106 Rumbidzai Jah!
Ongai Jehovha, nekuti akanaka;+
Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+
2 Ndiani anganyatsozivisa mabasa esimba aJehovha
Kana kuzivisa mabasa ake ese akakodzera kurumbidzwa?+
3 Vanofara vaya vanotonga zvakarurama,
Vanogara vachiita zvakarurama.+
4 Haiwa Jehovha ndirangarireiwo pamucharatidza vanhu venyu nyasha.+
Ndichengeteiwo nemabasa enyu ekuponesa,
5 Kuti ndiwanewo zvakanaka zvamunoitira vanhu venyu vamakasarudza,+
Kuti ndifare pamwe chete nerudzi rwenyu,
Kuti ndidade nekukurumbidzai pamwe chete nenhaka yenyu.
6 Takatadza sezvakangoita madzitateguru edu;+
Takaita zvisina kururama; takaita zvakaipa.+
7 Madzitateguru edu aiva muIjipiti haana kukoshesa mabasa enyu anoshamisa.
Haana kurangarira rudo rwenyu rukuru rusingachinji,
Asi akakupandukirai pagungwa, pedyo neGungwa Dzvuku.+
8 Asi iye akavaponesa nekuda kwezita rake,+
Kuti aite kuti simba rake guru rizivikanwe.+
9 Akatuka Gungwa Dzvuku, rikapwa;
Akavatungamirira nepakadzika paro sekunge vari kufamba mugwenga;+
10 Akavaponesa paruoko rwemhandu yavo+
Uye akavanunura paruoko rwemuvengi.+
11 Mvura yakafukidza mhandu dzavo;
Hapana kana imwe chete yadzo yakapona.+
12 Vakabva vatenda zvaakavimbisa;+
Vakatanga kuimba vachimurumbidza.+
13 Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakaita;+
Havana kumirira zano rake.
14 Asi vakaratidza makaro avo murenje;+
Vakaedza Mwari mugwenga.+
15 Akavapa zvavakakumbira,
Asi akabva avarova nechirwere chakavaonza.+
16 Vari mumusasa, vakanzwira Mozisi godo
Uye Aroni,+ mutsvene waJehovha.+
17 Nyika yakabva yavhurika, ikamedza Dhatani,
Ikafukidza vakanga vakaungana naAbhiramu.+
18 Moto wakabvira pakati peboka ravo;
Rimi remoto rakaparadza vakaipa.+
19 Vakagadzira mhuru kuHorebhi
Uye vakakotamira mufananidzo wesimbi;+
20 Vakachinjanisa kubwinya kwangu
Nemufananidzo wemombe inodya uswa.+
21 Vakakanganwa Mwari+ Muponesi wavo,
Uyo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti,+
22 Mabasa anoshamisa munyika yaHamu,+
Mabasa anoshamisa paGungwa Dzvuku.+
23 Akanga ava kuda kuvaparadza,
Asi Mozisi munhu wake waakasarudza akazotaura naye achivakumbirira
Kuti adzore hasha dzake dzinoparadza.+
24 Vakabva vashora nyika yakanaka;+
Vakanga vasingatendi zvaakavimbisa.+
25 Vakaramba vachinyunyuta vari mumatende avo;+
Havana kuteerera inzwi raJehovha.+
26 Saka akasimudza ruoko rwake achipika nezvavo
Kuti aizoita kuti vafire murenje;+
27 Aizoita kuti vazukuru vavo vafire pakati pemamwe marudzi,
Uye aizovaparadzira nenyika.+
28 Vakabva vatanga kunamata Bhaari wePeori,+
Uye vakadya zvibayiro zvakapirwa kuvakafa.
29 Vakamugumbura nezviito zvavo,+
Denda rikatanga pakati pavo.+
30 Asi Finiyasi paakasimuka akapindira,
Denda racho rakabva ramiswa.+
31 Uye akabva anzi akarurama
Kwezvizvarwa zvese nekusingaperi.+
32 Vakamutsamwisa pamvura yeMeribha,
Uye zvakaipira Mozisi nemhaka yavo.+
33 Vakamushatirisa,
Uye akataura nemuromo wake asina kufunga.+
34 Havana kuparadza marudzi,+
Sezvavakanga vaudzwa naJehovha.+
35 Asi vakavhengana nemarudzi acho,+
Vakadzidza mabasa awo.+
36 Vakaramba vachishumira zvidhori zvawo,+
Zvikava musungo kwavari.+
37 Vaibayira vanakomana vavo
Nevanasikana vavo kumadhimoni.+
38 Vairamba vachideura ropa risina mhosva,+
Ropa revanakomana vavo nevanasikana vavo
Vavaibayira kuzvidhori zveKenani;+
Uye nyika yakasvibiswa nekudeurwa kweropa.
39 Vakasvibiswa nemabasa avo;
Mabasa avo akaita kuti vaite unzenza hwekunamata.+
40 Saka Jehovha akatsamwira vanhu vake kwazvo,
Uye akasvika pakusema nhaka yake.
41 Akaramba achivaisa mumaoko emamwe marudzi,+
Kuti vaya vaivavenga vavatonge.+
42 Vavengi vavo vakavadzvinyirira,
Uye vaiva pasi peruoko rwavo.
43 Aivanunura kakawanda,+
Asi ivo vaipanduka uye vaisateerera,+
Uye vaininipiswa nemhaka yekutadza kwavo.+
44 Asi aiona kutambudzika kwavo+
Uye ainzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.+
45 Aiyeuka sungano yake navo,
Uye ainzwa tsitsi, pamusana perudo rwake rukuru rusingachinji.+
46 Aiita kuti vanzwirwe tsitsi
Nevanhu vese vainge vakavatapa.+
47 Tiponesei, haiwa Jehovha Mwari wedu,+
Uye tiunganidzei kubva kumarudzi+
Kuti tionge zita renyu dzvene
Uye tikurumbidzei tichipembera nemufaro.+
48 Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe
Nariini nariini.+
Uye vanhu vese ngavati, “Ameni!”
Rumbidzai Jah!