhaibheri, vachitaura kuti ivava havana kutongopedza chikoro pamakoreji orudzidziso rwoumwari. Asi zvapupu zvaMwari zvakanga zvine zvipupuriro zvakakwirira zvikuru savashumiri: vanhu vaya vanyoro vakanga vatetekera shoko razvo rapaMagwaro. (2 VaKorinte 3:2, 3) Muna 1917 Vadzidzi veBhaibheri vakabudisa The Finished Mystery, tsinhiro ine simba pamusoro paZvakazarurwa naEzekieri. Irori rakateverwa nokubudiswa kwamakopi 10 000 000 eturakiti ramapeji mana rinonzi The Bible Students Monthly rine nyaya huru yaiva nomusoro unoti “Kuwa kweBhabhironi—Chikonzero Nei chiKristudhomu Chichifanira Kutambura Zvino—Muuyo Wokupedzisira.” MuUnited States, vafundisi vakapirutswa vakashandisa kupisira kwehondo sepembedzo yokuita kuti bhukuro rirambidzwe. Mune dzimwe nyika bhukuro rakabviswa mamwe mativi. Kunyanguvezvo, vabatiri vaMwari vakapfuurira kudzorera nezvinyorwa zvomwoto zveturakiti ramapeji 4 raiva nomusoro unoti Mashoko oUmambo. Zuva raShe zvarakapfuurira, zvimwe zvinyorwa zvaizojekesa mugariro wokufa mumudzimu wechiKristudhomu.—Enzanisa naJeremia 5:14.
17. (a) Ndizvinoitikai mumazuva aEria zvinobatanidza kusanaya kwemvura nomwoto? (b) Ko mwoto wakabuda sei mumiromo yezvapupu zviviri, uye kusanayai kwemvura kwakabatanidzwa?
17 Zvakadiniko naEria? Mumazuva amadzimambo aIsraeri, uyu muporofita akaparidzira kusanaya kwemvura sokuratidzirwa kwehasha dzaJehovha pavaIsraeri vanonamata Bhaari. Kwakagara kwamakore matatu nehafu. (1 Madzimambo 17:1; 18:41-45; Ruka 4:25; Jakobho 5:17) Gare gare, apo Mambo Ahazia asina kutendeka akatumira varwi kundogombedzera Eria kuuya pamberi pake poumambo, muporofita akadana mwoto kubva kudenga kuzopedza varwiwo. Apo bedzi murairi weuto akaratidzira ruremekedzo rwakafanira nokuda kwenzvimbo yake somuporofita Eria akabvumira kuenda naye pamwe chete kuna mambo. (2 Madzimambo 1:5-16) Nenzira yakafanana, pakati pa1914 na1918, vakasarira vakazodzwa noushingi vakarereudzira ngwariro kukusanaya kwemvura yomudzimu muchiKristudhomu ndokunyevera nezvorutongeso rwomwoto pa“kusvika kwezuva guru nerinotyisa raJehovha.”—Maraki 4:1, 5; Amosi 8:11.
18. (a) Chiremerai chakapiwa zvapupu zviviri, uye ichochi chakanga chakafanana sei nechecho chakapiwa Mosesi? (b) Ko zvapupu zviviri zvakafumura sei chiKristudhomu?
18 Johane anopfuurira kutaura nezvezvapupu zviviri, kuti: “Uye vane simba pamusoro pemvura rokudzishandura kuva ropa uye kurovanya pasi norudzi rwuri rwose rwedambudziko kazhinji sezvavanoda.” (Zvakazarurwa 11:6b) Nokuda kwokugombedzera Farao kurega vaIsraeri vachienda vakasununguka, Jehovha akashandisa Mosesi mukurova Egipita inodzvinyirira namadambudziko, kubatanidza nokushandurwa kwemvura kuva ropa. Mazana amakore gare gare, vavengi vechiFiristia vaIsraeri vaisanoyeuka zviito zvaJehovha mukurwisana neEgipita, kuchivaparira kudanidzira, kuti: “Ndianiko uchatiponesa paruoko rwouyu Mwari ane simba? Uyu ndiye Mwari akanga ari murovi weEgipita norudzi rwuri rwose rwokuuraya [“dambudziko,” Revised Standard Version] murenje.” (1 Samueri 4:8; Pisarema 105:29) Mosesi akafananidzira Jesu, uyo akanga ane simba rokuzivisa marutongeso aMwari pavatungamiriri vorudzidziso vezuva rake. (Mateo 23:13; 28:18; Mabasa 3:22) Uye mukati mehondo yenyika yokutanga hama dzaKristu, zvapupu zviviri, zvakafumura vara rinouraya re“mvura” idzo chiKristudhomu chakanga chichigovera mapoka acho.
Zvapupu Zviviri Zvinourawa
19. Mukuwirirana nenhauro yaZvakazarurwa, chii chinoitika apo zvapupu zviviri zvinopedza kupupurira kwazvo?
19 Iri dambudziko rakanga rakakomba kwazvo pachiKristudhomu zvokuti pashure pokunge zvapupu zviviri zvaporofita kwemwedzi 42 zvakapfeka chipfeko chesaga, chiKristudhomu chakashandisa pesvedzero yacho yenyika kuita kuti zvi‘urawe.’ Johane anonyora, kuti: “Uye kana ivo vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo uye chichavakunda ndokuvauraya. Uye zvitunha zvavo zvichava panzira yakafara yeguta guru iro mupfungwa yomudzimu rinonzi Sodhoma neEgipita, umo Ishe wavo akaroverwawo padanda rokutambudzira. Uye avo vamadzinza nendudzi nendimi namarudzi vachatarira zvitunha zvavo kwamazuva matatu nehafu, uye havaregi zvitunha zvawo zvichivigwa mubwiro. Ipapo avo vanogara pamusoro papasi vanofara pamusoro pavo uye vanozvifadza ivo vamene, uye vachatumirana zvipo, nokuti ava vaporofita vaviri vakatambudza avo vanogara pasi.”—Zvakazarurwa 11:7-10.
20. Chii chiri “chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika”?
20 Iyi ndeyokutanga yenongedzero 37 dziri muna Zvakazarurwa dzechikara. Munguva yakafanira tichanzvera ichochi nezvimwe zvikara mumashoko ose oudzame. Kwakaringanira kutaura nokuda kwazvino kuti “chikara chinokwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika” ndecherongedzero yaSatani, tsika yezvinhu chaiyoiyo yezvamatongerwe enyika.b—Enzanisa naZvakazarurwa 13:1; Dhanieri 7:2, 3, 17.
21. (a) Ko vavengi vorudzidziso vezvapupu zviviri vakashandisa sei mugariro wehondo? (b) Idi rokuti zvitunha zvezvapupu zviviri zvakasiiwa zvisina kuvigwa rinoratidzira chii? (c) Ko nhambo yenguva yamazuva matatu nehafu inofanira kurangarirwa sei? (Ona mashoko omunyasi.)
21 Kubvira muna 1914 kusvikira kuna 1918 marudzi akanga akabatikana nehondo yenyika yokutanga. Mirangariro yorudzi yakanyandurwa, uye muchirimo cha1918, vavengi vorudzidziso vezvapupu zviviri vakashandisa mugarirowo. Ivo vakashandisa vezvomutemo veHurumende zvokuti vashumiri vane mutoro veVadzidzi veBhaibheri vakapfigirwa mutorongo pamusoro pepomero dzenhema dzokupandukira. Vashandi biyavo vakatendeka vakakatyamadzwa. Mubato woumambo wakadokuguma. Kwakaita sokunge kuti basa rokuparidza rakanga rafa. Munguva dzeBhaibheri rwakanga rwuri ruzvidzo rwakaipa kusava anovigwa muhwiro hweyeuko. (Pisarema 79:1-3; 1 Madzimambo 13:21, 22) Naizvozvo, ruzvidzo rukuru rwaizobatanidzwa nokusiiwa kwezvapupu zviviri zvisina kuvigwa. Mumugariro wokunze unopisa wePalestina, chitunha chiri pamugwagwa wapamhene chaizotanga zvomenemene kunhuwa pashure pamazuva matatu nehafu chaiwoiwo.c (Enzanisa naJohane 11:39.) Uhu udzame muuporofita nokudaro hunoratidzira nyadzi idzo zvapupu zviviri zvaitofanira kutsungirira. Avo vadudzwa pamusoro apa vakapfigirwa mutorongo vakatorambirwa bheri apo mhaka dzavo dzakanga dziri pakukwirira. Ivo vakaratidzirwa pamhene kwenguva refu yakaringanira kuva vanonhuwa kuvagari ve“guta guru.” Asika nderipi rakanga riri iri “guta guru”?
22. (a) Chii chiri guta guru? (b) Ko mapepa nhau akakumbanira sei vafundisi mukufara pamusoro pokunyaradzwa kwezvapupu zviviri? (Ona bhokisi.)
22 Johane anotibaira zanhi. Iye anotaura kuti Jesu wakaroverwa padanda rokutambudzira imomo. Naizvozvo isu pakarepo tinofunga nezveJerusarema. Asi iye anotaurawo kuti guta guru rinonzi Sodhoma neEgipita. Eya, Jerusarema chairoiro raimbonzi Sodhoma nokuda kwomuitiro waro usina kuchena. (Isaya 1:8-10; enzanisa naEzekieri 16:49, 53-58.) Uye Egipita, simba rokutanga renyika, dzimwe nguva rinooneka somufananidzo wetsika yezvinhu ino. (Isaya 19:1,19; Joere 3:19) Nokuda kwechikonzero ichecho, iri guta guru rinofananidzira “Jerusarema” rakasvibiswa rinokambira kunamata Mwari asi iro rakava risina kuchena uye rinoita chivi, seSodhoma, uye rutivi rwetsika iyi yezvinhu yenyika yousatani, seEgipita. Rinofananidzira chiKristudhomu, muenzani wazvino weJerusarema risina kutendeka, sangano rine mitezo yakanga ine chikonzero chikuru kwazvo chokufara apo iyo yakanyaradza kuparidza kunokangaidza kwezvapupu zviviri.
Vakamutswazve!
23. (a) Chii chinoitika kuzvapupu zviviri pashure pamazuva matatu nehafu, uye chii chiri muuyo pavavengi vazvo? (b) Ko uporofita hwaZvakazarurwa 11:11, 12 nohwaEzekieri hwokufemera kwaJehovha pamupata wamapfupa akaoma hunova nezadziko yomuzuva razvino uno rini?
23 Pepanhau ravose rakakumbanira vafundisi mukuzvidza vanhu vaMwari, rimwe pepanhau richiti: “Mugumo weThe Finished Mystery wakaziviswa.” Kunyange zvazvo zvakadaro, hapana chinhu chaigona kuva kure nezvokwadi! Zvapupu zviviri hazvina kuramba zvakafa. Tinorava, kuti: “Uye pashure pamazuva matatu nehafu mudzimu woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, uye ivo vakamira netsoka dzavo, uye rutyo rukuru rwakawira avo vanovaona. Ipapo vakanzwa inzwi guru rinobva kudenga richitaura kwavari, richiti: ‘Kwirai pano.’ Uye ivo vakakwira kudenga vari mugore, uye vavengi vavo vakavaona.” (Zvakazarurwa 11:11, 12) Nokudaro, ivo vakava nechinoitika chakafanana nechecho chamapfupa akaoma omumupata uyo Ezekieri akashanyira muchiono. Jehovha akafemera pamapfupa iwawa akaoma, uye iwo akava mapenyu, kuchigovera mufananidzo wokuberekwazve kworudzi rwaIsraeri pashure pamakore 70 outapwa muBhabhironi. (Ezekieri 37:1-14) Uhu uporofita huviri, huri muna Ezekieri nomuna Zvakazarurwa, hwakava nezadziko yavo inokatyamadza yomuzuva razvino uno muna 1919, apo Jehovha akadzorera zvapupu zvake zva“kafa” kuupenyu hunonyiminyira.
24. Apo zvapupu zviviri zvakava zvipenyu, chii chakava muuyo pavatambudzi vazvo vorudzidziso?
24 Haiwa ikatyamadzo yakadini nokuda kwavatambudzi ivavo! Zvitunha zvezvapupu zviviri zvakava zvipenyu pakarepo nezvinoshingairazve. Kwakanga kwakaomera vafundisi ivavo kubvuma, kwakadaro zvikuru sezvo vashumiri vechiKristu avo ivo vakanga varongera kupfigira mutorongo vakanga vasunungukazve, kuva vanosunungurwa zvizere gare gare. Kukatyamadzwa kwacho kunofanira kuve kwave kwakatokura zvikuru apo, muna September 1919, Vadzidzi veBhaibheri vakaita kokorodzano muCedar Point, Ohio, U.S.A. Pano J. F. Rutherford, akanga achangobva kusunungurwa, akanyandura vakokorodzani nehurukuro yake yaiti “Kuzivisa Umambo,” yakavakirwa pana Zvakazarurwa 15:2 naIsaya 52:7. Avo veboka raJohane vakavambazve ku“porofita,” kana kuti kuparidzira pamhene. Vakaramba vachienderera mberi pakusimba, vachifumura nomutoo wokusatya unyengeri hwechiKristudhomu.
25. (a) Ko zvapupu zviviri zvakaudzwa rini kuti, “Kwirai pano,” uye ikoku kwakaitika sei? (b) Muuyoi unokatyamadza wakava nokudzorerwa kwezvapupu zviviri paguta guru?
25 ChiKristudhomu chakaedza chaedzazve kudzokorora rukundo rwacho rwa1918. Chakatendeukira kuchiito chemhomho, kuruka mazano kwapamutemo, kupfigira mutorongo, kunyange kuuraya—kwose ikoku kusina maturo! Pashure pa1919 nzvimbo yomudzimu yezvapupu zviviri yakava isingasvikirwi nacho. Mugore irero Jehovha akanga ataura kwazviri, kuti: “Kwirai pano,” uye izvo zvakanga zvakwira kumugariro womudzimu wakakwiridzirwa apo vavengi vazvo vaigona kuzviona asi vasingagoni kuzvibata. Johane anorondedzera muuyo unokatyamadza wakava nokudzorerwa kwazvo paguta guru, achiti: “Ipapo muawa iyoyo kudengenyeka kwapasi kukuru kwakaitika, chegumi cheguta chakawira pasi; uye vanhu vane zviuru zvinomwe vakaurawa nokudengenyeka kwapasi, uye vamwe vakasara vakatya ndokurumbidza Mwari wokudenga.” (Zvakazarurwa 11:13) Zvamazvirokwazvo kwaiva nekangaidziko huru munzvimbo yorudzidziso. Ivhu rakaratidzika sokunge kuti rakatenheka pasi pavatungamiriri vamachechi akakurumbira sezvo uyu mutumbi wamaKristu akamutsidzirwa wakashanda. Chegumi chimwe chomubato wawo, nomutoo wokufananidzira vanhu 7 000, vakatapurwa zvikuru kwazvo zvokuti ivo vanotaurwa nezvawo savari kuurawa.
26.Ndivanaani vanomirirwa ne“chegumi cheguta” ne“zviuru zvinomwe” zvaZvakazarurwa 11:13? Tsanangura.
26 Kutaura kwokuti “chegumi cheguta” kunotiyeuchidza kuti Isaya akaporofita pamusoro peJerusarema rekare kuti chegumi chaizopukunyuka ruparadziko rwegutaro sembeu tsvene. (Isaya 6:13) Nomutoo wakafanana, chiverengero che7 000 chinotiyeuchidza kuti apo Eria akarangarira kuti iye oga bedzi akaramba akatendeka muna Israeri, Jehovha akamuudza kuti, kureva idi, kwaiva kuchine 7 000 vakanga vasina kupfugamira Bhaari. (1 Madzimambo 19:14, 18) Muzana ramakore rokutanga, muapostora Pauro akataura kuti vane 7 000 ivava vaifananidzira vakasarira vavaJudha vakanga vadavidza kumashoko akanaka pamusoro paKristu. (VaRoma 11:1-5) Aya magwaro anotibetsera kunzwisisa kuti “zviuru zvinomwe” uye “chegumi cheguta” zviri muna Zvakazarurwa 11:13 ndaavo vanodavidza kuzvapupu zviviri zvakadzorerwa uye vanosiya guta guru rinoita chivi. Vanofa, sokunge zvakadaro, kuchiKristudhomu. Mazita avo anobviswa pamabhuku acho emitezo. Ivo havachisipozve pakureva nezvacho.d
27, 28. (a) Ko ‘vamwe vakasara vakarumbidza [sei] Mwari wokudenga’? (b) Ko vafundisi vechiKristudhomu vakagombedzerwa kubvumei?
27 Asika ‘vamwe vakasara [vechiKristudhomu] vakarumbidza sei Mwari wokudenga’? Zvamazvirokwazvo kwete kupfurikidza nokusiya rudzidziso rwavo rwokutsauka pakutenda ndokuva vabatiri vaMwari. Panzvimbo pakwo, kuri sezvinotsanangurwa muWord Studies in the New Testament raVincent, mukurangarira kutaura kwokuti “vakarumbidza Mwari wokudenga.” Ipapo pano panotsanangurwa, kuti: “Chikamu chamashoko chinoratidzira kusati kuri kutendeuka, kana kuti rupfidzo, kana kuti kuonga, asi kubvuma, uko kuri pfungwa yako yenguva dzose mumagwaro. Enzanisa naJosh. vii. 19 (Sept.). Johane ix. 24; Mabasa xii. 23; VaR. iv. 20.” Pakuvhiringidzika kwacho, chiKristudhomu chaitofanira kubvuma kuti Mwari waVadzidzi veBhaibheri akanga aita chiito chikuru mukuvadzorera kumubato wechiKristu.
28 Kungava hakwo kwokuti vafundisi vakaita uku kubvuma bedzi mundangariro, kana kuti kwavari ivo vamene. Zvamazvirokwazvo, hapana nomumwe wavo akanyorwa saakabvuma pamhene Mwari wezvapupu zviviri. Asi uporofita hwaJehovha kupfurikidza naJohane hunotibetsera kucherekedza icho chakanga chiri mumwoyo yavo ndokuziva katyamadzo inodukupisa yavakawana muna 1919. Kubvira mugore iroro zvichienda mberi, sezvo vane “zviuru zvinomwe” vakasiya chiKristudhomu pasinei hapo nenhamburiko dzacho dzokutsunga kuomerera kumakwai acho, vafundisi vakagombedzerwa kubvuma kuti Mwari weboka raJohane akanga anesimba zvikuru kupinda mwari wavo. Mumakore apashure ivo vaizoziva ikoku kunyange zvakajeka zvikuru, sezvo vamwe vazhinji veboka ravo vaizobva, vachidzokorora mashoko avanhu apo Eria akakunda pane vorudzidziso vaBhaari paGomo reKameri, anoti: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!”—1 Madzimambo 18:39.
29. Ko Johane anoti chii chiri kuuya nokukurumidza, uye ndikumweizve kuzunungusa kunomirira chiKristudhomu?
29 Asika teerera! Johane anotiudza, kuti: “Nhamo yechipiri yapfuura. Tarira! Nhamo yechitatu iri kusvika nokukurumidza.” (Zvakazarurwa 11:14) Kana chiKristudhomu chichizununguswa nezvakaitika kusvikira pano, icho chichaitei apo nhamo yechitatu inoziviswa, ngirozi yechinomwe inoridza hwamanda yayo, uye chakavanzika chinoyera chaMwari chinopera zvizere?—Zvakazarurwa 10:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwerangarirwo izere yeiyi tembere huru yomudzimu, ona nyaya inoti “Tembere yaJehovha Huru Yomudzimu” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 1996 uye “The One True Temple at Which to Worship” mune yaDecember 1, 1972.
b “Gomba rakadzika-dzika” (chiGiriki aʹbys·sos; chiHebheru, tehohmʹ) rinonongedzera mumufananidziro munzvimbo yokusaita basa. (Ona Zvakazarurwa 9:2.) Zvisinei, mupfungwa chaiyoiyo rinogona kunongedzera kugungwa gurusa. Shoko rechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “makadzika-dzika memvura.” (Pisarema 71:20; 106:9; Jona 2:5) Nokudaro, “chikara chinokwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika” chinogona kubatanidzwa ne“chikara chinokwira chichibuda mugungwa.”—Zvakazarurwa 11:7; 13:1.
c Cherekedza kuti mukunzvera zvinoitika zvavanhu vaMwari panguva ino kunoratidzika kuti kunyange mwedzi 42 ichimirira makore chaiwoiwo matatu nehafu, mazuva matatu nehafu haazati achimirira nhambo chaiyoiyo yamaawa 84. Sezvinobvira, nhambo chaiyoiyo yamazuva matatu nehafu inodudzwa kaviri (mundima 9 ne11) kusimbisa kuti yaizongova bedzi nhambo pfupi pakuenzanisirwa namakore chaiwoiwo matatu nehafu omubato anoitangira.
d Enzanisa kushandiswa kweshoko rokuti “rafa,” “vakafa,” uye “vapenyu” mumagwaro akadai saVaRoma 6:2, 10, 11; 7:4, 6, 9; VaGaratia 2:19; VaKorose 2:20; 3:3.
[Bhokisi riri papeji 168]
Kufara kwaZvakazarurwa 11:10
Mubhuku rake rinonzi Preachers Present Arms, rakabudiswa muna 1933, Ray H. Abrams anonongedzera kuchishoro chakakasharara chavafundisi kubhuku reVadzidzi veBhaibheri rinonzi The Finished Mystery. Iye anohwirudzira kutamburira kwavafundisi kuzvibvisira ivo vamene Vadzidzi veBhaibheri no“kunyengetedza kune ngozi” kwavo. Ikoku kwakaparira mhaka yedare iyo yakaguma nokutongerwa kwaJ. F. Rutherford neshamwari nomwe kumakore akawanda okupfigirwa mutorongo. Dr. Abrams anowedzera, kuti: “Kunzverwa kwemhaka yose kwakaparira mhedziso yokuti machechi navafundisi pakuvamba-vamba vaitsigira chiito chokuparadzanya vateveri vaRussell. MuCanada, muna February, 1918, vafundisi vakavamba nhimbe ine nhevedzano yokurwisana navo nezvinyorwa zvavo, zvikurukuru The Finished Mystery. Mukuwirirana neTribune yeWinnipeg, . . . kudziviswa kwebhuku ravo kwakadavirwa kuve kwakaparirwa nomutoo wakananga ne‘hurukuro dzavafundisi.’ ”
Dr. Abrams anopfuurira, kuti: “Apo nhau dzetongerwo yamakore ana makumi maviri dzakasvika vapepeti venhau vamapepanhau orudzidziso, zvikurukuru rimwe riri rose raaya mapepanhau zvinyorwa, guru neduku, akafara pamusoro peichi chinoitikacho. Ndave ndisingakwanisi kuwana mashoko api naapi okunzwira urombo mune ripi neripi raaya mapepanhau orudzidziso runogamuchirwa. ‘Hapagoni kuva nepanikiro,’ akataura kudaro Upton Sinclair, kuti ‘chitambudzo . . . chakamuka murutivi muidi rokuti ivo vakanga vawana ruvengo rwemitumbi yorudzidziso yo“runogamuchirwa.” ’ Icho nhamburiko dzomubatanidzwa dzamachechi dzakanga dzakundikana kuita hurumende zvino yakaratidzika kuve yakabudirira mukuaitira.” Pashure pokunokora mashoko tsinhiro dzinozvidza dzechiverengero chakati kuti chezvinyorwa zvorudzidziso, munyori akanongedzera kukuchinjwa kwechisarudzo muDare Rokukwirira ndokuti: “Mumachechi hamuna chakataurwa pamusoro peichi chisarudzo.”
[Mufananidzo uri papeji 163]
Johane anoyera tembere yomudzimu—mipimo inofanira kusvitswa nouprista hwavakazodzwa
[Mifananidzo iri papeji 165]
Basa rokuvakazve rakaitwa naZerubhabheri naJoshua rinoratidzira kuti muzuva raShe mavambo maduku aizoteverwa newedzero huru pakati peZvapupu zvaJehovha. Nzvimbo dzakadai seidzo dzinoratidzirwa pamusoro apa, idzo dziri muBrooklyn, New York, dzaitofanira kuva dzinofutunurwa zvikurukuru nokuda kwokubetsera kusvitsa zvinodikanwa zvavo
[Mifananidzo iri papeji 166]
Mashoko omwoto orutongeso akaparidzirwa nezvapupu zviviri akadeyakufananidzirwa nebasa rouporofita raMosesi naEria
[Mifananidzo iri papeji 169]
Samapfupa akaoma aEzekieri ganhuro 37, zvapupu zviviri zvinomutsidzirwa nokuda kwebasa rokuparidzira romuzuva razvino uno